1 Timothy (Shona)
1
1:1b.1TI.001.001 Pauro, muapostora waShe Kristu Jesu nokuraira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;
1:2b.1TI.001.002 kunaTimotio, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe. Timotio ngaaraire vadzidzisi venhema
1:3b.1TI.001.003 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.
1:4b.1TI.001.004 kana kurangarira ngano namazita amadzitetegeru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendisi zvakarairwa naMwari, zviri mukutenda.
1:5b.1TI.001.005 Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;
1:6b.1TI.001.006 vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusinamaturo;
1:7b.1TI.001.007 vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.
1:8b.1TI.001.008 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo,
1:9b.1TI.001.009 achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasinehanya nomurairo, navasingatereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasinehanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai,navanovuraya vanhu;
1:10b.1TI.001.010 nemhombwe, navanopombora navarume,navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, vuye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakarurama;
1:11b.1TI.001.011 sezvinoreva Evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini. Pauro unovonga kuti Mwari wakamuisa pabasa rake
1:12b.1TI.001.012 Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;
1:13b.1TI.001.013 kunyange ini ndaimhura Mwari kare, nomutambudza ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;
1:14b.1TI.001.014 asi nyasha dzaShe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri munaKristu Jesu.
1:15b.1TI.001.015 Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu wakavuya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo;
1:16b.1TI.001.016 asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze moyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kunavanozotenda kwaari, zvinovaisa kuvupenyu bwusingaperi.
1:17b.1TI.001.017 Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Pauro unopa Timotio basa rake
1:18b.1TI.001.018 Basa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mwana wangu, kuti sezvazvakaprofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;
1:19b.1TI.001.019 wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;
1:20b.1TI.001.020 vamwe vavo ndiHimenio naAreksandro, vandakaisa kunaSatani, vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.
2
2:1b.1TI.002.001 Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;
2:2b.1TI.002.002 madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.
2:3b.1TI.002.003 Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;
2:4b.1TI.002.004 uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.
2:5b.1TI.002.005 Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
2:6b.1TI.002.006 wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira,
2:7b.1TI.002.007 icho chandakaitirwa muparidzi nomuapostora (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda nezvokwadi. Zvinofanira kuita vakadzi
2:8b.1TI.002.008 Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza mavoko matsvene, vasinakutsamwa nenharo.
2:9b.1TI.002.009 Saizvozvo vo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji;
2:10b.1TI.002.010 asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.
2:11b.1TI.002.011 Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose.
2:12b.1TI.002.012 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.
2:13b.1TI.002.013 Nokuti Adhama wakatanga kuvumbwa, tevere Evha;
2:14b.1TI.002.014 naAdhama haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;
2:15b.1TI.002.015 asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora.
3
3:1b.1TI.003.001 Ishoko razvokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.
3:2b.1TI.003.002 Naizvozvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, wakangwara, wakachenjera, unomugarire wakafanira, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,
3:3b.1TI.003.003 usingadi waini, usingarwi; asi munyoro, usinegakava, usingakariri mari;
3:4b.1TI.003.004 unobata imba yake zvakanaka, unavana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa;
3:5b.1TI.003.005 (kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)
3:6b.1TI.003.006 Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzvikudza, akawira mukutongwa kumwe naDhiabhorosi
3:7b.1TI.003.007 Vuye zve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa nokubatwa nemusungo waDhiabhorosi.
3:8b.1TI.003.008 Saizvozvo vo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasinamanzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;
3:9b.1TI.003.009 vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.
3:10b.1TI.003.010 Naivo ngavatange kuidzwa vo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.
3:11b.1TI.003.011 Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.
3:12b.1TI.003.012 Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwe chete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;
3:13b.1TI.003.013 nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa nokutsunga kukuru pakutenda kwavo munaKristu Jesu.
3:14b.1TI.003.014 Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuvuya kwauri;
3:15b.1TI.003.015 zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chezvokwadi.
3:16b.1TI.003.016 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedheni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.
4
4:1b.1TI.004.001 Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa,
4:2b.1TI.004.002 vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
4:3b.1TI.004.003 vachidzivisa vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva zvokwadi.
4:4b.1TI.004.004 Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunechinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;
4:5b.1TI.004.005 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. Timotio ave wakatendeka pabasa raMwari
4:6b.1TI.004.006 Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomoyo wose.
4:7b.1TI.004.007 Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.
4:8b.1TI.004.008 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa chovupenyu bwazvino nobwunovuya.
4:9b.1TI.004.009 Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.
4:10b.1TI.004.010 Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.
4:11b.1TI.004.011 Raira nokudzidzisa zvinhu izvi:
4:12b.1TI.004.012 Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku bwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napaMweya napakutenda, napakuchena kwomoyo.
4:13b.1TI.004.013 Shingaira pakurava, napakuraira, napakudzidzisa, kusvikira ndichivuya.
4:14b.1TI.004.014 Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nokuporofita, nokuiswa mavoko avakuru.
4:15b.1TI.004.015 Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomoyo wose, kuti kupfuvurira mberi kwako kuvonekwe navanhu vose.
4:16b.1TI.004.016 Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
5
5:1b.1TI.005.001 Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanununa,
5:2b.1TI.005.002 navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomoyo kwose.
5:3b.1TI.005.003 Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.
5:4b.1TI.005.004 Asi kana chirikadzi inavana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.
5:5b.1TI.005.005 Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati.
5:6b.1TI.005.006 Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.
5:7b.1TI.005.007 Raira vo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
5:8b.1TI.005.008 Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.
5:9b.1TI.005.009 Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,
5:10b.1TI.005.010 inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.
5:11b.1TI.005.011 Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;
5:12b.1TI.005.012 dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga;
5:13b.1TI.005.013 vuye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.
5:14b.1TI.005.014 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.
5:15b.1TI.005.015 Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
5:16b.1TI.005.016 Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo. Vakuru vanobata navanodzidzisa
5:17b.1TI.005.017 Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.
5:18b.1TI.005.018 Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; vuye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake.
5:19b.1TI.005.019 Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
5:20b.1TI.005.020 Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.
5:21b.1TI.005.021 Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
5:22b.1TI.005.022 Usakurumidza kuisa mavoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.
5:23b.1TI.005.023 Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako novutera bwako bwuzhinji.
5:24b.1TI.005.024 Zvivi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo,
5:25b.1TI.005.025 Saizvozvo vo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.
6
6:1b.1TI.006.001 Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa.
6:2b.1TI.006.002 Avo vanavatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. Kuraira kwokupedzisira
6:3b.1TI.006.003 Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nokunamata Mwari,
6:4b.1TI.006.004 unongozvikudza, asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa,
6:5b.1TI.006.005 nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.
6:6b.1TI.006.006 Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo;
6:7b.1TI.006.007 nokuti hatina kuvuya nechinhu panyika, hatigoni vo kubuda tinechinhu.
6:8b.1TI.006.008 asi kana tinezvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.
6:9b.1TI.006.009 Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.
6:10b.1TI.006.010 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi we zvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
6:11b.1TI.006.011 Asi iwe, munhu waMwari, tizazvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, novunyoro.
6:12b.1TI.006.012 Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise vupenyu bwusingaperi, bwawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvizhinji.
6:13b.1TI.006.013 Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
6:14b.1TI.006.014 kuti uchengete murairo, usinoruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuvonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;
6:15b.1TI.006.015 kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe;
6:16b.1TI.006.016 iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
6:17b.1TI.006.017 Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;
6:18b.1TI.006.018 kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana;
6:19b.1TI.006.019 vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo.
6:20b.1TI.006.020 Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo;
6:21b.1TI.006.021 iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Timothy (Shona). 1 Timothy (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5F6-4