2 Thessalonians (Shona)

2 Thessalonians (Shona)

1

1:1b.2TH.001.001 Pauro, naSirivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika munaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu;

1:2b.2TH.001.002 Nyasha ngadzive nemi norugare runobva kunaMwari, baba, naShe Jesu Kristu. Pauro unovonga nokuti vanomira nesimba

1:3b.2TH.001.003 Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, se zvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kunavamwe, runowanda;

1:4b.2TH.001.004 nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.

1:5b.2TH.001.005 Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa novushe bwaMwari, bwamunotambudzikira vo;

1:6b.2TH.001.006 zvazvakarurama kunaMwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai;

1:7b.2TH.001.007 nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuvonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake,

1:8b.2TH.001.008 mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu Kristu;

1:9b.2TH.001.009 ivo vacharobwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake,

1:10b.2TH.001.010 kana achivuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokuyemurwa navose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).

1:11b.2TH.001.011 Naizvozvo tinokunyengetererai vo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;

1:12b.2TH.001.012 kuti zita raShe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.

2

2:1b.2TH.002.001 Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari;

2:2b.2TH.002.002 kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu,kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana nemwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika;

2:3b.2TH.002.003 ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,

2:4b.2TH.002.004 iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.

2:5b.2TH.002.005 Hamurangariri here kuti ndichiri kwamuri, ndakakuvudzai izvozvi?

2:6b.2TH.002.006 Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake.

2:7b.2TH.002.007 Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa.

2:8b.2TH.002.008 Ipapo iye usakarurama uchavonekwa, iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kwokuvuya kwake;

2:9b.2TH.002.009 kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,

2:10b.2TH.002.010 nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.

2:11b.2TH.002.011 Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema,

2:12b.2TH.002.012 kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe. Pauro unovonga zve nokunyengeterera vaTesaronika

2:13b.2TH.002.013 Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muvutsvene bwoMweya nokutenda zvokwadi.

2:14b.2TH.002.014 Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.

2:15b.2TH.002.015 Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu.

2:16b.2TH.002.016 Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka,

2:17b.2TH.002.017 ngavavaraidze moyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.

3

3:1b.2TH.003.001 Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raShe ripfuvure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyu vo;

3:2b.2TH.003.002 vuye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.

3:3b.2TH.003.003 Asi Ishe ndiye wakatendeka, uchakusimbisai, nokukuchengetai kunowakaipa.

3:4b.2TH.003.004 Tinokutendai munaShe, kuti munoita, vuye mucharamba muchiita,izvo zvatinokurairai.

3:5b.2TH.003.005 Ishe ngaaruramise moyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.

3:6b.2TH.003.006 Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingatereri mirairo yamakapiwa nesu;

3:7b.2TH.003.007 nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;

3:8b.2TH.003.008 hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa vusiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;

3:9b.2TH.003.009 hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.

3:10b.2TH.003.010 Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti kana munhu achiramba kubate-basa, ngaarege kudya vo.

3:11b.2TH.003.011 Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.

3:12b.2TH.003.012 Vanhu vakadaro tinovaraira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara vadye zvokudya zvavo zvimene.

3:13b.2TH.003.013 Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.

3:14b.2TH.003.014 Kana panomunhu usingatereri shoko redu remwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwiswe.

3:15b.2TH.003.015 Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumuraire sehama.

3:16b.2TH.003.016 Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitovo yose. Ishe ngaave nemi mose.

3:17b.2TH.003.017 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu, ndicho chiratidzo pamwadhi dzose; ndinonyora kudai,

3:18b.2TH.003.018 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Thessalonians (Shona). 2 Thessalonians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5F3-7