Philippians (Shona)
1
1:1b.PHI.001.001 Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke:
1:2b.PHI.001.002 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu. Rudo rwaPauro kuvaFiripi
1:3b.PHI.001.003 Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikurangarirai,
1:4b.PHI.001.004 ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamsoro penyu mose
1:5b.PHI.001.005 nokuda kwokusongana kwenyu paEvhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino;
1:6b.PHI.001.006 ndichiziva chinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mukati menyu, ucharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu;
1:7b.PHI.001.007 sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakutavirira nokusimbisa Evhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwe chete neni.
1:8b.PHI.001.008 Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu.
1:9b.PHI.001.009 Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakunzva nokunzwisisa kwose;
1:10b.PHI.001.010 kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu;
1:11b.PHI.001.011 muzere nechibereko chokururama, chinovuya naJesu Kristu, kuti Mwari ave nokubwinya nokurumbidzwa.
1:12b.PHI.001.012 Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Evhangeri;
1:13b.PHI.001.013 nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri munaKristu.
1:14b.PHI.001.014 Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
1:15b.PHI.001.015 Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomoyo wakanaka;
1:16b.PHI.001.016 mumwe unoparidza Kristu nenharo, asingaiti nomoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu.
1:17b.PHI.001.017 Vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti nditavirire Evhangeri.
1:18b.PHI.001.018 Zvisinei hazvo? asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nezvokwadi; ndinofara nazvo, vuye ndichasifara hangu nazvo.
1:19b.PHI.001.019 Nokuti ndinoziva kuti nokuda kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu,
1:20b.PHI.001.020 zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana novupenyu, kana nokufa.
1:21b.PHI.001.021 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.
1:22b.PHI.001.022 Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura;
1:23b.PHI.001.023 zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuvura nokunaka;
1:24b.PHI.001.024 asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama.
1:25b.PHI.001.025 Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuvurire mberi, mufare pakutenda;
1:26b.PHI.001.026 kuti muzvirumbidze zvikuru munaKristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri.
1:27b.PHI.001.027 Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwira kutenda kweEvhangeri;
1:28b.PHI.001.028 musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari.
1:29b.PHI.001.029 Nokuti nokuda kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike vo nokuda kwake;
1:30b.PHI.001.030 imi muchirwa vo nokurwa uku kwamakavona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.
2
2:1b.PHI.002.001 Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kunaKristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mumoyo nokunzwira tsitsi,
2:2b.PHI.002.002 zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe,
2:3b.PHI.002.003 musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuvura iye pakunaka;
2:4b.PHI.002.004 mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwe vo.
2:5b.PHI.002.005 Ivai nomoyo uyo, wakanga uri munaKristu Jesu vo;
2:6b.PHI.002.006 iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndechinhu chinofanira kubatisiswa;
2:7b.PHI.002.007 asi wakazviita usina maturo, akazvitorera chimiro chomuranda, akaitwa nomufananidzo womunhu.
2:8b.PHI.002.008 akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.
2:9b.PHI.002.009 Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuvura mazita ose;
2:10b.PHI.002.010 kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, ezviri kudenga nezviri panyika, nezviri pasi penyika,
2:11b.PHI.002.011 kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, baba, arumbidzwe.
2:12b.PHI.002.012 Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;
2:13b.PHI.002.013 nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka.
2:14b.PHI.002.014 Itai zvose musinganyunyuti, musinenharo;
2:15b.PHI.002.015 kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasine mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje panyika;
2:16b.PHI.002.016 makabatisisa shoko rovupenyu; kuti ndive nechandinga zvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata pasina.
2:17b.PHI.002.017 Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose.
2:18b.PHI.002.018 Nokuda kwaizvozvo nemi vo mufare nokufarisisa neni. Pauro unotuma Timotio naEpafrodito
2:19b.PHI.002.019 MunaShe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu.
2:20b.PHI.002.020 Nokuti handino mumwe munhu unomoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu.
2:21b.PHI.002.021 Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu.
2:22b.PHI.002.022 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwe chete neni paEvangeri, somwana unobatira baba vake.
2:23b.PHI.002.023 Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndavona kuti zvangu zvakadini;
2:24b.PHI.002.024 asi ndinotenda munaShe kuti neni vo ndimene ndichakurumidza kuvuya.
2:25b.PHI.002.025 Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushaiwa kwangu;
2:26b.PHI.002.026 zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti unorwara.
2:27b.PHI.002.027 Nokuti wakanga achirwara kwazvo, ari pedo nokufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neni vo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.
2:28b.PHI.002.028 Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuvone, mufare zve, neni ndirege kuva nenhamo.
2:29b.PHI.002.029 Naizvozvo mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, vuye mukudze vakadai;
2:30b.PHI.002.030 nokuti nokuda kwebasa raKristu wakanga oda kufa, akasarangarira vupenyu bwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.
3
3:1b.PHI.003.001 Pakupedzisira, hama dzangu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai zve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi.
3:2b.PHI.003.002 Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka;
3:3b.PHI.003.003 nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata Mwari muMweya, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama,
3:4b.PHI.003.004 kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu unoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini.
3:5b.PHI.003.005 Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarise;
3:6b.PHI.003.006 pakushingaira kwangu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa.
3:7b.PHI.003.007 Asi izvozvo, zvaiva fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu.
3:8b.PHI.003.008 Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu,wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;
3:9b.PHI.003.009 ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda
3:10b.PHI.003.010 kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
3:11b.PHI.003.011 kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.
3:12b.PHI.003.012 Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairira ko, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.
3:13b.PHI.003.013 Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kunezviri mberi.
3:14b.PHI.003.014 ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu.
3:15b.PHI.003.015 Naizvozvo isu tose, takakwana, ngative nomoyo wakadaro; kana imi muno mumwe moyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvo vo.
3:16b.PHI.003.016 Asi, apo patasvika ngatirambe tichifamba bedzi nomurairo iwoyu tifunge chinhu chimwe.
3:17b.PHI.003.017 Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai su.
3:18b.PHI.003.018 Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu;
3:19b.PHI.003.019 kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.
3:20b.PHI.003.020 Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuvuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;
3:21b.PHI.003.021 uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake.
4
4:1b.PHI.004.001 Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikanwa.
4:2b.PHI.004.002 Ndinokumbira zvikuru Yuodia, ndinokumbira zvikuru Sintike, kuti vave nomoyo mumwe munaShe.
4:3b.PHI.004.003 Hongu, newe vo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paEvhangeri, pamwe chete naKremensi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu.
4:4b.PHI.004.004 Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidza zve: Farai.
4:5b.PHI.004.005 Vunyoro bwenyu ngabwuzikanwe navanhu vose. Ishe uri pedo.
4:6b.PHI.004.006 Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga.
4:7b.PHI.004.007 Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu.
4:8b.PHI.004.008 Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.
4:9b.PHI.004.009 Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakavona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi. Pauro unovonga pamusoro pechipo chavakamutumira
4:10b.PHI.004.010 Ndakafara zvikuru munaShe, nokuti zvino makapepuka zve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashaiwa nguva.
4:11b.PHI.004.011 Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
4:12b.PHI.004.012 Ndinoziva vurombo, ndinozivavo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.
4:13b.PHI.004.013 Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa.
4:14b.PHI.004.014 Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasongana neni pakutambudzika kwangu.
4:15b.PHI.004.015 Munoziva vo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweEvhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga;
4:16b.PHI.004.016 nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipiri zve, pakushaiwa kwangu.
4:17b.PHI.004.017 Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho.
4:18b.PHI.004.018 Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
4:19b.PHI.004.019 Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubwinya, munaKristu Jesu.
4:20b.PHI.004.020 Zvino Mwari, Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
4:21b.PHI.004.021 Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
4:22b.PHI.004.022 Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.
4:23b.PHI.004.023 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Amen.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Philippians (Shona). Philippians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5EA-2