2 Corinthians (Shona)
1
1:1b.2CO.001.001 Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu kukereke yaMwari iri paKorinte, pamwe chete navatsvene vose vari paAkaya yose:
1:2b.2CO.001.002 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. Kuvonga kwaPauro
1:3b.2CO.001.003 Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose;
1:4b.2CO.001.004 iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.
1:5b.2CO.001.005 Nokuti madambudziko aKristu se zvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvo vo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.
1:6b.2CO.001.006 Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzika vo nawo.
1:7b.2CO.001.007 Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamadambudziko, saizvozvo vo pakunyaradzwa.
1:8b.2CO.001.008 Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha moyo tichiti hatingararami;
1:9b.2CO.001.009 asi pamoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa;
1:10b.2CO.001.010 iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, vuye uchatisunungura; Iye watinovimba kuti unotisunungura;
1:11b.2CO.001.011 nemivo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji. Kusazvikudza kwaPauro
1:12b.2CO.001.012 Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, novutsvene nezvokwadi yaMwari, tisingafambi novuchenjeri bwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
1:13b.2CO.001.013 Nokuti hatikunyoreriyi zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma;
1:14b.2CO.001.014 sezvamakatitendavo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semivo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raShe Jesu. Pauro wakaregerei kuenda Korinte
1:15b.2CO.001.015 Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuvuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri;
1:16b.2CO.001.016 ndipfuvure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuvuya nokwenyu zve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea.
1:17b.2CO.001.017 Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokushanduka moyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi: Hongu, hongu, pamwe: Kwete, kwete?
1:18b.2CO.001.018 NaMwari wakatendeka, shoko redu kwamuri harizi hongu nakwete.
1:19b.2CO.001.019 Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimotio wakanga asiri hongu nakwete, asi wakanga ari hongu maari.
1:20b.2CO.001.020 Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndihongu; naizvozvo naiye vo ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe nesu.
1:21b.2CO.001.021 Zvino, uyo unotisimbisa munaKristu pamwe chete nemi, nokutizodza, ndiMwari;
1:22b.2CO.001.022 uyo wakatiisira vo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumoyo medu.
1:23b.2CO.001.023 Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamoyo wangu, kuti handina kuzovuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
1:24b.2CO.001.024 Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
2
2:1b.2CO.002.001 Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema.
2:2b.2CO.002.002 Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni?
2:3b.2CO.002.003 Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
2:4b.2CO.002.004 Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
2:5b.2CO.002.005 Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose.
2:6b.2CO.002.006 Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.
2:7b.2CO.002.007 Naizvozvo zvirinani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru.
2:8b.2CO.002.008 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.
2:9b.2CO.002.009 Nokuti ndakanyora vo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose.
2:10b.2CO.002.010 Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwira vo; nokuti izvo zvandakanganwira ini, kana ndinenge ndakakanganwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;
2:11b.2CO.002.011 kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. Zvibereko zvakuparidza kwaPauro
2:12b.2CO.002.012 Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza Evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu,
2:13b.2CO.002.013 ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
2:14b.2CO.002.014 Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose-kwose bwema bwokuziva kwake.
2:15b.2CO.002.015 Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.
2:16b.2CO.002.016 Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?
2:17b.2CO.002.017 Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nezvokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari.
3
3:1b.2CO.003.001 Tinotanga zve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
3:2b.2CO.003.002 Imi muri mwadhi yedu yakanyorwa mumoyo medu, inozikanwa nokuverengwa navanhu vose;
3:3b.2CO.003.003 makavonekwa kuti muri mwadhi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neinki, asi noMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwandefa enyama omoyo.
3:4b.2CO.003.004 Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari;
3:5b.2CO.003.005 hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari;
3:6b.2CO.003.006 iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu.
3:7b.2CO.003.007 Zvino kana kushumira, kwakavuyisa rufu, kwanga kwakatemwa namaretere pamabwe, kwakavuya nokubwinya, kwakanga kwakadaro kuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuvura hako
3:8b.2CO.003.008 ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
3:9b.2CO.003.009 Nokuti kana kushumira,kokutongeswa kwakavuyisa kubwinya zvikuru sei kushumira kokururama kuchakunda pakubwinya.
3:10b.2CO.003.010 Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kuno kunda.
3:11b.2CO.003.011 Nokuti kana icho chinopfuvura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
3:12b.2CO.003.012 Naizvozvo, zvatinetariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku,
3:13b.2CO.003.013 tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuvura.
3:14b.2CO.003.014 Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu.
3:15b.2CO.003.015 Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirahwa, chifukidziro chiripo pamoyo yavo.
3:16b.2CO.003.016 Zvino kana munhu achitendevukira kunaShe, chifukidziro chinobviswa.
3:17b.2CO.003.017 Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waShe, pane sununguko.
3:18b.2CO.003.018 Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe
4
4:1b.2CO.004.001 Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti;
4:2b.2CO.004.002 asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.
4:3b.2CO.004.003 Zvino kana Evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorashika;
4:4b.2CO.004.004 kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
4:5b.2CO.004.005 Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
4:6b.2CO.004.006 Nokuti Mwari, wakareva kuti chiedza chibude parima, ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunovonekwa pachiso chaJesu Kristu.
4:7b.2CO.004.007 Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti vukuru bwesimba bwuve bwaMwari, bwurege kuva bwedu.
4:8b.2CO.004.008 Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha moyo;
4:9b.2CO.004.009 tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa;
4:10b.2CO.004.010 tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaShe Jesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe mumuviri wedu.
4:11b.2CO.004.011 Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe munyama yedu inofa.
4:12b.2CO.004.012 Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi vupenyu mamuri.
4:13b.2CO.004.013 Zvino zvatinomweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa; zvichinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesuvo tinotenda saka tinotauravo;
4:14b.2CO.004.014 tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsa vo isu pamwe chete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwe chete nemi.
4:15b.2CO.004.015 Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe. Kutambudzika kwapano panyika ndokwenguva duku
4:16b.2CO.004.016 Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achipera hake, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
4:17b.2CO.004.017 Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusingaperi;
4:18b.2CO.004.018 tisingatariri zvinovonekwa, asi zvisingavonekwi; nokuti zvinovonekwa zvinopfuvura, asi zvisingavonekwi ndezvokusingaperi.
5
5:1b.2CO.005.001 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhernakeri yedu, ichiputswa, tinechakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.
5:2b.2CO.005.002 Nokuti tinogomera vo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
5:3b.2CO.005.003 kuti kana takafukidzwa hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.
5:4b.2CO.005.004 Nokuti nesu, tiri mutabhernakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chemedzwe novupenyu.
5:5b.2CO.005.005 Zvino, uyo wakatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, wakatipa vo rubatso rwoMweya.
5:6b.2CO.005.006 Naizvozvo tinotsunga moyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kunaShe;
5:7b.2CO.005.007 nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuvona;
5:8b.2CO.005.008 tinotsunga moyo vo, tichiti zvirinani tirege kugara pamuviri, kuti tigare kunaShe.
5:9b.2CO.005.009 Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.
5:10b.2CO.005.010 Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu;kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. Yananiso iri munaJesu Kristu
5:11b.2CO.005.011 Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kunaMwari; vuye zvino ndinoti dai tichiratidzwa vo pahana dzenyu.
5:12b.2CO.005.012 Hatizvirumbidzi zve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinovonekwa, vasingavimbi nezvomoyo.
5:13b.2CO.005.013 Nokuti kana tichipenga, takadaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, takadaro nokuda kwenyu.
5:14b.2CO.005.014 Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa;
5:15b.2CO.005.015 zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.
5:16b.2CO.005.016 Naizvozvo, kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; vuye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
5:17b.2CO.005.017 Saka kana munhu ari munaKristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakare zvapfuvura; tarirai, zvose zvava zvitsva.
5:18b.2CO.005.018 Asi zvinhu zvose zvakabva kunaMwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, akatipa kushumira kwokuyananisa;
5:19b.2CO.005.019 ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye munaKristu akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
5:20b.2CO.005.020 Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.
5:21b.2CO.005.021 Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
6
6:1b.2CO.006.001 Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
6:2b.2CO.006.002 (Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
6:3b.2CO.006.003 Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
6:4b.2CO.006.004 asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko,
6:5b.2CO.006.005 pakurobwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya;
6:6b.2CO.006.006 pakuchena kwomoyo pakuziva, pamoyo murefu, pavunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
6:7b.2CO.006.007 pashoko razvokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboswe,
6:8b.2CO.006.008 nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vezvokwadi hedu;
6:9b.2CO.006.009 savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri, vapenyu hedu; savanorobwa, asi tisingavurawi hedu;
6:10b.2CO.006.010 savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichifumisa vazhinji hedu; savasine chinhu, asi tinazvo zvose hedu. Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvose
6:11b.2CO.006.011 Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
6:12b.2CO.006.012 Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
6:13b.2CO.006.013 Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokunavana vangu), imi vo mukuriswe moyo.
6:14b.2CO.006.014 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama bweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
6:15b.2CO.006.015 Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?
6:16b.2CO.006.016 Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
6:17b.2CO.006.017 Saka Budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
6:18b.2CO.006.018 Ndichava Baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose.
7
7:1b.2CO.007.001 Zvino, vadikanwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise vutsvene pakutya Mwari. Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakaterera mashoko emwadi yake.
7:2b.2CO.007.002 Mutizarurirei moyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu.
7:3b.2CO.007.003 Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumoyo medu, kuti tife nokurarama pamwe chete nemi.
7:4b.2CO.007.004 Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
7:5b.2CO.007.005 Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya.
7:6b.2CO.007.006 Asi Mwari, unonyaradza vakavora moyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito;
7:7b.2CO.007.007 handiti nokusvika kwake bedzi, asi vo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitivudza zvechishuvo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.
7:8b.2CO.007.008 Nokuti kunyange ndakakuchemedzai nemwadhi yangu, handizvidyi moyo; kunyange ndakanga ndichizvidya moyo hangu, ndinovona kuti mwadhi iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
7:9b.2CO.007.009 Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendevuka nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nokuda kwedu.
7:10b.2CO.007.010 Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi moyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu.
7:11b.2CO.007.011 Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechishuvo, nokurwadza moyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
7:12b.2CO.007.012 Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuvonekwe nemi mumene pamberi paMwari.
7:13b.2CO.007.013 Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
7:14b.2CO.007.014 Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nezvokwadi, saizvozvo vo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakavonekwa kuti ndokwazvokwadi.
7:15b.2CO.007.015 Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuterera kwenyu mose, pamakamugachira napo nokutya nokudedera.
7:16b.2CO.007.016 Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.
8
8:1b.2CO.008.001 Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;
8:2b.2CO.008.002 kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
8:3b.2CO.008.003 Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo;
8:4b.2CO.008.004 vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene;
8:5b.2CO.008.005 havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kunaShe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.
8:6b.2CO.008.006 Naizvozvo takakumbira zvikuru kunaTito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyu vo.
8:7b.2CO.008.007 Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyasha vo.
8:8b.2CO.008.008 Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwa zvokwadi vo.
8:9b.2CO.008.009 Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi novurombo bwake muve vafumi.
8:10b.2CO.008.010 Pachinhu ichi ndinokuvudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchida vo.
8:11b.2CO.008.011 Asi zvino pedzisai kuita vo; sezvamakanga munomoyo unoda, saizvozvo pedzisai vo pamunogona napo.
8:12b.2CO.008.012 Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichiinda nokuwana kwomunhu, zvisingaindi nokushaiwa kwomunhu.
8:13b.2CO.008.013 Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;
8:14b.2CO.008.014 kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyu vo; kuti kuve nokuenzana;
8:15b.2CO.008.015 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakavunganidza zvishoma, haana kushaiwa.
8:16b.2CO.008.016 Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.
8:17b.2CO.008.017 Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
8:18b.2CO.008.018 Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paEvhangeri pakereke dzose;
8:19b.2CO.008.019 zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye wakasanangurwa vo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; vuye kuda kwomoyo wedu kuratidzwe;
8:20b.2CO.008.020 tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu ungatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
8:21b.2CO.008.021 Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paShe bedzi, asi pamberi pavanhu vo.
8:22b.2CO.008.022 Takatuma vo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
8:23b.2CO.008.023 Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vaapostora vekereke vuye kukudzwa kwaKristu.
8:24b.2CO.008.024 Naizvozvo muvaratidze napamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.
9
9:1b.2CO.009.001 Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
9:2b.2CO.009.002 nokuti ndinoziva kuda kwomoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kunavaMakedhonia, kuti vaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
9:3b.2CO.009.003 Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;
9:4b.2CO.009.004 kuti zvimwe kana vamwe veMakedhonia vachivuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu(hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
9:5b.2CO.009.005 Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chatorwa nesimba,
9:6b.2CO.009.006 Zvino rangarirai chinhu ichi: Unodzwara zvishoma, unocheka vo zvishoma; unodzwara zvizhinji, uchacheka vo zvizhinji.
9:7b.2CO.009.007 Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.
9:8b.2CO.009.008 Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;
9:9b.2CO.009.009 sezvazvakanyorwa, zvichinzi; Iye wakaparadzira, iye wakapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
9:10b.2CO.009.010 Zvino iye, unopa mudzwari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, uchakupaivo mbeu dzokudzwara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
9:11b.2CO.009.011 muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari unovigirwa nazvo kuvonga.
9:12b.2CO.009.012 Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisa vo kuvonga kunaMwari;
9:13b.2CO.009.013 nokuda kwezvinovonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.
9:14b.2CO.009.014 Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.
9:15b.2CO.009.015 Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.
10
10:1b.2CO.010.001 Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri novunyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo
10:2b.2CO.010.002 Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama.
10:3b.2CO.010.003 Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama;
10:4b.2CO.010.004 nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare;
10:5b.2CO.010.005 isu tinowisira pasi mifungo yose isina maturo, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari.
10:6b.2CO.010.006 takazvigadzira kuranga kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa.
10:7b.2CO.010.007 Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu ngaarangarire zve chinhu ichi mumoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuvo tiri vaKristu..
10:8b.2CO.010.008 Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
10:9b.2CO.010.009 kuti ndirege kuita sendinokutyisai nenwadhi dzangu.
10:10b.2CO.010.010 Nokuti vanoti, nwadhi dzake dzina mashoko makuru, dzinesimba, asi muviri wake kana aripo, unovutera nokutaura kwake kunozvidzwa.
10:11b.2CO.010.011 Munhu wakadaro ngaarangarire chinhu ichi kuti sezvatinoreva pamwadhi kana tisipo ndizvo zvatakaitavo pakuita kwedu kana tiripo.
10:12b.2CO.010.012 Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havanenjere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
10:13b.2CO.010.013 Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuvura chipimo, asi nechipimo chinosvika pachipimo chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikire vo kwamuri.
10:14b.2CO.010.014 Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neEvhangeri yaKristu;
10:15b.2CO.010.015 hatizvirumbidzi tichipfuvura chipimo pamusoro pebasa ravamwe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachipimo chedu nokupfuvurisa;
10:16b.2CO.010.016 tigoparidza Evhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachipimo chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
10:17b.2CO.010.017 Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.
10:18b.2CO.010.018 Nokuti wakatendeka haazi iye unozvirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.
11
11:1b.2CO.011.001 Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma pavupenzi bwangu; asi munondiitira henyu moyo murefu.
11:2b.2CO.011.002 Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
11:3b.2CO.011.003 Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomoyo kuri kunaKristu.
11:4b.2CO.011.004 Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
11:5b.2CO.011.005 Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvaapostora vanopfuvura vamwe vose.
11:6b.2CO.011.006 Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidzwa izvozvo kwamuri pamberi pavose.
11:7b.2CO.011.007 Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
11:8b.2CO.011.008 Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
11:9b.2CO.011.009 Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, vuye ndicharamba ndichichenjera.
11:10b.2CO.011.010 sezvo zvokwadi yaKristu iri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvirumbidza kunyika dzeAkaya.
11:11b.2CO.011.011 Nemhaka yeiko? Nokuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
11:12b.2CO.011.012 Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishaise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
11:13b.2CO.011.013 Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vano zvishandura vachizviita vaapostora vaKristu.
11:14b.2CO.011.014 Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
11:15b.2CO.011.015 Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandura vo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata. Kutambudzika kwaPauro pamusoro peEvhangeri
11:16b.2CO.011.016 Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu unoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishoma vo.
11:17b.2CO.011.017 Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kunaShe, asi sapavupenzi bwangu, pakuzvitenda uku kwatino zvirumbidza nako.
11:18b.2CO.011.018 Vazhinji zvava nozvirumbidza panyama, neni vo ndichazvirumbidza.
11:19b.2CO.011.019 Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
11:20b.2CO.011.020 nokuti munoita nomoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai,, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
11:21b.2CO.011.021 Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsunga vo.
11:22b.2CO.011.022 Ivo vaHebheru here? Neni vo. Ivo vaIsraeri here? Neni vo. Ivo vana vaAbhurahamu here? neni vo.
11:23b.2CO.011.023 Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patorongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
11:24b.2CO.011.024 Ndakarobwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
11:25b.2CO.011.025 Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
11:26b.2CO.011.026 panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
11:27b.2CO.011.027 pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
11:28b.2CO.011.028 kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
11:29b.2CO.011.029 Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?
11:30b.2CO.011.030 Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvovutera bwangu.
11:31b.2CO.011.031 Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, unokudzwa nokusingaperi, unoziva kuti handirevi nhema.
11:32b.2CO.011.032 PaDhamasko mubati pasi pamambo Areta wakarinda guta raveDhamasko, achitsvaka kundibata;
11:33b.2CO.011.033 ndikaburuswa ndiri mudengu napawindi parusvingo, ndikatiza pamavoko ake.
12
12:1b.2CO.012.001 Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
12:2b.2CO.012.002 Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
12:3b.2CO.012.003 Vuye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva)
12:4b.2CO.012.004 kuti wakakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve.
12:5b.2CO.012.005 Pamusoro pomunhu wakadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro povutera bwangu bedzi.
12:6b.2CO.012.006 Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, ungati ndiri mukuru kunezvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri;
12:7b.2CO.012.007 zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwovukuru kwazvo bwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza.
12:8b.2CO.012.008 Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri.
12:9b.2CO.012.009 Iye akati kwandiri: Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
12:10b.2CO.012.010 Naizvozvo ndinofara novutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndinovutera, ipapo ndinesimba. Kusazvirangarira kwaPauro
12:11b.2CO.012.011 Ndava benzi; pakuzvirumbidza. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvaapostora vanopfuvura vose, kunyange ndisi chinhu.
12:12b.2CO.012.012 Zvirokwazvo, zviratidzo zvomuapostora zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
12:13b.2CO.012.013 Nokuti makapfuvurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
12:14b.2CO.012.014 Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuvuya kwamuri; handingakuremedziyi; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.
12:15b.2CO.012.015 Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
12:16b.2CO.012.016 Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndinenjere, ndakakubatai namano.
12:17b.2CO.012.017 Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri?
12:18b.2CO.012.018 Ndakaraira Tito, ndakatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Vuye namakwara mamwe here? Pauro unovanyevera
12:19b.2CO.012.019 Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari munaKristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwa, kuti musimbiswe.
12:20b.2CO.012.020 Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
12:21b.2CO.012.021 kuti kana ndichisvika zve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendevuka patsvina yavo, novupombwe, novutere bwavakaita.
13
13:1b.2CO.013.001 Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.
13:2b.2CO.013.002 Ndakambokuvudzai, zvino ndokuvudzai sendakanga ndiripo, kechipiri sendakanga ndiripo, zvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza navamwe vose kuti kana ndavuya ikozvino handingavaregererizve.
13:3b.2CO.013.003 Zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri.
13:4b.2CO.013.004 Nokuti wakaroverwa pamuchinjikwa nokushaiwa simba, asi unoraramanesimba raMwari nesuvo hatina simba maari asi tichararama pamwe chete naye nesimba raMwari kwamuri.
13:5b.2CO.013.005 Zviidzei imi mumene, muvone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene, Hamuzivi here imi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana zvimwe mava vakarashwa henyu.
13:6b.2CO.013.006 Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakarashwa.
13:7b.2CO.013.007 Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
13:8b.2CO.013.008 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi.
13:9b.2CO.013.009 Nokuti tinofara kana isu tichishaiwa simba, imi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbira vo, kuti mukwaniswe.
13:10b.2CO.013.010 Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa. Mashoko okupedzisira
13:11b.2CO.013.011 Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare uchava nemi.
13:12b.2CO.013.012 Kwazisanai nokusveta kutsvene.
13:13b.2CO.013.013 Vatsvene vose vanokukwazisai.
13:14b.2CO.013.014 Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Corinthians (Shona). 2 Corinthians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5E1-B