Luke (Shona)
1
1:1b.LUK.001.001 Vazhinji zvavakaidza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu,
1:2b.LUK.001.002 sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko,
1:3b.LUK.001.003 neni vo, ndakati ndanyatso-feya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorerei vo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira;
1:4b.LUK.001.004 kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. Zakaria unoziviswa kuberekwa kwaJohane Mubhabhatidzi.
1:5b.LUK.001.005 Namazuva aHerodhe, mambo weJudhea, mumwe muPirisita waivapo, wainzi Zakaria, wegovero raAbhiya; mukadzi wake waiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erisabete.
1:6b.LUK.001.006 Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina, chavangapomerwa.
1:7b.LUK.001.007 Vakanga vasinomwana, nokuti Erisabete wakanga asingabereki, vuye vakanga vachembera vose vari vaviri.
1:8b.LUK.001.008 Zvino, wakati achibate-basa rovuPirisita pamberi paMwari, padzoro regovero rake,
1:9b.LUK.001.009 akagoverwa netsika dzovuPirisita, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa zvinonhuhwira.
1:10b.LUK.001.010 Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.
1:11b.LUK.001.011 Ipapo mutumwa waShe wakavonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira.
1:12b.LUK.001.012 Zakaria akamanikidzwa achimuvona; kutya kukamuwira.
1:13b.LUK.001.013 Mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwikwa, mukadzi wako Erisabete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.
1:14b.LUK.001.014 Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
1:15b.LUK.001.015 Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.
1:16b.LUK.001.016 Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo.
1:17b.LUK.001.017 Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo,
1:18b.LUK.001.018 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera.
1:19b.LUK.001.019 Mutumwa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
1:20b.LUK.001.020 Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.
1:21b.LUK.001.021 Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
1:22b.LUK.001.022 Zvino wakati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akaramba achininira namavoko, akaramba ari mbeveve.
1:23b.LUK.001.023 Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.
1:24b.LUK.001.024 Mazuva iwayo akati apfuvura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
1:25b.LUK.001.025 Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu. Maria anoziviswa kuti uchabereka Jesu.
1:26b.LUK.001.026 Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta,
1:27b.LUK.001.027 kumhandara, yakanga yanyengwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDhavidhi; zita remhandara rainzi Maria.
1:28b.LUK.001.028 Mutumwa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe unodikanwa,Ishe unewe wakaropafadzwa pakati pavakadzi.
1:29b.LUK.001.029 Iye wakati achimuvona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti kukwazisa kwakadai kunorevei.
1:30b.LUK.001.030 Ipapo mutumwa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.
1:31b.LUK.001.031 Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu.
1:32b.LUK.001.032 Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari uchamupa chigaro chovushe chababa vake Dhavidhi.
1:33b.LUK.001.033 Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, novushe bwake habungavi nomugumo.
1:34b.LUK.001.034 Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?
1:35b.LUK.001.035 Mutumwa akapindura, akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.
1:36b.LUK.001.036 Vuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye wavanemimbavo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi haabereki.
1:37b.LUK.001.037 Nokuti kuna Mwari hakuna chinhu chinokona.
1:38b.LUK.001.038 Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura, Mutumwa akabva kwaari. Maria unondoshanyira Erisabete.
1:39b.LUK.001.039 Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea;
1:40b.LUK.001.040 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete.
1:41b.LUK.001.041 Zvino Erisabete wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMweya Mutsvene,
1:42b.LUK.001.042 akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!
1:43b.LUK.001.043 Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu?
1:44b.LUK.001.044 Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.
1:45b.LUK.001.045 Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika.
1:46b.LUK.001.046 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
1:47b.LUK.001.047 Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu;
1:48b.LUK.001.048 Zvaakavona vurombo bwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achati, ndakaropafadzwa;
1:49b.LUK.001.049 Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene.
1:50b.LUK.001.050 Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya.
1:51b.LUK.001.051 Wakaratidza simba rake noruvoko rwake; Wakaparadza vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;
1:52b.LUK.001.052 Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvovushe, Akasimudza vakaninipiswa;
1:53b.LUK.001.053 Vanenzara wakavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vafumi vasina;
1:54b.LUK.001.054 Wakabatsira Israeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake,
1:55b.LUK.001.055 (Sezvaakareva kumadzibaba edu), KunaAbhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.
1:56b.LUK.001.056 Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake. Kuberekwa kwaJohane Mubhabhatidzi.
1:57b.LUK.001.057 Zvino nguva yaErisabete yokuzvara kwake yakasvika; akabereka mwanakomana.
1:58b.LUK.001.058 Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.
1:59b.LUK.001.059 Zvino nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zakaria.
1:60b.LUK.001.060 Ipapo mai vakapindura, vakati: Kwete, uchatumidzwa Johane.
1:61b.LUK.001.061 Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro.
1:62b.LUK.001.062 Vakabvunza baba vake, vachidudzira namavoko, kuti anzi aniko.
1:63b.LUK.001.063 Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: Johane, ndiro zita rake. Vakashamiswa vose.
1:64b.LUK.001.064 Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.
1:65b.LUK.001.065 Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea.
1:66b.LUK.001.066 Vose vakanzwa, vakaachengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Nokuti ruvoko rwaShe rwakava naye.**
1:67b.LUK.001.067 Baba vake, Zakaria, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
1:68b.LUK.001.068 Ishe, Mwari wavaIsraeri, ngaakudzwe; Nokuti wakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,
1:69b.LUK.001.069 Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa. Mumba momuranda wake, Dhavidhi;
1:70b.LUK.001.070 (Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika),
1:71b.LUK.001.071 Kutiponesa pavavengi vedu, napamavoko avose vanotivenga;
1:72b.LUK.001.072 Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene;
1:73b.LUK.001.073 Kupika kwaakapika nako kunababa vedu Abhurahamu.
1:74b.LUK.001.074 Kutipa simba isu, tasunungurwa mumavoko avavengi vedu. Kuti timushumire tisingatyi,
1:75b.LUK.001.075 Novutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
1:76b.LUK.001.076 Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake;
1:77b.LUK.001.077 Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachikanganwirwa zvivi zvavo.
1:78b.LUK.001.078 Nomoyo munyoro waMwari wedu, Uchatishanyira namambakwedza okudenga,
1:79b.LUK.001.079 Kuvhenekera vagere murima nomumvuri worufu; Nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.
1:80b.LUK.001.080 Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.
2
2:1b.LUK.002.001 Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita.
2:2b.LUK.002.002 Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria.
2:3b.LUK.002.003 Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
2:4b.LUK.002.004 NaJosefa vo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake;
2:5b.LUK.002.005 kuti anyorwe naMaria, wakanga anyengwa naye, ava nemimba.
2:6b.LUK.002.006 Zvino vakati varipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;
2:7b.LUK.002.007 akazvara dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo muimba yavaeni. Vafudzi veBhetirehemu.
2:8b.LUK.002.008 Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.
2:9b.LUK.002.009 Mutumwa waShe akamira navo, nokubwinya kwaShe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru.
2:10b.LUK.002.010 Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya, nokuti tarira, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose;
2:11b.LUK.002.011 nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
2:12b.LUK.002.012 Ichi ndicho chiratidzo kwamuri; Muchandowana rushiye, rwakaputirwa nemicheka, ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
2:13b.LUK.002.013 Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti:
2:14b.LUK.002.014 Mwari ngaakudzwe kumusoro-soro, rugare ruve panyika, nomoyo muchena kuvanhu.
2:15b.LUK.002.015 Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende hedu Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitwa, chatakaziviswa naShe.
2:16b.LUK.002.016 Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, norushiye ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
2:17b.LUK.002.017 Vakati vavona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vavudzwa romwana uyo.
2:18b.LUK.002.018 Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakavudzwa navafudzi.
2:19b.LUK.002.019 Asi Maria wakachengeta mashoko iwayo ose, achiafungisisa mumoyo make.
2:20b.LUK.002.020 Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakavona, sezvavakanga vavudzwa. Jesu unoiswa mutembere, Simeoni naAna.
2:21b.LUK.002.021 Mazuva masere akati apfuvura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai.
2:22b.LUK.002.022 Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurairo waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusarema, kuti vamuise pamberi paShe;
2:23b.LUK.002.023 (sezvazvakanyorwa pamurairo waShe, zvichinzi: Mwanarume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene waShe),
2:24b.LUK.002.024 vuye kubayira chibayiro; sezvazvakarebwa pamurairo waShe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
2:25b.LUK.002.025 Zvino, kwakanga kunomunhu, paJerusarema, wainzi Simeoni; waiva munhu wakarurama waida Mwari waimirira kunyaradzwa kwavaIsraeri.. noMweya Mutsvene wakanga anaye.
2:26b.LUK.002.026 Iye wakanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu, asati avona Kristu waShe.
2:27b.LUK.002.027 Iye wakavuya mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutovo womurairo,
2:28b.LUK.002.028 akamubata mumavoko ake akarumbidza Mwari, achiti:
2:29b.LUK.002.029 Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare sezvamakareva;
2:30b.LUK.002.030 Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,
2:31b.LUK.002.031 rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose
2:32b.LUK.002.032 Chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.
2:33b.LUK.002.033 Josefa Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarebwa pamusoro pake.
2:34b.LUK.002.034 Ipapo Simeoni akavaropafadza, akati kunaMaria, mai vake: Tarira, mwana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsraeri. Chichava chiratidzo chicharambwa;
2:35b.LUK.002.035 vuye munondo uchabaya mweya wako vo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzizikanwe.
2:36b.LUK.002.036 Zvino kwakanga kunaAna vo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakanga achembera kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara bwake.
2:37b.LUK.002.037 wakanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana), wakanga asingabvi mutembere, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira vusiku namasikati:
2:38b.LUK.002.038 Naiye wakati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.
2:39b.LUK.002.039 Zvino vakati vapedza zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Garirea, kuguta ravo Nazareta.
2:40b.LUK.002.040 Mwana akakura, akava nesimba, mumweya akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake. Jesu pakati pavadzidzisi vakuru.
2:41b.LUK.002.041 Zvino vabereki vake vaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.
2:42b.LUK.002.042 Zvino iye wakati ava namakore anegumi namaviri, vakaenda Jerusarema netsika yomutambo.
2:43b.LUK.002.043 Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi.
2:44b.LUK.002.044 Asi zvavaiti zvimwe uri kunavamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokuvazikani vavo.
2:45b.LUK.002.045 Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusarema vachimutsvaka.
2:46b.LUK.002.046 Mazuva matatu; akati apfuvura, vakamuwana ari mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivaterera nokuvabvunza.
2:47b.LUK.002.047 Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake vuye nokupindura kwake.
2:48b.LUK.002.048 Zvino vakati vamuvona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takutsvaka tichichema.
2:49b.LUK.002.049 Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
2:50b.LUK.002.050 Vakasanzwisisa shoko raakavavudza.
2:51b.LUK.002.051 Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavaterera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
2:52b.LUK.002.052 Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera napakukura, napakufadza Mwari navanhu.
3
3:1b.LUK.003.001 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munununa wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbirene,
3:2b.LUK.003.002 Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.
3:3b.LUK.003.003 Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi;
3:4b.LUK.003.004 sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi: Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.
3:5b.LUK.003.005 Mipata yose ichafusirwa, Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; Zvakakombama zvicharuramiswa, Pasakaenzana pachaitiwa nzira dzakaenzaniswa;
3:6b.LUK.003.006 Nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.
3:7b.LUK.003.007 Naizvozvo wakati kuvazhinji vaivuya kuzobhabhatidzwa naye: Imi vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
3:8b.LUK.003.008 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
3:9b.LUK.003.009 Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
3:10b.LUK.003.010 Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti: Zvino todiniko?
3:11b.LUK.003.011 Akapindura akati,kwavari: Une nguvo mbiri ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.
3:12b.LUK.003.012 Navateresi vakavuya vo kuzobhabhatidzwa, vakati: mudzidzisi, todiniko?
3:13b.LUK.003.013 Akati kwavari: Musareva mari kupfuvura pamakarairwa napo.
3:14b.LUK.003.014 Navarwi vo vakamubvunza, vachiti: Nesu vo todiniko? Akati kwavari: Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu.
3:15b.LUK.003.015 Zvino vanhu vakati vachatarira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohane, kuti zvimwe ndiKristu,
3:16b.LUK.003.016 Johane akapindura, akati kunavose: Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyu unovuya, unesimba kupfuvureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nemoto.
3:17b.LUK.003.017 Rusero rwake ruri muruvoko rwake; uchanatsa buriro rake kwazvo; uchavunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi uchaipisa nomoto usingadzimwi.
3:18b.LUK.003.018 Akaparidzira vanhu Evhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji;
3:19b.LUK.003.019 asi Herodhe mubati, wakati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunununa wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhe,
3:20b.LUK.003.020 wakawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti wakapfigira Johane mutorongo. Kubhabhatidzwa kwaJesu. (Mat.3. 13-17; Mar. 1. 9-11; Joh. 1. 31-34.)
3:21b.LUK.003.021 Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
3:22b.LUK.003.022 Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira. Rudzi rwaJesu Kristu. (Mat. 1. 1-17.)
3:23b.LUK.003.023 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,
3:24b.LUK.003.024 mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa,
3:25b.LUK.003.025 mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai,
3:26b.LUK.003.026 mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda,
3:27b.LUK.003.027 mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai,
3:28b.LUK.003.028 mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri,
3:29b.LUK.003.029 mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
3:30b.LUK.003.030 mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu,
3:31b.LUK.003.031 mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi,
3:32b.LUK.003.032 mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni,
3:33b.LUK.003.033 mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha,
3:34b.LUK.003.034 mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori,
3:35b.LUK.003.035 mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah,
3:36b.LUK.003.036 Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
3:37b.LUK.003.037 mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami,
3:38b.LUK.003.038 mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.
4
4:1b.LUK.004.001 Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka zve achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje.
4:2b.LUK.004.002 achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
4:3b.LUK.004.003 Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.
4:4b.LUK.004.004 Jesu akamupindura, akati; Kwakanyorwa kuti munhu; haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari rose.
4:5b.LUK.004.005 Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu akamuratidza vushe hwose hwenyika nenguva duku
4:6b.LUK.004.006 Dhiabhorosi akati kwaari: Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakabwupiwa ini, kuti ndihwupe wandinoda.
4:7b.LUK.004.007 Zvino, iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.
4:8b.LUK.004.008 Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.
4:9b.LUK.004.009 Akaenda naye Jerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano;
4:10b.LUK.004.010 Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
4:11b.LUK.004.011 Pamavoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
4:12b.LUK.004.012 Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mwari wako.
4:13b.LUK.004.013 Dhiabhorosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva. Vanhu vanoramba Jesu paNazareta.
4:14b.LUK.004.014 Zvino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
4:15b.LUK.004.015 Waidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
4:16b.LUK.004.016 Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
4:17b.LUK.004.017 Akapiwa bhuku romuporofita Isaya; zvino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:
4:18b.LUK.004.018 Mweya waShe uri pamusoro pangu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo Evhangeri; Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti avone zve; Ndiregedze vakatsikirirwa;
4:19b.LUK.004.019 Nokuzivisa gore raShe rakanaka.
4:20b.LUK.004.020 Akapeta bhuku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
4:21b.LUK.004.021 Zvino akatanga kuvavudza, achiti: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
4:22b.LUK.004.022 Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
4:23b.LUK.004.023 Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura shumo iyi kwandiri, chiremba uzviporese, zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviite vo nomuno munyika yako.
4:24b.LUK.004.024 Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirwa munyika yake.
4:25b.LUK.004.025 Ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi: Kwakanga kunechirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
4:26b.LUK.004.026 asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiva chirikadzi.
4:27b.LUK.004.027 Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakunomumwe wavo vakanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.
4:28b.LUK.004.028 Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo.,
4:29b.LUK.004.029 vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.
4:30b.LUK.004.030 Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda. Jesu unoporesa munhu waiva nemweya wakaipa paKapernaume. (Mar. 1. 23-28.)
4:31b.LUK.004.031 Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata;
4:32b.LUK.004.032 vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti shoko rake rakanga rinesimba.
4:33b.LUK.004.033 Zvino musinagoge makanga munomunhu wakanga anomweya wakaipa wetsvina;iye akadanidzira nenzwi guru, achiti:
4:34b.LUK.004.034 Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.
4:35b.LUK.004.035 Ipapo Jesu akauraira, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa ukamuwisira pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
4:36b.LUK.004.036 Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mweya yesvina nechikuriri nesimba, ikabuda.
4:37b.LUK.004.037 Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. Jesu unoporesa mai vomukadzi waPetro, navamwe. (Mat. 8. 14-17; Mar. 1. 29-38.)
4:38b.LUK.004.038 Zvino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri zvikuru; vakavakumbirira kwaari,
4:39b.LUK.004.039 Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akaraira fivhiri, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
4:40b.LUK.004.040 Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nezvirwere zvizhinji vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa.
4:41b.LUK.004.041 Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti ndimi Kristu mwanakomana waMwari. Iye akairaira akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu
4:42b.LUK.004.042 Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kurenje, vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari,, vakaidza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari:,
4:43b.LUK.004.043 Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira mamwe maguta vo Evhangeri yovushe bwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
4:44b.LUK.004.044 Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
5
5:1b.LUK.005.001 Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareta,
5:2b.LUK.005.002 akavona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka vutava hwavo.
5:3b.LUK.005.003 Akapinda munerimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paduku apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari mugwa.
5:4b.LUK.005.004 Wakati apedza kutaura akati kunaSimoni pinda kwakadzika mukande vutava bwenyu kuti mubate.
5:5b.LUK.005.005 Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura vusiku bwose, tisingabati chinhu, asi zvamadaro imi, ndichakanda vutava.
5:6b.LUK.005.006 Vakati vaita izvozvo, vakakomba hove zhinji; vutava hwavo hwukabvaruka.
5:7b.LUK.005.007 Vakaninira shamwari dzavo munerimwe igwa, kuti vavuye kuzovabatsira. Vakavuya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura.
5:8b.LUK.005.008 Zvino, Simoni Petro wakati achizvivona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.
5:9b.LUK.005.009 Nokuti wakanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata.
5:10b.LUK.005.010 Ndizvo zvanga zvaita vo Jakobho naJohane, vanakomana vaZebedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni; Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.
5:11b.LUK.005.011 Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera. Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi. (Mat. 8. 2-4; Mar. 1. 40-44.)
5:12b.LUK.005.012 Wakati ari kunerimwe guta, tarira, kwakanga kunomurume wakanga anamaperembudzi pamuviri wose; iye akati achivona Jesu akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
5:13b.LUK.005.013 ipapo akatambanudza ruvoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
5:14b.LUK.005.014 Akamuraira kuti asavudza munhu, akati: Enda undozviratidza kumuPirisita, ubayire pamusoro pakunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.
5:15b.LUK.005.015 Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuvurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo.
5:16b.LUK.005.016 Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyengetera. Jesu unoporesa munhu wakafa mitezo. (Mat. 9. 1-8; Mar. 2. 1-12.)
5:17b.LUK.005.017 Nerimwe ramazuva iwayo wakanga achidzidzisa; vaFarise navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGarirea neJudhea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakanga rinaye.
5:18b.LUK.005.018 Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu wakanga akafa mitezo, ari panhovo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake.
5:19b.LUK.005.019 Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
5:20b.LUK.005.020 Iye akati achivona kutenda kwavo, akati: Murume, wakangamwirwa zvivi zvako.
5:21b.LUK.005.021 Vanyori navaFarise vakatanga kufunga, vachiti: Ndianiko uyu unotaura achimhura Mwari? Ndianiko ungakangamwira zvivi, asi Mwari oga?
5:22b.LUK.005.022 Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungeiko mumoyo yenyu?
5:23b.LUK.005.023 Chinyiko chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako, kana kuti: Simuka, ufambe?
5:24b.LUK.005.024 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, (akati kunowakafa mitezo Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
5:25b.LUK.005.025 Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
5:26b.LUK.005.026 Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti: Tavona madambi nhasi! Kudamwa kwaRevhi? (Mat. 9. 9-13; Mar. 2. 13-17.)
5:27b.LUK.005.027 Shure kwaizvozvo, wakabuda, akavona muteresi, wainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditevere!
5:28b.LUK.005.028 Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera.
5:29b.LUK.005.029 Revhi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukavapo vazhinji-zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya.
5:30b.LUK.005.030 VaFarise navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Munodyireiko navateresi navatadzi, nokumwa navo?
5:31b.LUK.005.031 Jesu akapindura, akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
5:32b.LUK.005.032 Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mat. 9. 14-17; Mar. 2. 18-22.)
5:33b.LUK.005.033 Zvino vakati kwaari: Vadzidzi vaJohane vanozvinyimireiko zvokudya kazhinji, vachikumbira; navaFarise vanodaro vo, asi venyu vanodya nokumwa.
5:34b.LUK.005.034 Jesu akati kwavari: Mungadzivisa shamwari dzechikomba kudya, chikomba chiri kwavari here?
5:35b.LUK.005.035 Asi mazuva achasvika; achabiswa chikomba kwavari: vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.
5:36b.LUK.005.036 Akataura navo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu uchabvarura chiremo panguvo itsva, akachiisa panguvo yakasakara; nokuti uchabvarura nguvo itsva, vuye chiremo chenguvo itsva hachinganzwani neyakasakara.
5:37b.LUK.005.037 Hakunomunhu uchadira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, nehombodo dzikafa vo;
5:38b.LUK.005.038 asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva zvose zvichengeteke.
5:39b.LUK.005.039 Hakuna munhu unoti kana amwa tsaru, pakarepo ungazoda itsva. Nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaisvonaka.
6
6:1b.LUK.006.001 Zvino nesabata rechipiri rinotevera rekutanga wakafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namavoko avo,
6:2b.LUK.006.002 Zvino vamwe vavaFarise vakati kwavari: Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi wesabata?
6:3b.LUK.006.003 Jesu akavapindura, akati: Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavidhi, musi waakanga aziya iye navakanga vanaye;
6:4b.LUK.006.004 kuti wakapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapa vo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisinakutenderwa kudyiwa, asi navaPirisita voga?
6:5b.LUK.006.005 Akati kwavari: Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabata vo. Jesu unoporesa munhu waiva neruvoko rwakawonyana. (Mat. 12. 9-14; Mar. 3. 1-6.)
6:6b.LUK.006.006 Zvino neimwe sabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kunomunhu ipapo wakanga anoruvoko rworudyi rwakawonyana.
6:7b.LUK.006.007 Vanyori navaFarise vakamutarisisa, kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo,
6:8b.LUK.006.008 Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati pavanhu. Akasimuka, akamira.
6:9b.LUK.006.009 Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai shoko iri: Zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa nesabata, kuponesa munhu, kana kuvuraya?
6:10b.LUK.006.010 Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari: Tambanudza ruvoko rwako. Akadaro, ruvoko rwake rukava sorumwe.
6:11b.LUK.006.011 Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei. Jesu unodana vadzidzi vake. (Mat. 10. 1-4; Mar. 3. 13-19.)
6:12b.LUK.006.012 Namazuva iwayo wakabudira kugomo kundonyengetera, akapedza vusiku hwose pakunyengetera kuna Mwari,
6:13b.LUK.006.013 Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasanangura kwavari vanegumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vaapostora;
6:14b.LUK.006.014 Simoni, waakatumidza vo Petro, naAndrea, munununa wake, naJakobho, naJohane, naFiripo, naBartoromeo,
6:15b.LUK.006.015 naMateo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote;
6:16b.LUK.006.016 naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Iskarioti, wakazomupandukira.
6:17b.LUK.006.017 Akaburuka navo, akamira mubani, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidoni.
6:18b.LUK.006.018 vakanga vavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudziwa nemweya yetsvina vakaporeswa.
6:19b.LUK.006.019 Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose. Mharidzo yaJesu. (Mat. 5. 1-8.)
6:20b.LUK.006.020 Zvino wakatarisisa vadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa imi varombo, nokuti vushe hwaMwari ndobwenyu.
6:21b.LUK.006.021 Makaropafadzwa imi munenzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
6:22b.LUK.006.022 Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasha zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwomwanakomana womunhu.
6:23b.LUK.006.023 Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubairo wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro.
6:24b.LUK.006.024 Asi munenhamo imi vafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.
6:25b.LUK.006.025 Munenhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Munenhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokurira.
6:26b.LUK.006.026 Munenhamo imwi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
6:27b.LUK.006.027 Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa; Idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai.
6:28b.LUK.006.028 Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokumhurai.
6:29b.LUK.006.029 Unokurova padama, umurinzire rimwe vo; unokutorera nguvo yokunze, usamurambidza nenguvo yomukati vo.
6:30b.LUK.006.030 Mumwe nomumwe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera zvako, usazvikumbira zve kwaari.
6:31b.LUK.006.031 Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire vo saizvozvo.
6:32b.LUK.006.032 Kana muchingoda vo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vo vanoda vanovada.
6:33b.LUK.006.033 Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodaro vo.
6:34b.LUK.006.034 Kana muchingopa ivo chikwereti, vamunoti muchadzoserwa zve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopa vo vatadzi chikwerete, kuti vapiwe zve zvakaenzana nazvo.
6:35b.LUK.006.035 Asi idai vavengi venyu, muvaitire, zvakanaka. Mupe chikwerete musingavori moyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
6:36b.LUK.006.036 Ivai netsitsi, sababa venyu vanetsitsi vo.
6:37b.LUK.006.037 Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwa vo.
6:38b.LUK.006.038 Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamavoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa vo nacho.
6:39b.LUK.006.039 Wakavavudza vo mufananidzo, akati: Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here?
6:40b.LUK.006.040 Mudzidzi haapfuvuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, uchava somudzidzisi wake.
6:41b.LUK.006.041 Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako,izvo, danda riri muziso rako haurivoni?
6:42b.LUK.006.042 Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti: Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingavoni danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga ubvise danda muziso rako, ipapo uchavonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako.
6:43b.LUK.006.043 Nokuti hakunomuti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa; kana muti wakaipa unobereka zvibereko zvakanaka.
6:44b.LUK.006.044 nokuti muti umwe nomumwe unozikanwa nezvibereko zvawo. Nokuti vanhu havatanhi mavonde paminzwa, kana mazambiringa haatanwi parukato.
6:45b.LUK.006.045 Munhu wakanaka kubva pafuma yomoyo, wake yakanaka, Unobudisa zvakanaka munhu wakaipa kubva pafuma yomoyo wake yakaipa unobudisa zvakaipa nokuti muromo wake unotaura kubva pakuzara komoyo wake. Mufananidzo weimba yakavakwa paruware. (Mat 7. 24-27.)
6:46b.LUK.006.046 Munondiidzireiko Ishe! Ishe! Musingaiti zvandinoreva?
6:47b.LUK.006.047 Mumwe nomumwe unovuya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye.
6:48b.LUK.006.048 Wakafanana nomunhu wakavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikavuya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
6:49b.LUK.006.049 Asi unonzwa, asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba pavhu, isinenheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.
7
7:1b.LUK.007.001 Zvino wakati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachinzwa, akapinda Kapernaume.
7:2b.LUK.007.002 Muranda womumwe mukuru wezana waidikamwa naye, wakanga achirwara, achitandadza.
7:3b.LUK.007.003 Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti avuye kuzoporesa muranda wake.
7:4b.LUK.007.004 Ivo vakati vachisvika kunaJesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti: Iye wakafanira kuti, mumuitire izvozvo;
7:5b.LUK.007.005 nokuti unoda rudzi rwedu, ndiye wakativakira sinagoge redu.
7:6b.LUK.007.006 Jesu akaenda navo,. Zvino ava pedo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu;
7:7b.LUK.007.007 naizvozvo ndakati handifaniri kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora.
7:8b.LUK.007.008 Nokuti neni vo ndiri munhu wakaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kunomumwe: Endai! Unoenda; kunomumwe: Vuyai! Unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
7:9b.LUK.007.009 Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbovona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.
7:10b.LUK.007.010 Vakanga vatumwa vachidzokera kumba vakandowana muranda wakanga achirwara akapora. Jesu unomutsa mwanakomana wechirikadzi paNaini.
7:11b.LUK.007.011 Zvino nezuva rinotevera, wakaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
7:12b.LUK.007.012 Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, akavona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
7:13b.LUK.007.013 Zvino Ishe wakati achimuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
7:14b.LUK.007.014 Ipapo akaswedera, akabata bwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka.
7:15b.LUK.007.015 Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.
7:16b.LUK.007.016 Vakabatwa vose nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu vuye zve: Mwari wakashanyira vanhu vake.
7:17b.LUK.007.017 Shoko iri pamusoro pake rikanzvika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. Johane mubhabhatidzi: unotuma vadzidzi kubvunza Jesu. (Mat. 11. 2-19.)
7:18b.LUK.007.018 Vadzidzi vaJohane vakamuvudza izvozvo zvose.
7:19b.LUK.007.019 Johane akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaJesu neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakatarira mumwe?
7:20b.LUK.007.020 Zvino varume vachisvika kwaari, vakati: Johane Mubhabhatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here? kana tichakatarira mumwe?
7:21b.LUK.007.021 Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, novurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji wakaasvunudza.
7:22b.LUK.007.022 Jesu akapindura, akati kwavari: Endai, mundovudza Johane zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutsva, navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
7:23b.LUK.007.023 Wakaropfadzwa usingagumbuswi neni.
7:24b.LUK.007.024 Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane, achiti: Makanga mabuda kundovoneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
7:25b.LUK.007.025 Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
7:26b.LUK.007.026 Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri; Unopfuvura zvikuru muporofita.
7:27b.LUK.007.027 Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
7:28b.LUK.007.028 Ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakunomukuru kuna Johane Mubhabhatidzi: asi muduku muvushe bwaMwari mukuru kwaari.
7:29b.LUK.007.029 Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa: vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhaptidzo rwaJohane.
7:30b.LUK.007.030 Asi vaFarise navadudziri vomurairo vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.
7:31b.LUK.007.031 Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko?
7:32b.LUK.007.032 Vakafanana navana vagere padare vanodanidzira vachiti, takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
7:33b.LUK.007.033 Nokuti Johane Mubhabhatidzi wakavuya, asingadyi chingwa, asingamwi waini, zvino moti: Unomweya wakaipa.
7:34b.LUK.007.034 Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu unokara, nomunwi neshamwri yavateresi navatadzi.
7:35b.LUK.007.035 Asi vuchenjeri bwunoruramiswa navana vabwo vose. Mukadzi mutadzi unozodza makumbo aJesu.
7:36b.LUK.007.036 Zvino mumwe wavaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya.
7:37b.LUK.007.037 Zvino tarira, muguta iro makanga munomukadzi waiva mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akavuya nechinu charbastera chaiva nechizoro.
7:38b.LUK.007.038 akamira patsoka dzake mashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
7:39b.LUK.007.039 Zvino muFarise wakanga amudana, wakati achizviona, akareva mumoyo make, achiti; Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva mukadzi uyu unomubata kuti ndiani, vuye kuti wakadini, nokuti mutadzi.
7:40b.LUK.007.040 Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndine shoko newe, Akati: Revai henyu, Mudzidzisi.
7:41b.LUK.007.041 Jesu akati: Vanhu vaviri vakanga vanechikwerete kumunhu mumwe; mumwe wakanga anechikwerete chamadhenari anamazana mashanu,* mumwe chamakumi mashanu.+
7:42b.LUK.007.042 Vakati vashaiwa chokuripa nacho, akangovakangamwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari uchanyanya kumuda?
7:43b.LUK.007.043 Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here? Akati kwaari: Wareva kwazvo.
7:44b.LUK.007.044 Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unovona mukadzi, uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu wakanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake.
7:45b.LUK.007.045 Hauna kundisveta, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kusveta tsoka dzangu.
7:46b.LUK.007.046 Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzangu nechizoro.
7:47b.LUK.007.047 Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikangamwirwa, nokuti wakada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
7:48b.LUK.007.048 Zvino akati kwaari: Wakangamwirwa zvivi zvako.
7:49b.LUK.007.049 Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumoyo yavo, vachiti: Uyu ndianiko unokangamwira zvivi vo?
7:50b.LUK.007.050 Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.
8
8:1b.LUK.008.001 Zvino shure kwaizvozvo, wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveEvhangeri yovushe bwaMwari, vanegumi naviri vanaye.
8:2b.LUK.008.002 Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napamarwere, vaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,
8:3b.LUK.008.003 naJohane, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo. Mufananidzo womukushi (Mat. 13. 1-23; Mar. 4. 1-25.)
8:4b.LUK.008.004 Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vavungana, navakanga vabva kumaguta ose vasvika kwaari, akataura nomufananidzo. Akati:
8:5b.LUK.008.005 Mukushi wakabuda kundokusha mbeu dzake; wakati achikusha dzimwe dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya.
8:6b.LUK.008.006 Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mwando.
8:7b.LUK.008.007 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwe chete nadzo, ikadzivhunga.
8:8b.LUK.008.008 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvinezana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti: Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
8:9b.LUK.008.009 Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei.
8:10b.LUK.008.010 Akati: Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe bwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachivona, varege kuvona; vachinzwa, varege kunzwisisa.
8:11b.LUK.008.011 Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.
8:12b.LUK.008.012 Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.
8:13b.LUK.008.013 Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havanomudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuidzwa vanotsauka.
8:14b.LUK.008.014 Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakavhungiwa nokufunganya nefuma, nezvinofadza zvovupenyu hwuno, vakasasvitsa zvibereko.
8:15b.LUK.008.015 Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira. Mufananidzo womwenje. (Mat. 5. 15; 16; Mar. 4. 21-23; Ruka 11. 33-36.)
8:16b.LUK.008.016 Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubedha; asi unouisa pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
8:17b.LUK.008.017 Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovoneswi,hakuna chakavigwa chisingazozikanwi nokubuda pachena.
8:18b.LUK.008.018 Naizvozvo, chenjerai mutovo wamunonzwa nawo; nokuti unazvo, uchapiwa; usina, uchatorerwa naichecho chaanoita sounacho. Vukama naJesu. (Mat. 12. 46-50; Mar. 3. 31-35.)
8:19b.LUK.008.019 Zvino mai vake navanununa vake vakavuya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji.
8:20b.LUK.008.020 Akavudzwa, zvichinzi: Mai venyu navanununa venyu vamire kunze, vanoda kukuvonai.
8:21b.LUK.008.021 Akapindura, akati kwavari: Mai vangu navanununa vangu ndivo vanonzwa shoko raMwari vachiriita. Jesu unonyaradza dutu remhepo. (Mat. 8. 23-27; Mar. 4. 35-41.)
8:22b.LUK.008.022 Zvino nerimwe ramazuva iwayo wakapinda mugwa navadzidzi vake akati kwavari: Ngatiyambukire mhiri kwegungwa. Vakaenda.
8:23b.LUK.008.023 Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikavuya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi.
8:24b.LUK.008.024 Vakavuya kwaari, vakamumutsa, vachiti: Tenzi! Tenzi! Toparara! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
8:25b.LUK.008.025 Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti: Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuterera? Jesu unobudisa mweya yakaipa.Panyika yavaGerasa. (Mat. 8. 28-34; Mar. 5. 1-20.)
8:26b.LUK.008.026 Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGarirea.
8:27b.LUK.008.027 Wakati achibuda mugwa panyika, mumwe murume weguta akasongana naye, wakanga anemweya yakaipa; nguva huru wakanga asina kupfeka nguvo, asingagari mumba, asi mumarinda.
8:28b.LUK.008.028 Zvino iye wakati achivona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.
8:29b.LUK.008.029 Nokuti wakaraira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji wakamubata akachengetwa akasungwa nezvisungo namaketani; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
8:30b.LUK.008.030 Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati. Regioni. Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
8:31b.LUK.008.031 Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
8:32b.LUK.008.032 Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
8:33b.LUK.008.033 Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, dzikabitirirwa.
8:34b.LUK.008.034 Vaidzifudza vakati vavona zvaitwa, vakatiza, vakandovudza izvozvo muguta naparuwa.
8:35b.LUK.008.035 Vakabuda kundovona zvaitwa; vakasvika kunaJesu, vakandowana munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, akapfeka, ari munhu kwaye; vakatya.
8:36b.LUK.008.036 Vakanga vazvivona vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
8:37b.LUK.008.037 Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
8:38b.LUK.008.038 Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi Jesu wakamudzosa, achiti:
8:39b.LUK.008.039 Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari. Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. Jesu unoporesa mukadzi waibuda ropa, vuye unomutsa mukunda waJairosi. (Mat. 9. 18-26; Mar. 5. 22-43.)
8:40b.LUK.008.040 Zvino Jesu wakati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.
8:41b.LUK.008.041 Ipapo mumwe murume, wainzi Jairosi, wakanga ari mukuru wesinagoge, wakavuya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
8:42b.LUK.008.042 Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete, waiva namakore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
8:43b.LUK.008.043 Ipapo mumwe mukadzi, waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera kuna vana chiremba zvose zvaairarama nazvo, asingabetserwi kunyange neimwe yadzo.
8:44b.LUK.008.044 akavuya mashure make, akabata mupendero wenguvo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.
8:45b.LUK.008.045 Jesu akati: Ndianiko wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro navaiva naye vakati, Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai zvino moti ndiani wandibata.
8:46b.LUK.008.046 Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.
8:47b.LUK.008.047 Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuvudza pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, vuye kuti wakaporeswa pakarepo.
8:48b.LUK.008.048 Akati kwaari: Mukunda, usatya kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
8:49b.LUK.008.049 Wakati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwemukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
8:50b.LUK.008.050 Zvino Jesu wakati achizvinzwa, akapindura, akati: Usatya, tenda bedzi, iye uchaponeswa.
8:51b.LUK.008.051 Zvino wakati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
8:52b.LUK.008.052 Vose vakanga vachichema, vachimuririra. Iye akati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
8:53b.LUK.008.053 Vakamuseka, vachiziva kuti wafa.
8:54b.LUK.008.054 Zvino wakavabudisira panze vose akabata ruvoko rwake, akadana, achiti: Musikana, muka!
8:55b.LUK.008.055 Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe zvokudya.
8:56b.LUK.008.056 Vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitwa.
9
9:1b.LUK.009.001 Zvino wakavunganidza vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.
9:2b.LUK.009.002 Akavatuma kuparidza vushe bwaMwari nokuporesa vanorwara.
9:3b.LUK.009.003 Akati kwavari: Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.
9:4b.LUK.009.004 Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, kusvika muchibvapo.
9:5b.LUK.009.005 Vuye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.
9:6b.LUK.009.006 Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose. Herodhe unokanganiswa pamusoro paJohane Mubhabhatidzi.
9:7b.LUK.009.007 Zvino Herodhe, mubati, wakanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johane wakamuka kuvakafa;
9:8b.LUK.009.008 vamwe kuti Eria wavonekwa; navamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
9:9b.LUK.009.009 Herodhe akati: Johane ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake Akatsvaka kumuvona. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. (Mat. 14. 13-21; Mar. 6. 30-44; Joh, 6. 1-14.)
9:10b.LUK.009.010 Vapostora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Betsaida.
9:11b.LUK.009.011 Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavavudza zvovushe bwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
9:12b.LUK.009.012 Zuva rakati rovira, vanegumi navaviri vakavuya, vakati kwaari: Endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano patiri murenje.
9:13b.LUK.009.013 Asi iye akati kwavari: Muvape imi, vadye. Vakati: Isu hatinezvingwa zvingapfuvura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.
9:14b.LUK.009.014 Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu.
9:15b.LUK.009.015 Vakaita kudaro, vakavagarisa vose.
9:16b.LUK.009.016 Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji.
9:17b.LUK.009.017 Vakadya, vakaguta vose; vakavunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu. (Mat. 16. 13-20; Mar. 8. 27-30.)
9:18b.LUK.009.018 Zvino wakati achinyengetera ari oga vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?
9:19b.LUK.009.019 Vakapindura, vakati, Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
9:20b.LUK.009.020 Akati kwavari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMwari.
9:21b.LUK.009.021 Akavavudza zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;
9:22b.LUK.009.022 achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu. Kutevera Jesu. (Mat. 16. 24-28; Mar.8. 34-38.)
9:23b.LUK.009.023 Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
9:24b.LUK.009.024 Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake, ucharashikirwa nabwo; asi unorashikirwa novupenyu bwakwe nokuda kwangu, uchabwuponesa.
9:25b.LUK.009.025 Nokuti munhu uchabatsirwaneiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashiwa.?
9:26b.LUK.009.026 Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyara vo pamusoro pake musi waanovuya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
9:27b.LUK.009.027 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano vasingazonzwi rufu; vasati vavona vushe bwaMwari. Kubwinya kwaJesu pagomo. (Mat. 17. 1-13; Mar. 9. 2-13.)
9:28b.LUK.009.028 Zvino kwakati kwapera mazuva masere pashure pamashoko awa akatora Petro naJohane naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
9:29b.LUK.009.029 Zvino wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguvo dzake dzikachena dzikapenya.
9:30b.LUK.009.030 Zvino tarira, varume vaviri, vana Mosesi naEria, vakavonekwa vachitaurirana naye.
9:31b.LUK.009.031 Vakavonekwa mukuhwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga wondopedzisa paJerusarema.
9:32b.LUK.009.032 Zvino Petro, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
9:33b.LUK.009.033 Zvino vakati voparadzana, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
9:34b.LUK.009.034 Wakati achataura izvozvo, gore rikavuya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
9:35b.LUK.009.035 Ipapo inzwi rakabva mugore, richi; Uyu Mwanakomana wangu, unodikanwa mumunzwei!
9:36b.LUK.009.036 Inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasavudza munhu; namazuva iwayo, chinhu chimwe chavakanga vavona. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha. (Mat. 17. 14-21; Mar. 9. 14-29.)
9:37b.LUK.009.037 Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vanhu vazhinji-zhinji vakasangana navo.
9:38b.LUK.009.038 Zvino mumwe murume pakati pavazhinji wakadana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.
9:39b.LUK.009.039 Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru.
9:40b.LUK.009.040 Ndakakumbira kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
9:41b.LUK.009.041 Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuya pano nomwanakomana wako.
9:42b.LUK.009.042 Akati achavuya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kunaBaba vake.
9:43b.LUK.009.043 Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 17, 22-23; Mar. 9.30-32.) Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
9:44b.LUK.009.044 Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu.
9:45b.LUK.009.045 Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakavanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku. Mukuru pavushe bwokudenga. (Mat. 18. 1-5; Mar. 9. 33-37.)
9:46b.LUK.009.046 Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari.
9:47b.LUK.009.047 Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,
9:48b.LUK.009.048 , akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu,unondigamuchira ini,ani nani unondigamuchira ini unogamuchira wakandituma;uyu uri muduku kwamuri mose, uchava mukuru.
9:49b.LUK.009.049 Johane akapindura, akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.
9:50b.LUK.009.050 Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa; nokuti usingapesani nesu, unesu. VaSamaria vanoramba kugamuchira Jesu.
9:51b.LUK.009.051 Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,
9:52b.LUK.009.052 akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
9:53b.LUK.009.053 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.
9:54b.LUK.009.054 Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?
9:55b.LUK.009.055 Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.
9:56b.LUK.009.056 Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi kuvaponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha. Kutevera Jesu. (Mat. 8. 18-23.)
9:57b.LUK.009.057 Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari: Ishe ndichakuteverai pose pamunoenda.
9:58b.LUK.009.058 Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzokudenga dzinamatendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.
9:59b.LUK.009.059 Akati kunomumwe: Nditevere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.
9:60b.LUK.009.060 Jesu akati kwaari, rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza vushe bwaMwari.
9:61b.LUK.009.061 Mumwe zve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi mukanditendera henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu.
9:62b.LUK.009.062 Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa novushe bwaMwari.
10
10:1b.LUK.010.001 Shure kwaizvozvo Ishe wakagadza zve vamwe vanamakumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, vuye kwose kwaakanga achida kuenda.
10:2b.LUK.010.002 Akati kwavari: Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.
10:3b.LUK.010.003 Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere.
10:4b.LUK.010.004 Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.
10:5b.LUK.010.005 Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti Rugare ngaruve neimba ino.
10:6b.LUK.010.006 Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.
10:7b.LUK.010.007 Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.
10:8b.LUK.010.008 Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa.
10:9b.LUK.010.009 Poresai varwere varimo, muchiti kwavari: Vushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.
10:10b.LUK.010.010 Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzavo, muti:
10:11b.LUK.010.011 Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti vushe bwaMwari bwaswedera.
10:12b.LUK.010.012 Ndinoti kwamuri: Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuvura guta iro.
10:13b.LUK.010.013 Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu, dai akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.
10:14b.LUK.010.014 Asi Tire neSidoni acharerukirwa pakutongwa kupfuvuremi.
10:15b.LUK.010.015 Newe Kapernaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi,
10:16b.LUK.010.016 Unokunzwai imwi, unondinzwa ini unokurambai imwi; unondiramba ini,unoramba ini unoramba iye wakandituma.
10:17b.LUK.010.017 Vanamakumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.
10:18b.LUK.010.018 Akati kwavari: Ndakavona Satani achiwa kudenga semheni,
10:19b.LUK.010.019 Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro pesimba renyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.
10:20b.LUK.010.020 Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.
10:21b.LUK.010.021 Nenguva iyo Jesu wakafara noMweya Mutsvene, akati: Ndinokuvongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
10:22b.LUK.010.022 Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna unoziva kuti Mwanakomana, ndiyani asi baba vuye kuti baba ndiani asi mwanakomana naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.
10:23b.LUK.010.023 Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga; Meso, anovona zvamunovona, akaropafadzwa.
10:24b.LUK.010.024 Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuvona zvamunovona, vakasazvivona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa. Mufananidzo womuSamaria wakanaka.
10:25b.LUK.010.025 Zvino mumwe mududziri womurairo wakasimuka, akamuidza, achiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yovupenyu bwusingaperi?
10:26b.LUK.010.026 Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?
10:27b.LUK.010.027 Iye akapindura, akati: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.
10:28b.LUK.010.028 Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.
10:29b.LUK.010.029 Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kunaJesu: Wokwangu ndianiko?
10:30b.LUK.010.030 Jesu akapindura, akati: Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.
10:31b.LUK.010.031 Zvino mumwe muPirisita wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.
10:32b.LUK.010.032 Nokudaro muRevhi vo wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.
10:33b.LUK.010.033 Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; akati achimuvona, akamunzwira tsitsi,
10:34b.LUK.010.034 akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
10:35b.LUK.010.035 Zvino, ava mangwana, oenda akabudisa madhenari maviri,* akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; vuye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupa zve, kana ndichidzoka.
10:36b.LUK.010.036 Unofungei, ndoupiko kunavatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?
10:37b.LUK.010.037 Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo. Marta naMaria.
10:38b.LUK.010.038 Zvino vakati vachifamba, akapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marta, akamugamuchira mumba make,
10:39b.LUK.010.039 Iye wakanga anomunununa wainzi Maria, wakagara vo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
10:40b.LUK.010.040 Asi Marta wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akavuya, akati: Ishe, hamunehanya muchivona munununa wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muvudzei andibatsire,
10:41b.LUK.010.041 Jesu akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji,
10:42b.LUK.010.042 asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.
11
11:1b.LUK.011.001 Zvino wakati achinyengetera paneimwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vake vo.
11:2b.LUK.011.002 Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kudenga zita renyu ngariitwe dzvene; vushe bwenyu ngabwuvuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
11:3b.LUK.011.003 mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana;
11:4b.LUK.011.004 mutikangamwire zvivi zvedu sesu tichikangamwira vane mhoswa nesu musatiisa pakuidzwa asi mutisunungure pane zvakaipa, Mufananidzo weshamwari yakatsungirira.
11:5b.LUK.011.005 Akati kwavari: Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari; Shamwari, ndipose vo zvingwa zvitatu;
11:6b.LUK.011.006 nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.
11:7b.LUK.011.007 Uri mukati akapindura, akati; Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.
11:8b.LUK.011.008 Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.
11:9b.LUK.011.009 Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
11:10b.LUK.011.010 Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.
11:11b.LUK.011.011 Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?
11:12b.LUK.011.012 Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here?
11:13b.LUK.011.013 Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari. Jesu unobudisa mweya yakaipa, Unodadirwa navaFarise. (Mat. 12. 22-37.)
11:14b.LUK.011.014 Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.
11:15b.LUK.011.015 Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemweya yakaipa.
11:16b.LUK.011.016 Asi vamwe vakamuidza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga.
11:17b.LUK.011.017 Zvino iye wakati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari; Vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa, bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.
11:18b.LUK.011.018 NaSatani, kana achizvipesanisa, vushe bwake bwungamira seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi?
11:19b.LUK.011.019 Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
11:20b.LUK.011.020 Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, ipapo vushe bwaMwari bwasvika kwamuri.
11:21b.LUK.011.021 Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka.
11:22b.LUK.011.022 Asi kana mumwe unomupfuvura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo uchamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
11:23b.LUK.011.023 Usineni, unopesana neni, nousingavunganidzi neni, unoparadza.
11:24b.LUK.011.024 Mweya wetsvina kana wabuda kumunhu, unopota nenzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.
11:25b.LUK.011.025 Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa.
11:26b.LUK.011.026 Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.
11:27b.LUK.011.027 Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.
11:28b.LUK.011.028 Asi iye akati: Hongo, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta. Chiratidzo chomuporofita Jona. (Mat. 12. 39-42.)
11:29b.LUK.011.029 Zvino vazhinji vakati vachivunganira kwaari, akatanga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona.
11:30b.LUK.011.030 Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kunavaNinivhi, ndizvo zvichaita vo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu.
11:31b.LUK.011.031 Mambokadzi weZasi uchasimuka pakutonga navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
11:32b.LUK.011.032 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. Mufananidzo womwenje. (Mat. 5. 15, 16; Mar. 4. 21, 22; Ruka 8. 16-18.)
11:33b.LUK.011.033 Hakunomunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
11:34b.LUK.011.034 Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.
11:35b.LUK.011.035 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
11:36b.LUK.011.036 Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasinarutivi runerima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo. Jesu unotuka vaFarise navadudziri vomurairo. (Mat. 23. 13-35.)
11:37b.LUK.011.037 Wakati achataura, mumwe muFarise akakumbira kwaari kuti asvusvure naye; akapinda, akagara pakudya.
11:38b.LUK.011.038 Zvino muFarise akashamiswa, achivona kuti haana kumboshamba asati asvusvura.
11:39b.LUK.011.039 Ishe akati kwaari: Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
11:40b.LUK.011.040 Imi mapenzi! Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukati vo here.
11:41b.LUK.011.041 Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvamunazvo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
11:42b.LUK.011.042 Asi munenhamo, imi vaFarise, nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kunaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
11:43b.LUK.011.043 Munenhamo, imi vaFaraise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare.
11:44b.LUK.011.044 Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingavonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.
11:45b.LUK.011.045 Zvino mumwe wavadudziri vomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesu vo.
11:46b.LUK.011.046 Iye akati: Munenhamo nemi vo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wenyu mumwe.
11:47b.LUK.011.047 Munenhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakavurawa namadzibaba enyu.
11:48b.LUK.011.048 Naizvozvo muri zvapupu, kana muchitenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya, nemi munovaka marinda avo.
11:49b.LUK.011.049 Saka nokuchenjera kwaMwari vo akati: Ndichatumira kwavari vaporofita navapositora, vachavuraya vamwe vavo, nokuvatambudza;
11:50b.LUK.011.050 kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu;
11:51b.LUK.011.051 kubva paropa raAberi, kusvikira paropa raZakaria, wakavurawa pakati pearitari neImba yaMwari;hongo, ndinoti kwamuri mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
11:52b.LUK.011.052 Munenhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda mumene, vuye makadzivisa avo vakanga vachida kupinda.
11:53b.LUK.011.053 Wakati achibvapo vanyori navaFarise vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,
11:54b.LUK.011.054 vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.
12
12:1b.LUK.012.001 Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera.
12:2b.LUK.012.002 Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
12:3b.LUK.012.003 Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
12:4b.LUK.012.004 Ndinoti kwamuri, hama dzangu; Musatya vanovuraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo.
12:5b.LUK.012.005 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana avuraya, unesimba vo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.
12:6b.LUK.012.006 Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
12:7b.LUK.012.007 Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuvura shiri duku zhinji.
12:8b.LUK.012.008 Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu uchamupupura vo pamberi pavatumwa vaMwari.
12:9b.LUK.012.009 Asi unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa vo pamberi pavatumwa vaMwari.
12:10b.LUK.012.010 Mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.
12:11b.LUK.012.011 Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei.
12:12b.LUK.012.012 Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura. Mufananidzo womufumi benzi.
12:13b.LUK.012.013 Zvino mumwe pakati pavazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai muninina wangu kuti agovane nhaka neni.
12:14b.LUK.012.014 Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?
12:15b.LUK.012.015 Akati kwavari: Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti vupenyu bwomunhu habwuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.
12:16b.LUK.012.016 Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo;
12:17b.LUK.012.017 akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu.
12:18b.LUK.012.018 Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka,
12:19b.LUK.012.019 ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare.
12:20b.LUK.012.020 Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani?
12:21b.LUK.012.021 Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari. Baba vanoziva zvatinoshaiwa. (Mat. 6. 25-34.)
12:22b.LUK.012.022 Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?
12:23b.LUK.012.023 Nokuti vupenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri unopfuvura zvokupfeka.
12:24b.LUK.012.024 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, haacheki, haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!
12:25b.LUK.012.025 Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu bwake nokufunganya?
12:26b.LUK.012.026 Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
12:27b.LUK.012.027 Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
12:28b.LUK.012.028 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwenyika, bwuripo nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, haangakupfekedziyi nokupfuvurisa, imi vokutenda kuduku here?
12:29b.LUK.012.029 Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchamwa; musazvidya moyo.
12:30b.LUK.012.030 Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
12:31b.LUK.012.031 Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
12:32b.LUK.012.032 Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.
12:33b.LUK.012.033 Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
12:34b.LUK.012.034 Nokuti panefuma yenyu, nomoyo wenyu uchavapo vo. Mufananidzo womuranda wakarindira ishe wake. (Mat. 24. 37-51.)
12:35b.LUK.012.035 Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute.
12:36b.LUK.012.036 Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vamuzarurire pakarepo.
12:37b.LUK.012.037 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavashandira.
12:38b.LUK.012.038 Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yovusiku, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
12:39b.LUK.012.039 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarindira akasatendera kuti imba yake ipazwe.
12:40b.LUK.012.040 Nemi vo mugare mazvigadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingafungi.
12:41b.LUK.012.041 Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?
12:42b.LUK.012.042 Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakachenjera, uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
12:43b.LUK.012.043 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
12:44b.LUK.012.044 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo,
12:45b.LUK.012.045 Asi kana muranda uyo akareva mumoyo make, achiti: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akamwa, akabatwa;
12:46b.LUK.012.046 ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.
12:47b.LUK.012.047 Muranda uyo wakaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa zvizhinji.
12:48b.LUK.012.048 Asi usina kuziva, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa zvishoma. Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; unotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.
12:49b.LUK.012.049 Ndakavuya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti: Dai watobatidzwa hawo!
12:50b.LUK.012.050 Ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika.
12:51b.LUK.012.051 Munofunga kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa.
12:52b.LUK.012.052 Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu.
12:53b.LUK.012.053 Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.
12:54b.LUK.012.054 Akati kuvanhu vazhinji: Kana muchivona gore richikwira kumavirira,, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo.
12:55b.LUK.012.055 Kana muchivona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika.
12:56b.LUK.012.056 Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunovona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino?
12:57b.LUK.012.057 Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama
12:58b.LUK.012.058 Nokuti kana uchienda kunashe nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa mupurisa akusunge mutorongo.
12:59b.LUK.012.059 Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
13
13:1b.LUK.013.001 Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuvudza shoko ravaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
13:2b.LUK.013.002 Jesu akapindura, akati kwavari: Munoti vaGarirea avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGarirea vose, zvavakatambudzika saizvozvo?
13:3b.LUK.013.003 Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemi mose muchaparara saizvozvo.
13:4b.LUK.013.004 Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavavuraya, munoti vakanga vanemhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here?
13:5b.LUK.013.005 Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemivo muchaparara saizvozvo. Muvonde usingabereki.
13:6b.LUK.013.006 Zvino wakataura mufananidzo uyu; Mumwe munhu wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akavuya achitsvaka zvibereko kwauri, akashaiwa.
13:7b.LUK.013.007 Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, ndavuya makore matatu ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
13:8b.LUK.013.008 Akapindura, akati kwaari: Ishe, muregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze;
13:9b.LUK.013.009 kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu. Jesu unoporesa mukadzi nesabata.
13:10b.LUK.013.010 Zvino wakanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi wesabata.
13:11b.LUK.013.011 Zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovurwere makore anegumi namasere; wakanga akawonyana, asingatongogoni kusimuka.
13:12b.LUK.013.012 Jesu akati achimuvona, akamudana, akati kwaari: Mai, wasunungurwa pavurwere bwako.
13:13b.LUK.013.013 Akaisa mavoko ake pamusoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mwari.
13:14b.LUK.013.014 Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji; Mazuva matanhatu aripo, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo, muporeswe; asi musavuya nomusi wesabata.
13:15b.LUK.013.015 Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi wesabata, akaenda nayo kundoimwisa here?
13:16b.LUK.013.016 Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa nomusi wesabata pachisungo ichi here?
13:17b.LUK.013.017 Zvino wakati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisonaka zvakaitwa naye. Mufananidzo wembeu yemastarda nembiriso. (Mat. 13. 31, 32; Mar. 4. 30-32.)
13:18b.LUK.013.018 Zvino akati: Vushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei?
13:19b.LUK.013.019 Bwakafanana netsanga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, mukuru shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.
13:20b.LUK.013.020 Akati zve; Vushe bwaMwari ndichabwufananidza neiko?
13:21b.LUK.013.021 Bwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu* zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa. Suwo rakamanikana. (Mat. 7. 13, 14.)
13:22b.LUK.013.022 Zvino wakafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusarema.
13:23b.LUK.013.023 Mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here?
13:24b.LUK.013.024 Akati kwavari: Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
13:25b.LUK.013.025 Panguva iyo kana mwene weimba asimuka, azarira suvo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuvo, muchiti: Ishe! Tizarurirei! Iye akapindura, achiti kwamuri: Handikuziviyi imi kwamakabva.
13:26b.LUK.013.026 Zvino muchatanga kuti: Taidya, taimwa pamberi penyu, vuye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.
13:27b.LUK.013.027 Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!
13:28b.LUK.013.028 Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muvushe bwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
13:29b.LUK.013.029 Vachabva mabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muvushe bwaMwari.
13:30b.LUK.013.030 Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira. Jesu unochema pamusoro peJerusarema. (Mat. 23. 37-39.)
13:31b.LUK.013.031 Nenguva iyo vamwe vaFarise vakasvika, vakati kwaari: Budai, mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai.
13:32b.LUK.013.032 Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, muti: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.
13:33b.LUK.013.033 Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita avurawe kunze kweJerusarema.
13:34b.LUK.013.034 Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba
13:35b.LUK.013.035 Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; zvirokwazvo; asi ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe!
14
14:1b.LUK.014.001 Zvino wakati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarise nomusi wesabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.
14:2b.LUK.014.002 Zvino kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.
14:3b.LUK.014.003 ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurairo nokuvaFarise, achiti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesabata here, kana kwete?
14:4b.LUK.014.004 Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa.
14:5b.LUK.014.005 Wakapindura akati kwavari: Ndianiko pakati penyu, ungati, kana ane mbongoro yake kana nzombe yake ikawira mugomba, nomusi wesabata akasayibudisa pakarepo.
14:6b.LUK.014.006 Vakasagona kupindura zve pamusoro paizvozvi. Kuzvininipisa.
14:7b.LUK.014.007 Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti wakavona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari:
14:8b.LUK.014.008 Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, unokudzwa kupfuvurewe, wakokerwa vo naye;
14:9b.LUK.014.009 zvino wakakukokera iwe naye, ungasvika, akati kwauri: Ibvapo. Munhu uyu agareipo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyara.
14:10b.LUK.014.010 Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo wakakukokera, kana achisvika, agoti kwauri: Shamwari, pinda mberi! Zvino uchakudzwa wepamberi pavose vagere pakudya newe.
14:11b.LUK.014.011 Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa; vuye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa.
14:12b.LUK.014.012 Akati vo kuno wakamukokera: Kana wagadzira chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanununa vako kana hama dzako, navafumi vokwako, kuti varege kukukokera zve, ugoripirwa.
14:13b.LUK.014.013 Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.
14:14b.LUK.014.014 ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama. Mufananidzo wechirairo chikuru. (Mat. 22. 1-14.)
14:15b.LUK.014.015 Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achizvinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya pavushe bwaMwari!
14:16b.LUK.014.016 Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
14:17b.LUK.014.017 Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti avudze vakanga vakakokerwa, kuti: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.
14:18b.LUK.014.018 Ipapo vose vakatanga nomoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouvona; ndinokumbira kuti undireverere.
14:19b.LUK.014.019 Mumwe akati Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira kuti undireverere.
14:20b.LUK.014.020 Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.
14:21b.LUK.014.021 Muranda akavuya, akavudza ishe wake izvozvo. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uvuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.
14:22b.LUK.014.022 Muranda akati: Ishe, izvo zvamaraira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.
14:23b.LUK.014.023 Ishe akati kumuranda: Buda kunzira nokuvuzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.
14:24b.LUK.014.024 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vandakakokera, ucharavira chirayiro changu. Kutevera Jesu. (Mat. 10. 37-39.)
14:25b.LUK.014.025 Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendevuka, akati kwavari:
14:26b.LUK.014.026 Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanuuna, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu.
14:27b.LUK.014.027 Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.
14:28b.LUK.014.028 Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuvona kana anemari yokuipedzisa nayo?
14:29b.LUK.014.029 Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozvivona, vasatanga kumuseka,
14:30b.LUK.014.030 vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.
14:31b.LUK.014.031 Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, unavanhu vanezvuru zvamazana zvinegumi, angagona kundosongana nounovuya kuzorwa naye, anavanhu vanezvuru zvamazana zvinamakumi maviri?
14:32b.LUK.014.032 Kana asingagoni, unotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare.
14:33b.LUK.014.033 Saizvozvo vo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.
14:34b.LUK.014.034 Munyu wakanaka; asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko?
14:35b.LUK.014.035 Hauchinebasa pamunda, kana padutu romupfudze; vanorashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
15
15:1b.LUK.015.001 Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari, kuzomunzwa.
15:2b.LUK.015.002 Vafarise navanyori vose vakanununa, vachiti: Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo.
15:3b.LUK.015.003 Zvino wakavavudza mufananidzo uyu, achiti:
15:4b.LUK.015.004 Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakashika kusvikira ariwana?
15:5b.LUK.015.005 Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, achifara.
15:6b.LUK.015.006 Kana asvika kumusha, unokokera shamwari dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.
15:7b.LUK.015.007 Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka, kupfuvura pavakarurama vanamakumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendevuka. Mufananidzo wedrakema rakarashika.
15:8b.LUK.015.008 Ndoupiko mukadzi unamadrakema * anegumi, kana arashikirwa nerimwe, ungarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?
15:9b.LUK.015.009 Kana ariwana, unokokera hama dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana drakema randakanga ndarashikirwa naro.
15:10b.LUK.015.010 Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka. Mufananidzo womwanakomana wakarashika.
15:11b.LUK.015.011 Zvino wakati: Mumwe munhu waiva anavanakomana vaviri.
15:12b.LUK.015.012 Muduku wavo akati kunababa vake: Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu. Akavagovera fuma yake.
15:13b.LUK.015.013 Mazuva mashoma akati apfuvura, mwanakomana muduku akavunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitovo yakaipa.
15:14b.LUK.015.014 Zvino wakati apedza zvose; nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushaiwa.
15:15b.LUK.015.015 Ipapo akaenda, akandozviisa kunomumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve.
15:16b.LUK.015.016 Wakanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusinomunhu waimupa.
15:17b.LUK.015.017 Zvino wakati achizvifunga, akati: Varanda vazhinji sei vababa vangu vanezvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara.
15:18b.LUK.015.018 Ndichasimuka, ndiende kunababa vangu, nditi kwavari: Baba ndatadzira kudenga, napamberi penyu,
15:19b.LUK.015.019 handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.
15:20b.LUK.015.020 Akasimuka, akaenda kunababa vake. Wakati achiri kure, baba vake vakamuvona, vakamunzwira tsitsi vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta.
15:21b.LUK.015.021 Mwanakomana akati kwavari: Baba, ndatadzira kudenga napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
15:22b.LUK.015.022 Asi baba vakati kuvaranda vavo: Kurumidzai, muvuye nenguvo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake;
15:23b.LUK.015.023 muvuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare;
15:24b.LUK.015.024 nokuti mwanakomana wangu uyu wakanga afa, wararama zve; wakanga arashika, wawanika zve. Zvino vakatanga kufara.
15:25b.LUK.015.025 Mwanakomana wake wedangwe wakanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
15:26b.LUK.015.026 Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti izvi zvinyiko.
15:27b.LUK.015.027 Akati kwaari: Munununa wako wasvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwana zve ari mupenyu.
15:28b.LUK.015.028 Asi iye wakatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari,
15:29b.LUK.015.029 Asi iye wakapindura, akati kunababa vake: Tarirai, ndakakubatirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
15:30b.LUK.015.030 Asi mwanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu nezvifeve, wakati asvika,mamubaira mhuru yakakodzwa.
15:31b.LUK.015.031 Ivo vakati kwaari: Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako.
15:32b.LUK.015.032 Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuuna wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arashika, akawanikwa.
16
16:1b.LUK.016.001 Zvino wakati vo kuvadzidzi vake: Kwakanga kunomufumi, waiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi unoparadza fuma yake.
16:2b.LUK.016.002 Ipapo akamudana, akati kwaari: Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutariri.
16:3b.LUK.016.003 Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri bwangu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
16:4b.LUK.016.004 Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
16:5b.LUK.016.005 Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwerete chakadiniko kunashe wangu?
16:6b.LUK.016.006 Iye akati; Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.
16:7b.LUK.016.007 Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwerete chakadiniko? Iye akati: Matengu anezana ezviyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.
16:8b.LUK.016.008 Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.
16:9b.LUK.016.009 Ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.
16:10b.LUK.016.010 Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendeka vo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangarurami vo pazvikuru.
16:11b.LUK.016.011 Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi?
16:12b.LUK.016.012 Kana musinakuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zvenyu.
16:13b.LUK.016.013 Hakuno muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari neFuma. Jesu unotuka vaFarise.
16:14b.LUK.016.014 Zvino vaFarise, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.
16:15b.LUK.016.015 Akati kwavari: Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.
16:16b.LUK.016.016 Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.
16:17b.LUK.016.017 Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.
16:18b.LUK.016.018 Mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe, vuye mumwe nomumwe unowana wakarashwa nomurume unoita vupombwe. Mufananidzo womufumi naRazaro
16:19b.LUK.016.019 Mumwe mufumi wakanga aripo, waipfeka nguvo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
16:20b.LUK.016.020 Zvino mumwe murombo, wainzi Razaro, wakanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuvo rake,
16:21b.LUK.016.021 achida kuzvigutisa nezvaiwa patafura romufumi; kunyange nembwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.
16:22b.LUK.016.022 Zvino murombo wakati afa, vatumwa vakamuisa pachifuva chaAbhurahamu. Mufumi akafa vo, akavigwa.
16:23b.LUK.016.023 Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro, ari pachifuva chake.
16:24b.LUK.016.024 Akadanidzira, akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.
16:25b.LUK.016.025 Abhurahamu akati: Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako pavupenyu bwako; naRazaro, saizvozvo wakapiwa zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
16:26b.LUK.016.026 Vuye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vovuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novoko varege kuyambukira kwatiri.
16:27b.LUK.016.027 Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu;
16:28b.LUK.016.028 nokuti ndina vanununa vashanu; kuti andonatso-vapupurira, kuti varege kuvuya vo panzvimbo ino yokurwadziwa.
16:29b.LUK.016.029 Abhurahamu akati: Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.
16:30b.LUK.016.030 Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka.
16:31b.LUK.016.031 Akati kwaari: Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.
17
17:1b.LUK.017.001 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya. Asi unenhamo iye wazvinovuya naye.
17:2b.LUK.017.002 Zvaiva nani kwaari. Kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
17:3b.LUK.017.003 Chenjerai: kana hama yako ikakutadzira, umuraire; kana akatendevuka, umukangamwire.
17:4b.LUK.017.004 Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire. Simba rokutenda. Varanda pasina.
17:5b.LUK.017.005 Zvino vapostora vakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kwedu.
17:6b.LUK.017.006 Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemastarda, maiti kumuvonde uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa! Uchakutererai.
17:7b.LUK.017.007 Ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda: Vuya, ugare pakudya.
17:8b.LUK.017.008 Handiti ungati kwaari: Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chivuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; iwe ugozodya, nokumwa?
17:9b.LUK.017.009 Ko ungatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarairwa here?
17:10b.LUK.017.010 Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita. Jesu unoporesa vanamaperembudzi vanegumi.
17:11b.LUK.017.011 Zvino vakati vachienda Jerusarema, akapfuvura napaSamaria neGarirea.
17:12b.LUK.017.012 Zvino achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.
17:13b.LUK.017.013 Vakadanidzira, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!
17:14b.LUK.017.014 Zvino wakati achivavona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaPirisita, Vakati vachienda, vakapora.
17:15b.LUK.017.015 Zvino mumwe wavo, wakati achivona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;
17:16b.LUK.017.016 akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye wakanga ari muSamaria.
17:17b.LUK.017.017 Ipapo Jesu akapindura, akati: Havana kuporeswa vanegumi here? Vapfumbamwe varipiko?
17:18b.LUK.017.018 Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?
17:19b.LUK.017.019 Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa. Vushe bwaMwari, nokudzoka kwaShe.
17:20b.LUK.017.020 Zvino wakati achibvunzwa navaFarise kuti vushe bwaMwari bwunosvika rini, akapindura, akati: Vushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.
17:21b.LUK.017.021 Havangati: Tarirai pano! Kana: Uko! Nokuti tarirai, vushe bwaMwari bwuri mukati menyu.
17:22b.LUK.017.022 Akati kuvadzidzi vake: Mazuva achasvika amuchatsvaka kuvona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarivoni.
17:23b.LUK.017.023 Vachati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuvatevera;
17:24b.LUK.017.024 nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi pasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu vo nezuva rake.
17:25b.LUK.017.025 Asi unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa norudzi urwu.
17:26b.LUK.017.026 Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita vo namazuva oMwanakomana womunhu;
17:27b.LUK.017.027 vaidya, nokumwa nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.
17:28b.LUK.017.028 Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;
17:29b.LUK.017.029 asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.
17:30b.LUK.017.030 Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro.
17:31b.LUK.017.031 Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo vo, uri kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.
17:32b.LUK.017.032 Rangarirai mukadzi waRoti.
17:33b.LUK.017.033 Aninani unotsvaka kungwarira vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, vuye aninani unorashikirwa nabwo, uchabwuraramisa.
17:34b.LUK.017.034 Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
17:35b.LUK.017.035 Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
17:36b.LUK.017.036 Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
17:37b.LUK.017.037 Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwavari: Apo panomutumbu, ndipo panovunganira vo magora.
18
18:1b.LUK.018.001 Zvino wakavavudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarashi moyo;
18:2b.LUK.018.002 akati: Munerimwe guta makanga munomumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu.
18:3b.LUK.018.003 Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichivuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
18:4b.LUK.018.004 Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;
18:5b.LUK.018.005 iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzovuya pashure indirove kumeso.
18:6b.LUK.018.006 Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.
18:7b.LUK.018.007 Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari vusiku namasikati, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?
18:8b.LUK.018.008 Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here? Mufananidzo womuFarise nomuteresi.
18:9b.LUK.018.009 Wakareva vo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati:
18:10b.LUK.018.010 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi.
18:11b.LUK.018.011 MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.
18:12b.LUK.018.012 Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana.
18:13b.LUK.018.013 Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!
18:14b.LUK.018.014 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa. Jesu unogamuchira vanana. (Mat. 19. 13-15; Mar. 10. 13-16.)
18:15b.LUK.018.015 Zvino vakavuya navacheche vo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizvivona, vakavaraira.
18:16b.LUK.018.016 Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku, vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.
18:17b.LUK.018.017 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri. Jaya mufumi (Mat. 19. 16-30; Mar. 20. 17-30.)
18:18b.LUK.018.018 Zvino mumwe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako yovupenyu bwusingaperi?
18:19b.LUK.018.019 Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakun awakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
18:20b.LUK.018.020 Mirairo unoiziva,inoti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
18:21b.LUK.018.021 Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
18:22b.LUK.018.022 Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga;ugovuya, unditevere.
18:23b.LUK.018.023 Zvino wakati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti wakanga anefuma zhinji.
18:24b.LUK.018.024 Zvino Jesu, achimuvona, akati: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda muvushe bwaMwari.
18:25b.LUK.018.025 Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
18:26b.LUK.018.026 Zvino vakanga vazvinzwa, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
18:27b.LUK.018.027 Iye akati: Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.
18:28b.LUK.018.028 Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
18:29b.LUK.018.029 Akati kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana vanununa, kana vabereki, kana vana, nokuda kwovushe bwaMwari.
18:30b.LUK.018.030 usingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, vuye vupenyu bwusingaperi nenguva inovuya. Jesu unovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 20. 17-19; Mar. 10. 32-34.)
18:31b.LUK.018.031 Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
18:32b.LUK.018.032 Nokuti uchaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,
18:33b.LUK.018.033 vachamurovesa, nokumuvuraya, asi nezuva retatu uchamuka zve.
18:34b.LUK.018.034 Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, vuye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa. Jesu unosvinudza bofu paJeriko. (Mat. 20. 29-34; Mar. 10. 46-52.)
18:35b.LUK.018.035 Zvino wakati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira,
18:36b.LUK.018.036 rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuvura, rikabvunza, richiti: Chinyiko?
18:37b.LUK.018.037 Vakarivudza, vachiti: Ndi Jesu, weNazareta, unopfuvura.
18:38b.LUK.018.038 Ipapo rakadanidzira, richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
18:39b.LUK.018.039 Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!
18:40b.LUK.018.040 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti vavuye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza,
18:41b.LUK.018.041 achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivone.
18:42b.LUK.018.042 Jesu akati kwaari: Chivona, kutenda kwako kwakuponesa.
18:43b.LUK.018.043 Pakarepo rikavona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizvivona vakakudza Mwari.
19
19:1b.LUK.019.001 Zvino Jesu wakapinda Jeriko, akapfuvura napakati.
19:2b.LUK.019.002 Zvino murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, vuye waiva mufumi;
19:3b.LUK.019.003 akatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakanga asingagoni, nokuti wakanga akafupika.
19:4b.LUK.019.004 Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga opfuvura napo.
19:5b.LUK.019.005 Zvino Jesu wakati achisvikapo akatarira kumsoro, akamuvona akati kwaari: Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
19:6b.LUK.019.006 Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
19:7b.LUK.019.007 Vose vakazvivona, vakanununa, vachiti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.
19:8b.LUK.019.008 Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe; Tarirai, Ishe, hafu yefuma yangu,ndinoipa varombo, vuye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.
19:9b.LUK.019.009 Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiye vo mwanakomana waAbhurahamu.
19:10b.LUK.019.010 Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika. Mufananidzo wepondo. (Mat. 25. 14-30.)
19:11b.LUK.019.011 Vakati vachanzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, ivo vakati vushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.
19:12b.LUK.019.012 Naizvozvo akati: Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa vushe, agodzoka zve.
19:13b.LUK.019.013 Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Shambadzirai, kusvikira ndichivuya zve.
19:14b.LUK.019.014 Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti: Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.
19:15b.LUK.019.015 Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa vushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.
19:16b.LUK.019.016 Wokutanga akasvika, akati: ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumi zve.
19:17b.LUK.019.017 Akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta anegumi.
19:18b.LUK.019.018 Wechipiri akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera zve pondo shanu.
19:19b.LUK.019.019 Akati kwaari vo: Newe, ubate maguta mashanu.
19:20b.LUK.019.020 Zvino mumwe akasvika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi. Yandakanga ndachengeta mumucheka.
19:21b.LUK.019.021 nokuti; ndakanga ndichikutyai,zvamuri munhu unehasha munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.
19:22b.LUK.019.022 Akati kwaari: Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;
19:23b.LUK.019.023 zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.
19:24b.LUK.019.024 Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Munotorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi.
19:25b.LUK.019.025 Vakati kwaari: Ishe, watova nepondo dzinegumi.
19:26b.LUK.019.026 Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unechinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
19:27b.LUK.019.027 Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, vuyai navo pano, muvavuraye pamberi pangu.
19:28b.LUK.019.028 Wakati areva izvozvo, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema. Jesu unogamuchirwa paJerusarema. (Mat. 21. 1-9; Mar. 11.1-10; Joh. 12. 12-15.)
19:29b.LUK.019.029 Wakati oswedera Betifage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,
19:30b.LUK.019.030 achiti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotaswa nomunhu; muisunungure, mugovuya nayo.
19:31b.LUK.019.031 Kana mumwe akakubvunzai, achiti: Munoisunungurireiko? Muti kwaari kudai: Ishe unoida.
19:32b.LUK.019.032 Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza.
19:33b.LUK.019.033 Zvino vakati vachisunungura mhuru, vene vayo vakati kwavari: Munosunungurireiko mhuru?
19:34b.LUK.019.034 Vakati: Ishe unoida.
19:35b.LUK.019.035 Vakavuya nayo kuna Jesu, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.
19:36b.LUK.019.036 Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
19:37b.LUK.019.037 Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.
19:38b.LUK.019.038 vachiti: Mambo ngaakudzwe, iye unovuya muzita raShe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumuso-soro!
19:39b.LUK.019.039 Vamwe vaFarise pakati pavazhinji vakati kwaari: Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!
19:40b.LUK.019.040 Akapindura, akati: Ndinokuvudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira. Jesu unochema pamusoro peJerusarema.
19:41b.LUK.019.041 Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,
19:42b.LUK.019.042 achiti: Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!
19:43b.LUK.019.043 Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose;
19:44b.LUK.019.044 vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako. Jesu unonatsa tembere. (Mat. 21. 12-16; Mar. 11. 15-18.)
19:45b.LUK.019.045 Zvino wakapinda mutembere, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo,
19:46b.LUK.019.046 achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.
19:47b.LUK.019.047 Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuvuraya.
19:48b.LUK.019.048 Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa..
20
20:1b.LUK.020.001 Zvino panerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, achivaparidzira Evhangeri, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakasvika,
20:2b.LUK.020.002 vakataura, vakati kwaari: Tivudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri?
20:3b.LUK.020.003 Akapindura, akati kwavari: Neni ndichakubvunzai vo shoko; ndivudzei:
20:4b.LUK.020.004 Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga kana kuvanhu here?
20:5b.LUK.020.005 Vakataurirana pakati pavo, vachiti: Kana tikati, Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei kumutenda?
20:6b.LUK.020.006 Asi kana tikati,Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johane waiva muporofita.
20:7b.LUK.020.007 Vakapindura, vachiti hatizivi kwarwakabva.
20:8b.LUK.020.008 Zvino Jesu akati kwavari: Neni vo handingakuvudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi. Mufananidzo wavarimi vakaipa. (Mat. 21. 33-46; Mar. 12. 1-12.)
20:9b.LUK.020.009 Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu:: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa; akaupa varimi, akandogara kumwe nguva refu.
20:10b.LUK.020.010 Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.
20:11b.LUK.020.011 Akatuma zve mumwe muranda; naiye vo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina.
20:12b.LUK.020.012 Akatuma zve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze.
20:13b.LUK.020.013 Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.
20:14b.LUK.020.014 Asi varimi vakati vachimuvona, vakarangana, vakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuvuraye, nhaka igova yedu.
20:15b.LUK.020.015 Vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuvuraya. Zvino, mwene womunda wemizambiringa uchavaiteiko?
20:16b.LUK.020.016 Uchavuya, akaparadza varimi ivava; munda wemizambiringa akaupa vamwe. Zvino vachinzwa izvozvo, vakati: Haisva!
20:17b.LUK.020.017 Wakati avatarisisa, akati: Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti:Ibwe rakarashwa navavaki,Ndiro rakazova musoro wekona?
20:18b.LUK.020.018 Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunikanya; asi warinowira richamukuya akaita upfu. Kuripira Kesari mutero. (Mat. 22. 15-22; Mar. 12. 13-17.)
20:19b.LUK.020.019 Zvino vanyori navaPirisita vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.
20:20b.LUK.020.020 Vakamucherekedza, vakatuma vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuvushe nesimba romutongi.
20:21b.LUK.020.021 Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi,. Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinovonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi,
20:22b.LUK.020.022 Ko zvino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
20:23b.LUK.020.023 Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: munondiidzireiko?
20:24b.LUK.020.024 Ndiratidzei dhenari.* Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Vakati: ZvaKesari,.
20:25b.LUK.020.025 Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
20:26b.LUK.020.026 Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara. Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa. (Mat. 22. 23-33; Mar. 12. 18-27.)
20:27b.LUK.020.027 Zvino vamwe vaSadhuse, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakavuya kwaari, vakamubvunza,
20:28b.LUK.020.028 vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinavana munununa wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
20:29b.LUK.020.029 Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asinavana;
20:30b.LUK.020.030 nowechipiri: akamuwana akafa asina mwana.
20:31b.LUK.020.031 nowechitatu amutora; nokudaro navanomwe vakasasiya vana, vakafa.
20:32b.LUK.020.032 Pashure mukadzi akafa vo;
20:33b.LUK.020.033 Zvino pakumuka uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.
20:34b.LUK.020.034 Jesu akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; vuye vanowaniswa;
20:35b.LUK.020.035 asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, vuye havawaniswi.
20:36b.LUK.020.036 Nokuti havazofi zve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa.
20:37b.LUK.020.037 Naiye Mosesi vo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswa zve, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
20:38b.LUK.020.038 Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.
20:39b.LUK.020.039 Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
20:40b.LUK.020.040 Pashure paizvozvo hakuna wakazotsunga kumubvunzazve mibvunzo. Kristu Mwanakomana waDhavhidhi. (Mat. 22. 41-46; Mar. 12. 35-37.)
20:41b.LUK.020.041 Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDavhidhi?
20:42b.LUK.020.042 Nokuti Dhavhidhi wakareva amene mubuku yaMapisarema achiti: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kurudyi rwangu,
20:43b.LUK.020.043 Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
20:44b.LUK.020.044 Naizvozvo, Dhavidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko? Jesu unonyevera vadzidzi vake. (Mat. 23. 1-14; Mar. 12. 38-40.)
20:45b.LUK.020.045 Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa:
20:46b.LUK.020.046 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamitambo;
20:47b.LUK.020.047 vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita mano-mano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuvurisa.
21
21:1b.LUK.021.001 Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari.
21:2b.LUK.021.002 Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku.
21:3b.LUK.021.003 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose;
21:4b.LUK.021.004 nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo. Jesu unoporofita kuputswa kweJerusarema nokudzoka kwake. (Mat. 24. 1-51; Mar. 13. 1-29.)
21:5b.LUK.021.005 Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati:
21:6b.LUK.021.006 Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
21:7b.LUK.021.007 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa?
21:8b.LUK.021.008 Akati: Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedera. Musavatevera.
21:9b.LUK.021.009 Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.
21:10b.LUK.021.010 Akati kwavari: Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, novushe hwumwe hwuchamukira hwumwe vushe.
21:11b.LUK.021.011 Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokunedzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, vuye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
21:12b.LUK.021.012 Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.
21:13b.LUK.021.013 Ichi chichava chapupu kwamuri.
21:14b.LUK.021.014 Naizvozvo simbai mumoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo.
21:15b.LUK.021.015 Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
21:16b.LUK.021.016 Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanununa, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachavurawa.
21:17b.LUK.021.017 Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.
21:18b.LUK.021.018 Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki.
21:19b.LUK.021.019 Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu hwenyu.
21:20b.LUK.021.020 Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.
21:21b.LUK.021.021 Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.
21:22b.LUK.021.022 Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.
21:23b.LUK.021.023 Asi vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo.
21:24b.LUK.021.024 Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.
21:25b.LUK.021.025 Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika vurombo bwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu;
21:26b.LUK.021.026 vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.
21:27b.LUK.021.027 Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya negore, nesimba rokubwinya kukuru.
21:28b.LUK.021.028 Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.
21:29b.LUK.021.029 Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose;
21:30b.LUK.021.030 kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo.
21:31b.LUK.021.031 Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo.
21:32b.LUK.021.032 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.
21:33b.LUK.021.033 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
21:34b.LUK.021.034 Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
21:35b.LUK.021.035 Nokuti richawira vose vagere panyika yose.
21:36b.LUK.021.036 Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.
21:37b.LUK.021.037 Zvino waidzidzisa masikati mutembere, asi vusiku waibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi.
21:38b.LUK.021.038 Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani, kuzomunzwa.
22
22:1b.LUK.022.001 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.
22:2b.LUK.022.002 VaPirisita vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. Judhasi Iskarioti unotsaka kutengesa Jesu. (Mat. 26. 14--16; Mar. 14. 10, 11.)
22:3b.LUK.022.003 Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri.
22:4b.LUK.022.004 Akaenda, akandorangana navaPirisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei.
22:5b.LUK.022.005 Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari.
22:6b.LUK.022.006 Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasi navanhu vazhinji. Paseka neChirayiro. (Mat. 26. 17-30; Mar. 14. 12-26.).
22:7b.LUK.022.007 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro.
22:8b.LUK.022.008 akatuma Petro naJohane, achiti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.
22:9b.LUK.022.009 Vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko?
22:10b.LUK.022.010 Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, muchasongana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwanoenda;
22:11b.LUK.022.011 muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
22:12b.LUK.022.012 Uchakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.
22:13b.LUK.022.013 Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.
22:14b.LUK.022.014 Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navaapostora.
22:15b.LUK.022.015 Akati kwavari: Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.
22:16b.LUK.022.016 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyi, kusvikira yaitika muvushe hwaMwari.
22:17b.LUK.022.017 Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu.
22:18b.LUK.022.018 Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongomwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira vushe bwaMwari bwasvika.
22:19b.LUK.022.019 Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: Ichi muviri wangu, unopiwemi; itai izvi, mugondirangarira.
22:20b.LUK.022.020 Nokudaro vo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinotevurirwemi.
22:21b.LUK.022.021 Asi tarirai, ruvoko rwaiye, unondipandukira runeni patafura.
22:22b.LUK.022.022 Nokuti mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvazvakatemwa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.
22:23b.LUK.022.023 Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari ungaita chinhu icho. Mukuru ndiani. (Mat. 20. 25-28; Mar. 10. 42-45.)
22:24b.LUK.022.024 Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari uchanzi mukuru.
22:25b.LUK.022.025 Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anesimba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi vabatsiri.
22:26b.LUK.022.026 Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri sounoshumira.
22:27b.LUK.022.027 Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.
22:28b.LUK.022.028 Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu.
22:29b.LUK.022.029 Ndinokugarisai nhaka yovushe saBaba vangu vakandigarisa nhaka.
22:30b.LUK.022.030 kuti mugodya nokumwa patafura rangu muvushe bwangu; muchagara pazvigaro zvovushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mat. 26. 31-35; Mar. 14. 27-31; Ruka 13. 36-38.)
22:31b.LUK.022.031 Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo;
22:32b.LUK.022.032 asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako.
22:33b.LUK.022.033 Akati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.
22:34b.LUK.022.034 Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, jongwe risati rarira, ucharamba katatu uchiti haundizivi.
22:35b.LUK.022.035 Zvino akati kwavari: Musi wandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hakuna.
22:36b.LUK.022.036 Akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaachitore, nokudaro vo unehombodo; usinomunondo, ngaatengese nguvo yake, autenge.
22:37b.LUK.022.037 Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.
22:38b.LUK.022.038 Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana. Jesu muGetsemani. (Mat. 26. 36-46; Mar. 14. 32-42.)
22:39b.LUK.022.039 Zvino wakabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera.
22:40b.LUK.022.040 Wakati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.
22:41b.LUK.022.041 Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera,
22:42b.LUK.022.042 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.
22:43b.LUK.022.043 Ipapo mutumwa akavonekwa naye, wakabva kudenga, akamusimbisa.
22:44b.LUK.022.044 Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
22:45b.LUK.022.045 Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomoyo.
22:46b.LUK.022.046 Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. Kusungwa kwaJesu. (Mat. 26. 47-56; Mar. 14. 43-50; Joh. 18. 1-11.)
22:47b.LUK.022.047 Wakati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.
22:48b.LUK.022.048 Jesu akati kwaari: Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here?
22:49b.LUK.022.049 Zvino vaiva naye vakati vachivona zvichaitika, vakati: Ishe, totema neminondo here?
22:50b.LUK.022.050 Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi.
22:51b.LUK.022.051 Jesu akapindura, akati: Regai, zvaringana. Akabata nzeve yake, akamuporesa.
22:52b.LUK.022.052 Zvino Jesu akati kuvaPirisita vakuru navakuru vetembere, navakuru vakanga vavuya kwaari kumubata: Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here?
22:53b.LUK.022.053 Ndaiva nemi mutembere mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima. Kuramba kwaPetro. (Mat. 26. 69-75; Mar. 14. 66-72; Joh. 18. 16-18, 25-27.)
22:54b.LUK.022.054 Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomuPirisita mukuru. Petro akatevera ari kure.
22:55b.LUK.022.055 Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwe chete, naPetro akagara pakati pavo.
22:56b.LUK.022.056 Zvino mumwe mushandiri wakati achimuvona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati: Nouyu vo wakanga anaye.
22:57b.LUK.022.057 Asi iye wakaramba, achiti: Iwe mukadzi, handimuzivi.
22:58b.LUK.022.058 Garegare, mumwe zve akamuvona, akati: iwe uri mumwe wavo. Petro akati: Iwe munhu, handizati.
22:59b.LUK.022.059 Nguva inenge seimwe yakati yapfuvura, mumwe zve akasimbisa, achiti: Zvirokwazvo, uyu wakanga anaye vo; nokuti muGarirea.
22:60b.LUK.022.060 Petro akati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva! Pakarepo, achataura, jongwe rikarira.
22:61b.LUK.022.061 Ipapo Ishe akatendevuka, akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, raakanga amuvudza, achiti: Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.
22:62b.LUK.022.062 Akabuda, akachema zvikuru.
22:63b.LUK.022.063 Varume vo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova.
22:64b.LUK.022.064 Vakafukidzira meso ake, vakamubvunza, vachiti: Profita kuti ndiani wakurova.
22:65b.LUK.022.065 Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimutuka. Jesu pamberi pavaPirisita vakuru navakuru. (Mat. 26. 57-68; Mar. 14. 53-65; Joh. 18. 12-24.)
22:66b.LUK.022.066 Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaPirisita vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo,
22:67b.LUK.022.067 vachiti: Kana uri Kristu, utivudze. Iye akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi.
22:68b.LUK.022.068 Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
22:69b.LUK.022.069 Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba raMwari.
22:70b.LUK.022.070 Ipapo vose vakati: Uri Mwanakomana waMwari kanhi? Akati kwavari: Mareva kuti ndini iye.
22:71b.LUK.022.071 Ivo vakati: Tichatsvakireiko chapupu? Nokuti tazvinzwira timene pamuromo wake.
23
23:1b.LUK.023.001 Zvino vose vakanga vakavungana, vakasimuka, vakatanga kumupomera mhosva, vachiti:
23:2b.LUK.023.002 Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari mutero; vuye achizviidza Kristu Mambo.
23:3b.LUK.023.003 Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Ndizvo zvamareva.
23:4b.LUK.023.004 Pirato akati kuvaPirisita vakuru nokuvazhinji; Handiwani mhosva kumunhu uyu.
23:5b.LUK.023.005 Ivo vakanyanya, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGarirea kusvikira pano.
23:6b.LUK.023.006 Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
23:7b.LUK.023.007 Akati anzwa kuti unobva kunyika yakabatwa naHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, nokuti wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.
23:8b.LUK.023.008 Zvino Herodhe wakafara kwazvo-kwazvo achivona Jesu; nokuti waida kumuvona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
23:9b.LUK.023.009 Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
23:10b.LUK.023.010 VaPirisita vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.
23:11b.LUK.023.011 NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.
23:12b.LUK.023.012 Nomusi uyo Pirato naHerodhe vakayanana; nokuti vaivengana.
23:13b.LUK.023.013 Zvino Pirato akavunganidza vaPirisita vakuru navabati navanhu.
23:14b.LUK.023.014 akati kwavari: Mavuya kwandiri nomunhu uyu, muchiti: Unotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;
23:15b.LUK.023.015 kunyange naHerodhe vo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakunechinhu chakaitwa naye, chaakafanira rufu.
23:16b.LUK.023.016 Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
23:17b.LUK.023.017 Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.
23:18b.LUK.023.018 Asi vose vakadanidzira pamwe chete, vachiti: Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!
23:19b.LUK.023.019 Iye wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuvuraya.
23:20b.LUK.023.020 Zvino Pirato akataura zve navo, achida kusunungura Jesu.
23:21b.LUK.023.021 Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!
23:22b.LUK.023.022 Akati kwavari rwechitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
23:23b.LUK.023.023 Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Manzwi avo akakunda.
23:24b.LUK.023.024 Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe;
23:25b.LUK.023.025 akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mat. 27. 32-56; Mar. 15. 21-41; Joh. 19. 17-37.)
23:26b.LUK.023.026 Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, wainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.
23:27b.LUK.023.027 Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.
23:28b.LUK.023.028 Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;
23:29b.LUK.023.029 nokuti tarirai mazuva anovuya, avachati: Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisinakutongobereka, namazamu asina kumwisa.
23:30b.LUK.023.030 Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti: Wirai pamusoro pedu, nokuzvikomo; Tifukidzei.
23:31b.LUK.023.031 Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakawoma uchaitirweiko?
23:32b.LUK.023.032 Kwakanga kunavamwe vatadzi vaviri vo, vavakaenda navo pamwe chete naye kundovurawa.
23:33b.LUK.023.033 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi dehenya, vakamuroverapo navatadzi mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
23:34b.LUK.023.034 Ipapo Jesu akati: Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
23:35b.LUK.023.035 Vanhu vakamira, vachitarira; navabati vakamuseka vo, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu waMwari. Musanangurwa wake.
23:36b.LUK.023.036 Navarwi vo vakamuseka, vakavuya kwaari, vakamupa vhinega,
23:37b.LUK.023.037 vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.
23:38b.LUK.023.038 Zvino; kwakanga kuno runyoro vo pamusoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.
23:39b.LUK.023.039 Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa wakamutuka, achiti: Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesu vo.
23:40b.LUK.023.040 Mumwe akapindura, akamuraira, achiti: Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe naye?
23:41b.LUK.023.041 Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
23:42b.LUK.023.042 Ipapo akati Jesu mundirangarire kana mosvika muvushe bwenyu!
23:43b.LUK.023.043 Iye akati kwaari: Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.
23:44b.LUK.023.044 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rakavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.
23:45b.LUK.023.045 Zuva rikasviba; chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati.
23:46b.LUK.023.046 Zvino Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Baba, ndinoisa mweya wangu pamavoko enyu! Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
23:47b.LUK.023.047 Ipapo mukuru wezana wakati avona zvaitwa, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga akarurama.
23:48b.LUK.023.048 Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vavona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.
23:49b.LUK.023.049 Navazikani vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachivona izvozvo. Kuvigwa kwaJesu. (Mat. 27. 57-66; Mar. 15. 42-47; Joh. 19. 38-42.).
23:50b.LUK.023.050 Zvino kwakanga kunomumwe, wainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,
23:51b.LUK.023.051 (iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo), waiva weArimatia, guta ravaJudha, wakanga achimirira vushe bwaMwari;
23:52b.LUK.023.052 iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu,
23:53b.LUK.023.053 akauburusa, akauputira nomucheka, akauisa mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.
23:54b.LUK.023.054 Waiva musi wokugadzirira, sabata rodokutanga.
23:55b.LUK.023.055 Navakadzi vakanga vavuya naye, vachibva Garirea, vakavatevera, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbu wake.
23:56b.LUK.023.056 Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta.
24
24:1b.LUK.024.001 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira.
24:2b.LUK.024.002 Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.
24:3b.LUK.024.003 vakapinda, vakashaiwa mutumbu waShe Jesu.
24:4b.LUK.024.004 Zvino vakati vachakanganiswa nazvo tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;
24:5b.LUK.024.005 zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
24:6b.LUK.024.006 Haapo pano, wamuka. Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,
24:7b.LUK.024.007 kuti Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumavoko avanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.
24:8b.LUK.024.008 Ipapo vakarangarira mashoko ake,
24:9b.LUK.024.009 vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza vanegumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.
24:10b.LUK.024.010 Vaiva Maria Magadarene naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandovudza vaapostora izvozvo.
24:11b.LUK.024.011 Mashoko awa akaita soovupenzi kwavari; vakasaatenda.
24:12b.LUK.024.012 Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akavona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa nezvakanga zvaitwa. Jesu unosongana navaviri vanoenda Emausi
24:13b.LUK.024.013 Pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;*
24:14b.LUK.024.014 vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
24:15b.LUK.024.015 Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
24:16b.LUK.024.016 Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva.
24:17b.LUK.024.017 Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba ndeeiko? Vakamira vaneshungu pamoyo.
24:18b.LUK.024.018 Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?
24:19b.LUK.024.019 Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: ZvaJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
24:20b.LUK.024.020 vuye kuti vaPirisita vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa.
24:21b.LUK.024.021 Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri; vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.
24:22b.LUK.024.022 Vuye zve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa;
24:23b.LUK.024.023 nokuti vakati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti, vavona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.
24:24b.LUK.024.024 Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuvona.
24:25b.LUK.024.025 Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita!
24:26b.LUK.024.026 Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?
24:27b.LUK.024.027 Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
24:28b.LUK.024.028 Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda;iye akaita sowoda kupfuvura.
24:29b.LUK.024.029 Vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.
24:30b.LUK.024.030 Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
24:31b.LUK.024.031 Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.
24:32b.LUK.024.032 Vakataurirana, vachiti: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?
24:33b.LUK.024.033 Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe navaiva navo vakavungana.
24:34b.LUK.024.034 Ivo vakati: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.
24:35b.LUK.024.035 Vakarondedzera zvakaitika munzira, vuye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
24:36b.LUK.024.036 Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari: Rugare ngaruve nemi!
24:37b.LUK.024.037 Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vavona mweya.
24:38b.LUK.024.038 Akati kwavari: Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?
24:39b.LUK.024.039 Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunondivona ndinazvo ini.
24:40b.LUK.024.040 wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.
24:41b.LUK.024.041 Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo vachashamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?
24:42b.LUK.024.042 Vakamupa nhindi yehove yakagochwa.
24:43b.LUK.024.043 Akatora, akadya vachizvivona.
24:44b.LUK.024.044 Akati kwavari: Ndiwo mashoko angu, andakakuvudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.
24:45b.LUK.024.045 Ipapo akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.
24:46b.LUK.024.046 Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu;
24:47b.LUK.024.047 kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendevuka nokukangamwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.
24:48b.LUK.024.048 Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
24:49b.LUK.024.049 Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. Kukwira kwaJesu. (Mar. 16. 19, 20; Mabasa 1. 9-11.)
24:50b.LUK.024.050 Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza mavoko ake, akavaropafadza.
24:51b.LUK.024.051 Wakati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
24:52b.LUK.024.052 Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru.
24:53b.LUK.024.053 Vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Luke (Shona). Luke (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5D2-C