Mark (Shona)

Mark (Shona)

1

1:1b.MAR.001.001 Kutanga kweEvhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

1:2b.MAR.001.002 Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.

1:3b.MAR.001.003 Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.

1:4b.MAR.001.004 Johane wakavuya achibhabhatidza murenje. Achiparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka vakanganwirwe zvivi.

1:5b.MAR.001.005 Nyika yose yeJudhea naveJerusarema vose vakabudira kwaari. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.

1:6b.MAR.001.006 Johane wakanga akapfeka nguvo yamakushe ekamera nebhanire reganda muchivuno chake. Waidya mhashu novuchi bwesango.

1:7b.MAR.001.007 Akaparidza achiti, shure kwangu kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure rukanda rweshangu dzake.

1:8b.MAR.001.008 Ini ndakakubhabhatidzai nemvura asi Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene. Kubhabhatidzwa kwaJesu. (Mat. 3.1317; Ruka 3. 2122.)

1:9b.MAR.001.009 Namazuva iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabhabhatidzwa naJohane muJoridhani.

1:10b.MAR.001.010 Pakarepo achibuda mumvura wakavona denga rakazarurwa noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva.

1:11b.MAR.001.011 Inzwi rikabva kudenga richiti, Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofarira. Kuidzwa kwaJesu. (Mar. 4. 1-11; Ruka 4.1-13,)

1:12b.MAR.001.012 Pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje.

1:13b.MAR.001.013 Akava murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani. Wakanga ari kuzvikara vatumwa vakamushumira. Jesu unodana vadzidzi vokutanga. (Mat. 4.12-22; Ruka 5.1-11.)

1:14b.MAR.001.014 Johane wakati asungwa, Jesu akasvika Garirea achiparidza Evhangeri yovushe bwaMwari.

1:15b.MAR.001.015 achiti, nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo. Tendevukai mutende Evhangeri.

1:16b.MAR.001.016 Wakati achifamba pagungwa reGarirea, akavona Simoni naAndrea munununa waSimoni vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.

1:17b.MAR.001.017 Jesu akati kwavari: Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.

1:18b.MAR.001.018 Vakasiya vutava bwavo pakarepo, vakamutevera.

1:19b.MAR.001.019 Wakati apfuvura zvishoma akavona Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohane munununa wake vachigadzira vutava mugwa.

1:20b.MAR.001.020 Akavadana pakarepo vakasiya baba vavo Zebhedhi mugwa navaranda, vakamutevera. Jesu unoperesa munhu waiva nomweya wakaipa pakepernaume. (Ruka 4. 31-37.)

1:21b.MAR.001.021 Vakapinda Kapernaume pakarepo nomusi wesabata, akapinda musinagoge akadzidzisa.

1:22b.MAR.001.022 Vakashamiswa nedzidziso yake nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.

1:23b.MAR.001.023 Zvino musinagoge ravo makanga munomunhu wakanga anomweya wetsvina. Wakadanidzira

1:24b.MAR.001.024 achiti, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani, muri Mutsvene waMwari.

1:25b.MAR.001.025 Zvino Jesu akamuraira akati, nyarara ubude kwaari!

1:26b.MAR.001.026 Mweya wetsvina ukamubvundisa, ndokudanidzira nenzwi guru, ndokubuda kwaari.

1:27b.MAR.001.027 Vakashamiswa vose,zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo,vachiti, Chinyiko ichi? dzidziso iyi itswa ndeyeiko?nokuti une simba rokuraira kunyange,mweya yakaipa,huye inomuterera.

1:28b.MAR.001.028 Pakarepo mukurumbira wake ukanzwikwa panyika yose yakapoteredza Garirea. Jesu unoporesa mai vomukadzi waPetro navamwe. (Mat. 8. 14-17; Ruka 4. 38-44.)

1:29b.MAR.001.029 Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobho naJohane vanavo.

1:30b.MAR.001.030 Mai vomukadzi waSimoni vakanga vavete vachirwara nefivhiri. Pakarepo vakamuvudza izvozvo.

1:31b.MAR.001.031 Akaenda akavabata noruvoko, akavamutsa. Fivhiri ikavarega. Vakavashandira.

1:32b.MAR.001.032 Madekwana zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa navakanga vakabatwa nomweya yakaipa.

1:33b.MAR.001.033 Guta rose rakanga ravungana pamukova.

1:34b.MAR.001.034 Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi akasiyana -siyana ezvirwere. Akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.

1:35b.MAR.001.035 Mangwanani kuchinerima, wakamuka akabuda akaenda kunzvimbo murenje,akandonyengeterapo.

1:36b.MAR.001.036 Simoni navakanga vanaye vakamutevera.

1:37b.MAR.001.037 Vakamuwana vakati kwaari, vose vanokutsvakai.

1:38b.MAR.001.038 Akati kwavari, ngatiende kumwe kumisha iri pedo, kuti tindoparidza ikokovo nokuti ndizvo zvandakavuyira.

1:39b.MAR.001.039 Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo paGarirea rose achibudisa mweya yakaipa. Jesu unoporesa munhu una maparembudzi. (Mt. 8. 2-4; Ruka 5.12-14.)

1:40b.MAR.001.040 Zvino munhu unamaperembudzi akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake akati kwaari, kana muchida munogona kundinatsa.

1:41b.MAR.001.041 Jesu akamunzwira ngoni, akatambaunudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, ndinoda, chinatswa.

1:42b.MAR.001.042 Pakarepo achangotaura maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.

1:43b.MAR.001.043 Zvino akamuraira kwazvo, akamuendisa pakarepo.

1:44b.MAR.001.044 Akati kwaari, chenjera kuti urege kuvudza munhu chinhu asi enda uzviratidze kumuPirisita ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari.

1:45b.MAR.001.045 Asi iye wakabuda akatanga kuzvivudza vanhu vazhinji nokuparidza shoko iro nokudaro Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena asi wakanga ari kunze panzvimbo murenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.

2

2:1b.MAR.002.001 Akapindazve Kapernaume pashure pamamwe mazuva zvikazikamwa kuti uri mumba.

2:2b.MAR.002.002 Pakarepo vazhinji vakavungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamukova, akaparidza shoko kwavari.

2:3b.MAR.002.003 Vakavuya vakaisa kwaari munhu wakanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.

2:4b.MAR.002.004 Zvino vakanga vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari, vakati variputsa vakaburusa nhovo pakanga pavete munhu wakanga akafa mitezo.

2:5b.MAR.002.005 Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kunowakanga akafa mitezo, mwana wakangamwirwa zvivi zvako.

2:6b.MAR.002.006 Zvino vamwe vanyori vakanga vageremo vakafunga mumoyo yavo vachiti,

2:7b.MAR.002.007 uyu unorevereiko kudaro? Unomhura Mwari, ndianiko unogona kukanganwira zvivi asi mumwe chete ndiye Mwari?

2:8b.MAR.002.008 Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumoyo yavo akati kwavari, munofungireko zvinhu izvi mumoyo yenyu?

2:9b.MAR.002.009 Chinyiko chakareruka kuti kunowakafa mitezo, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka tora nhovo dzako ufambe?

2:10b.MAR.002.010 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kumunhu wakanga akafa mitezo.

2:11b.MAR.002.011 Ndinoti kwauri, simuka tora nhovo dzako, uende kumba kwako!

2:12b.MAR.002.012 Pakarepo akasimuka akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose. Naizvozvo vose vakashamiswa vakarumbidza Mwari vachiti, hatina kumbovona zvakadai. Kudanwa kwaRevhi. (Mat. 9, 9-13; Ruka 5.27-32.)

2:13b.MAR.002.013 Wakabudazve akaenda kugungwa, vazhinji vose vakavuya kwaari akavadzidzisa.

2:14b.MAR.002.014 Wakati achipfuvura akavona Revhi mwanakomana waArfeo agere panotereswa, akati kwaari, nditevere. Akasimuka akamutevera.

2:15b.MAR.002.015 Zvino wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.

2:16b.MAR.002.016 Zvino vanyori navaFaraise vakati vachimuvona achidya navatadzi navateresi vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi unodyireiko navateresi navatadzi?

2:17b.MAR.002.017 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari, usingarwari haatsvaki chiremba asi unorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mat, 9. 14-17;R uka 5. 33-39.)

2:18b.MAR.002.018 Vadzidzi vaJohane navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya, vakavuya vakati kwaari, vadzidzi vaJohane navadzidzi vavaFarise vanozvinyimireiko zvokudya asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?

2:19b.MAR.002.019 Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingazvinyima zvokudya seiko chikomba chichiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya chikomba chichiri kwavari.

2:20b.MAR.002.020 Asi mazuva achasvika achazobviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.

2:21b.MAR.002.021 Hakuno munhu unosonera chiremo chitsva panguvo yakasakara nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguvo yakasakara vuri rikanyanya.

2:22b.MAR.002.022 Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo tsaru nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa asi waini itsvainodirwa muhombodo itsva. Jesu Ishe weSabata. (Mat. 12. 1-8; Ruka 6. 1-5.

2:23b.MAR.002.023 Wakati achifamba muminda, nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga kutanha hura vachifamba.

2:24b.MAR.002.024 VaFarise vakati kwaari, tarirai vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi wesabata?

2:25b.MAR.002.025 Akati kwavari, hamunakurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga ashaiwa, aziya, iye navakanga vanaye?

2:26b.MAR.002.026 Kuti wakapinda mumba maMwari, Abhiatari ari muPirisita mukuru akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa asi navaPirisita voga, akapavo vaivanaye?

2:27b.MAR.002.027 Akati kwavari, sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa sabata.

2:28b.MAR.002.028 Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo.

3

3:1b.MAR.003.001 Wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana.

3:2b.MAR.003.002 Vakamutarisisa kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata kuti vamupomere mhosva.

3:3b.MAR.003.003 Zvino wakati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana, simuka pakati pavo!

3:4b.MAR.003.004 Akati kwavari, zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuvuraya? Vakanyarara.

3:5b.MAR.003.005 Zvino wakati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo. Akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.

3:6b.MAR.003.006 Zvino vaFarise vakati vabuda vakandorangana pakarepo navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei. Jesu unoporesa vazhinji. (Mat. 12. 15-16; Ruka 6. 17-19.)

3:7b.MAR.003.007 Zvino Jesu wakaenda navadzidzi vake kugungwa, vanhu vazhinji vakamutevera vachibva Garirea nokuJudhea,

3:8b.MAR.003.008 neJerusarema neIdumea nemhiri kwaJoridhani nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita vakavuya kwaari.

3:9b.MAR.003.009 Akavudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji kuti varege kumumanikidza.

3:10b.MAR.003.010 Nokuti wakanga aporesa vazhinji, naizvozvo vose vakanga vana marwere vakamumanikidza kuti vamunyangate.

3:11b.MAR.003.011 Nemweya yetsvina yakati yamuvona yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, Ndiwe Mwanakomana waMwari!

3:12b.MAR.003.012 Akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. Jesu unodana vadzidzi vake. (Mat. 10. 1- 4; Ruka 6. 12-16.)

3:13b.MAR.003.013 Zvino wakakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.

3:14b.MAR.003.014 Akagadza vanegumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze;

3:15b.MAR.003.015 Vuye vave nesimba rekuporesa nokubudisa mweya yakaipa.

3:16b.MAR.003.016 Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro,

3:17b.MAR.003.017 naJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munununa waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira;

3:18b.MAR.003.018 naAndrea naFiripo naBartoromeo naTomasi naJakobho mwanakomana waArfeo naTadeo naSimoni muKanani.

3:19b.MAR.003.019 naJudhasi Iskarioti wakamupa ndukiravo. Zvino wakapinda mumba Kumhura Mweya Mutsvene. (Mat. 12. 22-32; Ruka 11. 14-20.)

3:20b.MAR.003.020 vazhinji vakavungana naye nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.

3:21b.MAR.003.021 Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa vakabuda kuzomubata nokuti vakati unopenga.

3:22b.MAR.003.022 Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusarema vakati, una Beerzeburi unodudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.

3:23b.MAR.003.023 Zvino akavadanira kwaari akati kwavari nemifananidzo, Satani ungabudisa Satani seiko?

3:24b.MAR.003.024 Kana vushe bwuchizvipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira.

3:25b.MAR.003.025 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.

3:26b.MAR.003.026 Kana Satani achizvimukira akazvipesanisa haangagoni kumira asi unopera.

3:27b.MAR.003.027 Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba akatora nhumbi dzake asati ambosunga murume unesimba zvino ungaparadza imba yake.

3:28b.MAR.003.028 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vanakomana vavanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura kose kwavanomhura Mwari nako.

3:29b.MAR.003.029 Asi aninani wamhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi asi uri panjodzi yokurashiwa.

3:30b.MAR.003.030 Nokuti vakati unomweya wetsvina. Vukama naJesu. (Mat. 12.46-50; Ruka 8. 19-21.)

3:31b.MAR.003.031 Zvino mai vake navanunuuna vake vakavuya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari kumudana.

3:32b.MAR.003.032 Vazhinji vakanga vagere vakamukomba vakati kwaari, tarirai mai venyu navanununa venyu nehanzvidzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.

3:33b.MAR.003.033 Akavapindura akati, mai vangu navanununa vangu ndivana aniko?

3:34b.MAR.003.034 Zvino akaringaringa vanhu vakanga vagere vakamukona akati, tarirai mai vangu navanununa vangu!

3:35b.MAR.003.035 Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari ndiye munununa wangu nehanzvadzi namai.

4

4:1b.MAR.004.001 Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa. Vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira kwaari, nokudaro wakapinda mugwa. Akagaramo mugungwa. Vazhinji vose vakanga vari pedo negungwa pamhenderekedzo.

4:2b.MAR.004.002 Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo akati kwavari pakudzidzisa kwake,

4:3b.MAR.004.003 Teererai, mukushi wakabuda kundokusha.

4:4b.MAR.004.004 Wakati achikusha dzimwe mbeu dzakawira panzira; Shiri dzokudenga dzikavuya dzikadzidya.

4:5b.MAR.004.005 Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisinevhu zhinji. Dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinevhu rakadzika.

4:6b.MAR.004.006 Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa dzikawoma nokuti dzakanga dzisina mudzi.

4:7b.MAR.004.007 Dzimwe dzakawira miminzwa, minzwa ikamera ikadzivhunga, dzikasabereka zvibereko.

4:8b.MAR.004.008 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko nokuti dzakakura dzikawanza dzikabereka makumi matatu namakumi matanhatu nezana.

4:9b.MAR.004.009 Akati kwavari, une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

4:10b.MAR.004.010 Wakati ari oga, vakanga vanaye navanegumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo.

4:11b.MAR.004.011 Akati kwavari, imi makapiwa zvakavanzika zvovushe hwaMwari asi kunaava vari kunze zvose zvinoitwa nemifananidzo.

4:12b.MAR.004.012 Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo.

4:13b.MAR.004.013 Zvino akati kwavari, hamuzivi here mufanandizo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose?

4:14b.MAR.004.014 Mukushi unokusha shoko.

4:15b.MAR.004.015 Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mukati mavo.

4:16b.MAR.004.016 Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro,

4:17b.MAR.004.017 Asi havanomudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku. Pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.

4:18b.MAR.004.018 Vamwe vanokushwa muminzwa ndivo vanonzwa shoko,

4:19b.MAR.004.019 asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma nokuchiva zvimwe zvinopinda zvichivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko.

4:20b.MAR.004.020 Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana. Mufananidzo woMwenje. (Mat. 5. 15-16; Ruka 8. 16-18; 11. 33-36.)

4:21b.MAR.004.021 Zvino wakati kwavari, mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here?

4:22b.MAR.004.022 Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazovoneswi, hapana chakavigwa chisingazobudi pachena.

4:23b.MAR.004.023 Kana munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

4:24b.MAR.004.024 Zvino akati kwavari, chenjerai zvamunonzwa, chiyero chamunoyera nacho nemi muchayerwa nacho, mukawedzerwa.

4:25b.MAR.004.025 Nokuti unacho uchapiwa, asi usina uchatorerwa nechaanacho. Kukura kwovushe hwokudenga.

4:26b.MAR.004.026 Zvino akati, vushe bwaMwari bwakafanana nomunhu unodzvara mbeu muvhu.

4:27b.MAR.004.027 Akavata akamuka,vusiku namasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti zvinoitika sei.

4:28b.MAR.004.028 Ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.

4:29b.MAR.004.029 Kana zvibereko zvaibva, pakarepo unocheka nebanga nokuti kucheka kwasvika Mufananidzo wembeu yemastarda. (Mat. 13. 31-32; Ruka 13, 18-19.)

4:30b.MAR.004.030 Zvino wakati, vushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahwuenzanisira nomufananidzo upiko?

4:31b.MAR.004.031 Hwakafanana netsanga yemastarda, iyo kana ichidzvarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika.

4:32b.MAR.004.032 Asi kana yadzvarwa, inomera ichiva huru kumirivo yose ichiita matavi makuru akadaro kuti shiri dzokudenga dzinogara pamumvuri wayo.

4:33b.MAR.004.033 Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo.

4:34b.MAR.004.034 Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo asi waidudzira vadzidzi vake zvose vari voga. Jesu unonyaradza dutu remhepo. (Mat. 8. 23-27; Ruka 8. 22-25.)

4:35b.MAR.004.035 Zvino nezuva iro ava madekwana wakati kwavari, ngatiyambukire mhiri.

4:36b.MAR.004.036 Vakasiya vanhu vazhinji vakaenda naye mugwa akangodaro mamwe magwa akanga aiva naye.

4:37b.MAR.004.037 Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova mugwa, rikange roda kuzara.

4:38b.MAR.004.038 Asi Iye wakanga ari mushure megwa avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari, mudzidzisi, hamunehanya kunyangwe tofa here?

4:39b.MAR.004.039 Akamuka akaraira mhepo, akati kugungwa, nyarara ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.

4:40b.MAR.004.040 Zvino akati kwavari, munotyireiko kudaro? Hamunokutenda here?

4:41b.MAR.004.041 Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, ndianiko uyu nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera.

5

5:1b.MAR.005.001 Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa.

5:2b.MAR.005.002 Zvino wakati abuda mugwa, pakarepo akasongana nomunhu waiva nomweya wetsvina, achibva kumarinda.

5:3b.MAR.005.003 Uyo waigara mumarinda, kwakanga kusina munhu wakanga achagona kumusunga kunyange neketani.

5:4b.MAR.005.004 Nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani asi waidambura maketani nokudashura zvisungo. Kwakanga kusina munhu waigona kumunyorovesa.

5:5b.MAR.005.005 Nguva dzose vusiku namasikakti, waigara mumarinda nomumakomo achidanidzira, achizvicheka namabwe.

5:6b.MAR.005.006 Zvino wakati achivona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata.

5:7b.MAR.005.007 Akadanidzira nenzwi guru akati, ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.

5:8b.MAR.005.008 Nokuti akati kwaari, buda pamunhu iwe mweya wetsvina!

5:9b.MAR.005.009 Akamubvunza akati, zita rako ndianiko? Akati kwaari, Regioni ndiro zita rangu nokuti tiri vazhinji.

5:10b.MAR.005.010 Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.

5:11b.MAR.005.011 Zvino kwakanga kuripo pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura.

5:12b.MAR.005.012 Ikakumbira zvikuru kwaari ichiti, titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.

5:13b.MAR.005.013 Akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve. Boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.

5:14b.MAR.005.014 Vaidzifudza vakatiza vakandovudza izvozvo muguta naparuwa. Vakavuya kuzovona zvaitwa.

5:15b.MAR.005.015 Vakavuya kuna Jesu vakavona wakanga ane mweya yakaipa agere, akapfeka ari munhu kwaye, iye waiva neRegioni vakatya.

5:16b.MAR.005.016 Vaya, vakanga vazvivona, vakarondedzera zvakaitirwa, iye wakanga ane mweya yakaipa nenguruvevo.

5:17b.MAR.005.017 Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.

5:18b.MAR.005.018 Zvino wakati achipinda mugwa, iye waiva nemweya yakaipa akakumbira zvikuru kwaari kuti agare naye.

5:19b.MAR.005.019 Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari, enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.

5:20b.MAR.005.020 Akaenda akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. Vakashamiswa vose. Jesu unoporesa mukadzi unobuda ropa vuye unomutsa mwanasikana waJairosi. (Mat. 9. 18-26; Ruka 8, 41-56.)

5:21b.MAR.005.021 Jesu wakati ayambukira mhiri negwa, vanhu vazhinji vakavunganira kwaari, wakanga ari pagungwa.

5:22b.MAR.005.022 Mumwe wavakuru vesinagoge wainzi Jairosi akasvika, akati achimuvona, akazviwisira pasi petsoka dzake.

5:23b.MAR.005.023 Akakumbira zvikuru kwaari achiti, mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aporeswe ararame.

5:24b.MAR.005.024 Akaenda naye, vanhu vazhinji vakamutevera, vachimumanikidza.

5:25b.MAR.005.025 Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri.

5:26b.MAR.005.026 Wakanga avoneswa nhamo nevarapi vazhinji, apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa.

5:27b.MAR.005.027 Wakati anzwa zvaJesu, akavuya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguvo yake.

5:28b.MAR.005.028 Nokuti wakati, kana ndikabata nguvo yake bedzi, ndichaponeswa.

5:29b.MAR.005.029 Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa muviri wake kuti waporeswa pakurwara kwake.

5:30b.MAR.005.030 Pakarepo Jesu wakati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendevuka pakati pavanhu vazhinji akati, ndianiko wabata nguvo dzangu?

5:31b.MAR.005.031 Vadzidzi vake vakati kwaari, munovona vanhu vazhinji vanokumanikidzai, zvino mungati seiko ndiani wandibata?

5:32b.MAR.005.032 Zvino wakaringa-ringa kuti avone wakaita izvozvo.

5:33b.MAR.005.033 Mukadzi wakatya nokudedera achiziva zvaaitirwa, akavuya ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuvudza zvirokwazvo zvose.

5:34b.MAR.005.034 Akati kwaari, mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pakurwara kwako.

5:35b.MAR.005.035 Wakati achataura vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika vakati, mukunda wenyu wafa, muchatambudzireiko mudzidzisi?

5:36b.MAR.005.036 Jesu wakati achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge, usatya tenda bedzi.

5:37b.MAR.005.037 Akasatendera munhu kumutevera asi, Petro naJakobho naJohane munununa waJakobho.

5:38b.MAR.005.038 Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akawana iri mhere-mhere navanochema zvikuru navanorira.

5:39b.MAR.005.039 Akapinda akati, kwavari, munoitireiko mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa asi uvete.

5:40b.MAR.005.040 Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai navaakanga anavo, akapinda kwakanga kunomwana.

5:41b.MAR.005.041 Akabata ruvoko rwomwana, akati kwaari, Tarita kumi! Ndokuti kana zvichishandurwa, musikana ndinoti kwauri, Muka!

5:42b.MAR.005.042 Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nokuti waiva namakore anegumi namaviri. Vakashamiswa nokushama kukuru.

5:43b.MAR.005.043 Akavaraira zvikuru kuti zvirege kuzikanwa nomunhu. Akati, ngaapiwe zvokudya.

6

6:1b.MAR.006.001 Wakabvapo, akasvika kunyika yake. Vadzidzi vake vakamutevera.

6:2b.MAR.006.002 Musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa vachiti, munhu uyu wawanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?

6:3b.MAR.006.003 Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu here? Vakagumburwa naye.

6:4b.MAR.006.004 Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.

6:5b.MAR.006.005 Akasagona kubata basa resimba ipapo asi wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa.

6:6b.MAR.006.006 Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo wakapota nemisha achidzidzisa. Vanegumi navaviri vanotumwa kuparidza nokuporesa. (Mat. 10. 1-42; Mar. 3. 13-19; Ruka 6. 12-16; 9. 1-6.)

6:7b.MAR.006.007 Zvino wakadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.

6:8b.MAR.006.008 Akavaraira kuti varege kutongotora zvomunzira asi mudonzvo bedzi. Varege kutora chingwa nehombodo nemari muchikwama.

6:9b.MAR.006.009 Asi vafuke shangu, varege kupfeka nguvo mbiri.

6:10b.MAR.006.010 Akati kwavari pose pamunopinda mumba mugaremo, kusvikira muchibvapo.

6:11b.MAR.006.011 Pose pavasingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.

6:12b.MAR.006.012 Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendevuke.

6:13b.MAR.006.013 Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa. Kuvurawa kwaJohane Mubhabhatidzi. (Mat. 14. 1-12; Ruka 9.7-9.)

6:14b.MAR.006.014 Zvino mambo Herodhe wakazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati: Johane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.

6:15b.MAR.006.015 Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita wakafanana nomumwe wavaporofita.

6:16b.MAR.006.016 Asi Herodhe wakati achizvinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, kuvakafa uya wandakagura musoro.

6:17b.MAR.006.017 Nokuti Herodhe wakanga atuma vanhu, akabata Johane, akamusunga mutorongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripo, mununununa wake, nokuti wakanga amuwana.

6:18b.MAR.006.018 Nokuti Johane wakanga ati kunaHerodhe: Haunakutenderwa kuti uve nomukadzi womunununa wako.

6:19b.MAR.006.019 Herodhiasi akamuvenga, akada kumuvuraya, akasagona;

6:20b.MAR.006.020 nokuti Herodhe wakanga achitya Johane, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Wakati amunzwa, akakanganiswa kwazvo, akasifara kumunzwa.

6:21b.MAR.006.021 Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGarirea mutambo mukuru;

6:22b.MAR.006.022 zvino mwanasikana waHerodhiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.

6:23b.MAR.006.023 Akamupikira, achiti: Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yovushe hwangu.

6:24b.MAR.006.024 Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohane Mubhabhatidzi.

6:25b.MAR.006.025 Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohane mubhabhatidzi.

6:26b.MAR.006.026 Ipapo mambo akazvidya moyo kwazvo, asi wakanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya.

6:27b.MAR.006.027 Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti avuye nomusoro wake.

6:28b.MAR.006.028 Akaenda, akamugura musoro mutorongo, akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.

6:29b.MAR.006.029 Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakavuya vakatora mutumbu wake, vakauviga mubwiro. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. (Mat. 14. 13-21; Ruka 9. 10-17; Joh. 6. 1-14.)

6:30b.MAR.006.030 Zvino vaapostora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.

6:31b.MAR.006.031 Akati kwavari: Vuyai imi muri moga kunzvimbo murenje, muzorore zvishoma; nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya.

6:32b.MAR.006.032 Vakaenda negwa kunzvimbo murenje vari voga.

6:33b.MAR.006.033 Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika kwaari.

6:34b.MAR.006.034 Zvino wakati achibuda mugwa, akavona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa; zvizhinji.

6:35b.MAR.006.035 Zvino zuva rodo kuvira, vadzidzi vake vakavuya kwaari, vakati: Pano inzvimbo murenje, zuva rodo-kuvira;

6:36b.MAR.006.036 vaendisei, kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya nokuti hapana chavangadya.

6:37b.MAR.006.037 Akapindura, akati kwavari: imi muvapei zvavangadya. Vakati kwaari: Tingaenda kundotenga zvingwa namadhenari anamazana maviri,* tivape vadye here?

6:38b.MAR.006.038 Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai mutarire. Vakati vaziva, vakati: Zvishanu, nehove mbiri.

6:39b.MAR.006.039 Zvino akavaraira kuti vagarise vose pasi pavuswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka.

6:40b.MAR.006.040 Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka anezana naanamakumi mashanu.

6:41b.MAR.006.041 Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose.

6:42b.MAR.006.042 Vakadya vose, vakaguta.

6:43b.MAR.006.043 Vakavunganidza zvimedu, matengu anegumi namaviri akazadzwa, nezvehove vo.

6:44b.MAR.006.044 Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vanezvuru zvishanu. Jesu unofamba pamusoro pemvura. (Mat. 14. 22-33; Joh. 6. 15-21.)

6:45b.MAR.006.045 Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye achiendisa vanhu vazhinji.

6:46b.MAR.006.046 Akati awonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera.

6:47b.MAR.006.047 Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.

6:48b.MAR.006.048 Zvino wakati achivona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yovusiku, akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuvura.

6:49b.MAR.006.049 Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakati madzimudzangara, vakaridza mhere.

6:50b.MAR.006.050 Nokuti vose vakamuvona, vakamanikidzwa; akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.

6:51b.MAR.006.051 Akakwira kwavari mugwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumoyo yavo.

6:52b.MAR.006.052 Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti moyo yavo yakanga iri mikukutu. Jesu unoporesa vanhu paGenesareti. (Mat. 14. 34-36.)

6:53b.MAR.006.053 Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo.

6:54b.MAR.006.054 Vakati vabuda mugwa, pakarepo vanhu vakamuziva,

6:55b.MAR.006.055 vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhovo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.

6:56b.MAR.006.056 Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, vakaradzika vairwara pamigwagwa, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.

7

7:1b.MAR.007.001 Zvino vaFarise navamwe vavanyori vaibva Jerusarema, vakavunganira kwaari;

7:2b.MAR.007.002 vakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya namavoko anetsvina, ndokuti asina kushambwa.

7:3b.MAR.007.003 Nokuti vaFarise, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.

7:4b.MAR.007.004 Kana vachidya padare havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviri po zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.

7:5b.MAR.007.005 Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza, vachiti: Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namavoko anetsvina?

7:6b.MAR.007.006 Akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi moyo yavo iri kure neni.

7:7b.MAR.007.007 Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri mirairo yavanhu.

7:8b.MAR.007.008 Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.

7:9b.MAR.007.009 Akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu;

7:10b.MAR.007.010 nokuti Mosesi wakati: Kudza baba vako namai vako, vuye, unotuka baba namai, ngaafe norufu.

7:11b.MAR.007.011 Asi imi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai vake: Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Korbani, ndokuti chava chipo kunaMwari,

7:12b.MAR.007.012 hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu.

7:13b.MAR.007.013 muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.

7:14b.MAR.007.014 Akadanira zve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari: Nditererei mose, munzwisise!

7:15b.MAR.007.015 Hapanechinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. {

7:16b.MAR.007.016 Kana munhu anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.}

7:17b.MAR.007.017 Zvino; wakati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.

7:18b.MAR.007.018 Akati kwavari: Nemi vo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?

7:19b.MAR.007.019 Nokuti hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze; nokutaura kwakadaro wakanatsa zvokudya zvose.

7:20b.MAR.007.020 Ipapo akati: Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.

7:21b.MAR.007.021 Nokuti mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, novupombwe, nokuba, nokuvuraya.

7:22b.MAR.007.022 novufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, novutere, neziso rinegodo, nokutuka, namanyawi, novupenzi;

7:23b.MAR.007.023 zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu. Jesu unoporesa mwanakomana womukadzi weSiraofenike. (Mat. 15- 21-28.)

7:24b.MAR.007.024 Wakasimuka ipapo.akasimuka akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.

7:25b.MAR.007.025 Nokuti mumwe mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakati achimunzwa, akavuya akazviwisira pasi petsoka dzake.

7:26b.MAR.007.026 Zvino iye mukadzi waiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.

7:27b.MAR.007.027 Akati kwaari: Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.

7:28b.MAR.007.028 Akapindura, akati kwaari: Hongu, Ishe, kunyange nembwanana vo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.

7:29b.MAR.007.029 Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako,

7:30b.MAR.007.030 Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubeda, mweya wakaipa wabva. Jesu unoporesa munhu wematsi panyika yeDhekapori.

7:31b.MAR.007.031 Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDhekapori.

7:32b.MAR.007.032 Vakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira vakakumbira zvikuru kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.

7:33b.MAR.007.033 Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake.

7:34b.MAR.007.034 Ipapo akatarira kudenga, akagomera akati, kwaari: Efata, ndokuti: Dzivuka.

7:35b.MAR.007.035 Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chakasununguka, akataura zvakanaka.

7:36b.MAR.007.036 Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza vanhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.

7:37b.MAR.007.037 Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.

8

8:1b.MAR.008.001 Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:

8:2b.MAR.008.002 Ndinetsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.

8:3b.MAR.008.003 Kana ndikavaendisa kumusha kwavo vanenzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.

8:4b.MAR.008.004 Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaaari: Munhu ungawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?

8:5b.MAR.008.005 Akavabvunza, akati: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.

8:6b.MAR.008.006 Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.

8:7b.MAR.008.007 Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo.

8:8b.MAR.008.008 Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.

8:9b.MAR.008.009 Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.

8:10b.MAR.008.010 Pakarepo akapinda mugwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDarmanuta. Jesu unoramba kuratidza chiratidzo. (Mat. 16. 1-4.)

8:11b.MAR.008.011 Zvino vaFarise vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.

8:12b.MAR.008.012 Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.

8:13b.MAR.008.013 Ipapo akavasiya, akapinda zve mugwa, akayambukira mhiri. Jesu unodudzira shoko rembiriso yavaFarise navaSadhuse. (Mat. 16. 5-12.)

8:14b.MAR.008.014 Vakanga vakanganwa kutora zvingwa; vakanga vasinezvingwa, asi chimwe bedzi.

8:15b.MAR.008.015 Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe.

8:16b.MAR.008.016 Vakarangana vakati: Unodaro nokuti hatine zvingwa.

8:17b.MAR.008.017 Zvino Jesu wakati achizviziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?

8:18b.MAR.008.018 Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?

8:19b.MAR.008.019 Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu? Vakati kwaari: Gumi namaviri.

8:20b.MAR.008.020 Nomusi wandakamedurira vanezvuru zvina zvingwa zvimwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu? Vakati: Manomwe.

8:21b.MAR.008.021 Akati kwavari: Ko hamunzwisisi nazvino here? Jesu unosvinudza bofu paBetsaida

8:22b.MAR.008.022 Zvino wakasvika Betsaida; vakavuya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate.

8:23b.MAR.008.023 akabata ruvoko rwebofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu.

8:24b.MAR.008.024 Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti.

8:25b.MAR.008.025 Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka.

8:26b.MAR.008.026 Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu. (Mat. 16. 13-20; Ruka 9. 18-22; Joh. 6. 68, 69.)

8:27b.MAR.008.027 Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?

8:28b.MAR.008.028 Vakapindura vachiti kwaari: Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe, Eria, vamwe zve, mumwe wavaporofita.

8:29b.MAR.008.029 Zvino akavabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu.

8:30b.MAR.008.030 Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamsoro pake.

8:31b.MAR.008.031 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaPirisita vakuru, navanyori, avurawe, amuke zve mazuva matatu apfuvura.

8:32b.MAR.008.032 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira.

8:33b.MAR.008.033 Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petro akati: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu. Kutevera Jesu (Mat. 16. 24-27; Ruka 9. 23-26.)

8:34b.MAR.008.034 Zvino wakadanira kwaari vanhu va zhinji navadzidzi vake, akati kwavari: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.

8:35b.MAR.008.035 Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, asi aninani unorashikirwa novupenyu bwake nokuda kwangu nokweEvhangeri, uchavuponesa.

8:36b.MAR.008.036 Nokuti munhu uchagobatsirweiko kana awana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?

8:37b.MAR.008.037 Nokuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure vupenyu hwake?

8:38b.MAR.008.038 Nokuti aninani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyara vo pamusoro pake, musi waanovuya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.

9

9:1b.MAR.009.001 Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazovoni rufu, vasati vavona vushe bwaMwari bwuchivuya nesimba.

9:2b.MAR.009.002 Mazuva matanhatu akati apfuvura, Jesu akatora Petro, naJokobo, naJohane, akaenda navo kurutivi mugomo refu, vari voga; akashanduka pamberi pavo.

9:3b.MAR.009.003 Nguvo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakunomusuki pano panyika, ungagona kudzichenesa dzikadaro.

9:4b.MAR.009.004 Ipapo Eria naMosesi vakavonekwa navo, vachitaurirana naJesu.

9:5b.MAR.009.005 Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.

9:6b.MAR.009.006 Nokuti wakanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru.

9:7b.MAR.009.007 Zvino gore rikavuya rikavafukidza, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, mumunzwei!

9:8b.MAR.009.008 Kamwe, vakati vachiringaringa, havanakuzovona munhu, asi Jesu bedzi anavo.

9:9b.MAR.009.009 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuvudza munhu zvavakanga vavona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.

9:10b.MAR.009.010 Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti kumuka kwavakafa chinyiko?

9:11b.MAR.009.011 Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanotaurireiko vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?

9:12b.MAR.009.012 Akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti uchatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?

9:13b.MAR.009.013 Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha (Mat. 17. 14-21; Ruka 9. 37-43.)

9:14b.MAR.009.014 Vakati vasvika kuvadzidzi, vakavona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.

9:15b.MAR.009.015 Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuvona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.

9:16b.MAR.009.016 Akavabvunza, akati: Munoita nyaya neiko navo?

9:17b.MAR.009.017 Mumwe wavazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndavuya kwamuri nomwanakomana wangu, unomweya wembeveve.

9:18b.MAR.009.018 Kwose kwaanomubata, unomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, vuye unowonda kwazvo; ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.

9:19b.MAR.009.019 Akavapindura, akati: Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko Vuyai naye kwandiri.

9:20b.MAR.009.020 Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.

9:21b.MAR.009.021 Zvino akabvunza baba vake, akati: Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira? Akati: Kubva pavuduku bwake.

9:22b.MAR.009.022 Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.

9:23b.MAR.009.023 Jesu akati kwaari: Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kunounotenda.

9:24b.MAR.009.024 Pakarepo baba vomwana vakadanidzira, vachiti: Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.

9:25b.MAR.009.025 Zvino Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwe chete, akaraira mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!

9:26b.MAR.009.026 Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akafanana nomunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.

9:27b.MAR.009.027 Asi Jesu wakabata ruvoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

9:28b.MAR.009.028 Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?

9:29b.MAR.009.029 Akati kwavari: Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 17. 22-23; Ruka 9. 43-45.)

9:30b.MAR.009.030 Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akaramba kuti zvizikamwe nomunhu.

9:31b.MAR.009.031 Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka zvemazuva matatu apfuvura.

9:32b.MAR.009.032 Asi havanakunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza. Mukuru pavushe bwokudenga, nezvigumbuso. (Mat. 18. 1-11; Ruka 9. 46-50.)

9:33b.MAR.009.033 Vakasvika Kapernaume; zvino wakati ava mumba, akavabvunza, achiti: Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?

9:34b.MAR.009.034 Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.

9:35b.MAR.009.035 Ipapo akagara pasi, akadana vanegumi navaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kunavose nomuranda wavose.

9:36b.MAR.009.036 Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamufungatira mumavoko, akati kwavari:

9:37b.MAR.009.037 Aninani unogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, unondigamuchireni; aninani unondigamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.

9:38b.MAR.009.038 Johane akati kwaari: Mudzidzisi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.

9:39b.MAR.009.039 Jesu akati: Musamudzivisa, nokuti hakunomunhu ungaita basa re simba nezita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.

9:40b.MAR.009.040 Nokuti usingapesani nesu, unesu.

9:41b.MAR.009.041 Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomubairo wake.

9:42b.MAR.009.042 Aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.

9:43b.MAR.009.043 Kana ruvoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, unamavoko maviri.

9:44b.MAR.009.044 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.

9:45b.MAR.009.045 Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri.

9:46b.MAR.009.046 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.

9:47b.MAR.009.047 Kana ziso rako richikugumbusa, urirashe; zvirinani kwauri kuti upinde muvushe; hwokudenga uneziso rimwe, pakukandirwa muGehena, unameso maviri.

9:48b.MAR.009.048 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.

9:49b.MAR.009.049 Nokuti mumwe nomumwe ucharungwa nomoto.

9:50b.MAR.009.050 Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu mugare norugare pakati penyu.

10

10:1b.MAR.010.001 Zvino wakasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJoridhani, vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira zve kwaari; akavadzidzisa zve sezvaakanga achisiita,

10:2b.MAR.010.002 VaFarise vakavuya kwaari, vakamubvunza, vachiti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here?

10:3b.MAR.010.003 Akapindura, akati kwavari: Mosesi wakakuraireiko?

10:4b.MAR.010.004 Vakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha.

10:5b.MAR.010.005 Jesu akati kwavari; Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu.

10:6b.MAR.010.006 Asi kubva pakutanga kwokusikwa wakavaita murume nomukadzi.

10:7b.MAR.010.007 Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake;

10:8b.MAR.010.008 ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe.

10:9b.MAR.010.009 Zvino izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.

10:10b.MAR.010.010 Zvino mumba vadzidzi vakamubvunza zve pamusoro paizvozvo.

10:11b.MAR.010.011 Akati kwavari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.

10:12b.MAR.010.012 Vuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva. Jesu unoropafadza vanana. (Mat. 19. 13-15; Ruka 18. 15-17.)

10:13b.MAR.010.013 Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira.

10:14b.MAR.010.014 Zvino Jesu wakati azvivona, akatsamwa, akati kwavari; Regai vana vaduku vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.

10:15b.MAR.010.015 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, hangatongopindi mabwuri

10:16b.MAR.010.016 Ipapo akavafungatira mumavoko, akavaropafadza, ndokuisa mavoko pamusoro pavo. Jaya mufumi.. (Mat. 19. 16-30; Ruka 18. 18-30.)

10:17b.MAR.010.017 Zvino wakati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka yovupenyu husingaperi?

10:18b.MAR.010.018 Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.

10:19b.MAR.010.019 Mirairo unoiziva, inoti, usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.

10:20b.MAR.010.020 Akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.

10:21b.MAR.010.021 Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, uve nefuma kudenga; ugovuya, unditevere.

10:22b.MAR.010.022 Asi wakasviba moyo neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.

10:23b.MAR.010.023 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda pavushe hwaMwari!

10:24b.MAR.010.024 Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura zve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavano vimba nefuma kupinda pavushe bwaMwari!

10:25b.MAR.010.025 Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe hwaMwari.

10:26b.MAR.010.026 Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari: Ndianiko ungagoponeswa?

10:27b.MAR.010.027 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.

10:28b.MAR.010.028 Petro akatanga kutaura kwaari, achiti: Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai,

10:29b.MAR.010.029 Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanununa, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri,

10:30b.MAR.010.030 usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanunununa, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokutambudzwa, novupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.

10:31b.MAR.010.031 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vachava vokutanga. Jesu unovavudza zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 20. 17-19; Ruka 19. 31-33.)

10:32b.MAR.010.032 Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu wakanga acivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatora zve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti:

10:33b.MAR.010.033 Tarirai tinokwira Jerusarema Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni.

10:34b.MAR.010.034 Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuvuraya; kana mazuva matatu apfuvura, uchamuka zve. Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru. (Mat. 20. 20-28.)

10:35b.MAR.010.035 Zvino Jakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.

10:36b.MAR.010.036 Akati kwavari: Munoda kuti ndikukitireiko?

10:37b.MAR.010.037 Vakati kwaari: Tigarisei pakubwinya kwenyu, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe,

10:38b.MAR.010.038 Asi Jesu wakati kwavari:Hamuzivi zvamunokumbira.Mungagona kumwira pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhaptidzwa narwo here?

10:39b.MAR.010.039 Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwira henyu pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa nokurubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;

10:40b.MAR.010.040 asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.

10:41b.MAR.010.041 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohane.

10:42b.MAR.010.042 Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo.

10:43b.MAR.010.043 Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu;

10:44b.MAR.010.044 aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.

10:45b.MAR.010.045 Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu bwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. Jesu unosvinudza Bartimeo paJeriko. (Mat. 20. 2934; Ruka 18. 3543.)

10:46b.MAR.010.046 Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bartimeo, mwanakomana waTemeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.

10:47b.MAR.010.047 Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti; Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

10:48b.MAR.010.048 Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

10:49b.MAR.010.049 Ipapo Jesu akamira, akati: Mudanei. Vakadana bofu vachiti kwariri tsunga moyo simuka unokudana.

10:50b.MAR.010.050 Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.

10:51b.MAR.010.051 Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndivone.

10:52b.MAR.010.052 Jesu akati kwaari; Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavona, akatevera Jesu munzira.

11

11:1b.MAR.011.001 Vakati vachiswedera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,

11:2b.MAR.011.002 akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo.

11:3b.MAR.011.003 Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kudaro? Muti: Ishe unoida. Pakarepo uchaitumira zve pano.

11:4b.MAR.011.004 Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamukova, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura.

11:5b.MAR.011.005 Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari: Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?

11:6b.MAR.011.006 Vakavavudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega.

11:7b.MAR.011.007 Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo.

11:8b.MAR.011.008 Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo.

11:9b.MAR.011.009 Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana, ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe.

11:10b.MAR.011.010 Ngabwukudzwe vushe bwaBaba vedu Dhavhidhi bwunovuya! Hosana kumusoro-soro!

11:11b.MAR.011.011 Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri. Jesu unotuka muvonde wakanga usingabereki. (Mat. 21. 18-22.)

11:12b.MAR.011.012 Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya;

11:13b.MAR.011.013 Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.

11:14b.MAR.011.014 Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa. Jesu unonatsa tembere. (Mat. 21. 12-17; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)

11:15b.MAR.011.015 Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.

11:16b.MAR.011.016 Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.

11:17b.MAR.011.017 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.

11:18b.MAR.011.018 VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

11:19b.MAR.011.019 Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta,

11:20b.MAR.011.020 Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.

11:21b.MAR.011.021 Petro akarangarira, akati kwaari: Rabhi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.

11:22b.MAR.011.022 Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.

11:23b.MAR.011.023 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaitika, uchava nazvo.

11:24b.MAR.011.024 Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.

11:25b.MAR.011.025 Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukamganwirei kudarika kwenyu;

11:26b.MAR.011.026 asi kana musingakangamwiri imi naBaba venyu vari kudenga havangakukangamwiriyi imi kudarika kwenyu. Simba raJesu rinobvepi. (Mat. 21. 23-27; Ruka 20. 1-8.)

11:27b.MAR.011.027 Vakasvika zve Jerusarema. Zvino wakati achifamba mutembere, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari;

11:28b.MAR.011.028 vakati kwaari; Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite izvi?

11:29b.MAR.011.029 Jesu akati kwavari: neni ndichakubvunzai vo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.

11:30b.MAR.011.030 Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei,

11:31b.MAR.011.031 Vakataurirana, vachiti: Kana tikati, kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?

11:32b.MAR.011.032 Asi tingati, kuvanhu, here? Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo.

11:33b.MAR.011.033 Vakapindura vachiti kuna Jesu; Hatizivi. Jesu akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.

12

12:1b.MAR.012.001 Zvino wakatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.

12:2b.MAR.012.002 Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi zvibereko zvomunda wemizambiringa.

12:3b.MAR.012.003 Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina,

12:4b.MAR.012.004 Akatuma zve mumwe muranda kwavari; vakamutaka nambwe, vakamutema musoro, vakamunyadza.

12:5b.MAR.012.005 Akatuma zve mumwe, vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuvuraya vamwe.

12:6b.MAR.012.006 Zvino wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikanwa; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu,

12:7b.MAR.012.007 Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, nhaka igova yedu.

12:8b.MAR.012.008 Vakamubata, vakamuvuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa.

12:9b.MAR.012.009 Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya, akaparadza varimi ivavo, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa.

12:10b.MAR.012.010 Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona;

12:11b.MAR.012.011 Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?

12:12b.MAR.012.012 Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo. Kuripira Kesari mutero. (Mat. 22. 15-23; Ruka 20. 20-26.)

12:13b.MAR.012.013 Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarise navaHerodhe, kuti vamubate pakutaura kwake.

12:14b.MAR.012.014 Vakavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi: Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?

12:15b.MAR.012.015 Ticharipa here, kana tirege kuripa Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Vuya nedhenari* kwandiri, ndirivone,

12:16b.MAR.012.016 Vakavuya naro. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari,

12:17b.MAR.012.017 Jesu akati kwavari: Ipai Kesarai zvaKesari, naMwari zvaMwari. Vakashamiswa zvikuru naye. Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa. (Mat. 22. 23-33; Ruka 20. 27-40.

12:18b.MAR.012.018 Zvino vaSadhuse vakavuya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:

12:19b.MAR.012.019 Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomwana munununa wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.

12:20b.MAR.012.020 Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana.

12:21b.MAR.012.021 Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu; akadaro vo.

12:22b.MAR.012.022 Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafa vo.

12:23b.MAR.012.023 Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.

12:24b.MAR.012.024 Jesu akati kwavari: Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?

12:25b.MAR.012.025 Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga.

12:26b.MAR.012.026 Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamunakurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari wakataura naye, akati: Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?

12:27b.MAR.012.027 Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu marashika kwazvo. Murairo mukuru. (Mat. 22. 34-40; Ruka 10. 25-27.)

12:28b.MAR.012.028 Zvino mumwe wavanyori wakanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, wakavuya, kumubvunza achiti: Murairo wokutanga payose ndoupiko?

12:29b.MAR.012.029 Jesu akapindura, akati; Wokutanga ndiwoyu: Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete!

12:30b.MAR.012.030 Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.

12:31b.MAR.012.031 Wechipiri ndiwoyu; Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo,

12:32b.MAR.012.032 Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwe chete, hakuno mumwe kunze kwake;

12:33b.MAR.012.033 nokumuda iye nomoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nomoyo wako wose, nokuda wokwako sezvaanozvida iye, zvinopfuvura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose nezvibayiro.

12:34b.MAR.012.034 Zvino, Jesu wakati achivona kuti wapindura nokufunga,akatikwaari: Hausi kure novushe bwaMwari. Kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu. Kristu Mwanakomana waDhavidhi. (Mat. 22. 41-46; Ruka 20. 41-44.)

12:35b.MAR.012.035 Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?

12:36b.MAR.012.036 Dhavidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako Pasi petsoka dzako.

12:37b.MAR.012.037 Dhavidhi amene unomuidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa. Jesu unonyevera vadzidzi vake. (Mat. 23. 1-12; Ruka 20. 45-47.)

12:38b.MAR.012.038 Zvino pakudzidzisa kwake wakati: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa padare

12:39b.MAR.012.039 nezvigaro zvapamberi mumasingagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo;

12:40b.MAR.012.040 vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa. Jesu unorumbidza chipo chechirikadzi. (Ruka 21. 1-4.)

12:41b.MAR.012.041 Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro; vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.

12:42b.MAR.012.042 Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini.

12:43b.MAR.012.043 Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo yakaisa zvizhinji kunavo vose vakaisa muchivigiro;

12:44b.MAR.012.044 nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.

13

13:1b.MAR.013.001 Wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!

13:2b.MAR.013.002 Jesu akati kwaari: Unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.

13:3b.MAR.013.003 Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohane, naAndrea vakamubvunza vari voga, vachiti:

13:4b.MAR.013.004 Tivudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?

13:5b.MAR.013.005 Zvino Jesu akatanga kuvavudza, akati: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.

13:6b.MAR.013.006 Vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.

13:7b.MAR.013.007 Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.

13:8b.MAR.013.008 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, vushe hwuchamukira vushe; kudengenyika kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo, ndiko kutanga kwenhamo

13:9b.MAR.013.009 Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, vuye mucharobwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chichave chapupu kwavari.

13:10b.MAR.013.010 NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.

13:11b.MAR.013.011 Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.

13:12b.MAR.013.012 Mukoma uchaisa munununa kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.

13:13b.MAR.013.013 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.

13:14b.MAR.013.014 Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza imire pasina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo;

13:15b.MAR.013.015 uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make.

13:16b.MAR.013.016 Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.

13:17b.MAR.013.017 Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!

13:18b.MAR.013.018 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando.

13:19b.MAR.013.019 Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusatikwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, vuye hakuchazovipo.

13:20b.MAR.013.020 Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura wakatapudza mazuva iwayo.

13:21b.MAR.013.021 Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda.

13:22b.MAR.013.022 Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.

13:23b.MAR.013.023 Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvose!

13:24b.MAR.013.024 Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi,

13:25b.MAR.013.025 nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.

13:26b.MAR.013.026 Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya.

13:27b.MAR.013.027 Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga.

13:28b.MAR.013.028 Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo.

13:29b.MAR.013.029 Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova.

13:30b.MAR.013.030 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika.

13:31b.MAR.013.031 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.

13:32b.MAR.013.032 Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana asi Baba.

13:33b.MAR.013.033 Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.

13:34b.MAR.013.034 Zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akaraira murindi womukova kuti arindire.

13:35b.MAR.013.035 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;

13:36b.MAR.013.036 kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.

13:37b.MAR.013.037 Zvandinokuvudzai imi, ndinovudza vose, ndichiti: Rindai!

14

14:1b.MAR.014.001 Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso. VaPirisita vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo namano, kuti vamuvuraye.

14:2b.MAR.014.002 Nokuti vakati: Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. Jesu unozodzwa nomukadzi paBetania. (Mat. 26. 6-13; Joh. 12. 1-8.)

14:3b.MAR.014.003 Zvino wakati paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, avapakudya, mumwe mukadzi akavuya anechinu chearbastera chaive nechi zoro cenardo chakanakisa chine mutengo mukuru; akaputsa chinu cearbstera, akachidurura pamusoro wake.

14:4b.MAR.014.004 Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamoyo yavo, vakati: Kuparadza ikoko kwechizoro kwakaitirweiko?

14:5b.MAR.014.005 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa namadhenari anopfuvura mazana matatu,* akapiwa varombo Vakatsamwira mukadzi.

14:6b.MAR.014.006 Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka.

14:7b.MAR.014.007 Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva. Dzose.

14:8b.MAR.014.008 Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.

14:9b.MAR.014.009 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharebwa vo, vamurangarire nazvo. Judhasi Iskarioti unotsvaka kutengesa Jesu. (Mat. 26. 14-16; Ruka 22. 3-6.)

14:10b.MAR.014.010 Judhasi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaPirisita vakuru, kuti amuise kwavari.

14:11b.MAR.014.011 Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamuisa kwavari nawo panguva yakafanira. Paseka Nechirairo. (Mat. 26. 17-30; Ruka 22. 7-23.)

14:12b.MAR.014.012 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisinembiriso, musi wavaibayira paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya paseka?

14:13b.MAR.014.013 Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.

14:14b.MAR.014.014 Paanenge achipinda, muti kumwene weimba: Zvanzi nomudzidzisi: Imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?

14:15b.MAR.014.015 ipapo iye amene uchakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.

14:16b.MAR.014.016 Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vavudzwa naye; vakagadzira paseka.

14:17b.MAR.014.017 Ava madekwana, akavuya navanegumi navaviri.

14:18b.MAR.014.018 Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchandipandukira, iye unodya neni.

14:19b.MAR.014.019 Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here?

14:20b.MAR.014.020 Akati kwavari: Ndomumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.

14:21b.MAR.014.021 Nokuti Mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye, kwaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.

14:22b.MAR.014.022 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu.

14:23b.MAR.014.023 Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.

14:24b.MAR.014.024 Akati kwavari: Ichi iropa rangu nesungano itsva, rinodururirwa vazhinji.

14:25b.MAR.014.025 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handichazonwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muvushe bwaMwari.

14:26b.MAR.014.026 Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mat. 26. 31-35; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)

14:27b.MAR.014.027 Zvino Jesu wakati kwavari: Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.

14:28b.MAR.014.028 Asi kana ndamutswa,ndichakutunga mirirai Garirea.

14:29b.MAR.014.029 Zvino Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.

14:30b.MAR.014.030 Jesu akatikwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, vusiku bwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.

14:31b.MAR.014.031 Asi iye wakareva nokusimbisa, achiti: Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Navose vakadaro vo Jesu muGetsemani (Mat. 26. 36-46; Ruka 22. 39-46.)

14:32b.MAR.014.032 Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichindonyengetera.

14:33b.MAR.014.033 Akatora Petro naJakobho naJohane, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa.

14:34b.MAR.014.034 Akati kwavari: Mweya wangu uneshungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.

14:35b.MAR.014.035 Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.

14:36b.MAR.014.036 Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu..

14:37b.MAR.014.037 Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwe chete here?

14:38b.MAR.014.038 Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.

14:39b.MAR.014.039 Akaenda zve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.

14:40b.MAR.014.040 Akaenda zve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.

14:41b.MAR.014.041 Akaenda zve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu, muzorore; Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.

14:42b.MAR.014.042 Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari vava pedo. Kusungwa kwaJesu. (Mat. 26. 47-56; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)

14:43b.MAR.014.043 Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akasvika, anavanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvaPirisita vakuru navanyori navakuru.

14:44b.MAR.014.044 Zvino iye, wakamupandukira, wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinosveta ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakabata.

14:45b.MAR.014.045 Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati: Rabhi! Akamusveta zvikuru.

14:46b.MAR.014.046 Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.

14:47b.MAR.014.047 Zvino mumwe wavakanga vamirepo, wakavhomora munondo wake, akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.

14:48b.MAR.014.048 Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari: Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here?

14:49b.MAR.014.049 Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutembere, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.

14:50b.MAR.014.050 Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.

14:51b.MAR.014.051 Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata;

14:52b.MAR.014.052 asi rakasiya mucheka, rikatiza risinenguvo, Jesu pamberi pomuPirisita mukuru navakuru. (Mat. 26. 57-68; Ruka 22. 63-71; Joh. 18.12-24.)

14:53b.MAR.014.053 Zvino vakaisa Jesu kumuPirisita mukuru; vaPirisita vakuru vose navakuru navanyori vakavunganira kwaari.

14:54b.MAR.014.054 Petro wakanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.

14:55b.MAR.014.055 Zvino vaPirisita vakuru namakurukota ose vakatsvaka chapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye, asi vakashaiwa

14:56b.MAR.014.056 Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.

14:57b.MAR.014.057 Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti:

14:58b.MAR.014.058 Takamunzwa isu achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakavakwa namavoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namavoko.

14:59b.MAR.014.059 Asi kupupura kwavo kwakapesana.

14:60b.MAR.014.060 Zvino muPirisita mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?

14:61b.MAR.014.061 Asi iye wakaramba anyerere, asingapinduri chinhu. MuPirisita mukuru akamubvunza zve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wounokudzwa here?

14:62b.MAR.014.062 Jesu akati: Ndini. Nemi muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.

14:63b.MAR.014.063 Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Tichatsvakireiko zvapupu?

14:64b.MAR.014.064 Manzwa kumhura kwake Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamutongera kuti unofanira kufa.

14:65b.MAR.014.065 Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Profita; navatariri vakamurova namavoko. Kuramba kwaPetro. (Mat. 26. 69-75; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18, 25-27.)

14:66b.MAR.014.066 Zvino Petro achiri panze paruvazhe, mumwe wavashandiri vomuPirisita mukuru akasvika,

14:67b.MAR.014.067 akavona Petro achidziya moto, akamutarira, akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta!

14:68b.MAR.014.068 Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.

14:69b.MAR.014.069 Zvino mushandiri akamuvona, akatanga zve kureva kunavakanga varipo, achiti: Uyu ndomumwe wavo!

14:70b.MAR.014.070 Asi iye wakaramba zve. Nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakati zve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newe vo uri muGarirea nokuti rurimi rwako runotenderana nazvo.

14:71b.MAR.014.071 Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.

14:72b.MAR.014.072 Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa kwaari naJesu rokuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.

15

15:1b.MAR.015.001 Pakarepo mangwanani vaPirisita vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kunaPirato.

15:2b.MAR.015.002 Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Ndizvo zvamataura.

15:3b.MAR.015.003 VaPirisita vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji asi haana kuvapindura chinhu.

15:4b.MAR.015.004 Pirato akamubvunza zve akati: Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera, zvizhinji seiko!

15:5b.MAR.015.005 Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.

15:6b.MAR.015.006 Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira.

15:7b.MAR.015.007 Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabhasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero.

15:8b.MAR.015.008 Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kunaPirato kuti avaitire saizvozvo.

15:9b.MAR.015.009 Pirato akavapindura, akati: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?

15:10b.MAR.015.010 Nokuti wakanga achiziva kuti vaPirisita vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.

15:11b.MAR.015.011 Zvino vaPirisita vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vakumbire kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.

15:12b.MAR.015.012 Pirato akapindura zve, akati kwavari: Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wa vaJudha?

15:13b.MAR.015.013 Vakadanidzira zve, vachiti: Murovere pamuchinjikwa!

15:14b.MAR.015.014 Pirato akati kwavari: Wakagotadzeiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!

15:15b.MAR.015.015 Zvino Pirato, nokuti wakanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu wakamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Jesu unodadirwa navarwi. (Mat. 27. 27-31; Joh. 19. 2, 3.)

15:16b.MAR.015.016 Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;

15:17b.MAR.015.017 vakamupfekedza nguvo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.

15:18b.MAR.015.018 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha!

15:19b.MAR.015.019 Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakafugama namabvi, vakamunamata.

15:20b.MAR.015.020 Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mat. 27. 32-56; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)

15:21b.MAR.015.021 Zvino vakamanikidza mumwe, wakanga achipfuvura achibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, baba vaArekesndro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.

15:22b.MAR.015.022 Vakamuisa kunzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti nzvimbo yedehenya, kana zvichishandurwa.

15:23b.MAR.015.023 Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye wakazviramba.

15:24b.MAR.015.024 Vakati vamurovera pamuchinjikwa,, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake.

15:25b.MAR.015.025 Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.

15:26b.MAR.015.026 Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamsoro pake, ruchiti: MAMBO WAVAJUDHA.

15:27b.MAR.015.027 Vakarovera pamuchinjikwa pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [

15:28b.MAR.015.028 Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabwa pamwe chete navadariki vomurairo.]

15:29b.MAR.015.029 Navaipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuivaka zve namazuva matatu,

15:30b.MAR.015.030 chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!

15:31b.MAR.015.031 Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo,vachiti: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.

15:32b.MAR.015.032 Kristu, Mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.

15:33b.MAR.015.033 Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

15:34b.MAR.015.034 Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?

15:35b.MAR.015.035 Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Chinzwai, unodana Eria.

15:36b.MAR.015.036 Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhinega, akachiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.

15:37b.MAR.015.037 Ipapo Jesu akadana nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

15:38b.MAR.015.038 Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumsoro kusvikira pasi.

15:39b.MAR.015.039 Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona mutovo wokufa kwake, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.

15:40b.MAR.015.040 Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome;

15:41b.MAR.015.041 ndivo vaimutevera achi muGarirea vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye. Kuvigwa kwaJesu. (Mat. 27-57-66; Ruka 23. 50-56; Joh. 19. 38-42.)

15:42b.MAR.015.042 Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira sabata,

15:43b.MAR.015.043 Josefa weArimatea, mumwe wamakurukota, munhu wakakudzwa iye amene wakanga achigarira vo vushe bwaMwari wakavuya akapinda nokutsunga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu.

15:44b.MAR.015.044 Pirato akashamiswa achinzwa kuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.

15:45b.MAR.015.045 Zvino wakati azvinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu.

15:46b.MAR.015.046 Iye wakatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro.

15:47b.MAR.015.047 Maria Magdarene, naMaria mai vaJose, vakavona paakavigwa.

16

16:1b.MAR.016.001 Sabata yakati yapfuvura, Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza.

16:2b.MAR.016.002 Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kubwiro, zuva robuda.

16:3b.MAR.016.003 Vakataurirana, vachiti: Ndianiko uchatikungurusira ibwe pamukova wobwiro?

16:4b.MAR.016.004 Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.

16:5b.MAR.016.005 Vakapinda mubwiro, vakavona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka.

16:6b.MAR.016.006 Rikati kwavari: Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, wakanga aroverwa pamuchinjikwa; wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.

16:7b.MAR.016.007 Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvonako, sezvaakakuvudzai.

16:8b.MAR.016.008 Vakabuda, nokukurumidza vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasavudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya.

16:9b.MAR.016.009 Zvino wakati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kunaMaria Magdarene, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.

16:10b.MAR.016.010 Iye akaenda kundovudza avo vaiva naye,vakanga vachichema nokurira.

16:11b.MAR.016.011 Ivo vakati vachinzwa kuti uri mupenyu, vuye kuti wakavonekwa naye, vakasatenda.

16:12b.MAR.016.012 Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomuwe mutovo kunavaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa.

16:13b.MAR.016.013 Naivo vo vakaenda, vakandovudza vamwe; naivo vakasavatenda vo.

16:14b.MAR.016.014 Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.

16:15b.MAR.016.015 Akati kwavari: Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri.

16:16b.MAR.016.016 Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa.

16:17b.MAR.016.017 Zviratidzo izvi zvichava navanotenda: Vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva;

16:18b.MAR.016.018 vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoro pavarwere, vakapora. Kukwira kwaJesu. (Ruka 24. 50-53; Mab. 1. 9-11.)

16:19b.MAR.016.019 Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.

16:20b.MAR.016.020 Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezvitidzo zvaiva navo. Amen.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Mark (Shona). Mark (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5CF-1