Matthew (Shona)
1
1:1b.MAT.001.001 Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu;
1:2b.MAT.001.002 Abhurahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka Judha navanununa vake,
1:3b.MAT.001.003 Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari, Faresi akabereka Esiromi, Esromi akabereka Arami,
1:4b.MAT.001.004 Arami akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi, Akabereka Nasoni,Nasoni akabereka Sarimoni,
1:5b.MAT.001.005 Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute, Obedi akabereka Jese,
1:6b.MAT.001.006 Jese akabereka mambo Dhavhidhi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria,
1:7b.MAT.001.007 Soromoni akabereka Robhoami, Robhoami akabereka Abhiya, Abhiya akabereka Asafa,
1:8b.MAT.001.008 Asafa akabereka Josafati, Josafati akabereka Joramu, Joramu akabereka Ozia,
1:9b.MAT.001.009 Ozia akabereka Jotamu, Jotamu akabereka Ahazi,Ahazi akabereka Ezekia,
1:10b.MAT.001.010 Ezekia akabereka Manase, Manase akabereka Amoni, Amoni akabereka Josia,
1:11b.MAT.001.011 Josia akabereka Jekonia navanununa vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.
1:12b.MAT.001.012 Shure kokutapwa kwavo Bhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri, Saratieri akabereka Zorobhabheri,
1:13b.MAT.001.013 Zorobhabheri akabereka Abiudhi; Abiudhi akabereka Eriakimi,Eriakimi akabereka Azori;
1:14b.MAT.001.014 Azori akabereka Sadhoki, Sadhoki akabereka Akimi, Akimi akabereka Eriudhi,
1:15b.MAT.001.015 Eriudhi akabereka Ereazari Ereazari akabereka Matani,Matani akabereka Jakobho,
1:16b.MAT.001.016 Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.
1:17b.MAT.001.017 Naizvozvo marudzi ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi aiva marudzi anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa kweBhabhironi, marudzi anegumi namana kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, marudzi anegumi namana. Kuberekwa kwaJesu Kristu
1:18b.MAT.001.018 Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
1:19b.MAT.001.019 Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari munhu wakarurama, asingadi kumunyadzisa, wakafunga kumurega chinyararire.
1:20b.MAT.001.020 Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
1:21b.MAT.001.021 Iye uchazvara Mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu, nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
1:22b.MAT.001.022 Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarebwa naShe, nomuromo womuporofita achiti,
1:23b.MAT.001.023 Tarira mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
1:24b.MAT.001.024 Zvino Josefa akamuka pahope dzake, akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akatora mukadzi wake.
1:25b.MAT.001.025 Akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.
2
2:1b.MAT.002.001 Jesu wakati aberekwa paBhetirehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhe, tarira vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva,
2:2b.MAT.002.002 vakati, Uripiko Mambo wavaJudha wakazvarwa? Nokuti takavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.
2:3b.MAT.002.003 Mambo Herodhe achizvinzwa wakamanikidzwa neJerusarema rose naye.
2:4b.MAT.002.004 Akakokera vaPirisita vakuru vose navanyori vavanhu, akabvunza kuti Kristu uchaberekwepi.
2:5b.MAT.002.005 Vakati kwaari, PaBhetirehemu reJudhea, nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,
2:6b.MAT.002.006 Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJudha, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.
2:7b.MAT.002.007 Zvino Herodhe wakadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakavonekwa nyeredzi nayo,
2:8b.MAT.002.008 akavatuma Bhetirehemu, akati Endai munatso-bvunzisisa zvomwana, kana mamuwana mundivudze, kuti nenivo ndivuye kuzomunamata.
2:9b.MAT.002.009 Vakati vanzwa mambo, vakaenda, zvino tarira nyeredzi yavakanga vavona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana.
2:10b.MAT.002.010 Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru-kuru.
2:11b.MAT.002.011 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.
2:12b.MAT.002.012 Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kunaHerode, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. Kutizira Egipta nokuvurawa kwavana.
2:13b.MAT.002.013 Vakati vaenda, tarira mutumwa waShe wakavonekwa naJosefa pakurota achiti, Simuka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti ugareko kusvikira ndichikuvudza, nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuvuraye.
2:14b.MAT.002.014 Akasimuka, akatora mwananamai vake vusiku akaenda Ijipiti.
2:15b.MAT.002.015 Akagarako kusvikira Herodhe afa, kuti zviitike zvakarebwa naShe nomuromo womuporofita achiti, Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
2:16b.MAT.002.016 Zvino Herodhe wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo, akatuma vanhu kundovuraya vana vavakomana vose vaiva muBhetirehemu napanyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
2:17b.MAT.002.017 Zvikaitika zvakarebwa nomuporofita Jeremia achiti.
2:18b.MAT.002.018 Inzwi rakanzwika muRama, rokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asingadi kunyaradzwa nokuti havachipo. Kudzoka paIjipiti
2:19b.MAT.002.019 Herodhe wakati afa, tarira mutumwa waShe akavonekwa naJosefa pakurota paIjipiti,
2:20b.MAT.002.020 akati simuka utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri nokuti vaitsvaka kuvuraya mwana vafa.
2:21b.MAT.002.021 Akasimuka ndokutora mwana namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.
2:22b.MAT.002.022 Asi wakati achinzwa kuti Arkerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhe akatya kuendako, akanyeverwa pakurota, akaenda kumativi enyika yeGarirea.
2:23b.MAT.002.023 Akandogarako muguta rinonzi Nazareta kuti zvakarebwa navaporofita zviitike, kuti uchanzi muNazareta.
3
3:1b.MAT.003.001 Namazuva iwayo Johane Mubhabhatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudhea,
3:2b.MAT.003.002 achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo.
3:3b.MAT.003.003 Nokuti uyu ndiwakarebwa nomuporofita Isaya achiti, Inzwi rounodana murenje, gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
3:4b.MAT.003.004 Iye Johane waiva nenguvo yamakushe ekamera nebhanhire reganda pachivuno chake zvokudya zvake zvaiva mhashu novuchi bwebundo.
3:5b.MAT.003.005 Zvino veJerusarema neJudhea rose vakabudira kwaari nenyika yose yakapoteredza Jorodhani.
3:6b.MAT.003.006 Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
3:7b.MAT.003.007 Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobhabhatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
3:8b.MAT.003.008 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka.
3:9b.MAT.003.009 Musafunga kutaura mumoyo menyu muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
3:10b.MAT.003.010 Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, saka muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto.
3:11b.MAT.003.011 Ini ndinokubhabhatidzai nemvura mutendevuke, asi unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
3:12b.MAT.003.012 Rusero rwake ruri muruvoko rwake, uchanatsa buriro rake kwazvo. Uchavunganidzira zviyo mudura. Asi hundi uchaipisa mumoto usingadzimwi. Kubhabhatidzwa kwaJesu (Mar. 1. 9-11; Ruka 3. 21-22; Joh. 1. 31-34.)
3:13b.MAT.003.013 Zvino Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye.
3:14b.MAT.003.014 Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati, ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko movuya kwandiri sei?
3:15b.MAT.003.015 Asi Jesu wakapindura akati kwaari, chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
3:16b.MAT.003.016 Jesu wakati abhabhatidzwa, Pakarepo akabuda mumvura. Zvino tarira denga rakamuzarurirwa akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva. Akavuya pamusoro pake.
3:17b.MAT.003.017 Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira!
4
4:1b.MAT.004.001 Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kuzoidzwa naDhiabhorosi.
4:2b.MAT.004.002 Wakati azvinyima zvokudya mazuva anamakumi mana novusiku bwunamakumi mana, akabva oziya.
4:3b.MAT.004.003 Zvino muidzi akavuya kwaari, akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari raira kuti mabwe awa zvive zvingwa.
4:4b.MAT.004.004 Asi wakapindura akati, kwakanyorwa kuchinzi, munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari.
4:5b.MAT.004.005 Zvino Dhiabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere.
4:6b.MAT.004.006 Akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari uzviwisire pasi nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako. Pamavoko avo vacha kusimudza. Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
4:7b.MAT.004.007 Jesu akati kwaari, kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.
4:8b.MAT.004.008 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo.
4:9b.MAT.004.009 Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata.
4:10b.MAT.004.010 Ipapo Jesu akati kwaari, ibva Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi, namata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.
4:11b.MAT.004.011 Zvino Dhiabhorosi akamurega. Vatumwa vakavuya vakamushumira. Jesu paGarirea. Vadzidzi vokutanga. (Mar. 1. 14; Ruka 4.14; 5. 1-11.)
4:12b.MAT.004.012 Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea.
4:13b.MAT.004.013 Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.
4:14b.MAT.004.014 Kuti zviitike zvakarebwa nomuporofita Isaya achiti,
4:15b.MAT.004.015 Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa mhiri kwaJoridhani. Garirea ravahedheni.
4:16b.MAT.004.016 Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru. Navakanga vagere panyika nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.
4:17b.MAT.004.017 Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza achiti, tendevukai nokuti vushe bwokudenga bwaswedera pedo.
4:18b.MAT.004.018 Jesu wakati achifamba pagungwa reGarirea akavona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni unonzi Petro naAndrea munununa wake vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.
4:19b.MAT.004.019 Akati kwavari nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.
4:20b.MAT.004.020 Pakarepo vakasiya vutava bwavo vakamutevera.
4:21b.MAT.004.021 Zvino wakati apfuvura mberi akavona vamwe varume vaviri mugwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun una wake vana Zebedi baba vavo, vachigadzira vutava bwavo, akavadana.
4:22b.MAT.004.022 Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
4:23b.MAT.004.023 Jesu akapota neGarirea rose akadzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza Evhangeri yovushe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.
4:24b.MAT.004.024 Mukurumbira wake ukanzwikwa kunyika yose yeSiria. Vakavuya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navanezvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa.
4:25b.MAT.004.025 Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Garirea neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera.
5
5:1b.MAT.005.001 Wakati achivona vanhu vazhinji, akakwira mugomo, akagara pasi. Vadzidzi vake vakaswedera kwaari.
5:2b.MAT.005.002 Akashamisa muromo wake akavadzidzisa achiti,
5:3b.MAT.005.003 Vakaropafadzwa varombo pamweya nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
5:4b.MAT.005.004 Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5:5b.MAT.005.005 Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
5:6b.MAT.005.006 Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama nokuti vachagutiswa kwazvo.
5:7b.MAT.005.007 Vakaropafadzwa vanengoni nokuti vachaitirwa ngoni.
5:8b.MAT.005.008 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo nokuti vachavona Mwari.
5:9b.MAT.005.009 Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
5:10b.MAT.005.010 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
5:11b.MAT.005.011 Makaropafadzwa imi kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.
5:12b.MAT.005.012 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga. Nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai. Munyu nechiedza chenyika.
5:13b.MAT.005.013 Imi muri munyu wenyika, asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze utsikwe navanhu.
5:14b.MAT.005.014 Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.
5:15b.MAT.005.015 Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko uvhenekere vose vari mumba.
5:16b.MAT.005.016 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kukdenga. Jesu Kristu wakavuya kuzadzisa murairo.
5:17b.MAT.005.017 Musafunga kuti ndakavuya kuparadza murairo kana vaporofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.
5:18b.MAT.005.018 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri, zvisati zvaitika zvose.
5:19b.MAT.005.019 Naizvozvo aninani unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muvushe hwokudenga. Asi unoirita, akaidzidzisa uchanzi mukuru muvushe hwokudenga.
5:20b.MAT.005.020 Nokuti ndinoti kwamuri, kana kururama kwenyu kusingapfuvuri kururama kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
5:21b.MAT.005.021 Makanzwa kuti zvakanzi kunavekare, usavuraya. Aninani unovuraya uchapara mhosva ingatongwa.
5:22b.MAT.005.022 Asi ini ndinoti kwamuri, unotsamwira hama yake pasinemhaka, uchapara mhosva ingatongwa. Unoti kuhama yake Raka, uchapara mhosva pamakurukota. Unoti benzi uchapara mhosva kuti atongerwe Gehena romoto.
5:23b.MAT.005.023 Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako inemhosva newe.
5:24b.MAT.005.024 Usiye chipo chako ipapo pamberi paaritari, uende umbondoyanana nehama yako, ugozovuya woisa chipo chako.
5:25b.MAT.005.025 Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukasungwa mutorongo.
5:26b.MAT.005.026 Zvirokwazvo ndinoti kwauri haungatongobudimo usati waripa kamari kokupedzisira.
5:27b.MAT.005.027 Makanzwa kuti zvakanzi nevakare, usaita vupombwe,
5:28b.MAT.005.028 Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita vupombwe naye mumoyo make.
5:29b.MAT.005.029 Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise urirashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
5:30b.MAT.005.030 Kana ruvoko rwako rorudyi ruchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
5:31b.MAT.005.031 Zvakanzivo aninani unorasha mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rokumuramba.
5:32b.MAT.005.032 Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, asi nemhosva yovupombwe, unomuitisa vupombwe. Aninani unowana wakarashwa unoita vupombwe.
5:33b.MAT.005.033 Makanzwavo kuti zvakanzi kuna vekare, usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
5:34b.MAT.005.034 Asi ini ndinoti kwamuri, musatongopika kana nokudenga nokuti ndicho chigaro chovushe chaMwari.
5:35b.MAT.005.035 Kana nenyika nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake, kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
5:36b.MAT.005.036 Usapika kana nomusoro wako nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.
5:37b.MAT.005.037 Asi shoko renyu ngarive, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvo zvinobva kuno wakaipa,
5:38b.MAT.005.038 Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsibwa neziso, zino nezino.
5:39b.MAT.005.039 Asi ndinoti kwamuri musadzivisa wakaipa. Asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.
5:40b.MAT.005.040 Kana munhu achida kukukwirira kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzevo.
5:41b.MAT.005.041 Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
5:42b.MAT.005.042 Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoda kukwereta kwauri.
5:43b.MAT.005.043 Makanzwa kuti zvakanzi, ude wokwako uvenge muvengi wako.
5:44b.MAT.005.044 Asi ini ndinoti kwamuri, idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa vachikutambudzai.
5:45b.MAT.005.045 Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.
5:46b.MAT.005.046 Nokuti kana muchida vanokudai munomubairo weiko?
5:47b.MAT.005.047 Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?
5:48b.MAT.005.048 Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
6
6:1b.MAT.006.001 Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
6:2b.MAT.006.002 Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
6:3b.MAT.006.003 Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako.
6:4b.MAT.006.004 Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose. Kunyengetera.
6:5b.MAT.006.005 Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
6:6b.MAT.006.006 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose.
6:7b.MAT.006.007 Pakunyengetera kwenyu musapamhidza zvisina maturo savahedheni nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.
6:8b.MAT.006.008 Naizvozvo musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari.
6:9b.MAT.006.009 Zvino imi nyengeterai kudai, Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene.
6:10b.MAT.006.010 Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
6:11b.MAT.006.011 Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
6:12b.MAT.006.012 Mutikanganwire mhosva dzedu sezvatinokanganwiravo vane mhosva nesu.
6:13b.MAT.006.013 Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire panezvakaipa. Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinya nokusingaperi. Ameni.
6:14b.MAT.006.014 Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraivo.
6:15b.MAT.006.015 Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwirii vo kudarika kwenyu. Kuzvinyima zvokudya.
6:16b.MAT.006.016 Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira savanyengeri nokuti vanoipisa zviso zvavo, vavonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
6:17b.MAT.006.017 Asi iwe kana uchizvinyima zvokudya zodza musoro wako, ushambe chiso chako,
6:18b.MAT.006.018 kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako vari pakavanda zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo panovonekwa navose. Fuma yenyika neyokudenga.
6:19b.MAT.006.019 Regai kuzvivunganidzira fuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza napane mbavha dzinopaza dzichiba.
6:20b.MAT.006.020 Asi muzvivunganidzire fuma kudenga pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
6:21b.MAT.006.021 Nokuti panefuma yako, nomoyo wako uchavapovo.
6:22b.MAT.006.022 Mwenje womuviri iziso. Zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
6:23b.MAT.006.023 Asi kana ziso rako rose rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
6:24b.MAT.006.024 Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe. Kana uchanamatira mumwe akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nefuma.
6:25b.MAT.006.025 Saka ndinoti kwamuri, regai kufunganya pamusoro povupenyu bwenyu muchiti ndichadyei kana ndichamwei? Kana pamusoro pomuviri wenyu muchiti ndichafukeiko? Vupenyu habwupfuvuri zvokudya here? Kana muviri haupfuvuri zvokufuka here?
6:26b.MAT.006.026 Tarirai shiri dzokudenga hadzidzvari, hadzicheki, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuvuri zvikuru here?
6:27b.MAT.006.027 Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu hwake nokufunganya?
6:28b.MAT.006.028 Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo, haabati, haaruki.
6:29b.MAT.006.029 Asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo.
6:30b.MAT.006.030 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwebundo hwuripo nhasi, hwuchakandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
6:31b.MAT.006.031 Naizvozvo musafunga muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko?
6:32b.MAT.006.032 Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose.
6:33b.MAT.006.033 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
6:34b.MAT.006.034 Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.
7
7:1b.MAT.007.001 Musatonga kuti murege kutongwa.
7:2b.MAT.007.002 Nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho.
7:3b.MAT.007.003 Unotaririreiko rubanzu ruri muziso rehama yako asi hauvoni danda riri muziso rako?
7:4b.MAT.007.004 Kana ungataura seiko kuhama yako uchiti, rega ndibvise rubanzu muziso rako izvo danda riri muziso rako?
7:5b.MAT.007.005 Iwe munyengeri tanga kubvisa danda muziso rako ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.
7:6b.MAT.007.006 Musapa imbwa zvinhu zvitsvene vuye musakanda maparera enyu pamberi penguruve kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai. Kutsunga pakunyengetera.
7:7b.MAT.007.007 Kumbirai muchapiwa. Tsvakai muchawana. Gogodzai muchazarurirwa.
7:8b.MAT.007.008 Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unopiwa, unotsvaka unowana, unogogodza unozarurirwa.
7:9b.MAT.007.009 Munhu ndoupiko kwamuri? Kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe?
7:10b.MAT.007.010 Kana akakumbira hove ungamupa nyoka?
7:11b.MAT.007.011 Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
7:12b.MAT.007.012 Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemivo saizvozvo nokuti ndiwo murairo navaporofita. Nzira mbiri. (Ruka 13. 24-30.)
7:13b.MAT.007.013 Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji.
7:14b.MAT.007.014 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma. Vadzidzisi venhema.
7:15b.MAT.007.015 Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza.
7:16b.MAT.007.016 Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato?
7:17b.MAT.007.017 Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
7:18b.MAT.007.018 Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka.
7:19b.MAT.007.019 Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto.
7:20b.MAT.007.020 Saka muchavaziva nezvibereko zvavo. Kunzwa nokuita.
7:21b.MAT.007.021 Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
7:22b.MAT.007.022 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?
7:23b.MAT.007.023 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.
7:24b.MAT.007.024 Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita ungafananidzwa nomurume wakachenjera. Wakavaka imba yake paruware.
7:25b.MAT.007.025 Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ika vhuvhuta, ikarova imba iyo ikasawa nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
7:26b.MAT.007.026 Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi wakavaka imba yake pajecha.
7:27b.MAT.007.027 Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa. Kuwa kwayo kukava kukuru.
7:28b.MAT.007.028 Jesu wakati apedza mashoko iwayo vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.
7:29b.MAT.007.029 Nokuti wakavadzidzisa sounesimba asingaiti savaSadhuse.
8
8:1b.MAT.008.001 Wakati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
8:2b.MAT.008.002 Tarira munhu unamaperembudzi akavuya kwaari, akamunamata akati, Ishe kana muchida munogona kundinatsa.
8:3b.MAT.008.003 Jesu wakatambanudza ruvoko rwake, akamubata akati, ndinoda chinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
8:4b.MAT.008.004 Jesu akati kwaari, tarira usavudza munhu asi enda uzviratidze kumuPirisita, ubayire chipo chakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari. Jesu unoporesa muranda womukuru wezana. (Ruka 7. 1-10.)
8:5b.MAT.008.005 Jesu wakati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari,
8:6b.MAT.008.006 achiti Ishe muranda wangu avete kumba, akafa mitezo asi unotambudzika kwazvo.
8:7b.MAT.008.007 Jesu akati kwaari, ndichavuya kuzomuporesa.
8:8b.MAT.008.008 Mukuru wezana akapindura akati Ishe, handina kufanira kuti mupinde mumba mangu asi taurai henyu shoko rimwe chete muranda wangu uchapora.
8:9b.MAT.008.009 Nokuti nenivo ndiri munhu unorairwa, ndina varwi pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, enda, unoenda. Kunomumwe vuya, unovuya. Nokumuranda wangu ita chichi unoita.
8:10b.MAT.008.010 Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handina kumbovona kutenda kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
8:11b.MAT.008.011 Ndinoti kwamuri vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho muvushe hwokudenga.
8:12b.MAT.008.012 Asi vanakomana vovushe vachabudiswa kurima rokunze, apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
8:13b.MAT.008.013 Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora nenguva iyo. Jesu anoporesa mai vomukadzi waPetro. (Mar. 1. 29-34; Ruka 4. 38-41.)
8:14b.MAT.008.014 Jesu, wakati achipinda mumba maPetro, akavona mai vomukadzi wake vavete vachinzwa fivhiri.
8:15b.MAT.008.015 Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari. Vakasimuka vakavashandira.
8:16b.MAT.008.016 Ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa. Akabudisa mweya neshoko. Akaporesa vose vairwara.
8:17b.MAT.008.017 Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, iye wakatora vutera hwedu, akatakura marwere edu. Kutevera Jesu (Ruka 9.57-62.)
8:18b.MAT.008.018 Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
8:19b.MAT.008.019 Zvino mumwe munyori akavuya kwaari akati, Mudzidzisi ndichakuteverai kwose kwamunoenda.
8:20b.MAT.008.020 Jesu akati kwaari, mhungubwe dzine mwena neshiri dzokudenga dzina matendere asi Mwawnakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro wake.
8:21b.MAT.008.021 Mumwe wavadzidzi akati kwaari, Ishe nditenderei henyu ndimbonoviga baba vangu.
8:22b.MAT.008.022 Asi Jesu wakati kwaari, nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo. Jesu unonyaradza dutu remhepo (Mar 4. 35-41, Ruka 8. 22-25)
8:23b.MAT.008.023 Wakati apinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera.
8:24b.MAT.008.024 Ipapo dutu guru remhepo rikamuka mugungwa nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
8:25b.MAT.008.025 Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vakati, Ishe tiponesei tofa!
8:26b.MAT.008.026 Akati kwavari, Munotyireiko imi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa. Kudzikama kukuru kukavapo.
8:27b.MAT.008.027 Vanhu vakashamiswa vakati, uyu munhu kunyi zvaanoteererwa nemitutu negungwa? Jesu unobudisa mweya yakaipa panyika yavaGadara. (Mar 5. 1-20, Ruka 8. 26-39)
8:28b.MAT.008.028 Wakati asvika mhiri kunyika yavaGadara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasongana naye, vachibva kumarinda. Vakanga vane hasha kwazvo-kwazvo. Naizvozvo kwakanga kusina munhu waigona kupfuvura nenzira iyo.
8:29b.MAT.008.029 Zvino vakadanidzira vachiti, tine mhaka yeiko nemi Jesu Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?
8:30b.MAT.008.030 Kwakanga kuneboka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
8:31b.MAT.008.031 Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende muboka renguruve.
8:32b.MAT.008.032 Akati kwairi, endai. Ikabuda, ikapinda munguruve. Boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
8:33b.MAT.008.033 Ipapo vaidzifudza vakatiza. Vakaenda kuguta. Vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
8:34b.MAT.008.034 Zvino guta rose rikabuda kundosongana naJesu. Vakati vachimuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
9
9:1b.MAT.009.001 Wakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake.
9:2b.MAT.009.002 Zvino vakavuya kwaari nomunhu wakanga akafa mitezo, avete panhovo. Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akafa mitezo, mwana tsunga moyo wakanganwirwa zvivi zvako.
9:3b.MAT.009.003 Zvino vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo, munhu uyu unomhura Mwari.
9:4b.MAT.009.004 Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati, munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?
9:5b.MAT.009.005 Nokuti chinyiko chakareruka kuti, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka ufambe?
9:6b.MAT.009.006 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi. Akati kumunhu wakanga akafa mitezo, simuka, tora nhovo dzako uende kumba kwako!
9:7b.MAT.009.007 Akasimuka akaenda kumba kwake.
9:8b.MAT.009.008 Vanhu vazhinji vakati vachizvivona vakashamiswa vakarumbidza Mwari wakapa vanhu simba rakadai. Kudanwa kwaMateo. (Mar 2. 14-17, Ruka 5.27-32)
9:9b.MAT.009.009 Jesu wakati achibvapo, akavona munhu wainzi Mateo agere panotereswa. Akati kwaari, nditevere! Ipapo akasimuka akamutevera.
9:10b.MAT.009.010 Zvino wakati agere pakudya mumba, tarira vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
9:11b.MAT.009.011 Zvino vaFarise vachizvivona vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?
9:12b.MAT.009.012 Jesu achizvinzwa akati, vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.
9:13b.MAT.009.013 Asi endai mudzidze kuti, zvinorevei kuti ndinoda ngoni handidi chibayiro, nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mar 2. 18-22, Ruka 5. 33-38)
9:14b.MAT.009.014 Zvino vadzidzi vaJohane vakavuya kwaari vakati, isu navaFarise tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
9:15b.MAT.009.015 Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika achabviswa chikomba kwavari nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
9:16b.MAT.009.016 Hakuno munhu unoisa chigamba chitsva panguvo yakasakara nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo vuri rikanyanya.
9:17b.MAT.009.017 Havadirivo waini itsva muhombodo tsaru nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikatevuka nehombodo dzikafavo. Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zviviri zvose zvichengeteke. Jesu unoporesa mukadzi waibuda ropa uye unomutsa mukunda womubati (Mar 5. 22-43, Ruka 8. 41-56)
9:18b.MAT.009.018 Wakati achivavudza izvozvo, mumwe mubati akasvikapo, akamunamata. Akati, mukunda wangu wafa ikozvino asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake ararame.
9:19b.MAT.009.019 Ipapo Jesu akasimuka akamutevera navadzidzi vake.
9:20b.MAT.009.020 Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake. Akabata mupendero wenguvo yake.
9:21b.MAT.009.021 Nokuti wakati mumoyo make, kana ndikangobata nguvo yake bedzi ndichaponeswa.
9:22b.MAT.009.022 Asi Jesu wakatendevuka akamuvona akati, mukunda tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi wakaponeswa kubva panguva iyo.
9:23b.MAT.009.023 Zvino Jesu wakasvika mumba momubati wakavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere.
9:24b.MAT.009.024 Akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.
9:25b.MAT.009.025 Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruvoko rwake, musikana ndokumuka.
9:26b.MAT.009.026 Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose. Jesu unoporesa mapofu maviri nembeveve
9:27b.MAT.009.027 Zvino Jesu wakati achibvapo, mapofu maviri akamutevera. Akadanidzira achiti Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
9:28b.MAT.009.028 Akati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari. Jesu akati kwaari munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here? Akati kwaari, hongu Ishe!
9:29b.MAT.009.029 Zvino wakabata meso avo akati, muitirwe pamakatenda napo.
9:30b.MAT.009.030 Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru akati, chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.
9:31b.MAT.009.031 Asi vakabuda, vakataura pamusoro pake munyika iyo yose.
9:32b.MAT.009.032 Vakati vachibuda, tarira vakavuya kwaari nomunhu wakanga ari mbeveve waiva nomweya wakaipa.
9:33b.MAT.009.033 Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura. Vanhu va zhinji vakashamiswa vakati, Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.
9:34b.MAT.009.034 Asi vaFarise vakati, unobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.
9:35b.MAT.009.035 Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri yovushe, nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose kuvanhu.
9:36b.MAT.009.036 Asi wakati achivona vanhu vazhinji akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vaneta, vakapararira samakwai asina Mufudzi.
9:37b.MAT.009.037 Zvino akati kuvadzidzi vake, zvirokwazvo kucheka kukuru asi vabati vashoma.
9:38b.MAT.009.038 Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti atumire vabati pakucheka kwake.
10
10:1b.MAT.010.001 Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake, vanegumi navaviri. Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose.
10:2b.MAT.010.002 Mazita avaapostora vanegumi navaviri ndiwawa, wokutanga Simoni wainzi Petro naAndrea munununa wake, Jakobho mwanakomana waZebedi naJohane munununa wake,
10:3b.MAT.010.003 Firipo naBatoromeo, Tomasi naMateo muteresi, Jakobho mwanakomana waArafeo naTadeo.
10:4b.MAT.010.004 Simoni muKanani naJudhasi Iskarioti uya wakamupandukira.
10:5b.MAT.010.005 Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria.
10:6b.MAT.010.006 Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri.
10:7b.MAT.010.007 Mufambe muparidze muchiti, Vushe bwokudenga bwaswedera.
10:8b.MAT.010.008 Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperambudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu chingopai henyu.
10:9b.MAT.010.009 Musatora ndarama kana sirivheri kana ndarira muzvikwama zvenyu,
10:10b.MAT.010.010 kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.
10:11b.MAT.010.011 Muguta kana mumusha pose pamunopinda bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira mugarepo kusvikira muchibva.
10:12b.MAT.010.012 Kana muchipinda mumba muikwazise.
10:13b.MAT.010.013 kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruvuye pamusoro payo asi kana isina kufanira rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
10:14b.MAT.010.014 Aninani usingakugamuchiriyi kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.
10:15b.MAT.010.015 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura guta iro.
10:16b.MAT.010.016 Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere. Saka chenjerai senyoka mururame senjiva.
10:17b.MAT.010.017 Asi chenjerai vanhu nokuti vachakuisai kuvungano dzamakurukota nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo.
10:18b.MAT.010.018 Muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.
10:19b.MAT.010.019 Asi kana vachikukwirirai, musafunganya muchiti muchataura sei kana inyiko nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
10:20b.MAT.010.020 Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu.
10:21b.MAT.010.021 Mukoma uchaisa munununa parufu nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo nokuvavuraya.
10:22b.MAT.010.022 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.
10:23b.MAT.010.023 Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hamungapedzi maguta avaIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.
10:24b.MAT.010.024 Mudzidzi haangakundi mudzidzisi wake kana muranda Ishe wake.
10:25b.MAT.010.025 Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza mwene weimba Beerzeburi vachadaro zvikuru sei veimba yake!
10:26b.MAT.010.026 Naizvozvo musavatya, nokuti hakunechinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi.
10:27b.MAT.010.027 Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzirai pamusoro pedzimba.
10:28b.MAT.010.028 Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena.
10:29b.MAT.010.029 Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu.
10:30b.MAT.010.030 Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.
10:31b.MAT.010.031 Naizvozvo musatya nokuti munopfuvura shiri duku zhinji.
10:32b.MAT.010.032 Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu neni ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
10:33b.MAT.010.033 Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.
10:34b.MAT.010.034 Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo.
10:35b.MAT.010.035 Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake,
10:36b.MAT.010.036 navavengi vomunhu vachava veimba yake.
10:37b.MAT.010.037 Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni.
10:38b.MAT.010.038 Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni.
10:39b.MAT.010.039 Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
10:40b.MAT.010.040 Unokugamuchirai imi, unondigamuchira nounogamuchira ini unogamuchira wakandituma.
10:41b.MAT.010.041 Unogamuchira muporofita, muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita. Nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubairo wowakarurama.
10:42b.MAT.010.042 Aninani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhorera anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubairo wake.
11
11:1b.MAT.011.001 Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri akapfuvura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Johane Mubhabhatidzi unotuma vadzidzi kubvunza Jesu. (Ruka 7. 18-35.)
11:2b.MAT.011.002 Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, vaviri.
11:3b.MAT.011.003 Achiti kwaari, Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here kana tichakatarira mumwe?
11:4b.MAT.011.004 Jesu akapindura akati kwavari, endai mundovudza Johane zvamunonzwa nezvamunovona,
11:5b.MAT.011.005 Zvokuti mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
11:6b.MAT.011.006 Wakaropafadzwa iye usingagumbuswi neni.
11:7b.MAT.011.007 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, makanga mabuda kunovoneiko kurenje? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
11:8b.MAT.011.008 Ko makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguvo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.
11:9b.MAT.011.009 Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muporofita here? Hongu ndinoti kwamuri, unopfuvura kwazvo muporofita.
11:10b.MAT.011.010 Nokuti ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
11:11b.MAT.011.011 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhabhatidzi, asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.
11:12b.MAT.011.012 Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino vushe hwokudenga hwunopambwa nevapambi vanobwutora nesimba.
11:13b.MAT.011.013 Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.
11:14b.MAT.011.014 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria wakanga achinzi unovuya.
11:15b.MAT.011.015 Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
11:16b.MAT.011.016 Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare vanodanidzira kushamwari dzavo vachiti,
11:17b.MAT.011.017 Takakuridzirai nyere, mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
11:18b.MAT.011.018 Nokuti Johane wakavuya asingadyi, asingamwi., zvino vanoti unomweya wakaipa.
11:19b.MAT.011.019 Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti, tarirai munhu unokara nomumwi neshamwari yavateresi navatadzi! Kuchenjera kunopembedzwa. Jesu unotuka maguta matatu akamuramba. (Ruka 10. 13-15.)
11:20b.MAT.011.020 Zvino wakatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka akati,
11:21b.MAT.011.021 unenhamo iwe Korazini! une nhamo iwe Betsaida! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu dai aiitwa muTire neSidoni vangadai vatendevuka kare vanamasaga nedota.
11:22b.MAT.011.022 Asi ndinoti kwamuri Tire neSidoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvuremi.
11:23b.MAT.011.023 Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma ringadai richipo nanhasi.
11:24b.MAT.011.024 Asi ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.
11:25b.MAT.011.025 Nenguva iyo Jesu akapindura akati, ndinokutendai Baba Ishe wokudenga napasi kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizarurira vacheche.
11:26b.MAT.011.026 Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
11:27b.MAT.011.027 Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba. Hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye. Joko raJesu
11:28b.MAT.011.028 Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai.
11:29b.MAT.011.029 Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.
11:30b.MAT.011.030 Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.
12
12:1b.MAT.012.001 Nenguva iyo. Jesu wakafamba napakati peminda yezviyo nomusi wesabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara. vakatanga kutanha hura vachidya.
12:2b.MAT.012.002 VaFarisi vakati vachizviona;vakati, kwaari, tarira vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi wesabata.
12:3b.MAT.012.003 Asi wakati kwavari, Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye.
12:4b.MAT.012.004 Kuti wakapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza. Zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye navaiva naye asi navaPirisita bedzi!
12:5b.MAT.012.005 Ko hamuna kurava pamurairo kuti nesabata vaPirisita vanoputsa murairo wesabata mutembere vasinemhosva?
12:6b.MAT.012.006 Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano.
12:7b.MAT.012.007 Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ndinoda ngoni handidi chibayiro. Mungadai musina kutonga vasine-mhosva.
12:8b.MAT.012.008 Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo. Jesu unoporesa munhu waivanoruvoko rwakawonyana. (Mar. 3. 1-6; Ruka 6.6-11.)
12:9b.MAT.012.009 Wakabvapo, akapinda musinagoge ravo.
12:10b.MAT.012.010 Zvino tarira kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti zvakatenderwa kuporesa nesabata here? Kuti vamupomere mhosva.
12:11b.MAT.012.011 Akati kwavari, ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nesabata ungarega kuribata akaribudisa here?
12:12b.MAT.012.012 Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.
12:13b.MAT.012.013 Zvino akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako! Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.
12:14b.MAT.012.014 Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
12:15b.MAT.012.015 Jesu wakati achizviziva, akabvapo. Vanhu vazhinji vakamutevera. Akavaporesa vose.
12:16b.MAT.012.016 Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena.
12:17b.MAT.012.017 Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti,
12:18b.MAT.012.018 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.
12:19b.MAT.012.019 Haangarwi, haangaiti mheremhere. Hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.
12:20b.MAT.012.020 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni. Nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga kuti kukunde.
12:21b.MAT.012.021 Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo. Jesu unobudisa mweya wakaipa ndokudadirwa navaFarise. (Mar. 3. 20-30; Ruka 11. 14-23.)
12:22b.MAT.012.022 Zvino vakaisa kwaari munhu waiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu nembeveve yakataura nokuvonavo.
12:23b.MAT.012.023 Vanhu vazhinji vose vakashamiswa vakati, ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?
12:24b.MAT.012.024 Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati; munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.
12:25b.MAT.012.025 Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo akati kwavari, vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa. Neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.
12:26b.MAT.012.026 NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa. Vushe hwake hwuchamira seiko?
12:27b.MAT.012.027 Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani. Saka ivo vachava vatongi venyu.
12:28b.MAT.012.028 Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo vushe hwaMwari bwasvika kwamuri.
12:29b.MAT.012.029 Munhu ungapinda seiko paimba younesimba akatora nhumbi dzake kana asati ambosunga iye unesimba? Ipapo uchaparadza imba yake.
12:30b.MAT.012.030 Usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadza.
12:31b.MAT.012.031 Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura, asi kumhura Mweya mutsvene havangakanganwirwi.
12:32b.MAT.012.032 Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakanganwirwa. Asi unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakanganwirwi. Kana panguva ino kana kune inovuya.
12:33b.MAT.012.033 Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo. Kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo.
12:34b.MAT.012.034 Imi zvibereko zvenyoka mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo.
12:35b.MAT.012.035 Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yomoyo. Nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.
12:36b.MAT.012.036 Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarebwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.
12:37b.MAT.012.037 Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, vuye namashoko ako ucharashiwa. Chiratidzo chomuporofita Jona. (Ruka 11. 16-29; 32 Ruka 11. 16, 29-32;)
12:38b.MAT.012.038 Zvino vamwe vanyori navaFarise vakapindura vakati, mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kwamuri.
12:39b.MAT.012.039 Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
12:40b.MAT.012.040 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
12:41b.MAT.012.041 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.
12:42b.MAT.012.042 Mambokadzi wezasi uchasimuka pakutonga norudzi urwu ucharupa mhosva. Nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni. Tarirai mukuru kunaSoromoni uri pano.
12:43b.MAT.012.043 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa.
12:44b.MAT.012.044 Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa.
12:45b.MAT.012.045 Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa. Vukama naJesu. (Mar. 3. 31-35; Ruka 8. 19-21.)
12:46b.MAT.012.046 Wakati achataura navanhu vazhinji, tarira mai vake navanununa vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye.
12:47b.MAT.012.047 Mumwe akati kwaari, havo mai venyu navanununa venyu vamire kunze vachitsvaka kutaura nemi.
12:48b.MAT.012.048 Akapindura akati kuna iye wakamuvudza, mai vangu ndianiko navanunuuna vangu ndivananiko?
12:49b.MAT.012.049 Ndokutambanudza ruvoko rwake kuvadzidzi vake akati, Tarirai mai vangu navanunuuna vangu!
12:50b.MAT.012.050 Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munununa wangu, nehanzvadzi namai.
13
13:1b.MAT.013.001 Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akandogara pagungwa.
13:2b.MAT.013.002 Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kwaari, nokudaro akapinda mugwa. Akagara, vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo.
13:3b.MAT.013.003 Ipapo akavavudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, tarira mukushi wakabuda kundokusha.
13:4b.MAT.013.004 Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu dzakawira panzira. Shiri dzikasvika dzikadzidya.
13:5b.MAT.013.005 Dzimwe dzakawira parukangarabwe. Padzakanga dzisine vhu zhinji, dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinavhu rakadzika.
13:6b.MAT.013.006 Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa, dzikawoma nokuti dzakanga dzisinomudzi.
13:7b.MAT.013.007 Dzimwe dzikawira muminzwa, minzwa ikamera, ikadzivhunga.
13:8b.MAT.013.008 Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko. Dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.
13:9b.MAT.013.009 Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
13:10b.MAT.013.010 Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari, munotaurireiko kwavari nemifananidzo?
13:11b.MAT.013.011 Akapindura akati kwavari, nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe hwokudenga asi ava havana kupiwa.
13:12b.MAT.013.012 Nokuti aninani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi aninani usina uchatorerwa nezvaanazvo.
13:13b.MAT.013.013 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo nokuti vanovona asi havavoni. Vanonzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
13:14b.MAT.013.014 Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari kunoti, Nokunzwa muchanzwa musingatongonzwisisi. Nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
13:15b.MAT.013.015 Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu. Nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuvona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomoyo. Vakadzoka ndivaporese.
13:16b.MAT.013.016 Asi meso enyu akaropafadzwa nokuti anovona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
13:17b.MAT.013.017 Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuvona zvinhu zvamunovona asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.
13:18b.MAT.013.018 Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi.
13:19b.MAT.013.019 Kana munhu akanzwa shoko rovushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
13:20b.MAT.013.020 Asi wakakushwa parukangarabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nomufaro.
13:21b.MAT.013.021 Asi haano-mudzi mukati make. Ndiye wechinguva chiduku kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
13:22b.MAT.013.022 Wakakushwa pakati peminzwa ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko.
13:23b.MAT.013.023 Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu. Mufananidzo wamashawi nezviyo.
13:24b.MAT.013.024 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti; Vushe bwokudenga bwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
13:25b.MAT.013.025 Asi vanhu vavete muvengi wake akavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
13:26b.MAT.013.026 Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo.
13:27b.MAT.013.027 Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
13:28b.MAT.013.028 Akati kwavari, muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari, ko munoda kuti tindoavunganidza here?
13:29b.MAT.013.029 Akati kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo.
13:30b.MAT.013.030 Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka! Nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe asi muvunganidze zviyo mudura rangu. Mufananidzo wembeu yemarstada nowembiriso. (Mar. 4. 30-34; Ruka 13. 18, 19.)
13:31b.MAT.013.031 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
13:32b.MAT.013.032 Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
13:33b.MAT.013.033 Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
13:34b.MAT.013.034 Zvinhu zvose Jesu wakavudza vanhu vazhinji nemifananidzo. Haana kutaura chinhu kwavari asinemifananidzo;
13:35b.MAT.013.035 kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita achiti, ndichashamisa muromo wangu nemifananidzo. Ndichataura zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika. Kududzirwa kwomufananidzo wemashawi nezviyo.
13:36b.MAT.013.036 Zvino Jesu wakati aendisa vanhu vazhinji, akapinda mumba. Vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati, tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.
13:37b.MAT.013.037 Akapindura akati, unokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu.
13:38b.MAT.013.038 Munda inyika, mbeu yakanaka ndivo vanakomana vovushe. Mashawi ndivo vanakomana vowakaipa.
13:39b.MAT.013.039 Muvengi wakakusha ndiye Dhiabhorosi, kucheka ndiko kuguma kwenyika, vacheki ndivo vatumwa.
13:40b.MAT.013.040 Zvino mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.
13:41b.MAT.013.041 Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake vagovunganidza muvushe hwake zvose zvinogumbusa navanoita zvisakarurama.
13:42b.MAT.013.042 Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
13:43b.MAT.013.043 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muvushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe. Mufananidzo wefuma yakavanzwa.
13:44b.MAT.013.044 Vushe bwokudenga bwakafanana nefuma yakavanzwa mumunda. Iyo yakawanikwa nomunhu akaivanzazve. Zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo. Mufananidzo wamaparera.
13:45b.MAT.013.045 Vushe bwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka.
13:46b.MAT.013.046 Akati awana parera rimwe rinomutengo mukuru akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo. Akaritenga iro. Mufananidzo worutava.
13:47b.MAT.013.047 Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove.
13:48b.MAT.013.048 Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha.
13:49b.MAT.013.049 Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama.
13:50b.MAT.013.050 Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
13:51b.MAT.013.051 [Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe].
13:52b.MAT.013.052 Akati kwavari, naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvovushe bwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake. Jesu unoshovorwa paNazareta (Mar. 6. 1-6; Ruka 4. 16-32.)
13:53b.MAT.013.053 Jesu wakati apedza mifananidzo iyo akabvapo.
13:54b.MAT.013.054 Akasvika kunyika yake. Akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara vakati, munhu uyu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
13:55b.MAT.013.055 Ko haazi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, navanunuuna vake Jakobho, naJosefa, naSimoni naJudhasi here?
13:56b.MAT.013.056 Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi zvinhu izvozvo zvose.
13:57b.MAT.013.057 Vakagumburwa naye. Asi, Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.
13:58b.MAT.013.058 Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.
14
14:1b.MAT.014.001 Nenguva iyo Herodhe mubati wakanzwa mukurumbira waJesu.
14:2b.MAT.014.002 Akati kuvaranda vake, Uyu ndiJohane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa. Saka masimba awa anobata maari.
14:3b.MAT.014.003 Nokuti Herodhe wakanga abata Johane akamusunga, akamuisa mutorongonokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripo mununina wake.
14:4b.MAT.014.004 Nokuti Johane akati kwaari hauna kutenderwa kuti uve naye.
14:5b.MAT.014.005 Zvino wakanga achida kumuvuraya asi wakatya vanhu vazhinji nokuti vaiti muporofita.
14:6b.MAT.014.006 Asi zuva rokuberekwa kwaHerodhe rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo. Akafadza Herodhe.
14:7b.MAT.014.007 Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaanenge achakumbira.
14:8b.MAT.014.008 Zvino iye wakati arairwa namai vake akati, ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubhabhatidzi.
14:9b.MAT.014.009 Mambo akazvidya moyo asi nokuda kwokupika kwake vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya akaraira kuti apiwe.
14:10b.MAT.014.010 Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutorongo.
14:11b.MAT.014.011 Vakavuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa, iye akaenda nawo kuna mai vake.
14:12b.MAT.014.012 Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbu, vakauviga ndokuenda kundovudza Jesu. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. Mar. 6. 30-44; Ruka 9. 10-17, Joh. 6.1-14.)
14:13b.MAT.014.013 Jesu wakati azvinzwa, akabvapo negwa. Akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
14:14b.MAT.014.014 Zvino Jesu wakati achibuda mugwa akavona vanhu vazhinji-zhinji akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
14:15b.MAT.014.015 Zvino ava madekwana, vadzidzi vakavuya kwaari vakati, pano irenje zuva roda kuvira endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
14:16b.MAT.014.016 Asi Jesu wakati kwavari, havafaniri havo kuenda. Imi muvapei zvavangadya.
14:17b.MAT.014.017 Vakati kwaari, hatina chinhu pano asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.
14:18b.MAT.014.018 Iye akati, vuyai nazvo vuno kwandiri.
14:19b.MAT.014.019 Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavuswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
14:20b.MAT.014.020 Vakadya vose vakaguta. Vakavunganidza zvimedu zvakasara matengu anegumi nemaviri azere.
14:21b.MAT.014.021 Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi. Jesu unofamba pamusoro pemvura. (Mar. 6. 4556; Joh. 6. 1621.)
14:22b.MAT.014.022 Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa vanhu vazhinji..
14:23b.MAT.014.023 Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Ava madekwana wakanga aripo ari oga.
14:24b.MAT.014.024 Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa richitambudzika namafungu nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
14:25b.MAT.014.025 Nenguvayechina yovusiku Jesu akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
14:26b.MAT.014.026 Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzimudzangara. Vakadanidzira nokutya.
14:27b.MAT.014.027 Pakarepo Jesu akataura navo akati, tsungai moyo ndini musatya.
14:28b.MAT.014.028 Zvino Petro akamupindura akati Ishe, kana murimi ndirairei kuti ndivuye kwamuri pamusoro pemvura.
14:29b.MAT.014.029 Iye akati, vuya! Petro akaburuka mugwa akafamba pamusoro pemvura akaenda kuna Jesu.
14:30b.MAT.014.030 Asi wakati achivona mhepo inesimba akatya. Zvino wakati otanga kunyura akadanidzira achiti Ishe, ndiponesei!
14:31b.MAT.014.031 Pakarepo Jesu wakatambanudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, iwe unokutenda kuduku, wanyunyutireiko?
14:32b.MAT.014.032 Vakati vapinda mugwa mhepo ikanyarara.
14:33b.MAT.014.033 Ipapo vakanga vari mugwa vakamunamata vachiti, Zvirokwazvo ndimi Mwanakomana waMwari!
14:34b.MAT.014.034 Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
14:35b.MAT.014.035 Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza. Vakavuya kwaari navose vairwara.
14:36b.MAT.014.036 Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake. Vose vakabata vakaporeswa
15
15:1b.MAT.015.001 Zvino vaFarise navanyori vakavuya kuna Jesu vachibva Jerusarema vakati;
15:2b.MAT.015.002 Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?
15:3b.MAT.015.003 Akapindura akati kwavari, nemivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
15:4b.MAT.015.004 Nokuti Mwari wakati, kudza baba vako namai vako vuye unotuka baba kana mai, ngaafe norufu.
15:5b.MAT.015.005 Asi imi munoti, aninani unoti kuna baba vake kana mai vake, chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava chipo kunaMwari.
15:6b.MAT.015.006 Haachakudzi baba vake kana mai vake asi, haana mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu.
15:7b.MAT.015.007 Imi vanyengeri Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti,
15:8b.MAT.015.008 vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo asi moyo yavo iri kure neni.
15:9b.MAT.015.009 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
15:10b.MAT.015.010 Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise.
15:11b.MAT.015.011 Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu.
15:12b.MAT.015.012 Zvino vadzidzi vakavuya kwaari vakati, munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?
15:13b.MAT.015.013 Akapindura akati, muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.
15:14b.MAT.015.014 Varegei mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamiraira bofu achawira mugomba ose ari maviri.
15:15b.MAT.015.015 Petro akapindura akati kwaari, tidudzireivo mufananidzo uyu.
15:16b.MAT.015.016 Iye akati: Nazvino nemi vo muchigere kunzwisisa here?
15:17b.MAT.015.017 Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze?
15:18b.MAT.015.018 Asi zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo ndizvo zvinosvibisa munhu.
15:19b.MAT.015.019 Nokuti mumoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuvuraya, novufeve, novupombwe, nokuba, nokupupura nhema nokumhura Mwari.
15:20b.MAT.015.020 Ndizvo zvinosvibisa munhu asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu. Jesu unoporesa Mwanasikana womukadzi wekenani. (Mar. 7. 24-30.)
15:21b.MAT.015.021 Zvino Jesu wakabva po akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
15:22b.MAT.015.022 Zvino tarira mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo akadana achiti, ndinzvirei ngoni, Ishe Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.
15:23b.MAT.015.023 Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya vakakumbira kwaari vachiti, mumuendisei nokuti unodanidzira shure kwedu.
15:24b.MAT.015.024 Asi wakapindura akati, ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.
15:25b.MAT.015.025 Zvino akavuya akamunamata akati, Ishe dondibatsirai henyu.
15:26b.MAT.015.026 Akapindura akati, hazvina kunaka kutora chingwa chavana ndokuchikandira imbwanana.
15:27b.MAT.015.027 Akati, hongu Ishe kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinodona patafura ravatenzi vadzo.
15:28b.MAT.015.028 Zvino Jesu akapindura akati kwaari, haiwa mai kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo;. Jesu unoporesa vazhinji. (Mar. 7. 31-37.)
15:29b.MAT.015.029 Jesu wakati achibva ipapo akaenda napagungwa reGarirea. Akakwira mugomo, akagarapo pasi.
15:30b.MAT.015.030 Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve navamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu. Akavaporesa.
15:31b.MAT.015.031 Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri. Vanezvuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu. (Mar. 8. 1-9.)
15:32b.MAT.015.032 Zvino Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari akati, ndinetsitsi navanhu vazhinji ava nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Handidi kuvaendesa vane nzara zvimwe vangaziya panzira.
15:33b.MAT.015.033 Vadzidzi vakati kwaari, tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?
15:34b.MAT.015.034 Jesu akati kwavari, munezvingwa zvinganiko? Vakati zvinomwe nehove duku shomanene.
15:35b.MAT.015.035 Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi.
15:36b.MAT.015.036 Akatora zvingwa zvinomwe nehove akavonga, akazvimedura ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
15:37b.MAT.015.037 Vakadya vose vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara matengu manomwe azere.
15:38b.MAT.015.038 Vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina vakadzi navana vasingaverengwi.
15:39b.MAT.015.039 Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji akapinda mugwa akasvika munyika yeMagadhani.
16
16:1b.MAT.016.001 VaFarise navaSadhuse vakavuya kuzomuidza. Vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
16:2b.MAT.016.002 Asi wakapindura akati kwavari, panguva yamadekwana munoti kuchachena nokuti denga rakatsvuka.
16:3b.MAT.016.003 Mangwana munoti nhasi kuchasviba nokuti denga rakatsvuka richifiduka. Imi vanyengeri munoziva kududzira zvinovonekwa mudenga asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
16:4b.MAT.016.004 Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harupiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya akabva. Jesu unodudzira shoko rembiriso yavaFarise navaSaduse. (Mar. 8. 13-21.)
16:5b.MAT.016.005 Zvino; vadzidzi vakaenda mhiri vakakangamwa kutora zvingwa.
16:6b.MAT.016.006 Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSadhuse.
16:7b.MAT.016.007 Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa.
16:8b.MAT.016.008 Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa?
16:9b.MAT.016.009 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?
16:10b.MAT.016.010 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?
16:11b.MAT.016.011 Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSadhuse.
16:12b.MAT.016.012 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarise navaSadhuse. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu (Mar. 8. 2730; Ruka 9. 1821; Joh. 6. 6869.)
16:13b.MAT.016.013 Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, Akabvunza vadzidzi vake akati, vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?
16:14b.MAT.016.014 Vakati vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwe Jeremia kana mumwe wavaporofita.
16:15b.MAT.016.015 Akati kwavari, ko imi munoti ndini ani?
16:16b.MAT.016.016 Ipapo Simoni Petro akapindura akati, ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
16:17b.MAT.016.017 Jesu akapindura akati kwaari, wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-Jona nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo asi Baba vangu vari kudenga.
16:18b.MAT.016.018 Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo eHedhesi haangaikundi.
16:19b.MAT.016.019 Ndichakupa kiyi dzovushe hwokudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa kudenga nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
16:20b.MAT.016.020 Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu Kristu. Jesu unovavudza zvokutambura kwake norufu rwake (Mar. 8. 31-38, Ruka 9. 22-27.)
16:21b.MAT.016.021 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.
16:22b.MAT.016.022 Petro akaenda naye varivoga akatanga kumuraira akati Mwari ngaakunzwirei ngoni Ishe hamungaitirwi izvozvo!
16:23b.MAT.016.023 Asi wakatendeuka akati kuna Petro, ibva shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari asi zvinhu zvavanhu. Kutevera Jesu. (Mar. 8. 34-38, Ruka 9. 23-26.)
16:24b.MAT.016.024 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.
16:25b.MAT.016.025 Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake ucharashikirwa nahwo. Asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
16:26b.MAT.016.026 Nokuti munhu uchabatsirweiko kana akawana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure vupenyu hwake
16:27b.MAT.016.027 Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake. Ipapo ucharipira mumwe nomuwe paakabata napo.
16:28b.MAT.016.028 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazonzwi rufu vasati vavona Mwanakomana womunhu achivuya muvushe hwake.
17
17:1b.MAT.017.001 Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munununa wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
17:2b.MAT.017.002 Akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
17:3b.MAT.017.003 Pakarepo Moses naEria vakavone kwa navo, wachitaura naye, mumunzwei.
17:4b.MAT.017.004 Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi rimwe raEria.
17:5b.MAT.017.005 Wakati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira mumunzwei.
17:6b.MAT.017.006 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zwavo vakatya zvikuru.
17:7b.MAT.017.007 Jesu akaswedera; akavabata, akati: Simukai, musatya.
17:8b.MAT.017.008 Vakati vachitarira, havana kuzovona munhu, asi Jesu bedzi.
17:9b.MAT.017.009 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
17:10b.MAT.017.010 Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
17:11b.MAT.017.011 Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
17:12b.MAT.017.012 Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
17:13b.MAT.017.013 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavavudza zvaJohane Mubhabhatidzi. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha. (Mar. 9. 14-29; Ruka 9. 37-43.)
17:14b.MAT.017.014 Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akavuya kwaari, akamufugamira, akati:
17:15b.MAT.017.015 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
17:16b.MAT.017.016 Ndakavuya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.
17:17b.MAT.017.017 Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko? Vuyai naye pano kwandiri.
17:18b.MAT.017.018 Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo;.
17:19b.MAT.017.019 Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu vari voga, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
17:20b.MAT.017.020 Akati kwavari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemastarda, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! Ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.
17:21b.MAT.017.021 Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mar. 9. 30-32; Ruka 9. 43-45.)
17:22b.MAT.017.022 Zvino vachafamba muGarirea, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumavoko avanhu;
17:23b.MAT.017.023 vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vakafa neshungu kwazvo. Jesu unoripa mari yetembere.
17:24b.MAT.017.024 Vakati vachisvika Kapernaume, vanhu vaigamuchira muripo wetembere vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
17:25b.MAT.017.025 Akati: Hongo. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavananiko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
17:26b.MAT.017.026 Akati: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
17:27b.MAT.017.027 Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni.
18
18:1b.MAT.018.001 Nenguva iyo vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, ndianiko mukuru pavushe hwokudenga?
18:2b.MAT.018.002 Jesu akadanira kwaari mwana muduku akamuisa pakati pavo.
18:3b.MAT.018.003 Akati, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kana musingashanduki mukava savana vaduku hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
18:4b.MAT.018.004 Naizvozvo aninani unozvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru muvushe hwokudenga.
18:5b.MAT.018.005 Aninani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita ranguunondigamuchira ini.
18:6b.MAT.018.006 Asi aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.
18:7b.MAT.018.007 Nyika inenhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuvuya hazvo asi une nhamo munhu uyo unogumbusa vamwe.
18:8b.MAT.018.008 Kana ruvoko rwako kana rutsoka rwako rwuchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema kana uchikamhina pakukandirwa mumoto usingagumi unamavoko maviri kana tsoka mbiri
18:9b.MAT.018.009 Kana ziso rako richikugumbusa uribvise urirashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uneziso rimwe pakukandirwa muGehena romoto unameso, maviri.
18:10b.MAT.018.010 Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava nokuti ndinoti kwamuri kudenga vatumwa vavo vanosivona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.
18:11b.MAT.018.011 Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzoponesa chakarashika. Gwai rakarashika (Ruka 15. 3-7.)
18:12b.MAT.018.012 Munofungeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimwe rawo rikarashika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka rakarashika here?
18:13b.MAT.018.013 Kana ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuvura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asakarashika.
18:14b.MAT.018.014 Nokudaro hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe. Kukanganwirana, Muranda wakanga asinetsitsi
18:15b.MAT.018.015 Kana hama yako yakutadzira, enda umuvudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.
18:16b.MAT.018.016 Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
18:17b.MAT.018.017 Kana asingavanzwi, uvudze vungano; kana asinganzwi vo vungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.
18:18b.MAT.018.018 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri:chipi nechipi chamunosunga panyika chichasungwa kudenga.vuye chipi nechipi chamunosunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
18:19b.MAT.018.019 Ndinoti kwamuri zve: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, va chachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.
18:20b.MAT.018.020 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
18:21b.MAT.018.021 Zvino Petro wakavuya akati kwaari: Ishe hama yangu ichanditadzira kangani ko ndikaikanganwira, kusvikira kanomwe here?
18:22b.MAT.018.022 Jesu akati kwaari; handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe;anoverengwa kanomwe.
18:23b.MAT.018.023 Saka vushe hwokudenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kugadzira mangava navaranda vake.
18:24b.MAT.018.024 Zvino wakati achitanga kugadzira mumwe wakanga anechikwerete chamatarenta anezvuru zvamazana zvinegumi* akaiswa kwaari.
18:25b.MAT.018.025 Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chiripwe.
18:26b.MAT.018.026 Zvino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.
18:27b.MAT.018.027 Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwerete.
18:28b.MAT.018.028 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda waibata pamwe chete naye, wakanga anechikwerete kwaari chamadenari anezana; akamubata, akamudzipa, akati: Ripa chikwerete chako!
18:29b.MAT.018.029 Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye, akawira pasi petsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira.
18:30b.MAT.018.030 Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete.
18:31b.MAT.018.031 Zvino vamwe varanda vaibata pamwe chete naye vakati vachivona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundovudza ishe wavo zvose zvakaitwa.
18:32b.MAT.018.032 Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.
18:33b.MAT.018.033 Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?
18:34b.MAT.018.034 Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzisi kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.
18:35b.MAT.018.035 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitirai vo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomoyo wenyu wose.
19
19:1b.MAT.019.001 Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani.
19:2b.MAT.019.002 Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
19:3b.MAT.019.003 V aFarise vakavuya kwaari, vakamuidza, vachiti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
19:4b.MAT.019.004 Akapindura, akati: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi?
19:5b.MAT.019.005 Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri va chava nyama imwe.
19:6b.MAT.019.006 nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa.
19:7b.MAT.019.007 Vakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha?
19:8b.MAT.019.008 Akati kwavari: Nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.
19:9b.MAT.019.009 Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yovupombwe, akawana mumwe, unoita vupombwe;, nounowana wakarashwa unoita vupombwe.
19:10b.MAT.019.010 Vadzidzi vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.
19:11b.MAT.019.011 Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa.
19:12b.MAT.019.012 Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwovushe hwokudenga. Ungagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire. Jesu unoropafadza vanana. (Mar. 10. 13-16; Ruka 18. 15-17.)
19:13b.MAT.019.013 Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti aise mavoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavaraira.
19:14b.MAT.019.014 Asi Jesu wakati kwavari: Regai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti vushe hwokudenga ndohwavakadai.
19:15b.MAT.019.015 Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo. Jaya mufumi. (Mar. 10. 17-30; Ruka 18. 18-30.)
19:16b.MAT.019.016 Tarira, mumwe munhu wakavuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive novupenyu hwusingaperi?
19:17b.MAT.019.017 Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe woga, ndiye Mwari.
19:18b.MAT.019.018 Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema;
19:19b.MAT.019.019 kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.
19:20b.MAT.019.020 Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta; kubva pavuduku bwangu ndichakashaiweiko?
19:21b.MAT.019.021 Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
19:22b.MAT.019.022 Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rineshungu;nokuti rakanga rinefuma zhinji.
19:23b.MAT.019.023 Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvinoremera mufumi kupinda muvushe bwokudenga.
19:24b.MAT.019.024 Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
19:25b.MAT.019.025 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
19:26b.MAT.019.026 Jesu ndokuvatarira, akati kwavari: kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
19:27b.MAT.019.027 Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?
19:28b.MAT.019.028 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana mwanakomana womunhu achizogara pachigaro chovushe chokubwinya kwake, imi vo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri.
19:29b.MAT.019.029 Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanununa, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yovupenyu hwusingaperi.
19:30b.MAT.019.030 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
20
20:1b.MAT.020.001 Nokuti vushe hwokudenga hwakafana nomwene weimba, wakabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.
20:2b.MAT.020.002 Wakati atenderana navabati kuvapa denari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
20:3b.MAT.020.003 Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire padare, vasingabati;
20:4b.MAT.020.004 akati kwavari: Endai imi vo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira. Vakaenda.
20:5b.MAT.020.005 Akabuda zve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadaro zve.
20:6b.MAT.020.006 Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musingabati?
20:7b.MAT.020.007 Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemi vo mumunda wemizambiringa.
20:8b.MAT.020.008 Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kunovokupedzisira, ugumire kunovokutanga.
20:9b.MAT.020.009 Zvino nenguva inenge yegumi neimwe vakati vachivuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari.*
20:10b.MAT.020.010 Vokutanga vakati vachivuya, vakati vachapiwa nokupfuvura; ivo vakapiwa avo mumwe nomumwe dhenari.*
20:11b.MAT.020.011 Vakati vacipiwa, vakapopotera mwene weimba,
20:12b.MAT.020.012 vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.
20:13b.MAT.020.013 Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari* here?
20:14b.MAT.020.014 Tora zvako, uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe.
20:15b.MAT.020.015 Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
20:16b.MAT.020.016 Saizvozvo vokupedzisira vachava, vokutanga novokutanga vachava vokupedzisira. Jesu unovavudza zvorufu rwake nokumuka kwake (Mar. 10. 32-34; Ruka 18. 31-33.)
20:17b.MAT.020.017 Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vake vanegumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira:
20:18b.MAT.020.018 Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
20:19b.MAT.020.019 Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vana vaZebhedi vanokumbira kuva vakuru. (Mar. 10. 35-45.)
20:20b.MAT.020.020 Zvino mai vavanakomana vaZebhedi vakavuya kwaari navanakomana vavo, vachimunamata, kuzokumbira chinhu kwaari.
20:21b.MAT.020.021 Akati kwavari: Munotsvakeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muvushe hwenyu.
20:22b.MAT.020.022 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Vakati kwaari: tingagona.
20:23b.MAT.020.023 Akati kwavari: Muchanwira henyu pamukombe wangu, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.
20:24b.MAT.020.024 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe.
20:25b.MAT.020.025 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda avahedheni anovamanikidza, navakuru vavo vanoratidza simba navo.
20:26b.MAT.020.026 Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.
20:27b.MAT.020.027 Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
20:28b.MAT.020.028 Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. Jesu unosvunudza mapofu maviri paJeriko. (Mar. 10. 46-52; Ruka 18. 35-43.)
20:29b.MAT.020.029 Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
20:30b.MAT.020.030 Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
20:31b.MAT.020.031 Vanhu vazhinji vakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
20:32b.MAT.020.032 Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko?
20:33b.MAT.020.033 Akati kwaari: tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvunudzwa,
20:34b.MAT.020.034 Jesu akaanwira tsitsi,akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
21
21:1b.MAT.021.001 Vakati vachiswedera Jerusarema, vakasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
21:2b.MAT.021.002 akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inemhuru yayo; mudzisunungure, muvuye nadzo kwandiri.
21:3b.MAT.021.003 Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma,
21:4b.MAT.021.004 Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike. Paakati:
21:5b.MAT.021.005 Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri, Ari munyoro, akatasva mbongoro, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.
21:6b.MAT.021.006 Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
21:7b.MAT.021.007 vakavuya nembongoro nemhuru, vakaisa nguvo dzavo pamusoro padzo; akagara pamusoro padzo.
21:8b.MAT.021.008 Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
21:9b.MAT.021.009 Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro!
21:10b.MAT.021.010 Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati: Uyu ndianiko?
21:11b.MAT.021.011 Vanhu vazhinji vakati: NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea. Jesu unonatsa tembere. (Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)
21:12b.MAT.021.012 Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva,
21:13b.MAT.021.013 akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera, asi imi munoiita bako ramakororo.
21:14b.MAT.021.014 Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere, akavaporesa.
21:15b.MAT.021.015 Asi vaPirisita vakuru navanyori vakati vachivona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakafa neshungu,
21:16b.MAT.021.016 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?
21:17b.MAT.021.017 Akavasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuvatapo. Jesu unotuka muvonde wakanga usingabereki, (Mar. 11. 1214; 1924.)
21:18b.MAT.021.018 Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
21:19b.MAT.021.019 Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo.
21:20b.MAT.021.020 Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko?
21:21b.MAT.021.021 Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
21:22b.MAT.021.022 Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa. Simba raJesu runobvepi (Mar. 11. 27-33; Ruka 20. 1-8.)
21:23b.MAT.021.023 Wakati achipinda mutembere, vaPirisita vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
21:24b.MAT.021.024 Jesu akapindura, akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai vo shoko rimwe: kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
21:25b.MAT.021.025 Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here? Vakataurirana vachiti: Kana tikati, Kudenga,uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
21:26b.MAT.021.026 Asi kana tikati, kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.
21:27b.MAT.021.027 Vakapindura, vakati kunaJesu; Hatizivi, Akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi. Mufananidzo wavana vaviri.
21:28b.MAT.021.028 Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga anavana vaviri; akaenda kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.
21:29b.MAT.021.029 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akazvidya moyo, akenda.
21:30b.MAT.021.030 Akaenda kunowechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
21:31b.MAT.021.031 Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake? Vakati: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muvushebwaMwari.
21:32b.MAT.021.032 Nokuti Johane wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzozvidya moyo mukamutenda. Mufananidzo wevarimi vakaipa. (Mar. 12. 1-12; Ruka 20. 9-18.)
21:33b.MAT.021.033 Inzwai mumwe mufananidzo; Mumwe munhu waivapo, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira mauri, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo..
21:34b.MAT.021.034 Nguva yezvibereko yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake.
21:35b.MAT.021.035 Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakatakamumwe namabwe.
21:36b.MAT.021.036 Akatuma zve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.
21:37b.MAT.021.037 Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti; Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.
21:38b.MAT.021.038 Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, titore nhaka yake.
21:39b.MAT.021.039 Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa vakamuvuraya.
21:40b.MAT.021.040 Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya uchaitei iko navarimi ivavo?.
21:41b.MAT.021.041 Vakati kwaari: Uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
21:42b.MAT.021.042 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
21:43b.MAT.021.043 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo,
21:44b.MAT.021.044 Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.
21:45b.MAT.021.045 VaPirisita vakuru navaFarise vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.
21:46b.MAT.021.046 Zvino vakatsvaka kumubata asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muporofita.
22
22:1b.MAT.022.001 Zvino Jesu wakapindura, akataura zve navo nomifananidzo, akati:
22:2b.MAT.022.002 Vushe bwokudenga bwungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;
22:3b.MAT.022.003 akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuwana; vakaramba kuvuya.
22:4b.MAT.022.004 Akatuma zve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.
22:5b.MAT.022.005 Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake;
22:6b.MAT.022.006 vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavavuraya.
22:7b.MAT.022.007 Zvino mambo wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakavavuraya, akapisa guta ravo.
22:8b.MAT.022.008 Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.
22:9b.MAT.022.009 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamunowana.
22:10b.MAT.022.010 Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.
22:11b.MAT.022.011 Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vagere pakudya, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;
22:12b.MAT.022.012 akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akanyarara.
22:13b.MAT.022.013 Zvino mambo akati kuvaranda: Mumusungei makumbo namavoko, mumukandirei kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
22:14b.MAT.022.014 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma. Kuripira Kesari mutero (Mar. 12. 13-17; Ruka 20. 20-26.)
22:15b.MAT.022.015 Zvino vaFarise vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake.
22:16b.MAT.022.016 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wozvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu, nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.
22:17b.MAT.022.017 Zvino tivudzei, munofungeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?
22:18b.MAT.022.018 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imi vanyengeri?
22:19b.MAT.022.019 Ndiratidzei mari yomutero. Vakavuya kwaari nedhenari.*
22:20b.MAT.022.020 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?
22:21b.MAT.022.021 Vakati kwaari; ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
22:22b.MAT.022.022 Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda. Vanobvunza Jesu pamsoro pokumuka kwavakafa. (Mar. 12. 18-27; Ruka 20. 27-40.)
22:23b.MAT.022.023 Nezuva iro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,
22:24b.MAT.022.024 vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinavana, munununa wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.
22:25b.MAT.022.025 Kwatiri kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asinavana, akasiyira munununa wake mukadzi wake;
22:26b.MAT.022.026 nokudaro vo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.
22:27b.MAT.022.027 Shure kwavose mukadzi akafa vo.
22:28b.MAT.022.028 Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waniko wavanomwe avo, nokuti vose vaiva naye.
22:29b.MAT.022.029 Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari.
22:30b.MAT.022.030 Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.
22:31b.MAT.022.031 Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:
22:32b.MAT.022.032 Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
22:33b.MAT.022.033 Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nedzidziso yake. Murairo mukuru (Mar. 12. 28-34; Ruka 10. 25-27.)
22:34b.MAT.022.034 VaFarise vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhuse, vakavungana pamwe chete.
22:35b.MAT.022.035 Mumwe wavo, mududziri womurairo, akamubvunza, achimuidza, akati:
22:36b.MAT.022.036 Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?
22:37b.MAT.022.037 Akati kwaari: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.
22:38b.MAT.022.038 Ndiwo murairo mukuru nowokutanga.
22:39b.MAT.022.039 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wakwako; sezvaunozvida iwe.
22:40b.MAT.022.040 Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri. Kristu Mwanakomana waDhavhidhi. (Mar. 12. 35-37; Ruka 20. 41-44.)
22:41b.MAT.022.041 Zvino vaFarise vachakavungana, Jesu akavabvunza,
22:42b.MAT.022.042 akati: Munofungeiko pamsoro paKristu? Mwanakomana waniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,
22:43b.MAT.022.043 Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti:
22:44b.MAT.022.044 Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?
22:45b.MAT.022.045 Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?
22:46b.MAT.022.046 Kwakanga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, vuye kwakanga kusinomunhu wakatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.
23
23:1b.MAT.023.001 Zvino Jesu wakataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake,
23:2b.MAT.023.002 akati: Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi,
23:3b.MAT.023.003 saka zvose zvavanokuvudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
23:4b.MAT.023.004 Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.
23:5b.MAT.023.005 Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafiraktera avo, vanokurisa mipeto yenguvo dzavo,
23:6b.MAT.023.006 vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge,
23:7b.MAT.023.007 nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabhi navanhu.
23:8b.MAT.023.008 Asi imi musaidzwa Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe imi mose muri hama.
23:9b.MAT.023.009 Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga.
23:10b.MAT.023.010 Musaidzwa vo vatenzi, nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu.
23:11b.MAT.023.011 Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu.
23:12b.MAT.023.012 Aninani unozvikudza uchaninipiswa, naaninani unozvininipisa, uchakudzwa.
23:13b.MAT.023.013 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu vushe bwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [
23:14b.MAT.023.014 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.]
23:15b.MAT.023.015 Munenhamo, imi vanyori navaFaise, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
23:16b.MAT.023.016 Munenhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, hachizi chinhu asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva.
23:17b.MAT.023.017 Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene?
23:18b.MAT.023.018 Munoti zve; Aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva.
23:19b.MAT.023.019 Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
23:20b.MAT.023.020 Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nezvose zviri pamusoro payo.
23:21b.MAT.023.021 Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi,
23:22b.MAT.023.022 Nounopika nokudenga, unopika nechigaro chovushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho.
23:23b.MAT.023.023 Munenhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita izvozvo.
23:24b.MAT.023.024 Imi vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.
23:25b.MAT.023.025 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora.
23:26b.MAT.023.026 Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochena vo.
23:27b.MAT.023.027 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose.
23:28b.MAT.023.028 Saizvozvo nemi vo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
23:29b.MAT.023.029 Munenhamo, imi vanyori navaFarise vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama,
23:30b.MAT.023.030 muchiti: Dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuvuraya vaporofita.
23:31b.MAT.023.031 Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita.
23:32b.MAT.023.032 Zvino chizadzisai chiyero chamateteguru enyu,
23:33b.MAT.023.033 Imi nyoka; imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena?
23:34b.MAT.023.034 Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.
23:35b.MAT.023.035 Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, rivuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.
23:36b.MAT.023.036 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu. Jesu unochema pamsoro peJerusarema. (Ruka 13. 34, 35.)
23:37b.MAT.023.037 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!
23:38b.MAT.023.038 Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.
23:39b.MAT.023.039 Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngarumbidzwe iye unovuya nezita raShe.
24
24:1b.MAT.024.001 Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
24:2b.MAT.024.002 Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
24:3b.MAT.024.003 Wakati agara pagomo reMiorivhi vadzidzi vake vakavuya kwaari vari voga vakati, tivudzei kuti izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
24:4b.MAT.024.004 Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
24:5b.MAT.024.005 Nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu vachiti, ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.
24:6b.MAT.024.006 Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa. Chenjerai musavhunduka nokuti izvozvo zvose zvinofanira kumboitwa asi kuguma kuchigere kusvika.
24:7b.MAT.024.007 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi novushe hwuchamukira vushe nenzara dzichavapo, nehosha nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.
24:8b.MAT.024.008 Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
24:9b.MAT.024.009 Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuvurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
24:10b.MAT.024.010 Vazhinji vachagumburwa vachaisana kuvatongi nokuvengana.
24:11b.MAT.024.011 Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.
24:12b.MAT.024.012 Rudo rwavazhinji ruchatonhora nokuti kusarurama kuchawanda.
24:13b.MAT.024.013 Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.
24:14b.MAT.024.014 Evhangeri iyi yovushe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
24:15b.MAT.024.015 Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
24:16b.MAT.024.016 Zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo
24:17b.MAT.024.017 Uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make.
24:18b.MAT.024.018 Nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
24:19b.MAT.024.019 Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo.
24:20b.MAT.024.020 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando kana nesabata.
24:21b.MAT.024.021 Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino vuye hakuchazovipo.
24:22b.MAT.024.022 Dai mazuva iwayo asaitapudzwa hakune nyama yairarama asi nokuda kwavasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
24:23b.MAT.024.023 Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.
24:24b.MAT.024.024 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo.
24:25b.MAT.024.025 Tarirai ndagara ndakuvudzai.
24:26b.MAT.024.026 Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.
24:27b.MAT.024.027 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.
24:28b.MAT.024.028 Apo panomutumbu ndipo pachavunganira magora.
24:29b.MAT.024.029 Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
24:30b.MAT.024.030 Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga. Zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
24:31b.MAT.024.031 Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi. Unovanyevera kurindira. (Ruka 12. 35-59.)
24:32b.MAT.024.032 Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo. Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga munoziva kuti zhezha rava pedo.
24:33b.MAT.024.033 Saizvozvo nemivo kana movona izvozvo zvose zivai kuti wava pedo pamukova.
24:34b.MAT.024.034 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
24:35b.MAT.024.035 Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
24:36b.MAT.024.036 Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga kunyangwe Mwanakomana asi Baba voga.
24:37b.MAT.024.037 Sapamazuva aNoa ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
24:38b.MAT.024.038 Nokuti sepamazuva iwayo mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Noah raakapinda naro muareka.
24:39b.MAT.024.039 Vasingazivi kusvikira. Mvura zhinji ikavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
24:40b.MAT.024.040 Nenguva iyo; vaviri vachava mumunda mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
24:41b.MAT.024.041 Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
24:42b.MAT.024.042 Rindai naizvozvo nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.
24:43b.MAT.024.043 Asi zivai izvi kuti mwene weimba dai aiziva nguva yokusvika kwembavha ungadai airinda akasatendera kuti imba yake ipazwe.
24:44b.MAT.024.044 Naizvozvo nemivo garai makazvigadzirira nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingamutariri.
24:45b.MAT.024.045 Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
24:46b.MAT.024.046 Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana She wake achisvika akamuwana achiita saizvozvo.
24:47b.MAT.024.047 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.
24:48b.MAT.024.048 Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumoyo make achiti Ishe wangu wanonoka kuvuya.
24:49b.MAT.024.049 Akatanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe chete naye, akadya, akanwa pamwe chete navakabatwa.
24:50b.MAT.024.050 Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingamutariri nenguva yasingazivi.
24:51b.MAT.024.051 Akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
25
25:1b.MAT.025.001 Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
25:2b.MAT.025.002 Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
25:3b.MAT.025.003 Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
25:4b.MAT.025.004 Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
25:5b.MAT.025.005 Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.
25:6b.MAT.025.006 Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!
25:7b.MAT.025.007 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
25:8b.MAT.025.008 Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima.
25:9b.MAT.025.009 Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere.
25:10b.MAT.025.010 Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa.
25:11b.MAT.025.011 Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei!
25:12b.MAT.025.012 Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi.
25:13b.MAT.025.013 Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu raanovuya naro. Mufananidzo wamatarenta.
25:14b.MAT.025.014 Nokuti vushe hwokudenga hwakafanana nomunhu wakaenda kuneimwe nyika. Akadana varanda vake akavapa fuma yake.
25:15b.MAT.025.015 Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, akafamba rwendo.
25:16b.MAT.025.016 Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.
25:17b.MAT.025.017 Saizvozvovo wakapiwa maviri akawana mamwe maviri.
25:18b.MAT.025.018 Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.
25:19b.MAT.025.019 Nguva huru yakati yapfuvura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.
25:20b.MAT.025.020 Wakanga apiwa matarenta mashanu akavuya namamwe matarenta mashanu akati, Ishe makandipa matarenta mashanu tarirai ndawana mamwe matarenta mashanu.
25:21b.MAT.025.021 Ishe wake akati kwaari zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda pamufaro washe wako.
25:22b.MAT.025.022 Wakanga apiwa matarenta maviri akavuyavo akati, ishe makandipa matarenta maviri, tarirai, ndawana mamwe matarenta maviri.
25:23b.MAT.025.023 Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.
25:24b.MAT.025.024 Wakanga apiwa tarenta rimwe naiye wakavuya vo akati, ishe ndakanga ndichikuzivai imi kuti muri munhu une hasha. Munocheka pamusati makadzvara, munovunganidza pamusati makakusha.
25:25b.MAT.025.025 Zvino ndakatya ndikanoviga tarenta renyu pasi, hecho chinhu chenyu!
25:26b.MAT.025.026 Ishe wake akapindura akati kwaari, iwe muranda wakaipa unovusimbe wakanga uchiziva kuti ndinocheka pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
25:27b.MAT.025.027 Saka waifanira kuisa mari yangu kunavebhanga kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;
25:28b.MAT.025.028 Naizvozvo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi.
25:29b.MAT.025.029 Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.
25:30b.MAT.025.030 Budisirai muranda pasina kurima rokunze. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Kutonga kukuru.
25:31b.MAT.025.031 Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya.
25:32b.MAT.025.032 Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake. Ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi.
25:33b.MAT.025.033 Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
25:34b.MAT.025.034 Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi vuyai imi makaropfadzwa naBaba, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
25:35b.MAT.025.035 Nokuti ndakanga ndinenzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukandipa chokumwa, ndakanga ndiri mweni mukandigamuchira.
25:36b.MAT.025.036 Ndakanga ndisine-nguvo mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandifambira, ndakanga ndiri mutorongo mukavuya kwandiri.
25:37b.MAT.025.037 Zvino vakarurama vachamupindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara, tikakupai chokudya? Kana munenyota tikakupai chokunwa?
25:38b.MAT.025.038 Takakuvonai rinhiko muri mweni tikakugamuchirai, Kana musinenguvo tikakupfekadzai?
25:39b.MAT.025.039 Takakuvonai rinhiko muchirwara kana mutorongo, tikavuya kwamuri?
25:40b.MAT.025.040 Ishe uchapindura achiti kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni,
25:41b.MAT.025.041 Zvino uchati kuna vari kuruboswe, ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.
25:42b.MAT.025.042 Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukasandipa chokumwa.
25:43b.MAT.025.043 Ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira, ndisinenguvo mukasandipfekedza, ndichirwara nomutorongo mukasandifambira.
25:44b.MAT.025.044 Zvino naivava vachapindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?
25:45b.MAT.025.045 Zvino uchavapindura achiti, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.
25:46b.MAT.025.046 Ava vachaenda kukurobwa; asi vakarurama kuvupenyu bwusingaperi.
26
26:1b.MAT.026.001 Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose akati kuvadzidzi vake,
26:2b.MAT.026.002 Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura paseka inosvika, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvatongi kuti aroverwe pamuchinjikwa.
26:3b.MAT.026.003 Zvino vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakavungana muruvazhe rwomuPirisita mukuru wainzi Kayafasi.
26:4b.MAT.026.004 Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuvuraya.
26:5b.MAT.026.005 Asi vakati, zvirege kuitwa pamutambo kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. Jesu unozodzwa nomukadzi paBetania. (Mar. 14. 39, Joh. 12. 18.)
26:6b.MAT.026.006 Zvino Jesu wakati ari paBetania mumba maSimoni wamaperembudzi.
26:7b.MAT.026.007 Mumwe mukadzi akavuya kwaari nechinu chearbastera chaiva nechizoro chinomutengo mukuru. Akachidurura pamusoro wake agere pakudya.
26:8b.MAT.026.008 Asi vadzidzi vake vachizvivona, vakafa neshungu vakati, kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?
26:9b.MAT.026.009 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji ikapiwa varombo.
26:10b.MAT.026.010 Asi Jesu achizvinzwa akati kwavari, munotambudzireko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka.
26:11b.MAT.026.011 Nokuti varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.
26:12b.MAT.026.012 Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu wakazviitira kuvigwa kwangu.
26:13b.MAT.026.013 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kose kunozoparidzirwa Evhangeri iyi panyika dzose izvi zvakaitwa naye zvicharebwavo. Vamurangarire nazvo. Judhasi IsKarioti unotsvaka kutengesa Jesu. (Mar. 14. 10-11; Ruka 22. 3-6.)
26:14b.MAT.026.014 Zvino mumwe wavanegumi naviri, wainzi Judhasi Iskasrioti, wakaenda kuvaPirisita vakuru,
26:15b.MAT.026.015 akati: Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Vakamuyerera masirvheri anamakumi matatu,*
26:16b.MAT.026.016 Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. Paseka neChirayiro. (Mar. 14. 12-26; Ruka 22. 7-23.)
26:17b.MAT.026.017 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka?
26:18b.MAT.026.018 Akati, endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedo. Ndichadya paseka paimba yako navadzidzi vangu.
26:19b.MAT.026.019 Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu. Vakagadzira paseka.
26:20b.MAT.026.020 Ava madekwana akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri.
26:21b.MAT.026.021 Vakati vachidya akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.
26:22b.MAT.026.022 Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatangamumwe nomumwe kutaura kwaari achiti, Ishe ndini here?
26:23b.MAT.026.023 Akapindura akati, waisa ruvoko neni mundiro ndiye uchandipandukira.
26:24b.MAT.026.024 Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi unenhamo uyo Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
26:25b.MAT.026.025 Zvino Judhasi uyo wakamupandukira akapindura akati, Rabhi ndini here? Akati kwaari, ndizvo zvawataura.
26:26b.MAT.026.026 Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu.
26:27b.MAT.026.027 Akatora mukombe akavonga, akavapa achiti, inwai mose pauri.
26:28b.MAT.026.028 Nouti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.
26:29b.MAT.026.029 Asi ndinoti kwamuri, handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu.
26:30b.MAT.026.030 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mar. 14. 27-31; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)
26:31b.MAT.026.031 Zvino Jesu wakati kwavari, imi mose muchagumburwa kwandiri vusiku hwuno nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.
26:32b.MAT.026.032 Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea.
26:33b.MAT.026.033 Zvino Petro wakapindura akati kwaari kana vose vakagumburwa; kwamuri ini handingatongogumburwi.
26:34b.MAT.026.034 Jesu akati kwaari, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
26:35b.MAT.026.035 Petro akati kwaari, kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo. Jesu muGetsemani. (Mar. 14. 32-42; Ruka 22. 39-46.)
26:36b.MAT.026.036 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani. Akati kuvadzidzi, garai pano ini ndichaenda kunonyengetera uko.
26:37b.MAT.026.037 Akatora Petro navanakomana vaZebedi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa.
26:38b.MAT.026.038 Akati kwavari, mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa, garai pano murinde neni.
26:39b.MAT.026.039 Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.
26:40b.MAT.026.040 Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata, akati kunaPetro, makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete?
26:41b.MAT.026.041 Rindai munyengetere kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda hawo asi nyama hainesimba.
26:42b.MAT.026.042 Akaendazve rwechipiri akanyengetera achiti, Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura, ndisingaumwi, kuda kwenyu ngakuitwe.
26:43b.MAT.026.043 Akadzokazve, akavawana vavata nokuti meso avo akanga abatwa nehope.
26:44b.MAT.026.044 Akavasiyazve akandonyengetera rwechitatu, achitaura zve mashoko, iwayo.
26:45b.MAT.026.045 Zvino akaenda kuvadzidzi akati kwavari, chivatai henyu muzorore, tarirai nguva yasvika, Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.
26:46b.MAT.026.046 Simukai tiende, tarirai wondiisa kwavari wava pedo. Kusungwa kwaJesu. (Mar. 14. 43-50; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)
26:47b.MAT.026.047 Achataura, tarira Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaPirisita vakuru navakuru vavanhu.
26:48b.MAT.026.048 Zvino iye wakamupandukira wakanga avapa chiratidzo achiti, uyo wandichasveta ndiye, mumubate.
26:49b.MAT.026.049 Pakarepo akasvika kuna Jesu akati, Kwaziwai Rabhi! Akamusveta zvikuru.
26:50b.MAT.026.050 Jesu akati kwaari, Shamwari, ita zvawavinga. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko kuna Jesu vakamubata.
26:51b.MAT.026.051 Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko rwake, akavhomora munondo wake akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.
26:52b.MAT.026.052 Zvino Jesu akati kwaari, dzosera munondo wako mumuhara mawo nokuti vose vanobata munondo vachafa nomunondo.
26:53b.MAT.026.053 Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuvura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri?
26:54b.MAT.026.054 Magwaro agozadziswa seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro?
26:55b.MAT.026.055 Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuva ose ndichidzidzisa mukasandibata.
26:56b.MAT.026.056 Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. Jesu pamberi paKayafasi navakuru. (Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71; Joh. 18. 12-27.)
26:57b.MAT.026.057 Avo vakanga vabata Jesu vakamuisa kunaKayafasi muPirisita mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru.
26:58b.MAT.026.058 Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru. Akapinda mukati, akagara navatariri kuzovona kupera kwazvo.
26:59b.MAT.026.059 Zvino vaPirisita vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu vamuvuraye.
26:60b.MAT.026.060 Asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pashure zviviri zvakasvika zvikati:
26:61b.MAT.026.061 munhu uyu wakati, ndinogona kuputsa tembere yaMwari ndikaivakazve namazuva matatu.
26:62b.MAT.026.062 Zvino muPirisita mukuru akasimuka akati kwaari, haupinduri chinhu here? Chinyiko icho chavanokupomedzera?
26:63b.MAT.026.063 Asi Jesu wakaramba anyerere.MuPirisita mukuru akati kwaari, ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari.
26:64b.MAT.026.064 Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
26:65b.MAT.026.065 Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.
26:66b.MAT.026.066 Munoti kudiniko? Vakapindura vakati, unofanira kufa.
26:67b.MAT.026.067 Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe noruoko,
26:68b.MAT.026.068 vachiti, porofita iwe Kristu kuti ndiani wakurova. Kuramba kwaPetro. (Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18; 25-27;)
26:69b.MAT.026.069 Petro wakanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri wakavuya kwaari akati, newevo wakanga una Jesu weGarirea.
26:70b.MAT.026.070 Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti, handizivi zvaunoreva.
26:71b.MAT.026.071 Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe mushandiri akamuvona akati kuna vaivapo, uyu munhu wakanga anaJesu weNazareta.
26:72b.MAT.026.072 Akaramba ze nokupika, aciti: Handimuzivi munhu uyu.
26:73b.MAT.026.073 Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vachiti kunaPetro, zvirokwazvo newevo uri mumwe wavo nokuti kutaura kwako kunokuzivisa.
26:74b.MAT.026.074 Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti, handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
26:75b.MAT.026.075 Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa naJesu rokuti jongwe risati rarira uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru.
27
27:1b.MAT.027.001 Ava mangwana vaPirisita vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamsoro paJesu kuti vamuvuraye.
27:2b.MAT.027.002 Vakamusunga vakaenda naye vakamuisa kuna Pirato mubati. Judhasi unozvivuraya. (Mabasa 1. 16-19.)
27:3b.MAT.027.003 Zvino Judhasi uyo wakamupandukira wakati achivona kuti watongerwa kufa, ndokuzvidya moyo. Akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaPirisita vakuru navakuru.
27:4b.MAT.027.004 Achiti ndatadza, ndapandukira ropa risinemhosva. Vakati tinemhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.
27:5b.MAT.027.005 Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda ndokuzvisungirira.
27:6b.MAT.027.006 VaPirisita vakuru vakatora masirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari zvauri mutengo weropa.
27:7b.MAT.027.007 Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vatogwa.
27:8b.MAT.027.008 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi.
27:9b.MAT.027.009 Zvino zvakarebwa nomuporofita Jeremia zvakaitika zvinoti, Vakatora masirvheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo. Uyo wakatarwa navana vaIsraeri.
27:10b.MAT.027.010 Vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe. Jesu pamberi paPirato. (Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25; Joh. 18. 29-19, 16.)
27:11b.MAT.027.011 Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati, ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari, ndizvo zvamataura.
27:12b.MAT.027.012 Asi wakati achipomerwa mhosva navaPirisita vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
27:13b.MAT.027.013 Zvino Pirato akati kwaari, haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?
27:14b.MAT.027.014 Asi haana kuvapindura kunyange neshoko rimwe chete. Mubati akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo.
27:15b.MAT.027.015 Zvino pamutambo mubati aisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe wavanenge vada.
27:16b.MAT.027.016 Nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakumbira wainzi Bharabhasi.
27:17b.MAT.027.017 Naizvozvo vakati vavungana, Pirato akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
27:18b.MAT.027.018 Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
27:19b.MAT.027.019 Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari achiti, usava nemhaka nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.
27:20b.MAT.027.020 VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu avurawe.
27:21b.MAT.027.021 Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi.
27:22b.MAT.027.022 Pirato akati kwavari, ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari, ngaaroverwe pamuchinjikwa.
27:23b.MAT.027.023 Iye akati, chakaipa chaakagoita ndecheiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti, ngaaroverwe pamuchinjikwa!
27:24b.MAT.027.024 Zvino Pirato achivona kuti hazvibatsiri asi kuti pomuka bope, wakatora mvura akashamba mavoko ake pamberi pavanhu vazhinji achiti, handine mhaka neropa romunhu uyu wakarurama, imhaka yenyu!
27:25b.MAT.027.025 Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.
27:26b.MAT.027.026 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu vakamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Jesu unodadirwa navarwi. (Mar. 15. 16-20; Joh. 19. 2-3.)
27:27b.MAT.027.027 Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari.
27:28b.MAT.027.028 Vakamubvisa nguvo dzake, vakamufukidza nguvo tsvuku,
27:29b.MAT.027.029 Vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti, Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
27:30b.MAT.027.030 Vakamupfira mate, vakatora rutsangavakaramba vachimurova musoro.
27:31b.MAT.027.031 Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvodzake vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)
27:32b.MAT.027.032 Vakati vachibuda, vakawana munhu wekurini wainzi Simoni. Vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.
27:33b.MAT.027.033 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorgota ndokuti nzvimbo yedhehenya.
27:34b.MAT.027.034 Vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe asi wakati aravira akaramba kunwa.
27:35b.MAT.027.035 Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo. Vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti, vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu.
27:36b.MAT.027.036 Vakagara vakamurindapo.
27:37b.MAT.027.037 Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwokuti, UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.
27:38b.MAT.027.038 Vakarovera pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
27:39b.MAT.027.039 Vakanga vachipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo
27:40b.MAT.027.040 vachiti Iwe wokuputsa tembere nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
27:41b.MAT.027.041 Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakamuseka vachiti
27:42b.MAT.027.042 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaburuke zvino pamuchinjikwa titende kwaari.
27:43b.MAT.027.043 Waivimba naMwari, ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa kana achimuda nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari.
27:44b.MAT.027.044 Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo.
27:45b.MAT.027.045 Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.
27:46b.MAT.027.046 Nenguva inenge yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru achiti, Eri, Eri ramasabakatani! Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko?
27:47b.MAT.027.047 Vamwe vakanga vamire po vachizvinzwa vakati, Uyo unodana Eria.
27:48b.MAT.027.048 Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga ndokuisa parutsanga. Akamunwisa.
27:49b.MAT.027.049 Vamwe vakati, regai timbovona kana Eria achizovuya kumuponesa.
27:50b.MAT.027.050 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
27:51b.MAT.027.051 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
27:52b.MAT.027.052 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
27:53b.MAT.027.053 Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
27:54b.MAT.027.054 Zvino mukuru wezana navairinda Jesu naye vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati, zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
27:55b.MAT.027.055 Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
27:56b.MAT.027.056 Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magdarene naMaria mai vaJakobho naJose namai vavanakomana vaZebhedi. Kuvigwa kwaJesu. Mar. 15. 42-47; Ruka 23. 50-56; Joh. 19. 38-42.)
27:57b.MAT.027.057 Zvino ava madeko kukasvika mumwe mufumi weArimatea wainzi Josefa. Wakanga ari mudzidzi waJesu amene.
27:58b.MAT.027.058 Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe.
27:59b.MAT.027.059 Josefa akatora mutumbu, akaputira nomucheka muchena.
27:60b.MAT.027.060 Akauviga mubwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera mubwe. Akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro akabva.
27:61b.MAT.027.061 Maria Magadrane nomumwe Maria vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
27:62b.MAT.027.062 Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira VaPirisita vakuru navaFarise vakavungana kunaPirato,
27:63b.MAT.027.063 vakati Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu akati, mazuva matatu apfuvura ndichamuka.
27:64b.MAT.027.064 Saka rairai kuti bwiro bwuchengetwe kusvikira nezuva retatu kuti vadzidzi vake varege kuvuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu, wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.
27:65b.MAT.027.065 Pirato akati kwavari, imi munavarindi, endai mubwuchengete sezvamunoziva.
27:66b.MAT.027.066 Vakaenda, vakandochengeta bwiro. Vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, varindi vanavo.
28
28:1b.MAT.028.001 Nokupera kwesabata kwoedza, nomusi wokutanga kwevhiki. Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona bwiro.
28:2b.MAT.028.002 Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika nokuti mutumwa waShe wakaburuka kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe ndokugara pamusoro paro.
28:3b.MAT.028.003 Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
28:4b.MAT.028.004 Zvino varindi vakadedera vachimutya vakaita savakafa.
28:5b.MAT.028.005 Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi, musatya imi nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga akaroverwa pamuchinjikwa.
28:6b.MAT.028.006 Haapo pano nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.
28:7b.MAT.028.007 Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa. Tarirai unokutungamirirai Garirea, muchando muvonapo. Tarirai ndakuvudzai.
28:8b.MAT.028.008 Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nokufara zvikuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.
28:9b.MAT.028.009 Zvino vakati vachienda kundovudza vadzidzi vake, tarira Jesu wakasongana navo akati, Kwaziwai! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.
28:10b.MAT.028.010 Zvino Jesu akati kwavari, musatya endai mundovudza hama dzangu kuti vaende Garirea vagondivonako.
28:11b.MAT.028.011 Zvino vachiri munzira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakavudza vaPirisita vakuru zvose zvakaitwa.
28:12b.MAT.028.012 Vakati vavungana navakuru vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
28:13b.MAT.028.013 vachiti taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.
28:14b.MAT.028.014 Kana zvikanzwikwa nomubati tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.
28:15b.MAT.028.015 Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
28:16b.MAT.028.016 Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu.
28:17b.MAT.028.017 Vakati vachimuvona, vakamunamata asi vamwe vakanyunyuta.
28:18b.MAT.028.018 Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.
28:19b.MAT.028.019 Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.
28:20b.MAT.028.020 Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Matthew (Shona). Matthew (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5CC-4