Haggai (Shona)
1
1:1b.HAG.001.001 Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, richiti,
1:2b.HAG.001.002 Jehovha wehondo unotaura, achiti, Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.
1:3b.HAG.001.003 Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
1:4b.HAG.001.004 Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?
1:5b.HAG.001.005 Zvino zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
1:6b.HAG.001.006 Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.
1:7b.HAG.001.007 Zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
1:8b.HAG.001.008 Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:9b.HAG.001.009 Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
1:10b.HAG.001.010 Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo.
1:11b.HAG.001.011 Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu.
1:12b.HAG.001.012 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
1:13b.HAG.001.013 Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, Ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:14b.HAG.001.014 Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
1:15b.HAG.001.015 nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi.
2
2:1b.HAG.002.001 Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
2:2b.HAG.002.002 Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, navanhu vose vakasara, uti,
2:3b.HAG.002.003 Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
2:4b.HAG.002.004 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2:5b.HAG.002.005 Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
2:6b.HAG.002.006 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma;
2:7b.HAG.002.007 ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2:8b.HAG.002.008 Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2:9b.HAG.002.009 Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2:10b.HAG.002.010 Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
2:11b.HAG.002.011 Zvanzi naJehovha wehondo, Chibvunza vapirisiti pamusoro pomuriro, uti,
2:12b.HAG.002.012 Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here? Vapirisiti vakapindura, vakati, Kwete.
2:13b.HAG.002.013 Ipapo Hagai akati, Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here? Vapirisiti vakapindura, vakati, Chasvibiswa.
2:14b.HAG.002.014 Ipapo Hagai akapindura, akati, Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa.
2:15b.HAG.002.015 Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha.
2:16b.HAG.002.016 Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri.
2:17b.HAG.002.017 Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
2:18b.HAG.002.018 Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, kubva pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo.
2:19b.HAG.002.019 Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.
2:20b.HAG.002.020 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti,
2:21b.HAG.002.021 Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, Ndichazunungusa denga rose nenyika;
2:22b.HAG.002.022 ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe hwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.
2:23b.HAG.002.023 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Haggai (Shona). Haggai (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C3-D