Zephaniah (Shona)
1
1:1b.ZEP.001.001 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, namazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.
1:2b.ZEP.001.002 Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:3b.ZEP.001.003 Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:4b.ZEP.001.004 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapirisiti;
1:5b.ZEP.001.005 navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;
1:6b.ZEP.001.006 navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.
1:7b.ZEP.001.007 Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedo; vakakokwa naye wakavaita vatsvene.
1:8b.ZEP.001.008 Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa.
1:9b.ZEP.001.009 Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera.
1:10b.ZEP.001.010 Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo ,
1:11b.ZEP.001.011 Chemai imi mugere Makiteshi; nokuti vanhu vose veKenani vapera, vose vakanga vakafuma sirivha vabviswa.
1:12b.ZEP.001.012 Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.
1:13b.ZEP.001.013 fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizarnbiringa, asi havanganwi waini yayo.
1:14b.ZEP.001.014 Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo.
1:15b.ZEP.001.015 Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru,
1:16b.ZEP.001.016 zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira.
1:17b.ZEP.001.017 Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.
1:18b.ZEP.001.018 Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo achapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.
2
2:1b.ZEP.002.001 Unganai, zvirokwazvo unganai, imi rudzi rusinganyari;
2:2b.ZEP.002.002 chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.
2:3b.ZEP.002.003 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavanzika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.
2:4b.ZEP.002.004 Nokuti Gaza richasiyiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa.
2:5b.ZEP.002.005 Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKeteti! Shoko raJehovha rinokutuka, iwe Kenani, nyika yavaFirisitia; ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogarapo.
2:6b.ZEP.002.006 Mhenderekedzo dzegungwa dzichava mafuro anamapako avafudzi nezvirugu zvamakwai.
2:7b.ZEP.002.007 Mhenderekedzo dzichava dzavakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo.
2:8b.ZEP.002.008 Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganho wavo.
2:9b.ZEP.002.009 Naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Zvirokwazvo, Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi; vanhu vangu vakasara vachavaita chinhu chakatapwa, vakasara vorudzi rwangu vachavagara nhaka.
2:10b.ZEP.002.010 Ndizvo zvavachapiwa nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari.
2:11b.ZEP.002.011 Jehovha achavatyisa kwazvo, nokuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi.
2:12b.ZEP.002.012 Nemiwo veItiopia, muchaurawa nomunondo wangu.
2:13b.ZEP.002.013 Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariita dongo, riome serenje.
2:14b.ZEP.002.014 Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo, nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.
2:15b.ZEP.002.015 Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu! Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.
3
3:1b.ZEP.003.001 Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza!
3:2b.ZEP.003.002 Harina kuteerera izwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro.
3:3b.ZEP.003.003 Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, asingasiyi chinhu kusvikira mangwanani.
3:4b.ZEP.003.004 Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vapirisiti varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murayiro simba.
3:5b.ZEP.003.005 Jehovha uri mukati maro akarurama, haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani anobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki; asi asina kururama haazivi kunyara.
3:6b.ZEP.003.006 Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo; nzira dzavo dzomumisha ndakadziparadza, hakuchina anopfuura napo; maguta avo akaparadzwa, hakuna vanhumo, hakuna agerepo.
3:7b.ZEP.003.007 Ndakati, Unditye chete; tenda kurangwa; ipapo paanogara hapazaiparadzwa, sezvandakaraira zvose pamusoro pake; asi vakafumira mangwanani, vakasvibisa zvose zvavakaita.
3:8b.ZEP.003.008 Naizvozvo, ndimirirei ndizvo zvinotaura Jehovha kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu.
3:9b.ZEP.003.009 Nokuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.
3:10b.ZEP.003.010 Vanamati vangu, iye mukunda wavanhu vangu vakaparadzirwa, vachandivigira chipiriso changu vachibva mhiri kwenzizi dzeItiopia.
3:11b.ZEP.003.011 Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu dzvene.
3:12b.ZEP.003.012 Asi ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha.
3:13b.ZEP.003.013 Vakasara vaIsiraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna angavatyisa.
3:14b.ZEP.003.014 Imba, iwe mukunda weZiyoni, pururudza, iwe Isiraeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusaremu.
3:15b.ZEP.003.015 Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.
3:16b.ZEP.003.016 Nezuva iro vachati kuJerusaremu, Usatya hako iwe; iwe Ziyoni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba.
3:17b.ZEP.003.017 Jehovha Mwari wako ari mukati mako, iye ane simba, achaponesa; achakufarira nomufaro, uchanyarara parudo rwake; achakufarira nokupururudza.
3:18b.ZEP.003.018 Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo.
3:19b.ZEP.003.019 Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa vanokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose.
3:20b.ZEP.003.020 Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Zephaniah (Shona). Zephaniah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C0-0