Nahum (Shona)
1
1:1b.NAH.001.001 Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.
1:2b.NAH.001.002 Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake.
1:3b.NAH.001.003 Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake.
1:4b.NAH.001.004 Anotuka gungwa, achiriomesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba.
1:5b.NAH.001.005 Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo.
1:6b.NAH.001.006 Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye.
1:7b.NAH.001.007 Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari.
1:8b.NAH.001.008 Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima.
1:9b.NAH.001.009 Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri.
1:10b.NAH.001.010 Nokuti kunyange vakakorekana seminzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakanwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma.
1:11b.NAH.001.011 Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo.
1:12b.NAH.001.012 Zvanzi naJehovha, Kunyange vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyange zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyange ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve.
1:13b.NAH.001.013 Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu.
1:14b.NAH.001.014 Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.
1:15b.NAH.001.015 Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.
2
2:1b.NAH.002.001 Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo.
2:2b.NAH.002.002 Nokuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobho sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nokuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo.
2:3b.NAH.002.003 Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguo tsvuku; (matare engoro anopenya nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.)
2:4b.NAH.002.004 Ngoro dzinovirima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni.
2:5b.NAH.002.005 Unorangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo.
2:6b.NAH.002.006 Masuo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka.
2:7b.NAH.002.007 Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanochema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova zvipfuva zvavo.
2:8b.NAH.002.008 Asi kubva kare Ninivhe rakanga rakaita sedziva remvura; kunyange zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, Mirai, mirai! Asi hakuna anocheuka.
2:9b.NAH.002.009 Pambai sirivha, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaisvonaka.
2:10b.NAH.002.010 Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka.
2:11b.NAH.002.011 Nzimba yeshumba iripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza?
2:12b.NAH.002.012 Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata.
2:13b.NAH.002.013 Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikizve.
3
3:1b.NAH.003.001 Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo.
3:2b.NAH.003.002 Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
3:3b.NAH.003.003 nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo;
3:4b.NAH.003.004 nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake.
3:5b.NAH.003.005 Tarira, ndine mhaka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako.
3:6b.NAH.003.006 Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose.
3:7b.NAH.003.007 Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, Ninivhe raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?
3:8b.NAH.003.008 Ko iwe unopfuura No-amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve?
3:9b.NAH.003.009 Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Puti neRubhimi vaiva vabatsiri vako.
3:10b.NAH.003.010 Kunyange zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani.
3:11b.NAH.003.011 Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako.
3:12b.NAH.003.012 Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya.
3:13b.NAH.003.013 Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako.
3:14b.NAH.003.014 Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma.
3:15b.NAH.003.015 Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu.
3:16b.NAH.003.016 Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyeredzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda.
3:17b.NAH.003.017 Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.
3:18b.NAH.003.018 Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza.
3:19b.NAH.003.019 Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako?
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Nahum (Shona). Nahum (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5BA-8