Micah (Shona)
1
1:1b.MIC.001.001 Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
1:2b.MIC.001.002 Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
1:3b.MIC.001.003 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
1:4b.MIC.001.004 Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.
1:5b.MIC.001.005 Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
1:6b.MIC.001.006 Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
1:7b.MIC.001.007 Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
1:8b.MIC.001.008 Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
1:9b.MIC.001.009 Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvisvikira pasuo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
1:10b.MIC.001.010 Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura ndakaumburuka muguruva.
1:11b.MIC.001.011 Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
1:12b.MIC.001.012 Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuo reJerusaremu.
1:13b.MIC.001.013 Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nokuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
1:14b.MIC.001.014 Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
1:15b.MIC.001.015 Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa valsiraeri vachasvika paAdhurami.
1:16b.MIC.001.016 Zviitire mhazha, vevura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.
2
2:1b.MIC.002.001 Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
2:2b.MIC.002.002 Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
2:3b.MIC.002.003 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.
2:4b.MIC.002.004 Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti, Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.
2:5b.MIC.002.005 Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha.
2:6b.MIC.002.006 Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi.
2:7b.MIC.002.007 Nhai imi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
2:8b.MIC.002.008 Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa.
2:9b.MIC.002.009 Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoterera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi.
2:10b.MIC.002.010 simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo.
2:11b.MIC.002.011 Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, Ndichakuporofitira zvewaini nezvinonwiwa zvinobata, ndiye achava muporofita wavanhu ava.
2:12b.MIC.002.012 Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
2:13b.MIC.002.013 Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.
3
3:1b.MIC.003.001 Ini ndakati, Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
3:2b.MIC.003.002 Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo;
3:3b.MIC.003.003 imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate.
3:4b.MIC.003.004 Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
3:5b.MIC.003.005 Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, Rugare! Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.
3:6b.MIC.003.006 Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.
3:7b.MIC.003.007 Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nokuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari.
3:8b.MIC.003.008 Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
3:9b.MIC.003.009 Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati viemba munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama.
3:10b.MIC.003.010 Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.
3:11b.MIC.003.011 Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapirisiti varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.
3:12b.MIC.003.012 Naizvozvo Ziyoni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.
4
4:1b.MIC.004.001 Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.
4:2b.MIC.004.002 Marudzi mazhinji achaenda, achiti, Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZiyoni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.
4:3b.MIC.004.003 Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti, rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
4:4b.MIC.004.004 Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.
4:5b.MIC.004.005 Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.
4:6b.MIC.004.006 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni;
4:7b.MIC.004.007 vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZiyoni kubva zvino nokusingaperi.
4:8b.MIC.004.008 Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZiyoni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu.
4:9b.MIC.004.009 Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosurumuka?
4:10b.MIC.004.010 Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako.
4:11b.MIC.004.011 Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Ziyoni.
4:12b.MIC.004.012 Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro.
4:13b.MIC.004.013 Simuka upure, iwe mukunda weZiyoni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, fuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose.
5
5:1b.MIC.005.001 Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake. Mubati waIsiraeri achazozvarwa paBheterehemu
5:2b.MIC.005.002 Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare.
5:3b.MIC.005.003 Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri.
5:4b.MIC.005.004 Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika.
5:5b.MIC.005.005 Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye.
5:6b.MIC.005.006 Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu.
5:7b.MIC.005.007 Ipapo vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu.
5:8b.MIC.005.008 Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji avanhu, seshumba pakati pemhuka dzomudondo, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inoti kana ichipfuurapo, inotsika nokubvamburanya, kusina anorwira.
5:9b.MIC.005.009 Ruoko rwenyu ngarusimudzirwe kumusoro kwavadzivisi venyu, vavengi venyu vose ngavaparadzwe.
5:10b.MIC.005.010 Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu, nokuputsa ngoro dzenyu;
5:11b.MIC.005.011 ndichaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose.
5:12b.MIC.005.012 Ndichaparadza uroyi pamaoko enyu, hamungazovi navafemberi;
5:13b.MIC.005.013 ndichaparadza mifananidzo yenyu yakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamungazonamati mabasa amaoko enyu;
5:14b.MIC.005.014 ndichadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndichaparadza maguta enyu.
5:15b.MIC.005.015 Ndichatsiva marudzi asina kuteerera ndichiita nokutsamwa nehasha.
6
6:1b.MIC.006.001 Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako.
6:2b.MIC.006.002 Chinzwai, imi makomo, rukave rwaJehovha, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri.
6:3b.MIC.006.003 Nhai, imi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei.
6:4b.MIC.006.004 Nokuti ndakakubudisai panyika ndikakudzikinurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami.
6:5b.MIC.006.005 Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakaranganwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
6:6b.MIC.006.006 Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe hete?
6:7b.MIC.006.007 Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?
6:8b.MIC.006.008 Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
6:9b.MIC.006.009 Izwi raJehovha rinodana kuguta, akachenjera achatya zita renyu; teererai shamhu, nowakairaira.
6:10b.MIC.006.010 Ko fuma yezvakashata ichipo muimba yowakashata here, uye chiyero chakatapudzwa chinonyangadza here?
6:11b.MIC.006.011 Ko ndingava wakachena kana ndine zviyero zvakashata, nehomo yezviyereso zvinonyengera here?
6:12b.MIC.006.012 Nokuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
6:13b.MIC.006.013 Saka neniwo ndakakurovai vanga rakaipa kwazvo; ndakakuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
6:14b.MIC.006.014 Muchadya, asi hamungaguti, kushoorwa kwenyu kuchava pakati penyu; muchabvisa nhumbi dzenyu, asi hamungadzichengeti, idzo dzamunochengeta, ndichadziparadzisa nomunondo.
6:15b.MIC.006.015 Muchakusha, asi hamungacheki, muchasvina maorivhi, asi hamungazori mafuta, muchasvina mazambiringa, asi hamunganwi waini.
6:16b.MIC.006.016 Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
7
7:1b.MIC.007.001 Ndine nhamo ini! Nokuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unopanga muchero womuonde waibva.
7:2b.MIC.007.002 Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
7:3b.MIC.007.003 Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
7:4b.MIC.007.004 Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rweminzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.
7:5b.MIC.007.005 Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako.
7:6b.MIC.007.006 Nokuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake.
7:7b.MIC.007.007 Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.
7:8b.MIC.007.008 Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
7:9b.MIC.007.009 Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
7:10b.MIC.007.010 Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, Jehovha Mwari wako aripiko? Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha.
7:11b.MIC.007.011 Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganho ichatarwa nokure.
7:12b.MIC.007.012 Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eIjipiti, nokunyika inobva Ijipiti ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo.
7:13b.MIC.007.013 Kunyange zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo.
7:14b.MIC.007.014 Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGiriyadhi, sapamazuva akare.
7:15b.MIC.007.015 Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeIjipiti.
7:16b.MIC.007.016 Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi.
7:17b.MIC.007.017 Vachananzva guruva senyoka., vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai.
7:18b.MIC.007.018 Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.
7:19b.MIC.007.019 Achatinzwira tsitsizve, achatsika zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.
7:20b.MIC.007.020 muchaitira Jakobho zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Micah (Shona). Micah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5B7-B