Jonah (Shona)
1
1:1b.JON.001.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
1:2b.JON.001.002 Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.
1:3b.JON.001.003 Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
1:4b.JON.001.004 Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
1:5b.JON.001.005 Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
1:6b.JON.001.006 Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.
1:7b.JON.001.007 Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani. Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.
1:8b.JON.001.008 Zvino vakati kwaari, Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?
1:9b.JON.001.009 Iye akati kwavari, Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.
1:10b.JON.001.010 Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, Chinyiko ichi chawaita? Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
1:11b.JON.001.011 Zvino vakati kwaari, Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire? Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.
1:12b.JON.001.012 Iye akati kwavari, Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.
1:13b.JON.001.013 Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.
1:14b.JON.001.014 Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.
1:15b.JON.001.015 Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.
1:16b.JON.001.016 Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.
1:17b.JON.001.017 Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
2
2:1b.JON.002.001 Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2:2b.JON.002.002 Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu.
2:3b.JON.002.003 Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
2:4b.JON.002.004 Ndikati, Ndarashwa, hamuchandioni; Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
2:5b.JON.002.005 Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.
2:6b.JON.002.006 Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
2:7b.JON.002.007 Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
2:8b.JON.002.008 Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.
2:9b.JON.002.009 Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.
2:10b.JON.002.010 Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
3
3:1b.JON.003.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
3:2b.JON.003.002 Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.
3:3b.JON.003.003 Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
3:4b.JON.003.004 Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.
3:5b.JON.003.005 Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
3:6b.JON.003.006 Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
3:7b.JON.003.007 Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;
3:8b.JON.003.008 asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
3:9b.JON.003.009 Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?
3:10b.JON.003.010 Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
4
4:1b.JON.004.001 Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
4:2b.JON.004.002 Akanyengetera Jehovha, akati, Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane ngoni, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.
4:3b.JON.004.003 Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
4:4b.JON.004.004 Jehovha akati, Zvakanaka here zvawatsamwa?
4:5b.JON.004.005 Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.
4:6b.JON.004.006 Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.
4:7b.JON.004.007 Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
4:8b.JON.004.008 Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
4:9b.JON.004.009 Mwari akati kuna Jona, Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi? Akati, Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.
4:10b.JON.004.010 Jehovha akati, Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe;
4:11b.JON.004.011 ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Jonah (Shona). Jonah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5B4-E