Amos (Shona)
1
1:1b.AMO.001.001 Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika.
1:2b.AMO.001.002 Akati, Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.
1:3b.AMO.001.003 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare.
1:4b.AMO.001.004 Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi.
1:5b.AMO.001.005 Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:6b.AMO.001.006 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu.
1:7b.AMO.001.007 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
1:8b.AMO.001.008 Ndichaparadza vagere Ashidhodhi noakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
1:9b.AMO.001.009 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
1:10b.AMO.001.010 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
1:11b.AMO.001.011 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munununa wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
1:12b.AMO.001.012 Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.
1:13b.AMO.001.013 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo.
1:14b.AMO.001.014 Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri;
1:15b.AMO.001.015 mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake, ndizvo zvinotaura Jehovha.
2
2:1b.AMO.002.001 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
2:2b.AMO.002.002 Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda;
2:3b.AMO.002.003 ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
2:4b.AMO.002.004 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
2:5b.AMO.002.005 Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.
2:6b.AMO.002.006 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri;
2:7b.AMO.002.007 ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene;
2:8b.AMO.002.008 vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo.
2:9b.AMO.002.009 Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi.
2:10b.AMO.002.010 Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori.
2:11b.AMO.002.011 Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imi vana vaIsiraeri?
2:12b.AMO.002.012 Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, Regai kuporofita.
2:13b.AMO.002.013 Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda.
2:14b.AMO.002.014 Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri.
2:15b.AMO.002.015 Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake;
2:16b.AMO.002.016 ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
3
3:1b.AMO.003.001 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti,
3:2b.AMO.003.002 Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.
3:3b.AMO.003.003 Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here?
3:4b.AMO.003.004 Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakaruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here?
3:5b.AMO.003.005 Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here?
3:6b.AMO.003.006 Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here?
3:7b.AMO.003.007 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
3:8b.AMO.003.008 Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita?
3:9b.AMO.003.009 Paridzirai mudzimba dzoushe paAshidhodhi, nomudzimba dzoushe munyika yeIjipiti, muti, Unganai pamakomo eSamariya muone bope guru riripo nokumanikidzwa kuri mukati maro.
3:10b.AMO.003.010 Nokuti havazivi kuita zvakarurama ndizvo, zvinotaura Jehovha ivo vanounganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzavo dzoushe.
3:11b.AMO.003.011 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi aripo, pose-pose panyika; iye achakubvisira simba rako, uye dzimba dzako dzoushe dzichapambwa.
3:12b.AMO.003.012 Zvanzi naJehovha, Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha.
3:13b.AMO.003.013 Inzwa, mupupurire imba yaJakobho, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari wehondo.
3:14b.AMO.003.014 Nokuti nezuva randicharova Isiraeri pamusoro pokudarika kwavo, ndicharovawo maaritari eBhetieri; nyanga dzearitari dzichagurwa nokuwira pasi.
3:15b.AMO.003.015 Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4
4:1b.AMO.004.001 Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, Uyai nezvokunwa tinwe.
4:2b.AMO.004.002 Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
4:3b.AMO.004.003 Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:4b.AMO.004.004 Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
4:5b.AMO.004.005 uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:6b.AMO.004.006 Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:7b.AMO.004.007 Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
4:8b.AMO.004.008 Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:9b.AMO.004.009 Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:10b.AMO.004.010 Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:11b.AMO.004.011 Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:12b.AMO.004.012 Saka ndichakuitirai izvi, imi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imi Isiraeri.
4:13b.AMO.004.013 Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.
5
5:1b.AMO.005.001 Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imi imba yalsiraeri.
5:2b.AMO.005.002 Mhandara yalsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
5:3b.AMO.005.003 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.
5:4b.AMO.005.004 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, Nditsvakei, murarame;
5:5b.AMO.005.005 asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.
5:6b.AMO.005.006 Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri.
5:7b.AMO.005.007 Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi,
5:8b.AMO.005.008 tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
5:9b.AMO.005.009 anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
5:10b.AMO.005.010 Vanovenga anovaraira pasuo, vanosema anotaura zvakarurama.
5:11b.AMO.005.011 Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.
5:12b.AMO.005.012 Nokuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuo.
5:13b.AMO.005.013 Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nokuti inguva yakaipa.
5:14b.AMO.005.014 Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva.
5:15b.AMO.005.015 Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
5:16b.AMO.005.016 Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, Maiwe! Maiwe! Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
5:17b.AMO.005.017 Kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa; nokuti ndichapfuura napakati penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5:18b.AMO.005.018 Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
5:19b.AMO.005.019 Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
5:20b.AMO.005.020 Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
5:21b.AMO.005.021 Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa.
5:22b.AMO.005.022 Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa.
5:23b.AMO.005.023 Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
5:24b.AMO.005.024 Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
5:25b.AMO.005.025 Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here?
5:26b.AMO.005.026 Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira.
5:27b.AMO.005.027 Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko, ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
6
6:1b.AMO.006.001 Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
6:2b.AMO.006.002 Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
6:3b.AMO.006.003 Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
6:4b.AMO.006.004 imwi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
6:5b.AMO.006.005 munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
6:6b.AMO.006.006 imi, munonwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
6:7b.AMO.006.007 Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
6:8b.AMO.006.008 Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.
6:9b.AMO.006.009 Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
6:10b.AMO.006.010 Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, Kuchinomumwe newe here? Iye akati Kwete! ipapo uchati nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.
6:11b.AMO.006.011 Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
6:12b.AMO.006.012 Ko mabhiza anga mhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
6:13b.AMO.006.013 iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?
6:14b.AMO.006.014 Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
7
7:1b.AMO.007.001 Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera.
7:2b.AMO.007.002 Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?
7:3b.AMO.007.003 Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, Hazvingaitwi.
7:4b.AMO.007.004 Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
7:5b.AMO.007.005 Ipapo ndakati, Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?
7:6b.AMO.007.006 Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, Nezvizviwo hazvingaitwi.
7:7b.AMO.007.007 Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
7:8b.AMO.007.008 Jehovha akati kwandiri, Amosi unooneiko? Ini ndikati, Rwonzi rwokuyera narwo. Zvino Ishe akati, Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
7:9b.AMO.007.009 nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami Amazia anoramba shoko raAmosi paBhetieri
7:10b.AMO.007.010 Zvino Amazia mupirisiti weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
7:11b.AMO.007.011 Nokuti Amosi anoti, Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
7:12b.AMO.007.012 Amazia akatiwo kuna Amosi, Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
7:13b.AMO.007.013 asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.
7:14b.AMO.007.014 Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
7:15b.AMO.007.015 Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.
7:16b.AMO.007.016 Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;
7:17b.AMO.007.017 naizvozvo zvanzi naJehovha, Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
8
8:1b.AMO.008.001 Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha.
8:2b.AMO.008.002 Akati, Amosi, unooneiko? Ini ndikati, Tswanda inezvibereko zvezhizha. Zvino Jehovha akati kwandiri, Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve.
8:3b.AMO.008.003 Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kwose vanyerere.
8:4b.AMO.008.004 Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika,
8:5b.AMO.008.005 muchiti, Kugara komwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye Sabata, kuti tizarure matura ezviyo? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera;
8:6b.AMO.008.006 kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?
8:7b.AMO.008.007 Jehovha akapika noukuru hwaJakobho, achiti, Zvirokwazvo, handingatongokanganwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi.
8:8b.AMO.008.008 Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweIjipiti.
8:9b.AMO.008.009 Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
8:10b.AMO.008.010 Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kwokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
8:11b.AMO.008.011 Tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.
8:12b.AMO.008.012 Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda mabvazuva; vachamhanya pose-pose vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
8:13b.AMO.008.013 Nezuva iro mhandara dzakanaka namajaya vachaziya nenyota.
8:14b.AMO.008.014 Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.
9
9:1b.AMO.009.001 Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
9:2b.AMO.009.002 Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.
9:3b.AMO.009.003 Kunyange vakandovanda pamusoro peKarimeri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyange vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.
9:4b.AMO.009.004 Kunyange vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo, ndicharinzira meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka.
9:5b.AMO.009.005 Nokuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweIjipiti;
9:6b.AMO.009.006 ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.
9:7b.AMO.009.007 Nhai, imi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
9:8b.AMO.009.008 Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakobho ndizvo zvinotaura Jehovha.
9:9b.AMO.009.009 Nokuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyange zvakadaro tsanga imwe dukuduku haingawiri pasi.
9:10b.AMO.009.010 Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurawa nomunondo, ivo vanoti, Zvakaipa hazvingatibati, hazvingasvikiri kwatiri.
9:11b.AMO.009.011 Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;
9:12b.AMO.009.012 kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
9:13b.AMO.009.013 Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
9:14b.AMO.009.014 Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
9:15b.AMO.009.015 Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa, ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Amos (Shona). Amos (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5AE-6