Hosea (Shona)

Hosea (Shona)

1

1:1b.HOS.001.001 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.

1:2b.HOS.001.002 Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.

1:3b.HOS.001.003 Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.

1:4b.HOS.001.004 Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi jezireeri, nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa rejezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri.

1:5b.HOS.001.005 Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata wejezireeri.

1:6b.HOS.001.006 Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, Mutumidze iye zita rinonzi Roruhama; nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwira.

1:7b.HOS.001.007 Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.

1:8b.HOS.001.008 Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.

1:9b.HOS.001.009 Jehovha akati, Mutumidze zita rinonzi Roami; nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.

1:10b.HOS.001.010 Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, Hamuzi vanhu vangu, ndipapo pazvichanzi kwavari, Muri vanakomana vaMwari mupenyu.

1:11b.HOS.001.011 Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva rejezireeri richava guru.

2

2:1b.HOS.002.001 Itiyi kuna vanununa venyu, Ama; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama.

2:2b.HOS.002.002 Kakavarai namai venyu, kakavarai; nokuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;

2:3b.HOS.002.003 kuti ndirege kumukumurira nguo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.

2:4b.HOS.002.004 Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;

2:5b.HOS.002.005 nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.

2:6b.HOS.002.006 Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako neminzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.

2:7b.HOS.002.007 Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nokuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.

2:8b.HOS.002.008 Nokuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.

2:9b.HOS.002.009 Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.

2:10b.HOS.002.010 Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.

2:11b.HOS.002.011 Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara kwomwedzi, namaSabata ake, nevungano dzake dzose dzakatarwa.

2:12b.HOS.002.012 Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.

2:13b.HOS.002.013 Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwanwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

2:14b.HOS.002.014 Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.

2:15b.HOS.002.015 Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika

2:16b.HOS.002.016 Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari.

2:17b.HOS.002.017 Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo.

2:18b.HOS.002.018 Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.

2:19b.HOS.002.019 Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.

2:20b.HOS.002.020 Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.

2:21b.HOS.002.021 Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;

2:22b.HOS.002.022 nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura jezireeri.

2:23b.HOS.002.023 Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, Imi muri vanhu vangu, ivo vachati, Imi muri Mwari wedu.

3

3:1b.HOS.003.001 Zvino Jehovha akati kwandiri, Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana vaIsiraeri, kunyange vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amadzamb iringa.

3:2b.HOS.003.002 Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri yebhari, nehomeri yebhari;

3:3b.HOS.003.003 ndikati kwaari, Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri.

3:4b.HOS.003.004 Nokuti vana vaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo vasina shongwe vasina efodhi kana terafimi.

3:5b.HOS.003.005 Pashure vana vaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.

4

4:1b.HOS.004.001 Inzwai shoko raJehovha, Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.

4:2b.HOS.004.002 Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa.

4:3b.HOS.004.003 Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.

4:4b.HOS.004.004 Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupirisiti.

4:5b.HOS.004.005 Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako.

4:6b.HOS.004.006 Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.

4:7b.HOS.004.007 Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa.

4:8b.HOS.004.008 Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo.

4:9b.HOS.004.009 Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupirisitiwo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata.

4:10b.HOS.004.010 Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha.

4:11b.HOS.004.011 Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere.

4:12b.HOS.004.012 Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.

4:13b.HOS.004.013 Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka, naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva.

4:14b.HOS.004.014 Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.

4:15b.HOS.004.015 Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, NaJehovha mupenyu!

4:16b.HOS.004.016 Nokuti Isiraeri vanakomana, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi.

4:17b.HOS.004.017 Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.

4:18b.HOS.004.018 Zvavanonwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa.

4:19b.HOS.004.019 Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibayiro zvavo.

5

5:1b.HOS.005.001 Inzwai shoko iri, imi vapirisiti, teererai imi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.

5:2b.HOS.005.002 Vakandimukira vakapinda kwazvo pakuora, asi ndichavatuka vose.

5:3b.HOS.005.003 Ndinoziva Efuremu, Isiraeri havana kuvanzika pamberi pangu; nokuti zvino iwe Efuremu, wakapata, Isiraeri vakasvibiswa.

5:4b.HOS.005.004 Zvavakaita hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo; nokuti mweya wokufeva uri mukati mavo, havazivi Jehovha.

5:5b.HOS.005.005 Kuzvikudza kwaIsiraeri kunovapupurira pachena; saka Isiraeri naEfuremu vachagumburwa pazvakaipa zvavo, Judha vachagumburwawo pamwechete navo.

5:6b.HOS.005.006 Vachaenda namakwai avo nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; akaenda kure navo.

5:7b.HOS.005.007 Vakanyengera Jehovha, nokuti vakabereka vana vasati vari vavo; zvino mutambo wokugara kwomwedzi uchavapedza pamwechete neminda yavo.

5:8b.HOS.005.008 Ridzai mumanzi paGibhiyoni, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBhetiavheni; vari shure kwako, iwe Bhenjamini!

5:9b.HOS.005.009 Nyika yaEfuremu ichaitwa matongo nezuva rokutukwa; ndakazivisa pakati paIsiraeri zvichazovapo zvirokwazvo.

5:10b.HOS.005.010 Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.

5:11b.HOS.005.011 Efuremu wakamanikidzwa wakapwanyiwa nokutongwa, nokuti akanga achitenda kutevera murayiro wavanhu.

5:12b.HOS.005.012 Naizvozvo ndichava kuna Efuremu sechipfunho, uye sokuora kuimba yaJudha.

5:13b.HOS.005.013 Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.

5:14b.HOS.005.014 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba duku kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichavatapa, hakuna angavarwira.

5:15b.HOS.005.015 Ndichaenda ndichidzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vatenda kutadza kwavo, vakatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.

6

6:1b.HOS.006.001 Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.

6:2b.HOS.006.002 Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.

6:3b.HOS.006.003 Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika. Efuremu naJudha vanotukwa

6:4b.HOS.006.004 Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.

6:5b.HOS.006.005 Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.

6:6b.HOS.006.006 Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

6:7b.HOS.006.007 Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.

6:8b.HOS.006.008 Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina makwapa eropa.

6:9b.HOS.006.009 Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapirisiti rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.

6:10b.HOS.006.010 Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa.

6:11b.HOS.006.011 Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.

7

7:1b.HOS.007.001 Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.

7:2b.HOS.007.002 Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.

7:3b.HOS.007.003 Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.

7:4b.HOS.007.004 Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.

7:5b.HOS.007.005 Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.

7:6b.HOS.007.006 Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.

7:7b.HOS.007.007 Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.

7:8b.HOS.007.008 Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisinakushandurwa.

7:9b.HOS.007.009 Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi.

7:10b.HOS.007.010 Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro.

7:11b.HOS.007.011 Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria.

7:12b.HOS.007.012 Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.

7:13b.HOS.007.013 Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema.

7:14b.HOS.007.014 Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.

7:15b.HOS.007.015 Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa

7:16b.HOS.007.016 Vanodzoka asi havangadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.

8

8:1b.HOS.008.001 Isa hwamanda pam.uromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.

8:2b.HOS.008.002 Vachadana kwandiri, vachiti, Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.

8:3b.HOS.008.003 Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.

8:4b.HOS.008.004 Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.

8:5b.HOS.008.005 Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira riniko kuva vakanaka?

8:6b.HOS.008.006 Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa.

8:7b.HOS.008.007 Nokuti vanodzvara mhepo, vachacheka chamupupuri, havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.

8:8b.HOS.008.008 Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu.

8:9b.HOS.008.009 Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.

8:10b.HOS.008.010 Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.

8:11b.HOS.008.011 Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa.

8:12b.HOS.008.012 Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.

8:13b.HOS.008.013 Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti.

8:14b.HOS.008.014 Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.

9

9:1b.HOS.009.001 Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.

9:2b.HOS.009.002 Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.

9:3b.HOS.009.003 Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.

9:4b.HOS.009.004 Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.

9:5b.HOS.009.005 Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?

9:6b.HOS.009.006 Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.

9:7b.HOS.009.007 Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru.

9:8b.HOS.009.008 Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.

9:9b.HOS.009.009 Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.

9:10b.HOS.009.010 Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.

9:11b.HOS.009.011 Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.

9:12b.HOS.009.012 Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.

9:13b.HOS.009.013 Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.

9:14b.HOS.009.014 Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.

9:15b.HOS.009.015 Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.

9:16b.HOS.009.016 Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.

9:17b.HOS.009.017 Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.

10

10:1b.HOS.010.001 VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.

10:2b.HOS.010.002 Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maaritari avo, achaparadza shongwe dzavo.

10:3b.HOS.010.003 Zvirokwazvo, zvino vachati, Hatina mambo, nokuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?

10:4b.HOS.010.004 Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda.

10:5b.HOS.010.005 Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nokuti vanhu varo vachaichema, navapirisiti varo vaiifarira, nokuda kwokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi.

10:6b.HOS.010.006 Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo.

10:7b.HOS.010.007 Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.

10:8b.HOS.010.008 Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaaritari avo; zvino vachati kumakomo, Tifukidzei, nokuzvikomo, Wirai pamusoro pedu.

10:9b.HOS.010.009 Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhiya here?

10:10b.HOS.010.010 Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri.

10:11b.HOS.010.011 Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakobho achaputsa mavhinga ake.

10:12b.HOS.010.012 Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.

10:13b.HOS.010.013 Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nokuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu.

10:14b.HOS.010.014 Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa, mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo.

10:15b.HOS.010.015 Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza.

11

11:1b.HOS.011.001 Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.

11:2b.HOS.011.002 Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuwira.

11:3b.HOS.011.003 Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.

11:4b.HOS.011.004 Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.

11:5b.HOS.011.005 Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.

11:6b.HOS.011.006 Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.

11:7b.HOS.011.007 Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidanwa kune Wokumusoro, havatongosimuki.

11:8b.HOS.011.008 Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.

11:9b.HOS.011.009 Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.

11:10b.HOS.011.010 Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.

11:11b.HOS.011.011 Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

11:12b.HOS.011.012 Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.

12

12:1b.HOS.012.001 Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti.

12:2b.HOS.012.002 Jehovha ane gakava naJudhawo, acharova Jakobho pamusoro penzira dzake, achamuripira pamusoro pezvaakaita.

12:3b.HOS.012.003 Muchizvaro akabata chichitsinho chomukuru wake, ava nesimba romurume akaita mitsimba naMwari;

12:4b.HOS.012.004 zvirokwazvo, akaita mitsimba nomutumwa akakunda; akachema, akamunyengetera; akamuwana paBhetieri, akataurapo nesu,

12:5b.HOS.012.005 iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha ndiro zita rokumurangarira naro.

12:6b.HOS.012.006 Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.

12:7b.HOS.012.007 Iye muKanani, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake, anofanira kumanikidza.

12:8b.HOS.012.008 Asi Efuremu anoti, Zvirokwazvo, ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri zvakaipa zvezvivi.

12:9b.HOS.012.009 Asi ndini Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.

12:10b.HOS.012.010 Ndakataurawo navaporofita, ndikawanza zvandakavaratidza; ndakavataurira zvifananidzo nemiromo yavaporofita.

12:11b.HOS.012.011 Ko paGiriyadhi pane zvakaipa here? Havana maturo chose; vanobaya nzombe paGirigari; zvirokwazvo maaritari avo akaita matutu amabwe pamihoronga yeminda.

12:12b.HOS.012.012 Jakobho akatizira kunyika yeArami, Isiraeri akabatira mukadzi, akafudza makwai kuti awane mukadzi.

12:13b.HOS.012.013 Jehovha akabudisa Isiraeri paIjipiti nomuporofita, akazochengetwa nomuporofita.

12:14b.HOS.012.014 Efuremu vakatsamwisa Jehovha zvikuru; naizvozvo mhaka yeropa rake ichasiyiwa kwaari, Ishe wake achadzosera kuzvidzwa kwake kwaari.

13

13:1b.HOS.013.001 Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.

13:2b.HOS.013.002 Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, Vanobayira mhuru ngavadzisvete.

13:3b.HOS.013.003 Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.

13:4b.HOS.013.004 Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.

13:5b.HOS.013.005 Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.

13:6b.HOS.013.006 Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.

13:7b.HOS.013.007 Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;

13:8b.HOS.013.008 ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.

13:9b.HOS.013.009 Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.

13:10b.HOS.013.010 Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, Tipei mambo namachinda?

13:11b.HOS.013.011 Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.

13:12b.HOS.013.012 Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.

13:13b.HOS.013.013 Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.

13:14b.HOS.013.014 Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.

13:15b.HOS.013.015 Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikanwa.

13:16b.HOS.013.016 Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.

14

14:1b.HOS.014.001 Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.

14:2b.HOS.014.002 Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.

14:3b.HOS.014.003 Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.

14:4b.HOS.014.004 Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.

14:5b.HOS.014.005 Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.

14:6b.HOS.014.006 Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.

14:7b.HOS.014.007 Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.

14:8b.HOS.014.008 Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.

14:9b.HOS.014.009 Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Hosea (Shona). Hosea (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A8-C