Ezekiel (Shona)
1
1:1b.EZE.001.001 Zvino negore ramakumi matatu, nomwedzi wechina, nezuva rechishanu romwedzi, ini ndiri pakati pavakatapwa parwizi rwaKebhari, kudenga kwakazarurwa, ndikaona zvandakaratidzwa zvaMwari.
1:2b.EZE.001.002 Nezuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoiakini,
1:3b.EZE.001.003 shoko raJehovha rakasvika kumupirisiti Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea, parwizi rwaKebhari; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake ipapo
1:4b.EZE.001.004 Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare.
1:5b.EZE.001.005 Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu;
1:6b.EZE.001.006 chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana.
1:7b.EZE.001.007 Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa.
1:8b.EZE.001.008 Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo:
1:9b.EZE.001.009 Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.
1:10b.EZE.001.010 Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondohwe.
1:11b.EZE.001.011 Zviso zvazvo namapapiro azvo zvakanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo.
1:12b.EZE.001.012 Chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho; kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo.
1:13b.EZE.001.013 Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
1:14b.EZE.001.014 Zvipenyu zvaimhanya zvichidzoka, zvakafanana nokupenya kwemheni.
1:15b.EZE.001.015 Zvino ndakati ndichitarira zvipenyu izvo, ndikaona gumbo rimwe rengoro riri pasi kurutivi rwezvipenyu izvo, kurutivi rumwe norumwe rwezviso zvacho.
1:16b.EZE.001.016 Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo.
1:17b.EZE.001.017 Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.
1:18b.EZE.001.018 Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose-kwose.
1:19b.EZE.001.019 Zvino kana zvipenyu zvofamba, makumbo ofambawo parutivi rwazvo, kana zvipenyu zvokwidzwa zvichibva pasi, naiwo makumbo okwidzwawo.
1:20b.EZE.001.020 Pose-pose kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba, makumbo ndokukwidzwa pamwechete nazvo, nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
1:21b.EZE.001.021 Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
1:22b.EZE.001.022 Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekiristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo.
1:23b.EZE.001.023 Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akarurama, rimwe rakabatana nerimwe; chimwe nechimwe chazvo chakanga china mapapiro maviri aifukidza muviri wacho kurutivi rwowuno, nechimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri aifukidza kurutivi rweseri.
1:24b.EZE.001.024 Zvino kana zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo zvichiita sokuunga kwemvura zhinji, senzwi reane simba rose, somubvumo webope wakaita sokutinhira kwehondo; kana zvomira, zvaipeta mapapiro azvo.
1:25b.EZE.001.025 Kwakanga kunenzwi kumusoro kwedenga raiva pamusoro pemisoro yazvo; kana zvomira, zvaideredza mapapiro azvo.
1:26b.EZE.001.026 Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chakafanana nechigaro chohushe, chaiita sebwe resafiri; pachinhu chakafanana nechigaro chohushe kwakanga kuno mufananidzo womunhu agere pamusoro pacho.
1:27b.EZE.001.027 Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose.
1:28b.EZE.001.028 Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.
2
2:1b.EZE.002.001 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.
2:2b.EZE.002.002 Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
2:3b.EZE.002.003 Iye akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.
2:4b.EZE.002.004 Vana vane zviso zvisina kunyara nemoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
2:5b.EZE.002.005 Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.
2:6b.EZE.002.006 Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
2:7b.EZE.002.007 Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.
2:8b.EZE.002.008 Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.
2:9b.EZE.002.009 Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
2:10b.EZE.002.010 akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
3
3:1b.EZE.003.001 Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.
3:2b.EZE.003.002 Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa.
3:3b.EZE.003.003 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise vura bwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukava mumukanwa wangu sohuchi nokuzipa.
3:4b.EZE.003.004 Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
3:5b.EZE.003.005 Nokuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri;
3:6b.EZE.003.006 hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
3:7b.EZE.003.007 Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomoyo mikukutu.
3:8b.EZE.003.008 Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo.
3:9b.EZE.003.009 Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba.
3:10b.EZE.003.010 Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumoyo mako, uanzwe nenzeve dzako.
3:11b.EZE.003.011 Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.
3:12b.EZE.003.012 Ipapo Mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.
3:13b.EZE.003.013 Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
3:14b.EZE.003.014 Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba.
3:15b.EZE.003.015 Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko. Ezekieri anodanwa ave nharirire yaIsiraeri
3:16b.EZE.003.016 Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
3:17b.EZE.003.017 Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
3:18b.EZE.003.018 Kana ini ndikati kuno wakaipa, Zvirokwazvo uchafa, iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu wakaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
3:19b.EZE.003.019 Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
3:20b.EZE.003.020 Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
3:21b.EZE.003.021 Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.
3:22b.EZE.003.022 Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.
3:23b.EZE.003.023 Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu.
3:24b.EZE.003.024 Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, Enda, undozvipfigira mumba mako.
3:25b.EZE.003.025 Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo;
3:26b.EZE.003.026 ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
3:27b.EZE.003.027 Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, Zvanzi nalshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
4
4:1b.EZE.004.001 Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chitinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu.
4:2b.EZE.004.002 Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa.
4:3b.EZE.004.003 Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
4:4b.EZE.004.004 Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo.
4:5b.EZE.004.005 Nokuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
4:6b.EZE.004.006 Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.
4:7b.EZE.004.007 Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro.
4:8b.EZE.004.008 Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
4:9b.EZE.004.009 Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
4:10b.EZE.004.010 Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva.
4:11b.EZE.004.011 Unofanira kunwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva.
4:12b.EZE.004.012 Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu.
4:13b.EZE.004.013 Jehovha akati, Saizvozvo vana valsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakanora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.
4:14b.EZE.004.014 Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nokuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, nenyama yakanora haina kumbopinda mumuromo mangu.
4:15b.EZE.004.015 Ipapo akati kwandiri, Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo.
4:16b.EZE.004.016 Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
4:17b.EZE.004.017 kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vapere muzvakaipa zvavo.
5
5:1b.EZE.005.001 Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore chive chisvo kwauri, ugoveura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore chiyero chokuyera nacho, ndokukamura vhudzi.
5:2b.EZE.005.002 Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo.
5:3b.EZE.005.003 Zvino utorewo rimwe shomanene, urisungire munguvo dzako.
5:4b.EZE.005.004 Ipapo utorezve rimwe raro, urikandire mumoto, uchiripisa mumoto; ipapo pachabudira moto kuimba yose yaIsiraeri.
5:5b.EZE.005.005 Zvanzi naIshe Jehovha, Iri ndiro Jerusaremu ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika kumativi ose.
5:6b.EZE.005.006 Asi rakaramba mitemo yangu richiita zvakaipa kupfuura mamwe marudzi, nokuramba zvandakarayira kupfuura dzimwe nyika dzakaripoteredza; nokuti ivo vakaramba mitemo yangu, nezvandakarayira havana kufamba mazviri.
5:7b.EZE.005.007 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamune hasha kupfuura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba munezvandakarayira nokusachengeta mitemo yangu, kunyange kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai,
5:8b.EZE.005.008 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, iyeni, ndine mhaka nemi, ndichaita zvandakatonga pakati penyu mamwe marudzi achizviona.
5:9b.EZE.005.009 Ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingatongoitizve zvakadai, nemhaka yezvinonyangadza zvenyu zvose.
5:10b.EZE.005.010 Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana vavo mukati mako, navanakomana vachadya madzibaba avo; ndichakuitira zvandakatonga, ndichaparadzira vakasara vako kumhepo dzose.
5:11b.EZE.005.011 Saka noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, zvawakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvose zvako zvinosemesa nezvose zvako zvinonyangadza, saka neni ndichabva kwamuri, ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo.
5:12b.EZE.005.012 Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
5:13b.EZE.005.013 Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, nehasha dzangu kwavari ndichadzigumisa, ndikanyaradzwa; vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura nokushingayira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
5:14b.EZE.005.014 Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, zvichionekwa navose vanopfuura napo.
5:15b.EZE.005.015 Saizvozvo chichava chinhu chinoshorwa nechinosekwa, chinonyevera nechinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndichikuitira zvandakatonga ndakatsamwa, ndiine hasha, ndichikutukai nehasha ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo;
5:16b.EZE.005.016 kana ndichituma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ine basa rokuparadza, yandichatuma kuti ikuparadzeyi. Ndichawedzera nzara pamusoro penyu, nokuvhuna mudonzvo wenyu wezvokudya.
5:17b.EZE.005.017 Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo.
6
6:1b.EZE.006.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
6:2b.EZE.006.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo,
6:3b.EZE.006.003 uti, Imi makomo avaIsiraeri, inzwai shoko ralshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
6:4b.EZE.006.004 Maaritari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu nezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurawa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.
6:5b.EZE.006.005 Ndicharadzika zvitunha zvavana vaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose amaaritari enyu.
6:6b.EZE.006.006 Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maaritari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe.
6:7b.EZE.006.007 Vakaurawa vachawira pasi pakati penyu, nemi muchaziva kuti ndini Jehovha.
6:8b.EZE.006.008 Kunyange zvakadaro ndichachengeta vakasara, nokuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose.
6:9b.EZE.006.009 Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa moyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
6:10b.EZE.006.010 Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo.
6:11b.EZE.006.011 Zvanzi naIshe Jehovha, Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, Maiwe! Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
6:12b.EZE.006.012 Ari kure achafa nehosha yakaipa, ari pedo achaurawa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
6:13b.EZE.006.013 Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomuouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.
6:14b.EZE.006.014 Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
7
7:1b.EZE.007.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
7:2b.EZE.007.002 Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.
7:3b.EZE.007.003 Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.
7:4b.EZE.007.004 Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
7:5b.EZE.007.005 Zvanzi naIshe Jehovha, Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.
7:6b.EZE.007.006 Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.
7:7b.EZE.007.007 Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, risati riri rokupururudza pamusoro pamakomo.
7:8b.EZE.007.008 Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.
7:9b.EZE.007.009 Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.
7:10b.EZE.007.010 Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.
7:11b.EZE.007.011 Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.
7:12b.EZE.007.012 Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
7:13b.EZE.007.013 Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nokuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.
7:14b.EZE.007.014 Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.
7:15b.EZE.007.015 Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
7:16b.EZE.007.016 Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.
7:17b.EZE.007.017 Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achati rukutu semvura.
7:18b.EZE.007.018 Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.
7:19b.EZE.007.019 Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nokuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.
7:20b.EZE.007.020 Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.
7:21b.EZE.007.021 Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.
7:22b.EZE.007.022 Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.
7:23b.EZE.007.023 Itai ngetani, nokuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
7:24b.EZE.007.024 Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
7:25b.EZE.007.025 Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.
7:26b.EZE.007.026 Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira mupirisiti, namano achashaikwa kuvakuru.
7:27b.EZE.007.027 Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
8
8:1b.EZE.008.001 Zvino negore rechitanhatu, nomwedzi wechitanhatu, nezuwa reshanu romwedzi, ini ndigere mumba mangu, navakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwira pamusoro pangu.
8:2b.EZE.008.002 Ipapo ndikatarira ndikaona mufananidzo unenge somoto; kubva pakaita sechiuno chake zvichienda pasi, kwakanga kunomoto, kubva pachiuno chake zvichikwira kumusoro zvinenge kubwinya, sedare rinopenya.
8:3b.EZE.008.003 Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nezhumu romusoro wangu, Mweya wakandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratiidzo naMwari, kumukova wesuo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
8:4b.EZE.008.004 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuripo, zvakafanana nezvandakaona mubani.
8:5b.EZE.008.005 Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro. Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
8:6b.EZE.008.006 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.
8:7b.EZE.008.007 Akandiisa kumukova woruvanze; zvino ndakati ndichitarira, ndikaona pakakoromoka parusvingo.
8:8b.EZE.008.008 Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chera zvino parusvingo; zvino ndakati ndachera parusvingo, ndikaona mukova.
8:9b.EZE.008.009 Akati kwandiri, Pinda, undoona zvinonyangadza zvakashata zvavanoita pano.
8:10b.EZE.008.010 Ipapo ndakapinda, ndikaona; tarira, mifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsiraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.
8:11b.EZE.008.011 Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.
8:12b.EZE.008.012 Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsiraeri murima, mumwe nomumwe mukamuri yake yemifananidzo? Nokuti vanoti, Jehovha haationi; Jehovha akabva panyika ino.
8:13b.EZE.008.013 Akatiwo kwandiri, Uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru zvavanoita.
8:14b.EZE.008.014 Ipapo akandiisa kumukova wesuo reimba yaJehovha rakanga riri kurutivi rwokumusoro; ndikaona vakadzi vagerepo vachichema Tamuzi.
8:15b.EZE.008.015 Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinonyangadza zvinopfuura izvo.
8:16b.EZE.008.016 Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
8:17b.EZE.008.017 Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha, kuti vaite zvinonyangadza zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nokuita nesimba, vakadzoka vomutsa kutsamwa kwangu; tarira vanoisa davi kumhino dzavo.
8:18b.EZE.008.018 Naizvozvo neniwo ndichaita nehasha; ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi; kunyange vakadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, handingavanzwi.
9
9:1b.EZE.009.001 Ipapo akadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, achiti, Swededzai vatariri veguta, mumwe nomumwe ane nhumbi yake yokuparadza muruoko rwake.
9:2b.EZE.009.002 Zvino tarira, varume vatanhatu vakabva nenzira yesuo rokumusoro, riri kurutivi rwokumusoro, mumwe nomumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, nomumwe murume pakati pavo akafuka mucheka werineni, ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Vakapinda, vakandomira parutivi rwearitari yendarira.
9:3b.EZE.009.003 Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake.
9:4b.EZE.009.004 Jehovha akati kwaari, Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.
9:5b.EZE.009.005 Asi kuna vamwe wakati, ini ndichizvinzwa, Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi;
9:6b.EZE.009.006 urayai vose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kunomumwe anechiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene. Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.
9:7b.EZE.009.007 Akati kwavari, Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurawa; chibudai. Vakabuda, vakauraya muguta.
9:8b.EZE.009.008 Zvino vakati vachiuraya, ini ndasiyiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi nechiso changu, ndikachema, ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Ko munoparadza vose vakasara vaIsiraeri pakudurura kwenyu hasha dzenyu pamusoro peJerusaremu here?
9:9b.EZE.009.009 Ipapo akati kwandiri, Zvakaipa zveimba yaIsiraeri naJudha zvakakura kwazvo, nyika izere neropa, neguta rizere nezvisakarurama; nokuti vanoti, Jehovha akabva panyika, Jehovha haaoni.
9:10b.EZE.009.010 Neni, kana ndirini, ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi, asi ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo.
9:11b.EZE.009.011 Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, Ndaita sezvamakandirayira.
10
10:1b.EZE.010.001 Zvino ndakatarira, ndikaona padenga rakanga riri pamusoro pemisoro yamakerubhi chinhu chakaonekwa pamusoro pawo chakaita sebwe resafire, chakanga chakafanana nechigaro choushe.
10:2b.EZE.010.002 Akataura nomunhu akanga akafuka mucheka werineni, akati, Pinda pakati pamakumbo anomonereka, imo munyasi mekerubhi, uzadze maoko ako ose namazimbe anobva pakati pamakerubhi, uakushe pamusoro peguta. Iye akapinda, ini ndichizviona.
10:3b.EZE.010.003 Zvino makerubhi akanga amire parutivi rworudyi rweimba, panguva yokupinda kwomurume uyu; gore rikazadza ruvanze rwomukati.
10:4b.EZE.010.004 Kubwinya kwaJehovha kukakwira kuchibva pakerubhi, kukamira pamusoro pechikumbaridzo cheimba, imba ikazadzwa negore, noruvanze rwakazarawo nokupenya kwokubwinya kwaJehovha.
10:5b.EZE.010.005 Mubvumo wamapapiro amakerubhi wakanzwikwa kusvikira kuruvanze rwokunze, senzwi raMwari waMasimbaose, kana achitaura.
10:6b.EZE.010.006 Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi, akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.
10:7b.EZE.010.007 Kerubhi rikatambanudzira ruoko rwaro ruchibuda napakati pamakerubhi kumoto wakanga uri pakati pamakerubhi, rikatorapo moto ndokuuisa muruoko rwowakanga akafuka mucheka werineni, iye ndokuutora ndokubuda.
10:8b.EZE.010.008 Zvino mukati mamakerubhi makaonekwa chakafanana noruoko rwomunhu pasi pamapapiro awo.
10:9b.EZE.010.009 Zvino ndakatarira, ndikaona makumbo mana engoro pamativi amakerubhi, rimwe gumbo kurutivi rwekerubhi rimwe, nerimwe gumbo kurutivi rwerimwe kerubhi; pakuonekwa kwawo makumbo akanga akaita sebwe rebheriri.
10:10b.EZE.010.010 Pakuonekwa kwawo ose ari mana akanga akafanana, zvakaita segumbo rimwe rengoro mukati merimwe gumbo rengoro.
10:11b.EZE.010.011 Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.
10:12b.EZE.010.012 Muviri wawo wose, nemisana yawo, namaoko awo, namapapiro awo, namakumbo engoro, zvakanga zvizere nameso kumativi ose, pamakumbo awo ose ari mana.
10:13b.EZE.010.013 Kana ari makumbo, ndakanzwa achitumidzwa zvinomonereka.
10:14b.EZE.010.014 Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina; chiso chokutanga chakanga chiri chiso chekerubhi, chiso chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chechitatu chiso cheshumba, nechechina chiso chegondo.
10:15b.EZE.010.015 Zvino makerubhi ndokubhururuka achikwira; ndicho chipenyu chandakaona parwizi Kebhari.
10:16b.EZE.010.016 Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awovo haana kubva kurutivi rwawo.
10:17b.EZE.010.017 Kana omira naiwo omirawo; kana obhururuka achikwira naiwo obhururukawo achikwira nawo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mukati mawo.
10:18b.EZE.010.018 Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabuda pachikumbaridzo cheimba, ndokumira pamusoro pamakerubhi.
10:19b.EZE.010.019 Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.
10:20b.EZE.010.020 Ndicho chipenyu chandakaona panyasi paMwari waIsiraeri parwizi rwaKebhari; ndikaziva kuti makerubhi.
10:21b.EZE.010.021 Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina, nerimwe nerimwe rakanga rina mapapiro mana; pasi pamapapiro awo pakanga pane zvakafanana namaoko omunhu.
10:22b.EZE.010.022 Kana zviri zviso zvavo pakuonekwa kwazvo, zvakanga zviri zviso zviya zvandakaona parwizi rwaKebhari, pakuonekwa kwazvo naizvo zvimene; rimwe nerimwe rairuramira mberi pakufamba kwaro.
11
11:1b.EZE.011.001 Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
11:2b.EZE.011.002 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;
11:3b.EZE.011.003 vanoti, Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.
11:4b.EZE.011.004 Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita.
11:5b.EZE.011.005 Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, Taura, uti, Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imi imba yaIsiraeri; nokuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
11:6b.EZE.011.006 Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.
11:7b.EZE.011.007 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.
11:8b.EZE.011.008 Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11:9b.EZE.011.009 Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.
11:10b.EZE.011.010 Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-
11:11b.EZE.011.011 Guta rino haringavi gate renyu, nemi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.
11:12b.EZE.011.012 Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai.
11:13b.EZE.011.013 Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?
11:14b.EZE.011.014 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
11:15b.EZE.011.015 Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.
11:16b.EZE.011.016 Naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;
11:17b.EZE.011.017 naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.
11:18b.EZE.011.018 Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.
11:19b.EZE.011.019 Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
11:20b.EZE.011.020 kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
11:21b.EZE.011.021 Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11:22b.EZE.011.022 Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.
11:23b.EZE.011.023 Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
11:24b.EZE.011.024 Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
11:25b.EZE.011.025 Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.
12
12:1b.EZE.012.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
12:2b.EZE.012.002 Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba.
12:3b.EZE.012.003 Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
12:4b.EZE.012.004 Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama.
12:5b.EZE.012.005 Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo.
12:6b.EZE.012.006 Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri.
12:7b.EZE.012.007 Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona.
12:8b.EZE.012.008 Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
12:9b.EZE.012.009 Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, Unoiteiko?
12:10b.EZE.012.010 Uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.
12:11b.EZE.012.011 Uti, Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.
12:12b.EZE.012.012 Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake.
12:13b.EZE.012.013 Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako.
12:14b.EZE.012.014 Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera.
12:15b.EZE.012.015 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose.
12:16b.EZE.012.016 Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
12:17b.EZE.012.017 Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti,
12:18b.EZE.012.018 Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokunwa mvura yako nokudedera nokutya;
12:19b.EZE.012.019 uti kuvanhu venyika iyi, Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.
12:20b.EZE.012.020 Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. Vaporofita venhema vanotukwa
12:21b.EZE.012.021 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
12:22b.EZE.012.022 Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?
12:23b.EZE.012.023 Naizvozvo vaudze, uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri; asi uti kwavari, Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.
12:24b.EZE.012.024 Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso.
12:25b.EZE.012.025 Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
12:26b.EZE.012.026 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
12:27b.EZE.012.027 Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.
12:28b.EZE.012.028 Naizvozvo uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13
13:1b.EZE.013.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
13:2b.EZE.013.002 Mwanakomana womunhu, porofitira vaporofita vaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumoyo mavo, inzwai imi shoko raJehovha,
13:3b.EZE.013.003 Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.
13:4b.EZE.013.004 Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo.
13:5b.EZE.013.005 Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha.
13:6b.EZE.013.006 Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
13:7b.EZE.013.007 Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kwenhema here, zvamakati, Jehovha anoti; kunyange zvakadaro handina kutaura?
13:8b.EZE.013.008 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13:9b.EZE.013.009 Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
13:10b.EZE.013.010 Nokuti zvirokwazvo, nokuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, Rugare! Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovhuwa nesuko.
13:11b.EZE.013.011 Chiudza avo vanoruvhuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo richarutsemutsa.
13:12b.EZE.013.012 Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, Ko suko ramakuvhuwa naro riripiko?
13:13b.EZE.013.013 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndicharutsemusa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose.
13:14b.EZE.013.014 Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
13:15b.EZE.013.015 Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvhuwa nesuko; ndichati kwamuri, Rusvingo haruchipo, navakaruvhuwa havachipo;
13:16b.EZE.013.016 ivo vaporofita valsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13:17b.EZE.013.017 Asi iwe, Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumoyo yavo, uporofite pamusoro pavo,
13:18b.EZE.013.018 uti, Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vakadzi vanosonera zvifukidzo papfundo dzamaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya. Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo!
13:19b.EZE.013.019 Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebhari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu.
13:20b.EZE.013.020 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
13:21b.EZE.013.021 Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
13:22b.EZE.013.022 Nokuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe;
13:23b.EZE.013.023 naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
14
14:1b.EZE.014.001 Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu.
14:2b.EZE.014.002 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
14:3b.EZE.014.003 Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
14:4b.EZE.014.004 Naizvozvo taura navo, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
14:5b.EZE.014.005 kuti ndibate imba yaIsiraeri mumoyo yavo, nokuti vava vatorwa kwandiri nemhaka yezvifananidzo zvavo.
14:6b.EZE.014.006 Naizvozvo iti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, dzokai, mufuratire zvifananidzo zvenyu, mufuratidze zvinonyangadza zvenyu zvose zviso zvenyu.
14:7b.EZE.014.007 Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
14:8b.EZE.014.008 ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
14:9b.EZE.014.009 Zvino kana muporofita akanyengerwa, akataura shoko, ini Jehovha, ndini ndanyengera muporofita uyo, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pake, ndimuparadze pakati pavanhu vangu vaIsiraeri.
14:10b.EZE.014.010 Vachava nemhosva yavo; zvakaipa zvomuporofita zvichaenzana nezvakaipa zvaanobvunza kwaari;
14:11b.EZE.014.011 kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kwose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kuranga kwaJehovha kwakarurama
14:12b.EZE.014.012 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
14:13b.EZE.014.013 Mwanakomana womunhu, kana kune nyika ichinge yanditadzira nokudarika, ini ndikatambanudzira ruoko rwangu pamusoro payo, ndikavhuna mudonzvo wezvokudya zvayo, ndikatuma nzara pamusoro payo, nokuparadzapo vanhu nezvipfuwo;
14:14b.EZE.014.014 kunyange vanhu ava vatatu, Noa naDhanyeri naJobho, vakavamo, vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14:15b.EZE.014.015 Kana ndikafambisa zvikara munyika, zvikaipedzera vana, ikaitwa dongo, kukasava nomunhu angagona kufambamo nemhaka yezvikara;
14:16b.EZE.014.016 kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
14:17b.EZE.014.017 Zvimwe kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika iyo, ndikati, Munondo, pfuura napakati penyika! Ndikaparadzamo vanhu nezvipfuwo,
14:18b.EZE.014.018 kunyange varume ava vatatu vaivamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vamene voga vangwarwirwa.
14:19b.EZE.014.019 Zvimwe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo neropa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo;
14:20b.EZE.014.020 kunyange Noa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.
14:21b.EZE.014.021 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndoda, kana ndikatuma pamusoro peJerusaremu zvakaipa zvina zvandakavatongera, zvinoti, munondo nenzara nezvikara zvakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo !
14:22b.EZE.014.022 Asi tarirai, vamwe vakasara vacharegwamo vachapukunyuka, vachatapwa, vari vanakomana navanasikana; tarirai, vachasvika kwamuri, muchaona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchanyaradzwa pamusoro pezvakaipa zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu, pamusoro pezvose zvandakauyisa pamusoro paro.
14:23b.EZE.014.023 Ivo vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchaziva kuti handina kuita pasina zvose zvandakaitamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15
15:1b.EZE.015.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
15:2b.EZE.015.002 Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romuzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo?
15:3b.EZE.015.003 Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?
15:4b.EZE.015.004 Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here?
15:5b.EZE.015.005 Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, haukwaniri basa!
15:6b.EZE.015.006 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Somuti womuzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa.
15:7b.EZE.015.007 Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.
15:8b.EZE.015.008 Ndichaparadza nyika, nokuti vakandidarikira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16
16:1b.EZE.016.001 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
16:2b.EZE.016.002 Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro,
16:3b.EZE.016.003 uti, Zvanzi naIshe Jehovha Jerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti.
16:4b.EZE.016.004 Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
16:5b.EZE.016.005 Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva nengoni newe; asi wakarashirwa kusango, nokuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.
16:6b.EZE.016.006 Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, Rarama! Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, Rarama!
16:7b.EZE.016.007 Ndakakuita vazhinji kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakanga usina kufuka, wakashama.
16:8b.EZE.016.008 Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16:9b.EZE.016.009 Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
16:10b.EZE.016.010 Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatehwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika.
16:11b.EZE.016.011 Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako.
16:12b.EZE.016.012 Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
16:13b.EZE.016.013 Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
16:14b.EZE.016.014 Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16:15b.EZE.016.015 Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake.
16:16b.EZE.016.016 Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
16:17b.EZE.016.017 Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo;
16:18b.EZE.016.018 ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuwira zvangu pamberi pazvo.
16:19b.EZE.016.019 Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16:20b.EZE.016.020 Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here,
16:21b.EZE.016.021 zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
16:22b.EZE.016.022 Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
16:23b.EZE.016.023 Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16:24b.EZE.016.024 Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
16:25b.EZE.016.025 Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
16:26b.EZE.016.026 Wakafevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
16:27b.EZE.016.027 Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
16:28b.EZE.016.028 Wakapatawo navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi hauna kuringaniswa nazvo.
16:29b.EZE.016.029 Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
16:30b.EZE.016.030 Moyo wako unoshaiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Jehovha Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari;
16:31b.EZE.016.031 zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo.
16:32b.EZE.016.032 Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake!
16:33b.EZE.016.033 Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.
16:34b.EZE.016.034 Iwe wakasiyana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakasiyana navamwe.
16:35b.EZE.016.035 Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha,
16:36b.EZE.016.036 zvanzi naIshe Jehovha, Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
16:37b.EZE.016.037 naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.
16:38b.EZE.016.038 Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voutera navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo.
16:39b.EZE.016.039 Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
16:40b.EZE.016.040 Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo.
16:41b.EZE.016.041 Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo.
16:42b.EZE.016.042 Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa.
16:43b.EZE.016.043 Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
16:44b.EZE.016.044 Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.
16:45b.EZE.016.045 Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munununa wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
16:46b.EZE.016.046 Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munununa wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake.
16:47b.EZE.016.047 Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora.
16:48b.EZE.016.048 Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munununa wako Sodhoma, Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
16:49b.EZE.016.049 Tarira, zvakaipa zvomunununa wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
16:50b.EZE.016.050 Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
16:51b.EZE.016.051 Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanununa vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
16:52b.EZE.016.052 Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanununa vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanununa vako.
16:53b.EZE.016.053 Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo;
16:54b.EZE.016.054 kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza.
16:55b.EZE.016.055 Vanununa vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare.
16:56b.EZE.016.056 Nokuti munununa wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako,
16:57b.EZE.016.057 zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
16:58b.EZE.016.058 Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
16:59b.EZE.016.059 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano.
16:60b.EZE.016.060 Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe.
16:61b.EZE.016.061 Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanununa vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
16:62b.EZE.016.062 Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha;
16:63b.EZE.016.063 kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17
17:1b.EZE.017.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
17:2b.EZE.017.002 Mwanakomana womunhu, taurira veimba yaIsiraeri chirahwe, ureve mufananidzo kwavari;
17:3b.EZE.017.003 uti, Zvanzi naIshe Jehovha, gondo guru rina mapapiro makuru neminhenga mirefu, rinamambava mazhinji ana mavara-mavara, rakasvika Rebhanoni, rikatora musoro womuSidhari,
17:4b.EZE.017.004 rikavhuna davi rokumusoro pamatavi aro manyoro, rikaenda naro kunyika yavashambadziri, ndokuriisa muguta ravatengesi.
17:5b.EZE.017.005 Rakatorawo dzimwe mbeu dzenyika, ndokudzikavira pavhu rakaorera, rikadziisa parutivi rwemvura zhinji, rikadzisima semiti yemikonachando.
17:6b.EZE.017.006 Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
17:7b.EZE.017.007 Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
17:8b.EZE.017.008 Wakanga wakasimwa pavhu rakanaka pane mvura zhinji, kuti ubudise matavi, nokubereka michero, uve muzambiringa wakanaka.
17:9b.EZE.017.009 Zvino iwe uti, Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here? Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikanwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
17:10b.EZE.017.010 Zvirokwazvo, tarira, zvawasimwa ucharamba uchifara here? Haungaomi chose kana ukarohwa nemhepo inobva mabvazuva here? Uchaomera pandima pawakanga wamera.
17:11b.EZE.017.011 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
17:12b.EZE.017.012 Zvino uti kuimba inondimukira simba, Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko? Chivaudza, uti, Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
17:13b.EZE.017.013 Akatora mumwe worudzi rwamambo, akaita sungano naye; akamupikisawo, akabvisa vane simba venyika;
17:14b.EZE.017.014 kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.
17:15b.EZE.017.015 Asi wakazomumukira achituma nhume dzake Ijipiti, kuti apiwe mabhiza navanhu vazhinji. Ko acharamba achingofara here? Anoita zvinhu zvakadai achapukunyuka here? Angaputsa sungano akapukunyuka here?
17:16b.EZE.017.016 Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachafira.
17:17b.EZE.017.017 Kunyange naFarao nehondo yake ine simba neboka rake guru haangamubatsiri pakurwa, kana vachitutira mirwi yokurwa nokuvaka nhare, kuti vaparadze vanhu vazhinji.
17:18b.EZE.017.018 Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki.
17:19b.EZE.017.019 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, kupika kwangu kwaakashora nesungano yangu yaakaputsa, zvirokwazvo ndichauyisa mhosva yazvo pamusoro pomusoro wake.
17:20b.EZE.017.020 Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa nomusungo wangu, ndichamuisa Bhabhironi ndimutongeko pamusoro pokudarika kwake kwaakandidarikira nako.
17:21b.EZE.017.021 Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo.
17:22b.EZE.017.022 Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatora ini rutavi padavi rokumusorosoro romusidhari, ndirusime; pamatavi aro manyoro okumusoro ndichavhuna rumwe rutsva, ndirusime pamusoro pegomo refu rakakwirira;
17:23b.EZE.017.023 pagomo refu raIsiraeri ndipo pandicharusima; ruchabudisa matavi, nokubereka michero, nokuva musidhari wakanaka kwazvo, pasi pawo pachagara shiri dzinamapapiro amarudzi ose; dzichagara mumumvuri wamatavi awo.
17:24b.EZE.017.024 Zvino miti yose yokusango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndikakwiridza muti wakazvidzwa, nokuomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakaoma. Ini Jehovha ndakazvitaura, ndikazviita.
18
18:1b.EZE.018.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
18:2b.EZE.018.002 Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?
18:3b.EZE.018.003 Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri.
18:4b.EZE.018.004 Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
18:5b.EZE.018.005 Asi kana munhu achinge akarurama, achiita zvomurayiro nezvakarurama,
18:6b.EZE.018.006 asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuzvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake, kana kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake,
18:7b.EZE.018.007 asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
18:8b.EZE.018.008 asina kuita mhindu, kana kutora mhindu yemichero, akadzora ruoko rwake pazvakaipa, akaruramisa kwazvo pamhaka yomunhu nehama yake,
18:9b.EZE.018.009 akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
18:10b.EZE.018.010 Kana iye akabereka mwanakomana riri gororo, kana muteuri weropa, kana anoita chimwe chezvinhu izvi,
18:11b.EZE.018.011 asingaiti chinhu chimwe chaizvozvo zvakanaka, akadya pamakomo, akachinyira mukadzi wowokwake,
18:12b.EZE.018.012 akaitira varombo navanoshayiwa zvakaipa, akatora achipamba, asina kudzosera rubatso, akatarira zvifananidzo nameso ake, akaita zvinonyangadza,
18:13b.EZE.018.013 akaita mhindu, kana kutora mhindu yemichero; ko iye achararama here? Haangararami. Akaita izvi zvose zvinonyangadza, zvirokwazvo achafa; ropa rake richava pamusoro pake.
18:14b.EZE.018.014 Zvino, tarira, kana akabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai;
18:15b.EZE.018.015 asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
18:16b.EZE.018.016 asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
18:17b.EZE.018.017 akadzora ruoko rwake pakuitira varombo zvakaipa, asina kutora mhindu kana mhindu yemichero, akaita zvandakarayira, nokufamba nemitemo yangu; iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo achararama.
18:18b.EZE.018.018 Kana vari baba vake, zvavakamanikidza zvikuru, nokupamba zvinhu zvomunununa wake, akaita zvisina kunaka pakati pavanhu vake, tarirai, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake.
18:19b.EZE.018.019 Asi imi munoti, Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake? Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
18:20b.EZE.018.020 Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kwowakaipa kuchava pamusoro pake.
18:21b.EZE.018.021 Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
18:22b.EZE.018.022 Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi pamusoro pake; achararama nokuda kwezvakarurama zvaakaita.
18:23b.EZE.018.023 Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
18:24b.EZE.018.024 Asi kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akaita zvinonyangadza zvose zvinoitwa nomunhu akaipa, ko angararama here? Mabasa ake akarurama aakaita haangatongorangarirwi; nokuda kwokudarika kwake, kwaakadarika nako, nezvivi zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
18:25b.EZE.018.025 Asi imi munoti, Nzira yaIshe haina kururama. Zvino chinzwai, imi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?
18:26b.EZE.018.026 Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akafa nokuda kwazvo; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
18:27b.EZE.018.027 Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
18:28b.EZE.018.028 Zvaakarangarira, akatsauka pakudarika kwake kwose kwaakaita, zvirokwazvo achararama, haangafi.
18:29b.EZE.018.029 Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, Nzira yaIshe haina kururama. Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
18:30b.EZE.018.030 Naizvozvo ndichakutongai, imi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kwose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
18:31b.EZE.018.031 Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yavaIsiraeri?
18:32b.EZE.018.032 Nokuti handifariri rufu rwounofa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
19
19:1b.EZE.019.001 Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri,
19:2b.EZE.019.002 uti, Mai vako vaiva aniko? Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku.
19:3b.EZE.019.003 Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
19:4b.EZE.019.004 Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeIjipiti.
19:5b.EZE.019.005 Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku.
19:6b.EZE.019.006 Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
19:7b.EZE.019.007 Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kwokuwomba kwayo.
19:8b.EZE.019.008 Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo.
19:9b.EZE.019.009 Vakaiisa muchirugu chine zvikokovonho, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwikwa pamakomo alsiraeri.
19:10b.EZE.019.010 Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakanga wakasimwa pamvura;wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji.
19:11b.EZE.019.011 Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji.
19:12b.EZE.019.012 Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza.
19:13b.EZE.019.013 Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota.
19:14b.EZE.019.014 Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
20
20:1b.EZE.020.001 Zvino negore rechinomwe, nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
20:2b.EZE.020.002 Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
20:3b.EZE.020.003 Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
20:4b.EZE.020.004 Chivatonga, Mwanakomana womunhu, chivatonga! Chivazivisa zvinonyangadza zvamadzibaba avo;
20:5b.EZE.020.005 uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu, ndichiti, Ndini Jehovha Mwari wenyu;
20:6b.EZE.020.006 nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose.
20:7b.EZE.020.007 Ndikati kwavari, Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
20:8b.EZE.020.008 Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.
20:9b.EZE.020.009 Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika
20:10b.EZE.020.010 Naizvozvo ndakavabudisa munyika ndikavaisa kurenje.
20:11b.EZE.020.011 Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo.
20:12b.EZE.020.012 Ndakavapawo maSabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene.
20:13b.EZE.020.013 Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
20:14b.EZE.020.014 Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo.
20:15b.EZE.020.015 Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose;
20:16b.EZE.020.016 nokuti vakaramba zvandavakarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura maSabata angu; nokuti moyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo.
20:17b.EZE.020.017 Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje.
20:18b.EZE.020.018 Ndikati kuvana vavo murenje, Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu.
20:19b.EZE.020.019 Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite;
20:20b.EZE.020.020 maSabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
20:21b.EZE.020.021 Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
20:22b.EZE.020.022 Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu,kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo.
20:23b.EZE.020.023 Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose;
20:24b.EZE.020.024 nokuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura maSabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo.
20:25b.EZE.020.025 Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo;
20:26b.EZE.020.026 ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha.
20:27b.EZE.020.027 Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.
20:28b.EZE.020.028 Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
20:29b.EZE.020.029 Ipapo ndikati kwavari, Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko? Naizvozvo zita rayo rinonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.
20:30b.EZE.020.030 Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here?
20:31b.EZE.020.031 Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
20:32b.EZE.020.032 izvo zvinopinda mumirangariro yenyu hazvingatongoitiki chose, zvamunoti, Tinoda kufanana namamwe marudzi, navanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namabwe.
20:33b.EZE.020.033 Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvirokwazvo ndichava mambo wenyu nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa.
20:34b.EZE.020.034 Ndichakubudisai pakati pamarudzi, nokukuwunganidzai kunyika kwamakanga makaparadzirwa, nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa;
20:35b.EZE.020.035 ndichakuisai kurenje ramarudzi avanhu, ndigokutongaipo, tichionana nameso.
20:36b.EZE.020.036 Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20:37b.EZE.020.037 Ndichakuverengai netsvimbo yomufudzi, nokukuisai muchisungo chesungano;
20:38b.EZE.020.038 ndichabvisa pakati penyu vakandimukira simba navakandidarikira, ndichavabudisa panyika pavagere vari vatorwa, asi havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
20:39b.EZE.020.039 Kana murimi, imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha endai imi mundoshumira mumwe nomumwe zvifananidzo zvake, asi pashure muchanditeerera; hamuchazomhuri zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
20:40b.EZE.020.040 Nokuti pagomo rangu dzvene, pagomo rakakwirira raIsiraeri, ndipo pandichashumirwa munyika neimba yose yaIsiraeri, ivo vose; ndipo pandichavagamuchira, ndipo pandichareva zvibayiro zvenyu, nezvitsva zvezvipo zvenyu, pamwechete nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
20:41b.EZE.020.041 Ndichakugamuchirai sohwema hunonhuwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
20:42b.EZE.020.042 Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuisai munyika yaIsiraeri, kunyika yandakasimudzira madzibaba enyu ruoko rwangu ndichiti ndichavapa iyo.
20:43b.EZE.020.043 Zvino mucharangarirapo nzira dzenyu, nezvose zvamakaita, zvamakazvisvibisa nazvo; muchazvisema pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
20:44b.EZE.020.044 Zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu, ndisingaiti zvakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana zvakafanira zvakaora zvamakaita, imi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Mufananidzo wedondo rinotsva
20:45b.EZE.020.045 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
20:46b.EZE.020.046 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi, udonhedze shoko rako kurutivi rwezasi, uporofite pamusoro pedondo romusango kurutivi rwezasi;
20:47b.EZE.020.047 uti kudondo kurutivi rwezasi, Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
20:48b.EZE.020.048 Vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndini ndakaubatidza; haungadzimwi.
20:49b.EZE.020.049 Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, Ko haazi mutauri wemifananidzo here?
21
21:1b.EZE.021.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
21:2b.EZE.021.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri,
21:3b.EZE.021.003 uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa.
21:4b.EZE.021.004 Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro;
21:5b.EZE.021.005 vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve.
21:6b.EZE.021.006 Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.
21:7b.EZE.021.007 Zvino kana vachiti kwauri, Unogomera neiko? Uti kwavari, Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21:8b.EZE.021.008 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
21:9b.EZE.021.009 Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa;
21:10b.EZE.021.010 warodzwa, kuti uuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.
21:11b.EZE.021.011 Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi.
21:12b.EZE.021.012 Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu.
21:13b.EZE.021.013 Nokuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21:14b.EZE.021.014 Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza.
21:15b.EZE.021.015 Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
21:16b.EZE.021.016 Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kwose kunotarira mativi ako akarodzwa.
21:17b.EZE.021.017 Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura.
21:18b.EZE.021.018 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
21:19b.EZE.021.019 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta.
21:20b.EZE.021.020 Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo.
21:21b.EZE.021.021 Nokuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akazunungusa miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa.
21:22b.EZE.021.022 Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namanzwi, vaise zvokugumura pamasuo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa.
21:23b.EZE.021.023 Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
21:24b.EZE.021.024 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.
21:25b.EZE.021.025 Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira,
21:26b.EZE.021.026 zvanzi naIshe Jehovha, Ngowani yohupirisiti inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.
21:27b.EZE.021.027 Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo.
21:28b.EZE.021.028 Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,
21:29b.EZE.021.029 vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
21:30b.EZE.021.030 Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasvikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga.
21:31b.EZE.021.031 Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza.
21:32b.EZE.021.032 Iwe uchava huni dzomoto; ropa rako richava pakati penyika; hauchazorangarirwi, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura.
22
22:1b.EZE.022.001 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
22:2b.EZE.022.002 Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose.
22:3b.EZE.022.003 Uti zvanzi naIshe Jehovha, Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!
22:4b.EZE.022.004 Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose.
22:5b.EZE.022.005 Vari pedo newe, navari kure, vachakuseka, iwe unezita rakasvibiswa, uzere nebope.
22:6b.EZE.022.006 Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa.
22:7b.EZE.022.007 Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako.
22:8b.EZE.022.008 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura maSabata angu.
22:9b.EZE.022.009 Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako.
22:10b.EZE.022.010 Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakanga asina kunaka nokuva kumwedzi kwake.
22:11b.EZE.022.011 Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunununa wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake.
22:12b.EZE.022.012 Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
22:13b.EZE.022.013 Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pefuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako.
22:14b.EZE.022.014 Ko moyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
22:15b.EZE.022.015 Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako.
22:16b.EZE.022.016 Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha.
22:17b.EZE.022.017 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
22:18b.EZE.022.018 Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha
22:19b.EZE.022.019 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu.
22:20b.EZE.022.020 Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei.
22:21b.EZE.022.021 Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro.
22:22b.EZE.022.022 Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.
22:23b.EZE.022.023 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
22:24b.EZE.022.024 Mwanakomana womunhu uti kwairi, Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.
22:25b.EZE.022.025 Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora fuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo.
22:26b.EZE.022.026 Vapirisiti vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.
22:27b.EZE.022.027 Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane fuma vachinyengera.
22:28b.EZE.022.028 Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.
22:29b.EZE.022.029 Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake.
22:30b.EZE.022.030 Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe.
22:31b.EZE.022.031 Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23
23:1b.EZE.023.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
23:2b.EZE.023.002 Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;
23:3b.EZE.023.003 ivo vakapata muIjipiti, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akanyangatwa ipapo, minyatso yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.
23:4b.EZE.023.004 Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munununa wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.
23:5b.EZE.023.005 Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikanwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,
23:6b.EZE.023.006 vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikanwa, vatasvi vaifamba namabhiza.
23:7b.EZE.023.007 Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati peAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikanwa naye.
23:8b.EZE.023.008 Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Ijipiti; nokuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyatso yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.
23:9b.EZE.023.009 Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikanwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.
23:10b.EZE.023.010 Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nokuti vakamutonga.
23:11b.EZE.023.011 Zvino munununa wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.
23:12b.EZE.023.012 Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikanwa.
23:13b.EZE.023.013 Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.
23:14b.EZE.023.014 Akawedzera kupata kwake; nokuti wakaona zvifananidzo zvavarume pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakaitwa nomuti mutsvuku,
23:15b.EZE.023.015 vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.
23:16b.EZE.023.016 Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.
23:17b.EZE.023.017 VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.
23:18b.EZE.023.018 Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.
23:19b.EZE.023.019 Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeljipiti.
23:20b.EZE.023.020 Akadana zvikuru navadikanwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, uye zvinobudiswa navo zvakaita sezvinobudiswa namabhiza.
23:21b.EZE.023.021 Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyatso yako navaIjipiti nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.
23:22b.EZE.023.022 Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
23:23b.EZE.023.023 vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikanwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
23:24b.EZE.023.024 Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.
23:25b.EZE.023.025 Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.
23:26b.EZE.023.026 Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.
23:27b.EZE.023.027 Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeIjipiti, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Ijipiti.
23:28b.EZE.023.028 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;
23:29b.EZE.023.029 ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kwokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.
23:30b.EZE.023.030 Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.
23:31b.EZE.023.031 Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
23:32b.EZE.023.032 Zvanzi naIshe Jehovha, Uchanwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nokuti iwe une zvizhinji zvirimo.
23:33b.EZE.023.033 Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
23:34b.EZE.023.034 Uchaunwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokubvanzura mazamu ako; nokuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23:35b.EZE.023.035 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakandikanganwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.
23:36b.EZE.023.036 Jehovha akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.
23:37b.EZE.023.037 Nokuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.
23:38b.EZE.023.038 Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura maSabata angu.
23:39b.EZE.023.039 Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
23:40b.EZE.023.040 Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,
23:41b.EZE.023.041 ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuwira zvangu namafuta angu.
23:42b.EZE.023.042 Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya navakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo.
23:43b.EZE.023.043 Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.
23:44b.EZE.023.044 Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.
23:45b.EZE.023.045 Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo.
23:46b.EZE.023.046 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kwose-kwose vapambwe.
23:47b.EZE.023.047 Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.
23:48b.EZE.023.048 Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.
23:49b.EZE.023.049 Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
24
24:1b.EZE.024.001 Zvino negore repfumbamwe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
24:2b.EZE.024.002 Mwanakomana womunhu, nyora zita nezuva, rezuva iro rino. Mambo weBhabhironi akaswedera Jerusaremu nezuva irero.
24:3b.EZE.024.003 Ureve mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, Gadza gate, rigadze, udirewo mvura mariri;
24:4b.EZE.024.004 unganidziramo nhindi dzaro, ndindi dzose dzakanaka, chidya nebandauko, rizadze namapfupa akasanangurwa.
24:5b.EZE.024.005 Tora rakasanangurwa pakati pamakwai, nesvinga rehuni pasi pamapfupa, rivirise kwazvo, mapfupa aro abikwe mukati maro.
24:6b.EZE.024.006 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta reropa rine nhamo, negate rine ngura mukati maro, risina kubvisirwa ngura yaro! Budisamo nhindi imwe neimwe; rigere kutongerwa.
24:7b.EZE.024.007 Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
24:8b.EZE.024.008 Ndakaisa ropa raro paruware rusine chinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzangu dzimutswe kuzotsiva.
24:9b.EZE.024.009 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta rine ropa, rine nhamo! Ndichakurisawo svinga rehuni.
24:10b.EZE.024.010 Tutirai huni, pfutidzai moto, bikai nyama zvakanaka, kodzai muto, mapfupa atsve.
24:11b.EZE.024.011 Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
24:12b.EZE.024.012 Rakandinetsa nokubata zvikuru; kunyange zvakadaro ngura yaro haibvi mukati maro; ngura yaro ngaiiswe mumoto!
24:13b.EZE.024.013 Tsvina yako ine zvakashata; zvandakakunatsa, ukasanatswa, haungazonatswi patsvina yako, kusvikira ndanyaradza hasha dzangu pamusoro pako.
24:14b.EZE.024.014 Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kufa kwomukadzi waEzekieri kunoitwa chiratidzo kuvaIsiraeri
24:15b.EZE.024.015 Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti,
24:16b.EZE.024.016 Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
24:17b.EZE.024.017 Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu.
24:18b.EZE.024.018 Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa.
24:19b.EZE.024.019 Zvino vanhu vakati kwandiri, Ko haungatiudziwo kuti zvinhu izvi zvinoti kudini kwatiri, zvaunoita zvakadaro here?
24:20b.EZE.024.020 Zvino ndikati kwavari, Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
24:21b.EZE.024.021 Taura neimba yaIsiraeri, uti zvanzi naIshe Jehovha Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.
24:22b.EZE.024.022 Ipapo muchaita sezvandakaita ini, hamungapfumbiri miromo yenyu, kana kudya zvokudya zvavanhu.
24:23b.EZE.024.023 Zvishongo zvenyu zvichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi kana kuungudza, asi muchapera muzvakaipa zvenyu, muchigomerana.
24:24b.EZE.024.024 Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvose zvaakaita iye, nemi muchazviitawo; kana zvichisvika, muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
24:25b.EZE.024.025 Zvino kana uriwe, mwanakomana womunhu, nomusi wandichavatorera simba ravo, ivo mufaro wechakanaka chavo, chinodikanwa nameso avo, icho chinodikanwa nemweya yavo, vanakomana vavo navanasikana vavo,
24:26b.EZE.024.026 ko nomusi uyo unopukunyuka haangauyi kwauri kuti akuudze izvozvo munzeve dzako here?
24:27b.EZE.024.027 Nomusi uyo muromo wako uchashamisirwa wakapukunyuka, uchataura, haungazovi mbeveve; saizvozvo uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
25
25:1b.EZE.025.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
25:2b.EZE.025.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvana vaAmoni, uporofite pamusoro pavo;
25:3b.EZE.025.003 Uti kuvana vaAmoni, Inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha, imi zvamakati, Toko! Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
25:4b.EZE.025.004 naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
25:5b.EZE.025.005 Rabha ndichariita mafuro emakamera, nenyika yavana vaAmoni nzvimbo inovata makwai; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
25:6b.EZE.025.006 Nokuti zvanzi nalshe Jehovha, Zvamakarovanya maoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamusoro penyika yaIsiraeri muchivazvidza nemweya yenyu yose;
25:7b.EZE.025.007 zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
25:8b.EZE.025.008 Zvanzi naIshe Jehovha, Moabhu naSeiri zvavanoti, Tarirai, imba yaJudha yakafanana namarudzi ose,
25:9b.EZE.025.009 naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwenyika yaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ihwo hukomba hwenyika, anoti: Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriataimi,
25:10b.EZE.025.010 ndichazvipa vana vokumabvazuva, pamwechete navana vaAmoni, ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pamarudzi;
25:11b.EZE.025.011 ndichatonga Moabhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Chirevo pamusoro pavaEdhomu navaFirisitia
25:12b.EZE.025.012 Zvanzi naIshe Jehovha, Edhomu zvavakatsiva imba yaJudha, vakapara mhaka kwazvo, vakazvitsivira kwavari;
25:13b.EZE.025.013 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.
25:14b.EZE.025.014 Ndichazvitsivira kuna Edhomu namaoko avanhu vangu Isiraeri; vachaitira Edhomu zvakarehwa nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
25:15b.EZE.025.015 Zvanzi naIshe Jehovha, VaFirisitia zvavakazvitsivira, vakatsiva vachizvidza nemweya yavo, vachida kuparadza nokuvenga kusingaperi,
25:16b.EZE.025.016 naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavaFirisitia, ndichabvisa vaKereti nokuparadza vakasara pamhenderekedzo dzegungwa.
25:17b.EZE.025.017 Ndichazvitsivira kwavari nokutsiva kukuru nokutuka kwehasha; vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiuyisa kutsiva kwangu pamusoro pavo.
26
26:1b.EZE.026.001 Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
26:2b.EZE.026.002 Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, Toko waro ! Raputsika, iro raiva suo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.
26:3b.EZE.026.003 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
26:4b.EZE.026.004 Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharitsvairira guruva raro, riite soruware rusine chinhu.
26:5b.EZE.026.005 Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ndakazvitaura ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa.
26:6b.EZE.026.006 Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
26:7b.EZE.026.007 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji.
26:8b.EZE.026.008 Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa.
26:9b.EZE.026.009 Achamisa zvokugumura pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
26:10b.EZE.026.010 Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
26:11b.EZE.026.011 Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi.
26:12b.EZE.026.012 Vachapamba fuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
26:13b.EZE.026.013 Ndichagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki.
26:14b.EZE.026.014 Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Jehovha.
26:15b.EZE.026.015 Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
26:16b.EZE.026.016 Nenguva iyo machinda ose okugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvovushe, vachaisa pasi nguvo dzavo dzovushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
26:17b.EZE.026.017 Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.
26:18b.EZE.026.018 Zvino zvivi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zvivi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako.
26:19b.EZE.026.019 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
26:20b.EZE.026.020 nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.
26:21b.EZE.026.021 Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
27
27:1b.EZE.027.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
27:2b.EZE.027.002 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire;
27:3b.EZE.027.003 uti kuTire, Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha, iwe Tire, wakati, Ndakakwana pakunaka.
27:4b.EZE.027.004 Nyika yako iri mumoyo wamakungwa; vavaki vako vakakwanisa kunaka kwako.
27:5b.EZE.027.005 Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi inobva Seniri; vakatora musidhari weRebhanoni kukuitira danda rechikepe.
27:6b.EZE.027.006 Matanda ako okukwasva nawo vakaaita nemiouki yeBhashani; vakaita zvigaro zvako pazvikepe nenyanga dzenzou dzakavezerwa mumapuranga emipaini yakabva kuzviwi zveKitimi
27:7b.EZE.027.007 Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
27:8b.EZE.027.008 Vakanga vagere Sidhoni neArivhadhi ndivo vaiva vakwasvi vako; vanhu vako vakachenjera, iwe Tire, vakanga vari mukati mako, ndivo vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
27:9b.EZE.027.009 Vakuru veGebhari navakachenjera varo vaiva mukati mako vachikugadzirira paisvinirira mvura; zvikepe zvose zvegungwa zvaiva mukati mako pamwechete navafambisi vazvo kuti vashambadzirane newe.
27:10b.EZE.027.010 Vanhu vePerisia neRudhi nePuti vaiva muhondo yako, vaiva varwi vako; vaiturikira mukati mako nhovo dzavo nengowani dzavo; vaikuitira mbiri.
27:11b.EZE.027.011 Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
27:12b.EZE.027.012 Tarishishi raishambadzirana newe nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, vakatenga nhumbi dzako nesirivha nedare netini nomutobvu.
27:13b.EZE.027.013 Nyika dzeJavhani, Tubhari, neMesheki ndivo vaitengerana newe, vaitenga nhumbi dzako nemiviri yavanhu nemidziyo yendarira.
27:14b.EZE.027.014 Veimba yaTogarima vakatenga nhumbi dzako namabhiza namabhiza ehondo namahesera.
27:15b.EZE.027.015 Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zvivi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
27:16b.EZE.027.016 Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuda kwezvizhinji zvako zvakaitwa namaoko; vakatenga nhumbi dzako namabwe esimaragidhino, nomucheka mutema, nezvakarukwa, nomucheka wakaisvonaka, nekorari, namabwe anovaima.
27:17b.EZE.027.017 Judha nenyika yaIsiraeri ndivo vaitengerana newe; vaitenga nhumbi dzako nezviyo zveMiniti, nezvinotapira, nohuchi, namafuta, nebharisami.
27:18b.EZE.027.018 Dhamasiko raishambadzirana newe richitenga zvizhinji zvako zvakaitwa namaoko, nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
27:19b.EZE.027.019 Nyika dzeVedhani neJavhani dzakatenga nhumbi dzako nechinda; dare rinobwinya, nekasia, nekaramo ndizvo zvakanga zviri pakati penhumbi dzako.
27:20b.EZE.027.020 Dhedhani raikutengesera micheka inokosha yokutasvisa mabhiza nayo.
27:21b.EZE.027.021 Nyika yeArabhia namachinda ose enyika yeKedhari ndivo vaitenga pamaoko enyu; makwayana namakondohwe nembudzi ndizvo zvavaitenga kwauri.
27:22b.EZE.027.022 Vatengesi veShebha neRaama ndivo vaitengerana newe; vaishambadzira nhumbi dzako nezvinonhuwira zvakaisvonaka, namabwe ose anokosha, nendarama.
27:23b.EZE.027.023 Harani neChane neEdheni ivo vatengesi veShebha neAshuri neKirimadhi ndivo vaitengerana newe.
27:24b.EZE.027.024 Ndivo vaitengerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, nenguvo dzemicheka mitema nezvakarukwa, namabhokisi ezvokufuka zvinokosha, akasungwa namabote, akavezwa nemisidhari, pakati penhumbi dzako.
27:25b.EZE.027.025 Zvikepe zveTarishishi ndizvo zvaitakura nhumbi dzako, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumoyo yamakungwa.
27:26b.EZE.027.026 Vakwasvi vako vakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mumoyo wamakungwa.
27:27b.EZE.027.027 fuma yako, nenhumbi dzako, nezvokutengesa zvako, vafambisi vezvikepe zvako, navarairi vazvo, navagadziri vako panosinirira mvura, navashambadziri venhumbi dzako, navarwi vako vose, vari mukati mako, navanhu vako vazhinji vari mukati mako, zvose zvichawira mumoyo wamakungwa nezuva rokuparadzwa kwako.
27:28b.EZE.027.028 Mafungu achadengenyeka nomubvumo wokudanidzira kwavarairi vezvikepe zvako.
27:29b.EZE.027.029 Vose vanobata namatanda okukwasva, ivo vafambisi navarairi vose vapagungwa, vachaburuka pazvikepe zvavo; vachamira pamhenderekedzo,
27:30b.EZE.027.030 vachadana namanzwi avo pamusoro pako, vachachema kwazvo ; vachikushira guruva pamisoro yavo; vachaumburukira, mumadota;
27:31b.EZE.027.031 vachazvivevurira misoro nokuda kwako, vachazvisunga zvivuno namasaga, vachikuchema nemweya ine shungu kwazvo nokuchema kukuru.
27:32b.EZE.027.032 Pakuchema kwavo vachakuitira mariro, vachachema pamisoro pako, vachiti, Ndianiko wakatongofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati megungwa?
27:33b.EZE.027.033 Panguva yakaenda nhumbi dzako kumakungwa, wakagutisa vanhu vazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji nezvawaitengesa.
27:34b.EZE.027.034 Panguva yawakaputswa namakungwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako navanhu vako vose zvakawira pasi mukati mako.
27:35b.EZE.027.035 Vose vagere pazviwi vanoshamiswa pamusoro pako, madzimambo avo anotya kwazvo; zviso zvavo zvinodedera.
27:36b.EZE.027.036 Vatengesi pakati pamarudzi avanhu vanokuridzira muridzo, wava chinhu chinotyisa, haungatongozovipo.
28
28:1b.EZE.028.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
28:2b.EZE.028.002 Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, moyo wako zvawakazvikudza, iwe ukati, Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa, kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari;
28:3b.EZE.028.003 tarira, unokunda Dhanyeri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe;
28:4b.EZE.028.004 wakazviwanira fuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvefuma yako;
28:5b.EZE.028.005 wakawedzera fuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, moyo wako ukazvikudza nokuda kwefuma yako;
28:6b.EZE.028.006 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakamisa moyo wako somoyo waMwari,
28:7b.EZE.028.007 naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako.
28:8b.EZE.028.008 Vachakuburusira kugomba; uchafa norufu rwavanourawa mumoyo wamakungwa.
28:9b.EZE.028.009 Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, Ndini Mwari? Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.
28:10b.EZE.028.010 Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa, nokuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
28:11b.EZE.028.011 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
28:12b.EZE.028.012 Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.
28:13b.EZE.028.013 Wakanga uri paEdheni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani neberiri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako.
28:14b.EZE.028.014 Iwe wakanga uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto.
28:15b.EZE.028.015 Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.
28:16b.EZE.028.016 Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.
28:17b.EZE.028.017 moyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.
28:18b.EZE.028.018 Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.
28:19b.EZE.028.019 Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi. Chirevo pamusoro peSidhoni
28:20b.EZE.028.020 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
28:21b.EZE.028.021 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro,
28:22b.EZE.028.022 uti, zvanzi nashe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.
28:23b.EZE.028.023 Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
28:24b.EZE.028.024 Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
28:25b.EZE.028.025 Zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.
28:26b.EZE.028.026 Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.
29
29:1b.EZE.029.001 Zvino negore regumi, nomwedzi wegumi, nezuva regumi namaviri romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
29:2b.EZE.029.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Farao mambo weIjipiti, uporofite pamusoro pake napamusoro peIjipiti rose.
29:3b.EZE.029.003 Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako, ukati, Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.
29:4b.EZE.029.004 Ndichaisa zvikokovonho mushaya dzako, ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, ndichakubvisa mukati menzizi dzako pamwechete nehove dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako.
29:5b.EZE.029.005 Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo.
29:6b.EZE.029.006 Vose vagere Ijipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti vakanga vakaita setsvimbo yorutsanga kuimba yaIsiraeri.
29:7b.EZE.029.007 Vakati vachibata ruoko rwako, iwe ukavhunika, ukatsemura mafudzi avo ose; vakati vachisendama pamusoro pako, iwe ukavhunika, ukamisa zviuno zvavo zviri zvoga.
29:8b.EZE.029.008 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndinouyisa munondo pamusoro pako, ndichaparadza pakati pako vanhu nezvipfuwo.
29:9b.EZE.029.009 Nyika yeIjipiti ichava dongo renzvimbo yakaparadzwa zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Zvayakati, Rwizi ndorwangu, ndini ndakaruita,
29:10b.EZE.029.010 naizvozvo, tarira, ndine mhaka newe uye nenzizi dzako, ndichaita nyika yeIjipiti nzvimbo yakaparadzwa chose nedongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvikira pamuganho weItiopia.
29:11b.EZE.029.011 Hakuna munhu achapfuura napo norutsoka rwake, norutsoka rwechipfuo harungapfuuri napo, haingagarwi navanhu makore makumi mana.
29:12b.EZE.029.012 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achaitwa matongo makore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo; ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingira kunyika dzose.
29:13b.EZE.029.013 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Kana makore makumi mana apera, ndichaunganidza vaIjipiti kumarudzi avanhu kwandakanga ndavaparadzira;
29:14b.EZE.029.014 ndichadzosazve kutapwa kweIjipiti, ndichavadzoserazve kunyika yePatirosi, kunyika kwavakaberekerwa; vachavapo hushe hwakazvidzwa.
29:15b.EZE.029.015 Huchava ushe hunozvidzwa kupfuura ushe hwose, hahungazozvimisizve kukunda mamwe marudzi, ndichavatapudza, varege kuzotongazve mamwe marudzi paushe hwavo.
29:16b.EZE.029.016 Imba yalsiraeri haingazovimbi nahwo, huchindiyeudzira zvakaipa zvavo, kana vachicheukira kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
29:17b.EZE.029.017 Zvino negore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
29:18b.EZE.029.018 Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
29:19b.EZE.029.019 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
29:20b.EZE.029.020 Ndakamupa iye nyika yeIjipiti, uve muripo wake wezvaakabatira, nokuti vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
29:21b.EZE.029.021 Nezuva iro ndichamedzera imba yaIsiraeri runyanga, newe ndichakupa muromo wakashamiswa pakati pavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
30
30:1b.EZE.030.001 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
30:2b.EZE.030.002 Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!
30:3b.EZE.030.003 Nokuti zuva rava pedo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu.
30:4b.EZE.030.004 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
30:5b.EZE.030.005 Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.
30:6b.EZE.030.006 Zvanzi naJehovha, Naivo vanotsigira Ijipiti vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene.
30:7b.EZE.030.007 Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
30:8b.EZE.030.008 Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto vabatsiri vayo vose vaparadzwa.
30:9b.EZE.030.009 Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reIjipiti; nokuti, tarirai, zvinouya.
30:10b.EZE.030.010 Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichagumisawo vanhu vazhinji veIjipiti noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
30:11b.EZE.030.011 Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Ijipiti minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa.
30:12b.EZE.030.012 Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.
30:13b.EZE.030.013 Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeIjipiti; ndichaisa kutya panyika yeljipiti.
30:14b.EZE.030.014 Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo.
30:15b.EZE.030.015 Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeIjipiti; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.
30:16b.EZE.030.016 Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
30:17b.EZE.030.017 Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa.
30:18b.EZE.030.018 PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa.
30:19b.EZE.030.019 Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
30:20b.EZE.030.020 Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
30:21b.EZE.030.021 Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, rupomberwe mucheka, kuti ruve nesimba rokubata munondo.
30:22b.EZE.030.022 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weIjipiti, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake.
30:23b.EZE.030.023 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose.
30:24b.EZE.030.024 Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa.
30:25b.EZE.030.025 Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika
30:26b.EZE.030.026 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.
31
31:1b.EZE.031.001 Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wechitatu, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
31:2b.EZE.031.002 Mwanakomana womunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti, nokuvanhu vake vazhinji, Iwe wakafanana nani paukuru hwako?
31:3b.EZE.031.003 Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowedondo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore.
31:4b.EZE.031.004 Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasipasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango.
31:5b.EZE.031.005 Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo.
31:6b.EZE.031.006 Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo.
31:7b.EZE.031.007 Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji.
31:8b.EZE.031.008 Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
31:9b.EZE.031.009 Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora.
31:10b.EZE.031.010 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakakura zvikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, moyo wake ukazvikudza nokuda kwokureba kwake,
31:11b.EZE.031.011 ndichamuisa muruoko rwoune simba pakati pamarudzi avanhu, iye achamuitira zvawakafanira; ndakamudzinga nokuda kwezvakaipa zvake.
31:12b.EZE.031.012 Vatorwa, ivo vanotyisa pakati pamarudzi, vakamutema vakamurega, matavi ake akawira pamusoro pamakomo nomumipata yose, matavi ake akavhunikira pahova dzose dzenyika; vanhu vose venyika vabva pamumvuri wake, vakamusiya.
31:13b.EZE.031.013 Shiri dzose dzekudenga dzichagara padanda rake rakawa, mhuka dzose dzesango dzichava pamatavi ake;
31:14b.EZE.031.014 kuti miti yose iri pamvura irege kuzvikudza nokureba kwayo, kana kusvitsa misoro yayo mumakore, neine simba pakati payo irege kumira ichizvikudza iyo miti yose inonwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunzvimbo dzapasi dzenyika, pakati pavana vavanhu, pamwechete navanoburukira kugomba.
31:15b.EZE.031.015 Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva raakaburukira kuSheori, ndakarayira kuti vanhu vacheme; ndakafukidza pakadzika nokuda kwake, ndikadzora nzizi dzapo, mvura zhinji ikamiswa; ndakarayira Rebhanoni kumuchema, miti yose yokusango ikati rukutu nokuda kwake.
31:16b.EZE.031.016 Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inonwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.
31:17b.EZE.031.017 Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
31:18b.EZE.031.018 Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32
32:1b.EZE.032.001 Zvino negore regumi namaviri, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
32:2b.EZE.032.002 Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.
32:3b.EZE.032.003 Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pako neboka ravanhu vazhinji, ivo vachakubata nomumbure wangu.
32:4b.EZE.032.004 Ndichakusiya panyika, ndichakurasira kusango pakachena, ndichamharisa shiri dzose dzokudenga pamusoro pako, ndichagutisa zvikara zvenyika dzose newe.
32:5b.EZE.032.005 Ndichayanika nyama yako pamusoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
32:6b.EZE.032.006 Ndichadiridzawo nyika neropa rako rinoerera richibva kwauri, kusvikira kumakomo; hova dzichazadzwa newe.
32:7b.EZE.032.007 Kana ndichikudzima, ndichafukidza denga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndichafukidza zuva negore, nomwedzi haungabudisi chiedza chawo.
32:8b.EZE.032.008 Zviedza zvose zvedenga, zvinopenya, ndichazvidzima pamusoro pako, ndichiisa rima panyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32:9b.EZE.032.009 Ndichawodzawo moyo yamarudzi mazhinji avanhu, kana ndichisvitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakanga usingazivi iwe.
32:10b.EZE.032.010 Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda kwoupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.
32:11b.EZE.032.011 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Munondo wamambo waBhabhironi uchauya pamusoro pako.
32:12b.EZE.032.012 Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
32:13b.EZE.032.013 Ndichaparadzawo zvipfuwo zvayo zvose zviri kunhivi dzemvura zhinji, hakungazovi norutsoka rwomunhu ruchabvongodza, kana mahwanda ezvipfuwo angazoibvongodza.
32:14b.EZE.032.014 Ipapo ndichachenesa mvura yavo, nokuyeredza nzizi dzavo samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32:15b.EZE.032.015 Zvino nenguva yandichaita nyika yeIjipiti dongo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa zvayakanga izere nazvo, nenguva yandicharova vose vageremo, nenguva iyo vachaziva kuti ndini Jehovha.
32:16b.EZE.032.016 Awa ndiwo mariro avachachema nawo; vakunda vamarudzi vachachema nawo; vachachema nawo pamusoro peIjipiti navanhu vose vayo vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32:17b.EZE.032.017 Zvino negore regumi namaviri, nezuva regumi namashanu rwomwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
32:18b.EZE.032.018 Mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro pavanhu vazhinji veIjipiti, uvawisire pasi, iyo nyika navakunda vamarudzi ane mbiri, kusvikira kunzvimbo dziri pasi penyika, pamwechete navanoburukira kugomba.
32:19b.EZE.032.019 Unopfuura aniko pakunaka? Buruka, ugondoradzikwa kuna vasina kudzingiswa.
32:20b.EZE.032.020 Vachawa pakati pavakaurawa nomunondo; Ijipiti yakatemerwa munondo, chiikweverai pasi, iyo navanhu vayo vazhinji.
32:21b.EZE.032.021 Vane simba pakati pemhare vachataura naye navanomubatsira, vari pakati peSheori; vaburukirako, vavete vanyerere, ivo vasina kudzingiswa, vaurawa nomunondo.
32:22b.EZE.032.022 Ashuri riripo neboka raro rose; marinda aro akarikomberedza, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo.
32:23b.EZE.032.023 marinda aro akaiswa kumicheto yegomba, boka raro rakakomberedza rinda raro; vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vaityisa munyika yavapenyu.
32:24b.EZE.032.024 Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.
32:25b.EZE.032.025 Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
32:26b.EZE.032.026 Mesheki neTubhari aripo navanhu vavo vose vazhinji; marinda awo akakomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurawa nomunondo, nokuti vaityisa munyika yavapenyu.
32:27b.EZE.032.027 Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
32:28b.EZE.032.028 Asi iwe uchaputswa pakati pavasina kudzingiswa, uchavata pakati pavakaurayiwa nomunondo.
32:29b.EZE.032.029 Edhomu riripo, namadzimambo aro namachinda aro ose, akaradzikwa pakati pavakaurayiwa nomunondo, kunyange aiva nesimba; vachavata pakati pavasina kudzingiswa, uye pamwechete navanoburukira kugomba.
32:30b.EZE.032.030 Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kwokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
32:31b.EZE.032.031 Farao achavaona, ndokunyaradzwa pamusoro pavanhu vake vose vazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaurayiwa nomunondo , ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32:32b.EZE.032.032 Nokuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yavapenyu; iye acharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, pakati pavakaurayiwa nomunondo, iye Farao navanhu vake vose vazhinji, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
33
33:1b.EZE.033.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
33:2b.EZE.033.002 Mwanakomana womunhu, taura navana vavanhu vako, uti kwavari, Kana ndichiisa munondo panyika, vanhu venyika iyoyo vakazvitsaurira munhu pakati pavo, vakamuita nharirire yavo;
33:3b.EZE.033.003 zvino kana iye akaona munondo uchisvika panyika, akaridza hwamanda, akanyevera vanhu;
33:4b.EZE.033.004 ipapo ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, kana munondo ukasvika, ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro wake, iye amene.
33:5b.EZE.033.005 Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake.
33:6b.EZE.033.006 Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.
33:7b.EZE.033.007 Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
33:8b.EZE.033.008 Kana ini ndikati kune wakaipa, Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
33:9b.EZE.033.009 Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.
33:10b.EZE.033.010 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, Imi munotaura, muchiti, Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?
33:11b.EZE.033.011 Uti kwavari, Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?
33:12b.EZE.033.012 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.
33:13b.EZE.033.013 Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
33:14b.EZE.033.014 Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, Zvirokwazvo uchafa; kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
33:15b.EZE.033.015 kana akaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo achararama, haangafi.
33:16b.EZE.033.016 Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; akaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo achararama.
33:17b.EZE.033.017 Kunyange zvakadaro vana vavanhu vako vanoti, Nzira yaIshe haina kururama; asi kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.
33:18b.EZE.033.018 Kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
33:19b.EZE.033.019 Uye kana akaipa akatendeuka pakuipa kwake, akaita zvakarayirwa nezvakarurama, achararama nazvo.
33:20b.EZE.033.020 Kunyange zvakadaro munoti, Nzira yaIshe haina kururama. Aiwa, imba yaIsiraeri, ndichakutonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake. Jerusaremu richaparadzwa nokuda kwezvivi zvaIsiraeri
33:21b.EZE.033.021 Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, Guta rakundwa.
33:22b.EZE.033.022 Zvino ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu madekwana, iye akapukunyuka asati asvika; akanga ashamisa muromo wangu, kusvikira iye achisvika kwandiri mangwanani; muromo wangu ukashamiswa, ndikasazova mbeveve.
33:23b.EZE.033.023 Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
33:24b.EZE.033.024 Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ive nhaka yedu.
33:25b.EZE.033.025 Naizvozvo chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Munodya nyama pamwechete neropa, muchitarira zvifananidzo zvenyu nameso enyu nokuteura ropa; zvino mungapiwa nyika sei?
33:26b.EZE.033.026 Munovimba nomunondo wenyu, munoita zvinonyangadza, munochinya mumwe nomumwe wenyu mukadzi wowokwake; zvino mungapiwa nyika sei?
33:27b.EZE.033.027 Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
33:28b.EZE.033.028 Nyika ndichaiita dongo nechishamiso, kuzvikudza kwayo pamusoro pesimba rayo kuchapera, namakomo avaIsiraeri achaitwa matongo, kuti kurege kuzova nomunhu unopfuura napo.
33:29b.EZE.033.029 Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaita nyika dongo nechishamiso, nokuda kwezvinonyangadza zvavo zvose zvavakaita.
33:30b.EZE.033.030 Asi kana uriwe, Mwanakomana womunhu, vana vavanhu vako vanokureva vari pamasvingo avo nomumikova yedzimba dzavo, vanotaurirana mumwe nomumwe achiti kuhama yake, Douya hako, unzwe shoko rinobva kuna Jehovha.
33:31b.EZE.033.031 Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi moyo yavo inotevera fuma yavo.
33:32b.EZE.033.032 Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
33:33b.EZE.033.033 Zvino kana izvi zvichiitwa nokuti zvirokwazvo hazvimboregi kuitika, nenguva iyo vachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.
34
34:1b.EZE.034.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
34:2b.EZE.034.002 Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pavafudzi vaIsiraeri, porofita, uti kwavari, kuna ivo vafudzi, zvanzi nalshe Jehovha, Vane nhamo ivo vafudzi vaIsiraeri vanozvifudza! Ko vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
34:3b.EZE.034.003 Munodya mafuta munofuka makushe awo, munobaya akakora asi, hamufudzi makwai.
34:4b.EZE.034.004 Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.
34:5b.EZE.034.005 Akapararira, nokuti akanga asina mufudzi, akava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, akapararira.
34:6b.EZE.034.006 Makwai angu akadzungaira pamakomo ose, napachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, zvirokwazvo makwai angu akapararira pasi pose, hakuna akaaronda nokuatsvaka.
34:7b.EZE.034.007 Naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
34:8b.EZE.034.008 Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, makwai angu zvaakapambwa, zvaakava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, nokuti kwakanga kusino mufudzi, navafudzi vangu zvavasina kuronda makwai angu, asi vafudzi vangu vakazvifudza ivo, vakasafudza makwai angu;
34:9b.EZE.034.009 naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
34:10b.EZE.034.010 Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.
34:11b.EZE.034.011 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.
34:12b.EZE.034.012 Mufudzi sezvaanotsvaka boka rake, nezuva raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira nezuva ramakore nererima.
34:13b.EZE.034.013 Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.
34:14b.EZE.034.014 Ndichaafudza namafuro akanaka, danga rawo richava pamakomo akakwirira aIsiraeri; achavata ipapo pasi mudanga rakanaka, achafura pamafuro emakamera mumakomo alsiraeri.
34:15b.EZE.034.015 Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
34:16b.EZE.034.016 Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama.
34:17b.EZE.034.017 Kana murimi boka rangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarirai ndinotonga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobwe nenhongo.
34:18b.EZE.034.018 Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
34:19b.EZE.034.019 Kana ari makwai angu, anodya zvamakatsika netsoka dzenyu, nokunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu.
34:20b.EZE.034.020 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari, Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pamakwai akakora namakwai akaonda.
34:21b.EZE.034.021 Zvamunosunda norutivi nefudzi, muchitunga asine simba nenyanga dzenyu, kusvikira maaparadzira kwose,
34:22b.EZE.034.022 naizvozvo ndichaponesa boka rangu, kuti arege kuzopambwa; ndichatonga pakati pamakwai namakwai.
34:23b.EZE.034.023 Ndichaamutsira mufudzi mumwe woga, iye achaafudza, iye muranda wangu Dhavhidhi; iye uchaafudza, iye achava mufudzi wawo.
34:24b.EZE.034.024 Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nomuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndakataura izvozvo.
34:25b.EZE.034.025 Ndichaita navo sungano yorugare, ndichapedza zvikara panyika yavo, vachagara zvakanaka murenje, nokuvata mumatondo.
34:26b.EZE.034.026 Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mashoko anoropafadza achavapo.
34:27b.EZE.034.027 Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa.
34:28b.EZE.034.028 Havangazovi chinhu chinopambwa namarudzi avanhu, nezvikara zvenyika hazvingavaparadzi; asi vachagara zvakanaka, hakuna angavatyisa.
34:29b.EZE.034.029 Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.
34:30b.EZE.034.030 Zvino vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye kuti ivo, iyo imba yaIsiraeri, ndivo vanhu vangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
34:31b.EZE.034.031 Asi imi, makwai angu, makwai anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35
35:1b.EZE.035.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
35:2b.EZE.035.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kugomo reSeiri, uporofite pamusoro paro,
35:3b.EZE.035.003 uti kwariri, zanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakuita dongo nechishamiso.
35:4b.EZE.035.004 Ndichaparadza maguta ako, iwe uchava dongo; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha.
35:5b.EZE.035.005 Nokuti wakavenga vana vaIsiraeri nokuvenga kusingaperi, ukavaisa pasimba romunondo nenguva yenjodzi yavo, nenguva yezvakaipa zvokupedzisira;
35:6b.EZE.035.006 naizvozvo noupenyu hwangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakugadzirira ropa, ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakuteverera.
35:7b.EZE.035.007 Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri chishamiso nedongo; ndichaparadza mariri vanofamba napo navanodzoka napo.
35:8b.EZE.035.008 Ndichazadza makomo aro navanhu varo vakaurayiwa; muzvikomo zvako nomumipata yako napahova dzako dzose ndipo pachawa vakauyirawa nomunondo.
35:9b.EZE.035.009 Ndichakuita dongo nokusingaperi, maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
35:10b.EZE.035.010 Zvawakati, Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, zvichava nhaka yedu, kunyange Jehovha akanga aripo;
35:11b.EZE.035.011 naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichaita zvakafanira kutsamwa kwako, uye zvakafanira godo rako rawakavaitira nokuvenga kwako; zvino ini ndichazvizivisa pakati pavo, kana ndichikutonga iwe.
35:12b.EZE.035.012 lwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.
35:13b.EZE.035.013 Makazvikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndazvinzwa.
35:14b.EZE.035.014 Zvanzi naIshe Jehovha, Kana nyika yose ichifara, ndichakuita iwe dongo.
35:15b.EZE.035.015 Sezvawakafara pamusoro penhaka yeimba yaIsiraeri, nemhaka yokuti yakaitwa dongo, saizvozvo ndichakuitirawo; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, izvo zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
36
36:1b.EZE.036.001 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.
36:2b.EZE.036.002 Zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, Toko waro! Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu;
36:3b.EZE.036.003 naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;
36:4b.EZE.036.004 naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza;
36:5b.EZE.036.005 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.
36:6b.EZE.036.006 Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;
36:7b.EZE.036.007 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa.
36:8b.EZE.036.008 Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.
36:9b.EZE.036.009 Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudzvarwa;
36:10b.EZE.036.010 ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa;
36:11b.EZE.036.011 ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
36:12b.EZE.036.012 Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo.
36:13b.EZE.036.013 Zvanzi naIshe Jehovha, Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana;
36:14b.EZE.036.014 naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
36:15b.EZE.036.015 handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
36:16b.EZE.036.016 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
36:17b.EZE.036.017 Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakanga wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake.
36:18b.EZE.036.018 Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo;
36:19b.EZE.036.019 ndikavaparadzira pakati pamarudzi, vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo nezvavakaita.
36:20b.EZE.036.020 Zvino vakati vachisvika kumarudzi, kwavakaenda, vakamhura zita rangu dzvene, nokuti vanhu vakati pamusoro pavo, Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.
36:21b.EZE.036.021 Asi ndakanga ndinehanya nezita rangu dzvene, rakanga ramhurwa neimba yaIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda.
36:22b.EZE.036.022 Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.
36:23b.EZE.036.023 Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
36:24b.EZE.036.024 Nokuti ndichakubvisai pakati pamarudzi, nokukuunganidzai kunyika azose, ndikuisei kunyika yenyu.
36:25b.EZE.036.025 Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, muve vakachena; ndichakunatsai matsvina enyu ose nezvifananidzo zvenyu zvose.
36:26b.EZE.036.026 Ndichakupaiwo moyo mutsva, nokuisa mukati menyu mweya mutsva; ndichabvisa moyo webwe panyama yenyu, ndikupei moyo wenyama.
36:27b.EZE.036.027 Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yangu; muchachengeta zvandakarayira nokuzviita.
36:28b.EZE.036.028 Muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu; muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
36:29b.EZE.036.029 Ndichakuponesai patsvina yenyu yose; ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara.
36:30b.EZE.036.030 Ndichawanza michero yemiti, nezvinomera muminda, kuti murege kuzoshorwa namarudzi avanhu zvichinzi mune nzara.
36:31b.EZE.036.031 Ipapo mucharangarira mufambiro wenyu wakaipa, nezvamakaita zvisina kunaka; muchazvisema mumene pamusoro pezvakaipa zvenyu nezvinonyangadza zvenyu.
36:32b.EZE.036.032 Handiiti izvozvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.
36:33b.EZE.036.033 Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva randichakunatsai pazvakaipa zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa.
36:34b.EZE.036.034 Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuura napo.
36:35b.EZE.036.035 Ipapo vachati, Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni; maguta akanga akaparadzwa akasiyiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.
36:36b.EZE.036.036 Ipapo marudzi akasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndini ndakavaka nzvimbo idzo dzaiva matongo, ndikasimazve pakanga pakaparadzwa; ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
36:37b.EZE.036.037 Zvanzi naIshe Jehovha, Asi ndinoda kukumbirwa chinhu ichi neimba yaIsiraeri, kuti ndivaitire izvozvo; ndichavawanzira vanhu, vave seboka ramakwai.
36:38b.EZE.036.038 Sezvakaita boka ramakwai anobayirwa Jehovha, sezvakaita boka ramakwai muJerusaremu pamitambo yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo achazadzwa namapoka avanhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
37
37:1b.EZE.037.001 Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa;
37:2b.EZE.037.002 akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo.
37:3b.EZE.037.003 Akati kwandiri, Mwanakomana, mapfupa awa angararama here? Ndikapindura, ndikati, Imi Ishe Jehovha munozviziva.
37:4b.EZE.037.004 Zvino akatizve kwandiri, Porofita pamusoro pamapfupa awa, uti kwaari, Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.
37:5b.EZE.037.005 Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa awa, Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve.
37:6b.EZE.037.006 Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
37:7b.EZE.037.007 Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro.
37:8b.EZE.037.008 Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
37:9b.EZE.037.009 Ipapo akati kwandiri, porofitira kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.
37:10b.EZE.037.010 Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
37:11b.EZE.037.011 Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.
37:12b.EZE.037.012 Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri.
37:13b.EZE.037.013 Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu.
37:14b.EZE.037.014 Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
37:15b.EZE.037.015 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
37:16b.EZE.037.016 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, tora rutanda rumwe, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJudha, nezvavana vaIsiraeri shamwari dzake; ipapo utore rumwe rutanda, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJosefa, rutanda rwaEfuremu, nezveimba yose yavaIsiraeri shamwari dzake;
37:17b.EZE.037.017 zvino uzvibatanidzire matanda iwawo, ruve rutanda rumwe, ruve rumwe muruoko rwako.
37:18b.EZE.037.018 Zvino kana vana vavanhu vako vakataura newe vachiti kwauri, Haungatizivisi zvaunoda kuratidza nezvinhu izvi here?
37:19b.EZE.037.019 Iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, ruri muruoko rwaEfuremu, namarudzi aIsiraeri shamwari dzake; ndichavaisa kwaruri, kurutanda rwaJudha, ndivaite rutanda rumwe, vachaita rumwe muruoko rwangu.
37:20b.EZE.037.020 Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo anofanira kuva muruoko rwako vazvione.
37:21b.EZE.037.021 Ipapo uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichabvisa vana vaIsiraeri pakati pamarudzi, kwavakaenda, ndichavaunganidza vabve kumativi ose, ndivaise kunyika yavo;
37:22b.EZE.037.022 ndichavaita rudzi rumwe panyika, pamakomo aIsiraeri; mambo mumwe uchava mambo wavose, havangazovi marudzi maviri, uye havangatongozovi ushe huviri hwakaparadzana;
37:23b.EZE.037.023 havangazozvisvibisi nezvifananidzo zvavo, kana nezvinhu zvavo zvinosemesa, kana nechinhu chipi nechipi chavanodarika nacho; asi ndichavaponesa pose pavagere, pavaitadza, nokuvanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
37:24b.EZE.037.024 Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo wavo; vose vachava nomufudzi mumwe; vachafambawo nezvandakarayira, nokuchengeta mitemo yangu, vachiita.
37:25b.EZE.037.025 Vachagara munyika yandakapa Jakobho muranda wangu, maigara madzibaba enyu; vachagaramo, ivo navana vavo, navana vavana vavo, nokusingaperi; Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi.
37:26b.EZE.037.026 Ndichaitawo sungano yorugare navo, ichava sungano isingaperi navo; ndichavaisapo, nokuvawanza, nokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi.
37:27b.EZE.037.027 Tabhenakeri yanguvo ichava pakati pavo; ini ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.
37:28b.EZE.037.028 Zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, anoita vaIsiraeri vatsvene, kana nzvimbo yangu tsvene iri pakati pavo nokusingaperi.
38
38:1b.EZE.038.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
38:2b.EZE.038.002 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yaMagogi, uporofite pamusoro pake,
38:3b.EZE.038.003 uti, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi naMesheki naTubhari;
38:4b.EZE.038.004 ndichakutsausa, nokukuisa zvikokovonho mushaya dzako; ndichakubudisa, iwe nehondo yako yose, mabhiza navatasvi vamabhiza, vose vakafuka nguvo dzose dzokurwa, boka guru vane nhovo huru nenhovo duku, vose vakabata minondo;
38:5b.EZE.038.005 vaPerisia navaKushi navaPuti pamwechete navo, vose vane nhovo nengowani dzokurwa;
38:6b.EZE.038.006 naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarima kumativi okumusorosoro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji avanhu anewe.
38:7b.EZE.038.007 Gara wakazvigadzira, zvirokwazvo uzvigadzire, iwe namapoka ako ose akaungana kwauri, iwe uve mutungamiriri wavo.
38:8b.EZE.038.008 Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa nomunondo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.
38:9b.EZE.038.009 Ipapo iwe uchakwira, uchauya sedutu remhepo, uchava segore rinofukidza nyika iwe, namapoka ako ose, navanhu vazhinji vanewe.
38:10b.EZE.038.010 Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva iro moyo wako uchapindwa nemirangariro, uchafunga zano rakaipa;
38:11b.EZE.038.011 uchiti, Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuo;
38:12b.EZE.038.012 nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika:
38:13b.EZE.038.013 Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nefuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?
38:14b.EZE.038.014 Naizvozvo, Mwanakomana womunhu, porofita uti kuna Gogi, zvanzi naIshe Jehovha, Zuva iro kana vanhu vangu vaIsiraeri vachigara zvakanaka, ko iwe haungazvizivi here?
38:15b.EZE.038.015 Zvino iwe uchauya, uchibva kuugaro hwako kumativi okumusoro-soro, iwe navanhu vazhinji vanewe, vose vakatasva mabhiza, riri boka guru nehondo ine simba;
38:16b.EZE.038.016 uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsiraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; zvino namazuva okupedzisira ndichakuuyisa kuti urwe nenyika yangu kuti marudzi andizive, kana ndaitwa mutsvene pakati pako, iwe Gogi, ivo vachizviona.
38:17b.EZE.038.017 Zvanzi naIshe Jehovha, Ko ndiwe wandakareva nenguva yakare navaranda vangu vaporofita vaIsiraeri, vaiporofita namazuva iwayo vachiita makore mazhinji, kuti ndichakuuyisa kuzorwa navo here?
38:18b.EZE.038.018 Zvino nezuva iro kana Gogi achiuya kuzorwa nenyika yaIsiraeri, hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
38:19b.EZE.038.019 Nokuti ndakataura negodo rangu uye nomoto wehasha dzangu, ndichiti, Zvirokwazvo, nezuva iro kuzununguka kukuru kuchavapo panyika yaIsiraeri;
38:20b.EZE.038.020 nokudaro kuti hove dzegungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
38:21b.EZE.038.021 Ndichadana munondo uuye kuzorwa naye kumakomo angu ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; munondo womunhu mumwe nomumwe ucharwa nehama yake.
38:22b.EZE.038.022 Ndichamutonga nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake, napamusoro pamarudzi mazhinji avanhu vanaye, mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomoto nesarufa.
38:23b.EZE.038.023 Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
39
39:1b.EZE.039.001 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro paGogi, uti, zvanzi nalshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi, naMesheki naTubhari;
39:2b.EZE.039.002 ndichakutsausa, nokukutungamirira, nokukuuyisa uchibva kumativi okumusorosoro; ndichakusvitsa pamakomo aIsiraeri;
39:3b.EZE.039.003 Ndicharova uta hwako hubve muruoko rwako rworuboshwe, nokuwisira pasi miseve yako iri muruoko rwako rworudyi.
39:4b.EZE.039.004 Uchaparadzwa pamakomo aIsiraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo.
39:5b.EZE.039.005 Uchawira pakachena pabani; nokuti ini ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
39:6b.EZE.039.006 Ndichatuma moto kuna Magogi, nokuna vagere zvakanaka pazviwi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
39:7b.EZE.039.007 Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsiraeri; handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha, iye Mutsvene waIsiraeri.
39:8b.EZE.039.008 Tarirai, zvinouya, zvichaitwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndiro zuva randareva.
39:9b.EZE.039.009 Vagere mumaguta aIsiraeri vachabuda, vachavesa moto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, zvinoti nhovo duku nenhovo huru, nouta nemiseve, netsvimbo namapfumo; vachavesa moto nazvo vachiita makore manomwe;
39:10b.EZE.039.010 naizvozvo havangandotori huni kusango, kana kundodzitema kumatondo, nokuti vachavesa moto nenhumbi dzokurwa; vachaparadza vaivaparadza, nokupamba vaivapamba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
39:11b.EZE.039.011 Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, Hamonigogi
39:12b.EZE.039.012 Imba yalsiraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika.
39:13b.EZE.039.013 Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga, ichava mbiri kwavari nezuva randichakudzwa naro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
39:14b.EZE.039.014 Vachatsaura vanhu vanobata basa misi yose, vachapota nenyika pamwechete navanopfuura napo, vachiviga vakasiyiwa pachena, kuti vanatse nyika; kana mwedzi minomwe yapera vachacherekedza pose.
39:15b.EZE.039.015 Vanopfuura napanyika vachapfuura havo; zvino ani naani kana achinge achiona pfupa romunhu, achaisapo chiratidzo, kusvikira vavigi vachiriviga mumupata waHamonigogi.
39:16b.EZE.039.016 Hamoni richava zitawo reguta. Saizvozvo vachanatsa nyika.
39:17b.EZE.039.017 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.
39:18b.EZE.039.018 Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
39:19b.EZE.039.019 Muchadya zvakakora kusvikira maguta, nokunwa ropa kusvikira mabatwa, zvechibayiro chandakakubayirai.
39:20b.EZE.039.020 Muchaguta patafura rangu namabhiza nengoro, navanhu vane simba, navarwi vamarudzi ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
39:21b.EZE.039.021 Ndichaisa mbiri yangu pakati pamarudzi avanhu, marudzi ose achaona kutonga kwandakaita, noruoko rwangu rwandakaisa pamusoro pavo.
39:22b.EZE.039.022 Naizvozvo imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.
39:23b.EZE.039.023 Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nokuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo.
39:24b.EZE.039.024 Ndakavaitira zvakafanira kusanaka kwavo nokudarika kwavo, ndikavavanzira chiso changu.,
39:25b.EZE.039.025 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakobho, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.
39:26b.EZE.039.026 Vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo neyokudarika kwavo kwavakandidarikira nako, kana vachizogara zvakanaka munyika yavo, kusina anozovatyisa;
39:27b.EZE.039.027 kana ndavadzosa kumarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzavavengi vavo, ndikazviita mutsvene pamberi pamarudzi mazhinji.
39:28b.EZE.039.028 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, zvandakavatapisa pakati pamarudzi, ndikavaunganidzirazve munyika yavo; handingatongozosiyi mumwe wavopo;
39:29b.EZE.039.029 uye handingazovavanziri chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
40
40:1b.EZE.040.001 Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
40:2b.EZE.040.002 Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
40:3b.EZE.040.003 Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi rwerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuo.
40:4b.EZE.040.004 Murume uyo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.
40:5b.EZE.040.005 Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
40:6b.EZE.040.006 Zvino wakasvika pasuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
40:7b.EZE.040.007 Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuo pabiravira resuo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
40:8b.EZE.040.008 Akayerawo biravira resuo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
40:9b.EZE.040.009 Ipapo akayera biravira resuo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuo rakanga riri kurutivi rweimba.
40:10b.EZE.040.010 Makamuri esuo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
40:11b.EZE.040.011 Akayera upamhi hwomukova hwesuo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuo, mamita ane gumi namatatu.
40:12b.EZE.040.012 Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
40:13b.EZE.040.013 Akayera suo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
40:14b.EZE.040.014 Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suo kusvikira pambiru.
40:15b.EZE.040.015 Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
40:16b.EZE.040.016 Mumakamuri makanga muna mahhwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahhwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
40:17b.EZE.040.017 Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
40:18b.EZE.040.018 Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuo, rakaenzana pakureba kwaro namasuo, iro guva rakarongwa rapasi.
40:19b.EZE.040.019 Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
40:20b.EZE.040.020 Wakayerawo kureba nohupamhi hwesuo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
40:21b.EZE.040.021 Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
40:22b.EZE.040.022 Mahhwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro.
40:23b.EZE.040.023 Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
40:24b.EZE.040.024 Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo.
40:25b.EZE.040.025 Mahhwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahhwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
40:26b.EZE.040.026 Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
40:27b.EZE.040.027 Kwakanga kune suo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
40:28b.EZE.040.028 Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuo rezasi; akayera suo rezasi nezviyero izvozvi;
40:29b.EZE.040.029 namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahhwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
40:30b.EZE.040.030 Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
40:31b.EZE.040.031 Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
40:32b.EZE.040.032 Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suo nezviyero izvozvi;
40:33b.EZE.040.033 namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahhwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
40:34b.EZE.040.034 Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze, kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
40:35b.EZE.040.035 Zvino wakandiisa kusuo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
40:36b.EZE.040.036 makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahhwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
40:37b.EZE.040.037 Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
40:38b.EZE.040.038 Pambiru pamasuo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
40:39b.EZE.040.039 Mubiravira resuo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
40:40b.EZE.040.040 Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuo, kwakanga kuna matafura maviri.
40:41b.EZE.040.041 Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.
40:42b.EZE.040.042 Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro.
40:43b.EZE.040.043 Zvikokovonho, zvakanga zvakaita soupamhi hwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
40:44b.EZE.040.044 Kunze kwesuo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
40:45b.EZE.040.045 Zvino akati kwandiri, Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapirisiti, ivo vachengeti vebasa reimba;
40:46b.EZE.040.046 kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapirisiti, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevi vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.
40:47b.EZE.040.047 Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
40:48b.EZE.040.048 Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi hwesuo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
40:49b.EZE.040.049 Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
41
41:1b.EZE.041.001 Zvino wakandiisa kutemberi, akayera mbiru, zvikaita mamita matanhatu paupamhi kurutivi rumwe, namamita matanhatu paupamhi kuno rumwe rutivi, ndihwo upamhi hwetabhenakeri.
41:2b.EZE.041.002 Upamhi hwomukova hwakaita mamita ane gumi; mativi omukova akaita mamita mashanu kurutivi rumwe, namamita mashanu kuno rumwe rutivi; akayera kureba kwazvo, zvikaita mamita makumi mana, noupamhi mamita makumi maviri.
41:3b.EZE.041.003 Zvino akapinda mukati, akayera mbiru imwe neimwe yomukova, zvikaita mamita maviri, nomukova mamita matanhatu, noupamhi hwomukova mamita manomwe.
41:4b.EZE.041.004 Akayera kureba kwawo zvikaita mamita makumi maviri, nohupamhi, mamita makumi maviri pamberi petemberi; akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo tsvene-tsvene.
41:5b.EZE.041.005 Ipapo akayera madziro eimba, zvikaita mamita matanhatu, uye hupamhi hwekamuri rimwe nerimwe rokumativi, zvikaita mamita mana, zvichipoteredza imba kumativi ose.
41:6b.EZE.041.006 Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runamakumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
41:7b.EZE.041.007 Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredza kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
41:8b.EZE.041.008 Ndakaonawo kuti paimba pakanga panapamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemakamuri okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
41:9b.EZE.041.009 Ukobvu hwechidziro chamakamuri okumativi nechokunze, hwakaita mamita mashanu; saizvozvowo nzvimbo, yakasiyiwa, yaiva yamakamuri okumativi eimba.
41:10b.EZE.041.010 Pakati pamakamuri paiva nenzvimbo yakaita mamita ana makumi maviri yaipoteredza imba kumativi ose.
41:11b.EZE.041.011 Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
41:12b.EZE.041.012 Imba yakanga iri pamberi penzvimbo, yaiva yoga kurutivi rwamavirazuva, yakaita mamita makumi manomwe paupamhi hwayo; chidziro cheimba kumativi ose chakaita mamita mashanu paukobvu, namamita makumi mapfumbamwe pakureba.
41:13b.EZE.041.013 Saizvozvo akayera imba, ikaita mamita ane zana pakureba; uye nzvimbo yaiva yoga, neimba namadziro ayo, zvikaita mamita ane zana pakureba;
41:14b.EZE.041.014 uye hupamhi hweimba nechemberi kwayo, nokwenzvimbo yaiva yoga kurutivi rwamabvazuva, zvikaita mamita ane zana.
41:15b.EZE.041.015 Zvino akayera kureba kweimba pamberi penzvimbo yaiva yoga, yakanga iri shure kwayo, namabiravira ayo kuno rutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, zvikaita mamita ane zana; uye temberi yomukati, namabiravira oruvanze;
41:16b.EZE.041.016 nezvikumbaridzo, namahhwindo akanga akapfigwa, namabiravira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana nechikumbaridzo, akanga akaroverwa matanda kumativi ose, kubva pasi kusvikira kumahhwindo, asi mahhwindo akanga akafukidzwa,
41:17b.EZE.041.017 kusvikira kumusoro kwomukova, kusvikira kuimba yomukati nokunze, nokuchidziro chose kumativi ose mukati nokunze, nezviyero zvazvo.
41:18b.EZE.041.018 Zvakanga zvakaitwa zvina makerubhi nemichindwe; kwakanga kuno muchindwe pakati pekerubhi rimwe nerimwe, uye kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri;
41:19b.EZE.041.019 naizvozvo kwakanga kune chiso chomunhu chakatarira kumuchindwe kurutivi rumwe, nechiso cheshumba duku chakatarira kumuchindwe kuno rumwe rutivi; ndizvo zvazvakanga zvakaitwa paimba yose kumativi ose;
41:20b.EZE.041.020 kubva pasi kusvikira kumusoro kwomukova kwakanga kuna makerubhi nemichindwe; saizvozvowo pachidziro chetemberi.
41:21b.EZE.041.021 Kana iri temberi, mbiru dzemikova dzakanga dzina mativi mana akaenzana; kana iri nzvimbo tsvene pamberi payo yakanga yakafanana netemberi.
41:22b.EZE.041.022 Aritari yakanga yakavezwa namatanda, yakasvika mamita matatu pakukwirira kwayo, nokureba kwayo mamita maviri; makona ayo, nokureba kwayo, namadziro ayo, zvakanga zvakavezwa namatanda; akati kwandiri, Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.
41:23b.EZE.041.023 Temberi nenzvimbo tsvene zvakanga zvine mikova miviri.
41:24b.EZE.041.024 Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa maviri aitendereka; masasa maviri pamukova mumwe, uye masasa maviri pane mumwe.
41:25b.EZE.041.025 Paari, ipo pamasasa etemberi, pakanga pakavezwa makerubhi nemichindwe, zvakafanana nezvakaitwa pamadziro; pakanga pane chikumbaridzo chamatanda nechapamberi pebiravira nechokunze.
41:26b.EZE.041.026 Kwakanga kuna mahhwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi ebiravira; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo.
42
42:1b.EZE.042.001 Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro.
42:2b.EZE.042.002 Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu.
42:3b.EZE.042.003 Pakatarisana namamita makumi maviri oruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
42:4b.EZE.042.004 Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro.
42:5b.EZE.042.005 Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
42:6b.EZE.042.006 Nokuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi.
42:7b.EZE.042.007 Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba.
42:8b.EZE.042.008 Nokuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana.
42:9b.EZE.042.009 Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze.
42:10b.EZE.042.010 Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri.
42:11b.EZE.042.011 Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo.
42:12b.EZE.042.012 Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yakanga yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
42:13b.EZE.042.013 Zvino akati kwandiri, Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapirisiti vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.
42:14b.EZE.042.014 Kana vapirisiti vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu.
42:15b.EZE.042.015 Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose.
42:16b.EZE.042.016 Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose.
42:17b.EZE.042.017 Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
42:18b.EZE.042.018 Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
42:19b.EZE.042.019 Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
42:20b.EZE.042.020 Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
43
43:1b.EZE.043.001 Pashure akandiisa kusuo, iro suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
43:2b.EZE.043.002 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakabva kurutivi rwamabvazuva; inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubwinya kwake.
43:3b.EZE.043.003 Zvakanga zvakafanana nezvandakaona, izvo zvandakaona nguva yandakauya kuzoparadza guta; zvandakaona zvino zvakanga zvakafanana nezvandakaona parwizi rwaKebhari; ini ndikawira pasi nechiso changu.
43:4b.EZE.043.004 Kubwinya kwaJehovha kukapinda mumba nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
43:5b.EZE.043.005 Mweya ukandisimudza, ukandiisa muruvanze rwomukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba.
43:6b.EZE.043.006 Zvino ndikanzwa mumwe achitaura neni ari mumba; mumwe murume akamira neni.
43:7b.EZE.043.007 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu chovushe, nenzvimbo inotsika tsoka dzangu, pandichagara pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haingazosvibisi zita rangu dzvene, kunyange ivo, kunyange madzimambo avo, nokufeva kwavo uye nezvitunha zvamadzimambo avo panzvimbo dzavo dzakakwirira;
43:8b.EZE.043.008 nokuisa chikumbaridzo chavo pachikumbaridzo changu, nembiru dzemikova yavo parutivi rwembiru dzemikova yangu, kukangova nechidziro pakati pangu naivo; vakasvibisa zita rangu nezvinonyangadza zvavo zvavakaita; naizvozvo ndakavapedza nokutsamwa kwangu.
43:9b.EZE.043.009 Zvino ngavarashe kufeva kwavo, nezvitunha zvamadzimambo avo, zvive kure neni, ndigogara pakati pavo nokusingaperi.
43:10b.EZE.043.010 Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ratidza imba yaIsiraeri imba ino, kuti vanyare pamusoro pezvakaipa zvavo; ngavayere maitirwo ayo.
43:11b.EZE.043.011 Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nokurongerwa kwayo, napanobudiwa napo, napanopindwa napo, nezvimiro zvayo zvose, nemitemo yayo yose, nezvimiro zvayo zvose, nemirayiro yayo yose; uzvinyore vachizviona, kuti vachengete chimiro chayo chose, nemitemo yayo yose, vazviite.
43:12b.EZE.043.012 Uyu ndiwo murayiro weimba: Pamusoro pegomo kumuganho waro wose kumativi ose pachava patsvene kwazvo. Tarirai, ndiwo murayiro weimba. Aritari yezvibayiro
43:13b.EZE.043.013 Uhwu ndihwo ukuru hwearitari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza, ndipo pasi pearitari.
43:14b.EZE.043.014 Kubva pachigadziko pasi kusvikira pamusara wapanyasi zvinofanira kuita mamita maviri, noupamhi mita rimwe; kubva pamusara muduku kusvikira pamusara mukuru zvinofanira kuita mamita mana, nohupamhi mita rimwe.
43:15b.EZE.043.015 Aritari yokumusoro inofanira kuita mamita mana; kubva pachoto chearitari zvichienda kumusoro kunofanira kuva nenyanga ina.
43:16b.EZE.043.016 Choto chearitari chinofanira kuita mamita ane gumi namaviri pakureba, naane gumi namaviri paupamhi, mativi aro mana akaenzana.
43:17b.EZE.043.017 Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva.
43:18b.EZE.043.018 Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.
43:19b.EZE.043.019 Unofanira kupa vapirisiti vaRevhi vorudzi rwaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, nzombe duku chive chipiriso chezvivi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
43:20b.EZE.043.020 Zvino unofanira kutora rimwe ropa rayo, ndokuriisa panyanga dzaro ina, napamakona mana omusara, napachitenderedzo chakapoteredza; saizvozvo unofanira kurinatsa nokuriyananisira.
43:21b.EZE.043.021 Unofanira kutorawo nzombe yechipiriso chezvivi, ipiswe panzvimbo yakatarwa yeimba kunze kwenzvimbo tsvene.
43:22b.EZE.043.022 Nezuva repiri unofanira kubayira nhongo isina mhosva, chive chipiriso chezvivi; zvino vanofanira kunatsa aritari, sezvavakarinatsa nenzombe.
43:23b.EZE.043.023 Kana wapedza kurinatsa, unofanira kubayira nzombe duku isina mhosva, nehondohwe rakatorwa kumakwai.
43:24b.EZE.043.024 Unofanira kuzviswededza pamberi paJehovha, vapirisiti vagokushira munyu pamusoro pazvo, ndokuzvibayira chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
43:25b.EZE.043.025 Uite mazuva mana uchigadzira nhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chezvivi; vanofanirawo kugadzira nzombe duku nehondohwe rinotorwa kumakwai zvisina mhosva.
43:26b.EZE.043.026 Vanofanira kuita mazuva manomwe vachiyananisira aritari nokurinatsa, nokuritsaurira Jehovha.
43:27b.EZE.043.027 Zvino kana vapedeza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vapirisiti vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paaritari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa, ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
44
44:1b.EZE.044.001 Zvino akandidzosa nenzira yesuo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa.
44:2b.EZE.044.002 Jehovha akati kwandiri, Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
44:3b.EZE.044.003 Kana ari muchinda, iye anofanira kugaramo ari muchinda, adye zvokudya pamberi paJehovha; anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, ndokubudazve nenzira iyeyo.
44:4b.EZE.044.004 Ipapo akaenda neni nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
44:5b.EZE.044.005 Jehovha akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
44:6b.EZE.044.006 Zvino uti kuna vakandimukira, kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Nhai, imi imba yaIsiraeri, chiringaniswai nezvinonyangadza zvenyu,
44:7b.EZE.044.007 izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane moyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
44:8b.EZE.044.008 Hamuna kuchengeta zvinhu zvangu zvitsvene, asi makagadza vatariri vanokuchengeterai imi zvinhu zvangu munzvimbo yangu tsvene.
44:9b.EZE.044.009 Zvanzi naIshe Jehovha, Mutorwa unomoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.
44:10b.EZE.044.010 Asi vaRevhi, vakaenda kure neni panguva yokutsauka kwaIsiraeri, vakatsauka kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo, ivo vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
44:11b.EZE.044.011 Asi vanofanira kuva vashumiri munzvimbo yangu tsvene, navatariri pamasuo eimba, navanoshumira mumba; ivo vanofanira kubayira chipiriso chinopiswa, nezvinobayirwa vanhu, nokumira pamberi pavo kuvashumirira.
44:12b.EZE.044.012 Zvavakavashumirira pamberi pezvifananidzo zvavo, vakazova chigumbuso chezvakaipa kuimba yaIsiraeri; naizvozvo ndakavasimudzira ruoko rwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
44:13b.EZE.044.013 Havangaswederi kwandiri, kundiitira basa rohupirisiti, kana kuswedera kuchinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsene, kuzvinhu zvitsvene kwazvo; asi vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo, neyezvinonyadzisa zvavo zvavakaita.
44:14b.EZE.044.014 Asi ndichavaita vatariri vanochengeta imba, vaite basa rayo rose, nezvose zvinofanira kuitwamo.
44:15b.EZE.044.015 Asi vapirisiti vaRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
44:16b.EZE.044.016 vachapinda munzvimbo yangu tsvene, vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta basa rangu.
44:17b.EZE.044.017 Zvino kana vachipinda pamasuo oruvanze rwomukati, vachafanira kufuka nguvo dzerineni; makushe ngaarege kuva pamiviri yavo, kana vachishumira mumasuo oruvanze rwomukati, nomukati meimba.
44:18b.EZE.044.018 Vachafanira kufuka ngowani dzerineni pamisoro yavo, uye vachafanira kuva namabhurukwa erineni pazviuno zvavo; ngavarege kuzvisunga chiuno nechinhu chinobudisa ziya.
44:19b.EZE.044.019 Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguvo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
44:20b.EZE.044.020 Ngavarege kuveura misoro yavo, kana kurega vhudzi ravo richireba; ngavagunde chete misoro yavo.
44:21b.EZE.044.021 Mupirisiti upi noupi ngaarege kunwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati.
44:22b.EZE.044.022 Havafaniri kuwana chirikadzi, kana mukadzi akarambwa nomurume; asi vanofanira kuwana mhandara pakati pavana veimba yaIsiraeri, kana chirikadzi, iri chirikadzi yomupirisiti.
44:23b.EZE.044.023 Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.
44:24b.EZE.044.024 Kana panegakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yengu; vachafanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; maSabata angu ngaave matsvene kwavari.
44:25b.EZE.044.025 Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunununa, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa.
44:26b.EZE.044.026 Zvino kana iye apera kunatswa, anofanira kutarirwa mazuva manomwe.
44:27b.EZE.044.027 Nezuva raanozopinda munzvimbo tsvene, muruvanze rwomukati, kundoshumira munzvimbo tsvene, achafanira kubayira chipiriso chake chezvivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
44:28b.EZE.044.028 Vachava nenhaka; ini ndini nhaka yavo; hamufaniri kuvapa fuma pakati paIsiraeri, ini ndini fuma yavo.
44:29b.EZE.044.029 Vanofanira kudya chipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva; chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa Jehovha pakati paIsiraeri chichava chavo.
44:30b.EZE.044.030 Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavapirisiti; munofanira kupawo vapirisiti zvokutanga zvoupfu hwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
44:31b.EZE.044.031 Vapirisiti ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo.
45
45:1b.EZE.045.001 Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose.
45:2b.EZE.045.002 Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu.
45:3b.EZE.045.003 Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zvine zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene.
45:4b.EZE.045.004 Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika, unofanira kuva navapirisiti, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene.
45:5b.EZE.045.005 Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo.
45:6b.EZE.045.006 Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri.
45:7b.EZE.045.007 Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganho wokumavirazuva kusvikira kumaganho wokumabvazuva.
45:8b.EZE.045.008 Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.
45:9b.EZE.045.009 Zvanzi naIshe Jehovha, Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
45:10b.EZE.045.010 Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
45:11b.EZE.045.011 Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.
45:12b.EZE.045.012 Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.
45:13b.EZE.045.013 Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari;
45:14b.EZE.045.014 uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri imwe nokuti mabhati ane gumi anoita homeri imwe;
45:15b.EZE.045.015 uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
45:16b.EZE.045.016 Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi.
45:17b.EZE.045.017 Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinonwiwa pamitambo napakugara kwomwedzi, napamaSabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
45:18b.EZE.045.018 Zvanzi naIshe Jehovha, Nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga rwomwedzi, munofanira kutora nzombe duku isina mhosva, ndokunatsa nzvimbo tsvene.
45:19b.EZE.045.019 Zvino mupirisiti anofanira kutora ropa rechipiriso chezvivi, ndokuriisa pambiru dzemikova yeimba, napamakona mana omusara wearitari, napambiru dzesuo roruvanze rwomukati.
45:20b.EZE.045.020 Munofanira kuitawo saizvozvo nezuva rechinomwe romwedzi pamusoro pomumwe nomumwe anotadza, napamusoro pebenzi; saizvozvo munofanira kuyananisira imba.
45:21b.EZE.045.021 Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kuita Pasika, uye mutambo wamazuva manomwe; chingwa chisina mbiriso chinofanira kudyiwa.
45:22b.EZE.045.022 Nezuva iro muchinda anofanira kuzvigadzirira iye, navanhu vose venyika, nzombe chive chipiriso chezvivi.
45:23b.EZE.045.023 Namazuva manomwe omutambo anofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa, zvinoti nzombe nomwe namakondohwe manomwe zvisina mhosva, zuva rimwe nerimwe pamazuva iwayo manomwe; uye nhongo imwe zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chezvivi.
45:24b.EZE.045.024 Uye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe imwe neimwe, neefa imwe pahondohwe rimwe nerimwe, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
45:25b.EZE.045.025 Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namashanu romwedzi, pamutambo, anofanira kuita saizvozvo namazuva iwayo manomwe, sezvaakarayirwa pamusoro pechipiriso chezvivi, napamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pechipiriso choupfu, napamusoro pamafuta.
46
46:1b.EZE.046.001 Zvanzi naIshe Jehovha, Suo roruvanze rwomukati rakatarira kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo; asi nezuva reSabata rinofanira kuzarurwa, uye nezuva rokugara kwomwedzi rinofanira kuzarurwa.
46:2b.EZE.046.002 Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vapirisiti vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
46:3b.EZE.046.003 Vanhu venyika vanofanira kunamata pamukova wesuo iro pamberi paJehovha pamaSabata napakugara kwemwedzi.
46:4b.EZE.046.004 Chipiriso chinopiswa, chinovigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata chinofanira kuita makwayana matanhatu asina mhosva nehondohwe risina mhosva;
46:5b.EZE.046.005 uye chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe pahondohwe, uye chipiriso choupfu pamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
46:6b.EZE.046.006 Nezuva rokugara kwomwedzi zvinofanira kuita nzombe duku isina mhosva, namakwayana matanhatu, nehondohwe; zvinofanira kuva zvisina mhosva.
46:7b.EZE.046.007 Zvino iye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
46:8b.EZE.046.008 Kana muchinda achipinda, anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, uye anofanira kubuda nenzira iyo.
46:9b.EZE.046.009 Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
46:10b.EZE.046.010 Kana vachipinda, muchinda anofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwechete.
46:11b.EZE.046.011 Pamitambo napanguva dzemitambo chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
46:12b.EZE.046.012 Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo.
46:13b.EZE.046.013 Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopiswa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
46:14b.EZE.046.014 Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
46:15b.EZE.046.015 Saizvozvo vanofanira kugadzira gwayana, nechipiriso choupfu, namafuta, mangwanani ose, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
46:16b.EZE.046.016 Zvanzi naIshe Jehovha, Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
46:17b.EZE.046.017 Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.
46:18b.EZE.046.018 Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake.
46:19b.EZE.046.019 Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avapirisiti, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
46:20b.EZE.046.020 Akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapirisiti chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo.
46:21b.EZE.046.021 Zvino akaenda neni kuruvanze rwokunze, akandifambisa napamakona mana oruvanze; zvino tarira, pakona rimwe nerimwe roruvanze pakanga pano ruvanze.
46:22b.EZE.046.022 Pamakona mana oruvanze pakanga pana mavanze akakomberedzwa, akaita mamita makumi mana pakureba, namakumi matatu pakufara; awa mana pamakona akanga akaenzana.
46:23b.EZE.046.023 Mukati mawo makanga mune chidziro kumativi ose, chakanga chakakomberedza iwo mana, uye pakanga pane zvoto zvokubikira munyasi mechidziro kumativi ose.
46:24b.EZE.046.024 Zvino akati kwandiri, Idzi ndidzo dzimba dzokubikira, panofanira kubikirwa zvibayiro zvavanhu navanoshumira paimba.
47
47:1b.EZE.047.001 Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
47:2b.EZE.047.002 Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
47:3b.EZE.047.003 Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
47:4b.EZE.047.004 Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.
47:5b.EZE.047.005 Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.
47:6b.EZE.047.006 Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here? Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi.
47:7b.EZE.047.007 Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri.
47:8b.EZE.047.008 Zvino akati kwandiri, Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.
47:9b.EZE.047.009 Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
47:10b.EZE.047.010 Vateyi vehove vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.
47:11b.EZE.047.011 Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.
47:12b.EZE.047.012 Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa. Miganho yenyika
47:13b.EZE.047.013 Zvanzi naIshe Jehovha, Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri alsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri.
47:14b.EZE.047.014 Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu.
47:15b.EZE.047.015 Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi;
47:16b.EZE.047.016 neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganho weDhamasiko nomuganho weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganho weHaurani.
47:17b.EZE.047.017 Muganho unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganho weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro.
47:18b.EZE.047.018 Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko nenyika yalsiraeri, muganho unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
47:19b.EZE.047.019 Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganho uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.
47:20b.EZE.047.020 Kurutivi rwamavirazuva muganho unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.
47:21b.EZE.047.021 Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi alsiraeri.
47:22b.EZE.047.022 Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi alsiraeri.
47:23b.EZE.047.023 Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
48
48:1b.EZE.048.001 Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
48:2b.EZE.048.002 Pamuganho waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.
48:3b.EZE.048.003 Pamuganho waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.
48:4b.EZE.048.004 Pamuganho waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.
48:5b.EZE.048.005 Pamuganho waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.
48:6b.EZE.048.006 Pamuganho waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.
48:7b.EZE.048.007 Pamuganho waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJudha.
48:8b.EZE.048.008 Pamuganho waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.
48:9b.EZE.048.009 Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.
48:10b.EZE.048.010 Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapirisiti; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo.
48:11b.EZE.048.011 Chichava chavapirisiti vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi.
48:12b.EZE.048.012 Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganho wavaRevhi.
48:13b.EZE.048.013 VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganho wavapirisiti, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kwose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi.
48:14b.EZE.048.014 Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nokuti zvitsvene kuna Jehovha.
48:15b.EZE.048.015 Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi hwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo.
48:16b.EZE.048.016 Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
48:17b.EZE.048.017 Guta rinofanira kuva norupawo: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu.
48:18b.EZE.048.018 Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta.
48:19b.EZE.048.019 Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose alsiraeri, vanofanira kuirima.
48:20b.EZE.048.020 Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta.
48:21b.EZE.048.021 Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganho wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganho wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo.
48:22b.EZE.048.022 Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
48:23b.EZE.048.023 Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini.
48:24b.EZE.048.024 Pamuganho waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimiyoni.
48:25b.EZE.048.025 Pamuganho waSimiyoni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari.
48:26b.EZE.048.026 Pamuganho waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.
48:27b.EZE.048.027 Pamuganho waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi.
48:28b.EZE.048.028 Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.
48:29b.EZE.048.029 Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
48:30b.EZE.048.030 Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo;
48:31b.EZE.048.031 masuo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: Suo raRubheni, rimwe, suo raJudha, rimwe, uye suo raRevhi, rimwe.
48:32b.EZE.048.032 Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo matatu, anoti: Suo raJosefa, rimwe, suo raBhenjamini, rimwe, uye suo raDhani, rimwe.
48:33b.EZE.048.033 Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuo matatu, anoti: Suo raSimeoni, rimwe, suo raIsakari, rimwe, uye suo raZebhuruni, rimwe.
48:34b.EZE.048.034 Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo apo matatu, anoti: Suo raGadhi, rimwe, suo raAsheri, rimwe, uye suo raNafutari, rimwe.
48:35b.EZE.048.035 Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Jehovha aripano.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ezekiel (Shona). Ezekiel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A2-2