Lamentations (Shona)
1
1:1b.LAM.001.001 Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamoyo pakati penyika, rovigira mutero.
1:2b.LAM.001.002 Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
1:3b.LAM.001.003 Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika, nokuda kwokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamubata pakamanikana.
1:4b.LAM.001.004 Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vapirisiti varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
1:5b.LAM.001.005 Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
1:6b.LAM.001.006 Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
1:7b.LAM.001.007 Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva. yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
1:8b.LAM.001.008 Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nokuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
1:9b.LAM.001.009 Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
1:10b.LAM.001.010 Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
1:11b.LAM.001.011 Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nokuti ndaitwa wakazvidzwa.
1:12b.LAM.001.012 Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
1:13b.LAM.001.013 Akatuma moto mumapfupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
1:14b.LAM.001.014 Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
1:15b.LAM.001.015 Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
1:16b.LAM.001.016 Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
1:17b.LAM.001.017 Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
1:18b.LAM.001.018 Jehovha akarurama, nokuti ndakamukira murayiro wake; doteererai imi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
1:19b.LAM.001.019 Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapirisiti vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
1:20b.LAM.001.020 Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
1:21b.LAM.001.021 Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
1:22b.LAM.001.022 Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.
2
2:1b.LAM.002.001 Ishe akafukidza sei mukunda weZiyoni negore rokutsamwa kwake! Akabvisa kunaka kwalsiraeri akazvikandira pasi, akasarangarira chitsiko chake nezuva rokutsamwa kwake.
2:2b.LAM.002.002 Ishe akaparadza ugaro hwose hwaJakobho, akasanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akawisira pasi nhare dzomukunda waJudha; akadziwisira pasi; akamhura ushe namachinda ahwo.
2:3b.LAM.002.003 Nokutsamwa kukuru akagura nyanga dzose dzaIsiraeri, akadzosa ruoko rwake rworudyi pamberi pomuvengi akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unopedza zvose kumativi ose
2:4b.LAM.002.004 Akakunga uta hwake somuvengi, akamira noruoko rwake somudzivisi, akauraya vose vaifadza meso; akadurura kutsamwa kwake somoto patende romukunda weZiyoni.
2:5b.LAM.002.005 Ishe wava somuvengi, akamedza Isiraeri; akamedza dzimba dzavo dzose dzoushe, akaparadza nhare dzavo; akawanzira mukunda waJudha kuchema nokurira.
2:6b.LAM.002.006 Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakanganwisa paZiyoni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navapirisiti neshungu dzokutsamwa kwake.
2:7b.LAM.002.007 Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
2:8b.LAM.002.008 Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZiyoni; akatatanura rwonzi rwokuyera,pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
2:9b.LAM.002.009 Masuo aro akanyura pasi, akaparadza nokuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo waro namachinda aro vari pakati pamarudzi asina murayiro. Zvirokwazvo vaporofita varo havana zvavanoratidzwa naJehovha.
2:10b.LAM.002.010 Vakuru vomukunda weZiyoni vagere pasi, vanoramba vanyerere; vakakushira guruva pamisoro yavo, vakazvisunga zviuno namasaga; mhandara dzeJerusaremu dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
2:11b.LAM.002.011 Meso angu apera nemisodzi, moyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
2:12b.LAM.002.012 Vanoti kuna madzimai avo, Zviyo newaini zviripiko? Vachingoziya munzira dzomuguta savakakuvadzwa, mweya yavo ichidururirwa pachipfuva chamadzimai avo.
2:13b.LAM.002.013 Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
2:14b.LAM.002.014 Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo zvenhema nezvoupenzi; havana kubudisa zvakaipa zvako, kuti vadzose kutapwa kwako, asi vakakuonera zvirevo zvenhema nezvinokutapisa.
2:15b.LAM.002.015 Vose vanopfuura vachaita nondo pamusoro pako, vanoridza muridzo nokudzungudzira mukunda weJerusaremu misoro yavo, vachiti, Ko ndiro guta rainzi navanhu rakanaka-naka kwazvo, mufaro wenyika yose?
2:16b.LAM.002.016 Vavengi vako vose vakakushamisira miromo yavo; vanoridza muridzo nokugeda-geda meno, vanoti, Tariparadza; zvirokwazvo ndiro zuva ratakanga takatarira; tariwana, tariona.
2:17b.LAM.002.017 Jehovha akaita izvo zvaakafunga, akapedzisa shoko rake raakaraira pamazuva akare; akawisira pasi, akasava netsitsi; akafadza muvengi pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavadzivisi vako.
2:18b.LAM.002.018 moyo yavo yakadana kuna Ishe. Iwe rusvingo rwomukunda weZiyoni, misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku, usazorora, mboni yeziso rako isarega kuchema.
2:19b.LAM.002.019 Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguva dzose; durura moyo wako semvura pamberi paJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.
2:20b.LAM.002.020 Tarirai, Jehovha, muone vamakaitira zvakadai! Ko vakadzi vangadye zvibereko zvavo, ivo vana vari pamaoko here? Ko vapirisiti navaporofita vangaurawe panzvimbo tsvene yaishe here?
2:21b.LAM.002.021 Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
2:22b.LAM.002.022 Makadaidza zvinondityisa pamativi ose, sapazuva reungano yakatarwa; hakuna akapukunyuka kana akasara pazuva rokutsamwa kwaJehovha; vandakabata mumaoko navandakarera vapedzwa nomuvengi wangu.
3
3:1b.LAM.003.001 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake.
3:2b.LAM.003.002 Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza.
3:3b.LAM.003.003 Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake.
3:4b.LAM.003.004 Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mapfupa angu.
3:5b.LAM.003.005 Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
3:6b.LAM.003.006 Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa.
3:7b.LAM.003.007 Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu.
3:8b.LAM.003.008 Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu.
3:9b.LAM.003.009 Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu.
3:10b.LAM.003.010 Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi.
3:11b.LAM.003.011 Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje.
3:12b.LAM.003.012 Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
3:13b.LAM.003.013 Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
3:14b.LAM.003.014 Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose.
3:15b.LAM.003.015 Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava.
3:16b.LAM.003.016 Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota,
3:17b.LAM.003.017 Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini.
3:18b.LAM.003.018 Ini ndikati, Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.
3:19b.LAM.003.019 Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru.
3:20b.LAM.003.020 Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
3:21b.LAM.003.021 Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.
3:22b.LAM.003.022 Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
3:23b.LAM.003.023 Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
3:24b.LAM.003.024 Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
3:25b.LAM.003.025 Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
3:26b.LAM.003.026 Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
3:27b.LAM.003.027 zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
3:28b.LAM.003.028 Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye akariisa pamusoro pake.
3:29b.LAM.003.029 Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo.
3:30b.LAM.003.030 Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagutiswe nokushorwa.
3:31b.LAM.003.031 Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
3:32b.LAM.003.032 Nokuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake
3:33b.LAM.003.033 Nokuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.
3:34b.LAM.003.034 Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
3:35b.LAM.003.035 kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi poWokumusoro-soro,
3:36b.LAM.003.036 kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo.
3:37b.LAM.003.037 Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri?
3:38b.LAM.003.038 Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo woWokumusoro-soro here?
3:39b.LAM.003.039 Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
3:40b.LAM.003.040 Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
3:41b.LAM.003.041 Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga.
3:42b.LAM.003.042 Takadarika nokumumukira simba; imi hamuna kutikanganwira
3:43b.LAM.003.043 Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
3:44b.LAM.003.044 Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo
3:45b.LAM.003.045 Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu.
3:46b.LAM.003.046 Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
3:47b.LAM.003.047 Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
3:48b.LAM.003.048 Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
3:49b.LAM.003.049 Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi,
3:50b.LAM.003.050 kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
3:51b.LAM.003.051 Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
3:52b.LAM.003.052 Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
3:53b.LAM.003.053 Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu.
3:54b.LAM.003.054 Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, Ndapera.
3:55b.LAM.003.055 Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
3:56b.LAM.003.056 Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu.
3:57b.LAM.003.057 Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, Usatya.
3:58b.LAM.003.058 Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu.
3:59b.LAM.003.059 Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu.
3:60b.LAM.003.060 Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.
3:61b.LAM.003.061 Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
3:62b.LAM.003.062 iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
3:63b.LAM.003.063 Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo.
3:64b.LAM.003.064 Imi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira nebasa ramaoko avo.
3:65b.LAM.003.065 Muchavapa kuwoma kwomoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
3:66b.LAM.003.066 Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.
4
4:1b.LAM.004.001 Haiwa, ndarama yasviba sei! Ndarama yakaisvo-naka yashanduka sei! Mabwe enzvimbo tsvene arashirwa pamharadzano dzenzira dzomuguta.
4:2b.LAM.004.002 Vanakomana vanodikanwa veZiyoni vakafanana nendarama yakaisvo-naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!
4:3b.LAM.004.003 Kunyange namakava anobudisa mazamu, achiyamwisa vana vawo; mukunda wavanhu vangu wava nehasha semhou murenje.
4:4b.LAM.004.004 Rurimi rwomwana unomwa runonamatira mumukanwa womuromo wake nenyota; vanana vanokumbira chingwa, asi hakuna munhu anovamedurira.
4:5b.LAM.004.005 Avo vaisidya zvinozipa,varaswa munzira dzomuguta; vairerwa vakafuka micheka mitsvuku, zvino votsivama pamaturunhuru.
4:6b.LAM.004.006 Nokuti zvakaipa zvomukunda wavanhu vangu zvinopfuura zvivi zveSodhoma, iro rakaparadzwa kamwe-kamwe kusina maoko akaribata.
4:7b.LAM.004.007 Machinda aro akanga akapfuura chando nokunaka, akanga akachena kupfuura mukaka, akanga akatsvuka pamuviri kupfuura makorari, pakuonekwa akanga akaita sesafaya.
4:8b.LAM.004.008 Zviso zvavo zvasviba kupfuura mazimbe, havazikanwi munzira dzomuguta; ganda ravo rinonamatira mapfupa avo, raoma, rafanana nedanda.
4:9b.LAM.004.009 Vakaurawa nomunondo vakaita nani kuna vakaurawa nenzara; nokuti ava vaonda, vabayiwa nokushayiwa zvibereko zveminda.
4:10b.LAM.004.010 Maoko avakadzi vaiva nomoyo munyoro akabika vana vavo, zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
4:11b.LAM.004.011 Jehovha akaita zvaakanga achida nokutsamwa kwake, akadurura hasha dzake huru; akabatidza moto paZiyoni, akapedza nheyo dzaro.
4:12b.LAM.004.012 Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navose vagere panyika yose, kuti mudzivisi nomuvengi vachapinda pamasuo eJerusaremu.
4:13b.LAM.004.013 Zvakaitwa nokuda kwezvivi zvavaporofita varo, nezvakaipa zvavapirisiti varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.
4:14b.LAM.004.014 Vanodzungaira samapofu munzira dzomuguta, vakasvibiswa neropa, naizvozvo vanhu havagoni kubata nguvo dzavo.
4:15b.LAM.004.015 Vakadanidzira kwavari vachiti, Ibvai, makanora! Ibvai, ibvai, regai kutibata! Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu vakati pakati pamarudzi; Havangazogarizve pano vari vatorwa.
4:16b.LAM.004.016 Kutsamwa kwaJehovha kwakavaparadzira; haachavi nehanya navo; havana kurangarira vapirisiti, havana kukudza vakuru.
4:17b.LAM.004.017 Meso edu anongopera nazvino achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingagoni kutiponesa.
4:18b.LAM.004.018 Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika.
4:19b.LAM.004.019 Avo vakadzingana nesu, vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga; vakadzingana nesu pamakomo, vakatigarira murenje.
4:20b.LAM.004.020 Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.
4:21b.LAM.004.021 Farisisa, uve nomufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere panyika yeUzi; mukombe uchasvika kwauriwo; uchabatwa newaini ukazvifukura.
4:22b.LAM.004.022 Kurohwa kwezvakaipa zvako kwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapisizve; iye achakurova pamusoro pezvakaipa zvako, iwe mukunda weEdhomu; iye achafukura zvivi zvako.
5
5:1b.LAM.005.001 Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, muone kushorwa kwedu.
5:2b.LAM.005.002 Nhaka yedu yaenda kuvatorwa, nedzimba dzedu kune vokumwe.
5:3b.LAM.005.003 Tiri nherera navasina baba; madzimai edu akaita sechirikadzi.
5:4b.LAM.005.004 Takanwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari; huni dzedu takadzitengeserwa.
5:5b.LAM.005.005 Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu; taneta hatine zororo.
5:6b.LAM.005.006 Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaIjipiti, nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya.
5:7b.LAM.005.007 Madzibaba edu akatadza, zvino havachipo; isu takatakura zvakaipa zvavo.
5:8b.LAM.005.008 Varanda vanotibata ushe, hakuna angatirwira pamaoko avo.
5:9b.LAM.005.009 Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu hwedu huri panjodzi, nemhaka yomunondo uri kurenje.
5:10b.LAM.005.010 Ganda redu rasviba sechoto, nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
5:11b.LAM.005.011 Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.
5:12b.LAM.005.012 Machinda akasungirirwa namaoko avo, vakuru havana kukudzwa.
5:13b.LAM.005.013 Majaya akatakura guyo, vana vakagumburwa nokurema kwehuni.
5:14b.LAM.005.014 Vakuru vakarega kusvika pasuo, majaya akarega kuimba kwavo.
5:15b.LAM.005.015 Mufaro womoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashanduka kuchema.
5:16b.LAM.005.016 Korona yawa pamisoro yedu; tine nhamo! Nokuti takatadza.
5:17b.LAM.005.017 Nemhaka iyi moyo yedu yapera simba, nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka;
5:18b.LAM.005.018 nokuda kwegomo reZiyoni, rava dongo; makava anofambapo.
5:19b.LAM.005.019 Imi Jehovha muripo nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
5:20b.LAM.005.020 Munotikanganwireiko nokusingaperi, munotirasireiko nguva huru yakadai?
5:21b.LAM.005.021 Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sakare.
5:22b.LAM.005.022 Asi makatirasa chose here? Makatitsamwira zvikuru here?
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Lamentations (Shona). Lamentations (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C59F-7