Nehemiah (Shona)

Nehemiah (Shona)

1

1:1b.NEH.001.001 Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani,

1:2b.NEH.001.002 Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.

1:3b.NEH.001.003 Vakati kwandiri, Vakasara, vakasiyiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuo aro apiswa nomoto.

1:4b.NEH.001.004 Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga,

1:5b.NEH.001.005 ndikati, Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake;

1:6b.NEH.001.006 nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.

1:7b.NEH.001.007 Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.

1:8b.NEH.001.008 Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi, muchiti, Kana muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi;

1:9b.NEH.001.009 asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.

1:10b.NEH.001.010 Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikunura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba.

1:11b.NEH.001.011 Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)

2

2:1b.NEH.002.001 Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.

2:2b.NEH.002.002 Ipapo mambo akati kwandiri, Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomoyo chaidzo. Ndikatya kwazvo.

2:3b.NEH.002.003 Ndikati kuna mambo, Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuo aro atsva nomoto?

2:4b.NEH.002.004 Ipapo mambo akati kwandiri, Unokumbireiko? Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,

2:5b.NEH.002.005 ndikati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.

2:6b.NEH.002.006 Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.

2:7b.NEH.002.007 Uye ndakatiwo kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe mwadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri kworwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;

2:8b.NEH.002.008 neimwe mwadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda. Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.

2:9b.NEH.002.009 Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kworwizi, ndikavapa mwadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.

2:10b.NEH.002.010 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza moyo kwazvo.

2:11b.NEH.002.011 Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.

2:12b.NEH.002.012 Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.

2:13b.NEH.002.013 Ndikabuda usiku napasuo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuo aro akanga atsva nomoto.

2:14b.NEH.002.014 Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.

2:15b.NEH.002.015 Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.

2:16b.NEH.002.016 Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapirisiti, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.

2:17b.NEH.002.017 Zvino ndakati kwavari, Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.

2:18b.NEH.002.018 Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, Ngatisimuke, tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.

2:19b.NEH.002.019 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatiseka, nokutininipisa, vakati, Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?

2:20b.NEH.002.020 Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.

3

3:1b.NEH.003.001 Ipapo Eriashibhi mupirisiti mukuru akasimuka, nehama dzake vapirisiti, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.

3:2b.NEH.003.002 Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri.

3:3b.NEH.003.003 Suo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.

3:4b.NEH.003.004 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.

3:5b.NEH.003.005 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.

3:6b.NEH.003.006 Suo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.

3:7b.NEH.003.007 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kworwizi.

3:8b.NEH.003.008 Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.

3:9b.NEH.003.009 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu.

3:10b.NEH.003.010 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya.

3:11b.NEH.003.011 Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhi, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira.

3:12b.NEH.003.012 Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake.

3:13b.NEH.003.013 Suo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanoa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuo ramarara.

3:14b.NEH.003.014 Suo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.

3:15b.NEH.003.015 Suo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi.

3:16b.NEH.003.016 Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba.

3:17b.NEH.003.017 Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake.

3:18b.NEH.003.018 Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira.

3:19b.NEH.003.019 Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo.

3:20b.NEH.003.020 Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi mupirisiti mukuru.

3:21b.NEH.003.021 Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi.

3:22b.NEH.003.022 Vapirisiti, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira parutivi rwemba yake.

3:23b.NEH.003.023 Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake.

3:24b.NEH.003.024 Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona.

3:25b.NEH.003.025 Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.

3:26b.NEH.003.026 (Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.)

3:27b.NEH.003.027 VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi.

3:28b.NEH.003.028 Vapirisiti vakagadzira pamusoro pesuo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.

3:29b.NEH.003.029 Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira.

3:30b.NEH.003.030 Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.

3:31b.NEH.003.031 Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba.

3:32b.NEH.003.032 Pakati peimba yokumusoro pakona nesuo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi.

4

4:1b.NEH.004.001 Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha.

4:2b.NEH.004.002 Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?

4:3b.NEH.004.003 Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.

4:4b.NEH.004.004 Inzwai henyu, Mwari wedu, Nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa.

4:5b.NEH.004.005 Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nokuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki.

4:6b.NEH.004.006 Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti vanhu vakanga vachida kubata.

4:7b.NEH.004.007 Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo,

4:8b.NEH.004.008 vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo.

4:9b.NEH.004.009 Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo.

4:10b.NEH.004.010 Ipapo vaJudha vakati, Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.

4:11b.NEH.004.011 Vadzivisi vedu vakati, Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.

4:12b.NEH.004.012 Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, Munofanira kudzokera kwatiri.

4:13b.NEH.004.013 Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo.

4:14b.NEH.004.014 Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.

4:15b.NEH.004.015 Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.

4:16b.NEH.004.016 Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhovo, nouta, nenguvo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.

4:17b.NEH.004.017 Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo;

4:18b.NEH.004.018 uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake wakasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni.

4:19b.NEH.004.019 Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;

4:20b.NEH.004.020 papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.

4:21b.NEH.004.021 Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda.

4:22b.NEH.004.022 Nenguva iyo ndikati kuvanhu, Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.

4:23b.NEH.004.023 Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguvo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.

5

5:1b.NEH.005.001 Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.

5:2b.NEH.005.002 Nokuti vamwe vakati, Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.

5:3b.NEH.005.003 Vamwezve vakati, Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.

5:4b.NEH.005.004 Vamwezve vakati, Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa.

5:5b.NEH.005.005 Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemizambiringa yatova yavamwe.

5:6b.NEH.005.006 Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo.

5:7b.NEH.005.007 Zvino ndarangarira mumoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake. Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.

5:8b.NEH.005.008 Ndikati kwavari, Isu takadzikunura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here? Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.

5:9b.NEH.005.009 Ndikatiwo, Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni?

5:10b.NEH.005.010 Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, takavapa chikwerete chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.

5:11b.NEH.005.011 Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, zvamakatora kwavari iri mhindu.

5:12b.NEH.005.012 Ipapo vakati, Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita. Zvino ndakadana vapirisiti, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.

5:13b.NEH.005.013 Ndikazuzawo nguvo dzangu, ndikati, Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo. Ipapo ungano yose yakati, Ameni! Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.

5:14b.NEH.005.014 Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.

5:15b.NEH.005.015 Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nokuti ndakatya Mwari.

5:16b.NEH.005.016 Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa.

5:17b.NEH.005.017 Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi.

5:18b.NEH.005.018 Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nokuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.

5:19b.NEH.005.019 Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.

6

6:1b.NEH.006.001 Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;)

6:2b.NEH.006.002 Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno. Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa.

6:3b.NEH.006.003 Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?

6:4b.NEH.006.004 Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.

6:5b.NEH.006.005 Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata mwadhi yakazaruka muruoko rwake;

6:6b.NEH.006.006 imomo makanga makanyorwa, muchiti, Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.

6:7b.NEH.006.007 Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, Pakati paJudha pana mambo. Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose.

6:8b.NEH.006.008 Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumoyo mako.

6:9b.NEH.006.009 Nokuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa. Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu.

6:10b.NEH.006.010 Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.

6:11b.NEH.006.011 Ini ndakati, Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.

6:12b.NEH.006.012 Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitira izvozvo, nokuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati.

6:13b.NEH.006.013 Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora.

6:14b.NEH.006.014 Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa.

6:15b.NEH.006.015 Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.

6:16b.NEH.006.016 Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora moyo, nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.

6:17b.NEH.006.017 Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo mwadhi zhinji kuna Tobhia, uye mwadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.

6:18b.NEH.006.018 Nokuti vazhinji vaivapo paJudha vakanga vapika kwaari, nokuti waiva mukwambo waShekania mwanakomana waAra; mwanakomana wake Jehohanani akanga awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekia.

6:19b.NEH.006.019 Vakarumbidzawo mabasa ake akanaka pamberi pangu, nokumuudza mashoko angu. Tobhia akatuma mwadhi dzokundityisa.

7

7:1b.NEH.007.001 Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa,

7:2b.NEH.007.002 ndikagadza Hanani munununa wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.

7:3b.NEH.007.003 Ndikati kwavari, Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.

7:4b.NEH.007.004 Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa.

7:5b.NEH.007.005 Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:

7:6b.NEH.007.006 Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake.

7:7b.NEH.007.007 Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko:

7:8b.NEH.007.008 Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.

7:9b.NEH.007.009 Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.

7:10b.NEH.007.010 Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.

7:11b.NEH.007.011 Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere.

7:12b.NEH.007.012 Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.

7:13b.NEH.007.013 Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu.

7:14b.NEH.007.014 Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.

7:15b.NEH.007.015 Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere.

7:16b.NEH.007.016 Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere.

7:17b.NEH.007.017 Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri.

7:18b.NEH.007.018 Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe.

7:19b.NEH.007.019 Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe.

7:20b.NEH.007.020 Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu.

7:21b.NEH.007.021 Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.

7:22b.NEH.007.022 Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere.

7:23b.NEH.007.023 Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana.

7:24b.NEH.007.024 Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri.

7:25b.NEH.007.025 Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu.

7:26b.NEH.007.026 Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere.

7:27b.NEH.007.027 Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere.

7:28b.NEH.007.028 Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri.

7:29b.NEH.007.029 Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.

7:30b.NEH.007.030 Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.

7:31b.NEH.007.031 Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri.

7:32b.NEH.007.032 Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu.

7:33b.NEH.007.033 Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri.

7:34b.NEH.007.034 Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.

7:35b.NEH.007.035 Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.

7:36b.NEH.007.036 Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.

7:37b.NEH.007.037 Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe.

7:38b.NEH.007.038 Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu.

7:39b.NEH.007.039 Vapirisiti vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.

7:40b.NEH.007.040 Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.

7:41b.NEH.007.041 Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.

7:42b.NEH.007.042 Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.

7:43b.NEH.007.043 VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana.

7:44b.NEH.007.044 Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere.

7:45b.NEH.007.045 Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere.

7:46b.NEH.007.046 VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti,

7:47b.NEH.007.047 navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni,

7:48b.NEH.007.048 navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai,

7:49b.NEH.007.049 navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari,

7:50b.NEH.007.050 navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha,

7:51b.NEH.007.051 navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea,

7:52b.NEH.007.052 navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi.

7:53b.NEH.007.053 navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri,

7:54b.NEH.007.054 navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha,

7:55b.NEH.007.055 navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema,

7:56b.NEH.007.056 navana vaNezia, navana vaHatifa.

7:57b.NEH.007.057 Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha,

7:58b.NEH.007.058 navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri,

7:59b.NEH.007.059 navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni.

7:60b.NEH.007.060 VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

7:61b.NEH.007.061 Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.

7:62b.NEH.007.062 Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri.

7:63b.NEH.007.063 Pakati pavapirisiti vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.

7:64b.NEH.007.064 Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.

7:65b.NEH.007.065 ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.

7:66b.NEH.007.066 Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,

7:67b.NEH.007.067 vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu.

7:68b.NEH.007.068 Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu;

7:69b.NEH.007.069 makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.

7:70b.NEH.007.070 Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapirisiti dzina mazana mashanu namakumi matatu.

7:71b.NEH.007.071 Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.

7:72b.NEH.007.072 Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapirisiti dzina makumi matanhatu nenomwe.

7:73b.NEH.007.073 Zvino vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo

8

8:1b.NEH.008.001 Zvino vanhu vose vakaungana nomoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuo remvura; vakaudza Ezira munyori kuti auye nebhuku yomurayiro waMozisi, wakanga warairwa vaIsiraeri naJehovha.

8:2b.NEH.008.002 Ezira mupirisiti ndokuuya nomurayiro pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.

8:3b.NEH.008.003 Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro.

8:4b.NEH.008.004 Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.

8:5b.NEH.008.005 Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.

8:6b.NEH.008.006 Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, Ameni, Ameni, vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.

8:7b.NEH.008.007 Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.

8:8b.NEH.008.008 Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, ,vakanzwisisa zvinorahwa.

8:9b.NEH.008.009 Ipapo mubati Nehemiya, nomupirisiti Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.

8:10b.NEH.008.010 Ipapo akati kwavari, Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.

8:11b.NEH.008.011 Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, Nyararai henyu, nokuti izuva dzvene; musava neshungu.

8:12b.NEH.008.012 Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.

8:13b.NEH.008.013 Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapirisiti, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.

8:14b.NEH.008.014 Vakawana pakanyorwa mumurayiro, kuti Jehovha akaraira Mozisi, kuti vana vaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;

8:15b.NEH.008.015 uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa.

8:16b.NEH.008.016 Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuo remvura, napadare resuo raEfuremu.

8:17b.NEH.008.017 Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.

8:18b.NEH.008.018 Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava pabhuku yomurayiro waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.

9

9:1b.NEH.009.001 Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvekudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.

9:2b.NEH.009.002 Vorudzi rwavaIsiraeri vakazviraura pavatorwa vose, vakamira vakazvireurura zvivi zvavo nezvitadzo zvamadzibaba avo.

9:3b.NEH.009.003 Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mubhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.

9:4b.NEH.009.004 Ipapo Jeshua, naBhani, naKadhimieri, neShebhania, naBhuni, naSherebhia, naBhani, naKenani vakamira pamatanho avaRevhi, vakachema nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.

9:5b.NEH.009.005 Ipapo vaRevhi, Jeshua, naKadhimieri, naBhani, naHashabhineya, naSherebhia, naHodhia, naShebhania, naPetahiya vakati, Simukai, muvonge Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi-peri; zita renyu rinobwinya ngarikudzwe, iro rinokunda kuvonga nokurumbidza kwose.

9:6b.NEH.009.006 Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.

9:7b.NEH.009.007 Ndimi Jehovha Mwari akatsaura Abhuramu, mukamubudisa paUri ravaKaradhea, mukamupa zita rinonzi Abhurahamu;

9:8b.NEH.009.008 mukaona kuti moyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita sungano naye kuti muchapa vana vake nyika yavaKenani, neyavaHiti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaJebhusi, neyavaGirigashi, muchiita sezvamakataura, nokuti makarurama.

9:9b.NEH.009.009 Mukaona kutambudzika kwamadzibaba edu paIjipiti, mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku;

9:10b.NEH.009.010 mukaratidza Farao zviratidzo nezvinoshamisa, navaranda vake vose, navanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira izvozvo nokuzvikudza; mukazviwanira rumbidzo, sezvazvakaita nhasi.

9:11b.NEH.009.011 Mukaparadzanisa gungwa pamberi pavo; naizvozvo vakayambuka pakati pegungwa pakaoma; mukawisira vateveri vavo makadzika, sebwe mumvura ine simba.

9:12b.NEH.009.012 Makavafambisawo masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto, kuti vavhenekerwe panzira yavaifanira kufamba nayo.

9:13b.NEH.009.013 Makaburukirawo pagomo reSinai, mukataura navo muri kudenga, mukavapa zvakatongwa zakarurama nemitemo yakanaka, nemirayiro yezvokwadi, nemitemo yakanaka, nemirairo.

9:14b.NEH.009.014 Mukavazivisa Sabata renyu, dzvene, mukavaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMozisi muranda wenyu;

9:15b.NEH.009.015 mukavapa chingwa chakabva kudenga kuvagutisa panzara yavo, mukavabudisira mvura pabwe kupedza nyota yavo, mukavaraira kuti vapinde munyika kuiita yavo, iyo yamakanga mavapikira kuvapa.

9:16b.NEH.009.016 Asi ivo namadzibaba edu vakaita manyawi, vakaomesa mitsipa yavo, vakasateerera mirairo yenyu.

9:17b.NEH.009.017 Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.

9:18b.NEH.009.018 Kunyange panguva yavakazviitira mhuru yakaumbwa, vachiti, Ndiye Mwari wenyu akakubudisai paIjipiti, vakakutsamwisai kwazvo,

9:19b.NEH.009.019 kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.

9:20b.NEH.009.020 Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa, mukasanyima miromo yavo mana yenyu, mukavapa mvura kupedza nyota yavo.

9:21b.NEH.009.021 Makavararamisa makore makumi mana murenje, vakasashaiwa chinhu; nguvo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.

9:22b.NEH.009.022 Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.

9:23b.NEH.009.023 Mukawanza vana vavo vakaita senyeredzi dzokudenga; mukavasvitsa panyika yamakaudza madzibaba avo kuti vachapindamo kuzoiita yavo.

9:24b.NEH.009.024 Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.

9:25b.NEH.009.025 Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine fuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti; matsime akacherwa, neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru.

9:26b.NEH.009.026 Kunyange zvakadaro havana kuteerera, vakakumukirai, vakarashira murau wenyu shure kwemisana yavo vakauraya vaporofita venyu vaivapupurira, vachida kuvadzoserazve kwamuri, vakakutsamwisai kwazvo.

9:27b.NEH.009.027 Saka makavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakavamanikidza; zvino panguva yokutambudzika kwavo, pakuchema kwavo kwamuri, makavanzwa iko kudenga, netsitsi dzenyu zhinji mukavapa varwiri vakavarwira pamaoko avadzivisi vavo.

9:28b.NEH.009.028 Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;

9:29b.NEH.009.029 mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.

9:30b.NEH.009.030 Kunyange zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.

9:31b.NEH.009.031 Kunyange zvakadaro, netsitsi dzenyu zhinji hamuna kuvapedza chose, kana kuvarasha, nokuti muri Mwari une nyasha netsitsi.

9:32b.NEH.009.032 Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi,. ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.

9:33b.NEH.009.033 Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata.

9:34b.NEH.009.034 Kunyange madzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, namadzibaba edu, havana kuchengeta murau wenyu, kana kuteerera mirairo yenyu nezvipupuriro zvenyu, zvamakavapupurira nazvo.

9:35b.NEH.009.035 Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine fuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.

9:36b.NEH.009.036 Tarirai, tiri varanda nhasi uye kana iri nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi.

9:37b.NEH.009.037 Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.

9:38b.NEH.009.038 Kunyange zvose zvakadaro hazvo, tinoita sungano ine simba, tichiinyora; namachinda edu, navaRevhi vedu, navapirisiti vedu vanoisimbisa.

10

10:1b.NEH.010.001 Zvino vakasimbisa sungano ndivava: Nehemiya, mubati,mwanakomana waHakaria, naZedhekia;

10:2b.NEH.010.002 naSeraya, naAzaria, naJeremiya;

10:3b.NEH.010.003 naPashuri, naAmaria, naMarikiya;

10:4b.NEH.010.004 naHatushi, naShebhania, naMaruki;

10:5b.NEH.010.005 naHarimi, naMeremoti, nObhadhiya;

10:6b.NEH.010.006 naDhanyeri, naGinetoni, naBharuki;

10:7b.NEH.010.007 naMeshurami, naAbhiya, naMijamini;

10:8b.NEH.010.008 naMaazia, naBhirigai, naShemaya; ndivo vaiva vapirisiti.

10:9b.NEH.010.009 Uye vaRevhi ava: Jeshua, mwanakomana waAzania, naBhinui, wavanakomana vaHenadhadhi, naKadhimieri;

10:10b.NEH.010.010 nehama dzavo: Shebhania, naHodhia, naKerita, naPeraya, naHanani;

10:11b.NEH.010.011 naMika, naRehobhi, naHashabhia;

10:12b.NEH.010.012 naZakuri, naSherebhia, naShebhania;

10:13b.NEH.010.013 naHodhia, naBhani, naBheninu;

10:14b.NEH.010.014 uye vakuru vavanhu ava: Paroshi, naPahatimoabhi, naErami, naZatu, naBhani;

10:15b.NEH.010.015 naBhuni, naAzigadhi, naBhebhai;

10:16b.NEH.010.016 naAdhonia, naBhigivhadhi, naAdhini;

10:17b.NEH.010.017 naAteri, naHezekia, naAzuri;

10:18b.NEH.010.018 naHodhia, naHashumi, naBhezai,

10:19b.NEH.010.019 naHarifi, naAnatoti, naNobhai;

10:20b.NEH.010.020 naMagipiashi, naMeshurami, naHezeri;

10:21b.NEH.010.021 naMeshezabheri, naZadhoki, naJadhua;

10:22b.NEH.010.022 naPeratia, naHanani, naAnaya;

10:23b.NEH.010.023 naHoshea, naHanania, naHashubhi;

10:24b.NEH.010.024 naHaroheshi, naPiriha, naShobheki;

10:25b.NEH.010.025 naRehumi, naHashabhina, naMaaseya;

10:26b.NEH.010.026 naAhiya; naHanani, naAnani,

10:27b.NEH.010.027 naMaruki, naHarimi, naBhaana.

10:28b.NEH.010.028 Asi vamwe vanhu, ivo vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,

10:29b.NEH.010.029 vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMozisi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;

10:30b.NEH.010.030 uye kuti hatingapi vanhu venyika vakunda vedu kana kutorera vakomana vedu vakunda vavo;

10:31b.NEH.010.031 uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva reSabata, isu hatingavatengeri neSabata, kana panerimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.

10:32b.NEH.010.032 Takazviitirawo mutemo kuti ticharipira basa reimba yaMwari wedu chetatu cheshekeri pagore rimwe nerimwe;

10:33b.NEH.010.033 basa rezvingwa zvokuratidza, nechipiriso choupfu chenguva dzose, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, rapamaSabata, napakugara kwemwedzi, napane mimwe mitambo yakataurwa, nerezvimwe zvinhu zvitsvene, nerezvipiriso zvezvivi zvokuyananisira vaIsiraeri nazvo, neramabasa ose muimba yaMwari wedu.

10:34b.NEH.010.034 Tikakanda mijenya, isu vapirisiti navaRevhi navanhu, pamusoro pezvipo zvehuni, kuti tiuye nadzo mumba maMwari wedu, namadzoro edzimba dzamadzibaba edu, panguva dzakatarwa gore rimwe nerimwe, kuti dziveserwe paaritari yaJehovha Mwari wedu, sezvakanyorwa pamurayiro;

10:35b.NEH.010.035 tikazvisunga kuti tichauya nezvitsva zveminda yedu, nezvitsva zvezvibereko zvose zvemiti yamarudzi ose, gore rimwe nerimwe kumba kwaJehovha;

10:36b.NEH.010.036 namatangwe avanakomana vedu navana vemhongora dzezvipfuwo zvedu, sezvakanyorwa pamurau, navana vemhongora dzemombe dzedu namakwai edu, kuti tiuye nazvo kumba kwaMwari wedu, nokuvapirisiti vanobata mumba maMwari wedu;

10:37b.NEH.010.037 uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvapirisiti, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.

10:38b.NEH.010.038 Mupirisiti mwanakomana waAroni anofanira kuva navaRevhi kana vaRevhi vachitora zvegumi; zvino vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu kumakamuri eimba yefuma.

10:39b.NEH.010.039 Nokuti vana vaIsiraeri navana vaRevhi vanofanira kuuya nechipiriso chinotsaurwa chezviyo, newaini, namafuta, kumakamuri mune midziyo yeimba tsvene nokuvapirisiti vanobatamo, navarindi vemikova, navaimbi; hatingarashi imba yaMwari wedu.

11

11:1b.NEH.011.001 Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta.

11:2b.NEH.011.002 Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomoyo wavo kugara Jerusaremu.

11:3b.NEH.011.003 Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni.

11:4b.NEH.011.004 PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi;

11:5b.NEH.011.005 naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi.

11:6b.NEH.011.006 Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare.

11:7b.NEH.011.007 Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya.

11:8b.NEH.011.008 Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere,

11:9b.NEH.011.009 naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta.

11:10b.NEH.011.010 Vavapirisiti: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini,

11:11b.NEH.011.011 Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari,

11:12b.NEH.011.012 nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija,

11:13b.NEH.011.013 nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri,

11:14b.NEH.011.014 nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi.

11:15b.NEH.011.015 Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;

11:16b.NEH.011.016 naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari;

11:17b.NEH.011.017 naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.

11:18b.NEH.011.018 VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana.

11:19b.NEH.011.019 Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri.

11:20b.NEH.011.020 Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavapirisiti navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake.

11:21b.NEH.011.021 Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi.

11:22b.NEH.011.022 Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari.

11:23b.NEH.011.023 Nokuti mambo akanga araira pamusoro pavo, navaimbi vaipiwa mubayiro wakatarwa zuva rimwe nerimwe.

11:24b.NEH.011.024 Petahia, mwanakomana waMeshazabheri, wavana vaZera, mwanakomana waJudha, ndiye akanga ari mubatsiri wamambo pamashoko ose avanhu.

11:25b.NEH.011.025 Kana iri misha nokuruwa rwayo, vamwe vavana vaJudha vakagara paKiriatiarabha nemisha yaro, napaDhibhoni nemisha yaro, napaJekabhizeeri nemisha yaro;

11:26b.NEH.011.026 napaJeshua, napaMoradha, napaBheerishebha nemisha yawo;

11:27b.NEH.011.027 napaHazarishuari, napaBheerishebha nemisha yawo;

11:28b.NEH.011.028 napaZikiragi, napaMekona nemisha yawo;

11:29b.NEH.011.029 napaEnirimoni, napaZora, napaJarimuti;

11:30b.NEH.011.030 neZanoa, neAdhurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa yavo kubva paBheerishebha kusvikira pamupata weHinomi.

11:31b.NEH.011.031 Vana vaBhenjamini vakagara kubva paGebha, paMikimashi, neAya, napaBhetieri nemisha yawo;

11:32b.NEH.011.032 neAnatoti, neNobhi, neAnania;

11:33b.NEH.011.033 neHazori, neRama, neGitaimi;

11:34b.NEH.011.034 neHadhidhi, neZebhoimi, neNebharati;

11:35b.NEH.011.035 neRodhi, neOno, neGehaharashimi.

11:36b.NEH.011.036 Vamwe vaRevhi vamapoka aJudha vakagara pakati pavaBhenjamini.

12

12:1b.NEH.012.001 Zvino ava ndivo vapirisiti navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;

12:2b.NEH.012.002 naAmaria, naMaruki, naHatushi;

12:3b.NEH.012.003 naShekania, naRehumi, naMeremoti;

12:4b.NEH.012.004 naIdho, naGinetoi, naAbhiya;

12:5b.NEH.012.005 naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;

12:6b.NEH.012.006 naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;

12:7b.NEH.012.007 naSaru, naAmoki, naKirikiiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapirisiti navehama dzavo pamazuva aJeshua.

12:8b.NEH.012.008 Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.

12:9b.NEH.012.009 NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.

12:10b.NEH.012.010 Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;

12:11b.NEH.012.011 Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.

12:12b.NEH.012.012 Pamazuva aJoyakimu vapirisiti, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya

12:13b.NEH.012.013 wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;

12:14b.NEH.012.014 wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;

12:15b.NEH.012.015 wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;

12:16b.NEH.012.016 wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;

12:17b.NEH.012.017 wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai

12:18b.NEH.012.018 wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani,

12:19b.NEH.012.019 wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;

12:20b.NEH.012.020 wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;

12:21b.NEH.012.021 wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.

12:22b.NEH.012.022 VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohanani, naJadhua; navapirisitiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.

12:23b.NEH.012.023 Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohanani mwanakomana waEriashibhi.

12:24b.NEH.012.024 Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.

12:25b.NEH.012.025 Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo.

12:26b.NEH.012.026 Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomupirisiti Ezira munyori. Rusvingo rweJerusaremu runotsaurirwa Jehovha

12:27b.NEH.012.027 Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira.

12:28b.NEH.012.028 Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;

12:29b.NEH.012.029 napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.

12:30b.NEH.012.030 Zvino vapirisiti navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo.

12:31b.NEH.012.031 Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;

12:32b.NEH.012.032 shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,

12:33b.NEH.012.033 naAzaria, naEzira, naMeshurami,

12:34b.NEH.012.034 naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,

12:35b.NEH.012.035 navamwe vanakomana vavapirisiti vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,

12:36b.NEH.012.036 nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;

12:37b.NEH.012.037 vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva.

12:38b.NEH.012.038 Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;

12:39b.NEH.012.039 napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai, vakamira pasuo ravarindi.

12:40b.NEH.012.040 Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,

12:41b.NEH.012.041 navapirisiti Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;

12:42b.NEH.012.042 naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.

12:43b.NEH.012.043 Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.

12:44b.NEH.012.044 Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapirisiti neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapirisiti navaRevhi vaishumira.

12:45b.NEH.012.045 Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.

12:46b.NEH.012.046 Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.

12:47b.NEH.012.047 Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikanwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.

13

13:1b.NEH.013.001 Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMozisi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi;

13:2b.NEH.013.002 nokuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.

13:3b.NEH.013.003 Zvino vakati vanzwa murau, vakaraura vanhu vazhinji vose vakanga vakavhengana navaIsiraeri.

13:4b.NEH.013.004 Zvino izvi zvisati zvaitwa, Eriashibhi mupirisiti, akanga aitwa mutariri wamakamuri eimba yaMwari wedu, wakashamwaridzana naTobhia,

13:5b.NEH.013.005 akamugadzirira kamuri huru pavaichengeta kare zvipiriso zvoupfu, nezvinonhuwira, nemidziyo, nezvegumi nezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, zvakanga zvarairwa kuti zvipiwe vaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, nezvipiriso zvaitsaurirwa vapirisiti.

13:6b.NEH.013.006 Asi nenguva iyo yose ini ndakanga ndisipo paJerusaremu; nokuti negore ramakumi matatu namaviri raAritashasita mambo weBhabhironi, ini ndakaenda kuna mambo; zvino mamwe mazuva akati apfuura ndikakumbira kuna mambo,

13:7b.NEH.013.007 ndikasvika Jerusaremu, ndikanzwa zvakaipa zvakanga zvaitwa naEriashibhi, kuti wakanga agadzirira Tobhia kamuri paruvazhe rweimba yaMwari.

13:8b.NEH.013.008 Ndikava neshungu kwazvo; saka ndakarashira kunze kwekamuri nhumbi dzose dzaTobhia.

13:9b.NEH.013.009 Ipapo ndakaraira vakanatsa makamuri; ndikadzoseramozve midziyo yeimba yaMwari, pamwechete nezvipiriso zvoupfu nezvinonhuwira.

13:10b.NEH.013.010 Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.

13:11b.NEH.013.011 Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, Imba yaMwari yasiyirweiko? Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.

13:12b.NEH.013.012 Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.

13:13b.NEH.013.013 Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vefuma, Sheremia mupirisiti, naZadhoki munyori, navaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nokuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo.

13:14b.NEH.013.014 Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi.

13:15b.NEH.013.015 Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.

13:16b.NEH.013.016 Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva reSabata.

13:17b.NEH.013.017 Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva reSabata?

13:18b.NEH.013.018 Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata.

13:19b.NEH.013.019 Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.

13:20b.NEH.013.020 Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri.

13:21b.NEH.013.021 Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai. Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve neSabata.

13:22b.NEH.013.022 Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuo, vatsaure zuva reSabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.

13:23b.NEH.013.023 Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu;

13:24b.NEH.013.024 vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo.

13:25b.NEH.013.025 Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo.

13:26b.NEH.013.026 Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.

13:27b.NEH.013.027 Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?

13:28b.NEH.013.028 Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupirisiti mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.

13:29b.NEH.013.029 Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upirisiti nesungano youpirisiti neyavaRevhi.

13:30b.NEH.013.030 Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapirisiti navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake;

13:31b.NEH.013.031 napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Nehemiah (Shona). Nehemiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C584-4