Ezra (Shona)
1
1:1b.EZR.001.001 Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati,
1:2b.EZR.001.002 Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha.
1:3b.EZR.001.003 Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu.
1:4b.EZR.001.004 Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsirc nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.
1:5b.EZR.001.005 Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapirisiti, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
1:6b.EZR.001.006 Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomoyo wavo.
1:7b.EZR.001.007 Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake;
1:8b.EZR.001.008 Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wefuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha.
1:9b.EZR.001.009 Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe;
1:10b.EZR.001.010 nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe.
1:11b.EZR.001.011 Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu.
2
2:1b.EZR.002.001 Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake;
2:2b.EZR.002.002 ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana.
2:3b.EZR.002.003 Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
2:4b.EZR.002.004 Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
2:5b.EZR.002.005 Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu.
2:6b.EZR.002.006 Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshua naJoabhi, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri.
2:7b.EZR.002.007 Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
2:8b.EZR.002.008 Vana vaZetu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu.
2:9b.EZR.002.009 Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
2:10b.EZR.002.010 Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi maviri navaviri.
2:11b.EZR.002.011 Vana vaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navatatu.
2:12b.EZR.002.012 Vana vaAzagadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri.
2:13b.EZR.002.013 Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu.
2:14b.EZR.002.014 Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu.
2:15b.EZR.002.015 Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana.
2:16b.EZR.002.016 Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
2:17b.EZR.002.017 Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu.
2:18b.EZR.002.018 Vana vaJora, zana negumi navaviri
2:19b.EZR.002.019 Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
2:20b.EZR.002.020 Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu.
2:21b.EZR.002.021 Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu
2:22b.EZR.002.022 Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu.
2:23b.EZR.002.023 Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere.
2:24b.EZR.002.024 Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri.
2:25b.EZR.002.025 Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
2:26b.EZR.002.026 Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
2:27b.EZR.002.027 Varume veMikimashi, zana namakumi maviri navaviri.
2:28b.EZR.002.028 Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
2:29b.EZR.002.029 Varume veNebho, makumi mashanu navaviri.
2:30b.EZR.002.030 Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu.
2:31b.EZR.002.031 Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
2:32b.EZR.002.032 Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
2:33b.EZR.002.033 Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu.
2:34b.EZR.002.034 Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
2:35b.EZR.002.035 Vana veSena, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
2:36b.EZR.002.036 Vapirisiti vakanga vari: Vana vaJadhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
2:37b.EZR.002.037 Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
2:38b.EZR.002.038 Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
2:39b.EZR.002.039 Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
2:40b.EZR.002.040 VaRevhi vakanga vari: Vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana.
2:41b.EZR.002.041 Vaimbi vakanga vari: Vana vaAsafi, zana namakumi maviri navasere.
2:42b.EZR.002.042 Vana vavarindi vemikova vakanga vari: Vana vaSharumi, navana vaAteri navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, vose zana namakumi matatu navapfumbamwe.
2:43b.EZR.002.043 VaNetinimi vakanga vari: Vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti;
2:44b.EZR.002.044 navana vaKerosi navana vaShiaha, navana vaPadhoni;
2:45b.EZR.002.045 navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaAkubhi;
2:46b.EZR.002.046 navana vaHagabhi, navana vaShamirai, navana vaHanani,
2:47b.EZR.002.047 navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya;
2:48b.EZR.002.048 navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami;
2:49b.EZR.002.049 navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai;
2:50b.EZR.002.050 navana vaAsina, navana vaMeunimi, navana vaNefisimi;
2:51b.EZR.002.051 navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri;
2:52b.EZR.002.052 navana vaBhaziruti, navana vaMehidha, navana vaHarishaa;
2:53b.EZR.002.053 navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema;
2:54b.EZR.002.054 navana vaNezia, navana vaHatifa.
2:55b.EZR.002.055 Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari: Vana vaSotai, navana vaHasofereti, navana vaPerudha;
2:56b.EZR.002.056 navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri;
2:57b.EZR.002.057 navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmi.
2:58b.EZR.002.058 VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
2:59b.EZR.002.059 Ndizvo vakakwira vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhani, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, namarudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
2:60b.EZR.002.060 Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
2:61b.EZR.002.061 Navana vavapirisiti vakanga vari: Vana vaHabhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
2:62b.EZR.002.062 Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.
2:63b.EZR.002.063 Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.
2:64b.EZR.002.064 Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
2:65b.EZR.002.065 vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vakanga vana vaimbi varume navakadzi vana mazana maviri.
2:66b.EZR.002.066 Vakanga vana mabhiza ana mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; mahesera avo akanga ana mazana maviri namakumi mana namashanu;
2:67b.EZR.002.067 makamera avo, mazana mana namakumi matatu namashanu, nembongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
2:68b.EZR.002.068 Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha paJerusaremu, vakavigira nomoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo.
2:69b.EZR.002.069 Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavapirisiti dzine zana.
2:70b.EZR.002.070 Zvino vapirisiti navaRevhi, navamwe vanhu, navaimbi navarindi vemikova, navaNetinimi, vakagara pamaguta avo, navaIsiraeri vose pamaguta avo.
3
3:1b.EZR.003.001 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsiraeri vava mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwechete nomoyo mumwe paJerusaremu.
3:2b.EZR.003.002 Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
3:3b.EZR.003.003 Vakagadzika aritari panzvimbo yayo, nokuti vakatya vanhu venyika idzo; vakabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo, izvo zvipiriso zvaipiswa mangwanani namadekwana.
3:4b.EZR.003.004 Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvanyorwa; vakauya nezvipiriso zvaipiswa zuva rimwe nerimwe sezvakataurwa, sezvavakarairwa, zvakadikanwa pazuva rimwe nerimwe.
3:5b.EZR.003.005 Uye pashure chipiriso chaipiswa nguva dzose, nezvipiriso zvapakugara kwemwedzi, nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yakanga yakatsaurwa, nenhendo dzakavigirwa Jehovha nokuzvidira naani nani.
3:6b.EZR.003.006 Vakatanga kubayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe; asi nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
3:7b.EZR.003.007 Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokunwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
3:8b.EZR.003.008 Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapirisiti navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
3:9b.EZR.003.009 Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
3:10b.EZR.003.010 Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapirisiti vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
3:11b.EZR.003.011 Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri. Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
3:12b.EZR.003.012 Asi vazhinji vavapirisiti navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
3:13b.EZR.003.013 naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokuchema kwavanhu; nokuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.
4
4:1b.EZR.004.001 Zvino vadzivisi vavaJudha navaBhenjamini vakati vachinzwa kuti vatapwa vavakira Jehovha Mwari waIsiraeri temberi;
4:2b.EZR.004.002 vakaswedera kuna Zerubhabheri, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba, vakati kwavari, Ngativake nemi, nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, semiwo; tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, wakatisvitsa pano.
4:3b.EZR.004.003 Asi Zerubhabheri, naJeshua, navamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri vakati kwavari, Imi hamungatongobatsirani nesu pakuvakira Mwari wedu imba; asi isu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvatakarairwa namambo Koreshi mambo wePerisia.
4:4b.EZR.004.004 Ipapo vanhu venyika iyo vakashaisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka;
4:5b.EZR.004.005 vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePerisia, kusvikira Dhariusi mambo wePerisia achizobata ushe.
4:6b.EZR.004.006 Zvino Ahasheroshi akati obata ushe, vakanyora mwadhi yokukwirira vakanga vagere kwaJudha neJerusaremu.
4:7b.EZR.004.007 Zvino pamazuva aAritashasita, Bhishirami, naMitiredhati, naTabheeri nedzimwe shamwari dzake, vakanyorera Aritashasita mambo wePerisia; iyo mwadhi yakanga yakanyorwa namabhii echiAramia, nokududzirwawo nechiAramia.
4:8b.EZR.004.008 Rehumi mukuru naShimishai munyori vakanyorera mambo Aritashasita mwadhi yokukwirira veJerusaremu yaiti,
4:9b.EZR.004.009 Rehumi mukuru, naShimishai munyori, namamwe makurukota avo, ivo vaDhinai, navaAfarisatiki, navaTariperi, navaAfarisi, navaArikevhi, navaBhabhironi, navaShushaniki, navaDhehai, navaErami,
4:10b.EZR.004.010 nedzimwe ndudzi dzakauya naOsinapari mukuru wakakurumbira, dzikaiswa paguta reSamaria, napanamamwe mativi enyika mhiri kworwizi, namamwe mashoko akadai.
4:11b.EZR.004.011 Ndiwo mashoko emwadhi yavakatuma kuna mambo Aritashasita , Varanda venyu, ivo varume vari mhiri kworwizi, namamwe, mashoko akadai.
4:12b.EZR.004.012 Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.
4:13b.EZR.004.013 Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo achatadzirwa.
4:14b.EZR.004.014 Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma mwadhi kuzozivisa mambo;
4:15b.EZR.004.015 kuti vanzvere pabhuku yenhau yamadzibaba enyu; muchaona mubhuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vairamba vachimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
4:16b.EZR.004.016 Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwazve, namasvingo akapera, nemhaka iyo hamungazovi nomugove mhiri kworwizi.
4:17b.EZR.004.017 Ipapo mambo akatuma mhinduro kuna Rehumi mukuru, naShimishai munyori, nedzimwe shamwari dzavo dzaigara Samaria napamwe mhiri kworwizi, achiti, Rugare ngaruve nemi, namamwe mashoko akadai.
4:18b.EZR.004.018 mwadhi yamakatitumira, ndairavirwa zvakanaka.
4:19b.EZR.004.019 Ndikaraira, vakanzvera vakaona kuti guta iri raimukira madzimambo kubva kare nakare, uye kuti mukati maro maiva nokumukira mambo nokurangana zvakaipa.
4:20b.EZR.004.020 Uye madzimambo ane simba aivapo paJerusaremu, aibata ushe ose pamhiri porwizi; ivo vaibudisirwa mutero, nezvipo, nomuripo wenzira.
4:21b.EZR.004.021 Zvino temai chirevo chokuti vanhu avo varege basa ravo, guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndatema chirevo.
4:22b.EZR.004.022 Chenjerai, musanonoka pachinhu ichi; chakaipa chichakurireiko, kuzotadzira madzimambo?
4:23b.EZR.004.023 Zvino mashoko emwadhi yamambo Aritashasita akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.
4:24b.EZR.004.024 Ipapo basa reimba yaMwari paJerusaremu rakaregwa; rikaregwa kusvikira pagore rechipiri rokubata ushe kwaDhariusi mambo wePerisia.
5
5:1b.EZR.005.001 Zvino vaporofita, vaiti muporofita Hagai, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofitira vaJudha vakanga vari paJudha neJerusaremu; vakaporofitira nezita raMwari waIsiraeri.
5:2b.EZR.005.002 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka, vakatanga kuvaka imba yaMwari paJerusaremu; vaporofita vaMwari, vakanga vanavo, vachivabatsira.
5:3b.EZR.005.003 Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?
5:4b.EZR.005.004 Ipapo vakataurawo navo, vakati, Mazita avarume vanovaka imba iyi ndivanaani ?
5:5b.EZR.005.005 Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira vakuru vavaJudha, havana kuvaregesa basa, kusvikira mhaka yaiswa kuna Dhariusi nemhinduro pamusoro payo ichizodzoka nemwadhi.
5:6b.EZR.005.006 Ndiwo mashoko emwadhi yakatumirwa mambo Dhariusi naTatenai mubati mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, nemakurukota ake vaAfarishaki, vakanga vari mhiri kworwizi;
5:7b.EZR.005.007 vakamutumira mwadhi makanga makanyorwa kudai, Kuna mambo Dhariusi, rugare rwose ngaruve nemi.
5:8b.EZR.005.008 Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo, basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
5:9b.EZR.005.009 Zvino takabvunza vakuru ivavo, tikati kwavari, Ndianiko wakakurairai kuvaka imba iyi nokupedza rusvingo urwu?
5:10b.EZR.005.010 Takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, tinyore mazita avarume vanovatungamirira.
5:11b.EZR.005.011 Vakapindura vachiti, Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.
5:12b.EZR.005.012 Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
5:13b.EZR.005.013 Asi negore rokutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMwari ivakwe.
5:14b.EZR.005.014 Nemidziyo yendarama neyesirivha yeimba yaMwari, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari patemberi yaiva Jerusaremu, ikaiswa mutemberi yeBhabhironi, mambo Koreshi akabvisa izvozvo mutemberi yeBhabhironi, zvikapiwa mumwe wainzi Sheshibhazari, waakanga aita mubati;
5:15b.EZR.005.015 akati kwaari, Tora midziyo iyi, undoiisa mutemberi iri Jerusaremu, imba yaMwari ivakwe panzvimbo yayo.
5:16b.EZR.005.016 Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri Jerusaremu; zvino kubva panguva iyo kusvikira zvino yakaramba ichivakwa, nazvino ichigere kupera.
5:17b.EZR.005.017 Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi.
6
6:1b.EZR.006.001 Ipapo mambo Dhariusi akaraira, vakanzvera paimba yamabhuku, pavaichengeta fuma paBhabhironi.
6:2b.EZR.006.002 Vakawana paAkimeta, paimba yamambo, yakanga iri parutivi rwenyika yeMedhia, rugwaro rwakapetwa makanga makanyorwa kudai kuti varangarire,
6:3b.EZR.006.003 Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
6:4b.EZR.006.004 ngaive nemisara mitatu yamabwe makuru, nomusara mumwe wamatanda matsva; mari yokuvaka nayo ngaitorwe paimba yamambo.
6:5b.EZR.006.005 Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.
6:6b.EZR.006.006 Naizvozvo zvino imi Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avaAfarisaki, imi muri mhiri kworwizi, chibvai ipapo;
6:7b.EZR.006.007 varegei pabasa reimba yaMwari; mubati wavaJudha navakuru vavaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
6:8b.EZR.006.008 Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
6:9b.EZR.006.009 Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondohwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapirisiti vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
6:10b.EZR.006.010 kuti vagone kuvigira Mwari wokudenga zvibayiro zvinonhuwira zvakanaka, vanyengetererewo upenyu hwamambo, nohwavanakomana vake.
6:11b.EZR.006.011 Ndatemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroverwe pariri; uye imba yake iitwe durunhuru pamusoro pechinhu ichi;
6:12b.EZR.006.012 Mwari, akagarisa zita rake ipapo, ngaaparadze madzimambo ose avanhu vachatambanudza maoko avo kushandura chinhu ichi, nokuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusaremu. Ini Dhariusi ndatema chirevo ichi; ngazviitwe nokukurumidza.
6:13b.EZR.006.013 Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
6:14b.EZR.006.014 Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waldho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
6:15b.EZR.006.015 Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dhariusi.
6:16b.EZR.006.016 Vana vaIsiraeri navapirisiti, navaRevhi, navamwe vakanga vatapwa vakatsaurira Mwari imba iyi nomufaro.
6:17b.EZR.006.017 Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
6:18b.EZR.006.018 Vakagadza vapirisiti pamakamu avo, navaRevhi pamapoka avo, pabasa raMwari paJerusaremu; sezvakanga zvanyorwa pabhuku yaMozisi.
6:19b.EZR.006.019 Vatapwa vakaita Pasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
6:20b.EZR.006.020 Nokuti vapirisiti navaRevhi vakanga vazvinatsa nomoyo mumwe, vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapirisiti, naivo vamene.
6:21b.EZR.006.021 Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
6:22b.EZR.006.022 vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira moyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsiraeri.
7
7:1b.EZR.007.001 Zvino shure kwaizvozvo, Aritashasita mambo wePerisia achibata ushe, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
7:2b.EZR.007.002 mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,
7:3b.EZR.007.003 mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
7:4b.EZR.007.004 mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
7:5b.EZR.007.005 mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, mupirisiti mukuru
7:6b.EZR.007.006 uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMozisi, akanga wapiwa naJehovha Mwari walsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
7:7b.EZR.007.007 Navamwe vavana vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, vakaenda Jerusaremu negore rechinomwe ramambo Aritashasita.
7:8b.EZR.007.008 Akasvika Jerusaremu nomwedzi wechishanu pagore rechinomwe ramambo.
7:9b.EZR.007.009 Nokuti akatanga kubva Bhabhironi nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, akasvika Jerusaremu nezuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuda kworuoko rwakanaka rwaMwari wake rwakanga ruri pamusoro pake.
7:10b.EZR.007.010 Nokuti Ezira akanga ashingaira nomoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsiraeri zvaakatema nezvaakatonga.
7:11b.EZR.007.011 Zvino ndiwo mashoko emwadhi iyo mambo Aritashasita yaakapa Ezira mupirisiti nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri,
7:12b.EZR.007.012 Aritashasita mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupirisiti, munyori womurayiro waMwari wokudenga, wakakwana, namamwe mashoko akadai.
7:13b.EZR.007.013 Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose vaIsiraeri, navapirisiti vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe.
7:14b.EZR.007.014 Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurayiro waMwari wako uri muruoko rwako.
7:15b.EZR.007.015 Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu,
7:16b.EZR.007.016 nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapirisiti, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomoyo yavo;
7:17b.EZR.007.017 zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
7:18b.EZR.007.018 Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikanwa naMwari wenyu.
7:19b.EZR.007.019 Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu.
7:20b.EZR.007.020 Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikanwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yefuma yamambo.
7:21b.EZR.007.021 Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vefuma mhiri kworwizi, ndichiti, Zvose Ezira mupirisiti, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
7:22b.EZR.007.022 kusvikira pamatarenta esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.
7:23b.EZR.007.023 Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nokuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko?
7:24b.EZR.007.024 Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapirisiti vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira.
7:25b.EZR.007.025 Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kworwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
7:26b.EZR.007.026 Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.
7:27b.EZR.007.027 Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu;
7:28b.EZR.007.028 iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.
8
8:1b.EZR.008.001 Zvino ava ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, uye ndiwo mazita avakabva neni Bhabhironi, panguva yokubata ushe kwamambo Aritashasita.
8:2b.EZR.008.002 Pakati pavanakomana vaPinehasi, Gerishomi; pakati pavanakomana vaItamari, Dhanyeri; pakati pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi.
8:3b.EZR.008.003 Pakati pavanakomana vaShekania, pakati pavanakomana vaParoshi, Zekariya, uye pamwechete naye vakaverenga mazita avarume vane zana namakumi mashanu.
8:4b.EZR.008.004 Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi, Eriehoenai mwanakomana waZerahia; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri.
8:5b.EZR.008.005 Pakati pavanakomana vaShekania, mwanakomana waJahazieri, uye pamwechete naye varume vana mazana matatu.
8:6b.EZR.008.006 Pakati pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwechete naye varume vana makumi mashanu.
8:7b.EZR.008.007 Pakati pavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtaria; uye pamwechete naye varume vana makumi manomwe.
8:8b.EZR.008.008 Pakati pavanakomana vaShefatia, Zebhadhia mwanakomana waMikaeri; uye pamwechete naye varume vana makumi masere.
8:9b.EZR.008.009 Pakati pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri negumi navasere.
8:10b.EZR.008.010 Pakati pavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya, uye pamwechete naye varume vane zana namakumi matanhatu.
8:11b.EZR.008.011 Pakati pavanakomana vaBhebhai, Zekariya mwanakomana waBhebhai; uye pamwechete naye varume vana makumi maviri navasere.
8:12b.EZR.008.012 Pakati pavanakomana vaAzagadhi, Johanani mwanakomana waHakatani; uye pamwechete naye varume vane zana negumi rimwe.
8:13b.EZR.008.013 Pakati pavanakomana vaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; uye pamwechete navo varume vana makumi matanhatu.
8:14b.EZR.008.014 Pakati pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwechete navo varume vana makumi manomwe.
8:15b.EZR.008.015 Ndikavakokera vose parwizi runoenda Ahavha; tikagarapo pamisasa mazuva matatu; ndikacherekedza vanhu navapirisiti, ndikashaiwapo kunyange nomumwe wavanakomana vaRevhi.
8:16b.EZR.008.016 Ipapo ndikatuma nhume kuzodana Eriezeri, naArieri, naShemaya, naErinatani, naJaribhati, naErinatani, naNatani, naZekariya, naMeshurami, vaiva vakuru; uye Joyaribhi, naErinatani, vaiva vadzidzisi.
8:17b.EZR.008.017 Ndikavatuma kuna Idho, waiva mukuru panzvimbo yainzi Kasifia; ndikavaudza zvavaifanira kutaura kuna Idho, nehama dzake vaNetinimi, panzvimbo yainzi Kasifia, kuti vauye kwatiri navabatiri veimba yaMwari wedu.
8:18b.EZR.008.018 Zvino ruoko rwakanaka rwaMwari wedu rwakanga ruri pamusoro pedu, saka vakauya kwatiri nomunhu akangwara wavana vaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri; naSherebhia, navanakomana vake nehama dzake vose gumi navasere;
8:19b.EZR.008.019 naHashabhiya, uye pamwechete naye Jeshaya wavanakomana vaMerari, nehama dzake navanakomana vavo, vose makumi maviri;
8:20b.EZR.008.020 napakati pavaNetinimi, vakanga vagadzwa naDhavhidhi namachinda pabasa ravaRevhi, vaNetinimi vana mazana maviri namakumi maviri; vose vakanga vakanyorwa mazita avo.
8:21b.EZR.008.021 Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nefuma yedu yose nzira yakarurama.
8:22b.EZR.008.022 Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha.
8:23b.EZR.008.023 Naizvozvo takazvinyima zvokudya, tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, akatinzwa.
8:24b.EZR.008.024 Ipapo ndakatsaura vane gumi navaviri pakati pavakuru vavapirisiti, vaiti, Sherebhia, naHashabhiya, nedzimwe hama dzavo dzine gumi pamwechete navo;
8:25b.EZR.008.025 ndikavayerera sirivha, nendarama, nemidziyo, icho chipo chakanga chapiwa imba yaMwari wedu namambo, namakurukota ake, namachinda, navaIsiraeri vose vakanga varipo.
8:26b.EZR.008.026 Ndakayerera pamaoko avo matarenda esirivha ana mazana matanhatu namakumi mashanu, nemidziyo yesirivha yakasvika matarenda ane zana, neyendarama yakasvika matarenda ane zana;
8:27b.EZR.008.027 nembiya dzina makumi maviri dzendarama yakasvika madhariki ane chiuru chimwe; nemidziyo miviri yendarira yakanga yakaisvonaka, yaibwinya, yaikosha sendarama.
8:28b.EZR.008.028 Ndikati kwavari, Imi muri vatsvene vaJehovha, nemidziyo mitsvenewo; uye sirivha nendarama ndizvo zvipo zvokungopa nokuzvidira zvakavigirwa Jehovha Mwari wamadzibaba enyu.
8:29b.EZR.008.029 Muzvirindire, nokuzvichengeta, kusvikira mozviyera pamberi pavakuru, vavapirisiti navaRevhi, namachinda edzimba dzamadzibaba avaIsiraeri paJerusaremu, mumakamuri eimba yaJehovha.
8:30b.EZR.008.030 Naizvozvo vapirisiti navaRevhi vakagamuchira sirivha, nendarama, nemidziyo, vayererwa kurema kwazvo, kuti vazviise Jerusaremu paimba yaMwari wedu.
8:31b.EZR.008.031 Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.
8:32b.EZR.008.032 Tikasvika Jerusaremu, tikagarapo mazuva matatu.
8:33b.EZR.008.033 Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womupirisiti Uriya; Ereazari mwanakomana waPinehasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.
8:34b.EZR.008.034 Zvose zvakaverengwa nokuyerwa kurema kwazvo ; kurema kwose kukanyorwa nenguva
8:35b.EZR.008.035 Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzavaIsiraeri vose, namakondohwe makumi mapfumbamwe navatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.
8:36b.EZR.008.036 Zvirevo zvamambo vakazvipa machinda amambo, navabati mhiri kworwizi, ivo vakabatsira vanhu neimba yaMwari.
9
9:1b.EZR.009.001 Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, Vanhu vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori.
9:2b.EZR.009.002 Nokuti vakatora vakunda vavo vave vakadzi vavo navavanakomana vavo; naizvozvo rudzi rutsvene rwakazvivenganisa navanhu venyika; zvirokwazvo maoko amachinda navabati ndiwo akanyanya pakudarika uku.
9:3b.EZR.009.003 Zvino ini ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguvo yangu nejasi rangu, ndikataura vhudzi romusoro wangu nendebvu dzangu, ndikagara pasi ndakakanuka.
9:4b.EZR.009.004 Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
9:5b.EZR.009.005 Zvino panguva yechipiriso chamadekwana ndikasimuka pakuzvininipisa kwangu, ndichine nguvo yangu nejasi rangu zvakabvaruka; ndikawira pasi namabvi angu, ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;
9:6b.EZR.009.006 ndikati, Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
9:7b.EZR.009.007 Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapirisiti vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
9:8b.EZR.009.008 Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiyira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda hwedu.
9:9b.EZR.009.009 Nokuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda hwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu.
9:10b.EZR.009.010 Zvino Mwari wedu, tichareveiko shure kwaizvozvi? Nokuti takarasha mirairo yenyu,
9:11b.EZR.009.011 yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
9:12b.EZR.009.012 Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.
9:13b.EZR.009.013 Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.
9:14b.EZR.009.014 Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?
9:15b.EZR.009.015 Jehovha, Mwari waIsiraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna angamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi.
10
10:1b.EZR.010.001 Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwaivo,
10:2b.EZR.010.002 Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
10:3b.EZR.010.003 Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa naShe, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
10:4b.EZR.010.004 Simukai, nokuti ndimi mune basa iri, isu tinemi; tsungai moyo, muzviite.
10:5b.EZR.010.005 Ipapo Ezira akasimuka, akapikisa vakuru vavapirisiti, navaRevhi, navaIsiraeri vose, kuti vachaita neshoko iri. Ivo vakapika.
10:6b.EZR.010.006 Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kunwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
10:7b.EZR.010.007 Vakaparidza shoko kuvatapwa vose pose-pose paJudha napaJerusaremu;
10:8b.EZR.010.008 uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
10:9b.EZR.010.009 Ipapo varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusaremu mazuva matatu agere kupera; wakanga uri mwedzi wepfumbamwe, nezuva ramakumi maviri romwedzi; vanhu vose vakagara padare pamberi peimba yaMwari, vachibvunda pamusoro peshoko iro napamusoro pemvura zhinji yainaya.
10:10b.EZR.010.010 Ipapo mupirisiti Ezira akasimuka, akati kwavari, Imi makadarika, mukawana vakadzi vatorwa, mukanyanyisa mhosva yaIsiraeri.
10:11b.EZR.010.011 Naizvozvo zvino chizvireururai pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba enyu, mumufadze; muzviraure kuvanhu venyika ino navakadzi vatorwa.
10:12b.EZR.010.012 Ipapo ungango yose yakapindura, ikati nenzwi guru, Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.
10:13b.EZR.010.013 Asi vanhu vazhinji, uye inguva yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; basa iri harizi rezuva rimwe, kana mazuva maviri, nokuti takadarika kwazvo pachinhu ichi.
10:14b.EZR.010.014 Zvino machinda edu ngaagadzwe paungano yose, kuti vose vakawana vakadzi vatorwa pamaguta edu, vauye panguva dzakatarwa navakuru veguta rimwe nerimwe, navatongi varo, kusvikira kutsamwa kukuru kwaMwari wedu kwabviswa kwatiri, kusvikira mhaka iyi yapera.
10:15b.EZR.010.015 Asi Jonatani mwanakomana waAsaheri, naJazeya mwanakomana waTikivha, ivo voga va karamba chinhu ichi; Meshurami nomuRevhi Shabhetai vakasimbisa.
10:16b.EZR.010.016 Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupirisiti, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
10:17b.EZR.010.017 Vakapedza navarume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga.
10:18b.EZR.010.018 Napakati pavanakomana vavapirisiti vakawana vamwe vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pavanakomana vaJeshua vaiti mwanakomana waJozadhaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedharia.
10:19b.EZR.010.019 Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
10:20b.EZR.010.020 Pakati pavanakomana vaImeri, Hanani naZebhadhia.
10:21b.EZR.010.021 Pakati pavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
10:22b.EZR.010.022 Pakati pavanakomana vaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshimaeri, naNetaneri, naJozabhadhi, naErasha.
10:23b.EZR.010.023 Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJudha, naEriezeri.
10:24b.EZR.010.024 Pakati pavaimbi: Eriashibhi; napakati pavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
10:25b.EZR.010.025 Napakati paIsiraeri: pakati pavanakomana vaParoshi: Ramia, naIzia, naMarikiya, naMiyamini, naEreazari, naMirikiya, naBhenaya.
10:26b.EZR.010.026 Pakati pavanakomana vaErami: Matania, naZekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEria.
10:27b.EZR.010.027 Pakati pavanakomana vaZatu, Erioenai, naEriashibhi, naMatania, naJeremoti, naZabhahi, naAziza.
10:28b.EZR.010.028 Pakati pavanakomana vaBhebhai: Jehohanani, naHanania, naZabhai, naAtirai.
10:29b.EZR.010.029 Pakati pavanakomana vaBhani: Meshurami, naMaruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari, naJeremoti.
10:30b.EZR.010.030 Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi: Adhana, naKerari, naBhenaya, naMaaseya, naMatania, naBhezareri, naBhinui, naManase.
10:31b.EZR.010.031 Pakati pavanakomana vaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarikiya, naShemaya, naShimeoni;
10:32b.EZR.010.032 naBhenjamini, naMaruki, naShemaria.
10:33b.EZR.010.033 Pakati pavanakomana vaHashumi: Matenai, naMatata, naZabhadhi, naErifureti, naJeremai, naManase, naShimei.
10:34b.EZR.010.034 Pakati pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmirami, naUeri;
10:35b.EZR.010.035 naBhenaya, naBhedheya, naKeruhi;
10:36b.EZR.010.036 vaVhania, naMeremoti, naEriashibhi;
10:37b.EZR.010.037 naMatania, naMatenai, naJaasu;
10:38b.EZR.010.038 naBhani, naBhinui, naShimei;
10:39b.EZR.010.039 naSheremia, naNatani, naA dhaya;
10:40b.EZR.010.040 naMakinedhabhai, naShashai, naSharai;
10:41b.EZR.010.041 naAzareri, naSheremia, naShemaria;
10:42b.EZR.010.042 naSharumi, naAmaria, naJosefa.
10:43b.EZR.010.043 Pakati pavanakomana vaNebho: Jeieri, naMatitia, naZabhadhi, naZebhina, naIdho, naJoeri, naBhenaya.
10:44b.EZR.010.044 Ava vose vakanga vawana vakadzi vatorwa; vamwe vavo vakanga vaberekerwa vana navakadzi vavo.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ezra (Shona). Ezra (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C581-7