1 Chronicles (Shona)

1 Chronicles (Shona)

1

1:1b.1CH.001.001 Adhamu, naSeti, naEnoshi;

1:2b.1CH.001.002 naKenani, naMaharareri, naJaredhi;

1:3b.1CH.001.003 naEnoki, naMetusera, naRameki;

1:4b.1CH.001.004 naNoa, naShemi, naHamu, naJafeti.

1:5b.1CH.001.005 Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMesheki, naTirasi.

1:6b.1CH.001.006 Vanakomana vaGomeri: Ashikenazi, naDhifati, naTogarima.

1:7b.1CH.001.007 Vanakomana vaJavhani: Erisha, naTarishishi, naKitimi, naRodhanimi.

1:8b.1CH.001.008 Vanakomana vaHamu: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.

1:9b.1CH.001.009 Vanakomana vaKushi: Shebha, naHavhira, naSabata, naRaama, naSabhiteka. Vanakomana vaRaama: Shebha, naDhedhani.

1:10b.1CH.001.010 Kushi akabereka Nimurodhi; iye akatanga kuva munhu ane simba panyika.

1:11b.1CH.001.011 Mizirami akabereka Rudhimi, naAnamimi, naRehabhimi, naNafutuhimi,

1:12b.1CH.001.012 naPatirusimi, naKasiruhimi (VaFirisitia vakabva kwaari), naKafitorimi.

1:13b.1CH.001.013 Kenani akabereka Zidhoni mwana wake wedangwe, naHeti,

1:14b.1CH.001.014 navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi;

1:15b.1CH.001.015 navaHivhi, navaAriki, navaSini,

1:16b.1CH.001.016 navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati.

1:17b.1CH.001.017 Vanakomana vaShemi: Erami, naAshuri, naAripakishadhi, naRudhi, naArami, naUzi, -naHuri, naGeteri, naMesheki.

1:18b.1CH.001.018 Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheri.

1:19b.1CH.001.019 Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa, zita romunununa wake raiva Jokitani.

1:20b.1CH.001.020 Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera,

1:21b.1CH.001.021 naHadhorami, naUzari, naDhikira,

1:22b.1CH.001.022 naEbhari, naAbhimaeri, .naShebha,

1:23b.1CH.001.023 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. Madzibaba kubva kuna Shemi kusvikira kuna Abhurahamu navana vake

1:24b.1CH.001.024 Shemi, naAripakishadhi naShera,

1:25b.1CH.001.025 naEbheri, naPeregi, naReu,

1:26b.1CH.001.026 naSerugi, naNahori, naTera,

1:27b.1CH.001.027 Abhuramu (ndiye Abhurahamu).

1:28b.1CH.001.028 Vanakomana vaAbhurahamu: Isaka, nalshimaeri.

1:29b.1CH.001.029 Ndiwo marudzi avo: Mwana wedangwe waIshimaeri, Neabhaioti, tevere Kedhari, naAbhidheeri, naMibhisami,

1:30b.1CH.001.030 naMishima, naDhuma, naMasa; naHadhadhi, naTema,

1:31b.1CH.001.031 naJeturi, naNafishi, naKedhema. Ndivo vanakomana vaIshimaeri.

1:32b.1CH.001.032 Vanakomana vaKetura, murongo waAbhurahamu: Iye wakabereka Zimirani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Vanakomana vaJokishani: Shebha, naDhedhani.

1:33b.1CH.001.033 Vanakomana vaMidhiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vaiva vanakomana vaKetura.

1:34b.1CH.001.034 Abhurahamu akabereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau, naIsiraeri.

1:35b.1CH.001.035 Vanakomana vaEsau: Erifazi, naReueri, naJeushi, naJarami, naKora.

1:36b.1CH.001.036 Vanakomana vaErifazi: Temani, naOmari, naZefi, naGatami, naKenazi, naTimina, naAmareki.

1:37b.1CH.001.037 Vanakomana vaReueri: Nahati, naZera, naShama, naMiza.

1:38b.1CH.001.038 Vanakomana vaSheiri: Rotani, naShobhari, naZibheoni, naAna, naDhishani.

1:39b.1CH.001.039 Vanakomana vaRotani: Hori, naHomami; Timina waiva hanzvadzi yaRotani.

1:40b.1CH.001.040 Vanakomana vaShobhari: Ariani naManahati, naEbhari, naShefi naOnami. Vanakomana vaZibheoni: Aia naAna.

1:41b.1CH.001.041 Vanakomana vaAna: Dishoni. Vanakomana vaDhishoni: Hamurani naEshibhani naItirani naKerani.

1:42b.1CH.001.042 Vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavani, naJaakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.

1:43b.1CH.001.043 Zvino ndiwo madzimambo akabata ushe panyika yaEdhomu, valsiraeri vachigere kuva namambo, Bhera mwanakomana waBheori; zita reguta rake raiva Dhinihabha.

1:44b.1CH.001.044 Bhera akafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira akamutevera paushe.

1:45b.1CH.001.045 Jobhabhu akafa, Hushani wenyika yavaTemani akamutevera paushe.

1:46b.1CH.001.046 Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhi, akamutevera paushe; zita reguta rake raiva Avhiti

1:47b.1CH.001.047 Hadhadhi akafa, Samira weMasireka akamutevera paushe.

1:48b.1CH.001.048 Shamira akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akamutevera paushe.

1:49b.1CH.001.049 Shauri akafa, Bhaarihanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paushe.

1:50b.1CH.001.050 Bhaarihanani akafa, Hadhadhi akamutevera paushe; zita reguta rake raiva Pai; uye zita romukadzi wake raiva Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMezahabhi.

1:51b.1CH.001.051 Hadhadhi akafa. Madzishe eEdhomu ndiwo: Ishe Timina, nashe Aria, nashe Jeteti,

1:52b.1CH.001.052 nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Pinoni,

1:53b.1CH.001.053 nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhazari,

1:54b.1CH.001.054 nashe Magidhieri, nashe Irami. Ndiwo madzishe aEdhomu.

2

2:1b.1CH.002.001 Ndivo vanakomana vaIsiraeri: Rubheni, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari naZebhuruni,

2:2b.1CH.002.002 naDhani, naJosefa naBhenjamini, naNafutari, naGadhi, naAsheri.

2:3b.1CH.002.003 Vanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera; vanakomana ava vatatu akavaberekerwa naBhatishua muKenani. Asi Eri, mwana wedangwe waJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha, akamuuraya.

2:4b.1CH.002.004 Tamari mukadzi womwana wake, akamuberekera Perezi naZera. Vanakomana vose vaJudha vakanga vari vashanu.

2:5b.1CH.002.005 Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.

2:6b.1CH.002.006 Vanakomana vaZera: Zimiri, naEtani, naHemani, naKarikori, naDhara; vose vari vashanu.

2:7b.1CH.002.007 Vanakomana vaKarimi: Akari, mutambudzi walsiraeri, wakatadza pachinhu chakanga chakayeriswa.

2:8b.1CH.002.008 Vanakomana vaEtani: Azara.

2:9b.1CH.002.009 Vanakomanawo vaHezironi, vaakaberekerwa: Jerameeri, naRami, naKerubhai.

2:10b.1CH.002.010 Rami akabereka Aminadhabhu, Aminadhabhu akabereka

2:11b.1CH.002.011 Nashoni, muchinda wavana vaJudha; Nashoni akabereka Sarima, Sarima akabereka Bhoazi;

2:12b.1CH.002.012 Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese;

2:13b.1CH.002.013 Jese akabereka mwana wake wedangwe Eriabhi, tevere Abhinadhabhu wechipiri, naShimea wechitatu;

2:14b.1CH.002.014 naNetaneri wechina, naRadhai weshanu;

2:15b.1CH.002.015 naOzemi wetanhatu, naDhavhidhi wechinomwe.

2:16b.1CH.002.016 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vaZeruya: Abhishai, naJoabhu, naAsaheri, vatatu.

2:17b.1CH.002.017 Abhigairi akabereka Amasa; baba vaAmasa vaiva Jeteri muIshimaeri.

2:18b.1CH.002.018 Karebhu mwanakomana waHezironi akaberekerwa vana nomukadzi wake Azubha, uye naJerioti; ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri, naShobhabhi, naAridhoni.

2:19b.1CH.002.019 Azubha akafa, Karebhu akawana Efurata, wakamuberekera Huri.

2:20b.1CH.002.020 Huri akabereka Uri, Uri akabereka Bhezari.

2:21b.1CH.002.021 Shure kwaizvozvo Hezironi akapinda kumukunda waMakiri baba vaGiriyadhi, waakawana asvika makore ana makumi matanhatu; iye akamuberekera Segubhi.

2:22b.1CH.002.022 Segubhi akabereka Jairi, akanga ana maguta ana makumi maviri namatatu panyika yeGiriyadhi.

2:23b.1CH.002.023 Geshuri naArami vakatorera vaJairi maguta avo, pamwechete neKenati nemisha yaro, maguta ana makumi matanhatu. Ava vose vaiva vanakomana vaMakiri baba vaGiriyadhi.

2:24b.1CH.002.024 Zvino Hezironi akati afa paKarebhiefirata, Abhija mukadzi waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.

2:25b.1CH.002.025 Vanakomana vaJerameeri, mwanakomana wedangwe waHezironi, vaiva, Rami wedangwe, naBhuna, naOreni, naOzemi, naAhija.

2:26b.1CH.002.026 Zvino Jerameeri akanga anomumwe mukadzi, ainzi Atara; iye akanga ari mai vaOnami.

2:27b.1CH.002.027 Vanakomana vaRami, wedangwe waJerameeri, vaiva Maazi, naJamini, naEkeri.

2:28b.1CH.002.028 Vanakomana vaOnami vaiva Shamai, naJadha. Vanakomana vaShamai: Nadhabhi naAbhishuri.

2:29b.1CH.002.029 Zita romukadzi waAbhishuri raiva Abhihairi; iye akamuberekera Abhani, naMoridhi.

2:30b.1CH.002.030 Vanakomana vaNadhabhi: Seredhi, naApaimi; asi Seredhi akafa asina vana.

2:31b.1CH.002.031 Vanakomana vaApaimi: Ishi. Vanakomana vaIshi: Sheshani. Vanakomana vaSheshani: Arai.

2:32b.1CH.002.032 Vanakomana vaJadha, munununa waShamai: Jeteri, naJonatani; Jeteri akafa asina vana.

2:33b.1CH.002.033 Vanakomana vaJonatani: Pereti naZaza. Ndivo vaiva vanakomana vaJerameeri.

2:34b.1CH.002.034 Zvino Sheshani akanga asina vanakomana, asi vanasikana. Sheshani akanga ano muranda, muIjipiti, ainzi Jara.

2:35b.1CH.002.035 Sheshani akapa Jara muranda wake mukunda wake ave mukadzi wake; iye akamuberekera Atai.

2:36b.1CH.002.036 Atai akabereka Natani, Natani akabereka Zabhadhi;

2:37b.1CH.002.037 Zabhadhi akabereka Efirari, Efirari akabereka Obhedhi;

2:38b.1CH.002.038 Obhedhi akabereka Jehu, Jehu akabereka Azaria;

2:39b.1CH.002.039 Azaria akabereka Herezi, Herezi akabereka Ereasa;

2:40b.1CH.002.040 Ereasa akabereka Sisimai, Sisimai akabereka Sharumi;

2:41b.1CH.002.041 Sharumi akabereka Jekamia, Jekamia akabereka Erishama.

2:42b.1CH.002.042 Vanakomana vaKarebhu munununa waJerameeri, vaiva Mesha dangwe rake, akanga ari baba vaZifi; navanakomana vaMaresha baba vaHebhuroni.

2:43b.1CH.002.043 Vanakomana vaHebhuroni: Kora, naTapua, naRekemi, naShema.

2:44b.1CH.002.044 Shema akabereka Rahami, baba vaJorikeami; Rekemi akabereka Shamai.

2:45b.1CH.002.045 Mwanakomana waShamai akanga ari Maoni; Maoni akanga ari baba vaBhetizuri.

2:46b.1CH.002.046 Efa murongo waKarebhu, akabereka Harani, naMoza, naGazezi; Harami akabereka Gazezi.

2:47b.1CH.002.047 Vanakomana vaJadha: Regemi, naJotamu, naGeshani, naPereti, naEfa, naShaafi.

2:48b.1CH.002.048 Maaka, murongo waKarebhu, akabereka Shebheri naTirihana.

2:49b.1CH.002.049 Iye akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana, Shevha baba vaMakibhena, nababa vaGibhiya; mukunda waKarebhu akanga ari Akisa.

2:50b.1CH.002.050 Ndivo vanakomana vaKarebhu: Mwanakomana waHuri, wedangwe waEfurata: Shobhari baba vaKiriati-jearimi;

2:51b.1CH.002.051 Sarima baba vaBheterehemu, Harefi baba vaBhetigadheri.

2:52b.1CH.002.052 Shobhari baba vaKiriati-jearimi akanga ana vanakomana: Haroe, nehafu yorudzi rwavaMenuhoti.

2:53b.1CH.002.053 Marudzi aKiriati-jearimi: Valtiri, navaPuti, navaShumati, navaMishirai; kwavari ndiko kwakabva vaZorati navaEshitaori.

2:54b.1CH.002.054 Vanakomana vaSarima: Bheterehemu, navaNetofati, Atirotibhetijoabhi, nehafu yorudzi rwavaManahati, navaZori.

2:55b.1CH.002.055 Uye marudzi avanyori, aigara paJabhezi: VaTirati, vaShimeati, navaSukati. Ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

3

3:1b.1CH.003.001 Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi, vakamuberekerwa paHebhuroni: Wedangwe Amunoni, mwana waAhinoami muJezireeri; wechipiri Dhanyeri waAbhigairi muKarimeri;

3:2b.1CH.003.002 wechitatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhonia mwanakomana waHagiti;

3:3b.1CH.003.003 weshanu Shefatia waAbhitari, wetanhatu Itireami kuna Egira mukadzi wake.

3:4b.1CH.003.004 Wakaberekerwa vatanhatu paHebhuroni, akabata ushepo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.

3:5b.1CH.003.005 Ava ndivo vaakaberekerwa paJerusaremu: Shimea, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni, ivo vana, vaBhatishua mukunda waAmieri;

3:6b.1CH.003.006 naIbhari, naErishama, naErifereti;

3:7b.1CH.003.007 naNoga, naNefegi, naJafia;

3:8b.1CH.003.008 naErishama, naEriadha, naErifereti, ivo vapfumbamwe.

3:9b.1CH.003.009 Ndivo vose vaiva vana vaDhavhidhi, vanakomana vavarongo vasingaverengwi; uye Tamari wakanga ari hanzvadzi yavo.

3:10b.1CH.003.010 Mwanakomana waSoromoni akanga ari Rehobhoami, mwanakomana wake Abhia, mwanakomana wake Asa, mwanakomana wake Jehoshafati;

3:11b.1CH.003.011 mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Ahazia, mwanakomana wake Joashi;

3:12b.1CH.003.012 mwanakomana wake Amazia, mwanakomana wake Azaria, mwanakomana wake Jotamu;

3:13b.1CH.003.013 mwanakomana wake Ahazi, mwanakomana wake Hezekia, mwanakomana wake Manase;

3:14b.1CH.003.014 mwanakomana wake Amoni, mwanakomana wake Josia.

3:15b.1CH.003.015 Vanakomana vaJosia: Wedangwe Johanani, wechipiri Jehoyakimu, wechitatu Zedhekia, wechina Sharumi.

3:16b.1CH.003.016 Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia.

3:17b.1CH.003.017 Vanakomana vaJekonia, vakatapwa. Shearitieri mwanakomana wake,

3:18b.1CH.003.018 naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.

3:19b.1CH.003.019 Vanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei; vanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHanania; uye Sheromiti akanga ari hanzvadzi yavo;

3:20b.1CH.003.020 naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, naJushabhiheshedhi, ivo vashanu.

3:21b.1CH.003.021 Vanakomana vaHanania: Peratia, naJeshaya; vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekania.

3:22b.1CH.003.022 Vanakomana vaShekania: Shemaya; navanakomana vaShemaya; Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, ivo vatanhatu.

3:23b.1CH.003.023 Vanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikami, ivo vatatu.

3:24b.1CH.003.024 Vanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohanani, naDheraya, naAnani, ivo vanomwe.

4

4:1b.1CH.004.001 Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.

4:2b.1CH.004.002 Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati.

4:3b.1CH.004.003 Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi;

4:4b.1CH.004.004 naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu.

4:5b.1CH.004.005 Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara.

4:6b.1CH.004.006 Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara.

4:7b.1CH.004.007 Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani.

4:8b.1CH.004.008 Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi.

4:9b.1CH.004.009 Jabhezi akakudzwa kukunda vanununa vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, Nokuti ndakamubereka ndichitambudzika.

4:10b.1CH.004.010 Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira! Mwari akamupa zvaakakumbira.

4:11b.1CH.004.011 Kerubhi munununa waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni.

4:12b.1CH.004.012 Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka.

4:13b.1CH.004.013 Vanakomana vaKenazi : Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati.

4:14b.1CH.004.014 Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nokuti dzaiva mhizha.

4:15b.1CH.004.015 Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi.

4:16b.1CH.004.016 Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri.

4:17b.1CH.004.017 Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa.

4:18b.1CH.004.018 Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.

4:19b.1CH.004.019 Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati.

4:20b.1CH.004.020 Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti.

4:21b.1CH.004.021 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhiya;

4:22b.1CH.004.022 naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata ushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare.

4:23b.1CH.004.023 Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara paNetaimi neGedhera; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake. Vana vaSimiyoni

4:24b.1CH.004.024 Vanakomana vaSimiyoni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri;

4:25b.1CH.004.025 mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima.

4:26b.1CH.004.026 Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei.

4:27b.1CH.004.027 Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanununa vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha.

4:28b.1CH.004.028 Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari;

4:29b.1CH.004.029 napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi;

4:30b.1CH.004.030 napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi;

4:31b.1CH.004.031 napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata ushe.

4:32b.1CH.004.032 Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;

4:33b.1CH.004.033 nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo.

4:34b.1CH.004.034 NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia;

4:35b.1CH.004.035 naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri;

4:36b.1CH.004.036 naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya;

4:37b.1CH.004.037 naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;

4:38b.1CH.004.038 ava vakarehwa mazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo.

4:39b.1CH.004.039 Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro.

4:40b.1CH.004.040 Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nokuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu.

4:41b.1CH.004.041 Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.

4:42b.1CH.004.042 Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimiyoni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana valshi.

4:43b.1CH.004.043 Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi.

5

5:1b.1CH.005.001 Vana vaRubheni mwana wedangwe walsiraeri, (nokuti ndiye akanga ari wedangwe; asi zvaakasvibisa nhovo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri; naizvozvo mazita amadzitateguru haaverengwi nohudangwe.

5:2b.1CH.005.002 Nokuti Judha ndiye akanga ari mukuru pakati pavana vababa vake, mutungamiriri akabva kwaari; asi udangwe hwakanga huri hwaJosefa;)

5:3b.1CH.005.003 Vanakomana vaRubheni mwana wedangwe waIsiraeri: Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi.

5:4b.1CH.005.004 Vanakomana vaJoeri: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, naShimei mwanakomana wake;

5:5b.1CH.005.005 Mika mwanakomana wake, naReaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake;

5:6b.1CH.005.006 naBheera mwanakomana wake, iye akatapwa naTirigatipirineseri mambo weAsiria; iye akanga ari muchinda wavaRubheni.

5:7b.1CH.005.007 Navanununa vake nedzimba dzavo kana mazita amadziteteguru achiverengwa: Mukuru Jeyieri, naZekariya,

5:8b.1CH.005.008 naBhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoeri, aigara paAroeri kusvikira paNebho neBhaarimeoni;

5:9b.1CH.005.009 kurutivi rwamabvazuva akanga agere kusvikira pakutanga kwerenje kubva kurwizi Yufuratesi; nokuti mombe dzavo dzakanga dzawanda panyika yeGiriyadhi.

5:10b.1CH.005.010 Namazuva aSauro vakarwa navaHagari, vakavakunda; vakagara pamatende avo panyika yose yakanga iri kumabvazuva eGiriyadhi. Vana vaGadhi

5:11b.1CH.005.011 Vanakomana vaGadhi vakanga vagere kwakatarisana navo panyika yeBhashani, kusvikira paSareka;

5:12b.1CH.005.012 Joeri mukuru, naShafani wechipiri, naJanai, naShafati, paBhashani;

5:13b.1CH.005.013 vanununa vavo vedzimba dzamadzibaba avo: Mikaeri, naMeshurami, naShebha, naJorai, naJakani, naZiya, naEbheri, ivo vanomwe.

5:14b.1CH.005.014 Ndivo vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJaroa, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi,

5:15b.1CH.005.015 naAhi, mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, mukuru wedzimba dzamadzibaba avo.

5:16b.1CH.005.016 Ivo vakanga vagere paGiriyadhi paBhashani, nomumisha yaro mikuru, nomuruwa rweSharoni, kusvikira kumiganhu yayo.

5:17b.1CH.005.017 Ava vose vaiverengwa namazita amadzitateguru avo pamazuva aJotamu mambo waJudha, napamazuva aJerobhoamu mambo waIsiraeri.

5:18b.1CH.005.018 Vanakomana vaRubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, varume voumhare, varume vaigona kushonga nhovo neminondo, nokupfura nouta, vaigona kurwa, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe namakumi matanhatu, vaigona kundorwa.

5:19b.1CH.005.019 Vakarwa vanaHagari, naJeturi, naNafishi, naHobhabhi.

5:20b.1CH.005.020 Vakabatsirwa pakurwa navo, vaHagari vakakundwa navo, navose vaiva navo; nokuti vakadana kuna Jehovha vari pakurwa, akavanzwa; nokuti vakanga vachitenda kwaari.

5:21b.1CH.005.021 Vakatapa zvipfuwo zvavo, makamera ane zviuru zvina makumi mashanu, namakwai ane zviuru zvina mazana maviri namakumi mashanu, nembongoro dzine zviuru zviviri, navanhu vane zviuru zvine zana.

5:22b.1CH.005.022 Vazhinji vakafa vaurawa, nokuti kurwa kwanga kuri kwaMwari. Ivo vakagara panzvimbo yavo kusvikira pakutapwa kwavo. Vana vehafu yorudzi rwaManase

5:23b.1CH.005.023 Vanakomana vehafu yorudzi rwaManase vakanga vagere panyika iyo; vakawanda kubva paBhashani kusvikira paBhaariherimoni neSeniri, negomo reHerimoni.

5:24b.1CH.005.024 Vakuru vedzimba dzamadzibaba avo ndivo: Eferi, nalshi, naErieri, naAshirieri, naJeremiya; naHodhavhia, naJadhieri, varume vaiva nesimba noumhare, vanhu vaiva nembiri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo.

5:25b.1CH.005.025 Asi vakazotadzira Mwari wamadzibaba avo, vakapata vachitevera vamwari vendudzi dzenyika iyo, dzakanga dzaparadzwa naMwari pamberi pavo.

5:26b.1CH.005.026 Mwari walsiraeri akamutsa mweya waPuri mambo waAsiria, nomweya waTirigatipirineseri mambo weAsiria; iye akavatapa, ivo vaRubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, akavaisa Hara, neHabhori, neHara, nokurwizi Gozani kusvikira nhasi.

6

6:1b.1CH.006.001 Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari;

6:2b.1CH.006.002 navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri,

6:3b.1CH.006.003 Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMozisi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naltamari.

6:4b.1CH.006.004 Eriazari akabereka Pinehasi, Pinehasi akabereka Abhishua,

6:5b.1CH.006.005 Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi,

6:6b.1CH.006.006 Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti,

6:7b.1CH.006.007 Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi,

6:8b.1CH.006.008 Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi,

6:9b.1CH.006.009 Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani,

6:10b.1CH.006.010 Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupirisiti muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;)

6:11b.1CH.006.011 Azaria akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi,

6:12b.1CH.006.012 Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi,

6:13b.1CH.006.013 Sharumi akabereka Hirikia, Hirikia akabereka Azaria,

6:14b.1CH.006.014 Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki,

6:15b.1CH.006.015 Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhinezari.

6:16b.1CH.006.016 Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari.

6:17b.1CH.006.017 Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei.

6:18b.1CH.006.018 Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri;

6:19b.1CH.006.019 navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.

6:20b.1CH.006.020 VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake,

6:21b.1CH.006.021 naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake.

6:22b.1CH.006.022 Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake,

6:23b.1CH.006.023 naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafit mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake,

6:24b.1CH.006.024 naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake.

6:25b.1CH.006.025 Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti.

6:26b.1CH.006.026 Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,

6:27b.1CH.006.027 naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake.

6:28b.1CH.006.028 Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija.

6:29b.1CH.006.029 Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake,

6:30b.1CH.006.030 naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake.

6:31b.1CH.006.031 Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora.

6:32b.1CH.006.032 Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo.

6:33b.1CH.006.033 Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri;

6:34b.1CH.006.034 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa;

6:35b.1CH.006.035 mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,

6:36b.1CH.006.036 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya,

6:37b.1CH.006.037 mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora;

6:38b.1CH.006.038 mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri.

6:39b.1CH.006.039 Munununa wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimea;

6:40b.1CH.006.040 mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija;

6:41b.1CH.006.041 mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya;

6:42b.1CH.006.042 mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri;

6:43b.1CH.006.043 mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi.

6:44b.1CH.006.044 Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki;

6:45b.1CH.006.045 mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia;

6:46b.1CH.006.046 mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri;

6:47b.1CH.006.047 mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.

6:48b.1CH.006.048 Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha.

6:49b.1CH.006.049 Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paaritari yezvipiriso zvinopiswa, napaaritari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene-tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMozisi muranda waMwari.

6:50b.1CH.006.050 Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naPinehasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake;

6:51b.1CH.006.051 naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake;

6:52b.1CH.006.052 naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake;

6:53b.1CH.006.053 naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake.

6:54b.1CH.006.054 Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa,

6:55b.1CH.006.055 ivo vakapiwa Hebhuroni panyika yaJudha, namafuro aro akanga akapoteredza;

6:56b.1CH.006.056 asi minda yeguta, nemisha yaro, yakapiwa Karebhu mwanakomana waJefune.

6:57b.1CH.006.057 Vanakomana vaAroni vakapiwa maguta outiziro, aiti: Hebhuroni, neRibhina namafuro awo, neJatiri, neEshitemoa namafuro awo;

6:58b.1CH.006.058 neHireni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro;

6:59b.1CH.006.059 neAshani namafuro aro, neBhetishemeshi namafuro aro.

6:60b.1CH.006.060 Uye vorudzi rwaBhenjamini: Gebha namafuro aro, neArimeti namafuro aro, neAnatoti namafuro aro. Maguta avo ose pakati pedzimba dzavo dzose, aiva maguta ane gumi namatatu.

6:61b.1CH.006.061 Vamwe vanakomana vaKohati vakapiwa nemijenya maguta ane gumi pakati pehafu yorudzi rwaManase, iyo hafu yaManase.

6:62b.1CH.006.062 Vanakomana vaGerishomi nedzimba dzavo, vorudzi rwaIsakari, novorudzi rwaAsheri, novorudzi rwaNafutari, novorudzi rwaManase paBhashani, vakapiwa maguta ane gumi namatatu.

6:63b.1CH.006.063 Vanakomana vaMerari nedzimba dzavo vakapiwa nemijenya vorudzi rwaRubheni, novorudzi rwaGadhi, novorudzi rwaZebhuruni, maguta ane gumi namaviri.

6:64b.1CH.006.064 Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta namafuro awo.

6:65b.1CH.006.065 Vakavapa nemijenya maguta iwayo akarehwa mazita awo vorudzi rwavana vaJudha, novorudzi rwavana vaSimiyoni, novorudzi rwavana vaBhenjamini.

6:66b.1CH.006.066 Asi vamwe vedzimba dzavana vaKohati vakanga vana maguta panyika yavo, vorudzi rwaEfuremu.

6:67b.1CH.006.067 Vakavapa maguta outiziro, aiti: Shekemu kunyika yamakomo aEfuremu namafuro aro, neGezeri namafuro aro;

6:68b.1CH.006.068 neJokimeami namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro,

6:69b.1CH.006.069 neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro;

6:70b.1CH.006.070 vehafu yorudzi rwaManase vakapiwa Aneri namafuro aro, ndizvo zvakapiwa vamwe veimba yavana vaKohati.

6:71b.1CH.006.071 Vanakomana vaGerishomi vakapiwa pakati peimba yehafu yorudzi rwaManase, Gorani paBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro;

6:72b.1CH.006.072 novorudzi rwaIsakari: Kedheshi namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,

6:73b.1CH.006.073 neRamoti namafuro aro, neAnemi namafuro aro;

6:74b.1CH.006.074 novorudzi rwaAsheri: Mashari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro;

6:75b.1CH.006.075 neHukoki namafuro aro, neRehobhi namafuro aro,

6:76b.1CH.006.076 novorudzi rwaNafutari: Kedheshi paGarire namafuro aro, neHamoni namafuro aro, neKiriataimi namafuro aro.

6:77b.1CH.006.077 Vamwe vavaRevhi, ivo vanakomana vaMerari, vakapiwa vorudzi rwaZebhuruni: Rimono namafuro aro, neTabhori namafuro aro;

6:78b.1CH.006.078 uye mhiri kwaJorodhani paJeriko, kumabvazuva aJorodhani, vorudzi rwaRubheni, vakapiwa Bhezeri riri kurenje namafuro aro, neJaza namafuro aro,

6:79b.1CH.006.079 neKedhemoti namafuro aro, neMefati namafuro aro;

6:80b.1CH.006.080 novorudzi rwaGadhi: Ramoti paGiriyadhi namafuro aro, neMahanaimu namafuro aro,

6:81b.1CH.006.081 neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro.

7

7:1b.1CH.007.001 Vanakomana vaIsakari: Tora, naPua, naJashubhi, naShimironi, ivo vana.

7:2b.1CH.007.002 Vanakomana vaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJamai, naIbhisami, naShemueri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, idzo dzaTora; vaiva varume vane simba noumhare pakati pamarudzi avo, pamazuva aDhavhidhi vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.

7:3b.1CH.007.003 Vanakomana vaUzi; Izirahiya; navanakomana vaIzirahiya: Mikaeri naObhadhiya, naJoeri, naIshia, ivo vashanu; ava vose vakanga vari vakuru.

7:4b.1CH.007.004 Kwavari, kumarudzi avo nokudzimba dzamadzibaba avo, kwakanga kuna mapoka ehondo dzokurwa ane zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; nokuti vakanga vana vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.

7:5b.1CH.007.005 Hama dzavo pakati pedzimba dzose dzaIsakari, ivo varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi masere nezvinomwe, kana vachiverengwa mazita avo ose. Vana vaBhenjamini naNafutari

7:6b.1CH.007.006 Vanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naJedhiyaeri, ivo vatatu.

7:7b.1CH.007.007 Vanakomana vaBhera: Ezibhoni, naUzi, naUzieri, naJerimoti, naIri, ivo vashanu. Ivo vakanga vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakaverengwa mazita avo vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.

7:8b.1CH.007.008 Vanakomana vaBhekeri: Zemira, naJoashi, naEriezeri, naErioenai, naOmiri, naJeremoti, naAbhiia, naAnatoti, naArimeti. Ivo vose vakanga vari vanakomana vaBhekeri.

7:9b.1CH.007.009 Vakaverengwa mazita avo namarudzi avo, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi maviri namazana maviri.

7:10b.1CH.007.010 Vanakomana vaJedhiyaeri: Bhirihani, navanakomana vaBhirihani; Jehushi, naBhenjamini, naEhudhi, naKenani, naZetani, naTarishishi, naAhishahari.

7:11b.1CH.007.011 Ivo vose vakanga vari vanakomana vaJedhiyaeri, vachiverengwa vakuru vedzimba dzamamdzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvine gumi nezvinomwe namazana maviri, vakanga vachigona kuenda kuhondo kundorwa.

7:12b.1CH.007.012 NaShupimiwo, naHupimi, vanakomana vaIri, naHushimi, vanakomana vaAheri.

7:13b.1CH.007.013 Vanakomana vaNafutari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, vanakomana vaBhiriha. Vana vaManase

7:14b.1CH.007.014 Vanakomana vaManase: Asirieri, waakaberekerwa nomukadzi wake; (murongo wake muArami akabereka Makiri baba vaGiriyadhi;

7:15b.1CH.007.015 Makiri akawana mukadzi worudzi rwaHupimi naShupimi, zita rehanzvadzi yake raiva Maaka;) zita rowechipiri rakanga riri Zerofehadhi; Zerofehadhi akanga anavakunda.

7:16b.1CH.007.016 Maaka mukadzi waMakiri akabereka mwanakomana, akatumidza zita rake Pereshi; zita romunununa wake raiva Shereshi, vanakomana vake vakanga vari Urami naRakemi.

7:17b.1CH.007.017 Vanakomana vaUrami: Bhedhani. Ndivo vanakomana vaGiriyadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase.

7:18b.1CH.007.018 Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, naAbhiezeri, naMara.

7:19b.1CH.007.019 Vanakomana vaShemidha: Ahiani, naShekemu, naRiki naAniami. Vana vaEfuremu

7:20b.1CH.007.020 Vanakomana vaEfuremu: Shutera, naBheredhi mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naEreadha mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake,

7:21b.1CH.007.021 naZabhadhi mwanakomana wake, naShutera mwanakomana wake, naEzeri, naEreadhi; ivo vakaurawa navanhu veGati vakanga vakaberekerwa panyika iyo, nokuti vakanga vaburukira kwavari kuzotora zvipfuwo zvavo.

7:22b.1CH.007.022 Efuremu baba vavo akavachema mazuva mazhinji, hama dzake dzikauya kuzomubata ruoko.

7:23b.1CH.007.023 Akapinda kumukadzi wake, iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheriya; nokuti imba yake yakanga ichitambudzika.

7:24b.1CH.007.024 Mukunda wake waiva Sheera, iye akavaka Bhetihoroni rezasi nerokumusoro, neUzenisheera.

7:25b.1CH.007.025 Mwanakomana waEfuremu aiva Refa, naReshefi, naTera mwanakomana wake, naTahani mwanakomana wake;

7:26b.1CH.007.026 naRadhani mwanakomana wake, naErishama mwanakomana wake,

7:27b.1CH.007.027 naNuni mwanakomana wake, naJoshua mwanakomana wake.

7:28b.1CH.007.028 Nyika yavo nokwavakanga vagere ndiBhetieri nemisha yaro; nokumabvazuva, Naarani, nokumavirira Gezeri nemisha yaro; neShekemu nemisha yaro, kusvikira paAza nemisha yaro;

7:29b.1CH.007.029 nokumiganhu yavana vaManase. Bhetisheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, neMegidho nemisha yaro, neDhori nemisha yaro. Vana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri vakagara mumisha iyi. Vanakomana vaAsheri

7:30b.1CH.007.030 Vanakomana vaAsheri: Imina, naIshivha, naIshivhi, naBheriya, naSera hanzvadzi yavo.

7:31b.1CH.007.031 Vanakomana vaBheriya: Hebheri, naMarikieri, waiva baba vaBhirizaiti.

7:32b.1CH.007.032 Hebheri akabereka Jafureti, naShomeri, naHotami, naShua hanzvadzi yavo.

7:33b.1CH.007.033 Vanakomana Jafureti: Pasaki, naBhimari, naAshivati. Ndivo vanakomana vaJafureti.

7:34b.1CH.007.034 Vanakomana vaShemeri: Ahi, naRoga, naJehubha, naArami.

7:35b.1CH.007.035 Vanakomana vaHeremi munununa wake: Zofa, naImina, naShereshi, naAmari.

7:36b.1CH.007.036 Vanakomana vaZofa: Shua, naHarineferi, naShuari, naBheri, naImira;

7:37b.1CH.007.037 naBheseri, naHodhi, naShama, naShirisha, naItirani, naBheera.

7:38b.1CH.007.038 Vanakomana vaJeteri: Jefune, naPisipa, naAra.

7:39b.1CH.007.039 Vanakomana vaUra: Ara, naHanieri, naRizia.

7:40b.1CH.007.040 Ava vose vaiva vana vaAsheri, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vakanga vakatsaurwa, vane simba noumhare, vakuru vamachinda. Vakaverengwa namazita avo, ivo vaigona kurwa, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu.

8

8:1b.1CH.008.001 Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu;

8:2b.1CH.008.002 naNoa wechina, naRafa weshanu.

8:3b.1CH.008.003 Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi;

8:4b.1CH.008.004 naAbhishua, naNaamani, naAhoa;

8:5b.1CH.008.005 naGera, naShefufani, naHurami.

8:6b.1CH.008.006 Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati;

8:7b.1CH.008.007 naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi.

8:8b.1CH.008.008 Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara.

8:9b.1CH.008.009 Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami;

8:10b.1CH.008.010 naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba.

8:11b.1CH.008.011 Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.

8:12b.1CH.008.012 Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo;

8:13b.1CH.008.013 naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati;

8:14b.1CH.008.014 naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;

8:15b.1CH.008.015 naZebhedhia, naAradhi, naEdheri;

8:16b.1CH.008.016 naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira;

8:17b.1CH.008.017 naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri;

8:18b.1CH.008.018 naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari;

8:19b.1CH.008.019 naJakimi, naZikiri, naZabhudhi;

8:20b.1CH.008.020 naErienai, naZiretai, naErieri;

8:21b.1CH.008.021 naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei;

8:22b.1CH.008.022 naIshipani, naEbheri, naErieri;

8:23b.1CH.008.023 naAbhidhoni, naZikiri, naHanani;

8:24b.1CH.008.024 naHanania, naErami, naAnatotiya;

8:25b.1CH.008.025 naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki;

8:26b.1CH.008.026 naShamisherai, neSheharia, naAtaria;

8:27b.1CH.008.027 naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami.

8:28b.1CH.008.028 Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu.

8:29b.1CH.008.029 PaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.

8:30b.1CH.008.030 Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi;

8:31b.1CH.008.031 naGedhori, naAhio, naZekariya.

8:32b.1CH.008.032 Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo.

8:33b.1CH.008.033 Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.

8:34b.1CH.008.034 Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika.

8:35b.1CH.008.035 Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.

8:36b.1CH.008.036 Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;

8:37b.1CH.008.037 Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake.

8:38b.1CH.008.038 Azeri wakanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.

8:39b.1CH.008.039 Vanakomana vaEsheki munununa wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu.

8:40b.1CH.008.040 Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.

9

9:1b.1CH.009.001 Naizvozvo vaIsiraeri vose vakaverengwa mazita avo; tarirai, akanyorwa ose mubhuku yamadzimambo alsiraeri. VaJudha vakazotapwa, vakaiswa Bhabhironi nokuda kwokudarika kwavo.

9:2b.1CH.009.002 Zvino, vakatanga kugara panyika yavo napamaguta avo, vakanga vari vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaNetinimi.

9:3b.1CH.009.003 PaJerusaremu ndipo pakanga pagere vana vaJudha, navana vaBhenjamini, navana vaEfuremu, navaManase;

9:4b.1CH.009.004 Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, wavana vaPerezi mwanakomana waJudha.

9:5b.1CH.009.005 NavaShiro: Asaya mwanakomana wedangwe, navanakomana vake.

9:6b.1CH.009.006 Vanakomana vaZera: Jeueri, nehama dzavo, vana mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.

9:7b.1CH.009.007 Vanakomana vaBhenjamini: Saru, mwanakomana waMeshirami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua.

9:8b.1CH.009.008 Nalbheneya, mwanakomana waJehorami, naEra mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri, naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya;

9:9b.1CH.009.009 nehama dzavo, marudzi avo aisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu namatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vedzimba dzamadzibaba padzimba dzamadzibaba avo.

9:10b.1CH.009.010 Vavapirisiti: Jedheiya, naJehoyaribhi, naJakini;

9:11b.1CH.009.011 naAzaria, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mukuru paimba yaMwari,

9:12b.1CH.009.012 naAdhaya, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, naMaasai, mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waImeri;

9:13b.1CH.009.013 nehama dzavo, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakasvika chiuru chimwe namazana manomwe namakumi matanhatu; varume vane simba kwazvo noumhare pabasa rokushumira paimba yaMwari.

9:14b.1CH.009.014 VavaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, wavanakomana vaMerari;

9:15b.1CH.009.015 naBhakibhakari, naHoreshi, naGarari, naMatania mwanakomma waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi;

9:16b.1CH.009.016 naObhadhiya mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vakanga vagere pamisha yavaNetofati.

9:17b.1CH.009.017 Vatariri vamasuo: Sharumi, naAkubhi, naTarimoni, naAhikami, nehama dzavo; Sharumi ndiye akanga ari mukuru;

9:18b.1CH.009.018 ndivo vaitarira suo ramambo rokumabvazuva kusvikira zvino; vakanga vari vatariri vamasuo emisasa yavana vaRevhi.

9:19b.1CH.009.019 Sharumi mwanakomana waKore, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora, nehama dzake, ivo veimba yababa vake, vaKora, ndivo vaiva nebasa rokushumira, vakatarira masuo etabhenekari; madzibaba avo aitarira misasa yaJehovha, nokuchengeta mikova.

9:20b.1CH.009.020 Pinehasi mwanakomana waEriazari aiva murairi wavo kare, Jehovha akava naye.

9:21b.1CH.009.021 Zekariya mwanakomana waMesheremia, akanga ari mutariri womukova wetende rokusangana.

9:22b.1CH.009.022 Ava vose, vakatsaurwa kuti vave vatariri vamasuo, vakasvika mazana maviri negumi navaviri. Ava vose vakaverengwa mazita avo pamisha yavo, vakanga vakagadzwa pabasa ravo rakatarwa naDhavhidhi naSamueri muoni.

9:23b.1CH.009.023 Naizvozvo ivo navana vavo vakanga vari vatariri vamasuo eimba yaJehovha, iyo imba yetabhenekari, vachiravana.

9:24b.1CH.009.024 Vatariri vakanga vari kumativi mana, kumabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nenyasi.

9:25b.1CH.009.025 Hama dzavo pamisha yavo vaifanira kuuya nguva dzose kana mazuva manomwe apera, kuzogara navo.

9:26b.1CH.009.026 Nokuti vatariri vana vakuru vemikova, vakanga vari vaRevhi, vaiva pabasa iri rakatarwa, vaitarira makamuri nezvivigiro zvefuma paimba yaMwari.

9:27b.1CH.009.027 Vaigarapo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti ndivo vakanga vapiwa basa iri, vaiva nebasa rokuizarura mangwanani ose.

9:28b.1CH.009.028 Vamwe vavo vaifanira kutarira midziyo yokushumira nayo; nokuti yaipinzwa ichiverengwa, uye yaibudiswa ichiverengwa.

9:29b.1CH.009.029 Vamwe vavozve vakanga vakagadzwa kuti vatarire nhumbi nemidziyo yose nenzvimbo tsvene, noupfu hwakatsetseka, newaini, namafuta, nezvinonhuwira, nemiti inonhuwira.

9:30b.1CH.009.030 Vamwezve vavanakomana vavapirisiti vaifanira kugadzira zvinonhuwira zvakavenganiswa.

9:31b.1CH.009.031 Matitia, mumwe wavaRevhi, mwanakomana wedangwe waSharumi, wavaKora, wakanga akatarirwa basa rezvinhu zvaibikwa mugango.

9:32b.1CH.009.032 Navamwe vehama dzavo, vavana vaKora, vaifanira kutarira zvingwa zvokuratidza, kuzvigadzira Sabata rimwe nerimwe.

9:33b.1CH.009.033 Uye ndivo vaimbi, vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi, vaigara mumakamuri vasingabati zvimwe; nokuti vaibata basa ravo masikati nousiku.

9:34b.1CH.009.034 Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi, vakuru kumarudzi avo; ndivo vaigara Jerusaremu.

9:35b.1CH.009.035 Zvino paGibhiyoni pakanga pagere baba vaGibhiyoni, Jeyieri; zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.

9:36b.1CH.009.036 Mwanakomana wake wedangwe waiva Abhidhoni, tevere Zuri, naKishi, naBhaari, naNeri, naNadhabhi;

9:37b.1CH.009.037 naGedhori, naAhio, naZekariya, naMikiroti.

9:38b.1CH.009.038 Mikiroti wakabereka Shimeami. Ivo vaigarawo pamwechete nehama dzavo paJerusaremu, pakatarisana nehama dzavo.

9:39b.1CH.009.039 Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.

9:40b.1CH.009.040 Mwanakomana waJonatani waiva Meribhibhaari. Meribhibhaari akabereka Mika.

9:41b.1CH.009.041 Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.

9:42b.1CH.009.042 Ahazi akabereka Jara, Jara akabereka Arimeti naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;

9:43b.1CH.009.043 Moza akabereka Bhinea, naRefaya mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake;

9:44b.1CH.009.044 Azeri akanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ndivo vanakomana vaAzeri.

10

10:1b.1CH.010.001 Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri, varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.

10:2b.1CH.010.002 VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMarikishua, vanakomana vaSauro.

10:3b.1CH.010.003 Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa, vapfuri vouta vakamubata; akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.

10:4b.1CH.010.004 Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire. Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.

10:5b.1CH.010.005 Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati achiona kuti Sauro afa, naiye akazviwisirawo pamunondo wake, akafawo.

10:6b.1CH.010.006 Naizvozvo Sauro akafa navanakomana vake vatatu; veimba yake yose vakafa pamwechete.

10:7b.1CH.010.007 Zvino varume vose valsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.

10:8b.1CH.010.008 Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakanga vaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakafa pagomo reGiribhoa.

10:9b.1CH.010.009 Vakamusunungura, vakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa vamwari vavo navanhu vavo shoko iro.

10:10b.1CH.010.010 Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yavamwari vavo, vakasungira musoro wake mumba maDhagoni.

10:11b.1CH.010.011 Zvino vanhu vose vaJabheshiGiriyadhi vakati vanzwa zvose zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,

10:12b.1CH.010.012 mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.

10:13b.1CH.010.013 Naizvozvo Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nokuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro,

10:14b.1CH.010.014 akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

11

11:1b.1CH.011.001 Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, Tarirai, isu tiri mapfupa enyu nenyama yenyu.

11:2b.1CH.011.002 Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri

11:3b.1CH.011.003 Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.

11:4b.1CH.011.004 Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo.

11:5b.1CH.011.005 Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi akakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.

11:6b.1CH.011.006 Ipapo Dhavhidhi akati, Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.

11:7b.1CH.011.007 Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi.

11:8b.1CH.011.008 Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta.

11:9b.1CH.011.009 Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha wehondo aiva naye. Machinda aDhavhidhi

11:10b.1CH.011.010 Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri.

11:11b.1CH.011.011 Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobhiyami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe.

11:12b.1CH.011.012 Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba.

11:13b.1CH.011.013 Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia.

11:14b.1CH.011.014 Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.

11:15b.1CH.011.015 Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu.

11:16b.1CH.011.016 Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.

11:17b.1CH.011.017 Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndinwe!

11:18b.1CH.011.018 Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha,

11:19b.1CH.011.019 akati, Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo. Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.

11:20b.1CH.011.020 Abhishai munununa waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nokuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.

11:21b.1CH.011.021 Pakati pavatatu ndiye wakanga ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.

11:22b.1CH.011.022 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.

11:23b.1CH.011.023 Akaurayawo muIjipiti, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muljipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.

11:24b.1CH.011.024 Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.

11:25b.1CH.011.025 Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.

11:26b.1CH.011.026 Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munununa waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;

11:27b.1CH.011.027 naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni;

11:28b.1CH.011.028 naIra mwanakomana wIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti;

11:29b.1CH.011.029 naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;

11:30b.1CH.011.030 naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati;

11:31b.1CH.011.031 naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni;

11:32b.1CH.011.032 naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati;

11:33b.1CH.011.033 naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni;

11:34b.1CH.011.034 navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari,

11:35b.1CH.011.035 naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri;

11:36b.1CH.011.036 naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;

11:37b.1CH.011.037 naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha;

11:38b.1CH.011.038 naJoeri munununa waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri;

11:39b.1CH.011.039 naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;

11:40b.1CH.011.040 naIra muItiri, naGarebhi muItiri,

11:41b.1CH.011.041 naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai;

11:42b.1CH.011.042 naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye;

11:43b.1CH.011.043 naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini;

11:44b.1CH.011.044 naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri;

11:45b.1CH.011.045 naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munununa wake, muTizi;

11:46b.1CH.011.046 naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu;

11:47b.1CH.011.047 naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.

12

12:1b.1CH.012.001 Ava ndivo vakaenda kuna Dhavhidhi paZikiragi, achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; ivo vaiva mhare, vaimubatsira pakurwa.

12:2b.1CH.012.002 Vakanga vakabata uta, uye vaigona kuposha mabwe, nemiseve nouta noruoko rworudyi kana rworuboshwewo; dzaiva hama dzaSauro vokwaBhenjamini.

12:3b.1CH.012.003 Mukuru akanga ari Ahiezeri, tevere Joashi, vanakomana vaShemaa muGibhiyati; naJezieri, naPereti, vanakomana vaAzimavheti; naBheraka, naJehu muAnatoti;

12:4b.1CH.012.004 naIshimaya muGibhiyoni, mhare pakati pavana makumi matatu, wairaira vana makumi matatu; naJeremiya, naJahazieri, naJohanani, naJozabhadhi muGedherati;

12:5b.1CH.012.005 naEruzai, naJerimoti, naBheriya, naShemaria, naShefatia muHarufi;

12:6b.1CH.012.006 naErikana, naIshiya, naAzareri, naJoezeri, naJoshobhiyami, vaKora;

12:7b.1CH.012.007 naJoera, naZebhedhia vanakomana vaJehorami muGedhori.

12:8b.1CH.012.008 Vamwe vavaGadhi vakazvitsaurawo, vakaenda kuna Dhavhidhi kunhare kurenje, varume vane simba noumhare, varume vakanga vadzidza kurwa, vakanga vachigona kubata nhovo nepfumo; zviso zvavo zvakanga zvakaita sezveshumba, uye vaimhanya semharapara pamakomo;

12:9b.1CH.012.009 Ezeri akanga ari mukuru, wechipiri Obhadhiya, wechitatu Eriabhi;

12:10b.1CH.012.010 wechina Misimana, weshanu Jeremiya;

12:11b.1CH.012.011 wetanhatu Atai, wechinomwe Erieri;

12:12b.1CH.012.012 worusere Johanani, wepfumbamwe Erizabhadhi;

12:13b.1CH.012.013 wegumi Jeremiya; wegumi nomumwe Makibhanai.

12:14b.1CH.012.014 Ndivo kuvana vaGadhi vaiva vakuru vehondo; muduku kwavari akanga akaenzana navane zana, nomukuru navane chiuru chezana.

12:15b.1CH.012.015 Ndivo vakayambuka Jorodhani pamwedzi wokutanga, panguva yarwakafashamira kunhivi dzarwo dzose; vakadzinga vose vakanga vagere pamipata, kumabvazuva nokumavirira.

12:16b.1CH.012.016 Navamwe vana vaBhenjamini navaJudha vakaendawo kuna Dhavhidhi munhare.

12:17b.1CH.012.017 Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, moyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyange ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo.

12:18b.1CH.012.018 Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai. Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.

12:19b.1CH.012.019 KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, Achatinyengera, achienda kunatenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi.

12:20b.1CH.012.020 Zvino wakati achienda Zikiragi, vamwe vaManase vakabva, vakasvika kwaari, vaiti, Adhana, naJozabhadhi, naJedhiaeri, naMikaeri, naJozabhadhi, naErihu, naZiretai, vakanga vari vakuru vechiuru chamazana pakati paManase.

12:21b.1CH.012.021 Vakabatsira Dhavhidhi pakurwa neboka ramakororo; nokuti vose vakanga vari varume vane simba noumhare, navakuru pahondo.

12:22b.1CH.012.022 Zuva rimwe nerimwe vakasvika kuna Dhavhidhi kuzomubatsira, kusvikira yava hondo huru, sehondo yaMwari.

12:23b.1CH.012.023 Ndiko kuwanda kwavakuru vakashongera kurwa, vakaenda kuna Dhavhidhi paHebhuroni, kuzodzosera ushe hwaSauro kwaari, sezvakarehwa naJehovha.

12:24b.1CH.012.024 Vana vaJudha, vakanga vakashonga nhovo nepfumo, vaiva nezviuru zvitanhatu namazana masere, vakanga vakashongera kurwa.

12:25b.1CH.012.025 Kuvana vaSimiyoni varume vane simba noumhare pakurwa vaiva nezviuru zvinomwe nezana rimwe.

12:26b.1CH.012.026 Kuvana vaRevhi vaiva nezviuru zvina namazana matanhatu.

12:27b.1CH.012.027 Jehoyadha aiva mutungamiriri weimba yaAroni; vakanga vanaye vaiva nezviuru zvitatu namazana manomwe;

12:28b.1CH.012.028 naZadhoki, jaya raiva nesimba noumhare, naveimba yababa vake, vakuru vana makumi maviri navaviri.

12:29b.1CH.012.029 Kuvana vaBhenjamini, hama dzaSauro, zviuru zvitatu; nokuti kusvikira panguva iyo vazhinji vavo vakaramba vakanamatira imba yaSauro.

12:30b.1CH.012.030 Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.

12:31b.1CH.012.031 Kuhafu yorudzi rwaManase, zviuru zvine gumi nezvisere, vakanga vakanyorwa mazita avo, vakasvika kuzoita Dhavhidhi mambo.

12:32b.1CH.012.032 Kuvana vaIsakari, varume vaiziva nguva zvakanaka, uye kuti vaIsiraeri vanofanira kuitei, vakuru vavo vaiva mazana maviri; hama dzavo dzose dzairairwa navo.

12:33b.1CH.012.033 KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasine moyo miviri.

12:34b.1CH.012.034 KuvaNafutari vakuru vane chiuru chimwe, uye vamwe vakanga vakabata nhovo nepfumo vaiva navo, zviuru zvina makumi matatu nezvinomwe.

12:35b.1CH.012.035 KuvaDhani vaigona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi maviri nezvisere namazana matanhatu.

12:36b.1CH.012.036 KuvaAsheri, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi mana.

12:37b.1CH.012.037 Uye mhiri kwaJorodhani, kuvaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, avo vaiva nenhumbi dzose dzokurwa nadzo, zviuru zvina makumi maviri.

12:38b.1CH.012.038 Ava vose, varume vehondo, vaigona kurongedza hondo, vakasvika paHebhuroni nemoyo yakarurama kwazvo, kuzoita Dhavhidhi mambo wavaIsiraeri vose; navaIsiraeri vamwe vose vakanga vanomoyo mumwe kuita Dhavhidhi mambo.

12:39b.1CH.012.039 Vakagarapo naDhavhidhi mazuva matatu, vakadya nokunwa, nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira.

12:40b.1CH.012.040 Uye vamwe vakanga vagere pedo navo kusvikira kwalsakari naZebhuruni naNafutari, vakauya nezvokudya zvakatakurwa nembongoro, namakamera, namahesera, nenzombe, zviri zvokudya zvoupfu, namapundu amaonde, anamasumbu amazambiringa akaoma, newaini, namafuta, nenzombe, namakwai mazhinji, nokuti mufaro wakanga uripo pakati palsiraeri.

13

13:1b.1CH.013.001 Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,

13:2b.1CH.013.002 Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvapirisiti navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;

13:3b.1CH.013.003 tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.

13:4b.1CH.013.004 Ungano yose ikatenda kuzviita; nokuti vanhu vose vakati zvakanaka.

13:5b.1CH.013.005 Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweIjipiti, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.

13:6b.1CH.013.006 Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamusoro pamakerubhi, pavanonamata Zita rake.

13:7b.1CH.013.007 Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.

13:8b.1CH.013.008 Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.

13:9b.1CH.013.009 Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.

13:10b.1CH.013.010 Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nokuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.

13:11b.1CH.013.011 Ipapo Dhavhidhi akaora moyo nokuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.

13:12b.1CH.013.012 Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?

13:13b.1CH.013.013 Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.

13:14b.1CH.013.014 Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.

14

14:1b.1CH.014.001 Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba.

14:2b.1CH.014.002 Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, nokuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri.

14:3b.1CH.014.003 Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana.

14:4b.1CH.014.004 Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni;

14:5b.1CH.014.005 naIbhari, naErishua, naEripereti;

14:6b.1CH.014.006 naNoga, naNefegi, naJafia;

14:7b.1CH.014.007 naErishama, naBheriyadha, naErifereti.

14:8b.1CH.014.008 Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.

14:9b.1CH.014.009 Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.

14:10b.1CH.014.010 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako.

14:11b.1CH.014.011 Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi.

14:12b.1CH.014.012 VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto.

14:13b.1CH.014.013 VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo.

14:14b.1CH.014.014 Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami.

14:15b.1CH.014.015 Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.

14:16b.1CH.014.016 Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvikira paGezeri.

14:17b.1CH.014.017 Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake.

15

15:1b.1CH.015.001 Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende.

15:2b.1CH.015.002 Zvino Dhavhidhi akati, Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi.

15:3b.1CH.015.003 Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira.

15:4b.1CH.015.004 Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi;

15:5b.1CH.015.005 pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri;

15:6b.1CH.015.006 pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri;

15:7b.1CH.015.007 pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu.

15:8b.1CH.015.008 Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri;

15:9b.1CH.015.009 pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere;

15:10b.1CH.015.010 pakati pavanakomana vaUzieri. Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri.

15:11b.1CH.015.011 Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapirisiti, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu.

15:12b.1CH.015.012 Akati kwavari, Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.

15:13b.1CH.015.013 Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa.

15:14b.1CH.015.014 Naizvozvo vapirisiti navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri.

15:15b.1CH.015.015 Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMozisi neshoko raJehovha.

15:16b.1CH.015.016 Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengeramwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro.

15:17b.1CH.015.017 Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri, napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;

15:18b.1CH.015.018 uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vatariri vemikova.

15:19b.1CH.015.019 Saizvozvovo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba;

15:20b.1CH.015.020 naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina manzwi matete;

15:21b.1CH.015.021 naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina manzwi makobvu kutungamirira vamwe.

15:22b.1CH.015.022 Kenania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nokuti akanga achiziva izvozvo.

15:23b.1CH.015.023 Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka.

15:24b.1CH.015.024 Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapirisiti, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; Obhedhi-Edhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka.

15:25b.1CH.015.025 Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-Edhomu nomufaro.

15:26b.1CH.015.026 Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondohwe manomwe.

15:27b.1CH.015.027 Dhavhidhi akanga akafuka nguvo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKenania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.

15:28b.1CH.015.028 Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengeramwa nembira.

15:29b.1CH.015.029 Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumoyo make.

16

16:1b.1CH.016.001 Vakapinza areka yaMwari, vakaiisa pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; vakabayira pamberi paMwari zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.

16:2b.1CH.016.002 Zvino Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha.

16:3b.1CH.016.003 Akapa mumwe nomumwe wavaIsiraeri, murume nomukadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nebundu ramazambiringa.

16:4b.1CH.016.004 Akagadza vamwe vaRevhi, kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, nokurumbidza, nokuvonga, nokukudza Jehovha Mwari waIsiraeri;

16:5b.1CH.016.005 mukuru waiva Asafi, tevere Zekariya, naJeyieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitia, naEriabhi, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vane mitengeremwa nembira; Asafi airidza kwazvo makandira.

16:6b.1CH.016.006 Bhenaya naJahazieri ndivo vairidza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. Rwiyo rwaDhavhidhi

16:7b.1CH.016.007 Zvino nezuva iro Dhavhidhi akatanga kuraira kuti vavonge Jehovha nomuromo waAsafi nehama dzake:

16:8b.1CH.016.008 Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.

16:9b.1CH.016.009 Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.

16:10b.1CH.016.010 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.

16:11b.1CH.016.011 Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.

16:12b.1CH.016.012 Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake.

16:13b.1CH.016.013 Imi vana vaIsiraeri, muranda wake, Imi vana vaJakobho vasanangurwa vake.

16:14b.1CH.016.014 Ndiye Jehovha Mwari wedu, Zvaakatonga zviri pasi pose.

16:15b.1CH.016.015 Rangarirai sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;

16:16b.1CH.016.016 Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka;

16:17b.1CH.016.017 Akazvisimbisira Jakobho, kuti ave mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;

16:18b.1CH.016.018 Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKenani, uve mugove wenhaka yenyu;

16:19b.1CH.016.019 Panguva imi muchiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo vashoma kwazvo, navatorwa mairi.

16:20b.1CH.016.020 Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kunavamwe vanhu.

16:21b.1CH.016.021 Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo wakatuka madzimambo nokuda kwavo;

16:22b.1CH.016.022 Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.

16:23b.1CH.016.023 Imbirai Jehovha, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe,

16:24b.1CH.016.024 dudzirai kubwinya. kwake. akati pavahedheni, Namabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.

16:25b.1CH.016.025 Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Iye anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.

16:26b.1CH.016.026 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha ndiye akaita kudenga-denga.

16:27b.1CH.016.027 Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nomufaro zviri panzvimbo yake;

16:28b.1CH.016.028 Ipai Jehovha, imi ndudzi dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.

16:29b.1CH.016.029 Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, uyai pamberi pake; Namatai kuna Jehovha mune nguvo tsvene.

16:30b.1CH.016.030 Dedera pamberi pake, nyika yose Nyikawo yakasimbiswa kuti irege kuzununguswa.

16:31b.1CH.016.031 Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; Pakati pendudzi ngavati, Jehovha anobata ushe.

16:32b.1CH.016.032 Gungwa ngaritinhire, nokuzara kwaro; Sango ngarifarisise kwazvo, nezvose zviri mariri;

16:33b.1CH.016.033 Nguva iyo miti yedondo ichaimba nomufaro pamberi paJehovha; Nokuti anouya kuzotonga pasi.

16:34b.1CH.016.034 Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.

16:35b.1CH.016.035 Muti, Tiponesei, Mwari woruponeso rwedu, Mutiunganidze pamwechete, mutirwire pandudzi, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.

16:36b.1CH.016.036 Jehovha Mwari walsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose vakati, Ameni, vakarumbidza Jehovha. Tabhenekari inochengetwa paGibhiyoni

16:37b.1CH.016.037 Zvino akasiyapo pamberi peareka yesungano yaJ ehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka nguva dzose, sezvakafanira zuva rimwe nerimwe;

16:38b.1CH.016.038 naObhedhi-Edhomu nehama dzavo, makumi matanhatu navasere; naObhedhi-Edhomuwo mwanakomana waJedhutuni, naHosa, kuti vave vatariri vemikova;

16:39b.1CH.016.039 nomupirisiti Zadhoki, nehama dzake vapirisiti, pamberi petabhenakeri yaJehovha padunhu rakakwirira rakanga riri paGibhiyoni;

16:40b.1CH.016.040 kuti vabayire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namadeko, paaritari yezvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa zvose mumurayiro waJehovha, waakaraira Isiraeri;

16:41b.1CH.016.041 uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni navamwe vakatsaurwa, vakanga varehwa mazita avo, kuti vavonge Jehovha; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;

16:42b.1CH.016.042 uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni vane hwamanda namakandira, zvaifanira kuridzwa navaridzi, uye zvokuridzira nziyo dzaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni kuti vatarire suo.

16:43b.1CH.016.043 Vanhu vose vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake; Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake.

17

17:1b.1CH.017.001 Zvino Dhavhidhi akati agere mumba make, Dhavhidhi akati kumuporofita Natani, Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi petende.

17:2b.1CH.017.002 Natani akati kuna Dhavhidhi, Itai henyu zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Mwari anemi.

17:3b.1CH.017.003 Zvino nousiku uhwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani, richiti,

17:4b.1CH.017.004 Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti, Iwe haungandivakiri imba mandingagara,

17:5b.1CH.017.005 nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vaIsiraeri, kusvikira zuva ranhasi; asi ndakabva patende rimwe ndichienda kune rimwe, napatabhenakeri imwe ndichienda kune imwe.

17:6b.1CH.017.006 Pose pandakafamba navaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kune mumwe wavatongi vaIsiraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?

17:7b.1CH.017.007 Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;

17:8b.1CH.017.008 ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.

17:9b.1CH.017.009 Ndichagadzirira vanhu vangu valsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,

17:10b.1CH.017.010 nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu valsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.

17:11b.1CH.017.011 Zvino kana nguva yako yasvika, yaunofanira kuenda nayo kunamadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako ruchakutevera, uchava mumwe wavanakomana vako; ndichasimbisa ushe hwake.

17:12b.1CH.017.012 Iye achandivakira imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.

17:13b.1CH.017.013 Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; handingabvisi nyasha dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye wakakutangira;

17:14b.1CH.017.014 asi ndichamugarisa mumba mangu nomuushe hwangu nokusingaperi; chigaro chake choushe chichasimbiswa nokusingaperi.

17:15b.1CH.017.015 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakaratidzwa.

17:16b.1CH.017.016 Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?

17:17b.1CH.017.017 Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.

17:18b.1CH.017.018 Dhavhidhi angareveikozve kwamuri pamusoro pokukudzwa kwomuranda wenyu? Nokuti munoziva muranda wenyu.

17:19b.1CH.017.019 Jehovha makaita izvi zvikuru zvose nokuda kwomuranda wenyu, uye nokuda kwomoyo wenyu, kuti muzivise zvinhu izvi zvose zvikuru.

17:20b.1CH.017.020 Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi, hakuna mumwe Mwari asi imi moga, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.

17:21b.1CH.017.021 Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikunura paljipiti?

17:22b.1CH.017.022 Nokuti vanhu venyu vaIsiraeri makavaita vanhu venyu pauzima nokusingaperi; imi Jehovha mukava Mwari wavo.

17:23b.1CH.017.023 Zvino Jehovha shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake ngarisimbiswe nokusingaperi, muite sezvamakataura.

17:24b.1CH.017.024 Uye zita renyu ngarisimbiswe nokukudzwa nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiye Mwari waIsiraeri; ndiye Mwari kuna Isiraeri; imba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.

17:25b.1CH.017.025 Nokuti imi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamumisira imba; saka muranda wenyu akatsunga kunyengetera pamberi penyu.

17:26b.1CH.017.026 Zvino Jehovha, ndimi Mwari, makapikira muranda wenyu chinhu ichi;

17:27b.1CH.017.027 zvino makafara nazvo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha makairopafadza zvino icharopafadzwa nokusingaperi.

18

18:1b.1CH.018.001 Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarwa navaFirisitia akavakunda; akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro.

18:2b.1CH.018.002 Akakunda Moabhiwo, vaMoabhi vakaitwa varanda vaDhavhidhi, vakamuvigira zvipo.

18:3b.1CH.018.003 Dhavhidhi akakundawo Hadharezeri mambo weZobha, kusvikira paHamati, pakuenda kwake kundosimbisa vumambo bwake parwizi Yufuratesi.

18:4b.1CH.018.004 Dhavhidhi akamutorera ngoro dzine chiuru chimwe navatasvi vamabhiza vane zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.

18:5b.1CH.018.005 Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.

18:6b.1CH.018.006 Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.

18:7b.1CH.018.007 Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadharezeri, akadziisa Jerusaremu.

18:8b.1CH.018.008 NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.

18:9b.1CH.018.009 Zvino Tou mambo weHamati akati achinzwa kuti Dhavhidhi akaparadza hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha,

18:10b.1CH.018.010 akatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi, kundomukwazisa, nokumukorokotedza pamusoro pokurwa kwake kwaHadharezeri nokumukunda; nokuti Hadharezeri wairwa naTou; akanga ane midziyo yamarudzi ose, yendarama, neyesirivha, nendarira.

18:11b.1CH.018.011 Neyiyiwo mambo Dhavhidhi akaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakanga atora kundudzi dzose; kuna vaEdhomu, navaMoabhi, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki.

18:12b.1CH.018.012 Uye Abhishai mwanakomana waZeruya, akauraya vaEdhomu paMupata woMunyu vaiva vane zviuru zvine gumi nezvisere.

18:13b.1CH.018.013 Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.

18:14b.1CH.018.014 Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; akatongera vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.

18:15b.1CH.018.015 Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva gurukota,

18:16b.1CH.018.016 Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, vaiva vapirisiti, naShavhisha waiva munyori;

18:17b.1CH.018.017 uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vakuru kutevera mambo.

19

19:1b.1CH.019.001 Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni akafa, mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.

19:2b.1CH.019.002 Zvino Dhavhidhi akati, Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake. Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko.

19:3b.1CH.019.003 Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?

19:4b.1CH.019.004 Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akaveura ndebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.

19:5b.1CH.019.005 Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.

19:6b.1CH.019.006 Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vazvivengesa naDhavhidhi, Hanuni navana vaAmoni vakatuma matarenda esirivha ane chiuru chimwe kuzoripa ngoro navatasvi vamabhiza vanobva Mesopotamia, neArimimaaka, neZobha.

19:7b.1CH.019.007 Naizvozvo vakaripira ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namambo weMaaka navanhu vake; ivo vakasvika vakadzika matende avo pamberi peMedhebha. Vana vaAmoni vakaungana vachibva kumaguta avo, vakauya kuzorwa.

19:8b.1CH.019.008 Zvino Dhavhidhi akati achizvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.

19:9b.1CH.019.009 Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; asi madzimambo, akanga auya, aiva pachawo oga pasango.

19:10b.1CH.019.010 Zvino Joabhu akati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kunavakatsaurwa vose vaIsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.

19:11b.1CH.019.011 Vamwe vanhu, vakasara, akavaisa kuna Abhishai, munununa wake, vakazvigadzira kuti varwe navana vaAmoni.

19:12b.1CH.019.012 Akati, Kana vaSiria vakandikurira ini, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.

19:13b.1CH.019.013 Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.

19:14b.1CH.019.014 Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.

19:15b.1CH.019.015 Zvino vana vaAmoni vakati vachionawo kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akaenda Jerusaremu.

19:16b.1CH.019.016 Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana vaSiria vakanga vari mhiri kworwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri.

19:17b.1CH.019.017 Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza valsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa navaSiria, ivo vakarwa naye.

19:18b.1CH.019.018 VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya pakati pavaSiria varume vengoro dzine zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shofaki mukuru wehondo.

19:19b.1CH.019.019 Zvino varanda vaHadharezeri vakati vachiona kuti vakundwa naIsiraeri vakayanana naDhavhidhi, vakamushumira; vaSiria vakazoramba kubatsira vana vaAmoni.

20

20:1b.1CH.020.001 Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Joabhu akaenda nehondo ine simba, akaparadza nyika yavana vaAmoni, akandokomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara Jerusaremu. Joabhu akakunda Rabha, akariputsa.

20:2b.1CH.020.002 Dhavhidhi akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake, akawana kuti inosvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha ikaiswa pamusoro waDhavhidhi; akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.

20:3b.1CH.020.003 Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavacheka namajeko, nembambo dzamatare, uye namasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu. Dhavhidhi anokunda vaFirisitia

20:4b.1CH.020.004 Zvino shure kwaizvozvo kurwa kukazomuka paGezeri navaFirisitia; Shibhekai muHushati, akauraya Sipai, mumwe wavanakomana vaRafa.

20:5b.1CH.020.005 Vakarwazve navaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munununa waGoriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki.

20:6b.1CH.020.006 Vakarwazve paGati, pakanga pano munhu murefu kwazvo, akanga ane minwe nezvigunwe zvose zvina makumi maviri nezvina, mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvitanhatu parutsoka rumwe norumwe; naiyewo akanga akaberekerwa Rafa.

20:7b.1CH.020.007 Zvino akati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munununa waDhavhidhi akamuuraya.

20:8b.1CH.020.008 Ndivo vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.

21

21:1b.1CH.021.001 Zvino Satani akamukira vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsiraeri.

21:2b.1CH.021.002 Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokumachinda avanhu, Endai mundoverenga vaIsiraeri kubva paBheerishebha kusvikira paDhani; mudzoke neshoko, ndizive kuwanda kwavo.

21:3b.1CH.021.003 Joabhu akati, Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?

21:4b.1CH.021.004 Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu. Zvino Joabhu akaenda, akapota pakati pavaIsiraeri vose, akasvika Jerusaremu.

21:5b.1CH.021.005 Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. Valsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.

21:6b.1CH.021.006 Asi haana kuverenga vaRevhi navaBhenjamini pakati pavo; nokuti shoko ramambo rakanga rakaipa kwazvo kuna Joabhu.

21:7b.1CH.021.007 Zvino Mwari akanga asingafari nechinhu ichi; saka akarova Isiraeri.

21:8b.1CH.021.008 Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.

21:9b.1CH.021.009 Jehovha akataura naGadhi, muoni waDhavhidhi, akati,

21:10b.1CH.021.010 Enda unotaura naDhavhidhi, uti, zvanzi naJehovha, Ndinokuisira zvinhu zvitatu, chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.

21:11b.1CH.021.011 Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chitsaura chaunoda;

21:12b.1CH.021.012 makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri. Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.

21:13b.1CH.021.013 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.

21:14b.1CH.021.014 Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri; varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati paIsiraeri.

21:15b.1CH.021.015 Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, Ndizvo, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.

21:16b.1CH.021.016 Dhavhidhi akatarira, akaona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nokudenga, akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake, wakatambanudzwa pamusoro peJerusaremu. Ipapo Dhavhidhi navakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakafuka saga.

21:17b.1CH.021.017 Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.

21:18b.1CH.021.018 Ipapo mutumwa waJehovha akaraira Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire avakire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi.

21:19b.1CH.021.019 Dhavhidhi akakwira nokureva kwaGadhi kwaakataura nezita raJehovha.

21:20b.1CH.021.020 Orinani akacheuka, akaona mutumwa; vanakomana vake vana, vaiva naye, vakavanda. Zvino Orinani wakanga achipura zviyo.

21:21b.1CH.021.021 Dhavhidhi akati achisvika kuna Orinani, Orinani akatarira akaona Dhavhidhi, akabuda paburiro, akakotamira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi.

21:22b.1CH.021.022 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Ndipe nzvimbo yeburiro iri, kuti ndivakirepo aritari kuna Jehovha; unofanira kundipa iro nditenge nomutengo wakafanira, kuti denda ripere pakati pavanhu.

21:23b.1CH.021.023 Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.

21:24b.1CH.021.024 Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Kwete, asi zvirokwazvo ndicharitenga nomutengo wakafanira; nokuti handingatori chinhu chako ndikapa Jehovha, kana kuuya nechipiriso chinopiswa chisina mutengo.

21:25b.1CH.021.025 Naizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mashekeri ana mazana matanhatu endarama pakurema kwawo, uri mutengo wenzvimbo iyo.

21:26b.1CH.021.026 Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akashumira Jehovha; iye akamupindura nomoto wakabva kudenga ukawira paaritari yechipiriso chinopiswa.

21:27b.1CH.021.027 Jehovha akaraira mutumwa, iye akadzoserazve munondo wake mumuhara wawo.

21:28b.1CH.021.028 Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akati aona kuti Jehovha amupindura paburiro raOrinani muJebhusi, akabayirapo.

21:29b.1CH.021.029 Nokuti panguva iyo tabhenekari yaJehovha, yakanga yavakwa naMozisi murenje, nearitari yokupisira zvipiriso, zvakanga zviri padunhu rakakwirira paGibhiyoni.

21:30b.1CH.021.030 Asi Dhavhidhi akanga asingagoni kuendako kuzobvunza Mwari pamberi payo; nokuti akanga achitya nemhaka yomunondo womutumwa waJehovha.

22

22:1b.1CH.022.001 Dhavhidhi akati, Iyi ndiyo imba yaJehovha Mwari, neyiyi ndiyo aritari yokupisira zvipiriso zvaIsiraeri. Dhavhidhi anogadzira zvokuvaka temberi nazvo

22:2b.1CH.022.002 Zvino Dhavhidhi akaraira kuti vatorwa vakanga vari panyika yaIsiraeri vaunganidzwe; akagadza vavezi vamabwe, kuti vaveze mabwe okuvaka nawo imba yaMwari.

22:3b.1CH.022.003 Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuo nezvikorekedzo; uye ndarira zhinji isina kuidzwa kurema kwayo.

22:4b.1CH.022.004 Namatanda emisidhari asina kuverengwa; nokuti vaZidhoni naveTire vakauya nemisidhari yakawanda kuna Dhavhidhi.

22:5b.1CH.022.005 Dhavhidhi akati, Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira. Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.

22:6b.1CH.022.006 Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari walsiraeri imba.

22:7b.1CH.022.007 Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba.

22:8b.1CH.022.008 Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;

22:9b.1CH.022.009 asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nokuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake;

22:10b.1CH.022.010 iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.

22:11b.1CH.022.011 Zvino, mwana wangu, Jehovha ngaave newe; ufambiswe zvakanaka iwe, uvake imba yaJehovha Mwari wako, sezvaakataura pamusoro pako.

22:12b.1CH.022.012 Asi Jehovha ngaakupe kungwara nokuchenjera, akuraire pamusoro paIsiraeri; kuti saizvozvo uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.

22:13b.1CH.022.013 Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge moyo, usatya kana kuvhunduswa.

22:14b.1CH.022.014 Zvino tarira, ndakatambura ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nokuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.

22:15b.1CH.022.015 Uye vabati unavo vazhinji, vaputsi navavezi vamabwe namatanda, navarume vose vakangwara pamabasa ose;

22:16b.1CH.022.016 nendarama, nesirivha, nendarira, namatare hazvingaverengwi; simuka, ubate Jehovha ave newe,

22:17b.1CH.022.017 Dhavhidhi akarairawo machinda ose aIsiraeri kuti vabatsire Soromoni mwanakomana wake, akati,

22:18b.1CH.022.018 Ko Jehovha Mwari wenyu haazi nemi here? Haana kukuzorodzai kumativi ose here? Nokuti akaisa vanhu vagere panyika iyi muruoko rwangu; zvino nyika yakundwa pamberi paJehovha napamberi pavanhu vake.

22:19b.1CH.022.019 Zvino shingairai nemoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha.

23

23:1b.1CH.023.001 Zvino Dhavhidhi akanga akwegura, ava namazuva mazhinji; akaita Soromoni mwanakomana wake mambo walsiraeri.

23:2b.1CH.023.002 Akaunganidza machinda ose aIsiraeri pamwechete navapirisiti navaRevhi.

23:3b.1CH.023.003 VaRevhi vakaverengwa vanamakore makumi matatu navakapfuura ipapo; pakuwanda kwavo, vachiverengwa musoro womurume mumwe nomumwe, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvisere.

23:4b.1CH.023.004 Pakati pavo vane zviuru zvina makumi maviri nezvina vaitarira mabasa eimba yaJehovha; vane zviuru zvitanhatu vaiva vatariri navatongi;

23:5b.1CH.023.005 vane zviuru zvina vaiva vatariri vemikova; vane zviuru zvina vairumbidza Jehovha nezvokuridza zvandakaita (ndizvo zvakareva Dhavhidhi) kuti arumbidzwe nazvo.

23:6b.1CH.023.006 Dhavhidhi akavakamura, akaita mapoka akaenzana navanakomana vaRevhi, Gerishoni, naKohati, naMerari.

23:7b.1CH.023.007 VokwaGerishoni: Radhani naShimei.

23:8b.1CH.023.008 Vanakomana vaRadhani: Jehieri mukuru, naZerami, naJoeri, vose vatatu.

23:9b.1CH.023.009 Vanakomana vaShimei: Sheromoti, naHazieri, naHarani, vose vatatu. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani.

23:10b.1CH.023.010 Vanakomana vaShimei: Jahati, naZina, naJeushi, naBheriya. Ava vana vakanga vari vanakomana vaShimei.

23:11b.1CH.023.011 Jahati akanga ari mukuru, wechipiri Ziza; asi Jeushi naBheriya vakanga vasina vanakomana vazhinji saka vakaverengwa vachiita imba imwe yamadzibaba.

23:12b.1CH.023.012 Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri, vose vana.

23:13b.1CH.023.013 Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMozisi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene-tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuwira pamberi paJehovha,nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi.

23:14b.1CH.023.014 Asi kana ari Mozisi munhu waMwari, vanakomana vake vakaverengwa kurudzi rwaRevhi.

23:15b.1CH.023.015 Vanakomana vaMozisi: Gerishomi naEriezeri.

23:16b.1CH.023.016 Vanakomana vaGerishomi: Shebhueri mukuru.

23:17b.1CH.023.017 Vanakomana vaEriezeri: Rehabhia mukuru. Eriezeri akanga asina vamwe vanakomana; asi vanakomana vaRehabhia vakanga vari vazhinji-zhinji.

23:18b.1CH.023.018 Vanakomana valshari: Sheromiti mukuru.

23:19b.1CH.023.019 Vanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu, Jekameami wechina.

23:20b.1CH.023.020 Vanakomana vaUzieri: Mika mukuru, naIshia wechipiri.

23:21b.1CH.023.021 Vanakomana vaMerari: Mari naMushi. Vanakomana vaMari: Eriazari naKishi.

23:22b.1CH.023.022 Eriazari akafa asina vanakomana, asi vanasikana voga; hama dzavo, vanakomana vaKishi, dzikavawana.

23:23b.1CH.023.023 Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJeremoti, vose vatatu.

23:24b.1CH.023.024 Ndivo vaiva vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba vakaverengwa pakati pavo, vachiverengwa namazita avo musoro womumwe nomumwe, vaibata basa paimba yaJehovha, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo.

23:25b.1CH.023.025 Nokuti Dhavhidhi wakati, Jehovha Mwari waIsiraeri wakazorodza vanhu vake; iye anogara Jerusaremu nokusingaperi,

23:26b.1CH.023.026 uye vaRevhi havachazofaniri kutakura tabhenekari nenhumbi dzayo dzokubata mabasa ayo.

23:27b.1CH.023.027 Nokuti namashoko aDhavhidhi okupedzisira vanakomana vaRevhi vakaverengwa, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo.

23:28b.1CH.023.028 Nokuti basa ravo rakanga riri rokubatsira vanakomana vaAroni pakushumira paimba yaJehovha, pavazhe, napamakamuri, napakusuka zvinhu zvitsvene, riri basa rokushumira paimba yaMwari;

23:29b.1CH.023.029 nokugadzira zvingwa zvokuratidza, noupfu hwakatsetseka hwechipiriso choupfu, kana chezvingwa zvitete zvisina mbiriso, kana zvakabikwa mugango, kana zvakakanyiwa namafuta, marudzi ose ezviyero nezvitanda zvokuera

23:30b.1CH.023.030 nazvo, nokumira mangwanani ose vachivonga nokurumbidza Jehovha, uye madekwanawo saizvozvo;

23:31b.1CH.023.031 nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.

23:32b.1CH.023.032 Uye kuti vachengete tende rokusangana, nokuchengeta nzvimbo tsvene, nokuchengeta vanakomana vaAroni, hama dzavo, pabasa reimba yaJehovha.

24

24:1b.1CH.024.001 Zvino mapoka avanakomana vaAroni akanga akadai: vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari.

24:2b.1CH.024.002 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa vasina vana, baba vavo vachiri vapenyu; saka Eriazari naItamari vakabata basa roupirisiti.

24:3b.1CH.024.003 Dhavhidhi, pamwechete naZadhoki, mumwe wavanakomana vaEriazari, naAhimereki, mumwe wavanakomana vaItamari, vakakamura sezvavakanga vagoverwa mabasa avo.

24:4b.1CH.024.004 Vakawana vakuru vazhinji pakati pavanakomana vaEriazari kupfuura pakati pavanakomana vaItamari; vakakamurwa kudai : Pakati pavanakomana vaEriazari kwakanga kuna vane gumi navatanhatu, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba; napakati pavanakomana vaItamari, nedzimba dzamadzibaba avo vakanga vari vasere.

24:5b.1CH.024.005 Nokudaro vakakamurwa nemijenya, mumwe pano mumwe koko; nokuti kwakanga kuna machinda eimba tsvene, namachinda aMwari pakati pavanakomana valtamari.

24:6b.1CH.024.006 Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupirisiti Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapirisiti navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari.

24:7b.1CH.024.007 Zvino mujenya wokutanga wakabata Jehorayaribhi, wechipiri Jedheiya;

24:8b.1CH.024.008 wechitatu Harimi, wechina Seorimi,

24:9b.1CH.024.009 weshanu Marikiya, wetanhatu, Miyamini,

24:10b.1CH.024.010 wechinomwe Hakozi, worusere Abhija;

24:11b.1CH.024.011 wepfumbamwe Jeshua, wegumi Shekania;

24:12b.1CH.024.012 wegumi nomumwe Eriashibhi, wegumi nemiviri Jakimi;

24:13b.1CH.024.013 wegumi nemitatu Hupa, wegumi nemina Jeshebhiyabhi;

24:14b.1CH.024.014 wegumi nemishanu Bhiriga, wegumi nemitanhatu Imeri;

24:15b.1CH.024.015 wegumi neminomwe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri;

24:16b.1CH.024.016 wegumi nemipfumbamwe Petahia, wamakumi maviri Jehezekeri;

24:17b.1CH.024.017 wamakumi maviri nomumwe Jakini, wamakumi maviri nemiviri Gamuri;

24:18b.1CH.024.018 wamakumi maviri nemitatu Dheraya, wamakumi maviri nemina Maazia.

24:19b.1CH.024.019 Ndiko kukamurwa kwavo pamabasa avo, kuti vapinde imba yaJehovha pavakanga varairwa napo naAroni baba vavo, sezvaakarairwa naJehovha Mwari walsiraeri. Vakuru vavanakomana vaRevhi

24:20b.1CH.024.020 Kana vari vamwe vanakomana vaRevhi, vanakomana vaAmirami: Shubhaeri; vavanakomana vaShubhaeri: Jedheiya.

24:21b.1CH.024.021 VaRehabhia: vavanakomana vaRehabhia: Ishia mukuru.

24:22b.1CH.024.022 Vavalzhari: Sheromoti; vavanakomana vaSheromoti: Jahati.

24:23b.1CH.024.023 Vavanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, naAmaria wechipiri, naJahazieri wechitatu, naJekemeami wechina.

24:24b.1CH.024.024 Vanakomana vaUzieri: Mika; vavanakomana vaMika: Shamiri

24:25b.1CH.024.025 Munununa waMika: Ishia; vavanakomana vaIshia Zekariya.

24:26b.1CH.024.026 Vanakomana vaMerari: Mari naMushi; vanakomana vaJazia: Bheno.

24:27b.1CH.024.027 Vanakomana vaMerari: vaJazia: Bheno, naShohami, naZakuri, naIbhiri.

24:28b.1CH.024.028 VaMari: Eriazari, wakanga asina vanakomana.

24:29b.1CH.024.029 VaKishi: vanakomana vaKishi: Jerameeri.

24:30b.1CH.024.030 Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJerimoti. Ndivo vakanga vari vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.

24:31b.1CH.024.031 Naivo vakakandawo mijenya sehama dzavo, ivo vanakomana vaAroni pamberi pamambo Dhavhidhi, naZadhoki, naAhimereki, navakuru vedzimba dzamadzibaba dzavapirisiti navaRevhi; dzimba dzamadzibaba dzomukuru dzaiverengwa sedzomunununa wake.

25

25:1b.1CH.025.001 Dhavhidhi navakuru vehondo vakatsaurirawo basa ravo vanakomana vaAsafi naHemani naJedhutuni, kuti vaporofite nembira, nemitengeramwa, namakandira; mazita avakabata basa ravo ndiwo:

25:2b.1CH.025.002 vavanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetania, naAsharera, vanakomana vaAsafi; vairairwa naAsafi, waiporofita nomurayiro wamambo.

25:3b.1CH.025.003 VaJedhutuni: vanakomana vaJedhutuni. Gedharia, naZeri, naJeshaya, naHashabhia, naMatitia, vatanhatu; ivo vairairwa nababa vavo Jedhutuni, nembira, waiporofita achivonga nokurumbidza Jehovha.

25:4b.1CH.025.004 VaHemani: vanakomana vaHemani: Bhukia, naMatania, naUzieri, naShebhueri, naJerimoti, naHanania, naHanani, naEriata, naGidhareti, naRomamitiezeri, naJoshibhekasha, naMaroti, naHotiri, naMahazioti.

25:5b.1CH.025.005 Ava vose vakanga vari vanakomana vaHemani muoni wamambo pamashoko aMwari; Mwari akapa Hemani vanakomana vane gumi navana, navakunda vatatu, kuzomusimbisa.

25:6b.1CH.025.006 Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengeramwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo.

25:7b.1CH.025.007 Ava vose, pamwechete nehama dzavo dzakanga dzadzidziswa kuimbira Jehovha, ivo vose vakanga vachigona kwazvo, vakasvika mazana maviri namakumi masere navasere.

25:8b.1CH.025.008 Vakakanda mijenya kuzoratidzwa mabasa avo, kusina anodarikwa, vaduku pamwechete navakuru, navadzidzisi pamwechete navadzidzi.

25:9b.1CH.025.009 Mujenya wokutanga waAsafi ukabata Josefa; wechipiri Gedharia; iye navanununa vake vakanga vari gumi navaviri;

25:10b.1CH.025.010 wechitatu Zakuri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:11b.1CH.025.011 wechina Iziri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:12b.1CH.025.012 weshanu Netania, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:13b.1CH.025.013 wetanhatu Bhukia, navanakomana vake, navanununa vake, gumi navaviri;

25:14b.1CH.025.014 wechinomwe Jesharera, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:15b.1CH.025.015 worusere Jeshaya, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:16b.1CH.025.016 wepfumbamwe Matania, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:17b.1CH.025.017 wegumi Shimei, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:18b.1CH.025.018 wegumi nomumwe Azareri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:19b.1CH.025.019 wegumi navaviri Hashabhia, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:20b.1CH.025.020 wegumi navatatu Shubhaeri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:21b.1CH.025.021 wegumi navana Matitia, navanakomana vake, navanununa vake, gumi navaviri;

25:22b.1CH.025.022 wegumi navashanu Jeremoti, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:23b.1CH.025.023 wegumi navatanhatu Hanania, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:24b.1CH.025.024 wegumi navanomwe Joshibhekasha, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:25b.1CH.025.025 wegumi navasere Hanani, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:26b.1CH.025.026 wegumi navapfumbamwe Maroti, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:27b.1CH.025.027 wamakumi maviri Eriati, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:28b.1CH.025.028 wamakumi maviri nomumwe Hotiri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:29b.1CH.025.029 wamakumi maviri navaviri Gidhareti, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:30b.1CH.025.030 wamakumi maviri navatatu Mahazioti, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri;

25:31b.1CH.025.031 wamakumi maviri navana Romamitiezeri, navanakomana vake navanununa vake, gumi navaviri.

26

26:1b.1CH.026.001 Mapoka avatariri vemikova akanga akadai: vavaKora: Mesheremia mwanakomana waKore, wavanakomana vaAsafi.

26:2b.1CH.026.002 Mesheremia akanga ana vanakomana ava: Zekariya wedangwe, wechipiri Jedhieri; wechitatu Zebhedhia, wechina Jatinieri;

26:3b.1CH.026.003 wechishanu Erami, wechitanhatu Johanani, wechinomwe Erihonai.

26:4b.1CH.026.004 NaObhedhi-Edhomu akanga ana vanakomana ava: Shemaya wedangwe, wechipiri Jehozabhadhi, wechitatu Joa, wechina Sakari, weshanu Netaneri;

26:5b.1CH.026.005 wetanhatu Amieri, wechinomwe Isakari, worusere Peuretai; nokuti Mwari akanga amuropafadza.

26:6b.1CH.026.006 NaShemaya mwanakomana wake, akaberekerwawo vanakomana vakabata, imba yababa vavo; nokuti vakanga vari varume vane simba noumhare.

26:7b.1CH.026.007 Vanakomana vaShemaya vakanga vari: Otini, naRefaeri, naObhedhi, naErizhabhadhi; vanununa vake Erihu naShemakia, vakanga vari varume voumhare.

26:8b.1CH.026.008 Ava vose vakanga vari vanakomana va Obhedhi-Edhomu; ivo navanakomana vavo, navanununa vavo vakanga vari varume vane simba vaigona kubata basa; vakanga vana makumi matanhatu navaviri vaObhedhi-Edhomu.

26:9b.1CH.026.009 Mesheremia akanga ana vanakomana navanununa, varume voumhare, vane gumi navasere.

26:10b.1CH.026.010 NaHosavo, mumwe wavanakomana vaMerari, akanga ana vanakomana; mukuru akanga ari Shimiri, (nokuti kunyange akanga asati ari wedangwe baba vake vakamuita mukuru;)

26:11b.1CH.026.011 wechipiri Hirikia, wechitatu Tebharia, wechina Zekariya; vanakomana vose vaHosa navanununa vake vakasvika gumi navatatu.

26:12b.1CH.026.012 Mapoka avatariri vemikova vakabva pakati paivawo, pakati pavarume vakuru, vakapiwa basa savanununa vavo kubata muimba yaJehovha.

26:13b.1CH.026.013 Vakakanda mijenya, vaduku pamwechete navakuru, nedzimba dzamadzibaba avo kuzoratidzwa suo rimwe nerimwe.

26:14b.1CH.026.014 Sheremia akaratidzwa mugove wokumabvazuva. Zvino vakakanda mijenya pamusoro paZekariya mwanakomana wake, gurukota rakanga rakangwara; mugove wake ukaratidzwa kurutivi rwokumusoro.

26:15b.1CH.026.015 WaObhedhi-Edhomu kurutivi rwezasi; wavanakomana vake wokuchengeta dura.

26:16b.1CH.026.016 WaShupimi naHosa kumavirazuva, pasuo reShareketi pamugwagwa unokwira, varindi vakatarisana.

26:17b.1CH.026.017 Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vaviri-vaviri.

26:18b.1CH.026.018 WaParibhari kumavirazuva, vana pamugwagwa, navaviri paParibhari.

26:19b.1CH.026.019 Ndiyo migove yavatariri vemikova, vavanakomana vavaKora navanakomana vaMerari. Vachengeti vefuma

26:20b.1CH.026.020 Pakati pavaRevhi Ahija aitarira zvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, nezvivigiro zvefuma yezvinhu zvitsvene.

26:21b.1CH.026.021 Vanakomana vaRadhani: vanakomana vavaGerishoni vaiva vaRadhani, vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani muGerishoni. Jehieri.

26:22b.1CH.026.022 Vanakomana vaJehieri: Zetami, naJoeri munununa wake, vaitarira zvivigiro zveimba yaJehovha.

26:23b.1CH.026.023 Pakati pavaAmirami, navaIshari, navaHebhuroni, navaUzieri:

26:24b.1CH.026.024 Shebhueri mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, araira zvivigiro.

26:25b.1CH.026.025 Navanununa vake: vaEriezeri, mwanakomana wake Rehabhia, nomwanakomana wake Jeshaya, nomwanakomana wake Joramu, nomwanakomana wake Zikiri, nomwanakomana wake Sheromoti.

26:26b.1CH.026.026 Sheromoti uyu navanununa vake ndivo vaitarira zvivigiro zvose zvezvinhu zvitsvene, zvakanga zvatsaurwa namambo Dhavhidhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba avo, navakuru vezviuru navamazana, navakuru vehondo.

26:27b.1CH.026.027 Pakati pezvakapambwa pakurwa vakatsaura zvimwe zvokugadzirisa nazvo imba yaJehovha.

26:28b.1CH.026.028 Zvose zvakanga zvatsaurwa naSamueri muoni, uye naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri mwanakomana waNeri, naJoabhu mwanakomana waZeruya; zvose zvakanga zvatsaurwa naani naani zvakanga zvichichengetwa naSheromoti navanununa vake.

26:29b.1CH.026.029 Pakati pavaIshari, Kenania navanakomana vake vaibata mabasa okunze pakati paIsiraeri, vari vatariri navatongi.

26:30b.1CH.026.030 Pakati pavaHebhuroni, Hashabhia navanununa vake, varume voumhare, vane chiuru chinamazana manomwe, vaitarira Isiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kuti vabate mabasa ose aJehovha namabasa amambo.

26:31b.1CH.026.031 Pakati pavaHebhuroni, Jeriya akanga ari mukuru, ipo pakati pavaHebhuroni, namarudzi avo nedzimba dzamadzibaba avo. Pagore ramakumi mana rokubata ushe kwaDhavhidhi vakatsvakwa, vakawana pakati pavo varume vane simba noumhare paJazeri reGiriyadhi.

26:32b.1CH.026.032 Vanununa vake, varume voumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vaitwa namambo Dhavhidhi vatariri vavaRubheni, navaGadhi, navehafu yorudzi rwaManase, kuti vaite zvose zvaMwari, namabasa ose amambo.

27

27:1b.1CH.027.001 Zvino vana vaIsiraeri vakaverengwa vakuru vedzimba dzamadzibaba, navakuru vezviuru navamazana, navatariri vavo vaibatira mambo pazvinhu zvose zvamapoka aipinda nokubuda mwedzi mumwe nomumwe, mwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe rikasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:2b.1CH.027.002 Mutariri weboka rokutanga, pamwedzi wokutanga, akanga ari Jashobhiyami mwanakomana waZabhadhieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:3b.1CH.027.003 Iye akanga ari mumwe wavana vaPerezi, mukuru wavatariri vose vehondo pamwedzi wokutanga.

27:4b.1CH.027.004 Mutariri weboka romwedzi wechipiri akanga ari Dodai muAhohi, neboka rake; Mikiroti ndiye aivaraira; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:5b.1CH.027.005 Mukuru wechitatu wehondo pamwedzi wechitatu, akanga ari Bhenaya, mwanakomana womupirisiti Jehoyadha, iye mukuru; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:6b.1CH.027.006 Uyu ndiye Bhenaya uya, akanga ari munhu wesimba pakati pavana makumi matatu, waiva mutariri wavana makumi matatu; Amizabhadhi mwanakomana wake akanga ari weboka rake.

27:7b.1CH.027.007 Mukuru wechina, pamwedzi wechina, akanga ari Asaheri munununa waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake aimutevera; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:8b.1CH.027.008 Mukuru weshanu, pamwedzi weshanu, wakanga ari Shamhuti mulzirahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:9b.1CH.027.009 Mukuru wetanhatu, pamwedzi wetanhatu, akanga ari Ira mwanakomana waIkeshi muTekoite; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:10b.1CH.027.010 Mukuru wechinomwe, pamwedzi wechinomwe, akanga ari Herezi muPeroni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:11b.1CH.027.011 Mukuru wourusere, pamwedzi worusere, akanga ari Shebhekai muHushati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:12b.1CH.027.012 Mukuru wepfumbamwe, pamwedzi wepfumbamwe, akanga ari Abhiezeri muAnatoti, wavaBhenjamini; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:13b.1CH.027.013 Mukuru wegumi, pamwedzi wegumi, akanga ari Maharai muNetofati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:14b.1CH.027.014 Mukuru wegumi nomumwe, pamwedzi wegumi nomumwe, akanga ari Bhenaya muPiratoni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

27:15b.1CH.027.015 Mukuru wegumi navaviri, pamwedzi wegumi nemiviri, akanga ari Heridhai muNetofati, waOtinieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. Varairi vamarudzi ane gumi namaviri

27:16b.1CH.027.016 Uye, kwakanga kuna varairi vamarudzi alsiraeri; vokuvaRubheni akanga ari Eriezeri mwanakomana waZikiri, murairi; wokuvaSimiyoni; Shefatia mwanakomana waMaaka;

27:17b.1CH.027.017 wokwaRevhi: Hashabhia, mwanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadhoki;

27:18b.1CH.027.018 wokwaJudha: Erihu, mumwe wavanununa vaDhavhidhi; wokwalsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

27:19b.1CH.027.019 wokwaZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya, wokwaNafutari: Jeremoti mwanakomana waAzieri;

27:20b.1CH.027.020 wokuvana vaEfuraimu: Hoshea mwanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mwanakomana waPedhaya;

27:21b.1CH.027.021 wokuhafu yorudzi rwaManase paGiriyadhi, Idho mwanakomana waZekariya; wokwaBhenjamini: Jasieri mwanakomana waAbhineri;

27:22b.1CH.027.022 wokwaDhani: Azareri mwanakomana waJehorami. Ndivo vakanga vari vakuru vamarudzi alsiraeri.

27:23b.1CH.027.023 Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga.

27:24b.1CH.027.024 Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira valsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi. Vamwe varanda vaDhavhidhi

27:25b.1CH.027.025 Mutariri wefuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;

27:26b.1CH.027.026 mutariri wavanhu vaibata paminda vachirima pasi, akanga ari Eziri mwanakomana waKerubhi.

27:27b.1CH.027.027 Mutariri weminda yemizambiringa, akanga ari Shimei muRamati; mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa, wedzimba dzewaini, akanga ari Zabhadhi muShifimi;

27:28b.1CH.027.028 mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri pamapani, akanga ari Bhaarihanani muGedheri; mutariri wedzimba dzamafuta akanga ari Joashi.

27:29b.1CH.027.029 Mutariri wamapoka ezvipfuwo, zvaifura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;

27:30b.1CH.027.030 mutariri wamakamera akanga ari Obhiri muIshimaeri, uye mutariri wembongoro akanga ari Jedheiya muMeronoti;

27:31b.1CH.027.031 mutariri wamapoka amakwai akanga ari Jazizi muHagiri. Ava vose vakanga vari vatariri venhumbi dzamambo Dhavhidhi.

27:32b.1CH.027.032 Uye Jonatani muzukuru waDhavhidhi akanga ari gurukota, murume akangwara, munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aigara navanakomana vamambo;

27:33b.1CH.027.033 Ahitoferi akanga ari gurukota ramambo; naHushai muAriki yaiva shamwari yamambo;

27:34b.1CH.027.034 aitevera Ahitoferi ndiJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; mukuru wehondo yamambo akanga ari Joabhu.

28

28:1b.1CH.028.001 Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nefuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.

28:2b.1CH.028.002 Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.

28:3b.1CH.028.003 Asi Mwari akati kwandiri, Iwe haufaniri kuvakira zita rangu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateura ropa.

28:4b.1CH.028.004 Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose.

28:5b.1CH.028.005 Zvino pakati pavanakomana vangu vose nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.

28:6b.1CH.028.006 Akati kwandiri,Soromoni mwanakomana wako ndiye uchavaka imba yangu nevazhe dzangu; nokuti ndakamutsaura kuti ave mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake.

28:7b.1CH.028.007 Ndichasimbisa ushe hwake nokusingaperi, kana iye achitsungirira kuita zvandakaraira nezvandakatonga, sezvaanoita nhasi.

28:8b.1CH.028.008 Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.

28:9b.1CH.028.009 Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera moyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.

28:10b.1CH.028.010 Zvino chenjera, nokuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.

28:11b.1CH.028.011 Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo webiravira retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvefuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa;

28:12b.1CH.028.012 nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvefuma yenhumbi dzakatsaurwa;

28:13b.1CH.028.013 neyamapoka avapirisiti navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha;

28:14b.1CH.028.014 neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa;

28:15b.1CH.028.015 nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvendarama ,nemwenje yazvo kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe;

28:16b.1CH.028.016 nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha;

28:17b.1CH.028.017 nezvikokovonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe;

28:18b.1CH.028.018 nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvinonhuhwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.

28:19b.1CH.028.019 Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu.

28:20b.1CH.028.020 Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Simba, utsunge moyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.

28:21b.1CH.028.021 Zvino tarira, ndiwo mapoka avapirisiti navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachateerera chose mirairo yako.

29

29:1b.1CH.029.001 Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari.

29:2b.1CH.029.002 Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.

29:3b.1CH.029.003 Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;

29:4b.1CH.029.004 zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo;

29:5b.1CH.029.005 nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomoyo wake wose kuna Jehovha?

29:6b.1CH.029.006 Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi alsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomoyo wavo wose;

29:7b.1CH.029.007 vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadhariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.

29:8b.1CH.029.008 Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe pafuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni.

29:9b.1CH.029.009 Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.

29:10b.1CH.029.010 Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.

29:11b.1CH.029.011 Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.

29:12b.1CH.029.012 fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe, ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba.

29:13b.1CH.029.013 Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.

29:14b.1CH.029.014 Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.

29:15b.1CH.029.015 Nokuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro.

29:16b.1CH.029.016 Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu;

29:17b.1CH.029.017 ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.

29:18b.1CH.029.018 Jehovha Mwari waAbhurahamu, nalsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemoyo yavanhu venyu; rereudzai moyo yavo kwamuri,

29:19b.1CH.029.019 ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose.

29:20b.1CH.029.020 Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu. Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.

29:21b.1CH.029.021 Vakabayira Jehovha zvibayiro, vakauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha mangwanani pazuva rakatevera, zvaiti: nzombe dzine chiuru chimwe, namakondohwe ane chiuru chimwe, namakwaiana ane chiuru chimwe, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nezvibayiro zvakawanda zvavaIsiraeri vose;

29:22b.1CH.029.022 vakadya, vakanwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupirisiti.

29:23b.1CH.029.023 Ipapo Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha akava mambo panzvimbo yaDhavhidhi baba vake, akafambiswa zvakanaka; vaIsiraeri vose vakamuteerera.

29:24b.1CH.029.024 Machinda ose, navanhu vose vane simba, navanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakazviisa pasi pamambo Soromoni.

29:25b.1CH.029.025 Jehovha akakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pavaIsiraeri vose, akamupa umambo hwakakura, husina kumbopiwa mumwe mambo waIsiraeri wakamutangira. Kufa kwaDhavhidhi

29:26b.1CH.029.026 Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akabata valsiraeri vose paushe hwake.

29:27b.1CH.029.027 Nguva yaakabata ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; wakabata ushe paHebhuroni makore manomwe, napaJerusaremu akabata ushe makore makumi matatu namatatu.

29:28b.1CH.029.028 Akazofa akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.

29:29b.1CH.029.029 Zvino mabasa amambo Dhavhidhi, okutanga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuoni Samueri, napamashoko omupirisiti Natani, napamashoko omuoni Gadhi;

29:30b.1CH.029.030 pamwechete namashoko oushe hwake, nesimba rake, nezvaakaitirwa panguva dzose, iye navaIsiraeri, noushe hwose hwedzimwe nyika.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Chronicles (Shona). 1 Chronicles (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C57B-0