2 Samuel (Shona)

2 Samuel (Shona)

1

1:1b.2SA.001.001 Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi;

1:2b.2SA.001.002 Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.

1:3b.2SA.001.003 Dhavhidhi akati kwaari, Wabvepiko? Akati kwaari, Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.

1:4b.2SA.001.004 Dhavhidhi akati kwaari, Kwakaitweiko? Ndiudze hako. Akapindura, akati, Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.

1:5b.2SA.001.005 Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.

1:6b.2SA.001.006 Jaya rikamuudza rikati, Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo.

1:7b.2SA.001.007 Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, Ndiri pano hangu.

1:8b.2SA.001.008 Akati kwandiri, Ndiwe aniko? Ndikamupindura ndikati, Ndiri muAmareki.

1:9b.2SA.001.009 Akati kwandiri, Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.

1:10b.2SA.001.010 Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.

1:11b.2SA.001.011 lpapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo.

1:12b.2SA.001.012 Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.

1:13b.2SA.001.013 Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Uri wepiko? Iye akapindura akati, Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.

1:14b.2SA.001.014 Dhavhidhi akati kwaari, Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?

1:15b.2SA.001.015 Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, Swedera, umuuraye. Iye akamubaya, akafa.

1:16b.2SA.001.016 Dhavhidhi akati kwaari, Ropa rako ngarive pamusoro pako, nokuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, Ndakauraya muzodzwa waJehovha.

1:17b.2SA.001.017 Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku.

1:18b.2SA.001.018 Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.

1:19b.2SA.001.019 Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!

1:20b.2SA.001.020 Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.

1:21b.2SA.001.021 Imi makomo eGiribhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo; Nokuti ndipo pakangorashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.

1:22b.2SA.001.022 Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta avane simba.

1:23b.2SA.001.023 Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba.

1:24b.2SA.001.024 Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.

1:25b.2SA.001.025 Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.

1:26b.2SA.001.026 Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munununa wangu Jonatani; Wakanga uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi.

1:27b.2SA.001.027 Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!

2

2:1b.2SA.002.001 Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, Ndokwira kune rimwe guta raJudha here? Jehovha akati, Kwira. Dhavhidhi akati, Ndokwira kuneripi? Iye akati, Hebhuroni.

2:2b.2SA.002.002 Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri.

2:3b.2SA.002.003 Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni.

2:4b.2SA.002.004 Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Vakaudza Dhavhidhi vachiti, Varume veJabheshiGiriyadhi ndivo vakaviga Sauro.

2:5b.2SA.002.005 Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.

2:6b.2SA.002.006 Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi.

2:7b.2SA.002.007 Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo.

2:8b.2SA.002.008 Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakanga atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu;

2:9b.2SA.002.009 akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, noweJezereeri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose.

2:10b.2SA.002.010 (Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakanga ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.

2:11b.2SA.002.011 Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.

2:12b.2SA.002.012 Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda valshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhioni.

2:13b.2SA.002.013 NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.

2:14b.2SA.002.014 Abhineri akati kuna Joabhu, Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu. Joabhu akati, Ngavasimuke havo.

2:15b.2SA.002.015 Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi.

2:16b.2SA.002.016 Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni.

2:17b.2SA.002.017 Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.

2:18b.2SA.002.018 Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu.

2:19b.2SA.002.019 Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.

2:20b.2SA.002.020 Abhineri akacheuka, akati, Ndiwe Ashaheri here? Akapindura, akati, Ndini.

2:21b.2SA.002.021 Abhineri akati kwaari, Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo. Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera.

2:22b.2SA.002.022 Abhineri akatizve kuna Ashaheri, Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?

2:23b.2SA.002.023 Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.

2:24b.2SA.002.024 Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibhiyoni.

2:25b.2SA.002.025 Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo,

2:26b.2SA.002.026 Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?

2:27b.2SA.002.027 Joabhu akati, NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake.

2:28b.2SA.002.028 Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve.

2:29b.2SA.002.029 Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Jorodhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu.

2:30b.2SA.002.030 Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi.

2:31b.2SA.002.031 Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri.

2:32b.2SA.002.032 Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni.

3

3:1b.2SA.003.001 Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba. Vana vaDhavhidhi

3:2b.2SA.003.002 Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni, mwanakomana waAhinoami muJezereeri;

3:3b.2SA.003.003 wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKarimeri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;

3:4b.2SA.003.004 wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari,

3:5b.2SA.003.005 wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni. Abhineri anourawa naJoabhu

3:6b.2SA.003.006 Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro.

3:7b.2SA.003.007 Zvino Sauro wakanga anomurongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, Wapindireiko kumurongo wababa vangu?

3:8b.2SA.003.008 Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanununa vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.

3:9b.2SA.003.009 Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari;

3:10b.2SA.003.010 achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.

3:11b.2SA.003.011 Akasagona kupindura Abhineri kunyange shoko rimwe, nokuti wakanga achimutya.

3:12b.2SA.003.012 Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, Nyika iyi ndeyaniko? Akati, Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.

3:13b.2SA.003.013 Akati, Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.

3:14b.2SA.003.014 Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakanyenga nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana.

3:15b.2SA.003.015 Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi.

3:16b.2SA.003.016 Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, Enda udzoke; iye akadzoka hake.

3:17b.2SA.003.017 Abhineri akarangana navakuru vaIsiraeri akati, Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.

3:18b.2SA.003.018 Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi, akati, Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu vaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose.

3:19b.2SA.003.019 Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini.

3:20b.2SA.003.020 Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo.

3:21b.2SA.003.021 Abhineri akati kuna Dhavhidhi, Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu. Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.

3:22b.2SA.003.022 Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.

3:23b.2SA.003.023 Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.

3:24b.2SA.003.024 ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?

3:25b.2SA.003.025 Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.

3:26b.2SA.003.026 Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi.

3:27b.2SA.003.027 Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunununa wake Ashaheri.

3:28b.2SA.003.028 Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri;

3:29b.2SA.003.029 ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.

3:30b.2SA.003.030 Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunununa wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munununa wavo Ashaheri pakurwa paGibhiyoni.

3:31b.2SA.003.031 Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri. Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.

3:32b.2SA.003.032 Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema.

3:33b.2SA.003.033 Mambo akachema Abhineri, akati, Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?

3:34b.2SA.003.034 Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa. Vanhu vose vakamuchemazve.

3:35b.2SA.003.035 Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.

3:36b.2SA.003.036 Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.

3:37b.2SA.003.037 Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe.

3:38b.2SA.003.038 Zvino mambo akati kuvaranda vake, Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?

3:39b.2SA.003.039 Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.

4

4:1b.2SA.004.001 Zvino Ishibhohosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakanga afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, navaIsiraeri vose vakavhunduka.

4:2b.2SA.004.002 Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaana, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;

4:3b.2SA.004.003 vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi).

4:4b.2SA.004.004 Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakanga ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurawa kwaSauro naJonatani paJezereeri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti.

4:5b.2SA.004.005 Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati.

4:6b.2SA.004.006 Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora zviyo, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza.

4:7b.2SA.004.007 Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.

4:8b.2SA.004.008 Vakaisa musoro walshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.

4:9b.2SA.004.009 Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munununa wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, NaJehovha mupenyu, wakadzikunura mweya wangu panjodzi dzose,

4:10b.2SA.004.010 musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, Tarirai, Sauro afa, achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubayiro wandakamupa pamusoro peshoko rake.

4:11b.2SA.004.011 Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhovo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?

4:12b.2SA.004.012 Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro walshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.

5

5:1b.2SA.005.001 Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, Tarirai tiri mapfupa enyu nenyama yenyu.

5:2b.2SA.005.002 Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.

5:3b.2SA.005.003 Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.

5:4b.2SA.005.004 Dhavhidhi wakanga ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana.

5:5b.2SA.005.005 Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.

5:6b.2SA.005.006 lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.

5:7b.2SA.005.007 Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.

5:8b.2SA.005.008 Dhavhidhi akati nezuva iro, Ani nani unoparadza vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi. Naizvozvo vanoti, Mapofu nezvirema havangapindi mumba.

5:9b.2SA.005.009 Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati.

5:10b.2SA.005.010 Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha, Mwari wehondo, wakanga anaye.

5:11b.2SA.005.011 Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba.

5:12b.2SA.005.012 Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakanga amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakanga akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.

5:13b.2SA.005.013 Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana.

5:14b.2SA.005.014 Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,

5:15b.2SA.005.015 naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,

5:16b.2SA.005.016 naErishama, naEriadha, naErifereti.

5:17b.2SA.005.017 Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakanga azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare.

5:18b.2SA.005.018 VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.

5:19b.2SA.005.019 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.

5:20b.2SA.005.020 Dhavhidhi akasvika paBhaari-perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, Jehovha wakapwanya vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari-perazimi.

5:21b.2SA.005.021 Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitora.

5:22b.2SA.005.022 VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu.

5:23b.2SA.005.023 Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba pakatarisana nemiti yemimaribheri.

5:24b.2SA.005.024 Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.

5:25b.2SA.005.025 Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.

6

6:1b.2SA.006.001 Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.

6:2b.2SA.006.002 Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodanwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubi.

6:3b.2SA.006.003 Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.

6:4b.2SA.006.004 Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.

6:5b.2SA.006.005 Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.

6:6b.2SA.006.006 Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.

6:7b.2SA.006.007 Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.

6:8b.2SA.006.008 Dhavhidhi akawora moyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.

6:9b.2SA.006.009 Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?

6:10b.2SA.006.010 Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.

6:11b.2SA.006.011 Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.

6:12b.2SA.006.012 Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.

6:13b.2SA.006.013 Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.

6:14b.2SA.006.014 Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.

6:15b.2SA.006.015 Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.

6:16b.2SA.006.016 Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumoyo make.

6:17b.2SA.006.017 Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.

6:18b.2SA.006.018 Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.

6:19b.2SA.006.019 Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

6:20b.2SA.006.020 Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!

6:21b.2SA.006.021 Dhavhidhi akati kuna Mikari, Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.

6:22b.2SA.006.022 Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.

6:23b.2SA.006.023 Mikari mukunda waSauro, wakanga asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.

7

7:1b.2SA.007.001 Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,

7:2b.2SA.007.002 mambo akati kumuporofita Natani, Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka.

7:3b.2SA.007.003 Natani akati kuna mambo, Endai, muite henyu zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Jehovha anemi.

7:4b.2SA.007.004 Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti,

7:5b.2SA.007.005 Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?

7:6b.2SA.007.006 Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Ijipiti kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri.

7:7b.2SA.007.007 Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?

7:8b.2SA.007.008 Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;

7:9b.2SA.007.009 ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.

7:10b.2SA.007.010 Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga,

7:11b.2SA.007.011 nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba.

7:12b.2SA.007.012 Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muura mako, ndikasimbisa ushe hwake.

7:13b.2SA.007.013 Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.

7:14b.2SA.007.014 Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu;

7:15b.2SA.007.015 asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako.

7:16b.2SA.007.016 Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.

7:17b.2SA.007.017 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakanga aratidzwa.

7:18b.2SA.007.018 Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?

7:19b.2SA.007.019 Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Jehovha Mwari, asi makataurawo pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya; asi iyi ndiyo tsika yavanhu, Jehovha Mwari!

7:20b.2SA.007.020 Ko Dhavhidhi ungareveizve kwamuri? Nokuti munoziva henyu muranda wenyu, Jehovha Mwari.

7:21b.2SA.007.021 Nokuda kweshoko renyu, uye sezvamakafunga mumoyo menyu, makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzvizivisa muranda wenyu.

7:22b.2SA.007.022 Naizvozvo muri mukuru, Jehovha Mwari, nokuti hakuna mumwe wakafanana nemi, hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.

7:23b.2SA.007.023 Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?

7:24b.2SA.007.024 Mukazvisimbisira vanhu venyu vaIsiraeri, kuti vave vanhu venyu nokusingaperi; imi Jehovha mukava Mwari wavo.

7:25b.2SA.007.025 Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusingaperi, muite sezvamakataura.

7:26b.2SA.007.026 Zita renyu ngarikudzwe nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiMwari waIsiraeri; imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.

7:27b.2SA.007.027 Nokuti imi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.

7:28b.2SA.007.028 Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeezvokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;

7:29b.2SA.007.029 naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.

8

8:1b.2SA.008.001 Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakarwa navaFirisitia akavakunda; Dhavhidhi akatorera vaFirisitia chikuriri chomuzinda wavo.

8:2b.2SA.008.002 Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuvurawa, vuye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.

8:3b.2SA.008.003 Dhavhidhi akakundawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZhobha, pakuenda kwake kundotora ushe hwake paRwizi.

8:4b.2SA.008.004 Dhavhidhi akamutorera vatasvi vamabhiza vane chiuru chimwe namazana manomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.

8:5b.2SA.008.005 Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.

8:6b.2SA.008.006 Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.

8:7b.2SA.008.007 Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadhadhezeri, akadziisa Jerusaremu.

8:8b.2SA.008.008 Mambo Dhavhidhi akatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta napaBherotai, aiva maguta aHadhadhezeri.

8:9b.2SA.008.009 Zvino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Dhavhidhi wakanga aparadza hondo yose yaHadhadhezeri,

8:10b.2SA.008.010 Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamusoro pokurwa kwake naHadhadhezeri wairwa naToi. Joramu akauya nemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira.

8:11b.2SA.008.011 Neyiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakanga akunda;

8:12b.2SA.008.012 kuvaSiria, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki, nezvakanga zvatapwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZobha.

8:13b.2SA.008.013 Dhavhidhi akakurumbira kwazvo nguva yaakadzoka pakuuraya vaSiria paMupata woMunyu, vaiva varume vane zviuru zvine gumi nezvisere.

8:14b.2SA.008.014 Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; wakaisa mapoka avarwi paEdhomu yose, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.

8:15b.2SA.008.015 Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; Dhavhidhi akatonga vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.

8:16b.2SA.008.016 Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;

8:17b.2SA.008.017 Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiatari, vaiva vapirisiti, naSeraya waiva munyori.

8:18b.2SA.008.018 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapirisiti.

9

9:1b.2SA.009.001 Zvino Dhavhidhi wakati, Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?

9:2b.2SA.009.002 Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, Ndiwe Zibha here? Iye akati, Muranda wenyu ndiye.

9:3b.2SA.009.003 Mambo akati kwaari, Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here? Zibha akati kuna mambo, Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka.

9:4b.2SA.009.004 Mambo akati kwaari, Uripi? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.

9:5b.2SA.009.005 Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.

9:6b.2SA.009.006 Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, Mefibhosheti! Iye akapindura akati, Tarirai muranda wenyu.

9:7b.2SA.009.007 Dhavhidhi akati kwaari, Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.

9:8b.2SA.009.008 Iye akamupfugamira akati, Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?

9:9b.2SA.009.009 Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.

9:10b.2SA.009.010 Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.

9:11b.2SA.009.011 Ipapo Zibha akati kuna mambo, Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo. Mambo akati, Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo.

9:12b.2SA.009.012 Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.

9:13b.2SA.009.013 Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose.

10

10:1b.2SA.010.001 Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni wakafa, Hanuni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.

10:2b.2SA.010.002 Zvino Dhavhidhi akati, Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake. Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.

10:3b.2SA.010.003 Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, Munofunga kuti Dhavhidhi unoda kukudza baba venyu zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kuti anzvere guta nokurishora, nokuriputsa here?

10:4b.2SA.010.004 Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akavewura rumwe rutivi rwendebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.

10:5b.2SA.010.005 Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.

10:6b.2SA.010.006 Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.

10:7b.2SA.010.007 Dhavhidhi wakati azvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.

10:8b.2SA.010.008 Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; vaSiria veZobha, naveRehobhu, navarume veTobhi neMaaka vakanga vari pachavo voga pasango.

10:9b.2SA.010.009 Zvino Joabhu wakati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kuna vakatsaurwa vose valsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.

10:10b.2SA.010.010 Vamwe vanhu, vakanga vasara, akavaisa kuna Abhishai, munununa wake, akavagadzira kuti varwe navana. vaAmoni.

10:11b.2SA.010.011 Akati, Kana vaSiria vakandikurira, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.

10:12b.2SA.010.012 Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.

10:13b.2SA.010.013 Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.

10:14b.2SA.010.014 Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akadzoka kuvana vaAmoni, akasvika Jerusaremu.

10:15b.2SA.010.015 Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri vakaungana,

10:16b.2SA.010.016 Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.

10:17b.2SA.010.017 Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika paHeramu. VaSiria vakazvigadzira, vakarwa naDhavhidhi.

10:18b.2SA.010.018 VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.

10:19b.2SA.010.019 Zvino madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri, vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakayanana navaIsiraeri, vakavashumira. Naizvozvo vaSiria vakatya kuzobatsira vana vaAmoni.

11

11:1b.2SA.011.001 Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu.

11:2b.2SA.011.002 Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhovo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake.

11:3b.2SA.011.003 Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?

11:4b.2SA.011.004 Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakanga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake.

11:5b.2SA.011.005 Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, Ndava nemimba,

11:6b.2SA.011.006 Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri. Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi.

11:7b.2SA.011.007 Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini.

11:8b.2SA.011.008 Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako. Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo.

11:9b.2SA.011.009 Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake.

11:10b.2SA.011.010 Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?

11:11b.2SA.011.011 Uriya akati kuna Dhavhidhi, Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu hwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi.

11:12b.2SA.011.012 Dhavhidhi akati kuna Uriya, Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda. Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana.

11:13b.2SA.011.013 Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.

11:14b.2SA.011.014 Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya.

11:15b.2SA.011.015 Akanyora parugwaro, akati, Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.

11:16b.2SA.011.016 Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo.

11:17b.2SA.011.017 Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo.

11:18b.2SA.011.018 Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa.

11:19b.2SA.011.019 Akaraira nhume, akati, Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa,

11:20b.2SA.011.020 kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, Makaswederereiko pedo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?

11:21b.2SA.011.021 Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo? Ipapo iwe uti, Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.

11:22b.2SA.011.022 Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu.

11:23b.2SA.011.023 Nhume ikati kuna Dhavhidhi, Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo.

11:24b.2SA.011.024 Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.

11:25b.2SA.011.025 Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, Iti kuna Joabhu, Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.

11:26b.2SA.011.026 Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake.

11:27b.2SA.011.027 Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.

12

12:1b.2SA.012.001 Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akafuma, asi mumwe wakanga ari murombo.

12:2b.2SA.012.002 Mufumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo;

12:3b.2SA.012.003 asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake.

12:4b.2SA.012.004 Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.

12:5b.2SA.012.005 Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa.

12:6b.2SA.012.006 Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.

12:7b.2SA.012.007 Natani akati kuna Dhavhidhi, Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro,

12:8b.2SA.012.008 ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti.

12:9b.2SA.012.009 Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.

12:10b.2SA.012.010 Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.

12:11b.2SA.012.011 Zvanzi naJehovha, Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.

12:12b.2SA.012.012 Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.

12:13b.2SA.012.013 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi.

12:14b.2SA.012.014 Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.

12:15b.2SA.012.015 Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo.

12:16b.2SA.012.016 Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akazvinyima zvokudya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.

12:17b.2SA.012.017 Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo.

12:18b.2SA.012.018 Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.

12:19b.2SA.012.019 Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, Mwana wafa here? Ivo vakati, Wafa.

12:20b.2SA.012.020 Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.

12:21b.2SA.012.021 Ipapo varanda vake vakati kwaari, Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.

12:22b.2SA.012.022 Iye akati, Mwana achiri mupenyu ndakazvinyima zvokudya, ndikachema, nokuti ndakati, Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?

12:23b.2SA.012.023 Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.

12:24b.2SA.012.024 Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.

12:25b.2SA.012.025 Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.

12:26b.2SA.012.026 Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda.

12:27b.2SA.012.027 Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura.

12:28b.2SA.012.028 Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.

12:29b.2SA.012.029 Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda.

12:30b.2SA.012.030 Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.

12:31b.2SA.012.031 Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.

13

13:1b.2SA.013.001 Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, yainzi Tamari; Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.

13:2b.2SA.013.002 Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.

13:3b.2SA.013.003 Asi Amunoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano.

13:4b.2SA.013.004 Iye akati kwaari, Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here? Amunoni akati kwaari, Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunununa wangu Abhusaromu.

13:5b.2SA.013.005 Jonadhabhu akati kwaari, Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.

13:6b.2SA.013.006 Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.

13:7b.2SA.013.007 Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, Enda zvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.

13:8b.2SA.013.008 Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.

13:9b.2SA.013.009 Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, Vanhu vose ngavabude kwandiri. Vanhu vose vakabuda kwaari.

13:10b.2SA.013.010 Amunoni akati kuna Tamari, Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako. Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.

13:11b.2SA.013.011 Zvino wakati aswedera pedo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.

13:12b.2SA.013.012 Iye akamupindura akati, Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.

13:13b.2SA.013.013 Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe.

13:14b.2SA.013.014 Asi wakaramba kuteerera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.

13:15b.2SA.013.015 Ipapo Amunoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amunoni akati kwaari, Muka, uende.

13:16b.2SA.013.016 Iye akati kwaari, Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira. Asi wakaramba kumuteerera.

13:17b.2SA.013.017 Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.

13:18b.2SA.013.018 Zvino iye wakanga ane nguvo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.

13:19b.2SA.013.019 Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.

13:20b.2SA.013.020 Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, Amunoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi. Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.

13:21b.2SA.013.021 Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.

13:22b.2SA.013.022 Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amunoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nokuti wakanga achiva hanzvadzi yake Tamari.

13:23b.2SA.013.023 Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.

13:24b.2SA.013.024 Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.

13:25b.2SA.013.025 Mambo akati kuna Abhusaromu, Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.

13:26b.2SA.013.026 Zvino Abhusaromu akati, Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu. Mambo akati kwaari, Iye unofanira kuendireiko newe?

13:27b.2SA.013.027 Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amunoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.

13:28b.2SA.013.028 Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, Urayai Amunoni! Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.

13:29b.2SA.013.029 Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.

13:30b.2SA.013.030 Zvino vakati vachiri munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.

13:31b.2SA.013.031 Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguvo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguvo dzakabvarurwa.

13:32b.2SA.013.032 Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amunoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.

13:33b.2SA.013.033 Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amunoni woga ndiye wafa.

13:34b.2SA.013.034 Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.

13:35b.2SA.013.035 Jonadhabhu akati kuna mambo, Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.

13:36b.2SA.013.036 Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.

13:37b.2SA.013.037 Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.

13:38b.2SA.013.038 Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.

13:39b.2SA.013.039 moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.

14

14:1b.2SA.014.001 Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo wamambo wakanga uchida Abhusaromu.

14:2b.2SA.014.002 Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;

14:3b.2SA.014.003 zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti. Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.

14:4b.2SA.014.004 Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, Ndibatsirei, mambo wangu!

14:5b.2SA.014.005 Mambo akati kwaari, Unonzweiko? Akapindura, akati, Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa.

14:6b.2SA.014.006 Murandakadzi wenyu wakanga ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya.

14:7b.2SA.014.007 Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, Tipei uyo wakauraya munununa wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunununa wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo; naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiyira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika.

14:8b.2SA.014.008 Mambo akati kumukadzi, Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako.

14:9b.2SA.014.009 Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.

14:10b.2SA.014.010 Mambo akati, Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve.

14:11b.2SA.014.011 Ipapo iye akati, Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu. Iye akati, NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.

14:12b.2SA.014.012 Zvino mukadzi akati, Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo. Iye akati, Taura hako.

14:13b.2SA.014.013 Mukadzi akati, Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.

14:14b.2SA.014.014 Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.

14:15b.2SA.014.015 Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.

14:16b.2SA.014.016 Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.

14:17b.2SA.014.017 Zvino murandakadzi wenyu akati, Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nokuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.

14:18b.2SA.014.018 Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, Usavanzira hako shoko randinokubvunza. Mukadzi akati, Ishe wangu ngaataure hake zvino.

14:19b.2SA.014.019 Mambo akati, Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here? Mukadzi akapindura, akati, Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.

14:20b.2SA.014.020 Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokwomutumwa waMwari, nokuti munoziva zvose zviri panyika.

14:21b.2SA.014.021 Ipapo mambo akati kuna Joabhu, Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu.

14:22b.2SA.014.022 Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nokuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake.

14:23b.2SA.014.023 Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu.

14:24b.2SA.014.024 Mambo akati, Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo.

14:25b.2SA.014.025 Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari.

14:26b.2SA.014.026 Nguva yaaigurira vhudzi rake, (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nokuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.

14:27b.2SA.014.027 Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakanga ane chiso chakanaka.

14:28b.2SA.014.028 Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo.

14:29b.2SA.014.029 Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya.

14:30b.2SA.014.030 Zvino akati kuvaranda vake, Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa. Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda.

14:31b.2SA.014.031 Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, Varanda vako vapisireiko munda wangu?

14:32b.2SA.014.032 Abhusaromu akapindura Joabhu akati, Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, Uya pano, ndikutume kuna mambo, undoti Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.

14:33b.2SA.014.033 Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu.

15

15:1b.2SA.015.001 Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.

15:2b.2SA.015.002 Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakanga ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, Uri weguta ripiko? Kana akati, Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,

15:3b.2SA.015.003 Abhusaromu waiti kwaari, Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.

15:4b.2SA.015.004 Uye Abhusaromu akatiwo, Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.

15:5b.2SA.015.005 Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda.

15:6b.2SA.015.006 Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.

15:7b.2SA.015.007 Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha.

15:8b.2SA.015.008 Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.

15:9b.2SA.015.009 Mambo akati, Chienda hako norugare. Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni.

15:10b.2SA.015.010 Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.

15:11b.2SA.015.011 Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu.

15:12b.2SA.015.012 Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.

15:13b.2SA.015.013 Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, moyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.

15:14b.2SA.015.014 Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, Simukai, titize nokuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.

15:15b.2SA.015.015 Varanda vamambo vakati kuna mambo, Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikanwa naishe wedu mambo.

15:16b.2SA.015.016 Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba.

15:17b.2SA.015.017 Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.

15:18b.2SA.015.018 Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo.

15:19b.2SA.015.019 Mambo akati kuna Itai muGiti, Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako.

15:20b.2SA.015.020 Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe.

15:21b.2SA.015.021 Itai akapindura mambo akati, NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo.

15:22b.2SA.015.022 Dhavhidhi akati kuna Itai, Chienda hako, uyambuke. Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye.

15:23b.2SA.015.023 Vanhu venyika yose vakachema nenzwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje.

15:24b.2SA.015.024 Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta.

15:25b.2SA.015.025 Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve.

15:26b.2SA.015.026 Asi kana akati, Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.

15:27b.2SA.015.027 Mambo akati kuna Zadhoki mupirisiti, Iwe hauzi Muvoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari.

15:28b.2SA.015.028 Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa.

15:29b.2SA.015.029 Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo.

15:30b.2SA.015.030 Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.

15:31b.2SA.015.031 Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu. Dhavhidhi akati, Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.

15:32b.2SA.015.032 Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguvo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake.

15:33b.2SA.015.033 Dhavhidhi akati kwaari, Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza;

15:34b.2SA.015.034 asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.

15:35b.2SA.015.035 Zadhoki naAbhiatari vapirisiti, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapirisiti izvozvo.

15:36b.2SA.015.036 Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.

15:37b.2SA.015.037 Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu.

16

16:1b.2SA.016.001 Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.

16:2b.2SA.016.002 Mambo akati kuna Zibha, Unodiniko nezvizvi? Zibha akati, Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vanwe.

16:3b.2SA.016.003 Mambo akati, Mwanakomana washe wako uripiko? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.

16:4b.2SA.016.004 Ipapo mambo akati kuna Zibha, Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha akati, Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo.

16:5b.2SA.016.005 Zvino mambo Dhavhidhi wakati asvika paBhahurimu, mumwe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mwanakomana waGera, akabudapo;

16:6b.2SA.016.006 akabuda, akafamba achingotuka, akaposhera Dhavhidhi namabwe, navaranda vose vamambo Dhavhidhi; zvino vanhu vose navarume vose vesimba vakanga vari kurudyi rwake no kuruboshwe rwake.

16:7b.2SA.016.007 Shimei akatuka akati, Chibva, chibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaisvoipa;

16:8b.2SA.016.008 Jehovha wakadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakanga wakabata ushe panzvimbo yake. Jehovha wakapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; tarira, wabatwa nezvakaipa zvako, nokuti uri munhu weropa.

16:9b.2SA.016.009 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, Imbwa iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.

16:10b.2SA.016.010 Mambo akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imi vana vaZeruya; ngaatuke hake, kana Jehovha achinge ati kwaari, Tuka Dhavhidhi, ndianiko ungati, Waitireiko kudai?

16:11b.2SA.016.011 Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira.

16:12b.2SA.016.012 Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi.

16:13b.2SA.016.013 Naizvozvo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba havo nenzira, Shimei akaramba achifamba nomujinga megomo pakatarisana naDhavhidhi, akafamba achingotuka nokumuposhera namabwe, nokumupfumburira guruva.

16:14b.2SA.016.014 Mambo navanhu vose vakanga vanaye vakasvika vaneta, vakazororapo.

16:15b.2SA.016.015 Abhusaromu navanhu vose, ivo varume vaIsiraeri, vakasvika Jerusaremu, Ahitoferi anayewo.

16:16b.2SA.016.016 Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, wakati asvika kuna Abhusaromu, Hushai akati kuna Abhusaromu, Mambo ngaararame, mambo ngaararame!

16:17b.2SA.016.017 Abhusaromu akati kuna Hushai, Ndizvo zvakanaka zvaunoitira shamwari yako? Wakaregereiko kuenda neshamwari yako?

16:18b.2SA.016.018 Hushai akati kuna Abhusaromu, Kwete, asi wakatsaurwa naJehovha uye vanhu ava, uye navarume vose vaIsiraeri, ndiye wandichava wake, ndiye wandichagara naye.

16:19b.2SA.016.019 Uye ndingafanira kushumira aniko? Handifaniri kushumira mwanakomana wake here? Sezvandakashumira baba venyu, ndichakushumiraiwo imi saizvozvo.

16:20b.2SA.016.020 Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?

16:21b.2SA.016.021 Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa.

16:22b.2SA.016.022 Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.

16:23b.2SA.016.023 Zvino mano aAhitoferi aakapa mazuva iwayo, akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi aakapa Dhavhidhi naAbhusaromu vose.

17

17:1b.2SA.017.001 Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;

17:2b.2SA.017.002 ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.

17:3b.2SA.017.003 Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.

17:4b.2SA.017.004 Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri.

17:5b.2SA.017.005 Ipapo Abhusaromu akati, Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.

17:6b.2SA.017.006 Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.

17:7b.2SA.017.007 Hushai akati kuna Abhusaromu, Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.

17:8b.2SA.017.008 Hushai akawedzera, akati, Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.

17:9b.2SA.017.009 Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, aninani unonzwa uchati, Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.

17:10b.2SA.017.010 Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.

17:11b.2SA.017.011 Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.

17:12b.2SA.017.012 Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasiyi kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo.

17:13b.2SA.017.013 Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.

17:14b.2SA.017.014 Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.

17:15b.2SA.017.015 Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapirisiti, Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.

17:16b.2SA.017.016 Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.

17:17b.2SA.017.017 Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.

17:18b.2SA.017.018 Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakanga ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.

17:19b.2SA.017.019 Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakune chinhu chakazozikanwa.

17:20b.2SA.017.020 Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, Ahimaazi naJonatani varipiko? Mukadzi akati kwavari, Vayambuka rukova. Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.

17:21b.2SA.017.021 Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.

17:22b.2SA.017.022 Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Jorodhani; kwakati kwoedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakanga achigere kuyambuka Jorodhani.

17:23b.2SA.017.023 Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.

17:24b.2SA.017.024 Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Jorodhani, iye navarume vose valsiraeri, vaakanga anavo.

17:25b.2SA.017.025 Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munununa waZeruya, amai vaJoabhu.

17:26b.2SA.017.026 VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriyadhi.

17:27b.2SA.017.027 Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,

17:28b.2SA.017.028 vakauya nenhovo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,

17:29b.2SA.017.029 nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vaakanga anavo vadye; nokuti vakati, Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje.

18

18:1b.2SA.018.001 Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.

18:2b.2SA.018.002 Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munununa waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.

18:3b.2SA.018.003 Asi vanhu vakati, Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.

18:4b.2SA.018.004 Mambo akati kwavari, Ndichaita sezvamunofunga. Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.

18:5b.2SA.018.005 Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu. Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.

18:6b.2SA.018.006 Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.

18:7b.2SA.018.007 Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.

18:8b.2SA.018.008 Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.

18:9b.2SA.018.009 Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.

18:10b.2SA.018.010 Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.

18:11b.2SA.018.011 Joabhu akati kumunhu wakamuudza, Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire.

18:12b.2SA.018.012 Murume akati kuna Joabhu, Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.

18:13b.2SA.018.013 Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imi mungadai mandiregera.

18:14b.2SA.018.014 Ipapo Joabhu akati, Handigoni kunonoka kudai newe pano. Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.

18:15b.2SA.018.015 Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.

18:16b.2SA.018.016 Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.

18:17b.2SA.018.017 Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.

18:18b.2SA.018.018 Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakanga atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati, Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu; akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi. Dhavhidhi anochema Abhusaromu

18:19b.2SA.018.019 Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake.

18:20b.2SA.018.020 Joabhu akati kwaari, Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa.

18:21b.2SA.018.021 Zvino Joabhu akati kumuKushi, Enda iwe undoudza mambo zvawaona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.

18:22b.2SA.018.022 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi. Joabhu akati, Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?

18:23b.2SA.018.023 Iye akati, Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu. Akati kwaari, Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.

18:24b.2SA.018.024 Zvino Dhavhidhi wakanga agere pakati pamasuo maviri, nharirire ikakwira padenga resuo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.

18:25b.2SA.018.025 Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, Kana ari oga, ane shoko mumuromo make Akaramba achifamba, akaswedera.

18:26b.2SA.018.026 Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuo, ikati, Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga. Mambo akati, Naiye unouya neshoko.

18:27b.2SA.018.027 Nharirire ikati, Ndinofunga kuti kumhanya kwowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo akati, Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka.

18:28b.2SA.018.028 Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, Rugare! Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo.

18:29b.2SA.018.029 Mambo akati, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati, Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko.

18:30b.2SA.018.030 Mambo akati, Tsauka, umire pano. Akatsauka, akaramba amirepo.

18:31b.2SA.018.031 Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, Ndine shoko kunashe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai.

18:32b.2SA.018.032 Mambo akati kumuKushi, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? MuKushi akapindura akati, Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro.

18:33b.2SA.018.033 Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!

19

19:1b.2SA.019.001 Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu.

19:2b.2SA.019.002 Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, Mambo unochema mwanakomana wake.

19:3b.2SA.019.003 Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa.

19:4b.2SA.019.004 Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nenzwi guru, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!

19:5b.2SA.019.005 Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;

19:6b.2SA.019.006 nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.

19:7b.2SA.019.007 Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino.

19:8b.2SA.019.008 Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, Tarirai, mambo ugere pasuo; vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Dhavhidhi anodzokera Jerusaremu Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.

19:9b.2SA.019.009 Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.

19:10b.2SA.019.010 Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?

19:11b.2SA.019.011 Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapirisiti, akati, Taurai kuvakuru vaJudha, muti, Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.

19:12b.2SA.019.012 Imi muri hama dzangu, muri mapfupa angu nenyama yangu, zvino munononokerei kudzosa mambo?

19:13b.2SA.019.013 Zvino muti kuna Amasa, Iwe hauzi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.

19:14b.2SA.019.014 Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, Dzokai, imi navaranda venyu vose.

19:15b.2SA.019.015 Naizvozvo mambo akadzoka akasvika paJorodhani VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Jorodhani.

19:16b.2SA.019.016 Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakanga agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi.

19:17b.2SA.019.017 Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo.

19:18b.2SA.019.018 Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Jorodhani.

19:19b.2SA.019.019 Akati kuna mambo, Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza kwomuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamoyo pake.

19:20b.2SA.019.020 Nokuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo.

19:21b.2SA.019.021 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?

19:22b.2SA.019.022 Dhavhidhi akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?

19:23b.2SA.019.023 Mambo akati kuna Shimei, Haungafi. Mambo akapika kwaari.

19:24b.2SA.019.024 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.

19:25b.2SA.019.025 Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?

19:26b.2SA.019.026 Iye akapindura akati, Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo, nokuti muranda wenyu chirema.

19:27b.2SA.019.027 Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari, naizvozvo itai henyu sezvamunoda.

19:28b.2SA.019.028 Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?

19:29b.2SA.019.029 Mambo akati kwaari, Ucharamba uchitaureiko? Ndinoti, Iwe naZibha govanai nyika.

19:30b.2SA.019.030 Mefibhosheti akati kuna mambo, Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare.

19:31b.2SA.019.031 NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani.

19:32b.2SA.019.032 Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akafuma kwazvo.

19:33b.2SA.019.033 Mambo akati kuna Bharizirai, Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu.

19:34b.2SA.019.034 Bharizirai akati kuna mambo, Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo?

19:35b.2SA.019.035 Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?

19:36b.2SA.019.036 Muranda wenyu wakanga achingoda hake kuyambuka Jorodhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko?

19:37b.2SA.019.037 Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.

19:38b.2SA.019.038 Mambo akapindura akati, Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo.

19:39b.2SA.019.039 Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.

19:40b.2SA.019.040 Naizvozvo mambo akayambukira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakayambusa mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.

19:41b.2SA.019.041 Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?

19:42b.2SA.019.042 Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, Nokuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?

19:43b.2SA.019.043 Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu? Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.

20

20:1b.2SA.020.001 Zvino kwakanga kuripo munhu wakaipa, wainzi Shebha, mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini; iye akaridza hwamanda, akati, Isu hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; vaIsiraeri, mumwe nomumwe ngaaende kutende rake.

20:2b.2SA.020.002 Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJorodhani kusvikira paJerusaremu.

20:3b.2SA.020.003 Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.

20:4b.2SA.020.004 Zvino mambo akati kuna Amasa, Ndikokere varume vaJudha vaungane namazuva matatu; newe uve panowo.

20:5b.2SA.020.005 Naizvozvo Amasa akaenda akakokera varume vaJudha, asi wakanonoka akadarika nguva yaakanga atarirwa naye.

20:6b.2SA.020.006 Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri uchatitadzira kupfuura Abhusaromu. Tora varanda vashe wako, umuteverere, arege kuzviwanira maguta akakombwa namasvingo, akatipukunyukira.

20:7b.2SA.020.007 Ipapo varume vaJoabhu, navaKereti navaPereti, navarume vose vemhare vakamutevera. Vakabuda Jerusaremu kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.

20:8b.2SA.020.008 Vakati vachisvika pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa akasangana navo. Zvino Joabhu wakanga akazvisunga nguvo yake yokurwa nayo yaakanga afuka; iyo yakanga yakasungwa nebhanhire rakanga rino munondo wakasungirwa pachiuono chake, uri mumuhara mawo; zvino wakati achifamba, ukawira pasi.

20:9b.2SA.020.009 Joabhu akati kuna Amasa, Wakadiniko, munununa wangu? Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.

20:10b.2SA.020.010 Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunununa wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.

20:11b.2SA.020.011 Zvino rimwe jaya raJoabhu rakanga rimirepo naye, rikati, Ani nani unoda Joabhu, nouri kurutivi rwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.

20:12b.2SA.020.012 Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.

20:13b.2SA.020.013 Iye wakati abviswa panzira, vanhu vose vakatevera Joabhu, kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.

20:14b.2SA.020.014 Akafamba namarudzi ose aIsiraeri kusvikira paAbheri, neBhetimaaka, navaBheri vose; vanhu vose vakaungana, vakamuteverawo.

20:15b.2SA.020.015 Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.

20:16b.2SA.020.016 lpapo mumwe mukadzi, wakanga akachenjera, akadanidzira ari muguta, akati, Inzwai, inzwai, doudzai Joabhu, muti, Swedera pano, nditaure newe.

20:17b.2SA.020.017 Iye akaswedera kwaari. Mukadzi akati, Ndiwe Joabhu here? Iye akapindura akati, Ndini. Ipapo akati kwaari, Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu. Iye akapindura akati, Ndinonzwa.

20:18b.2SA.020.018 Zvino akataura akati, Kare vanhu vaiti, Zvirokwazvo, vachabvunza mano paAbheri, mhosva ndokupererapo.

20:19b.2SA.020.019 Ini ndiri mumwe wavanotsvaka rugare nowavakarurama pakati paIsiraeri, asi imi munotsvaka kuparadza guta, rakaita samai pakati palsiraeri; munotsvakireiko kumedza nhaka yaJehovha?

20:20b.2SA.020.020 Joabhu akapindura akati, Haisva, haisva, handingatongomedzi kana kuparadza;

20:21b.2SA.020.021 hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta. Mukadzi akati kuna Joabhu, Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.

20:22b.2SA.020.022 Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.

20:23b.2SA.020.023 Zvino Joabhu ndiye wairaira hondo yose yaIsiraeri, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti,

20:24b.2SA.020.024 Adhoramu ndiye wairaira chibharo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;

20:25b.2SA.020.025 Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapirisiti;

20:26b.2SA.020.026 Ira muJairi waiva mupirisitiwo waDhavhidhi.

21

21:1b.2SA.021.001 Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibhiyoni.

21:2b.2SA.021.002 Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;

21:3b.2SA.021.003 Dhavhidhi akati kuva Gibhiyoni, Ndingakuitirai chinyi? Ndingayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?

21:4b.2SA.021.004 VaGibhiyoni vakati kwaari, Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri. Iye akati, Chamunoreva ndichakuitirai icho.

21:5b.2SA.021.005 Ivo vakati kuna mambo, Iye munhu, wakatipedza, wakatifungira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yalsiraeri,

21:6b.2SA.021.006 varume vanomwe vavana vake ngavapiwesu, tivasungirire pamberi paJehovha paGibhiya raSauro, mutsaurwa waJehovha. Mambo akati, Ndichakupai ivo.

21:7b.2SA.021.007 Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.

21:8b.2SA.021.008 Asi mambo wakatora vana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaakanga aberekera Sauro, Amoni naMefibhosheti, navana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;

21:9b.2SA.021.009 akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, ivo vakavasungirira pagomo pamberi paJehovha, vakafa vari vanomwe; vakaurawa pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga, pakutanga kwokukohwa bhari.

21:10b.2SA.021.010 Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.

21:11b.2SA.021.011 Zvino Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mukunda waAya, murongo waSauro;

21:12b.2SA.021.012 Dhavhidhi akandotora mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvarume veJabheshiGiriyadhi, vakanga vaaba panzira yeBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFirisitia, pazuva rokuurawa kwaSauro navaFirisitia paGiribhoa.

21:13b.2SA.021.013 Akatorapo mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake, vakaunganidza mapfupa avakanga vaturikwapo.

21:14b.2SA.021.014 Vakaviga mapfupa aSauro naaJonatani mwanakomana wake panyika yavaBhenjamini paZera, pahwiro hwababa vake; vakaita zvose zvavakanga varairwa namambo. Shure kwaizvozvo Mwari akanzwira nyika tsitsi. Kurwa kwavaIsiraeri navaFirisitia

21:15b.2SA.021.015 Zvino vaFirisitia vakarwazve navaIsiraeri; Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFirisitia; Dhavhidhi akaneta.

21:16b.2SA.021.016 Zvino Ishibhibhenobhi, mumwe wavanakomana vaRafa, waiva nepfumo rakasvika pamashekeri ana mazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakanga akashonga munondo mutsva, akafunga kuuraya Dhavhidhi.

21:17b.2SA.021.017 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri.

21:18b.2SA.021.018 Zvino shure kwaizvozvo kurwa kwazovapozve navaFirisitia paGobhi; Sibekai, muHushati, akauraya Safi, mumwe wavanakomana vaRafa.

21:19b.2SA.021.019 Vakarwazve navaFirisitia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJaarioregimi weBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaga rwakaita sedanda romuruki.

21:20b.2SA.021.020 Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva neminwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.

21:21b.2SA.021.021 Zvino wakati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, munununa waDhavhidhi akamuuraya.

21:22b.2SA.021.022 Ava vana vakanga vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.

22

22:1b.2SA.022.001 Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro;

22:2b.2SA.022.002 akati, Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu.

22:3b.2SA.022.003 Mwari idombo rangu, ndichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.

22:4b.2SA.022.004 Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.

22:5b.2SA.022.005 Nokuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.

22:6b.2SA.022.006 Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira.

22:7b.2SA.022.007 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.

22:8b.2SA.022.008 Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa.

22:9b.2SA.022.009 Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.

22:10b.2SA.022.010 Wakakotamisawo kudenga-denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.

22:11b.2SA.022.011 Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.

22:12b.2SA.022.012 Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.

22:13b.2SA.022.013 Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa.

22:14b.2SA.022.014 Jehovha wakatinhira kudenga, Wokumusoro-soro wakataura nenzwi rake.

22:15b.2SA.022.015 Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa.

22:16b.2SA.022.016 Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake.

22:17b.2SA.022.017 Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;

22:18b.2SA.022.018 Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira.

22:19b.2SA.022.019 Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakanga ari mutsigiro wangu.

22:20b.2SA.022.020 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira.

22:21b.2SA.022.021 Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.

22:22b.2SA.022.022 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.

22:23b.2SA.022.023 Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.

22:24b.2SA.022.024 Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.

22:25b.2SA.022.025 Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.

22:26b.2SA.022.026 Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;

22:27b.2SA.022.027 Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha.

22:28b.2SA.022.028 Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza kuti muvaderedze.

22:29b.2SA.022.029 Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.

22:30b.2SA.022.030 Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.

22:31b.2SA.022.031 Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.

22:32b.2SA.022.032 Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?

22:33b.2SA.022.033 Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.

22:34b.2SA.022.034 Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.

22:35b.2SA.022.035 Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta hwendarira.

22:36b.2SA.022.036 Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu, Unyoro hwenyu hwakandikurisa.

22:37b.2SA.022.037 Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

22:38b.2SA.022.038 Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.

22:39b.2SA.022.039 Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu.

22:40b.2SA.022.040 Nokuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.

22:41b.2SA.022.041 Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.

22:42b.2SA.022.042 Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

22:43b.2SA.022.043 Ipapo ndakavapwanya seguruva renyika; Ndikavatswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure.

22:44b.2SA.022.044 Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.

22:45b.2SA.022.045 Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.

22:46b.2SA.022.046 Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.

22:47b.2SA.022.047 Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.

22:48b.2SA.022.048 Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu.

22:49b.2SA.022.049 Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.

22:50b.2SA.022.050 Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo;

22:51b.2SA.022.051 Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.

23

23:1b.2SA.023.001 Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi, Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese, Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo, Naiye muzodzwa waMwari waJakobho, Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,

23:2b.2SA.023.002 Mweya waJehovha wakataura mukati mangu, Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.

23:3b.2SA.023.003 Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari;

23:4b.2SA.023.004 Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.

23:5b.2SA.023.005 Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kwose, nokuda kwangu kwose, Ko haangazvikurisi here?

23:6b.2SA.023.006 Asi vose vasingadi Mwari vachafanana neminzwa inorashwa, Nokuti haigoni kubatwa namaoko;

23:7b.2SA.023.007 Asi munhu anoibata Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo; Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto. Mhare dzaDhavhidhi

23:8b.2SA.023.008 Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatariri; iye wakanga ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.

23:9b.2SA.023.009 Wakamutevera wakanga ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume vaIsiraeri vabva;

23:10b.2SA.023.010 iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.

23:11b.2SA.023.011 Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane bindu renyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.

23:12b.2SA.023.012 Asi iye wakamira pakati pebindu, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.

23:13b.2SA.023.013 Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.

23:14b.2SA.023.014 Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakanga ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBheterehemu nenguva iyo.

23:15b.2SA.023.015 Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndinwe!

23:16b.2SA.023.016 Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha.

23:17b.2SA.023.017 Akati, Haisva, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.

23:18b.2SA.023.018 Abhishai munununa waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.

23:19b.2SA.023.019 Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.

23:20b.2SA.023.020 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;

23:21b.2SA.023.021 akaurayawo muIjipiti, murume wakanga akanaka, muljipiti uyu wakanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.

23:22b.2SA.023.022 Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.

23:23b.2SA.023.023 Iye wakanga achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.

23:24b.2SA.023.024 Ashaheri munununa waJoabhu wakanga ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;

23:25b.2SA.023.025 naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;

23:26b.2SA.023.026 naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;

23:27b.2SA.023.027 naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;

23:28b.2SA.023.028 naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;

23:29b.2SA.023.029 naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini;

23:30b.2SA.023.030 naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;

23:31b.2SA.023.031 naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimavheti muBharihumi;

23:32b.2SA.023.032 naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;

23:33b.2SA.023.033 naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;

23:34b.2SA.023.034 naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;

23:35b.2SA.023.035 naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;

23:36b.2SA.023.036 naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;

23:37b.2SA.023.037 naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;

23:38b.2SA.023.038 naIra muItiri, naGarebhi muItiri;

23:39b.2SA.023.039 naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.

24

24:1b.2SA.024.001 Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi pamusoro pavo, akati, Enda uverenge vaIsiraeri navaJudha.

24:2b.2SA.024.002 Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.

24:3b.2SA.024.003 Joabhu akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?

24:4b.2SA.024.004 Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri.

24:5b.2SA.024.005 Vakayambuka Jorodhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri.

24:6b.2SA.024.006 Ipapo vakasvika Giriyadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni,

24:7b.2SA.024.007 vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKenani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.

24:8b.2SA.024.008 Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri.

24:9b.2SA.024.009 Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kuna vaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.

24:10b.2SA.024.010 Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.

24:11b.2SA.024.011 Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, Muvoni waDhavhidhi, rikati,

24:12b.2SA.024.012 Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.

24:13b.2SA.024.013 Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.

24:14b.2SA.024.014 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.

24:15b.2SA.024.015 Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.

24:16b.2SA.024.016 Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, Ndizvo, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakanga amire paburiro raArauna muJebhusi.

24:17b.2SA.024.017 Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.

24:18b.2SA.024.018 Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi zuva iro, akati kwaari, Enda undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.

24:19b.2SA.024.019 Dhavhidhi akaenda sezvaakaudzwa naGadhi, sezvaakarairwa naJehovha.

24:20b.2SA.024.020 Zvino Arauna akatarira, akaona mambo navaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabuda, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.

24:21b.2SA.024.021 Arauna akati, Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake? Dhavhidhi akati, Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu.

24:22b.2SA.024.022 Arauna akati kuna Dhavhidhi, Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni;

24:23b.2SA.024.023 izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake.

24:24b.2SA.024.024 Mambo akati kuna Arauna, Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga. Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.

24:25b.2SA.024.025 Dhavhidhi akavakirapo Jehovha aritari, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Jehovha akanzwira nyika tsitsi, denda rikapera pakati paIsiraeri.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Samuel (Shona). 2 Samuel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C572-9