1 Samuel (Shona)
1
1:1b.1SA.001.001 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata.
1:2b.1SA.001.002 Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana.
1:3b.1SA.001.003 Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapirisiti vaJehovha
1:4b.1SA.001.004 Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo;
1:5b.1SA.001.005 asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake.
1:6b.1SA.001.006 Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
1:7b.1SA.001.007 Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
1:8b.1SA.001.008 Zvino murume wake Erikana akati kwaari, Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?
1:9b.1SA.001.009 Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupirisiti wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
1:10b.1SA.001.010 Zvino Hana wakanga ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
1:11b.1SA.001.011 Akapika mhiko, akati, Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.
1:12b.1SA.001.012 Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake.
1:13b.1SA.001.013 Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
1:14b.1SA.001.014 Eri akati kwaari, Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? Rasha waini yako.
1:15b.1SA.001.015 Hana akapindura akati, Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kunwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
1:16b.1SA.001.016 Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nokuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kwokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu.
1:17b.1SA.001.017 Ipapo Eri akamupindura, akati, Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.
1:18b.1SA.001.018 Iye akati, Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi. Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.
1:19b.1SA.001.019 Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
1:20b.1SA.001.020 Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti, Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.
1:21b.1SA.001.021 Zvino murume Erikana navose veimba yake vakakwira kuna Jehovha kundobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe, nokumupa sezvaakapika.
1:22b.1SA.001.022 Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.
1:23b.1SA.001.023 Erikana murume wake akati kwaari, Ita sezvaunofunga; chimbogara hako kusvikira wamurumura; asi Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi akambogara hake, akayamwisa mwanakomana wake, kusvikira amurumura.
1:24b.1SA.001.024 Wakati arumumura, akakwira naye ane nzombe nhatu, neefa imwe youpfu, nedende rewaini, akandomuisa mumba maJehovha paShiro. Asi mwana wakanga achiri muduku.
1:25b.1SA.001.025 Zvino vakabaya nzombe, vakaisa mwana kuna Eri.
1:26b.1SA.001.026 Hana akati, Ishe wangu, nomweya wenyu mupenyu, ishe wangu, ndini mukadzi wakadeya kumira pano pamberi penyu, ndichinyengetera kuna Jehovha.
1:27b.1SA.001.027 Ndakakumbira mwana uyu, Jehovha akandipa chandakakumbira kwaari;
1:28b.1SA.001.028 saka neni ndamupa Jehovha; mazuva ose okurarama kwake wakapiwa Jehovha. Akanamata kuna Jehovha ipapo.
2
2:1b.1SA.002.001 Hana akanyengetera, akati, moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2:2b.1SA.002.002 Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
2:3b.1SA.002.003 Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Manyawi ngaarege kubuda pamiromo yenyu, Nokuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
2:4b.1SA.002.004 Uta hwavanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
2:5b.1SA.002.005 Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. Wakanga asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakanga ana vana vazhinji woshaiwa simba.
2:6b.1SA.002.006 Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
2:7b.1SA.002.007 Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
2:8b.1SA.002.008 Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
2:9b.1SA.002.009 Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
2:10b.1SA.002.010 Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.
2:11b.1SA.002.011 Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupirisiti Eri. Kutadza kwavana vaEri
2:12b.1SA.002.012 Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
2:13b.1SA.002.013 Tsika yavapirisiti pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupirisiti waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
2:14b.1SA.002.014 zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupirisiti. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
2:15b.1SA.002.015 Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupirisiti waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, Ndipe nyama yokugochera mupirisiti; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.
2:16b.1SA.002.016 Zvino kana munhu uyo akati kwaari, Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomoyo wako, ipapo iye ndokuti, Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.
2:17b.1SA.002.017 Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
2:18b.1SA.002.018 Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
2:19b.1SA.002.019 Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
2:20b.1SA.002.020 Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha. Vakaenda kumusha kwavo.
2:21b.1SA.002.021 Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
2:22b.1SA.002.022 Zvino Eri wakanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.
2:23b.1SA.002.023 Akati kwavari, Munoitireiko zvinhu zvakadai? Nokuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
2:24b.1SA.002.024 Kwete, vana vangu; nokuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
2:25b.1SA.002.025 Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera? Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nokuti Jehovha wakanga achida kuvauraya.
2:26b.1SA.002.026 Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.
2:27b.1SA.002.027 Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
2:28b.1SA.002.028 Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupirisiti wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
2:29b.1SA.002.029 Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?
2:30b.1SA.002.030 Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi, asi zvino zvanzi naJehovha, Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
2:31b.1SA.002.031 Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
2:32b.1SA.002.032 Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
2:33b.1SA.002.033 Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
2:34b.1SA.002.034 Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
2:35b.1SA.002.035 Neni ndichazvimutsira mupirisiti wakatendeka, uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
2:36b.1SA.002.036 Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa, achiti, Dondipaiwo rimwe basa ravapirisiti, ndidyewo chimedu chechingwa.
3
3:1b.1SA.003.001 Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.
3:2b.1SA.003.002 Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,)
3:3b.1SA.003.003 mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;
3:4b.1SA.003.004 Jehovha akadana Samueri. Iye akati, Ndiripano hangu.
3:5b.1SA.003.005 Akamhanyira kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nokuti mandidana. Eri akati, Handina kukudana, chivata hakozve. Iye akandovatazve.
3:6b.1SA.003.006 Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, Samueri! Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nokuti mandidana. Akapindura akati, Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.
3:7b.1SA.003.007 Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.
3:8b.1SA.003.008 Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiri pano hangu, nokuti mandidana. Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
3:9b.1SA.003.009 Saka Eri akati kuna Samueri, Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
3:10b.1SA.003.010 Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, Samueri, Samueri! Samueri akati, Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.
3:11b.1SA.003.011 Jehovha akati kuna Samueri, Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.
3:12b.1SA.003.012 Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
3:13b.1SA.003.013 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
3:14b.1SA.003.014 Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.
3:15b.1SA.003.015 Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.
3:16b.1SA.003.016 Zvino Eri akadana Samueri, akati Samueri, mwana wangu. Iye akati, Ndiripano hangu.
3:17b.1SA.003.017 Akati, Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.
3:18b.1SA.003.018 Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.
3:19b.1SA.003.019 Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.
3:20b.1SA.003.020 VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
3:21b.1SA.003.021 Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.
4
4:1b.1SA.004.001 Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.
4:2b.1SA.004.002 VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
4:3b.1SA.004.003 Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.
4:4b.1SA.004.004 Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.
4:5b.1SA.004.005 Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.
4:6b.1SA.004.006 VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko? Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
4:7b.1SA.004.007 VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, Mwari wasvika kumisasa. Vakati, Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.
4:8b.1SA.004.008 Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaIjipiti namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.
4:9b.1SA.004.009 Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.
4:10b.1SA.004.010 Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
4:11b.1SA.004.011 Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa. Kufa kwaEri navanakomana vake
4:12b.1SA.004.012 Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.
4:13b.1SA.004.013 Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti moyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.
4:14b.1SA.004.014 Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko? Murume akakurumidza, akandoudza Eri.
4:15b.1SA.004.015 Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.
4:16b.1SA.004.016 Murume akati kuna Eri, Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati, Kwaitweiko, mwana wangu?
4:17b.1SA.004.017 Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.
4:18b.1SA.004.018 Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana.
4:19b.1SA.004.019 Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
4:20b.1SA.004.020 Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.
4:21b.1SA.004.021 Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.
4:22b.1SA.004.022 Akati, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.
5
5:1b.1SA.005.001 Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi,
5:2b.1SA.005.002 VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni.
5:3b.1SA.005.003 Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.
5:4b.1SA.005.004 Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga.
5:5b.1SA.005.005 Saka vapirisiti vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi.
5:6b.1SA.005.006 Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo.
5:7b.1SA.005.007 Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.
5:8b.1SA.005.008 Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri? Vakapindura, vakati, Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati. Vakaisa areka yaMwari ikoko.
5:9b.1SA.005.009 Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota.
5:10b.1SA.005.010 Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu.
5:11b.1SA.005.011 Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu; nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.
5:12b.1SA.005.012 Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga.
6
6:1b.1SA.006.001 Zvino areka yaJehovha yakagara
6:2b.1SA.006.002 munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. VaFirisitia vakadana vapirisiti navavuki, vakati, Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.
6:3b.1SA.006.003 Vakati, Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.
6:4b.1SA.006.004 Zvino vakati, Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko? Vakati, Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imwi mose namadzishe enyu.
6:5b.1SA.006.005 Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.
6:6b.1SA.006.006 Muchawomesereiko moyo sezvakaita vaIjipiti naFarao vakawomesa moyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?
6:7b.1SA.006.007 Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;
6:8b.1SA.006.008 zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
6:9b.1SA.006.009 Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.
6:10b.1SA.006.010 Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;
6:11b.1SA.006.011 vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.
6:12b.1SA.006.012 Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bhetishemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho weBhetishemeshi.
6:13b.1SA.006.013 Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.
6:14b.1SA.006.014 Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBhetishemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopisirwa Jehovha.
6:15b.1SA.006.015 Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBhetishemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibayiro nomusi uyo.
6:16b.1SA.006.016 Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.
6:17b.1SA.006.017 Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;
6:18b.1SA.006.018 namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBhetishemeshi kusvikira nhasi.
6:19b.1SA.006.019 Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha wakanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.
6:20b.1SA.006.020 Zvino varume veBhetishemeshi vakati, Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?
6:21b.1SA.006.021 Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimwi, vakati, VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imwi, muzoiisa kwenyu.
7
7:1b.1SA.007.001 Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha. VaFirisitia vanokundwa paMizipa
7:2b.1SA.007.002 Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha.
7:3b.1SA.007.003 Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha moyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.
7:4b.1SA.007.004 Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga.
7:5b.1SA.007.005 Zvino Samueri akati, Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.
7:6b.1SA.007.006 Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, Takatadzira Jehovha. Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
7:7b.1SA.007.007 Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia.
7:8b.1SA.007.008 Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.
7:9b.1SA.007.009 Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
7:10b.1SA.007.010 Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri.
7:11b.1SA.007.011 Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari.
7:12b.1SA.007.012 Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.
7:13b.1SA.007.013 VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavalsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri.
7:14b.1SA.007.014 Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navalsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavalsiraeri navaAmori.
7:15b.1SA.007.015 Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake.
7:16b.1SA.007.016 Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose.
7:17b.1SA.007.017 Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo.
8
8:1b.1SA.008.001 Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri.
8:2b.1SA.008.002 Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.
8:3b.1SA.008.003 Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
8:4b.1SA.008.004 Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,
8:5b.1SA.008.005 vakati kwaari, Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.
8:6b.1SA.008.006 Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, Tipei mambo ungatitonga. Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
8:7b.1SA.008.007 Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
8:8b.1SA.008.008 Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paljipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.
8:9b.1SA.008.009 Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.
8:10b.1SA.008.010 Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.
8:11b.1SA.008.011 Akati, Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.
8:12b.1SA.008.012 Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
8:13b.1SA.008.013 Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.
8:14b.1SA.008.014 Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.
8:15b.1SA.008.015 Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
8:16b.1SA.008.016 Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
8:17b.1SA.008.017 Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake.
8:18b.1SA.008.018 Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.
8:19b.1SA.008.019 Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,
8:20b.1SA.008.020 kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.
8:21b.1SA.008.021 Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
8:22b.1SA.008.022 Zvino Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo. Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.
9
9:1b.1SA.009.001 Zvino kwakanga kuno murume waBhenjamini, wainzi Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, mwanakomana womuBhenjamini, munhu waiva nesimba noumhare.
9:2b.1SA.009.002 Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.
9:3b.1SA.009.003 Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarashika. Ipapo Kishi akati kuna Sauro, mwanakomana wake, Enda nomumwe wavaranda, mundotsvaka mbongoro.
9:4b.1SA.009.004 Iye akapfuura nokunyika yamakomo yaEfuremu, akapfuurawo nokunyika yamakomo yeSharisha, asi havana kudziwana; zvino vakapfuurazve nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakanga dzisipo; ipapo akapfuura nokunyika yavaBhenjamini, asi havana kudziwana.
9:5b.1SA.009.005 Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakanga anaye, Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.
9:6b.1SA.009.006 Iye akati kwaari, Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.
9:7b.1SA.009.007 Zvino Sauro akati kumuranda wake, Asi tarira, kana tikaenda, tichandovigirei munhu uyo? Nokuti zvingwa zvakanga zviri mumidziyo yedu zvapera; hapana chipo chatingavigira munhu waMwari; tineiko?
9:8b.1SA.009.008 Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.
9:9b.1SA.009.009 (Kare pakati pavaIsiraeri kana munhu ondobvunza Mwari, waiti, Handei kuMuvoni; nokuti unonzi Muporofita zvino wainzi Muvoni kare.)
9:10b.1SA.009.010 Ipapo Sauro akati kumuranda wake, Ishoko rakanaka, hendei. Naizvozvo vakaenda kuguta kwakanga kuno munhu waMwari.
9:11b.1SA.009.011 Zvino vakati vachikwira kuguta, vakasongana navasikana vakanga vabuda kundoteka mvura, vakati kwavari, Muvoni ari pano here?
9:12b.1SA.009.012 Vakapindura, vakati, Aripo, tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
9:13b.1SA.009.013 Kana mangoti mapinda muguta, muchamuwana pakarepo achigere kukwira kudunhu rakakwirira kundodyapo; nokuti vanhu havangadyi, iye asati asvika, nokuti ndiye unoropafadza chibayiro; pashure ivo vakakokwa vachadya. Naizvozvo chikwirai zvino, nokuti muchamuwana nenguva ino.
9:14b.1SA.009.014 Ipapo vakakwira kuguta. Vakati vosvika muguta, vakaona Samueri obuda, akasangana navo okwira kudunhu rakakwirira.
9:15b.1SA.009.015 Zvino Jehovha wakanga azivisa Samueri zuva rakatangira kusvika kwaSauro, akati,
9:16b.1SA.009.016 Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.
9:17b.1SA.009.017 Zvino Samueri wakati achiona Sauro; Jehovha akati kwaari, Ndiye munhu wandakakuudza ndichiti, ndiye uchabata vanhu vangu.
9:18b.1SA.009.018 Ipapo Sauro akaswedera kuna Samueri pasuo, akati, Ndiudzeiwo kuti imba yoMuvoni iripi?
9:19b.1SA.009.019 Samueri akapindura Sauro, akati, Ndini Muvoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamoyo wako.
9:20b.1SA.009.020 Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikanwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?
9:21b.1SA.009.021 Sauro akapindura, akati, Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?
9:22b.1SA.009.022 Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda navo mumba mokudyira, akavagarisa pavakakudzwa kupfuura vamwe vakakokwa, vaiva vanhu vanenge makumi matatu.
9:23b.1SA.009.023 Zvino Samueri akati kumubiki, Uya nomugove wandakakupa ndichiti, Chiuchengeta uri woga.
9:24b.1SA.009.024 Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu. Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
9:25b.1SA.009.025 Zvino vakati vaburuka padunhu rakakwirira, vakapinda muguta, akataurirana naSauro padenga reimba.
9:26b.1SA.009.026 Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
9:27b.1SA.009.027 Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.
10
10:1b.1SA.010.001 Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake?
10:2b.1SA.010.002 Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako, vachiti Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?
10:3b.1SA.010.003 Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
10:4b.1SA.010.004 ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo.
10:5b.1SA.010.005 Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
10:6b.1SA.010.006 Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu.
10:7b.1SA.010.007 Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe.
10:8b.1SA.010.008 Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.
10:9b.1SA.010.009 Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe moyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo.
10:10b.1SA.010.010 Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo.
10:11b.1SA.010.011 Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?
10:12b.1SA.010.012 Zvino mumwe wapo akapindura, akati, Baba vavo ndianiko? Naizvozvo yakazova shumo kuti, Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?
10:13b.1SA.010.013 Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira.
10:14b.1SA.010.014 Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, Makanga maendepiko? Akati, Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.
10:15b.1SA.010.015 Babamunini vaSauro vakati, Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.
10:16b.1SA.010.016 Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.
10:17b.1SA.010.017 Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa,
10:18b.1SA.010.018 akati kuvana vaIsiraeri, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Ndakabudisa vana vaIsiraeri paljipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai;
10:19b.1SA.010.019 asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari, Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata. Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.
10:20b.1SA.010.020 Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa.
10:21b.1SA.010.021 Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa.
10:22b.1SA.010.022 Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, Iye munhu ari pano here? Jehovha akapindura, akati, Tarirai; wavanda pakati penhumbi.
10:23b.1SA.010.023 Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake.
10:24b.1SA.010.024 Samueri akati kuvanhu vose, Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here? Vanhu vose vakadanidzira vachiti, Mambo ngaararame.
10:25b.1SA.010.025 Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
10:26b.1SA.010.026 NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhiya, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa moyo yavo naMwari vakaendawo naye.
10:27b.1SA.010.027 Asi vamwe vakaisvoipa vakati, Munhu uyu ungatiponesa seiko? Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.
11
11:1b.1SA.011.001 Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigiriyadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, Itai sungano nesu tikushumirei.
11:2b.1SA.011.002 Nahashi muAmoni akati kwavari, Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo.
11:3b.1SA.011.003 Vakuru veJabheshi vakati kwaari, Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri, zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.
11:4b.1SA.011.004 Zvino nhume dzikasvika paGibhiya, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.
11:5b.1SA.011.005 Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai? Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.
11:6b.1SA.011.006 Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.
11:7b.1SA.011.007 Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo. Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.
11:8b.1SA.011.008 Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.
11:9b.1SA.011.009 Vakati kunhume dzakauya, Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
11:10b.1SA.011.010 Naizvozvo varume veJabheshi vakati, Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.
11:11b.1SA.011.011 Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.
11:12b.1SA.011.012 Zvino vanhu vakati kuna Samueri, Ndianiko wakati, Sauro ungatibata ushe here? Hendei, tivauraye.
11:13b.1SA.011.013 Sauro akati, Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha wakarwira Isiraeri.
11:14b.1SA.011.014 Zvino Samueri akati kuvanhu, Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.
11:15b.1SA.011.015 Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
12
12:1b.1SA.012.001 Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.
12:2b.1SA.012.002 Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
12:3b.1SA.012.003 Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.
12:4b.1SA.012.004 Ivo vakati, Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.
12:5b.1SA.012.005 Akati kwavari, Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri. Vakati, Ndiye chapupu.
12:6b.1SA.012.006 Zvino Samueri akati kuvanhu, Jehovha ndiye wakanga agadza Mozisi naAroni, nokubudisa madzibaba enyu panyika yeIjipiti.
12:7b.1SA.012.007 Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.
12:8b.1SA.012.008 Nguva yakaenda Jakobho Ijipiti, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Ijipiti, vakavagarisa pano.
12:9b.1SA.012.009 Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.
12:10b.1SA.012.010 Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.
12:11b.1SA.012.011 Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.
12:12b.1SA.012.012 Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, Kwete, tinofanira kubatwa nesuo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakanga ari mambo wenyu.
12:13b.1SA.012.013 Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.
12:14b.1SA.012.014 Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
12:15b.1SA.012.015 asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
12:16b.1SA.012.016 Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.
12:17b.1SA.012.017 Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.
12:18b.1SA.012.018 Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
12:19b.1SA.012.019 Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.
12:20b.1SA.012.020 Samueri akati kuvanhu, Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
12:21b.1SA.012.021 musatsauka, nokuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nokuti hazvina maturo.
12:22b.1SA.012.022 Nokuti Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.
12:23b.1SA.012.023 Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
12:24b.1SA.012.024 Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
12:25b.1SA.012.025 Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu.
13
13:1b.1SA.013.001 Sauro wakanga anamakore ana makumi matatu pakutanga kwake kutonga ushe, akabata vaIsiraeri makore maviri.
13:2b.1SA.013.002 Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake.
13:3b.1SA.013.003 Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, VaHebheru ngavanzwe.
13:4b.1SA.013.004 Valsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kutivaende Girigari naSauro.
13:5b.1SA.013.005 Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni.
13:6b.1SA.013.006 Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
13:7b.1SA.013.007 Uye vamwe vavaHebheru vakanga vayambuka Jorodhani kunyika yaGadi neyagiriyadi, asi Sauro wakanga achiri Girigari, vanhu vose vakamutevera vachibvunda.
13:8b.1SA.013.008 Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya.
13:9b.1SA.013.009 Zvino Sauro akati, Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Akapisa chipiriso chinopiswa.
13:10b.1SA.013.010 Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise.
13:11b.1SA.013.011 Samueri akati, Waiteiko? Sauro akati, Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imwi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi,
13:12b.1SA.013.012 saka ndikati, Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira; naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.
13:13b.1SA.013.013 Samueri akati kuna Sauro, Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi.
13:14b.1SA.013.014 Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza moyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.
13:15b.1SA.013.015 Samueri akasimuka, akabva Girigari akaenda Gibhiya kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaakanga anavo, vakasvika varume vanenge mazana matanhatu.
13:16b.1SA.013.016 Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGebhiya kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi.
13:17b.1SA.013.017 Zvino vaparadzi vakabuda kumisasa yavaFirisitia, vakaita mapoka matatu; boka rimwe rakabuda nenzira inoenda Ofira kunyika yaShauri,
13:18b.1SA.013.018 rimwe boka rikabuda nenzira inoenda Bhetihoroni; nerimwe boka rikabuda nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZebhoimu, kurutivi rwerenje.
13:19b.1SA.013.019 Zvino kwakanga kusino mupfuri munyika yose yaIsiraeri, nokuti vaFirisitia vakati, VaHebheru ngavarege kuzvipfurira minondo namapfumo.
13:20b.1SA.013.020 Asi vaIsiraeri vose vaifanira kuburukira kuvaFirisitia, mumwe nomumwe kana achida kurodzerwa muromo wegeja rake, nebadza rake, nesanhu rake, nembezo yake;
13:21b.1SA.013.021 nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo.
13:22b.1SA.013.022 Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo.
13:23b.1SA.013.023 Zvino boka ravarwi vavaFirisitia rakabuda kumupata weMikimashi.
14
14:1b.1SA.014.001 zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.
14:2b.1SA.014.002 Sauro wakanga agere pamugumo weGibhiya, pasi pomutamba wakanga uri paMigironi; wakanga ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
14:3b.1SA.014.003 Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakanga ari mupirisiti waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
14:4b.1SA.014.004 Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rumwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene.
14:5b.1SA.014.005 Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
14:6b.1SA.014.006 Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.
14:7b.1SA.014.007 Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.
14:8b.1SA.014.008 Ipapo Jonatani akati, Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari.
14:9b.1SA.014.009 Kana vakati kwatiri, Mirai kusvikira tasvika kwamuri, ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
14:10b.1SA.014.010 Asi kana vakati, Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nokuti Mwari wavaisa mumaoko edu; ndicho chichava chiratidzo kwatiri.
14:11b.1SA.014.011 Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.
14:12b.1SA.014.012 Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu. Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.
14:13b.1SA.014.013 Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
14:14b.1SA.014.014 Zvino pakuuraya uku kwokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
14:15b.1SA.014.015 Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda, nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru.
14:16b.1SA.014.016 Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
14:17b.1SA.014.017 Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri. Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo.
14:18b.1SA.014.018 Sauro akati kuna Ahija, Uya pano neareka yaMwari. Nokuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pavana vaIsiraeri nenguva iyo.
14:19b.1SA.014.019 Zvino Sauro wakati achataurirana nomupirisiti, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupirisiti, Dzosa ruoko rwako.
14:20b.1SA.014.020 Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru.
14:21b.1SA.014.021 NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira valsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
14:22b.1SA.014.022 Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuyenlu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo.
14:23b.1SA.014.023 Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
14:24b.1SA.014.024 Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe. Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
14:25b.1SA.014.025 Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi.
14:26b.1SA.014.026 Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya kupika kwaSauro.
14:27b.1SA.014.027 Asi Jonatani wakanga asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
14:28b.1SA.014.028 Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vakanga vaziya.
14:29b.1SA.014.029 Zvino Jonatani akati, Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nokuti ndaravira uchi uhwu;
14:30b.1SA.014.030 ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji.
14:31b.1SA.014.031 Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
14:32b.1SA.014.032 Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
14:33b.1SA.014.033 Zvino vakaudza Sauro, vakati, Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwechete neropa. Akati, Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi.
14:34b.1SA.014.034 Zvino Sauro akati, Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
14:35b.1SA.014.035 Sauro akavakira Jehovha aritari, iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
14:36b.1SA.014.036 Zvino Sauro akati, Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari. Ivo vakati, Itai henyu sezvamunoda. Ipapo mupirisiti akati Ngatiswedere kuna Mwari pano.
14:37b.1SA.014.037 Sauro akabvunza Mwari, akati, Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here? Asi haana kumupindura musi iwoyo.
14:38b.1SA.014.038 Sauro akati, Swederai pano, imwi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
14:39b.1SA.014.039 Nokuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo. Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura.
14:40b.1SA.014.040 Zvino akati kuvaIsiraeri vose, imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi. Vanhu vakati kuna Sauro, Itai henyu sezvamunoda.
14:41b.1SA.014.041 Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, Ratidzai zvakarurama. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo.
14:42b.1SA.014.042 Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani akabatwa.
14:43b.1SA.014.043 Zvino Sauro akati kuna Jonatani, Ndiudze chawaita. Jonatani akamuudza, akati, Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu.
14:44b.1SA.014.044 Sauro akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani.
14:45b.1SA.014.045 Zvino vanhu vakati kuna Sauro, Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokuti wakabata pamwechete naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
14:46b.1SA.014.046 Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo. Ndudzi dzakakundwa naSauro nemhuri yake
14:47b.1SA.014.047 Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda.
14:48b.1SA.014.048 Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
14:49b.1SA.014.049 Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari.
14:50b.1SA.014.050 Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
14:51b.1SA.014.051 Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
14:52b.1SA.014.052 Pamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.
15
15:1b.1SA.015.001 Zvino Samueri akati kuna Sauro, Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha.
15:2b.1SA.015.002 Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti vakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti.
15:3b.1SA.015.003 Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.
15:4b.1SA.015.004 Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi.
15:5b.1SA.015.005 Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata.
15:6b.1SA.015.006 Sauro akati kuvaKeni, Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti. Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
15:7b.1SA.015.007 Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti.
15:8b.1SA.015.008 Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza.
15:9b.1SA.015.009 Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisina kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose.
15:10b.1SA.015.010 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati,
15:11b.1SA.015.011 Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira. Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
15:12b.1SA.015.012 Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.
15:13b.1SA.015.013 Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.
15:14b.1SA.015.014 Samueri akati, Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?
15:15b.1SA.015.015 Sauro akati, Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.
15:16b.1SA.015.016 Ipapo Samueri akati kuna Sauro, Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, Taurai henyu.
15:17b.1SA.015.017 Samueri akati, Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;
15:18b.1SA.015.018 Jehovha akakutuma parwendo, akati, Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.
15:19b.1SA.015.019 Zvino wakaregereiko kuteerera inzwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?
15:20b.1SA.015.020 Sauro akati kuna Samueri, Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose.
15:21b.1SA.015.021 Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, makwai nenzombe nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari.
15:22b.1SA.015.022 Samueri akati, Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.
15:23b.1SA.015.023 Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo.
15:24b.1SA.015.024 Ipapo Sauro akati kuna Samueri Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.
15:25b.1SA.015.025 Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha.
15:26b.1SA.015.026 Samueri akati kuna Sauro, Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri.
15:27b.1SA.015.027 Zvino Samueri wakati achitendeuka, achido-kubva, Sauro akabata mupendero wenguvo yake, iyo ikabvaruka.
15:28b.1SA.015.028 Samueri akati kwaari, Jehovha wakabvarura ushe hwaIsiraeri kwauri nhasi, akahupa mumwe wokwako unokukunda nokunaka.
15:29b.1SA.015.029 Uyewo Mutendiwa waIsiraeri haangarevi nhema, kana kuzvidemba; nokuti haazi munhu ungazvidemba.
15:30b.1SA.015.030 Ipapo iye akati, Ndakatadza hangu, asi ndikudzei henyu pamberi pavakuru vangu, napamberi paIsiraeri, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha Mwari wenyu.
15:31b.1SA.015.031 Naizvozvo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kuna Jehovha.
15:32b.1SA.015.032 Zvino Samueri akati, Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki. Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.
15:33b.1SA.015.033 Samueri akati, Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
15:34b.1SA.015.034 Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhiya kwaSauro.
15:35b.1SA.015.035 Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo akazvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri.
16
16:1b.1SA.016.001 Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.
16:2b.1SA.016.002 Samueri akati, Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya. Jehovha akati, Enda netsiru, uti, Ndauya kuzobayira Jehovha.
16:3b.1SA.016.003 Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.
16:4b.1SA.016.004 Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, Mauya norugare here?
16:5b.1SA.016.005 Akati, Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira. Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
16:6b.1SA.016.006 Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.
16:7b.1SA.016.007 Asi Jehovha wakati kuna Samueri, Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamoyo.
16:8b.1SA.016.008 Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.
16:9b.1SA.016.009 Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, Nouyu Jehovha haana kumutsaura.
16:10b.1SA.016.010 Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, Jehovha haana kutsaura ava.
16:11b.1SA.016.011 Zvino Samueri akati kuna Jese, Vana vako varipano vose here? Akati, Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kuna Jese, Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.
16:12b.1SA.016.012 Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari -mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.
16:13b.1SA.016.013 Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama. Dhavhidhi anonyaradza mweya waSauro
16:14b.1SA.016.014 Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.
16:15b.1SA.016.015 Varanda vaSauro vakati kwaari, Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.
16:16b.1SA.016.016 Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
16:17b.1SA.016.017 Sauro akati kuvaranda vake, Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.
16:18b.1SA.016.018 Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.
16:19b.1SA.016.019 Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.
16:20b.1SA.016.020 Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
16:21b.1SA.016.021 Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.
16:22b.1SA.016.022 Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.
16:23b.1SA.016.023 Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.
17
17:1b.1SA.017.001 Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi.
17:2b.1SA.017.002 Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia.
17:3b.1SA.017.003 VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo.
17:4b.1SA.017.004 Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe.
17:5b.1SA.017.005 Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguvo dzokurwa dzamabape endarira, nguvo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo.
17:6b.1SA.017.006 Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
17:7b.1SA.017.007 Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake.
17:8b.1SA.017.008 Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
17:9b.1SA.017.009 Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira.
17:10b.1SA.017.010 MuFirisitia akati, Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri, ndipei munhu, tirwe.
17:11b.1SA.017.011 Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
17:12b.1SA.017.012 Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
17:13b.1SA.017.013 Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
17:14b.1SA.017.014 Dhavhidhi wakanga ari muduku kuna vose; vaiva vatatu vakanga vaenda naSauro.
17:15b.1SA.017.015 Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu.
17:16b.1SA.017.016 MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
17:17b.1SA.017.017 Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, Chindopa vakuru vako efa imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako;
17:18b.1SA.017.018 asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuvonerapo.
17:19b.1SA.017.019 Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
17:20b.1SA.017.020 Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa.
17:21b.1SA.017.021 VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzidzira kurwa, hondo dzakatarisana.
17:22b.1SA.017.022 Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake.
17:23b.1SA.017.023 Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa.
17:24b.1SA.017.024 Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo.
17:25b.1SA.017.025 Varume vaIsiraeri vakati, Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.
17:26b.1SA.017.026 Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?
17:27b.1SA.017.027 Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.
17:28b.1SA.017.028 Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomoyo wako, nokuti waburuka kuzoona hondo.
17:29b.1SA.017.029 Dhavhidhi akati, Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?
17:30b.1SA.017.030 Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
17:31b.1SA.017.031 Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana.
17:32b.1SA.017.032 Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ngakurege kuva nomunhu unopera moyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.
17:33b.1SA.017.033 Sauro akati kuna Dhavhidhi, Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.
17:34b.1SA.017.034 Dhavhidhi akati kuna Sauro, Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka,
17:35b.1SA.017.035 ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.
17:36b.1SA.017.036 Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
17:37b.1SA.017.037 Dhavhidhi akati, Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu. Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Enda hako, Jehovha uchava newe.
17:38b.1SA.017.038 Sauro akafukidza Dhavhidhi nguvo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguvo dzokurwa dzamabape endarira.
17:39b.1SA.017.039 Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza. Dhavhidhi akadzibvisa.
17:40b.1SA.017.040 Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
17:41b.1SA.017.041 MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira.
17:42b.1SA.017.042 Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka.
17:43b.1SA.017.043 MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake.
17:44b.1SA.017.044 MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.
17:45b.1SA.017.045 Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
17:46b.1SA.017.046 Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.
17:47b.1SA.017.047 Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
17:48b.1SA.017.048 Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia.
17:49b.1SA.017.049 Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
17:50b.1SA.017.050 Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
17:51b.1SA.017.051 Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
17:52b.1SA.017.052 Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
17:53b.1SA.017.053 Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
17:54b.1SA.017.054 Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguvo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
17:55b.1SA.017.055 Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko? Abhineri akati, Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.
17:56b.1SA.017.056 Mambo akati, Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko.
17:57b.1SA.017.057 Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake.
17:58b.1SA.017.058 Sauro akati kwaari, Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya? Dhavhidhi akapindura, akati, Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu.
18
18:1b.1SA.018.001 Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
18:2b.1SA.018.002 Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake.
18:3b.1SA.018.003 Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida moyo wake.
18:4b.1SA.018.004 Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake.
18:5b.1SA.018.005 Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
18:6b.1SA.018.006 Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza.
18:7b.1SA.018.007 Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.
18:8b.1SA.018.008 Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?
18:9b.1SA.018.009 Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.
18:10b.1SA.018.010 Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake.
18:11b.1SA.018.011 Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro. Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
18:12b.1SA.018.012 Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro.
18:13b.1SA.018.013 Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu.
18:14b.1SA.018.014 Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.
18:15b.1SA.018.015 Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo.
18:16b.1SA.018.016 Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo. Dhavhidhi anowana Mikari, mukunda waSauro
18:17b.1SA.018.017 Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha. Nokuti Sauro wakati, Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.
18:18b.1SA.018.018 Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?
18:19b.1SA.018.019 Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake.
18:20b.1SA.018.020 Zvino Mikari mukunda waSauro, wakanga achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo.
18:21b.1SA.018.021 Ipapo Sauro akati, Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye. Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri.
18:22b.1SA.018.022 ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda; naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.
18:23b.1SA.018.023 Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?
18:24b.1SA.018.024 Varanda vaSauro vakamuudza vakati, Dhavhidhi wataura mashoko okuti.
18:25b.1SA.018.025 Sauro akati, Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake. Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
18:26b.1SA.018.026 Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera,
18:27b.1SA.018.027 Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
18:28b.1SA.018.028 Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda.
18:29b.1SA.018.029 Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi.
18:30b.1SA.018.030 Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo.
19
19:1b.1SA.019.001 Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi.
19:2b.1SA.019.002 Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande;
19:3b.1SA.019.003 ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.
19:4b.1SA.019.004 Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo;
19:5b.1SA.019.005 nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?
19:6b.1SA.019.006 Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, NaJehovha mupenyu, haangaurawi!
19:7b.1SA.019.007 Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. Sauro anoedzazve kuuraya Dhavhidhi
19:8b.1SA.019.008 Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake.
19:9b.1SA.019.009 Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake.
19:10b.1SA.019.010 Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
19:11b.1SA.019.011 Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.
19:12b.1SA.019.012 Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
19:13b.1SA.019.013 Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
19:14b.1SA.019.014 Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, Unorwara.
19:15b.1SA.019.015 Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye.
19:16b.1SA.019.016 Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
19:17b.1SA.019.017 Sauro akati kuna Mikari, Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?
19:18b.1SA.019.018 Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti.
19:19b.1SA.019.019 Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.
19:20b.1SA.019.020 Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
19:21b.1SA.019.021 Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
19:22b.1SA.019.022 Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, VanaSamueri naDhavhidhi varipiko? Mumwe akati, Tarirai, vari Naioti paRama.
19:23b.1SA.019.023 Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
19:24b.1SA.019.024 Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, Sauro uri pakati pavaporofitawo here?
20
20:1b.1SA.020.001 Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?
20:2b.1SA.020.002 Iye akati kwaari, Haisva, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo.
20:3b.1SA.020.003 Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo; asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.
20:4b.1SA.020.004 Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Zvose zvinodikanwa nomoyo wako, ndichakuitira izvozvo.
20:5b.1SA.020.005 Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu.
20:6b.1SA.020.006 Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.
20:7b.1SA.020.007 Kana vakati, Zvakanaka hazvo! Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa.
20:8b.1SA.020.008 Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nokuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nokuti uchandiisireiko kuna baba vako?
20:9b.1SA.020.009 Jonatani akati, Usadaro, nokuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?
20:10b.1SA.020.010 Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?
20:11b.1SA.020.011 Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Hendei kusango. Ivo vakaenda vari vaviri kusango.
20:12b.1SA.020.012 Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here?
20:13b.1SA.020.013 Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
20:14b.1SA.020.014 Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa,
20:15b.1SA.020.015 uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose.
20:16b.1SA.020.016 Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi
20:17b.1SA.020.017 Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nokuti wakanga achimuda sezvaakada moyo wake.
20:18b.1SA.020.018 Zvino Jonatani akati kwaari, Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichashaiwa munhu.
20:19b.1SA.020.019 Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
20:20b.1SA.020.020 Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa.
20:21b.1SA.020.021 Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, Enda undotsvaka miseve. Kana ndikati kumukomana, Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo, ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
20:22b.1SA.020.022 Asi kana ndikati kumukomana, Tarira, miseve iri mberi kwako, ipapo uende hako, nokuti Jehovha wakuendisa.
20:23b.1SA.020.023 Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi.
20:24b.1SA.020.024 Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye.
20:25b.1SA.020.025 Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro, Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu.
20:26b.1SA.020.026 Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nokuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka.
20:27b.1SA.020.027 Zvino pazuva rakatevera kugara kwomwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, Mwanakomana waJese wakaregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?
20:28b.1SA.020.028 Jonatani akapindura Sauro akati, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu,
20:29b.1SA.020.029 akati, Nditenderewo ndiende, nokuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu. Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo.
20:30b.1SA.020.030 Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo?
20:31b.1SA.020.031 Nokuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa.
20:32b.1SA.020.032 Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?
20:33b.1SA.020.033 Ipapo Sauro akaposha pfumo .rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi.
20:34b.1SA.020.034 Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nokuti wakanga ane shungu pamoyo pamusoro paDhavhidhi, nokuti wakanga anyadzwa nababa vake.
20:35b.1SA.020.035 Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku.
20:36b.1SA.020.036 Akati kumukomana wake, Mhanya utsvake miseve yandinoposha. Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake.
20:37b.1SA.020.037 Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, Ko museve hauzi mberi kwako here?
20:38b.1SA.020.038 Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake.
20:39b.1SA.020.039 Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro.
20:40b.1SA.020.040 Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, Enda nadzo undodziisa kuguta.
20:41b.1SA.020.041 Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
20:42b.1SA.020.042 Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
21
21:1b.1SA.021.001 Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupirisiti; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, Uri woga neiko, usino mumwe newe?
21:2b.1SA.021.002 Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupirisiti, Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
21:3b.1SA.021.003 Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.
21:4b.1SA.021.004 mupirisiti akapindura Dhavhidhi, akati, Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.
21:5b.1SA.021.005 Dhavhidhi akapindura mupirisiti, akati kwaari, Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.
21:6b.1SA.021.006 Naizvozvo mupirisiti akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
21:7b.1SA.021.007 Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
21:8b.1SA.021.008 Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
21:9b.1SA.021.009 mupirisiti akati, Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo. Dhavhidhi akati, Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
21:10b.1SA.021.010 Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
21:11b.1SA.021.011 Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
21:12b.1SA.021.012 Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
21:13b.1SA.021.013 Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
21:14b.1SA.021.014 Zvino Akishi akati kuvaranda vake, Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
21:15b.1SA.021.015 Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?
22
22:1b.1SA.022.001 Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwaari.
22:2b.1SA.022.002 Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
22:3b.1SA.022.003 Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.
22:4b.1SA.022.004 Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.
22:5b.1SA.022.005 Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha. Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti. Sauro anoraira kuti vanhu vose veNobhi vaurawe
22:6b.1SA.022.006 Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
22:7b.1SA.022.007 Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
22:8b.1SA.022.008 Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?
22:9b.1SA.022.009 Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakanga amire navaranda vaSauro, akapindura akati, Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.
22:10b.1SA.022.010 Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.
22:11b.1SA.022.011 Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupirisiti, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapirisiti vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.
22:12b.1SA.022.012 Zvino Sauro akati; Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati, Ndiri pano, ishe wangu.
22:13b.1SA.022.013 Sauro akati kwaari; Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?
22:14b.1SA.022.014 Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
22:15b.1SA.022.015 Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru.
22:16b.1SA.022.016 Ipapo mambo akati, Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.
22:17b.1SA.022.017 Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, Tendeukai, muuraye vapirisiti vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa. Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapirisiti vaJehovha.
22:18b.1SA.022.018 Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, Tendeuka iwe, uuraye vapirisiti. Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapirisiti, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
22:19b.1SA.022.019 Akaparadzawo Nobhi, guta ravapirisiti, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
22:20b.1SA.022.020 Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.
22:21b.1SA.022.021 Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapirisiti vaJehovha.
22:22b.1SA.022.022 Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakaurayisa vanhu vose veimba yababa vako.
22:23b.1SA.022.023 Gara hako neni, usatya; nokuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nokuti kana ukagara neni uchachengetwa.
23
23:1b.1SA.023.001 Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro.
23:2b.1SA.023.002 Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira.
23:3b.1SA.023.003 Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia.
23:4b.1SA.023.004 Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, Simuka, uburukire Keira, nokuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako.
23:5b.1SA.023.005 Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira.
23:6b.1SA.023.006 Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake.
23:7b.1SA.023.007 Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso.
23:8b.1SA.023.008 Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake.
23:9b.1SA.023.009 Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupirisiti, Uya pano neefodhi.
23:10b.1SA.023.010 Zvino Dhavhidhi akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu.
23:11b.1SA.023.011 Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu. Jehovha akati, Uchaburuka.
23:12b.1SA.023.012 Dhavhidhi akati, Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha akati, Vachakuisa.
23:13b.1SA.023.013 Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
23:14b.1SA.023.014 Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake.
23:15b.1SA.023.015 Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakanga abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo.
23:16b.1SA.023.016 Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.
23:17b.1SA.023.017 Akati kwaari, Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.
23:18b.1SA.023.018 Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
23:19b.1SA.023.019 Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhiya vakati, Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?
23:20b.1SA.023.020 Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda moyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo.
23:21b.1SA.023.021 Ipapo Sauro akati, Imi muropafadzwe naJehovha, nokuti makandinzwira tsitsi.
23:22b.1SA.023.022 Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nokuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo.
23:23b.1SA.023.023 Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha.
23:24b.1SA.023.024 Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.
23:25b.1SA.023.025 Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
23:26b.1SA.023.026 Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate.
23:27b.1SA.023.027 Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, Kurumidzai, muuye, nokuti vaFirisitia vopambara nyika.
23:28b.1SA.023.028 Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti.
23:29b.1SA.023.029 Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.
24
24:1b.1SA.024.001 Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi.
24:2b.1SA.024.002 Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.
24:3b.1SA.024.003 Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
24:4b.1SA.024.004 Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
24:5b.1SA.024.005 Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguvo yaSauro.
24:6b.1SA.024.006 Akati kuvanhu vake, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
24:7b.1SA.024.007 Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
24:8b.1SA.024.008 NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, Ishe wangu, mambo! Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
24:9b.1SA.024.009 Dhavhidhi akati kuna Sauro, Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?
24:10b.1SA.024.010 Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
24:11b.1SA.024.011 Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
24:12b.1SA.024.012 Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
24:13b.1SA.024.013 Sezvinoreva tsumo yavekare, Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
24:14b.1SA.024.014 Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.
24:15b.1SA.024.015 Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu.
24:16b.1SA.024.016 Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi? Sauro akachema kwazvo.
24:17b.1SA.024.017 Akati kuna Dhavhidhi, Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
24:18b.1SA.024.018 Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nokuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako.
24:19b.1SA.024.019 Nokuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.
24:20b.1SA.024.020 Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
24:21b.1SA.024.021 Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.
24:22b.1SA.024.022 Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
25
25:1b.1SA.025.001 Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani.
25:2b.1SA.025.002 Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri.
25:3b.1SA.025.003 Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano moyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
25:4b.1SA.025.004 Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake.
25:5b.1SA.025.005 Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu.
25:6b.1SA.025.006 Mugoti kuna iye agere pakati pefuma yake, Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
25:7b.1SA.025.007 Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri.
25:8b.1SA.025.008 Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.
25:9b.1SA.025.009 Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo.
25:10b.1SA.025.010 Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo.
25:11b.1SA.025.011 Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?
25:12b.1SA.025.012 Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose.
25:13b.1SA.025.013 Dhavhidhi akati kuvanhu vake, Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake; mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
25:14b.1SA.025.014 Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
25:15b.1SA.025.015 Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango.
25:16b.1SA.025.016 Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai.
25:17b.1SA.025.017 Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.
25:18b.1SA.025.018 Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
25:19b.1SA.025.019 Akati kumajaya ake, Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
25:20b.1SA.025.020 Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo.
25:21b.1SA.025.021 Zvino Dhavhidhi wakanga ati, Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
25:22b.1SA.025.022 Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.
25:23b.1SA.025.023 Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi.
25:24b.1SA.025.024 Akawira patsoka dzake, akati, Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
25:25b.1SA.025.025 Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
25:26b.1SA.025.026 Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
25:27b.1SA.025.027 Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
25:28b.1SA.025.028 Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose.
25:29b.1SA.025.029 Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu, asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe.
25:30b.1SA.025.030 Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri,
25:31b.1SA.025.031 murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.
25:32b.1SA.025.032 Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni;
25:33b.1SA.025.033 nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.
25:34b.1SA.025.034 Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nomwana mumwe womukomana.
25:35b.1SA.025.035 Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.
25:36b.1SA.025.036 Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo ; moyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza.
25:37b.1SA.025.037 Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.
25:38b.1SA.025.038 Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa.
25:39b.1SA.025.039 Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake. Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
25:40b.1SA.025.040 Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.
25:41b.1SA.025.041 Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.
25:42b.1SA.025.042 Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.
25:43b.1SA.025.043 Dhavhidhi akawanawo Ahinoamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake.
25:44b.1SA.025.044 Zvino Sauro wakanga akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.
26
26:1b.1SA.026.001 Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya, vakati, Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?
26:2b.1SA.026.002 Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
26:3b.1SA.026.003 Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakanga agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje.
26:4b.1SA.026.004 Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
26:5b.1SA.026.005 Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakanga avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza.
26:6b.1SA.026.006 Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munununa waJoabhu, akati, Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa? Abhishai akati, Ini ndichaburuka nemi.
26:7b.1SA.026.007 Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza.
26:8b.1SA.026.008 Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.
26:9b.1SA.026.009 Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Usamuuraya, nokuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?
26:10b.1SA.026.010 Dhavhidhi akati, NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
26:11b.1SA.026.011 Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.
26:12b.1SA.026.012 Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nokuti vakanga vavete vose, nokuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari.
26:13b.1SA.026.013 Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru.
26:14b.1SA.026.014 Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, Nhai Abhineri, haudaviri here? Ipapo Abhineri akadavira, akati, Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo.
26:15b.1SA.026.015 Dhavhidhi akati kuna Abhineri, Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
26:16b.1SA.026.016 Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?
26:17b.1SA.026.017 Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi, akati, Ndiro inzwi rako here, mwanangu Dhavhidhi? Dhavhidhi akati, inzwi rangu, ishe wangu, mambo.
26:18b.1SA.026.018 Akati, Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko?
26:19b.1SA.026.019 Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, Enda, undoshumira vamwe vamwari.
26:20b.1SA.026.020 Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nokuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hwari mumakomo.
26:21b.1SA.026.021 Ipapo Sauro akati, Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.
26:22b.1SA.026.022 Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore.
26:23b.1SA.026.023 Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
26:24b.1SA.026.024 Zvino tarirai, upenyu hwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kwose.
26:25b.1SA.026.025 Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.
27
27:1b.1SA.027.001 Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.
27:2b.1SA.027.002 Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
27:3b.1SA.027.003 Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinoamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari.
27:4b.1SA.027.004 Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve.
27:5b.1SA.027.005 Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?
27:6b.1SA.027.006 Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi.
27:7b.1SA.027.007 Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina.
27:8b.1SA.027.008 Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeIjipiti.
27:9b.1SA.027.009 Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguvo; akadzoka, akasvika kuna Akishi.
27:10b.1SA.027.010 Akishi akati, Mandopambara kupiko nhasi? Dhavhidhi akati, Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.
27:11b.1SA.027.011 Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, Ngavarege kutiudzisira, vachiti, Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.
27:12b.1SA.027.012 Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.
28
28:1b.1SA.028.001 Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.
28:2b.1SA.028.002 Dhavhidhi akati kuna Akishi, Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi.
28:3b.1SA.028.003 Samueri zvino wakanga afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
28:4b.1SA.028.004 Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
28:5b.1SA.028.005 Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, moyo wake ukadedera kwazvo.
28:6b.1SA.028.006 Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana nendimi, kana navaporofita.
28:7b.1SA.028.007 Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Varanda vake vakati kwaari, Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.
28:8b.1SA.028.008 Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguvo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.
28:9b.1SA.028.009 Mukadzi akati kwaari, Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?
28:10b.1SA.028.010 Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.
28:11b.1SA.028.011 Zvino mukadzi akati, Ndokukwidzira aniko? Akati, Ndikwidzire Samueri.
28:12b.1SA.028.012 Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, Mandinyengerereiko? Nokuti ndimi Sauro?
28:13b.1SA.028.013 Mambo akati kwaari, Usatya hako, asi unowoneiko? Mukadzi akati kuna Sauro, Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.
28:14b.1SA.028.014 Akati kwaari, Wakadiniko? Akati, Kunomutana unokwira, akafuka nguvo. Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
28:15b.1SA.028.015 Samueri akati kuna Sauro, Wanditambudzireiko uchindikwidza? Sauro akapindura akati, Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.
28:16b.1SA.028.016 Samueri akati, Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
28:17b.1SA.028.017 Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
28:18b.1SA.028.018 Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
28:19b.1SA.028.019 Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.
28:20b.1SA.028.020 Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
28:21b.1SA.028.021 Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
28:22b.1SA.028.022 Naizvozvo zvino, chiteereraiwo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.
28:23b.1SA.028.023 Asi iye wakaramba, akati, Handidi hangu kudya. Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
28:24b.1SA.028.024 Zvino mukadzi wakanga ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
28:25b.1SA.028.025 akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.
29
29:1b.1SA.029.001 Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri.
29:2b.1SA.029.002 Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana-nemazana zviuru-nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi.
29:3b.1SA.029.003 Ipapo machinda avaFirisitia akati, Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano? Akishi akati kumachinda avaFirisitia, Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.
29:4b.1SA.029.004 Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
29:5b.1SA.029.005 Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, Sauro wakauraya zviuru zvamazana, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana?
29:6b.1SA.029.006 Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
29:7b.1SA.029.007 Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.
29:8b.1SA.029.008 Dhavhidhi akati kuna Akishi, Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?
29:9b.1SA.029.009 Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, Ngaarege kukwira nesu kundorwa.
29:10b.1SA.029.010 Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.
29:11b.1SA.029.011 Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.
30
30:1b.1SA.030.001 Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto;
30:2b.1SA.030.002 vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo.
30:3b.1SA.030.003 Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa.
30:4b.1SA.030.004 Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
30:5b.1SA.030.005 Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinoamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri.
30:6b.1SA.030.006 Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
30:7b.1SA.030.007 Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhiatari mupirisiti, mwanakomana waAhimereki, Douya hako pano neefodhi. Abhiatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi.
30:8b.1SA.030.008 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here? Akamupindura akati, Tevera hako, nokuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose.
30:9b.1SA.030.009 Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya.
30:10b.1SA.030.010 Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nokuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nokuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori.
30:11b.1SA.030.011 Vakawana muIjipiti kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokunwa;
30:12b.1SA.030.012 vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amazambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nokuti wakanga asina kudya zvokudya, kana kunwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu.
30:13b.1SA.030.013 Dhavhidhi akati kwaari, Uri waaniko? Unobvepiko? Iye akati, Ndiri jaya rakabva Ijipiti, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara.
30:14b.1SA.030.014 Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto.
30:15b.1SA.030.015 Dhavhidhi akati kwaari, Ungandiburutsira kuboka iro here? Iye akati, Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro.
30:16b.1SA.030.016 Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
30:17b.1SA.030.017 Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza.
30:18b.1SA.030.018 Dhavidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri.
30:19b.1SA.030.019 Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi;kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose.
30:20b.1SA.030.020 Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.
30:21b.1SA.030.021 Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
30:22b.1SA.030.022 Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.
30:23b.1SA.030.023 Ipapo Dhavhidhi akati, Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu.
30:24b.1SA.030.024 Ndianiko ungakuteererai pashoko rakadai? Nokuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.
30:25b.1SA.030.025 Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi.
30:26b.1SA.030.026 Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha;
30:27b.1SA.030.027 kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri,
30:28b.1SA.030.028 nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa;
30:29b.1SA.030.029 nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni,
30:30b.1SA.030.030 nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki,
30:31b.1SA.030.031 nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake.
31
31:1b.1SA.031.001 Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
31:2b.1SA.031.002 VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabi, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
31:3b.1SA.031.003 Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa; vapfuri vouta vakamubata, akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
31:4b.1SA.031.004 Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira. Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
31:5b.1SA.031.005 Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
31:6b.1SA.031.006 Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
31:7b.1SA.031.007 Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri kwomupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
31:8b.1SA.031.008 Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
31:9b.1SA.031.009 Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
31:10b.1SA.031.010 Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshitaroti, vakasungira chitunha chake pamadziro eBhetishani.
31:11b.1SA.031.011 Zvino vakanga vagere JabheshiGiriyadhi vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
31:12b.1SA.031.012 mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBhetishani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.
31:13b.1SA.031.013 Vakatora mapfupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Samuel (Shona). 1 Samuel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C56F-E