Ruth (Shona)

Ruth (Shona)

1

1:1b.RUT.001.001 Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri.

1:2b.RUT.001.002 Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako.

1:3b.RUT.001.003 Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiyiwa navanakomana vake vaviri.

1:4b.RUT.001.004 Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi.

1:5b.RUT.001.005 Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.

1:6b.RUT.001.006 Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nokuti wakanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya.

1:7b.RUT.001.007 Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha.

1:8b.RUT.001.008 Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo.

1:9b.RUT.001.009 Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake. Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo.

1:10b.RUT.001.010 Vakati kwaari, Kwete, tichaenda nemi kana modzokera kuvanhu venyu.

1:11b.RUT.001.011 Naomi akati, Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here?

1:12b.RUT.001.012 Dzokai, vana vangu, endai henyu, nokuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno,

1:13b.RUT.001.013 mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni.

1:14b.RUT.001.014 Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira.

1:15b.RUT.001.015 Akati, Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokunamwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.

1:16b.RUT.001.016 Rute akati, Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu;

1:17b.RUT.001.017 pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imwi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.

1:18b.RUT.001.018 Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.

1:19b.RUT.001.019 Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, Uyu ndiye Naomi here?

1:20b.RUT.001.020 Akati kwavari, Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.

1:21b.RUT.001.021 Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?

1:22b.RUT.001.022 Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.

2

2:1b.RUT.002.001 Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi.

2:2b.RUT.002.002 Rute muMoabhu akati kuna Naomi, Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari, Enda hako, mwana wangu.

2:3b.RUT.002.003 Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki.

2:4b.RUT.002.004 Zvino vonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, Jehovha ave nemi. Ivo vakapindura, vakati kwaari, Jehovha akuropafadzeiwo.

2:5b.RUT.002.005 Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, Musikana uyu ndowaaniko?

2:6b.RUT.002.006 Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu,

2:7b.RUT.002.007 iye akati, Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote, naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.

2:8b.RUT.002.008 Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu.

2:9b.RUT.002.009 Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.

2:10b.RUT.002.010 Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?

2:11b.RUT.002.011 Bhoazi akapindura akati kwaari, Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.

2:12b.RUT.002.012 Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.

2:13b.RUT.002.013 Iye akati, Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.

2:14b.RUT.002.014 Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga. Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.

2:15b.RUT.002.015 Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa.

2:16b.RUT.002.016 Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.

2:17b.RUT.002.017 Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari.

2:18b.RUT.002.018 Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo.

2:19b.RUT.002.019 Ipapo vamwene vake vakati kwaari, Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe. Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi.

2:20b.RUT.002.020 Naomi akati kumukadzi womwana wake, Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa. Naomi akati kwaari, Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikunuri vedu.

2:21b.RUT.002.021 Rute muMoabhu akati, hongu, wakati kwandiri, Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kucheka zvose zvangu.

2:22b.RUT.002.022 Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda.

2:23b.RUT.002.023 Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhoazi, akaunganidza kusvikira pakupera kwokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake.

3

3:1b.RUT.003.001 Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here?

3:2b.RUT.003.002 Zvino Bhoazi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro.

3:3b.RUT.003.003 Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokunwa.

3:4b.RUT.003.004 Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.

3:5b.RUT.003.005 Akati kwaari, Zvose zvamunondiudza ndichazviita.

3:6b.RUT.003.006 Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake.

3:7b.RUT.003.007 Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.

3:8b.RUT.003.008 Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake.

3:9b.RUT.003.009 Akati, Ndiwe aniko? Akapindura akati, Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nokuti muri hama yomumba.

3:10b.RUT.003.010 Ipapo iye akati, Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.

3:11b.RUT.003.011 Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.

3:12b.RUT.003.012 Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini.

3:13b.RUT.003.013 Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana.

3:14b.RUT.003.014 Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, Ngazvirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.

3:15b.RUT.003.015 Akati, Uya nenguvo yawakafuka, uibate, akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta.

3:16b.RUT.003.016 Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, Zvazodiniko mwana wangu? Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya.

3:17b.RUT.003.017 Akati, Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nokuti wakati, Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.

3:18b.RUT.003.018 Zvino vakati, Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi. .

4

4:1b.RUT.004.001 Zvino Bhoazi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhoazi, ndokupfuura napo; akati kwaari, Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi.

4:2b.RUT.004.002 Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, Garai pasi pano. Ivo vakagara pasi.

4:3b.RUT.004.003 Zvino akati kuhama yomumba, Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunununa wedu Erimereki;

4:4b.RUT.004.004 ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikunura, undiudze, chiudzikunura hako, asi kana usingadi kuudzikunura, ndiudze, ndizive, nokuti hakuna ungaudzikunura asi iwe; unokutevera ndini. Akati, Ndichaudzikunura ini.

4:5b.RUT.004.005 Zvino Bhoazi akati, Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.

4:6b.RUT.004.006 Hama iyo yomumba ikati, Handigoni kuzvidzikunurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikunura, nokuti ini handigoni kuudzikunura.

4:7b.RUT.004.007 Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavalsiraeri kana vachidzikunura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavalsiraeri.

4:8b.RUT.004.008 Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhoazi, Chizvitengera hako uyo. Akabvisa shangu yake.

4:9b.RUT.004.009 Zvino Bhoazi akati kuvakuru nokuvanhu vose, imwi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni.

4:10b.RUT.004.010 Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuo renzvimbo yake; imwi muri zvapupu nhasi.

4:11b.RUT.004.011 Zvino vanhu vose vakanga vari pasuo navakuru vakati, Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu;

4:12b.RUT.004.012 imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.

4:13b.RUT.004.013 Ipapo Bhoazi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana.

4:14b.RUT.004.014 Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri.

4:15b.RUT.004.015 Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.

4:16b.RUT.004.016 Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.

4:17b.RUT.004.017 Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, Naomi wakaponerwa mwanakomana, vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

4:18b.RUT.004.018 Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;

4:19b.RUT.004.019 Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi;

4:20b.RUT.004.020 Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni;

4:21b.RUT.004.021 Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi;

4:22b.RUT.004.022 Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ruth (Shona). Ruth (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C56C-1