Joshua (Shona)

Joshua (Shona)

1

1:1b.JOS.001.001 Zvino Mozisi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi, akati,

1:2b.JOS.001.002 Mozisi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana valsiraeri.

1:3b.JOS.001.003 Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMozisi.

1:4b.JOS.001.004 Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.

1:5b.JOS.001.005 Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMozisi; handingakuregi kana kukusiya.

1:6b.JOS.001.006 Simba, utsunge moyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.

1:7b.JOS.001.007 Asi usimbe nokutsunga moyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mozisi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda,

1:8b.JOS.001.008 Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo, nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.

1:9b.JOS.001.009 Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.

1:10b.JOS.001.010 Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati,

1:11b.JOS.001.011 Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.

1:12b.JOS.001.012 Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati,

1:13b.JOS.001.013 Rangarirai shoko ramakarairwa naMozisi, muranda waJehovha, achiti, Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.

1:14b.JOS.001.014 Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMozisi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imwi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire;

1:15b.JOS.001.015 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.

1:16b.JOS.001.016 Vakapindura Joshua, vakati, Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo.

1:17b.JOS.001.017 Sezvataiteerera Mozisi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMozisi.

1:18b.JOS.001.018 Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge moyo.

2

2:1b.JOS.002.001 Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, Endai mundotarira nyika neJeriko. Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.

2:2b.JOS.002.002 Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.

2:3b.JOS.002.003 Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.

2:4b.JOS.002.004 Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.

2:5b.JOS.002.005 Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.

2:6b.JOS.002.006 Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.

2:7b.JOS.002.007 Varume vakavateverera nenzira inoenda Jorodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suo rikazarirwa.

2:8b.JOS.002.008 Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,

2:9b.JOS.002.009 akati kuvarume, Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.

2:10b.JOS.002.010 Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.

2:11b.JOS.002.011 Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.

2:12b.JOS.002.012 Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,

2:13b.JOS.002.013 kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanununa vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu.

2:14b.JOS.002.014 Ipapo varume vakati kwaari, Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.

2:15b.JOS.002.015 Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo.

2:16b.JOS.002.016 Akati kwavari, Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.

2:17b.JOS.002.017 Zvino varume vakati kwaari, Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.

2:18b.JOS.002.018 Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.

2:19b.JOS.002.019 Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.

2:20b.JOS.002.020 Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.

2:21b.JOS.002.021 Iye akati, Ngazviitwe sezvamakataura; akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.

2:22b.JOS.002.022 Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.

2:23b.JOS.002.023 Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.

2:24b.JOS.002.024 Vakati kuna Joshua, Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.

3

3:1b.JOS.003.001 Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJorodhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.

3:2b.JOS.003.002 Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,

3:3b.JOS.003.003 vakaraira vanhu, vachiti, Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapirisiti vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.

3:4b.JOS.003.004 Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.

3:5b.JOS.003.005 Zvino Joshua akati kuvanhu, Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.

3:6b.JOS.003.006 Joshua akataura navapirisiti, akati, Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka. Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.

3:7b.JOS.003.007 Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.

3:8b.JOS.003.008 Iwe unofanira kuraira vapirisiti kuti vatakure areka yesungano, uchiti, Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.

3:9b.JOS.003.009 Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.

3:10b.JOS.003.010 Joshua akati, Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.

3:11b.JOS.003.011 Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.

3:12b.JOS.003.012 Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.

3:13b.JOS.003.013 Zvino kana tsoka dzavapirisiti vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.

3:14b.JOS.003.014 Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapirisiti vaitakura areka vakatungamirira vanhu;

3:15b.JOS.003.015 zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapirisiti vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)

3:16b.JOS.003.016 mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.

3:17b.JOS.003.017 Vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.

4

4:1b.JOS.004.001 Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,

4:2b.JOS.004.002 Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;

4:3b.JOS.004.003 ugovaraira, uchiti, Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapirisiti muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke nawo mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.

4:4b.JOS.004.004 Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,

4:5b.JOS.004.005 Joshua akati kwavari, Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri.

4:6b.JOS.004.006 Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?

4:7b.JOS.004.007 imwi muti kwavari, Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.

4:8b.JOS.004.008 Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.

4:9b.JOS.004.009 Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJorodhani, pakanga pamire tsoka dzavapirisiti vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.

4:10b.JOS.004.010 Nokuti vapirisiti vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.

4:11b.JOS.004.011 Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapirisiti pamberi pavanhu.

4:12b.JOS.004.012 Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi.

4:13b.JOS.004.013 Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.

4:14b.JOS.004.014 Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake.

4:15b.JOS.004.015 Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,

4:16b.JOS.004.016 Raira vapirisiti vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani.

4:17b.JOS.004.017 Naizvozvo Joshua akaraira vapirisiti, akati, Kwirai, mubude mukati maJorodhani.

4:18b.JOS.004.018 Zvino vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapirisiti dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.

4:19b.JOS.004.019 Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.

4:20b.JOS.004.020 Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari.

4:21b.JOS.004.021 Akataura navana vaIsiraeri, akati, Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?

4:22b.JOS.004.022 imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.

4:23b.JOS.004.023 Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;

4:24b.JOS.004.024 kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.

5

5:1b.JOS.005.001 Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKenani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, moyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri. Joshua anodzingisa vana vaIsiraeri kuti vadye Pasika

5:2b.JOS.005.002 Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.

5:3b.JOS.005.003 Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi.

5:4b.JOS.005.004 Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti.

5:5b.JOS.005.005 Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa.

5:6b.JOS.005.006 Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.

5:7b.JOS.005.007 Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nokuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira.

5:8b.JOS.005.008 Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.

5:9b.JOS.005.009 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaIjipiti. Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.

5:10b.JOS.005.010 Vana vaIsiraeri vakavaka misasa yavo paGirigari, vakadya Pasika pazuva regumi namana romwedzi madekwana, pamapani eJeriko.

5:11b.JOS.005.011 Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo.

5:12b.JOS.005.012 Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wavakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.

5:13b.JOS.005.013 Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?

5:14b.JOS.005.014 Iye akati, Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha. Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?

5:15b.JOS.005.015 Mukuru wehondo yaJehovha akati kuna Joshua, Bvisa shangu yako parutsoka rwako, nokuti paumire patsvene; Joshua akaita saizvozvo.

6

6:1b.JOS.006.001 Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)

6:2b.JOS.006.002 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.

6:3b.JOS.006.003 Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.

6:4b.JOS.006.004 Vapirisiti vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapirisiti vachiridza hwamanda.

6:5b.JOS.006.005 Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.

6:6b.JOS.006.006 Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapirisiti, akati kwavari, Simudzai areka yesungano, vapirisiti vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.

6:7b.JOS.006.007 Akati kuvanhu, Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.

6:8b.JOS.006.008 Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapirisiti vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.

6:9b.JOS.006.009 Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapirisiti vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.

6:10b.JOS.006.010 Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.

6:11b.JOS.006.011 Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.

6:12b.JOS.006.012 Joshua akamuka mangwanani, vapirisiti vakasimudza areka yaJehovha.

6:13b.JOS.006.013 Navapirisiti vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.

6:14b.JOS.006.014 Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.

6:15b.JOS.006.015 Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe.

6:16b.JOS.006.016 Zvino panguva yechinomwe, vapirisiti vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.

6:17b.JOS.006.017 Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.

6:18b.JOS.006.018 Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.

6:19b.JOS.006.019 Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha.

6:20b.JOS.006.020 Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapirisiti vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.

6:21b.JOS.006.021 Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.

6:22b.JOS.006.022 Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.

6:23b.JOS.006.023 Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.

6:24b.JOS.006.024 Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.

6:25b.JOS.006.025 Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.

6:26b.JOS.006.026 Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.

6:27b.JOS.006.027 Naizvozvo Jehovha wakanga ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.

7

7:1b.JOS.007.001 Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimwi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri.

7:2b.JOS.007.002 Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, Kwirai, mundoshora nyika. Varume vakakwira, vakandoshora Ai,

7:3b.JOS.007.003 Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo.

7:4b.JOS.007.004 Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi.

7:5b.JOS.007.005 Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo moyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura.

7:6b.JOS.007.006 Zvino Joshua akabvarura nguvo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.

7:7b.JOS.007.007 Joshua akati, Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJorodhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJorodhani!

7:8b.JOS.007.008 Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo!

7:9b.JOS.007.009 Nokuti vaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?

7:10b.JOS.007.010 Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Simuka, wawireiko kudai pachiso chako?

7:11b.JOS.007.011 VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, vabavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo.

7:12b.JOS.007.012 Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu.

7:13b.JOS.007.013 Simuka, utsaure vanhu, uti, Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.

7:14b.JOS.007.014 Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe.

7:15b.JOS.007.015 Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.

7:16b.JOS.007.016 Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;

7:17b.JOS.007.017 zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa;

7:18b.JOS.007.018 zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa.

7:19b.JOS.007.019 Zvino Joshua akati kuna Akani, Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.

7:20b.JOS.007.020 Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti;

7:21b.JOS.007.021 ndakaona pakati pezvakapambwa nguvo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora, tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.

7:22b.JOS.007.022 Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo.

7:23b.JOS.007.023 Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha.

7:24b.JOS.007.024 Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori.

7:25b.JOS.007.025 Zvino Joshua akati, Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi. Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe.

7:26b.JOS.007.026 Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi.

8

8:1b.JOS.008.001 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.

8:2b.JOS.008.002 Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.

8:3b.JOS.008.003 Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku.

8:4b.JOS.008.004 Akavaraira, akati, Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose;

8:5b.JOS.008.005 zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo;

8:6b.JOS.008.006 ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nokuti vachati, Vanotiza pamberi pedu sapakutanga, nesu tichatiza pamberi pavo;

8:7b.JOS.008.007 ipapo imwi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nokuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu.

8:8b.JOS.008.008 Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha;tarirai, ndakurairai.

8:9b.JOS.008.009 Zvino Joshua akavatuma, vakaenda kundovanda, vakagara pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweAi; asi Joshua wakavata pakati pavanhu usiku uhwo.

8:10b.JOS.008.010 Zvino Joshua akamuka mangwanani, akaunganidza vanhu, akakwira iye navakuru valsiraeri, vakatungamirira vanhu kuenda Ai.

8:11b.JOS.008.011 Navarume vose vehondo vaakanga anavo, vakakwira, vakaswedera pamberi peguta, vakadzika matende avo kurutivi rwokumusoro rweAi. Zvino kwakanga kuno mupata pakati pake neAi.

8:12b.JOS.008.012 Akatsaura varume vanenge zviuru zvishanu, akavaraira kuvanda pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweguta.

8:13b.JOS.008.013 Naizvozvo vakaraira vanhu, iyo hondo yose yaiva kurutivi rwokumusoro rweguta, navaivanda kurutivi rwamavirazuva rweguta; asi Joshua wakaenda usiku uhwo pakati pomupata.

8:14b.JOS.008.014 Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, pamupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.

8:15b.JOS.008.015 Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakaita savakundwa navo, vakatiza nenzira yerenje.

8:16b.JOS.008.016 Ipapo vanhu vose vakanga vari muguta vakakokwa kundovatevera; vakatevera Joshua, vakanyengerwa kure neguta.

8:17b.JOS.008.017 Kwakanga kusina munhu wakasara paAi neBheteri, asina kubuda kundotevera Isiraeri; vakasiya guta rakashama, vakatevera Isiraeri.

8:18b.JOS.008.018 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;

8:19b.JOS.008.019 ipapo vavandiri vakakurumidza kusimuka pavakanga vagere, vakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake, vakapinda muguta, vakarikunda; vakakurumidza kupisa guta.

8:20b.JOS.008.020 Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.

8:21b.JOS.008.021 Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.

8:22b.JOS.008.022 Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.

8:23b.JOS.008.023 Vakabata mambo weAi, achiri mupenyu, vakamuisa kuna Joshua.

8:24b.JOS.008.024 Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.

8:25b.JOS.008.025 Vose vakaurawa nomusi iwoyo, varume navakadzi, vakanga vane zviuru zvine gumi nezviviri, ivo varume vose veAi,

8:26b.JOS.008.026 nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakanga akatambanudza pfumo, kusvikira aparadza chose vanhu veAi.

8:27b.JOS.008.027 Asi mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsiraeri vakazvitapa kuti zvive zvavo, zvakarehwa neshoko raJehovha, raakaraira Joshua.

8:28b.JOS.008.028 Naizvozvo Joshua akapisa Ai, akariita murwi ungavapo nokusingaperi, nedongo kusvikira nhasi.

8:29b.JOS.008.029 Akasungirira mambo weAi pamuti kusvikira madekwana; asi pakuvira kwezuva Joshua akavaraira, vakaturura chitunha chake pamuti, vakachikanda panopindwa napo pasuo reguta, vakatutira pamusoro pacho murwi mukuru wamabwe; aripo kusvikira nhasi.

8:30b.JOS.008.030 Zvino Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsiraeri atari pagomo reEbhari,

8:31b.JOS.008.031 sezvakanga zvarairwa vana vaIsiraeri naMozisi, muranda waJehovha, sezvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi; yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa; hakuna munhu wakanga asimudzira dare pamusoro pawo; vakabayirapo Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokubayirawo zvipiriso zvokuyananisa.

8:32b.JOS.008.032 Akanyorazve ipapo pamabwe murayiro waMozisi, waakanyora pamberi pavaIsiraeri.

8:33b.JOS.008.033 Valsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapirisiti vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMozisi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.

8:34b.JOS.008.034 Pashure akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro.

8:35b.JOS.008.035 Kwakanga kusine shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarairwa naMozisi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavalsiraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.

9

9:1b.JOS.009.001 Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJorodhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzegungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,

9:2b.JOS.009.002 vakaungana nomoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.

9:3b.JOS.009.003 Asi vanhu veGibhiyoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua,

9:4b.JOS.009.004 vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve;

9:5b.JOS.009.005 neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.

9:6b.JOS.009.006 Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino.

9:7b.JOS.009.007 Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemi seiko?

9:8b.JOS.009.008 Ivo vakati, Tiri varanda venyu. Joshua akati kwavari, Ndimwi aniko? Munobvepi?

9:9b.JOS.009.009 Vakati, Varanda venyu vabva kunyika iri kure-kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Ijipiti.

9:10b.JOS.009.010 Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJorodhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakanga ari paAshitaroti.

9:11b.JOS.009.011 Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo, muti kwavari, Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.

9:12b.JOS.009.012 Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.

9:13b.JOS.009.013 Nehombodo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakanga dziri itsva; tarirai, dzaparuka; nenguvo dzedu idzi, neshangu dzedu zvasakara nemhaka yorwendo rurefu-refu.

9:14b.JOS.009.014 Ipapo varume vakatora zvimwe zvembuva yavo, vasingabvunzi muromo waJehovha.

9:15b.JOS.009.015 Joshua akayanana navo, akaita sungano navo, kuti vachavarega vari vapenyu; machinda eungano akapika kwavari.

9:16b.JOS.009.016 Zvino mazuva matatu akati apera, vaita sungano navo, vakanzwa kuti vagere pedo navo napakati pavo.

9:17b.JOS.009.017 VaIsiraeri vakafamba, vakasvika pamaguta avo nezuva retatu. Maguta avo aiva Gibhiyoni, neKefira, neBheroti, naKiriatijearimi.

9:18b.JOS.009.018 Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.

9:19b.JOS.009.019 Asi machinda ose akati kuungano yose, Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsiraeri, naizvozvo zvino hatigoni kuvaitira chinhu.

9:20b.JOS.009.020 Tichavaitira chinhu ichi, tichavarega vari vapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamwa kwaMwari nokuda kwokupika, kwatakapika kwavari.

9:21b.JOS.009.021 Zvino machinda akati kwavari, Ngavararame havo. Vakava vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose, sezvavakaudzwa namachinda.

9:22b.JOS.009.022 Zvino Joshua akavadana, akataura navo, akati, Matinyengedzerereiko, muchiti, Takabva kure-kure nemi, zvamugere pakati pedu?

9:23b.JOS.009.023 Naizvozvo zvino muri vanhu vakatukwa, muchangosiva varanda navatemi vehuni navateki vemvura veimba yaMwari wangu.

9:24b.JOS.009.024 Vakapindura Joshua, vakati, Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.

9:25b.JOS.009.025 Zvino tarirai, tiri pamaoko enyu, itai nesu sezvamunoti ndizvo zvakanaka nezvakarurama.

9:26b.JOS.009.026 Akavaitira saizvozvo, akavarwira pamaoko avana vaIsiraeri, ivo vakasavauraya.

9:27b.JOS.009.027 Musi iwoyo Joshua akavaita vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha, kusvikira nhasi panzvimbo yaizotsaurwa naye.

10

10:1b.JOS.010.001 Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;

10:2b.JOS.010.002 vakatya kwazvo, nokuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba.

10:3b.JOS.010.003 Naizvozvo Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati,

10:4b.JOS.010.004 Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibhiyoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.

10:5b.JOS.010.005 Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibhiyoni, vakarwa naro.

10:6b.JOS.010.006 Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.

10:7b.JOS.010.007 Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.

10:8b.JOS.010.008 Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.

10:9b.JOS.010.009 Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari.

10:10b.JOS.010.010 Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibhiyoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti-horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha.

10:11b.JOS.010.011 Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri.

10:12b.JOS.010.012 Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana valsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, Iwe zuva mira pamusoro peGibhiyoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.

10:13b.JOS.010.013 Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose.

10:14b.JOS.010.014 Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.

10:15b.JOS.010.015 Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari.

10:16b.JOS.010.016 Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha.

10:17b.JOS.010.017 Joshua akaudzwa, zvichinzi, Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha.

10:18b.JOS.010.018 Zvino Joshua akati, Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda.

10:19b.JOS.010.019 Asi imwi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshure vavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu.

10:20b.JOS.010.020 Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo;

10:21b.JOS.010.021 vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake.

10:22b.JOS.010.022 Zvino Joshua akati, Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri.

10:23b.JOS.010.023 Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weZebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi.

10:24b.JOS.010.024 Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru vehondo vakanga vanaye, Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo.

10:25b.JOS.010.025 Zvino Joshua akati kwavari, Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge moyo, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.

10:26b.JOS.010.026 Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana.

10:27b.JOS.010.027 Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi.

10:28b.JOS.010.028 Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko.

10:29b.JOS.010.029 Zvino Joshua akabva Makedha, iye navalsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina;

10:30b.JOS.010.030 Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.

10:31b.JOS.010.031 Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;

10:32b.JOS.010.032 Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina.

10:33b.JOS.010.033 Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe.

10:34b.JOS.010.034 Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;

10:35b.JOS.010.035 vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi.

10:36b.JOS.010.036 Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro;

10:37b.JOS.010.037 vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo.

10:38b.JOS.010.038 Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro;

10:39b.JOS.010.039 akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.

10:40b.JOS.010.040 Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.

10:41b.JOS.010.041 Joshua akavaparadza kubva Kadheshi-bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibhiyoni.

10:42b.JOS.010.042 Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri.

10:43b.JOS.010.043 Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo.

11

11:1b.JOS.011.001 Zvino Jabhini, mambo weHazori wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi,

11:2b.JOS.011.002 nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhori, kurutivi rwamavirazuva,

11:3b.JOS.011.003 nokuvaKenani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaJebhusi, panyika yamakomo, navaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa.

11:4b.JOS.011.004 Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinji-zhinji.

11:5b.JOS.011.005 Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri.

11:6b.JOS.011.006 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.

11:7b.JOS.011.007 Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromi, akavavamba.

11:8b.JOS.011.008 Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti-maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete.

11:9b.JOS.011.009 Joshua akavaitira sezvaakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.

11:10b.JOS.011.010 Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akauraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva muzinda woushe ihwo hwose.

11:11b.JOS.011.011 Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto.

11:12b.JOS.011.012 Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMozisi muranda waJehovha.

11:13b.JOS.011.013 Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, vaIsiraeri havana kuapisa kunyange nerimwe chete, asi Hazori chete; Joshua wakapisa irero.

11:14b.JOS.011.014 Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema.

11:15b.JOS.011.015 Sezvakanga zvarairwa Mozisi muranda wake naJehovha, ndizvo Mozisi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

11:16b.JOS.011.016 Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo;

11:17b.JOS.011.017 kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari-gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya.

11:18b.JOS.011.018 Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji.

11:19b.JOS.011.019 Hakuna guta rakayanana navaIsiraeri, asi vaHivhi vakanga vagere Gibhiyoni; vakakunda zvose pakurwa.

11:20b.JOS.011.020 Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa moyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

11:21b.JOS.011.021 Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yalsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo.

11:22b.JOS.011.022 Hakuna kuvaAnaki wakasara panyika yavana vaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe.

11:23b.JOS.011.023 Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mozisi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.

12

12:1b.JOS.012.001 Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:

12:2b.JOS.012.002 Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;

12:3b.JOS.012.003 nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;

12:4b.JOS.012.004 nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,

12:5b.JOS.012.005 waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.

12:6b.JOS.012.006 Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.

12:7b.JOS.012.007 Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.

12:8b.JOS.012.008 Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi,

12:9b.JOS.012.009 mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe;

12:10b.JOS.012.010 namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;

12:11b.JOS.012.011 namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;

12:12b.JOS.012.012 namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;

12:13b.JOS.012.013 namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;

12:14b.JOS.012.014 namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;

12:15b.JOS.012.015 namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;

12:16b.JOS.012.016 namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe;

12:17b.JOS.012.017 namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe;

12:18b.JOS.012.018 namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;

12:19b.JOS.012.019 namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;

12:20b.JOS.012.020 namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;

12:21b.JOS.012.021 namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;

12:22b.JOS.012.022 namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;

12:23b.JOS.012.023 namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;

12:24b.JOS.012.024 namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.

13

13:1b.JOS.013.001 Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.

13:2b.JOS.013.002 Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;

13:3b.JOS.013.003 kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi,

13:4b.JOS.013.004 kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;

13:5b.JOS.013.005 nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari-gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;

13:6b.JOS.013.006 vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.

13:7b.JOS.013.007 Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.

13:8b.JOS.013.008 VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha;

13:9b.JOS.013.009 kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;

13:10b.JOS.013.010 namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;

13:11b.JOS.013.011 neGiriyadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,

13:12b.JOS.013.012 noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.

13:13b.JOS.013.013 Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati, asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.

13:14b.JOS.013.014 Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.

13:15b.JOS.013.015 Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.

13:16b.JOS.013.016 Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;

13:17b.JOS.013.017 Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti-bhaari, neBheti-bhaari-meoni;

13:18b.JOS.013.018 neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;

13:19b.JOS.013.019 neKiriataimi, neSibhima, neZereti-shahari mugomo romupata;

13:20b.JOS.013.020 neBheti-peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti-jeshimoti,

13:21b.JOS.013.021 namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.

13:22b.JOS.013.022 Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.

13:23b.JOS.013.023 Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.

13:24b.JOS.013.024 Mozisi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo.

13:25b.JOS.013.025 Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGiriyadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha;

13:26b.JOS.013.026 nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati-mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri;

13:27b.JOS.013.027 nomumupata Bheti-harami, neBhetinemura, neSukoti, neZafoni, nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJorodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva.

13:28b.JOS.013.028 Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.

13:29b.JOS.013.029 Mozisi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo.

13:30b.JOS.013.030 Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;

13:31b.JOS.013.031 nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.

13:32b.JOS.013.032 Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMozisi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva.

13:33b.JOS.013.033 Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.

14

14:1b.JOS.014.001 Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKenani, dzavakagoverwa nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri.

14:2b.JOS.014.002 Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu.

14:3b.JOS.014.003 Nokuti Mozisi wakanga apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo.

14:4b.JOS.014.004 Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.

14:5b.JOS.014.005 Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakakamura nyika.

14:6b.JOS.014.006 Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.

14:7b.JOS.014.007 Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.

14:8b.JOS.014.008 Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza moyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wose.

14:9b.JOS.014.009 Mozisi akapika nomusi uyo, akati, Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.

14:10b.JOS.014.010 Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mozisi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu.

14:11b.JOS.014.011 Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.

14:12b.JOS.014.012 Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.

14:13b.JOS.014.013 Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake.

14:14b.JOS.014.014 Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomoyo wake wose.

14:15b.JOS.014.015 Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.

15

15:1b.JOS.015.001 Mugove worudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo wakasvikira pamuganhu waEdhomu, iko kurenje reZini kurutivi rwezasi, kusvikira zasi kwazvo.

15:2b.JOS.015.002 Muganhu wavo wezasi wakabva pamuganhu weGungwa roMunyu, kubva apo pakapinda nyika mugungwa, panotarira kurutivi rwezasi;

15:3b.JOS.015.003 ndokupfuura zasi kwegomo reAkirabhimi, ndokupfuura nokurutivi rweZini, ndokukwira nechenyasi kweKadheshi-bharinea, ndokupfuura napaHezironi, ndokukwira napaAdhari, ndokudzoka napaKarika;

15:4b.JOS.015.004 ndokupfuura kusvikira paAzimoni, ndokubuda naparukova rweIjipiti; muganhu uyu ndokuguma pagungwa; ndiwo unofanira kuva muganhu wezasi.

15:5b.JOS.015.005 Muganhu wokumabvazuva wakatanga paGungwa roMunyu kusvikira pamuganhu waJorodhani. Muganhu worutivi rwokumusoro wakatanga apo panopinda nyika mugungwa kusvikira pamugumo waJorodhani,

15:6b.JOS.015.006 ndokukwira kuBheti-hogira, ndokupfuura nokumusoro kweBheti-arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;

15:7b.JOS.015.007 muganhu ndokukwira nokuDhebhiri, uchibva pamupata weAkori, ndokudaro uchienda kumusoro wakatarisana neGirigari, pakatarisanazve negomo reAdhumimi, riri kurutivi rwezasi rworwizi; muganhu ndokupfuura napamvura yeEni-shemeshi, ndokuguma paEni-rogeri;

15:8b.JOS.015.008 muganhu ndokukwira napamupata womwanakomana waHinomi, kusvikira kurutivi rwavaJebhusi zasi (ndiro Jerusaremu); muganhu ndokukwira kusvikira pamusoro wegomo riri pamberi pomupata weHinomi kumavirazuva, uri pamugumo kwazvo womupata weRefaimu, kurutivi rwokumusoro.

15:9b.JOS.015.009 Muganhu ndokutarwa kubva pamusoro pegomo kusvikira kutsime remvura yeNefitoa, ndokuguma pamaguta pagomo reEfuroni; zvino muganhu ndokutarwa kusvikira Bhara (ndiro Kiriati-jearimi).

15:10b.JOS.015.010 Muganhu ndokudzoka uchibva paBhara nokumavirazuva kusvikira pagomo reSeiri, ndokupfuura nokurutivi rwegomo reJearimi nechokumusoro (ndiro Kesaroni), ndokuburukira kusvikira paBheti-shemeshi, ndokupfuura napaTimuna;

15:11b.JOS.015.011 muganhu ndokupfuura kurutivi rweEkironi, kumusoro; muganhu ndokutarwa kusvikira paShikeroni, ndokupfuura napagomo reBhara, ndokupfuura paJabhuneeri; muganhu ndokuguma pagungwa.

15:12b.JOS.015.012 Muganhu wokumavirazuva wakasvika kugungwa guru nenyika yaro. Ndiwo muganhu wavana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo.

15:13b.JOS.015.013 Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati-abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni).

15:14b.JOS.015.014 Karebhu akadzingapo vanakomana vatatu vaAnaki, vaiti: Sheshai, naAhimani, naTamai, vanakomana vaAnaki.

15:15b.JOS.015.015 Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi.

15:16b.JOS.015.016 Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.

15:17b.JOS.015.017 Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munununa waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.

15:18b.JOS.015.018 Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, Unoreveiko?

15:19b.JOS.015.019 Akati, Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura. Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.

15:20b.JOS.015.020 Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo.

15:21b.JOS.015.021 Maguta okumudzivo orudzi rwavana vaJudha kumuganhu waEdhomu zasi akanga ari Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri;

15:22b.JOS.015.022 neKina, neDhimona, neAdhadha,

15:23b.JOS.015.023 neKedheshi, neHazori, neItanani,

15:24b.JOS.015.024 neZifi, neTeremi, neBheroti;

15:25b.JOS.015.025 neHazori-hadhata, neKerioti-hezironi (ndiro Hazori);

15:26b.JOS.015.026 neAmamu, neShema, neMoradha;

15:27b.JOS.015.027 neHazari-gadha, neHeshimoni, neBheti-pereti,

15:28b.JOS.015.028 neHazari-shuari, neBheeri-shebha, neBhiziotia;

15:29b.JOS.015.029 neBhaara, neiyimi, neEzemi;

15:30b.JOS.015.030 neEritoradhi, neKesiri, neHoma;

15:31b.JOS.015.031 neZikiragi, neMadhamana, neSanisana;

15:32b.JOS.015.032 neRebhaoti, neShirimi, neAini, neRimoni; maguta iwayo ose aiva namakumi maviri namapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.

15:33b.JOS.015.033 Pabani pakanga pane Eshitaori, neZora, neAshina;

15:34b.JOS.015.034 neZanoa, neEniganimi, neTapua, neEnami;

15:35b.JOS.015.035 neJarimuti, neAdhuramu neSoko, neAzeka;

15:36b.JOS.015.036 neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi; maguta ane gumi namana, pamwechete nemisha yawo.

15:37b.JOS.015.037 Zenani, neHadhasha, neMigadhari-gadhi;

15:38b.JOS.015.038 neDhirani, neMizipe, neJokiteeri;

15:39b.JOS.015.039 neRakishi, neBhosikati, neEgironi;

15:40b.JOS.015.040 neKabhoni, neRamani, neKiterishi;

15:41b.JOS.015.041 neGedheroti, neBheti-dhagoni, neNaama, neMakedha; maguta ane gumi namatanhatu, pamwechete nemisha yawo.

15:42b.JOS.015.042 Ribhina, neEteri, neAshani;

15:43b.JOS.015.043 neIfita, neShina, neNezibhi;

15:44b.JOS.015.044 neKeira, neAkizibhi, neMaresha; maguta anamapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.

15:45b.JOS.015.045 Ekironi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro;

15:46b.JOS.015.046 kubva paEkironi kusvikira pagungwa, maguta ose akanga ari parutivi rweAshidhodhi, pamwechete nemisha yawo.

15:47b.JOS.015.047 Ashidhodhi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; neGaza, nemisha yaro, nemisha miduku yaro, kusvikira kurukova rweIjipiti, napagungwa guru nenyika yaro.

15:48b.JOS.015.048 Nokunyika yamakomo, Shamiri, neJatiri, neSoko;

15:49b.JOS.015.049 neDhana, neKiriatisana (ndiro Dhebhiri);

15:50b.JOS.015.050 neAnabhi, neEshitemo, neAnimi;

15:51b.JOS.015.051 neGosheni, neHoroni, neGiro; maguta ane gumi nerimwe, pamwechete nemisha yawo.

15:52b.JOS.015.052 Arabhu, neDhuma, neEshani;

15:53b.JOS.015.053 neJanimi, neBheti-tapua, neAfeka;

15:54b.JOS.015.054 neHumuta, neKiriati-abha (ndiro Hebhuroni), neZiori; maguta mapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.

15:55b.JOS.015.055 Maoni, neKarimeri, neZifi, neJuta;

15:56b.JOS.015.056 neJezireeri, neJokidheami, neZanoa;

15:57b.JOS.015.057 neKaini, neGibhiya, neTimuna; maguta ane gumi, pamwechete nemisha yawo.

15:58b.JOS.015.058 Harikuri, neBheti-zuri, neGedhori;

15:59b.JOS.015.059 neMaarati, neBheti-anoti, neEritekoni; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.

15:60b.JOS.015.060 Kiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), neRabha; maguta maviri, pamwechete nemisha yawo.

15:61b.JOS.015.061 Murenje pakanga pane Bheti-abha, neMidhini, neSekaka;

15:62b.JOS.015.062 neNibhishani, neGuta roMunyu, neEni-gedhi; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.

15:63b.JOS.015.063 Asi vana vaJudha vakanga vasingagoni kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaJudha kusvikira nhasi.

16

16:1b.JOS.016.001 Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri;

16:2b.JOS.016.002 ndokubva Bheti-eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti;

16:3b.JOS.016.003 ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.

16:4b.JOS.016.004 Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.

16:5b.JOS.016.005 Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti-horoni kumusoro;

16:6b.JOS.016.006 zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati-shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa;

16:7b.JOS.016.007 ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani.

16:8b.JOS.016.008 Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;

16:9b.JOS.016.009 pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.

16:10b.JOS.016.010 havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.

17

17:1b.JOS.017.001 Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriyadhi, iye wakapiwa Giriyadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi.

17:2b.JOS.017.002 Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.

17:3b.JOS.017.003 Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.

17:4b.JOS.017.004 Ivo vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu; naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanununa vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.

17:5b.JOS.017.005 Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriyadhi neBhashani mhiri kwaJorodhani;

17:6b.JOS.017.006 nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.

17:7b.JOS.017.007 Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.

17:8b.JOS.017.008 Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.

17:9b.JOS.017.009 Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa.

17:10b.JOS.017.010 Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.

17:11b.JOS.017.011 Pakati palsakari naAsheri Manase wakanga ane Bhetisheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endori nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu.

17:12b.JOS.017.012 Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.

17:13b.JOS.017.013 Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.

17:14b.JOS.017.014 Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?

17:15b.JOS.017.015 Joshua akati kwavari, Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.,

17:16b.JOS.017.016 Vana vaJosefa vakati, Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBhetisheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.

17:17b.JOS.017.017 Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, imwi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;

17:18b.JOS.017.018 asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.

18

18:1b.JOS.018.001 Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakaungana paShiro, ikadzikapo tende rokusangana; nyika yakanga yakundwa navo.

18:2b.JOS.018.002 Asi pakati pavana vaIsiraeri kwakanga kwasara marudzi manomwe akanga achigere kukamurirwa nhaka yawo.

18:3b.JOS.018.003 Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Muchanonoka kusvikira rinhiko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?

18:4b.JOS.018.004 Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe, ini ndivatume, vasimuke vafambe nenyika, vagorondedzera nhaka yavo; ipapo vauye kwandiri.

18:5b.JOS.018.005 Vanofanira kuiganhura vachiita migove minomwe; vaJudha vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwezasi, uye veimba yaJosefa vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwokumusoro.

18:6b.JOS.018.006 Zvino munofanira kurondedzera nyika, muchiita migove minomwe, mugouya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.

18:7b.JOS.018.007 Nokuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nokuti upirisiti hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMozisi muranda waJehovha.

18:8b.JOS.018.008 Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda, Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.

18:9b.JOS.018.009 Varume vakaenda, vakafamba nenyika, vakarondedzera mubhuku nyika namaguta ayo, vachiita migove mina, vakasvika kuna Joshua pamisasa paShiro.

18:10b.JOS.018.010 Zvino Joshua akavakandira mijenya paShiro pamberi paJehovha; ipapo Joshua akagovera vana vaIsiraeri nyika sezvavakanga vakamurirwa. Nhaka yaBhenjamini

18:11b.JOS.018.011 Rudzi rwavana vaBhenjamini vakagoverwa mugove wavo nemhuri dzavo; nyika yomugove wavo yakanga iri pakati pavana vaJudha navana vaJosefa.

18:12b.JOS.018.012 Muganhu wavo kurutivi rwokumusoro wakabva paJorodhani; zvino muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko nechokumusoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumavirazuva, ndokuguma murenje reBheti-avheni.

18:13b.JOS.018.013 Muganhu ndokubvapo, ndokupfuura napaRuzi, kurutivi rwezasi rweRuzi (ndiro Bheteri); zvino muganhu ndokuburukira Ataroti-adhari, pedo negomo riri zasi kweBheti-horoni rezasi.

18:14b.JOS.018.014 Muganhu ndokutarwa, uchibva pagomo riri pamberi peBheti-horoni zasi, ndokuguma paKiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), guta ravana vaJudha; ndirwo rwaiva rutivi rwamavirazuva.

18:15b.JOS.018.015 Rutivi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriatijearimi, muganhu ndokuramba uchienda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa;

18:16b.JOS.018.016 zvino muganhu ndokuburukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womwanakomana waHinomi, mumupata weRefaimu kumusoro; ndokuburukira kumupata waHinomi, kurutivi rwavaJebhusi zasi, ndokuburukira Eni-rogeri;

18:17b.JOS.018.017 zvino ndokutarwa kurutivi rwokumusoro, kubva paEni-shemeshi kusvikira paGeriroti, rakatarisana nejinga reAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;

18:18b.JOS.018.018 zvino ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, kumusoro, ndokuburukira kuArabha;

18:19b.JOS.018.019 muganhu ndokupfuura nokurutivi rweBheti-hogira kumusoro, ndokuguma kumusoro apo pakapinda nyika muGungwa roMunyu, kumugumo wezasi waJorodhani; ndiwo waiva muganhu wezasi.

18:20b.JOS.018.020 Jorodhani ndirwo rwakanga ruri muganhu wayo kumabvazuva. Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kunhivi dzose, nemhuri dzavo.

18:21b.JOS.018.021 Maguta orudzi rwavana vaBhenjamini, nemhuri dzavo, akanga ari Jeriko, neBheti-hogira, neEmeki-kezizi,

18:22b.JOS.018.022 neBheti-arabha, neZemaraimi, neBheteri,

18:23b.JOS.018.023 neAvhimu, nePara, neOfura,

18:24b.JOS.018.024 neKefari-amoni, neOfini, neGebha; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo;

18:25b.JOS.018.025 neGibhiyoni, neRama, neBheroti,

18:26b.JOS.018.026 neMizipe, neKefira, neMoza,

18:27b.JOS.018.027 neRekemi, neIripeeri, neTarara,

18:28b.JOS.018.028 neZera, neErefi, neJebhusi (ndiro Jerusaremu), neGibhiyati, neKiriati; maguta ane gumi namana nemisha yawo; ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini nemhuri dzavo.

19

19:1b.JOS.019.001 Mugove wechipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.

19:2b.JOS.019.002 Panhaka yavo vakanga vane Bheeri-shebha, kana Shebha, neMoradha,

19:3b.JOS.019.003 neHazari-shuari, neBhara, neEzemi,

19:4b.JOS.019.004 neEritoradhi, neBheturi, neHoma,

19:5b.JOS.019.005 neZikiragi, neBheti-marikabhoti, neHazari-susa,

19:6b.JOS.019.006 neBheti-rebhaoti, neSharuheni; maguta ane gumi namatatu nemisha yawo.

19:7b.JOS.019.007 Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta mana nemisha yawo ;

19:8b.JOS.019.008 misha yose yakapoteredza maguta iwayo kusvikira paBhaarati-bheeri, raiva Rama rezasi. Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo.

19:9b.JOS.019.009 Nhaka yavana vaSimiyoni yakanga yato rwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimiyoni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo. Nhaka yaZebhuruni

19:10b.JOS.019.010 Mugove wechitatu wakapiwa vana vaZebhuruni, nemhuri dzavo; muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi.

19:11b.JOS.019.011 Muganhu wavo wakakwira kumavirazuva, kusvikira paMarara, ndokusvikira paDhabhesheti, ndokusvikira kurukova rwaiva pamberi peJokineamu;

19:12b.JOS.019.012 kubva paSaridhi wakadzokera kumabvazuva, kunobuda zuva, kusvikira kumuganhu weKisiroti-tabhori, ndokubudira kuDhabherati, ndokukwira Jafia;

19:13b.JOS.019.013 kubva ipapo wakapfuura kumabvazuva uchienda Gatiheferi, kusvikira paEti-kazini, ndokuguma paRimoni, rinosvika paNea;

19:14b.JOS.019.014 zvino muganhu ndokudzoka kurutivi rwokumusoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIfitaeri;

19:15b.JOS.019.015 neKatati, neNaharari, neShimuroni, neIdhara, neBheterehemu; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo.

19:16b.JOS.019.016 Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaZebhuruni, nemhuri dzavo, maguta iwayo nemisha yawo. Nhaka yaIsakari

19:17b.JOS.019.017 Mugove wechina wakapiwa Isakari, ivo vana vaIsakari, nemhuri dzavo.

19:18b.JOS.019.018 Muganhu wavo wakasvika paJezireeri, neKesuroti, neShunemi,

19:19b.JOS.019.019 neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti,

19:20b.JOS.019.020 neRabhiti, neKishioni, neEbhesi,

19:21b.JOS.019.021 neRemeti, neEniganimi, neEni-hadha, neBheti-pazezi;

19:22b.JOS.019.022 muganhu ukasvika paTabhori, neShahazuma, neBheti-shemeshi; muganhu ndokugumira paJorodhani; maguta ane gumi namatanhatu nemisha yawo.

19:23b.JOS.019.023 Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaIsakari nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo. Nhaka yaAsheri

19:24b.JOS.019.024 Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri nemhuri dzavo.

19:25b.JOS.019.025 Muganhu wavo wakanga uri: Harakati, neHari, neBheteni, neAkishafi,

19:26b.JOS.019.026 neMamereki, neAmadhi, neMishari, ndokusvikira paKarimeri kumavirazuva, nokuShihori-ribhinati;

19:27b.JOS.019.027 ndokudzokera kumabvazuva kuBheti-dhagoni ndokusvikira kwaZebhuruni, nokumupata weIfitaeri kumusoro, kusvikira paBheti-emeki, neNeyeri, nokubudira paKabhuri kuruboshwe,

19:28b.JOS.019.028 neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvikira paZidhoni guru;

19:29b.JOS.019.029 zvino muganhu ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombwa norusvingo; muganhu ndokudzokera Hosa, ndokuguma pagungwa panyika yeAkizibhi;

19:30b.JOS.019.030 uye Uma, neAfeki, neRehobhi; maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.

19:31b.JOS.019.031 Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaAsheri, nemhuri dzavo maguta iwaya nemisha yawo. Nhaka yaNafutari

19:32b.JOS.019.032 Mugove wechitanhatu wakapiwa vana vaNafutari, ivo vana vaNafutari nemhuri dzavo.

19:33b.JOS.019.033 Muganhu wavo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdhami-nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi, ndokuguma paJorodhani;

19:34b.JOS.019.034 ipapo muganhu wakadzoka kumabvazuva, ndokuenda Azinoti-tabhori; ndokubvapo, ndokuenda Hukoki; ndokusvika kwaZebhuruni kurutivi rwezasi, ndokusvika kwaAsheri kumavirazuva, ndokusvika kwaJudha paJorodhani kumabvazuva.

19:35b.JOS.019.035 Maguta akanga akakombwa namasvingo akanga ari Zidhimu, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti,

19:36b.JOS.019.036 neAdhama, neRama, neHazori,

19:37b.JOS.019.037 neKedheshi, neEdhirei, neEni-harori,

19:38b.JOS.019.038 neIroni, neMigadhari-eri, neHoremu, neBheti-anati, neBheti-shemeshi; maguta ane gumi namapfumbamwe, nemisha yawo.

19:39b.JOS.019.039 Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaNafutari nemhuri dzavo, maguta iwaya nemisha yawo. Nhaka yaDhani

19:40b.JOS.019.040 Mugove wechinomwe wakapiwa rudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo.

19:41b.JOS.019.041 Muganhu wenhaka yavo wakanga uri Zora, neEshitaori, neIri-shemeshi;

19:42b.JOS.019.042 neShaarabhini, neAjaroni, neItira,

19:43b.JOS.019.043 neEroni, neTimuna, neEkironi,

19:44b.JOS.019.044 neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati,

19:45b.JOS.019.045 neJehudhi, neBheni-bheraki, neGati-rimoni,

19:46b.JOS.019.046 neMejarikoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa.

19:47b.JOS.019.047 Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani.

19:48b.JOS.019.048 Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo, namaguta iwaya nemisha yawo. Joshua unopiwa Timunati-sera

19:49b.JOS.019.049 Naizvozvo vakapedza kugovera nyika, yakanga iri nhaka yavo nemiganhu yayo; vana vaIsiraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo;

19:50b.JOS.019.050 sezvavakanga varairwa naJehovha, vakamupa guta raakakumbira, Timunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu; akavaka guta iro, akagaramo.

19:51b.JOS.019.051 Ndidzo nhaka dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha, pamukova wetende rokusangana, nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana valsiraeri, kuti dzive nhaka dzavo. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika.

20

20:1b.JOS.020.001 Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati,

20:2b.JOS.020.002 Taura navana vaIsiraeri, uti, Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMozisi;

20:3b.JOS.020.003 kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo; achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.

20:4b.JOS.020.004 Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.

20:5b.JOS.020.005 Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.

20:6b.JOS.020.006 Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupirisiti mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.

20:7b.JOS.020.007 Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati-abha (ndiro Zebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.

20:8b.JOS.020.008 Nemhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.

20:9b.JOS.020.009 Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.

21

21:1b.JOS.021.001 Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri,

21:2b.JOS.021.002 vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, Jehovha wakaraira nomuromo waMozisi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu.

21:3b.JOS.021.003 Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha.

21:4b.JOS.021.004 Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomupirisiti Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimiyoni, norwaBhenjamini.

21:5b.JOS.021.005 Asi vamwe vavana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase.

21:6b.JOS.021.006 Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.

21:7b.JOS.021.007 Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni.

21:8b.JOS.021.008 Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.

21:9b.JOS.021.009 Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimiyoni.

21:10b.JOS.021.010 Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya,

21:11b.JOS.021.011 Vakavapa Kiriati-abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza.

21:12b.JOS.021.012 Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.

21:13b.JOS.021.013 Vakapa vana vomupirisiti Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro,

21:14b.JOS.021.014 neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro,

21:15b.JOS.021.015 neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro,

21:16b.JOS.021.016 neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri.

21:17b.JOS.021.017 Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibhiyoni namafuro aro, neGebha namafuro aro,

21:18b.JOS.021.018 neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana.

21:19b.JOS.021.019 Maguta ose avana vaAroni mupirisiti akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo.

21:20b.JOS.021.020 Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vavana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu.

21:21b.JOS.021.021 Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeri namafuro aro,

21:22b.JOS.021.022 neKibhizaimi namafuro aro, neBheti-horoni namafuro aro; maguta mana.

21:23b.JOS.021.023 Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro,

21:24b.JOS.021.024 neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana.

21:25b.JOS.021.025 Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri.

21:26b.JOS.021.026 Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vavana vaKohati aiva gumi namafuro awo.

21:27b.JOS.021.027 Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.

21:28b.JOS.021.028 Napakati porudzi rwalsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,

21:29b.JOS.021.029 neJarimuti namafuro aro, neEni-ganimi namafuro aro; maguta mana.

21:30b.JOS.021.030 Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro,

21:31b.JOS.021.031 neHerikati namafuro aro, neRehobhi namafuro aro; maguta mana.

21:32b.JOS.021.032 Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.

21:33b.JOS.021.033 Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo.

21:34b.JOS.021.034 Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro,

21:35b.JOS.021.035 neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana.

21:36b.JOS.021.036 Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro,

21:37b.JOS.021.037 neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana.

21:38b.JOS.021.038 Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti muGiriyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro,

21:39b.JOS.021.039 neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana.

21:40b.JOS.021.040 Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri.

21:41b.JOS.021.041 Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana vaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo.

21:42b.JOS.021.042 Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose.

21:43b.JOS.021.043 Saizvozvo Jehovha akapa vaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo.

21:44b.JOS.021.044 Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.

21:45b.JOS.021.045 Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika.

22

22:1b.JOS.022.001 Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase,

22:2b.JOS.022.002 akati kwavari, Makaita zvose zvamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, nokuteererawo inzwi rangu pazvose zvandakakurairai;

22:3b.JOS.022.003 hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu.

22:4b.JOS.022.004 Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha, mhiri kwaJorodhani.

22:5b.JOS.022.005 Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.

22:6b.JOS.022.006 Zvino Joshua akavaropafadza, akavaendesa; vakaenda kumatende avo.

22:7b.JOS.022.007 Zvino Mozisi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.

22:8b.JOS.022.008 Akataura navo, akati, Dzokerai kumatende enyu mune fuma zhinji nemombe zhinji kwazvo, nesirivha, nendarama nendarira, namatare, nenguvo zhinji, mugovane nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.

22:9b.JOS.022.009 Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMozisi.

22:10b.JOS.022.010 Zvino vakati vasvika panyika yapaJorodhani, munyika yeKenani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari paJorodhani, aritari huru kana ichionekwa.

22:11b.JOS.022.011 Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka aritari pakaritarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.

22:12b.JOS.022.012 Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo.

22:13b.JOS.022.013 Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupirisiti Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGiriyadhi,

22:14b.JOS.022.014 iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakanga ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri.

22:15b.JOS.022.015 Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGiriyadhi,vakataura navo, vakati,

22:16b.JOS.022.016 Zvanzi neungano yaJehovha, Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira aritari, kuti mumukire Jehovha nhasi?

22:17b.JOS.022.017 Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha,

22:18b.JOS.022.018 zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri.

22:19b.JOS.022.019 Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu.

22:20b.JOS.022.020 Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.

22:21b.JOS.022.021 Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri,

22:22b.JOS.022.022 Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, navaIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira, (musatiponesa nhasi,)

22:23b.JOS.022.023 zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo;

22:24b.JOS.022.024 azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu, vachiti, imwi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?

22:25b.JOS.022.025 Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imwi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.

22:26b.JOS.022.026 Saka takati, Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo;

22:27b.JOS.022.027 asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, Hamuna mugove kuna Jehovha.

22:28b.JOS.022.028 Naizvozvo takati, Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya, isu tichati, Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.

22:29b.JOS.022.029 Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.

22:30b.JOS.022.030 Zvino Pinehasi mupirisiti, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.

22:31b.JOS.022.031 Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana valsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.

22:32b.JOS.022.032 Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriyadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.

22:33b.JOS.022.033 Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.

22:34b.JOS.022.034 Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.

23

23:1b.JOS.023.001 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji,

23:2b.JOS.023.002 Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, Ndakwegura, ndava namakore mazhinji.

23:3b.JOS.023.003 lmi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.

23:4b.JOS.023.004 Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.

23:5b.JOS.023.005 Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.

23:6b.JOS.023.006 Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe;

23:7b.JOS.023.007 kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira;

23:8b.JOS.023.008 asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi.

23:9b.JOS.023.009 Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimwi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi.

23:10b.JOS.023.010 Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvaakakuudzai.

23:11b.JOS.023.011 Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.

23:12b.JOS.023.012 Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri;

23:13b.JOS.023.013 muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

23:14b.JOS.023.014 Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.

23:15b.JOS.023.015 Zvino sezvamakaitirwa izvo zvinhu zvose zvakanaka, zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, saizvozvo Jehovha uchakuitirai zvose zvakaipa, kusvikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

23:16b.JOS.023.016 Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.

24

24:1b.JOS.024.001 Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari.

24:2b.JOS.024.002 Joshua akati kuvanhu vose, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.

24:3b.JOS.024.003 lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.

24:4b.JOS.024.004 Ndikapa Isaka Jakobho naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakobho navana vake vakaburukira Ijipiti.

24:5b.JOS.024.005 Ndikatuma Mozisi naAroni, ndikatambudza Ijipiti, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai.

24:6b.JOS.024.006 Ndikabudisa madzibaba enyu paIjipiti, mukasvika pagungwa; vaIjipiti vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku.

24:7b.JOS.024.007 Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita mukagara murenje mazuva mazhinji.

24:8b.JOS.024.008 Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.

24:9b.JOS.024.009 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke.

24:10b.JOS.024.010 Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake.

24:11b.JOS.024.011 Zvino makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKenani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu.

24:12b.JOS.024.012 Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu.

24:13b.JOS.024.013 Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.

24:14b.JOS.024.014 Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomoyo wose nezvokwadi, rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napaIjipiti, imwi mushumire Jehovha.

24:15b.JOS.024.015 Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.

24:16b.JOS.024.016 Ipapo vanhu vakapindura vakati, Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari.

24:17b.JOS.024.017 Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.

24:18b.JOS.024.018 Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.

24:19b.JOS.024.019 Zvino Joshua akati kuvanhu, Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.

24:20b.JOS.024.020 Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka.

24:21b.JOS.024.021 Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, Kwete, asi tichashumira Jehovha.

24:22b.JOS.024.022 Joshua akati kuvanhu, Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, Tiri zvapupu hedu.

24:23b.JOS.024.023 Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere moyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.

24:24b.JOS.024.024 Vanhu vakati kuna Joshua, Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake.

24:25b.JOS.024.025 Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro.

24:26b.JOS.024.026 Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha.

24:27b.JOS.024.027 Joshua akati kuvanhu vose, Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.

24:28b.JOS.024.028 Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.

24:29b.JOS.024.029 Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi.

24:30b.JOS.024.030 Vakamuviga panyika yenhaka yake paTimunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.

24:31b.JOS.024.031 VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.

24:32b.JOS.024.032 Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.

24:33b.JOS.024.033 Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Joshua (Shona). Joshua (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C566-7