Leviticus (Shona)
1
1:1b.LEV.001.001 Zvino Jehovha wakadana Mozisi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati,
1:2b.LEV.001.002 Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.
1:3b.LEV.001.003 Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.
1:4b.LEV.001.004 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
1:5b.LEV.001.005 Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapirisiti, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzearitari, iri pamukova wetende rokusangana.
1:6b.LEV.001.006 Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura.
1:7b.LEV.001.007 Zvino vanakomana vaAroni, mupirisiti, ngavaise moto paaritari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto.
1:8b.LEV.001.008 Ipapo vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
1:9b.LEV.001.009 Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, mupirisiti agopisa zvose paaritari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
1:10b.LEV.001.010 Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva.
1:11b.LEV.001.011 Ngaachibaye parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzearitari.
1:12b.LEV.001.012 Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupirisiti agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro pearitari.
1:13b.LEV.001.013 Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupirisiti agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
1:14b.LEV.001.014 Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva.
1:15b.LEV.001.015 Zvino mupirisiti anofanira kuchiisa paaritari, agodonhedzera ropa racho parutivi rwearitari;
1:16b.LEV.001.016 zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunoraswa madota.
1:17b.LEV.001.017 Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupirisiti agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
2
2:1b.LEV.002.001 Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipo choupfu, chipo chake ngachive choupfu hwakatsetseka; zvino ngaadire mafuta pamusoro pacho, agoisawo zvinonhuwira pamusoro pacho.
2:2b.LEV.002.002 Ipapo ngaachiise kuvanakomana vaAroni, vapirisiti; iye atsamure tsama yake imwe youpfu hwakatsetseka namafuta nezvinonhuwira zviripo, mupirisiti agozvipisa paaritari, chive chokurangaridza chipo icho, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
2:3b.LEV.002.003 Zvakasara pachipiriso choupfu zvichava zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvakaitwa nomoto.
2:4b.LEV.002.004 Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.
2:5b.LEV.002.005 Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa mugango, ngachive choupfu hwakatsetseka, husina kuviriswa., hwakakanyiwa namafuta.
2:6b.LEV.002.006 Unofanira kuchimedura, nokudira mafuta pamusoro pacho; ndicho chipiriso choupfu.
2:7b.LEV.002.007 Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa muhari, ngachiitwe noupfu hwakatsetseka namafuta.
2:8b.LEV.002.008 Unofanira kuuya kuna Jehovha nechipiriso choupfu chakaitwa nezvinhu izvi; ngachipiwe mupirisiti, iye agochiisa paaritari.
2:9b.LEV.002.009 Zvino mupirisiti ngaatsamure pachipiriso choupfu chokurangaridza chacho, achipisire pamusoro pearitari, icho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
2:10b.LEV.002.010 Zvakasara pachipiriso choupfu ngazvive zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto.
2:11b.LEV.002.011 Chipiriso chipi nechipi choupfu chamunouya nacho kuna Jehovha ngachirege kuitwa nembiriso, nokuti hamufaniri kupisira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto chine mbiriso kana uchi.
2:12b.LEV.002.012 Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paaritari kuti zvive zvinonhuwira zvakanaka.
2:13b.LEV.002.013 Zvipiriso zvako zvose zvoupfu unofanira kuzvirunga nomunyu; usarega kuisa munyu wesungano yaMwari wako pachipiriso chako choupfu, asi uise munyu pazvipiriso zvako zvose.
2:14b.LEV.002.014 Kana uchivigira Jehovha chipiriso choupfu chezvitsva, uuye nehura dzezviyo dzakakangiwa pamoto, zviyo zvakatswiwa zvehura itsva, chive chipiriso choupfu chezvitsva.
2:15b.LEV.002.015 Unofanira kuisa mafuta pamusoro pacho, nokuisawo mafuta pamusoro pacho, kuti chive chipiriso choupfu.
2:16b.LEV.002.016 Zvino mupirisiti ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
3
3:1b.LEV.003.001 Kana chipo chake chiri chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, kana achiuya nemombe, kana iri nzombe kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva pamberi paJehovha.
3:2b.LEV.003.002 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chake, achiuraye pamukova wetende rokusangana, vanakomana vaAroni, vapirisiti, vagosasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
3:3b.LEV.003.003 Zvino ngaape Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, chokuti mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari paura,
3:4b.LEV.003.004 netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
3:5b.LEV.003.005 Ipapo vanakomana vaAroni vanofanira kuzvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, chiri pamusoro pehuni dziri pamoto; kuti chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
3:6b.LEV.003.006 Kana chipo chake chechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa chiri chezvipfuwo zviduku, kana uri mukono kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva.
3:7b.LEV.003.007 Kana achiuya negwayana rechipiriso chake, ngaauye naro pamberi paJehovha,
3:8b.LEV.003.008 zvino aise ruoko rwake pamusoro pechipo chake, ndokuchiuraya pamberi petende rokusangana, vanakomana vaAroni vagosasa ropa racho pamusoro pearitari panhivi dzose.
3:9b.LEV.003.009 Zvino ngaape Jehovha chipiriso chinoitwa pamoto pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, chokuti mafuta aro nebhemhe rose, azvibvise pedo nomusana, namafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
3:10b.LEV.003.010 netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
3:11b.LEV.003.011 Ipapo mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari; ndizvo zvokudya zvechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
3:12b.LEV.003.012 Kana chipo chake chiri chembudzi, ngaauye nayo pamberi paJehovha;
3:13b.LEV.003.013 zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiuraye pamberi petende rokusongana; vanakomana vaAroni vagosasa ropa rayo pamusoro pearitari kunhivi dzose.
3:14b.LEV.003.014 Zvino ngaape zvimwe zvazvo chive chipo chake, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; zvinoti mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
3:15b.LEV.003.015 netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, azvibvise pamwechete netsvo.
3:16b.LEV.003.016 Zvino mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari; ndizvo zvokudya zvechipiriso chinoitwa nomoto, zvive zvinonhuwira zvakanaka; mafuta ose ndeaJehovha.
3:17b.LEV.003.017 Ngauve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose, kuti murege kudya mafuta neropa.
4
4:1b.LEV.004.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
4:2b.LEV.004.002 Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo;
4:3b.LEV.004.003 kana mupirisiti wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.
4:4b.LEV.004.004 Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha.
4:5b.LEV.004.005 Zvino mupirisiti wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana,
4:6b.LEV.004.006 mupirisiti agonyika munwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
4:7b.LEV.004.007 Zvino mupirisiti aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzearitari yezvinonhuwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
4:8b.LEV.004.008 Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
4:9b.LEV.004.009 netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo,
4:10b.LEV.004.010 sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari yezvipiriso zvinopiswa.
4:11b.LEV.004.011 Dehwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, neura hwayo, namazvizvi ayo;
4:12b.LEV.004.012 nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota.
4:13b.LEV.004.013 Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikanwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka;
4:14b.LEV.004.014 kana chivi chavakatadza chikazozikanwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana.
4:15b.LEV.004.015 Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha.
4:16b.LEV.004.016 Zvino mupirisiti wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana,
4:17b.LEV.004.017 mupirisiti anyike munwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro.
4:18b.LEV.004.018 Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
4:19b.LEV.004.019 Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro pearitari.
4:20b.LEV.004.020 Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; mupirisiti anofanira kuvayananisira, vakanganwirwe.
4:21b.LEV.004.021 Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano.
4:22b.LEV.004.022 Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
4:23b.LEV.004.023 kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake.
4:24b.LEV.004.024 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi.
4:25b.LEV.004.025 Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire mujinga mearitari yechipiriso chinopiswa.
4:26b.LEV.004.026 Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro pearitari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; mupirisiti amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akanganwirwe.
4:27b.LEV.004.027 Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
4:28b.LEV.004.028 kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza.
4:29b.LEV.004.029 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa.
4:30b.LEV.004.030 Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rayo nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga mearitari.
4:31b.LEV.004.031 Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupirisiti agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupirisiti anofanira kumuyananisira, akanganwirwe.
4:32b.LEV.004.032 Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva.
4:33b.LEV.004.033 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa.
4:34b.LEV.004.034 Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga mearitari;
4:35b.LEV.004.035 zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; mupirisiti aapise pamusoro pearitari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; mupirisiti anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akanganwirwe.
5
5:1b.LEV.005.001 Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake.
5:2b.LEV.005.002 Kunyange kana munhu akanga abata chinhu chisakanaka, kana chiri chitunha chemhuka isakanaka, kana chitunha chemombe isakanaka, kana chitunha chezvinokambaira zvisakanaka, zvikasazikanwa naye, akasvibiswa, achava nemhosva.
5:3b.LEV.005.003 Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
5:4b.LEV.005.004 Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
5:5b.LEV.005.005 zvino kana akava nemhosva kune chimwe chaizvozvo, anofanira kuzvireurura zvaakatadza.
5:6b.LEV.005.006 Zvino ngaauye nechipiriso chake chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, ngaive hadzi yezvipfuwo zviduku, kana gwayana kana mbudzana, chive chipiriso chezvivi; mupirisiti ngaamuyananisire pamusoro pezvivi zvake.
5:7b.LEV.005.007 Kana asingagoni kuuya negwayana, ngaavigire Jehovha njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, chive chipiriso chemhosva yake yaakatadza; imwe ive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa.
5:8b.LEV.005.008 Zvino ngaauye nadzo kumupirisiti, iye atange kubaya imwe yechipiriso chezvivi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa;
5:9b.LEV.005.009 zvino ngaasase ropa rechipiriso chezvivi kurutivi rwearitari, asi ropa rakasara risvinirwe mujinga mearitari; chipiriso chezvivi.
5:10b.LEV.005.010 Yechipiri ngaaite nayo chipiriso chinopiswa, sezvamakarairwa; mupirisiti amuyananisire pamusoro pezvivi zvaakatadza, akanganwirwe.
5:11b.LEV.005.011 Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.
5:12b.LEV.005.012 Zvino ngaauye nahwo kumupirisiti, mupirisiti atsamure tsama imwe yahwo, chive chokurangaridza chacho; zvino ngaahwuise pamusoro pearitari, sezvinoitwa nezvimwe zvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto; chipiriso chezvivi.
5:13b.LEV.005.013 mupirisiti anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza pachinhu chimwe chaizvozvo, akanganwirwe. Zvakasara ngazvive zvomupirisiti, sezvinoitwa nechipiriso choupfu.
5:14b.LEV.005.014 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
5:15b.LEV.005.015 Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
5:16b.LEV.005.016 Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupirisiti, mupirisiti agomuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva, akanganwirwe.
5:17b.LEV.005.017 Kana munhu akatadza, akaita chinhu chimwe chezvinhu zvakanga zvarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa; kunyange asina kuziva, une mhosva, mhaka unayo.
5:18b.LEV.005.018 Ngaauye kumupirisiti negondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunofunga iwe, chive chipiriso chemhosva, mupirisiti agomuyananisira pamusoro pechinhu chaakanga atadza nokusaziva, asingazivi, akanganwirwe.
5:19b.LEV.005.019 Chipiriso chemhosva; zvirokwazvo une mhosva pamberi paJehovha.
6
6:1b.LEV.006.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
6:2b.LEV.006.002 Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;
6:3b.LEV.006.003 kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri;
6:4b.LEV.006.004 zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga;
6:5b.LEV.006.005 kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva.
6:6b.LEV.006.006 Anofanira kuuya kumupirisiti nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chegondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva;
6:7b.LEV.006.007 zvino mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita. Mirairo yezvipiriso
6:8b.LEV.006.008 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
6:9b.LEV.006.009 Raira Aroni navanakomana vake, uti, Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro pearitari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.
6:10b.LEV.006.010 Zvino mupirisiti ngaafuke nguvo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paaritari, aaise parutivi rwearitari.
6:11b.LEV.006.011 Zvino ngaabvise nguvo dzake, afuke dzimwe nguvo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka.
6:12b.LEV.006.012 Moto paaritari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupirisiti anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose. zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo.
6:13b.LEV.006.013 Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro pearitari nguva dzose, urege kudzima.
6:14b.LEV.006.014 Murayiro wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paaritari.
6:15b.LEV.006.015 Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro pearitari, chive chinonhuwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha.
6:16b.LEV.006.016 Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana.
6:17b.LEV.006.017 Ngazvirege kubikwa nembiriso; ndakavapa icho, uve mugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva.
6:18b.LEV.006.018 Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.
6:19b.LEV.006.019 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
6:20b.LEV.006.020 Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana.
6:21b.LEV.006.021 Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
6:22b.LEV.006.022 mupirisiti unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose.
6:23b.LEV.006.023 Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupirisiti chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.
6:24b.LEV.006.024 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
6:25b.LEV.006.025 Taura naAroni navanakomana vake uti, Murayiro wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayirwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha, chitsvene kwazvo.
6:26b.LEV.006.026 mupirisiti unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana.
6:27b.LEV.006.027 Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguvo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene.
6:28b.LEV.006.028 Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura.
6:29b.LEV.006.029 Zvino varume vose kuvapirisiti vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo.
6:30b.LEV.006.030 Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
7
7:1b.LEV.007.001 Murayiro wechipiriso chemhosva ndiwo: Chitsvene kwazvo.
7:2b.LEV.007.002 Pavanourayirwa chipiriso chinopiswa, ndipo pavanofanira kuurayirwa chipiriso chemhosva; ropa racho unofanira kurisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
7:3b.LEV.007.003 Zvino ngaapisire mafuta acho ose, mafuta ebemhe, namafuta anofukidza ura,
7:4b.LEV.007.004 netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
7:5b.LEV.007.005 Zvino mupirisiti ngaazvipise paaritari, chive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; chipiriso chemhosva.
7:6b.LEV.007.006 Varume vose kuvapirisiti ngavachidye; chidyiwe panzvimbo tsvene; chitsvene kwazvo.
7:7b.LEV.007.007 Sezvinoitwa nechipiriso chezvivi, ndizvo zvinoitwawo nechipiriso chemhosva; murayiro wazvo ndomumwe; chichava chomupirisiti unoyananisira nacho.
7:8b.LEV.007.008 Uye mupirisiti, unopisira chipiriso chinopiswa chomunhu, uyo mupirisiti anofanira kupiwa dehwe rechipiriso chinopiswa chaakauya nacho.
7:9b.LEV.007.009 Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakabikwa muchoto, nezvose zvakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvomupirisiti unouya nazvo.
7:10b.LEV.007.010 Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakakanyiwa namafuta, kana chakaoma, chinofanira kupiwa vanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, vachienzaniswa.
7:11b.LEV.007.011 Ndiwo murayiro wezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, zvinofanira kupiwa Jehovha:
7:12b.LEV.007.012 Kana munhu akazvipa, kuti avonge nazvo, pamwechete nechibayiro chokuvonga nacho, anofanira kupa zvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta, nezvingwa zvakakanyiwa namafuta zvoupfu hwakatsetseka zvakakangwa.
7:13b.LEV.007.013 Anofanira kupawo chipo chake chezvingwa zvakaviriswa pamwechete nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zvokuvonga nazvo.
7:14b.LEV.007.014 Zvino pachipiriso chimwe nechimwe chive chipiriso chinosimudzirwa Jehovha; chichava chomupirisiti unosasa ropa rezvipiriso zvokuyananisa.
7:15b.LEV.007.015 Nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa zvokuvonga nazvo inofanira kudyiwa nomusi waanopa chipo chake; haafaniri kusiya chimwe chacho kusvikira mangwanani.
7:16b.LEV.007.016 Asi kana chibayiro chechipo chake chiri chinhu chaakapika, kana chipo chokuda kwake, chinofanira kudyiwa nomusi waanobayira chibayiro chake; zvakasara pazviri zvinofanira kudyiwa mangwanani;
7:17b.LEV.007.017 asi zvakasara zvenyama yechibayiro zvinofanira kupiswa nomoto nezuva retatu.
7:18b.LEV.007.018 Kana imwe nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa ikadyiwa nezuva retatu, hazvingagamuchirwi nomufaro kana kunzi zvakanaka kuna iye wakazvipa; chichava chinhu chinonyangadza, nomunhu unozvidya uchava nemhosva.
7:19b.LEV.007.019 Nyama yakabatana nechinhu chisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomoto. Asi imwe nyama mumwe nomumwe wakanatswa ungaidya.
7:20b.LEV.007.020 Asi munhu unodya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, zviri zvaJehovha, achiri netsvina yake, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
7:21b.LEV.007.021 Kana ani naani akabata chinhu chisakanaka, kana zviri zvisakanaka zvomunhu kana zvemhuka isakanaka, kana chimwe chinhu chisakanaka chinonyangadza, akadya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zviri zvaJehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
7:22b.LEV.007.022 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
7:23b.LEV.007.023 Taura navana vaIsiraeri, uti, Musadya mafuta, kana emombe, kana egwai, kana embudzi.
7:24b.LEV.007.024 Mafuta echinhu chakangofa choga, namafuta echinhu chakaurawa nezvikara, angabatwa nawo pamabasa ose, asi hamufaniri kutongoadya.
7:25b.LEV.007.025 Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu unoadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
7:26b.LEV.007.026 Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana rezvipfuwo, padzimba dzenyu dzose.
7:27b.LEV.007.027 Ani naani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
7:28b.LEV.007.028 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
7:29b.LEV.007.029 Taura navana vaIsiraeri uti, Munhu unobayira Jehovha chibayiro chake chezvipiriso zvokuyananisa, anofanira kuuya nechipo chake kuna Jehovha chinobva pachibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa;
7:30b.LEV.007.030 maoko ake amene anofanira kuuya nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto; ngaauye namafuta pamwechete nechityu, kuti chityu chizunguzirwe, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
7:31b.LEV.007.031 Zvino mupirisiti ngaapise mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
7:32b.LEV.007.032 Munofanira kupa mupirisiti bandauko rorudyi, chive chipiriso chinosimudzwa pazvibayiro zvezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
7:33b.LEV.007.033 Uyo pakati pavanakomana vaAroni unopisira ropa rezvipiriso zvokuyananisa namafuta, ndiye uchapiwa bandauko rorudyi uve mugove wake.
7:34b.LEV.007.034 Nokuti chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, ndizvo zvandakatora kuvana vaIsiraeri pakati pezvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, ndikazvipa Aroni mupirisiti, navanakomana vake, chive chavo nokusingaperi, chinobva kuvana vaIsiraeri.
7:35b.LEV.007.035 Ndiwo mugove waAroni, nomugove wavanakomana vake pazvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nomusi waakavagadza nawo kuti vabatire Jehovha pabasa roupirisiti;
7:36b.LEV.007.036 wakarairwa naJehovha kuti vapiwe navana vaIsiraeri nomusi wokuzodzwa kwavo. Ndiwo mugove wavo nokusingaperi kusvikira kumarudzi avo ose.
7:37b.LEV.007.037 Ndiwo murayiro wechipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva, nowokugadza, nowezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa;
7:38b.LEV.007.038 wakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai, nomusi waakaraira vana vaIsiraeri, kuti vape Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai.
8
8:1b.LEV.008.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
8:2b.LEV.008.002 Tora Aroni, navanakomana vake, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondohwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
8:3b.LEV.008.003 uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana.
8:4b.LEV.008.004 Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana.
8:5b.LEV.008.005 Zvino Mozisi akati kuungano, Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe.
8:6b.LEV.008.006 Mozisi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura,
8:7b.LEV.008.007 akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguvo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro.
8:8b.LEV.008.008 Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva.
8:9b.LEV.008.009 Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa hwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
8:10b.LEV.008.010 Zvino Mozisi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura.
8:11b.LEV.008.011 Akasasa mamwe kanomwe paaritari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure.
8:12b.LEV.008.012 Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure.
8:13b.LEV.008.013 Ipapo Mozisi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
8:14b.LEV.008.014 Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi;
8:15b.LEV.008.015 akaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzearitari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa aritari, ndokudururira ropa mujinga mearitari, akaitsaura, kuti aiyananisire.
8:16b.LEV.008.016 Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mozisi akazvipisa paaritari.
8:17b.LEV.008.017 Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
8:18b.LEV.008.018 Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
8:19b.LEV.008.019 Akariuraya; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
8:20b.LEV.008.020 Akagura-gura gondohwe, Mozisi akapisa musoro nenhindi namafuta.
8:21b.LEV.008.021 Akasuka ura namakumbo nemvura, Mozisi akapisa gondohwe rose paaritari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
8:22b.LEV.008.022 Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
8:23b.LEV.008.023 Akaribaya, Mozisi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi.
8:24b.LEV.008.024 Akauyisa vanakomana vaAroni, Mozisi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
8:25b.LEV.008.025 Akatora mafuta nebemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi;
8:26b.LEV.008.026 akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi;
8:27b.LEV.008.027 akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa.
8:28b.LEV.008.028 Ipapo Mozisi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
8:29b.LEV.008.029 Zvino Mozisi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMozisi pagondohwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
8:30b.LEV.008.030 Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paaritari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguwo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake pamwechete naye.
8:31b.LEV.008.031 Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.
8:32b.LEV.008.032 Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto.
8:33b.LEV.008.033 Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
8:34b.LEV.008.034 Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe.
8:35b.LEV.008.035 Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.
8:36b.LEV.008.036 Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
9
9:1b.LEV.009.001 Zvino nomusi werusere Mozisi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri,
9:2b.LEV.009.002 akati kuna Aroni, Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha.
9:3b.LEV.009.003 Utaure navana vaIsiraeri, uti, Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
9:4b.LEV.009.004 nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.
9:5b.LEV.009.005 Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMozisi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
9:6b.LEV.009.006 Ipapo Mozisi akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.
9:7b.LEV.009.007 Mozisi akati kuna Aroni, Swedera kuaritari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.
9:8b.LEV.009.008 Ipapo Aroni wakaswedera kuaritari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake.
9:9b.LEV.009.009 Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzearitari, akadurura ropa mujinga mearitari;
9:10b.LEV.009.010 asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro pearitari, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
9:11b.LEV.009.011 Nyama nedehwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.
9:12b.LEV.009.012 Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
9:13b.LEV.009.013 Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro pearitari.
9:14b.LEV.009.014 Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro pearitari.
9:15b.LEV.009.015 Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga.
9:16b.LEV.009.016 Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa.
9:17b.LEV.009.017 Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro pearitari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani.
9:18b.LEV.009.018 Akabayawo nzombe negondohwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose;
9:19b.LEV.009.019 namafuta enzombe, neegondohwe, nebemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa;
9:20b.LEV.009.020 akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro pearitari;
9:21b.LEV.009.021 Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMozisi.
9:22b.LEV.009.022 Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo.
9:23b.LEV.009.023 Mozisi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
9:24b.LEV.009.024 Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro pearitari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.
10
10:1b.LEV.010.001 Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
10:2b.LEV.010.002 Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha.
10:3b.LEV.010.003 Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose. Aroni akanyarara.
10:4b.LEV.010.004 Ipapo Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, muvatakurire kunze kwemisasa.
10:5b.LEV.010.005 Ipapo vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemisasa vanamajasi avo, sezvakanga zvataurwa naMozisi.
10:6b.LEV.010.006 Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
10:7b.LEV.010.007 Musabuda pamukova wetende rokusangana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehovha ari pamusoro penyu. Vakaita sezvavakaudzwa naMozisi. Kudya nokunwa kwavapirisiti
10:8b.LEV.010.008 Zvino Jehovha wakataura naAroni akati,
10:9b.LEV.010.009 Usanwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
10:10b.LEV.010.010 Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka;
10:11b.LEV.010.011 munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
10:12b.LEV.010.012 Zvino Mozisi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rwearitari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;
10:13b.LEV.010.013 munofanira kuzvidyira panzvimbo tsvene, nokuti ndiwo mugove wako nomugove wavanakomana vako pazvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto, nokuti ndizvo zvandakarairwa.
10:14b.LEV.010.014 Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
10:15b.LEV.010.015 Vanofanira kuuya nebandauko rinosimudzwa; nechityu chinozunguzirwa, pamwechete nezvipiriso zvamafuta zvinopiswa nomoto, kuti vazvizunguzire, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chinofanira kuva chako nechavanakomana vako, pamwechete newe; unofanira kuva murayiro usingaperi, sezvakarairwa naJehovha.
10:16b.LEV.010.016 Zvino Mozisi wakanyatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
10:17b.LEV.010.017 Makaregerei kudyira chipiriso chezvivi panzvimbo tsvene, zvachiri chitsvene kwazvo, uye nokuti wakakupai icho, kuti mubvise kutadza kweungano, muvayananisire pamberi paJehovha?
10:18b.LEV.010.018 Tarirai, ropa rayo harina kuuyiswa mukati menzvimbo tsvene, sezvandakaraira.
10:19b.LEV.010.019 Ipapo Aroni akati kuna Mozisi, Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?
10:20b.LEV.010.020 Mozisi wakati achinzwa izvozvo, akatenda nazvo.
11
11:1b.LEV.011.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati kwavari,
11:2b.LEV.011.002 Taura navana valsiraeri, muti, Ndizvo zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
11:3b.LEV.011.003 Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya.
11:4b.LEV.011.004 Asi pakati pezvinodzeya, kana pakati pezvinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri;
11:5b.LEV.011.005 nembira, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
11:6b.LEV.011.006 Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
11:7b.LEV.011.007 Nenguruve, nokuti ine tsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
11:8b.LEV.011.008 Regai kudya nyama yazvo, kana zvitunha zvazvo; zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri.
11:9b.LEV.011.009 Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zviri mumvura, mumakungwa nomunzizi, zvine zvimbi namakwande, ndizvo zvamungadya.
11:10b.LEV.011.010 Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zviri mumakungwa nomunzizi, pazvose zvinopfakanyika mumvura, pazvose zvipenyu zviri mumvura, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
11:11b.LEV.011.011 Ngazvive zvinonyangadza kwamuri; musadya nyama yazvo, nezvitunha zvazvo zvinofanira kuva chinhu chinonyangadza kwamuri.
11:12b.LEV.011.012 Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
11:13b.LEV.011.013 Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
11:14b.LEV.011.014 noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo;
11:15b.LEV.011.015 namarudzi ose amakunguvo;
11:16b.LEV.011.016 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
11:17b.LEV.011.017 nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru;
11:18b.LEV.011.018 nejichidza, nekondo, negora;
11:19b.LEV.011.019 nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
11:20b.LEV.011.020 Zvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvinhu zvinonyangadza kwamuri.
11:21b.LEV.011.021 Asi izvi mungadya pakati pezvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinamakumbo pamusoro petsoka dzazvo azvinokwakuka nawo panyika.
11:22b.LEV.011.022 Ndizvo zvamungadya pakati pazvo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose echinjiki, namarudzi ebambamukota, namarudzi egwatakwata.
11:23b.LEV.011.023 Asi zvose zvinamapapiro zvinokambaira zvinamakumbo mana, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
11:24b.LEV.011.024 Muchasvibiswa nezvizvi: Ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
11:25b.LEV.011.025 Ani naani wakatakura chitunha chazvo, anofanira kusuka nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
11:26b.LEV.011.026 Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisina tsoka dzakaparadzana, dzisingadzeyi, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; mumwe nomumwe unozvibata uchava usina kunaka.
11:27b.LEV.011.027 Zvose zvinofamba netsoka dzakapfava pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
11:28b.LEV.011.028 Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
11:29b.LEV.011.029 Zvisakanaka kwamuri pakati pezvinokambaira, zvinokambaira panyika ndizvo: Chidembo, negonzo, namarudzi egwavava,
11:30b.LEV.011.030 nechipfira, nedzvinyu, negoroodyo, nedhambakura, norwaivhi.
11:31b.LEV.011.031 Izvozvo zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri pakati pezvose zvinokambaira; ani naani unozvibata kana zvakafa uchava usina kunaka kusvikira madeko.
11:32b.LEV.011.032 Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
11:33b.LEV.011.033 Hari imwe neimwe yevhu yawirwa mukati mayo nechimwe chazvo, zvose zviri mukati mayo zvinofanira kuva zvisina kunaka, naiyo munofanira kuiputsa.
11:34b.LEV.011.034 Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
11:35b.LEV.011.035 Zvose zvinowirwa nechitunha chazvo, zvichava zvisina kunaka, kana choto, kana chikuva chehari, zvinofanira kuputswa chose; hazvina kunaka, ngazvive zvisina kunaka kwamuri.
11:36b.LEV.011.036 Asi tsime kana dziva makachengetwa mvura, zvichava zvakanaka; asi chinogunzva chitunha chazvo chichava chisina kunaka, kwamuri.
11:37b.LEV.011.037 Kana chitunha chechimwe chazvo chikawira pamusoro pembeu yakanga yakushwa, ichava yakanaka.
11:38b.LEV.011.038 Asi kana mbeu ikadirwa mvura, chitunha chechimwe chazvo chakwira pamusoro payo, inofanira kuva isina kunaka kwamuri.
11:39b.LEV.011.039 Kana mhuka ipi neipi ingadyiwa, ikafa, ani naani unogunzva chitunha chayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
11:40b.LEV.011.040 Unodya chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
11:41b.LEV.011.041 Zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvinofanira kuva zvinonyangadza, hazvifaniri kudyiwa.
11:42b.LEV.011.042 Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba namakumbo mana, uye zvose zvinofamba namakumbo mazhinji, zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kuzvidya; nokuti zvinonyangadza.
11:43b.LEV.011.043 Musazviita vanonyangadza nechinokambaira chipi nechipi, musazviita vasina kunaka nazvo, kuti murege kusvibiswa nazvo.
11:44b.LEV.011.044 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.
11:45b.LEV.011.045 Nokuti ndini Jehovha wakakubudisai panyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
11:46b.LEV.011.046 Ndiwo murayiro wemhuka, noweshiri, nowezvipenyu zvose zvinopfakanyika mumvura, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika;
11:47b.LEV.011.047 kuti mutsaure pakati pezvisakanaka nezvakanaka, napakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi.
12
12:1b.LEV.012.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
12:2b.LEV.012.002 Taura navana vaIsiraeri uti, Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava usina kunaka mazuva manomwe, uchava usina kunaka sapanguva yaari kumwedzi.
12:3b.LEV.012.003 Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.
12:4b.LEV.012.004 Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene kana kupinda panzvimbo tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera.
12:5b.LEV.012.005 Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
12:6b.LEV.012.006 Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakana kenjiva, kana vhukutiva, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupirisiti;
12:7b.LEV.012.007 agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
12:8b.LEV.012.008 Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupirisiti amuyananisire, anake.
13
13:1b.LEV.013.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
13:2b.LEV.013.002 Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupirisiti, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapirisiti;
13:3b.LEV.013.003 mupirisiti zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupirisiti ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
13:4b.LEV.013.004 Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupirisiti anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
13:5b.LEV.013.005 nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
13:6b.LEV.013.006 zvino mupirisita anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
13:7b.LEV.013.007 Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupirisiti kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupirisiti;
13:8b.LEV.013.008 zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
13:9b.LEV.013.009 Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupirisiti;
13:10b.LEV.013.010 zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
13:11b.LEV.013.011 ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupirisiti ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
13:12b.LEV.013.012 Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupirisiti;
13:13b.LEV.013.013 zvino mupirisiti anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
13:14b.LEV.013.014 Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
13:15b.LEV.013.015 Kana mupirisiti akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
13:16b.LEV.013.016 Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupirisiti.
13:17b.LEV.013.017 Ipapo mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
13:18b.LEV.013.018 Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
13:19b.LEV.013.019 panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupirisiti;
13:20b.LEV.013.020 zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
13:21b.LEV.013.021 Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
13:22b.LEV.013.022 Kana pakanyenga pose paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
13:23b.LEV.013.023 Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupirisiti anofanira kuti wakanaka.
13:24b.LEV.013.024 Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
13:25b.LEV.013.025 mupirisiti anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
13:26b.LEV.013.026 Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
13:27b.LEV.013.027 Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
13:28b.LEV.013.028 Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
13:29b.LEV.013.029 Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
13:30b.LEV.013.030 mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
13:31b.LEV.013.031 Kana mupirisiti akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupirisiti anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
13:32b.LEV.013.032 Nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
13:33b.LEV.013.033 anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupirisiti anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
13:34b.LEV.013.034 nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
13:35b.LEV.013.035 Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kwokunatswa kwake;
13:36b.LEV.013.036 mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
13:37b.LEV.013.037 Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake.
13:38b.LEV.013.038 Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
13:39b.LEV.013.039 mupirisiti anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
13:40b.LEV.013.040 Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
13:41b.LEV.013.041 Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
13:42b.LEV.013.042 Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
13:43b.LEV.013.043 Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
13:44b.LEV.013.044 munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupirisiti anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
13:45b.LEV.013.045 Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, Ndakaipa, ndakaipa!
13:46b.LEV.013.046 Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
13:47b.LEV.013.047 nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
13:48b.LEV.013.048 kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe;
13:49b.LEV.013.049 kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupirisiti;
13:50b.LEV.013.050 zvino mupirisiti anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
13:51b.LEV.013.051 zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
13:52b.LEV.013.052 Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
13:53b.LEV.013.053 Kana mupirisiti akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe;
13:54b.LEV.013.054 mupirisiti anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
13:55b.LEV.013.055 mupirisiti agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
13:56b.LEV.013.056 Kana mupirisiti akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
13:57b.LEV.013.057 asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
13:58b.LEV.013.058 asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
13:59b.LEV.013.059 Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.
14
14:1b.LEV.014.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
14:2b.LEV.014.002 Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupirisiti;
14:3b.LEV.014.003 zvino mupirisiti anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupirisiti ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
14:4b.LEV.014.004 mupirisiti anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
14:5b.LEV.014.005 Zvino mupirisiti araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
14:6b.LEV.014.006 Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
14:7b.LEV.014.007 Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
14:8b.LEV.014.008 Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
14:9b.LEV.014.009 Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
14:10b.LEV.014.010 Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
14:11b.LEV.014.011 Zvino mupirisiti, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
14:12b.LEV.014.012 mupirisiti ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
14:13b.LEV.014.013 zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupirisiti sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
14:14b.LEV.014.014 Ipapo mupirisiti anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupirisiti agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
14:15b.LEV.014.015 zvino mupirisiti anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
14:16b.LEV.014.016 zvino mupirisiti ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
14:17b.LEV.014.017 mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupirisiti anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
14:18b.LEV.014.018 mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha.
14:19b.LEV.014.019 mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
14:20b.LEV.014.020 mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupirisiti amuyananisire, anake.
14:21b.LEV.014.021 Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
14:22b.LEV.014.022 nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
14:23b.LEV.014.023 nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupirisiti pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
14:24b.LEV.014.024 Zvino mupirisiti anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupirisiti agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
14:25b.LEV.014.025 zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
14:26b.LEV.014.026 zvino mupirisiti ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
14:27b.LEV.014.027 mupirisiti agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
14:28b.LEV.014.028 Zvino mupirisiti ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
14:29b.LEV.014.029 Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
14:30b.LEV.014.030 Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
14:31b.LEV.014.031 sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupirisiti ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
14:32b.LEV.014.032 Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake. Maperembudzi padzimba
14:33b.LEV.014.033 Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
14:34b.LEV.014.034 Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
14:35b.LEV.014.035 muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupirisiti, achiti, Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.
14:36b.LEV.014.036 Ipapo mupirisiti anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupirisiti asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupirisiti apinde kundotarira imba iyo.
14:37b.LEV.014.037 Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
14:38b.LEV.014.038 mupirisiti anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
14:39b.LEV.014.039 zvino mupirisiti anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
14:40b.LEV.014.040 mupirisiti anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
14:41b.LEV.014.041 ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
14:42b.LEV.014.042 zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
14:43b.LEV.014.043 Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
14:44b.LEV.014.044 mupirisiti anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
14:45b.LEV.014.045 Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
14:46b.LEV.014.046 Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
14:47b.LEV.014.047 Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
14:48b.LEV.014.048 Kana mupirisiti akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupirisiti anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
14:49b.LEV.014.049 Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
14:50b.LEV.014.050 ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
14:51b.LEV.014.051 ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
14:52b.LEV.014.052 anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
14:53b.LEV.014.053 asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
14:54b.LEV.014.054 Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
14:55b.LEV.014.055 nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
14:56b.LEV.014.056 nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
14:57b.LEV.014.057 kuzivisa mupirisiti kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi.
15
15:1b.LEV.015.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
15:2b.LEV.015.002 Taurai navana vaIsiraeri, muti kwavari, Kana murume ane zvimwe zvinoyerera, zvinobuda pamuviri wake, uchava usina kunaka nokuda kwokuyerera kwake.
15:3b.LEV.015.003 Ndiko kusanaka kwokuyerera kwake: Kana muviri wake uchibudisa zvinoyerera, kana muviri warega hawo kubudisa zvinoyerera, ndiko kusanaka kwokuyerera kwake.
15:4b.LEV.015.004 nhovo imwe neimwe yaanovata pamusoro payo ichava isina kunaka; nechinhu chimwe nechimwe chaanogara chichava chisina kunaka.
15:5b.LEV.015.005 Ani naani unobata nhovo dzake, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:6b.LEV.015.006 Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:7b.LEV.015.007 Munhu unobata muviri waiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:8b.LEV.015.008 Kana munhu une zvinoyerera akapfira mumwe wakanaka mate, iye ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:9b.LEV.015.009 Chigaro chipi nechipi chinogarwa nomunhu une zvinoyerera chichava chisina kunaka.
15:10b.LEV.015.010 Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:11b.LEV.015.011 Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:12b.LEV.015.012 Hari yevhu inobatwa nomunhu une zvinoyerera ngaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumwe nomumwe anofanira kusukurudzwa nemvura.
15:13b.LEV.015.013 Kana munhu une zvinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe okuzvinatsa kwake, zvino asuke nguvo dzake, ndokushambidza muviri wake nemvura inoyerera, anake.
15:14b.LEV.015.014 Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva, auye pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana, ape mupirisiti idzedzo;
15:15b.LEV.015.015 zvino mupirisiti anofanira kudzibayira, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa; mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwake.
15:16b.LEV.015.016 Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushambidza muviri wake wose nemvura, agova usina kunaka kusvikira madeko.
15:17b.LEV.015.017 nguvo ipi neipi, nedehwe ripi neripi, zvadonherwa nembeu, zvinofanira kusukwa nemvura, zvive zvisina kunaka kusvikira madeko.
15:18b.LEV.015.018 Mukadziwo wakavata nomurume nembeu, vose vari vaviri vanofanira kuzvishambidza nemvura, vave vasina kunaka kusvikira madeko.
15:19b.LEV.015.019 Kana mukadzi ane zvinoyerera, zvinoyerera pamuviri wake riri ropa, uchava pakusanaka kwake mazuva manomwe; ani naani unomubata uchava usina kunaka kusvikira madeko.
15:20b.LEV.015.020 Chinhu chipi nechipi chaanovata pamusoro pacho pakusanaka kwake chichava chisina kunaka, uye chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka.
15:21b.LEV.015.021 Ani naani unobata nhovo dzake anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:22b.LEV.015.022 Ani naani unobata chinhu chipi nechipi chaanogara, anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:23b.LEV.015.023 Kana akabata chinhu chiri panhovo, kana chinhu chipi nechipi chaanogara, uchava usina kunaka kusvikira madeko.
15:24b.LEV.015.024 Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhovo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
15:25b.LEV.015.025 Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
15:26b.LEV.015.026 nhovo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhovo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kwokuva kwake kumwedzi.
15:27b.LEV.015.027 Ani naani unobata zvinhu izvo uchava usina kunaka, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
15:28b.LEV.015.028 Asi kana anatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe; kana iwo apera uchava wakanaka.
15:29b.LEV.015.029 Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, auye nadzo kumupirisiti, kumukova wetende rokusangana.
15:30b.LEV.015.030 Zvino mupirisiti anofanira kuuraya imwe, chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa; mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwokusanaka kwake.
15:31b.LEV.015.031 Saizvozvo munofanira kuparadzanisa vana vaIsiraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.
15:32b.LEV.015.032 Ndiwo murayiro womunhu une zvinoyerera, nounobudisa mbeu yake, akazova usina kunaka nazvo;
15:33b.LEV.015.033 nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.
16
16:1b.LEV.016.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi, shure kwokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa;
16:2b.LEV.016.002 Jehovha akati kuna Mozisi, Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nokuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa.
16:3b.LEV.016.003 Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa.
16:4b.LEV.016.004 Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguvo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka.
16:5b.LEV.016.005 Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa.
16:6b.LEV.016.006 Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake.
16:7b.LEV.016.007 Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana;
16:8b.LEV.016.008 Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
16:9b.LEV.016.009 Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi.
16:10b.LEV.016.010 Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
16:11b.LEV.016.011 Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi;
16:12b.LEV.016.012 ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paaritari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro;
16:13b.LEV.016.013 zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa;
16:14b.LEV.016.014 zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.
16:15b.LEV.016.015 Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa;
16:16b.LEV.016.016 anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo.
16:17b.LEV.016.017 Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
16:18b.LEV.016.018 Ipapo anofanira kubuda kuaritari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzearitari panhivi dzose.
16:19b.LEV.016.019 Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana valsiraeri.
16:20b.LEV.016.020 Kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rokusangana, nearitari, ngaauye nembudzi mhenyu,
16:21b.LEV.016.021 Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa.
16:22b.LEV.016.022 Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
16:23b.LEV.016.023 Zvino Aroni anofanira kupinda mutende rokusangana, anofanira kubvisa nguvo dzake dzomucheka, idzo dzaakanga akafuka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, agodzisiyapo.
16:24b.LEV.016.024 Anofanira kushambidza muviri wake nemvura munzvimbo tsvene, ndokufuka nguvo dzake ndokubuda, agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, kuti azviyananisire iye navanhu.
16:25b.LEV.016.025 Zvino ngaapise mafuta echipiriso chezvivi pamusoro pearitari.
16:26b.LEV.016.026 Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
16:27b.LEV.016.027 Asi nzombe yechipiriso chezvivi, nembudzi yechipiriso chezvivi zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; zvino vanofanira kupisa matehwe azvo nenyama yazvo namazvizvi azvo nomoto.
16:28b.LEV.016.028 Nomunhu unozvipisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
16:29b.LEV.016.029 Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
16:30b.LEV.016.030 nokuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.
16:31b.LEV.016.031 Rinofanira kuva Sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murayiro usingaperi.
16:32b.LEV.016.032 mupirisiti uchazozodzwa nokugadzwa paupirisiti panzvimbo yababa vake, iye anofanira kuyananisira nokufuka nguvo dzomucheka, idzo nguvo tsvene;
16:33b.LEV.016.033 anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene, uye anofanira kuyananisira tende rokusangana nearitari; uye anofanira kuyananisira vapirisiti navanhu vose veungano.
16:34b.LEV.016.034 Uyu unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri, kuyananisira vana vaIsiraeri kamwe chete pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
17
17:1b.LEV.017.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
17:2b.LEV.017.002 Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:
17:3b.LEV.017.003 Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,
17:4b.LEV.017.004 asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;
17:5b.LEV.017.005 kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupirisiti, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.
17:6b.LEV.017.006 Zvino mupirisiti ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.
17:7b.LEV.017.007 Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
17:8b.LEV.017.008 Iwe unofanira kuti kwavari, Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,
17:9b.LEV.017.009 asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Ropa harifaniri kudyiwa
17:10b.LEV.017.010 Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.
17:11b.LEV.017.011 Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo.
17:12b.LEV.017.012 Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.
17:13b.LEV.017.013 Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
17:14b.LEV.017.014 Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:
17:15b.LEV.017.015 Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
17:16b.LEV.017.016 Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.
18
18:1b.LEV.018.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
18:2b.LEV.018.002 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Ndini Jehovha, Mwari wenyu.
18:3b.LEV.018.003 Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
18:4b.LEV.018.004 Itai zvandakatonga ini, chengetai zvirevo zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.
18:5b.LEV.018.005 Naizvozvo chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.
18:6b.LEV.018.006 Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha.
18:7b.LEV.018.007 Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura.
18:8b.LEV.018.008 Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako.
18:9b.LEV.018.009 Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe.
18:10b.LEV.018.010 Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nokuti kufukurwa kwavo ndiko kwako.
18:11b.LEV.018.011 Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
18:12b.LEV.018.012 Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako.
18:13b.LEV.018.013 Usafukura mainini vako, nokuti ihama yomumba mamai vako.
18:14b.LEV.018.014 Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako.
18:15b.LEV.018.015 Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura.
18:16b.LEV.018.016 Usafukura mukadzi womunununa wako, ndiko kufukurwa kwomwanakomana wako.
18:17b.LEV.018.017 Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata.
18:18b.LEV.018.018 Usatora mukadzi pamwechete nomunununa wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu.
18:19b.LEV.018.019 Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake.
18:20b.LEV.018.020 Usavata nomukadzi wowokwako, kuti uzvisvibise naye.
18:21b.LEV.018.021 Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
18:22b.LEV.018.022 Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza.
18:23b.LEV.018.023 Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti akwirwe nacho; zvinonyangadza kwazvo.
18:24b.LEV.018.024 Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu;
18:25b.LEV.018.025 nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo.
18:26b.LEV.018.026 Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
18:27b.LEV.018.027 (Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;)
18:28b.LEV.018.028 kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.
18:29b.LEV.018.029 Nokuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo.
18:30b.LEV.018.030 Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19
19:1b.LEV.019.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
19:2b.LEV.019.002 Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
19:3b.LEV.019.003 Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:4b.LEV.019.004 Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:5b.LEV.019.005 Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe.
19:6b.LEV.019.006 Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.
19:7b.LEV.019.007 Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.
19:8b.LEV.019.008 Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
19:9b.LEV.019.009 Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.
19:10b.LEV.019.010 Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:11b.LEV.019.011 Musaba, musanyengera, musareverana nhema.
19:12b.LEV.019.012 Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
19:13b.LEV.019.013 Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
19:14b.LEV.019.014 Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.
19:15b.LEV.019.015 Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.
19:16b.LEV.019.016 Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.
19:17b.LEV.019.017 Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.
19:18b.LEV.019.018 Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
19:19b.LEV.019.019 Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.
19:20b.LEV.019.020 Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.
19:21b.LEV.019.021 Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondohwe rechipiriso chemhosva.
19:22b.LEV.019.022 Zvino mupirisiti anofanira kumuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakanganwirwa zvivi zvake zvaakatadza.
19:23b.LEV.019.023 Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
19:24b.LEV.019.024 Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.
19:25b.LEV.019.025 Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:26b.LEV.019.026 Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.
19:27b.LEV.019.027 Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.
19:28b.LEV.019.028 Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.
19:29b.LEV.019.029 Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.
19:30b.LEV.019.030 Chengetai maSabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
19:31b.LEV.019.031 Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:32b.LEV.019.032 Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
19:33b.LEV.019.033 Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.
19:34b.LEV.019.034 Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19:35b.LEV.019.035 Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.
19:36b.LEV.019.036 Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeIjipiti
19:37b.LEV.019.037 Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha.
20
20:1b.LEV.020.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
20:2b.LEV.020.002 Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
20:3b.LEV.020.003 Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.
20:4b.LEV.020.004 Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;
20:5b.LEV.020.005 ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki.
20:6b.LEV.020.006 Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
20:7b.LEV.020.007 Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
20:8b.LEV.020.008 Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.
20:9b.LEV.020.009 Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.
20:10b.LEV.020.010 Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa.
20:11b.LEV.020.011 Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
20:12b.LEV.020.012 Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
20:13b.LEV.020.013 Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
20:14b.LEV.020.014 Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.
20:15b.LEV.020.015 Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.
20:16b.LEV.020.016 Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.
20:17b.LEV.020.017 Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
20:18b.LEV.020.018 Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.
20:19b.LEV.020.019 Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nokuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.
20:20b.LEV.020.020 Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.
20:21b.LEV.020.021 Kana munhu akatora mukadzi womunununa wake, chinhu chine tsvina; wafukura munununa wake; vachashaiwa vana.
20:22b.LEV.020.022 Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.
20:23b.LEV.020.023 Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
20:24b.LEV.020.024 Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.
20:25b.LEV.020.025 Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.
20:26b.LEV.020.026 Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.
20:27b.LEV.020.027 Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
21
21:1b.LEV.021.001 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Taura navapirisiti, vanakomana vaAroni, uti kwavari, mupirisiti ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
21:2b.LEV.021.002 asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munununa wake;
21:3b.LEV.021.003 kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.
21:4b.LEV.021.004 Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
21:5b.LEV.021.005 Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
21:6b.LEV.021.006 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nokuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
21:7b.LEV.021.007 Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nokuti mutsvene kuna Mwari wake.
21:8b.LEV.021.008 Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nokuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
21:9b.LEV.021.009 Kana mwanasikana womupirisiti upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
21:10b.LEV.021.010 Munhu, ari mupirisiti mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupirisiti mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
21:11b.LEV.021.011 Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
21:12b.LEV.021.012 ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nokuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
21:13b.LEV.021.013 Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
21:14b.LEV.021.014 Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
21:15b.LEV.021.015 Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nokuti ndini Jehovha ndinomutsaura.
21:16b.LEV.021.016 zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
21:17b.LEV.021.017 Taura naAroni, uti, Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
21:18b.LEV.021.018 Nokuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana unokamhina, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
21:19b.LEV.021.019 kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
21:20b.LEV.021.020 kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
21:21b.LEV.021.021 munhu upi noupi worudzi rwomupirisiti Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
21:22b.LEV.021.022 Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
21:23b.LEV.021.023 Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nokuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
21:24b.LEV.021.024 Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.
22
22:1b.LEV.022.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
22:2b.LEV.022.002 Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatisa zita rangu dzvene; ndini Jehovha.
22:3b.LEV.022.003 Uti kwavari, Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu; ndini Jehovha.
22:4b.LEV.022.004 Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake;
22:5b.LEV.022.005 kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi.
22:6b.LEV.022.006 Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura.
22:7b.LEV.022.007 Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nokuti ndizvo zvokudya zvake.
22:8b.LEV.022.008 Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
22:9b.LEV.022.009 Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
22:10b.LEV.022.010 Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupirisiti, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene.
22:11b.LEV.022.011 Asi kana mupirisiti akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake.
22:12b.LEV.022.012 Kana mwanasikana womupirisiti akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene.
22:13b.LEV.022.013 Asi kana mwanasikana womupirisiti iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
22:14b.LEV.022.014 Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupirisiti chinhu chitsvene.
22:15b.LEV.022.015 Ngavarege kushatisa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha;
22:16b.LEV.022.016 kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura. Zvipo zvinofanira kuva zvakadini?
22:17b.LEV.022.017 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
22:18b.LEV.022.018 Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
22:19b.LEV.022.019 munofanira kuuya nomukono usina kuremara kana wemombe, kana gondohwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
22:20b.LEV.022.020 Asi musauya nechinhu chakaremara, nokuti hamungagamuchirwi nokuda kwacho.
22:21b.LEV.022.021 Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana., kuti chigamuchigwe; ngachirege kuva chakaremara.
22:22b.LEV.022.022 Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paaritari.
22:23b.LEV.022.023 Kana iri nzombe duku kana gwayana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupika, mungauya nazvo kuti muite nhendo yokuda kwenyu, asi hazvingagamuchirwi pakuripira mhiko.
22:24b.LEV.022.024 Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana ,akachekwa, musadaro panyika yenyu.
22:25b.LEV.022.025 Musagamuchira zvakadai paruoko rwomutorwa, kuti mupe Mwari wenyu zvokudya zvakadai, nokuti zvakaipa, zvakaremara, hazvingagamuchirwi nokuda kwenyu.
22:26b.LEV.022.026 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
22:27b.LEV.022.027 Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi zvichiberekwa, zvinofanira kugara pana mai vazvo mazuva manomwe; kubva pazuva rorusere napashure paro zvingagamuchirwa kuti zviite chipo chinopisirwa Jehovha.
22:28b.LEV.022.028 Kana iri mhou kana nhunzvi, musazviuraya pamusi mumwe navana vazvo.
22:29b.LEV.022.029 Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, munofanira kuchibayira saizvozvo kuti mugamuchirwe.
22:30b.LEV.022.030 Chinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya zvimwe kusvikira mangwana; ndini Jehovha.
22:31b.LEV.022.031 Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.
22:32b.LEV.022.032 Usashatisa zita rangu dzvene; ndinoda kutsaurwa pakati pavana vaIsiraeri, ndini Jehovha, ndinokutsaurai;
22:33b.LEV.022.033 ndakakubudisai panyika kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.
23
23:1b.LEV.023.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
23:2b.LEV.023.002 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.
23:3b.LEV.023.003 Mabasa ngaabatwe mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, iungano tsvene; musabata basa ripi neripi; iSabata raJehovha mudzimba dzenyu dzose.
23:4b.LEV.023.004 Ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa, ndidzo ungano tsvene, dzamunofanira kuparidzira nenguva dzakatarwa:
23:5b.LEV.023.005 Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, iPasika raJehovha.
23:6b.LEV.023.006 Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.
23:7b.LEV.023.007 Nomusi wokutanga munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda.
23:8b.LEV.023.008 Asi munofanira kupa Jehovha chipiriso chinopiswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda.
23:9b.LEV.023.009 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
23:10b.LEV.023.010 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana muchisvika munyika yandichakupai, mukakohwa zviyo zvayo, munofanira kuuya nechisote chezvitsva zvokukohwa kwenyu kumupirisiti,
23:11b.LEV.023.011 iye anofanira kuzunguzira chisote icho pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri; mupirisiti anofanira kuchizunguzira nomusi unotevera Sabata.
23:12b.LEV.023.012 Nomusi wamunozunguzira chisote nawo, munofanira kuuya negwayana regondohwe risina kuremara, rine gore rimwe, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
23:13b.LEV.023.013 Nechipiriso chacho choupfu chinofanira kuva chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha chinonhuwira zvakanaka; nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chewaini chechina chehini.
23:14b.LEV.023.014 Musadya chingwa, kana zviyo zvakakangiwa, kana hura itsva, kusvikira pamusi iwoyo, kusvikira mauya nechipo chaMwari wenyu; ndiwo mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
23:15b.LEV.023.015 Zvino munofanira kuverenga kubva pamusi unotevera Sabata, kubva pamusi wamakauya nawo nechisote chinozunguzirwa, maSabata manomwe.
23:16b.LEV.023.016 Munofanira kuverenga mazuva makumi mashanu kusvikira pamusi unotevera Sabata rechinomwe; ipapo munofanira kupa Jehovha chipiriso chitsva choupfu.
23:17b.LEV.023.017 Munofanira kutora kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinozunguzirwa zvezvegumi zviviri zveefa; zvinofanira kuva zvoupfu hwakatsetseka, zvibikwe nembiriso, kuti zvive zvitsva kuna Jehovha.
23:18b.LEV.023.018 Pamwechete nezvingwa munofanira kuuya namakwayana manomwe asina kuremara, egore rimwe, nenzombe imwe duku, namakondohwe maviri; izvozvo zvinofanira kuva chibayiro chinopisirwa Jehovha, pamwechete nechipiriso chazvo choupfu nezvipiriso zvinodururwa, chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
23:19b.LEV.023.019 Uye munofanira kubayira nhongo imwe, chive chipiriso chezvivi, namakwayana maviri, mikono yegore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
23:20b.LEV.023.020 mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomupirisiti.
23:21b.LEV.023.021 Munofanira kuparidza nomusi iwoyo kuti muve neungano itsva; hamufaniri kubata mabasa avaranda; uve mutemo usingaperi padzimba dzenyu dzose kusvikira kumarudzi enyu ose.
23:22b.LEV.023.022 Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
23:23b.LEV.023.023 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
23:24b.LEV.023.024 Taura navana vaIsiraeri, uti, Pamwedzi wechinomwe, zuva rokutanga romwedzi rinofanira kuva kwamuri zuva rokuzorora kwazvo, rinoyeudzwa nokuridzwa kwehwamanda, ive ungano tsvene.
23:25b.LEV.023.025 Musabata naro mabasa ose avaranda; munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.
23:26b.LEV.023.026 Jehovha wakataura naMozisi akati,
23:27b.LEV.023.027 Zuva regumi romwedzi uyu wechinomwe izuva rokuyananisira; munofanira kuita naro ungano tsvene, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.
23:28b.LEV.023.028 Nomusi uyo musabata basa ripi neripi, nokuti izuva rokuyananisirwa, kuti muyananisirwe pamberi paJehovha Mwari wenyu.
23:29b.LEV.023.029 Nokuti ani naani usingachemi pamweya wake nomusi iwoyo, uchabviswa pakati porudzi rwake.
23:30b.LEV.023.030 Nomunhu upi noupi unobata basa ripi neripi nomusi iwoyo, munhu uyo ndichamuparadza pakati porudzi rwake.
23:31b.LEV.023.031 Musaita basa ripi neripi; mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
23:32b.LEV.023.032 Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve.
23:33b.LEV.023.033 Jehovha wakataura naMozisi akati,
23:34b.LEV.023.034 Taura navana valsiraeri uti, Nezuva regumi namashanu romwedzi uyu wechinomwe Jehovha anofanira kuitirwa mutambo womatumba mazuva manomwe.
23:35b.LEV.023.035 Nomusi wokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musaita basa ripi neripi ravaranda.
23:36b.LEV.023.036 Munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto mazuva manomwe; nomusi worusere munofanira kuva neungano tsvene; muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto; izuva romutambo mukuru, musabata basa ripi neripi ravaranda.
23:37b.LEV.023.037 Ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, yamunofanira kuparidzira, muchiti iungano tsvene, kuti muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechibayiro, nezvipiriso zvinodururwa, chimwe nechimwe nezuva racho;
23:38b.LEV.023.038 izvi ngazviitwe, kunze kwamaSabata aJehovha, nokunze kwezvipo zvenyu, nokunze kwemhiko dzenyu dzose, nokunze kwenhendo dzenyu dzose dzokuda kwenyu, dzamunopa Jehovha.
23:39b.LEV.023.039 Zvino pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, kana makohwa gohwa reminda, munofanira kuita mutambo waJehovha mazuva manomwe; zuva rokutanga rinofanira kuva rokuzorora kwazvo, nezuva rorusere rinofanira kuva rokuzorora kwazvo.
23:40b.LEV.023.040 Pazuva rokutanga munofanira kutora michero yemiti yakanaka, namashizha emichindwe, namatavi emiti mikobvu, nemikonachando yomurukova; munofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.
23:41b.LEV.023.041 Munofanira kuitira Jehovha mutambo mazuva manomwe gore rimwe nerimwe; uve mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; munofanira kuuita nomwedzi wechinomwe.
23:42b.LEV.023.042 Munofanira kugara mumatumba mazuva manomwe; vose vakaberekerwa munyika pakati pavaIsiraeri vanofanira kugara mumatumba.
23:43b.LEV.023.043 Kuti marudzi enyu azive, kuti ndakagarisa vana valsiraeri mumatumba, nguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
23:44b.LEV.023.044 Ipapo Mozisi wakarondedzera kuvana vaIsiraeri mitambo yakatarwa naJehovha.
24
24:1b.LEV.024.001 Jehovha wakataura naMozisi akati,
24:2b.LEV.024.002 Raira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta akanaka amaorivhi, akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
24:3b.LEV.024.003 Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
24:4b.LEV.024.004 Anofanira kugadzira mwenje pachigadziko chakaisvonaka nguva dzose pamberi paJehovha.
24:5b.LEV.024.005 Iwe unofanira kutora upfu hwakatsetseka, ugobika nahwo zvingwa zvine gumi nezviviri; chingwa chimwe nechimwe chinofanira kuitwa nezvegumi zviviri zveefa.
24:6b.LEV.024.006 Unofanira kuzvigadzika patafura yakaisvonaka pamberi paJehovha uchiita nhurikidzwa mbiri, zvitanhatu panhurikidzwa.
24:7b.LEV.024.007 Unofanira kuisawo pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe zvinonhuwira zvakanaka, kuti chive chokurangaridza chechingwa, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
24:8b.LEV.024.008 Musi mumwe nomumwe weSabata unofanira kuzvirongedza pamberi paJehovha nguva dzose; ive sungano isingaperi inoitwa navana valsiraeri.
24:9b.LEV.024.009 Zvinofanira kuva zvaAroni navanakomana vake; vazvidye panzvimbo tsvene, nokuti chitsvene kwazvo kwaari pakati pezvipiriso zvinopisirwa Jehovha nomutemo usingaperi. Zvivi nokurohwa kwazvo
24:10b.LEV.024.010 Zvino mwanakomana womukadzi muIsiraeri, asi baba vake vaiva munhu weIjipiti, wakafamba pakati pavana vaIsiraeri, mwanakomana womukadzi muIsiraeri akarwa nomurume muIsiraeri pamisasa.
24:11b.LEV.024.011 Mwanakomana womukadzi muIsiraeri akamhura zita raJehovha, akatuka, vakaenda naye kuna Mozisi. Zita ramai vake rakanga riri Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, worudzi rwaDhani.
24:12b.LEV.024.012 Vakamuisa mutorongo, kuti vaziviswe zvinorehwa naJehovha.
24:13b.LEV.024.013 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
24:14b.LEV.024.014 Budisa mutuki kunze kwemisasa; zvino vose, vakamunzwa, vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake, ungano yose igomutaka namabwe.
24:15b.LEV.024.015 Zvino iwe utaure navana vaIsiraeri, uti, Ani naani anotuka Mwari wake anofanira kurohwa pamusoro pezvivi zvake.
24:16b.LEV.024.016 Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namahwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
24:17b.LEV.024.017 Munhu anorova mumwe, akafa, zvirokwazvo anofanira kuurawa;
24:18b.LEV.024.018 nomunhu anorova chipfuwo, chikafa, anofanira kuchiripa; upenyu pachigaro choupenyu.
24:19b.LEV.024.019 Kana munhu akamanikidza wokwake, sezvaakaita iye, anofanira kuitirwawo;
24:20b.LEV.024.020 kuvhunika kuchatsibwa nokuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakamanikidza mumwe, naiye anofanira kuitirwa saizvozvo.
24:21b.LEV.024.021 Munhu unouraya chipfuwo, anofanira kuripa; anouraya munhu, anofanira kuurawa.
24:22b.LEV.024.022 Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
24:23b.LEV.024.023 Mozisi akataura navana vaIsiraeri, ivo vakabudisa mutuki kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa naMozisi.
25
25:1b.LEV.025.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,
25:2b.LEV.025.002 Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.
25:3b.LEV.025.003 Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.
25:4b.LEV.025.004 Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
25:5b.LEV.025.005 Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.
25:6b.LEV.025.006 Gohwo reSabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;
25:7b.LEV.025.007 nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.
25:8b.LEV.025.008 Unofanira kuverengawo maSabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amaSabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.
25:9b.LEV.025.009 Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
25:10b.LEV.025.010 Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.
25:11b.LEV.025.011 Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.
25:12b.LEV.025.012 Nokuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.
25:13b.LEV.025.013 Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.
25:14b.LEV.025.014 Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.
25:15b.LEV.025.015 Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
25:16b.LEV.025.016 Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
25:17b.LEV.025.017 Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
25:18b.LEV.025.018 Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
25:19b.LEV.025.019 Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.
25:20b.LEV.025.020 Zvino kana mukati, Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu ;
25:21b.LEV.025.021 ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.
25:22b.LEV.025.022 Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.
25:23b.LEV.025.023 Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vaeni navatorwa kwandiri.
25:24b.LEV.025.024 Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.
25:25b.LEV.025.025 Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.
25:26b.LEV.025.026 Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;
25:27b.LEV.025.027 unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;
25:28b.LEV.025.028 asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.
25:29b.LEV.025.029 Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.
25:30b.LEV.025.030 Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
25:31b.LEV.025.031 Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.
25:32b.LEV.025.032 Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.
25:33b.LEV.025.033 Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nokuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.
25:34b.LEV.025.034 Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nokuti ndeyavo nokusingaperi.
25:35b.LEV.025.035 Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.
25:36b.LEV.025.036 Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.
25:37b.LEV.025.037 Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.
25:38b.LEV.025.038 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeljipiti, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.
25:39b.LEV.025.039 Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;
25:40b.LEV.025.040 ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.
25:41b.LEV.025.041 Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.
25:42b.LEV.025.042 Nokuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.
25:43b.LEV.025.043 Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.
25:44b.LEV.025.044 Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
25:45b.LEV.025.045 Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.
25:46b.LEV.025.046 Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.
25:47b.LEV.025.047 Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,
25:48b.LEV.025.048 kana atengeswa, ungadzikunurwa; munununa kana mukoma wake ungamudzikunura;
25:49b.LEV.025.049 kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
25:50b.LEV.025.050 Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
25:51b.LEV.025.051 Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.
25:52b.LEV.025.052 Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.
25:53b.LEV.025.053 Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.
25:54b.LEV.025.054 Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.
25:55b.LEV.025.055 Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeljipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
26
26:1b.LEV.026.001 Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
26:2b.LEV.026.002 Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
26:3b.LEV.026.003 Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita;
26:4b.LEV.026.004 ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo.
26:5b.LEV.026.005 Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudzvara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka.
26:6b.LEV.026.006 Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu,
26:7b.LEV.026.007 muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
26:8b.LEV.026.008 Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
26:9b.LEV.026.009 Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi.
26:10b.LEV.026.010 Muchadya zviyo zvakachengetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva.
26:11b.LEV.026.011 Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi.
26:12b.LEV.026.012 Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu.
26:13b.LEV.026.013 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
26:14b.LEV.026.014 Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose;
26:15b.LEV.026.015 kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu,
26:16b.LEV.026.016 neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.
26:17b.LEV.026.017 Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai.
26:18b.LEV.026.018 Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
26:19b.LEV.026.019 Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira;
26:20b.LEV.026.020 simba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo.
26:21b.LEV.026.021 Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu.
26:22b.LEV.026.022 Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu.
26:23b.LEV.026.023 Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba,
26:24b.LEV.026.024 neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
26:25b.LEV.026.025 Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu.
26:26b.LEV.026.026 Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti.
26:27b.LEV.026.027 Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba,
26:28b.LEV.026.028 ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
26:29b.LEV.026.029 Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya.
26:30b.LEV.026.030 Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai.
26:31b.LEV.026.031 Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsene ndichadziparadza handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu.
26:32b.LEV.026.032 Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo.
26:33b.LEV.026.033 Ndichakurashanyai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo.
26:34b.LEV.026.034 Zvino nyika ichafarira maSabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imwi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira maSabata ayo.
26:35b.LEV.026.035 Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamaSabata enyu, panguva yamakagaramo.
26:36b.LEV.026.036 Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
26:37b.LEV.026.037 Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu.
26:38b.LEV.026.038 Muchandofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai.
26:39b.LEV.026.039 Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo.
26:40b.LEV.026.040 Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba,
26:41b.LEV.026.041 neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo;
26:42b.LEV.026.042 ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakobho; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo.
26:43b.LEV.026.043 Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
26:44b.LEV.026.044 Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;
26:45b.LEV.026.045 asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeIjipiti pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.
26:46b.LEV.026.046 Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana vaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMozisi.
27
27:1b.LEV.027.001 Jehovha wakataura naMozisi akati,
27:2b.LEV.027.002 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe.
27:3b.LEV.027.003 Kana uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
27:4b.LEV.027.004 Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
27:5b.LEV.027.005 Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokwomukadzi mashekeri ane gumi.
27:6b.LEV.027.006 Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako kwomukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha.
27:7b.LEV.027.007 Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
27:8b.LEV.027.008 Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupirisiti, kuti mupirisiti amutarire; mupirisiti anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
27:9b.LEV.027.009 Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene.
27:10b.LEV.027.010 Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
27:11b.LEV.027.011 Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chekutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupirisiti;
27:12b.LEV.027.012 zvino mupirisiti anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupirisiti, ndizvo zvachichaita.
27:13b.LEV.027.013 Zvino kana achida kuchidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
27:14b.LEV.027.014 Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupirisiti anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupirisiti, zvinofanira kuramba zvakadaro.
27:15b.LEV.027.015 Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
27:16b.LEV.027.016 Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
27:17b.LEV.027.017 Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro.
27:18b.LEV.027.018 Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupirisiti anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
27:19b.LEV.027.019 Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake.
27:20b.LEV.027.020 Kana asingadi kudzikunura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikunurwi;
27:21b.LEV.027.021 asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupirisiti.
27:22b.LEV.027.022 Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake,
27:23b.LEV.027.023 mupirisiti anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha.
27:24b.LEV.027.024 Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika.
27:25b.LEV.027.025 Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
27:26b.LEV.027.026 Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
27:27b.LEV.027.027 Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikunura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
27:28b.LEV.027.028 Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
27:29b.LEV.027.029 Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikunurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
27:30b.LEV.027.030 Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
27:31b.LEV.027.031 Kana munhu achida kudzikunura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho.
27:32b.LEV.027.032 Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha.
27:33b.LEV.027.033 Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.
27:34b.LEV.027.034 Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Leviticus (Shona). Leviticus (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C55D-2