Exodus (Shona)

Exodus (Shona)

1

1:1b.EXO.001.001 Ndiwo mazita avana valsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake:

1:2b.EXO.001.002 Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha,

1:3b.EXO.001.003 naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini,

1:4b.EXO.001.004 naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri.

1:5b.EXO.001.005 Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti.

1:6b.EXO.001.006 Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo.

1:7b.EXO.001.007 Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.

1:8b.EXO.001.008 Zvino paIjipititi pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.

1:9b.EXO.001.009 Iye akati kuvanhu vake, Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba;

1:10b.EXO.001.010 uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.

1:11b.EXO.001.011 Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi.

1:12b.EXO.001.012 Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri.

1:13b.EXO.001.013 VaIjipiti vakavabatisa zvinorema;

1:14b.EXO.001.014 vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.

1:15b.EXO.001.015 Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua;

1:16b.EXO.001.016 akati, Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.

1:17b.EXO.001.017 Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo.

1:18b.EXO.001.018 Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?

1:19b.EXO.001.019 Madzimbuya akati kuna Farao, Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.

1:20b.EXO.001.020 Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo.

1:21b.EXO.001.021 Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.

1:22b.EXO.001.022 Farao akaraira vanhu vake vose, akati, Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.

2

2:1b.EXO.002.001 Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.

2:2b.EXO.002.002 Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu.

2:3b.EXO.002.003 Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi.

2:4b.EXO.002.004 Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.

2:5b.EXO.002.005 Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora.

2:6b.EXO.002.006 Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, Ndomumwe wavana vavaHebheru.

2:7b.EXO.002.007 Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?

2:8b.EXO.002.008 Mukunda waFarao akati kwaari, Enda. Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.

2:9b.EXO.002.009 Mukunda waFarao akati kwavari, Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako. Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa.

2:10b.EXO.002.010 Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, Nokuti, ndamunyukura mumvura.

2:11b.EXO.002.011 Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.

2:12b.EXO.002.012 Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha.

2:13b.EXO.002.013 Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, Unorovereiko munhu wokwako?

2:14b.EXO.002.014 Iye akati, Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kanhi? Mozisi akatya, akati, Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.

2:15b.EXO.002.015 Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.

2:16b.EXO.002.016 Zvino mupirisiti weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo.

2:17b.EXO.002.017 Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo.

2:18b.EXO.002.018 Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, Makurumidza kudzoka seiko nhasi?

2:19b.EXO.002.019 Vakati, MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.

2:20b.EXO.002.020 Akati kuvakunda vake, Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.

2:21b.EXO.002.021 Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora.

2:22b.EXO.002.022 Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.

2:23b.EXO.002.023 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda.

2:24b.EXO.002.024 Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho.

2:25b.EXO.002.025 Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.

3

3:1b.EXO.003.001 Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwa wake, mupirisiti weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi.

3:2b.EXO.003.002 Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi.

3:3b.EXO.003.003 Mozisi akati, Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.

3:4b.EXO.003.004 Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, Mozisi, Mozisi! Iye akati, Ndiri pano hangu.

3:5b.EXO.003.005 Akati, Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.

3:6b.EXO.003.006 Akatiwo, Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Mozisi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.

3:7b.EXO.003.007 Zvino Mwari akati, Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo;

3:8b.EXO.003.008 ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaljipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.

3:9b.EXO.003.009 Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti.

3:10b.EXO.003.010 Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.

3:11b.EXO.003.011 Zvino Mozisi akati kuna Mwari, Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?

3:12b.EXO.003.012 Akati, Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.

3:13b.EXO.003.013 Ipapo Mozisi kuna Mwari, Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri, Ko zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?

3:14b.EXO.003.014 Mwari akati kuna Mozisi, NDICHAVA IYE WANDICHAVA. Akati, Unoti kuvana vaIsiraeri, NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.

3:15b.EXO.003.015 Mwari akatiwo kuna Mozisi, Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.

3:16b.EXO.003.016 Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri, akati, Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;

3:17b.EXO.003.017 ndikati, Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.

3:18b.EXO.003.018 Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.

3:19b.EXO.003.019 Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba.

3:20b.EXO.003.020 Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda.

3:21b.EXO.003.021 Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.

3:22b.EXO.003.022 Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.

4

4:1b.EXO.004.001 Zvino Mozisi akapindura akati, Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, Jehovha haana kuzviratidza kwauri.

4:2b.EXO.004.002 Jehovha akati kwaari, Chiiko icho chiri muruoko rwako? Akati, Itsvimbo.

4:3b.EXO.004.003 Akati, Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza.

4:4b.EXO.004.004 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);

4:5b.EXO.004.005 kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri.

4:6b.EXO.004.006 Jehovha akatiwo kwaari, Isa ruoko rwako muchipfuva chako. Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.

4:7b.EXO.004.007 Akati, Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)

4:8b.EXO.004.008 Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri.

4:9b.EXO.004.009 Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma.

4:10b.EXO.004.010 Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.

4:11b.EXO.004.011 Jehovha akati kwaari, Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?

4:12b.EXO.004.012 Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.

4:13b.EXO.004.013 Iye akati, Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.

4:14b.EXO.004.014 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.

4:15b.EXO.004.015 Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.

4:16b.EXO.004.016 Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.

4:17b.EXO.004.017 Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo. Mozisi anodzokera Ijipiti

4:18b.EXO.004.018 Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu. Jeturo akati kuna Mozisi, Enda hako norugare.

4:19b.EXO.004.019 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa.

4:20b.EXO.004.020 Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.

4:21b.EXO.004.021 Jehovha akati kuna Mozisi, Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.

4:22b.EXO.004.022 Zvino undoti kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu;

4:23b.EXO.004.023 ndakati kwauri, Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.

4:24b.EXO.004.024 Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.

4:25b.EXO.004.025 Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri.

4:26b.EXO.004.026 Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, Uri chikomba cheropa nokuda kwokudzingiswa.

4:27b.EXO.004.027 Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Enda kurenje undosangana naMozisi. Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.

4:28b.EXO.004.028 Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.

4:29b.EXO.004.029 Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri.

4:30b.EXO.004.030 Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.

4:31b.EXO.004.031 Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.

5

5:1b.EXO.005.001 Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.

5:2b.EXO.005.002 Farao akati, Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.

5:3b.EXO.005.003 Vakati, Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.

5:4b.EXO.005.004 Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, imwi Mozisi naAroni, munotsausireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.

5:5b.EXO.005.005 Farao akati, Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imwi moda kuvazorodza pamirimo yavo.

5:6b.EXO.005.006 Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati,

5:7b.EXO.005.007 Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega.

5:8b.EXO.005.008 Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, Titenderei tindobayira Mwari wedu.

5:9b.EXO.005.009 Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.

5:10b.EXO.005.010 Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, Zvanzi naFarao, Handichakupiyi uswa.

5:11b.EXO.005.011 Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.

5:12b.EXO.005.012 Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa.

5:13b.EXO.005.013 Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.

5:14b.EXO.005.014 Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?

5:15b.EXO.005.015 Zvino vatariri vavana valsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, Munoitireiko kudaro navaranda venyu?

5:16b.EXO.005.016 Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, Itai zvitina; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.

5:17b.EXO.005.017 Asi iye akati, Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, Titenderei kundobayira Jehovha.

5:18b.EXO.005.018 Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.

5:19b.EXO.005.019 Zvino vatariri vavana valsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.

5:20b.EXO.005.020 Vakasangana naMozisi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao;

5:21b.EXO.005.021 vakati kwavari, Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.

5:22b.EXO.005.022 Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?

5:23b.EXO.005.023 Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.

6

6:1b.EXO.006.001 Jehovha akati kuna Mozisi, Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.

6:2b.EXO.006.002 Mwari akataurawo naMozisi, akati kwaari, Ndini JEHOVHA.

6:3b.EXO.006.003 Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari Wamasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.

6:4b.EXO.006.004 Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.

6:5b.EXO.006.005 Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu.

6:6b.EXO.006.006 Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikunurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.

6:7b.EXO.006.007 Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaIjipiti.

6:8b.EXO.006.008 Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.

6:9b.EXO.006.009 Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.

6:10b.EXO.006.010 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

6:11b.EXO.006.011 Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.

6:12b.EXO.006.012 Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?

6:13b.EXO.006.013 Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeljipiti. Marudzi aMozisi naAroni

6:14b.EXO.006.014 Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.

6:15b.EXO.006.015 Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimiyoni.

6:16b.EXO.006.016 Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.

6:17b.EXO.006.017 Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.

6:18b.EXO.006.018 Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, nalzhari, .naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.

6:19b.EXO.006.019 Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.

6:20b.EXO.006.020 Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMozisi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.

6:21b.EXO.006.021 Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.

6:22b.EXO.006.022 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.

6:23b.EXO.006.023 Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.

6:24b.EXO.006.024 Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.

6:25b.EXO.006.025 Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.

6:26b.EXO.006.026 Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.

6:27b.EXO.006.027 Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMozisi naAroni. Mozisi naAroni vanoita zvishamiso zvavo pamberi paFarao

6:28b.EXO.006.028 Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMozisi munyika yeIjipiti,

6:29b.EXO.006.029 Jehovha akataura naMozisi, akati, Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhuzvose zvandakakuudza.

6:30b.EXO.006.030 Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?

7

7:1b.EXO.007.001 Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.

7:2b.EXO.007.002 Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.

7:3b.EXO.007.003 Ini ndichaomesa moyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti.

7:4b.EXO.007.004 Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru.

7:5b.EXO.007.005 VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.

7:6b.EXO.007.006 Mozisi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.

7:7b.EXO.007.007 Mozisi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.

7:8b.EXO.007.008 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,

7:9b.EXO.007.009 Kana Farao achitaura nemi, akati, Tiratidzei chinoshamisa, uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.

7:10b.EXO.007.010 Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.

7:11b.EXO.007.011 Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo nanga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.

7:12b.EXO.007.012 Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.

7:13b.EXO.007.013 Zvino moyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha. Dambudziko rokutanga: Mvura inoshandurwa ropa

7:14b.EXO.007.014 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, moyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.

7:15b.EXO.007.015 Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.

7:16b.EXO.007.016 Ugoti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri, achiti, Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.

7:17b.EXO.007.017 Zvanzi naJehovha, Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.

7:18b.EXO.007.018 Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kunwa mvura yorwizi.

7:19b.EXO.007.019 Jehovha akatiwo kuna Mozisi, Uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose, zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.

7:20b.EXO.007.020 Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.

7:21b.EXO.007.021 Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.

7:22b.EXO.007.022 Nanga dzeljipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

7:23b.EXO.007.023 Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.

7:24b.EXO.007.024 VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokunwa; nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yorwizi.

7:25b.EXO.007.025 Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa kworwizi naJehovha.

8

8:1b.EXO.008.001 Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, Pinda kuna Farao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.

8:2b.EXO.008.002 Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;

8:3b.EXO.008.003 rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;

8:4b.EXO.008.004 matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.

8:5b.EXO.008.005 Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika

8:6b.EXO.008.006 Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeljipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.

8:7b.EXO.008.007 Nanga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.

8:8b.EXO.008.008 Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.

8:9b.EXO.008.009 Mozisi akati kuna Farao, imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?

8:10b.EXO.008.010 Iye akati, Mangwana. Akati, Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.

8:11b.EXO.008.011 Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.

8:12b.EXO.008.012 Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.

8:13b.EXO.008.013 Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.

8:14b.EXO.008.014 Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.

8:15b.EXO.008.015 Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. Dambudziko rechitatu: Utunga

8:16b.EXO.008.016 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika

8:17b.EXO.008.017 Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose

8:18b.EXO.008.018 Nanga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.

8:19b.EXO.008.019 Zvino nanga dzakati kuna Farao, Munwe waMwari; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Dambudziko rechina: Nhunzi

8:20b.EXO.008.020 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.

8:21b.EXO.008.021 Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.

8:22b.EXO.008.022 Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.

8:23b.EXO.008.023 Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.

8:24b.EXO.008.024 Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.

8:25b.EXO.008.025 Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.

8:26b.EXO.008.026 Mozisi akati, Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?

8:27b.EXO.008.027 Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.

8:28b.EXO.008.028 Farao akati, Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.

8:29b.EXO.008.029 Mozisi akati, Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.

8:30b.EXO.008.030 Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.

8:31b.EXO.008.031 Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.

8:32b.EXO.008.032 Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.

9

9:1b.EXO.009.001 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.

9:2b.EXO.009.002 Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa,

9:3b.EXO.009.003 tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamakamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo.

9:4b.EXO.009.004 Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.

9:5b.EXO.009.005 Zvino Jehovha akatara nguva akati, Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.

9:6b.EXO.009.006 Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete.

9:7b.EXO.009.007 Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda. Dambudziko rechitanhatu: Mamota pavanhu nezvipfuwo

9:8b.EXO.009.008 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Torai tsama dzamadota echoto, Mozisi aakushire kudenga pamberi paFarao.

9:9b.EXO.009.009 Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjjipiti.

9:10b.EXO.009.010 Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mozisi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo.

9:11b.EXO.009.011 Zvino nanga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pananga napavaIjipiti vose.

9:12b.EXO.009.012 Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi. Dambudziko rechinomwe: Chimvuramabwe

9:13b.EXO.009.013 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.

9:14b.EXO.009.014 Nokuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.

9:15b.EXO.009.015 Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika;

9:16b.EXO.009.016 asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.

9:17b.EXO.009.017 Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here?

9:18b.EXO.009.018 Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino.

9:19b.EXO.009.019 Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.

9:20b.EXO.009.020 Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba.

9:21b.EXO.009.021 Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango.

9:22b.EXO.009.022 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.

9:23b.EXO.009.023 Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika

9:24b.EXO.009.024 Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo.

9:25b.EXO.009.025 Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango.

9:26b.EXO.009.026 Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.

9:27b.EXO.009.027 Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.

9:28b.EXO.009.028 Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.

9:29b.EXO.009.029 Mozisi akati kwaari, Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.

9:30b.EXO.009.030 Asi kana murimwi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.

9:31b.EXO.009.031 Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nokuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva.

9:32b.EXO.009.032 Asi zviyo zvekoroni nezvesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvakanga zvisina kukura.

9:33b.EXO.009.033 Zvino Mozisi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika.

9:34b.EXO.009.034 Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa moyo wake, iye navaranda vake.

9:35b.EXO.009.035 moyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMozisi.

10

10:1b.EXO.010.001 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;

10:2b.EXO.010.002 kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.

10:3b.EXO.010.003 Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko? Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.

10:4b.EXO.010.004 Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu;

10:5b.EXO.010.005 dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda;

10:6b.EXO.010.006 nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino. Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.

10:7b.EXO.010.007 Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?

10:8b.EXO.010.008 Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?

10:9b.EXO.010.009 Mozisi akati, Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.

10:10b.EXO.010.010 akati kwavari, Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa.

10:11b.EXO.010.011 Haisva! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira. Vakadzingwa pamberi paFarao.

10:12b.EXO.010.012 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.

10:13b.EXO.010.013 Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.

10:14b.EXO.010.014 Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.

10:15b.EXO.010.015 Nokuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.

10:16b.EXO.010.016 Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi.

10:17b.EXO.010.017 Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi.

10:18b.EXO.010.018 Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha.

10:19b.EXO.010.019 Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti.

10:20b.EXO.010.020 Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda. Dambudziko repfumbamwe: Rima

10:21b.EXO.010.021 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.

10:22b.EXO.010.022 Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu;

10:23b.EXO.010.023 havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.

10:24b.EXO.010.024 Zvino Farao akadana Mozisi, akati, Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.

10:25b.EXO.010.025 Mozisi akati, Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu.

10:26b.EXO.010.026 Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.

10:27b.EXO.010.027 Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda.

10:28b.EXO.010.028 Zvino Farao akati kwaari, Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.

10:29b.EXO.010.029 Mozisi akati, Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.

11

11:1b.EXO.011.001 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.

11:2b.EXO.011.002 Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.

11:3b.EXO.011.003 Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.

11:4b.EXO.011.004 Zvino Mozisi akati, Zvanzi naJehovha, Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti;

11:5b.EXO.011.005 madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.

11:6b.EXO.011.006 Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.

11:7b.EXO.011.007 Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navalsiraeri.

11:8b.EXO.011.008 Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda. Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo.

11:9b.EXO.011.009 Jehovha akati kuna Mozisi, Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.

11:10b.EXO.011.010 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.

12

12:1b.EXO.012.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni munyika akati,

12:2b.EXO.012.002 Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore.

12:3b.EXO.012.003 Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.

12:4b.EXO.012.004 Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe.

12:5b.EXO.012.005 Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;

12:6b.EXO.012.006 zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.

12:7b.EXO.012.007 Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.

12:8b.EXO.012.008 Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava.

12:9b.EXO.012.009 Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro.

12:10b.EXO.012.010 Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.

12:11b.EXO.012.011 Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha.

12:12b.EXO.012.012 Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha.

12:13b.EXO.012.013 Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.

12:14b.EXO.012.014 Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.

12:15b.EXO.012.015 Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.

12:16b.EXO.012.016 Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.

12:17b.EXO.012.017 Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.

12:18b.EXO.012.018 Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.

12:19b.EXO.012.019 Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika.

12:20b.EXO.012.020 Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.

12:21b.EXO.012.021 Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.

12:22b.EXO.012.022 Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana.

12:23b.EXO.012.023 Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.

12:24b.EXO.012.024 Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi.

12:25b.EXO.012.025 Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri.

12:26b.EXO.012.026 Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, Basa iri rinoti kudiniko?

12:27b.EXO.012.027 Muti kwavari, Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu. Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.

12:28b.EXO.012.028 Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.

12:29b.EXO.012.029 Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.

12:30b.EXO.012.030 Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;

12:31b.EXO.012.031 akadana Mozisi naAroni usiku, akati, Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura.

12:32b.EXO.012.032 Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.

12:33b.EXO.012.033 VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, Isu tofa tose!

12:34b.EXO.012.034 Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.

12:35b.EXO.012.035 Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakaudzwa naMozisi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo.

12:36b.EXO.012.036 Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti.

12:37b.EXO.012.037 Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi.

12:38b.EXO.012.038 Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji.

12:39b.EXO.012.039 Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.

12:40b.EXO.012.040 Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu.

12:41b.EXO.012.041 Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti.

12:42b.EXO.012.042 Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.

12:43b.EXO.012.043 Jehovha akatiwo kuna Mozisi naAroni, Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya.

12:44b.EXO.012.044 Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa.

12:45b.EXO.012.045 Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya.

12:46b.EXO.012.046 Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo.

12:47b.EXO.012.047 Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita.

12:48b.EXO.012.048 Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya.

12:49b.EXO.012.049 Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.

12:50b.EXO.012.050 Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.

12:51b.EXO.012.051 Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo.

13

13:1b.EXO.013.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

13:2b.EXO.013.002 Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.

13:3b.EXO.013.003 Zvino Mozisi akati kuvanhu, Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.

13:4b.EXO.013.004 Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi.

13:5b.EXO.013.005 Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.

13:6b.EXO.013.006 Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo.

13:7b.EXO.013.007 Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose.

13:8b.EXO.013.008 Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.

13:9b.EXO.013.009 Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba.

13:10b.EXO.013.010 Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.

13:11b.EXO.013.011 Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo,

13:12b.EXO.013.012 unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha.

13:13b.EXO.013.013 Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikunura negwayana, kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikunura.

13:14b.EXO.013.014 Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, Chinyiko ichi? Uti kwaari, Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda;

13:15b.EXO.013.015 nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeIjipiti, matangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo; naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikunura.

13:16b.EXO.013.016 Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa noruoko rune simba. Valsiraeri vanobuda Ijipiti

13:17b.EXO.013.017 Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedo, nokuti Mwari akati, Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti,

13:18b.EXO.013.018 asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana valsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.

13:19b.EXO.013.019 Mozisi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.

13:20b.EXO.013.020 Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje.

13:21b.EXO.013.021 Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku.

13:22b.EXO.013.022 Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.

14

14:1b.EXO.014.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

14:2b.EXO.014.002 Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.

14:3b.EXO.014.003 Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.

14:4b.EXO.014.004 Ndichaomesa moyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. Vakaita saizvozvo.

14:5b.EXO.014.005 Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?

14:6b.EXO.014.006 Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;

14:7b.EXO.014.007 akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose.

14:8b.EXO.014.008 Jehovha akaomesa moyo waFarao, mambo weljipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.

14:9b.EXO.014.009 VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.

14:10b.EXO.014.010 Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.

14:11b.EXO.014.011 Vakati kuna Mozisi, Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti?

14:12b.EXO.014.012 Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.

14:13b.EXO.014.013 Zvino Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.

14:14b.EXO.014.014 Jehovha achakurwirai, imwi munofanira kunyarara henyu.

14:15b.EXO.014.015 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana valsiraeri kuti vapfuurire mberi.

14:16b.EXO.014.016 Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.

14:17b.EXO.014.017 Tarira, ndichaomesa moyo yavaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.

14:18b.EXO.014.018 Ipapo vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.

14:19b.EXO.014.019 Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.

14:20b.EXO.014.020 Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.

14:21b.EXO.014.021 Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.

14:22b.EXO.014.022 Zvino vana valsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.

14:23b.EXO.014.023 vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.

14:24b.EXO.014.024 Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaIjipiti.

14:25b.EXO.014.025 Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.

14:26b.EXO.014.026 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.

14:27b.EXO.014.027 Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; vaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaIjipiti mukati megungwa;

14:28b.EXO.014.028 mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo.

14:29b.EXO.014.029 Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.

14:30b.EXO.014.030 Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaIjipiti; vaIsiraeri vakaona vaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa.

14:31b.EXO.014.031 Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.

15

15:1b.EXO.015.001 Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.

15:2b.EXO.015.002 Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.

15:3b.EXO.015.003 Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.

15:4b.EXO.015.004 Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.

15:5b.EXO.015.005 Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.

15:6b.EXO.015.006 Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.

15:7b.EXO.015.007 Noumambo hwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.

15:8b.EXO.015.008 Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.

15:9b.EXO.015.009 Muvengi akati, Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.

15:10b.EXO.015.010 Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.

15:11b.EXO.015.011 Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?

15:12b.EXO.015.012 Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.

15:13b.EXO.015.013 Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.

15:14b.EXO.015.014 Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.

15:15b.EXO.015.015 Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka.

15:16b.EXO.015.016 Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.

15:17b.EXO.015.017 Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.

15:18b.EXO.015.018 Jehovha achabata ushe nokusingaperi.

15:19b.EXO.015.019 Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.

15:20b.EXO.015.020 Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.

15:21b.EXO.015.021 Miriami akavapindura akati, Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Vanosvika Mara neErimi

15:22b.EXO.015.022 Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.

15:23b.EXO.015.023 Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.

15:24b.EXO.015.024 Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Tichanweiko?

15:25b.EXO.015.025 Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo;

15:26b.EXO.015.026 akati, Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.

15:27b.EXO.015.027 Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.

16

16:1b.EXO.016.001 Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeljipiti.

16:2b.EXO.016.002 Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje;

16:3b.EXO.016.003 vana vaIsiraeri vakati kwavari, Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.

16:4b.EXO.016.004 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.

16:5b.EXO.016.005 Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.

16:6b.EXO.016.006 Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.

16:7b.EXO.016.007 Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?

16:8b.EXO.016.008 Mozisi akati, Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.

16:9b.EXO.016.009 Mozisi akati kuna Aroni, Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.

16:10b.EXO.016.010 Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.

16:11b.EXO.016.011 Jehovha akataura naMozisi, akati,

16:12b.EXO.016.012 Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.

16:13b.EXO.016.013 Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa.

16:14b.EXO.016.014 Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu.

16:15b.EXO.016.015 Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, Chinyiko? Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.

16:16b.EXO.016.016 Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.

16:17b.EXO.016.017 Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma.

16:18b.EXO.016.018 Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.

16:19b.EXO.016.019 Mozisi akati kwavari, Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.

16:20b.EXO.016.020 Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.

16:21b.EXO.016.021 Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika.

16:22b.EXO.016.022 Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi.

16:23b.EXO.016.023 Mozisi akati kwavari, Ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha; gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.

16:24b.EXO.016.024 Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.

16:25b.EXO.016.025 Mozisi akati, Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango.

16:26b.EXO.016.026 Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.

16:27b.EXO.016.027 Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu.

16:28b.EXO.016.028 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?

16:29b.EXO.016.029 Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.

16:30b.EXO.016.030 Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.

16:31b.EXO.016.031 Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.

16:32b.EXO.016.032 Zvino Mozisi akati, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.

16:33b.EXO.016.033 Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.

16:34b.EXO.016.034 Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo.

16:35b.EXO.016.035 Vana vaIsiraeri vakadya mana makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani.

16:36b.EXO.016.036 Zvino omeri chegumi cheefa.

17

17:1b.EXO.017.001 Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.

17:2b.EXO.017.002 Vanhu vakarwa naMozisi, vakati, Tipe mvura tinwe. Mozisi akati kwavari, Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?

17:3b.EXO.017.003 Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?

17:4b.EXO.017.004 Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.

17:5b.EXO.017.005 Jehovha akati kuna Mozisi, Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.

17:6b.EXO.017.006 Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa. Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.

17:7b.EXO.017.007 Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri, uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete? Valsiraeri vanokunda Amareki

17:8b.EXO.017.008 Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu.

17:9b.EXO.017.009 Mozisi akati kuna Joshua, Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.

17:10b.EXO.017.010 Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMozisi, akandorwa naAmareki; Mozisi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.

17:11b.EXO.017.011 Zvino zvakati kana Mozisi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.

17:12b.EXO.017.012 Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake , mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.

17:13b.EXO.017.013 Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.

17:14b.EXO.017.014 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.

17:15b.EXO.017.015 Ipapo Mozisi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi;

17:16b.EXO.017.016 akati, Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.

18

18:1b.EXO.018.001 Zvino Jeturo, mupirisiti weMidhiani, mukarahwa waMozisi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mozisi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti.

18:2b.EXO.018.002 Jeturo, mukarahwa waMozisi, akatora Zipora, mukadzi waMozisi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake,

18:3b.EXO.018.003 navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe;

18:4b.EXO.018.004 nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.

18:5b.EXO.018.005 Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;

18:6b.EXO.018.006 akati kuna Mozisi, Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.

18:7b.EXO.018.007 Mozisi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.

18:8b.EXO.018.008 Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.

18:9b.EXO.018.009 Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti.

18:10b.EXO.018.010 Jeturo akati, Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.

18:11b.EXO.018.011 Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.

18:12b.EXO.018.012 Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.

18:13b.EXO.018.013 Zvino fume mangwana Mozisi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvikira madekwana.

18:14b.EXO.018.014 Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?

18:15b.EXO.018.015 Mozisi akati kumukarahwa wake, Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;

18:16b.EXO.018.016 kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.

18:17b.EXO.018.017 Zvino mukarahwa waMozisi akati kwaari, Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.

18:18b.EXO.018.018 Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.

18:19b.EXO.018.019 Teerera zvino inzwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;

18:20b.EXO.018.020 uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.

18:21b.EXO.018.021 Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;

18:22b.EXO.018.022 ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.

18:23b.EXO.018.023 Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.

18:24b.EXO.018.024 Mozisi akateerera inzwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.

18:25b.EXO.018.025 Mozisi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.

18:26b.EXO.018.026 Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mozisi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.

18:27b.EXO.018.027 Zvino Mozisi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

19

19:1b.EXO.019.001 Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika nezuva iro vakasvika murenje reSinai.

19:2b.EXO.019.002 Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.

19:3b.EXO.019.003 Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana vaIsiraeri, uti,

19:4b.EXO.019.004 Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.

19:5b.EXO.019.005 Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;

19:6b.EXO.019.006 muchava kwandiri ushe hwavapirisiti, norudzi rutsvene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.

19:7b.EXO.019.007 Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.

19:8b.EXO.019.008 Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita. Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.

19:9b.EXO.019.009 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose. Mozisi akaudza Jehovha mashoko avanhu.

19:10b.EXO.019.010 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo,

19:11b.EXO.019.011 vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.

19:12b.EXO.019.012 Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo;

19:13b.EXO.019.013 ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.

19:14b.EXO.019.014 Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo.

19:15b.EXO.019.015 Akati kuvanhu, Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.

19:16b.EXO.019.016 Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.

19:17b.EXO.019.017 Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.

19:18b.EXO.019.018 Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.

19:19b.EXO.019.019 Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi.

19:20b.EXO.019.020 Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira.

19:21b.EXO.019.021 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.

19:22b.EXO.019.022 Navapirisiti vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.

19:23b.EXO.019.023 Mozisi akati kuna Jehovha, Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, Tarirai miganhu pagomo muritsaure.

19:24b.EXO.019.024 Jehovha akati kwaari, Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.

19:25b.EXO.019.025 Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.

20

20:1b.EXO.020.001 Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati,

20:2b.EXO.020.002 Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.

20:3b.EXO.020.003 Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

20:4b.EXO.020.004 Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.

20:5b.EXO.020.005 Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ;

20:6b.EXO.020.006 ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.

20:7b.EXO.020.007 Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.

20:8b.EXO.020.008 Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene.

20:9b.EXO.020.009 Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose;

20:10b.EXO.020.010 asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako,

20:11b.EXO.020.011 nokuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.

20:12b.EXO.020.012 Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

20:13b.EXO.020.013 Usauraya.

20:14b.EXO.020.014 Usaita upombwe.

20:15b.EXO.020.015 Usaba.

20:16b.EXO.020.016 Usapupurira wokwako nhema.

20:17b.EXO.020.017 Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako.

20:18b.EXO.020.018 Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure.

20:19b.EXO.020.019 Vakati kuna Mozisi, imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.

20:20b.EXO.020.020 Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, nokuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza.

20:21b.EXO.020.021 Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari.

20:22b.EXO.020.022 Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuvana vaIsiraeri, imwi makaona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kudenga.

20:23b.EXO.020.023 Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.

20:24b.EXO.020.024 Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza.

20:25b.EXO.020.025 Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa.

20:26b.EXO.020.026 Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi.

21

21:1b.EXO.021.001 Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo:

21:2b.EXO.021.002 Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa.

21:3b.EXO.021.003 Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye.

21:4b.EXO.021.004 Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.

21:5b.EXO.021.005 Asi kana iye muranda akati, Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu;

21:6b.EXO.021.006 zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.

21:7b.EXO.021.007 Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume.

21:8b.EXO.021.008 Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.

21:9b.EXO.021.009 Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda.

21:10b.EXO.021.010 Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa.

21:11b.EXO.021.011 Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari. Mirairo pamusoro pokuurayana nokukuvadzana

21:12b.EXO.021.012 Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa.

21:13b.EXO.021.013 Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira.

21:14b.EXO.021.014 Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe.

21:15b.EXO.021.015 Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.

21:16b.EXO.021.016 Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.

21:17b.EXO.021.017 Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.

21:18b.EXO.021.018 Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo;

21:19b.EXO.021.019 kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo.

21:20b.EXO.021.020 Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa.

21:21b.EXO.021.021 Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake.

21:22b.EXO.021.022 Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi.

21:23b.EXO.021.023 Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo,

21:24b.EXO.021.024 ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,

21:25b.EXO.021.025 kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.

21:26b.EXO.021.026 Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake.

21:27b.EXO.021.027 Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.

21:28b.EXO.021.028 Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva.

21:29b.EXO.021.029 Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.

21:30b.EXO.021.030 Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake.

21:31b.EXO.021.031 Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu.

21:32b.EXO.021.032 Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.

21:33b.EXO.021.033 Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo,

21:34b.EXO.021.034 muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.

21:35b.EXO.021.035 Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana.

21:36b.EXO.021.036 Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.

22

22:1b.EXO.022.001 Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe.

22:2b.EXO.022.002 Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.

22:3b.EXO.022.003 Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kwokuba kwake.

22:4b.EXO.022.004 Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana mbongoro, kana gwai, anofanira kuripa kaviri.

22:5b.EXO.022.005 Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa.

22:6b.EXO.022.006 Kana moto ukadarika, ukabata minzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa.

22:7b.EXO.022.007 Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri.

22:8b.EXO.022.008 Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake,

22:9b.EXO.022.009 pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, Ndicho! mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri.

22:10b.EXO.022.010 Kana munhu akapa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona;

22:11b.EXO.022.011 ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa.

22:12b.EXO.022.012 Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo.

22:13b.EXO.022.013 Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa.

22:14b.EXO.022.014 Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa.

22:15b.EXO.022.015 Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho.

22:16b.EXO.022.016 Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.

22:17b.EXO.022.017 Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana.

22:18b.EXO.022.018 Usarega muroyi ari mupenyu.

22:19b.EXO.022.019 Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa.

22:20b.EXO.022.020 Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose.

22:21b.EXO.022.021 Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti.

22:22b.EXO.022.022 Usatambudza chirikadzi kana nherera.

22:23b.EXO.022.023 Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo;

22:24b.EXO.022.024 kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera.

22:25b.EXO.022.025 Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwerete chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwerete; usareva mhindu kwaari.

22:26b.EXO.022.026 Kana ukatongotora nguvo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira;

22:27b.EXO.022.027 nokuti ndicho chokufuka chake choga, inguvo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nokuti ndine tsitsi.

22:28b.EXO.022.028 Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako.

22:29b.EXO.022.029 Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinonwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana.

22:30b.EXO.022.030 Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere.

22:31b.EXO.022.031 imwi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa.

23

23:1b.EXO.023.001 Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama.

23:2b.EXO.023.002 Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa;

23:3b.EXO.023.003 usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake.

23:4b.EXO.023.004 Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari.

23:5b.EXO.023.005 Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura.

23:6b.EXO.023.006 Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake.

23:7b.EXO.023.007 Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa.

23:8b.EXO.023.008 Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama.

23:9b.EXO.023.009 Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti.

23:10b.EXO.023.010 Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo.

23:11b.EXO.023.011 Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi.

23:12b.EXO.023.012 Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo.

23:13b.EXO.023.013 Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu.

23:14b.EXO.023.014 Undiitire mutambo katatu pagore.

23:15b.EXO.023.015 Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu;

23:16b.EXO.023.016 uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.

23:17b.EXO.023.017 Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore.

23:18b.EXO.023.018 Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana.

23:19b.EXO.023.019 Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

23:20b.EXO.023.020 Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira.

23:21b.EXO.023.021 Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.

23:22b.EXO.023.022 Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako.

23:23b.EXO.023.023 Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza.

23:24b.EXO.023.024 Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo.

23:25b.EXO.023.025 Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu.

23:26b.EXO.023.026 Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako.

23:27b.EXO.023.027 Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose.

23:28b.EXO.023.028 Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako.

23:29b.EXO.023.029 Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira.

23:30b.EXO.023.030 Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako.

23:31b.EXO.023.031 Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako.

23:32b.EXO.023.032 Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo.

23:33b.EXO.023.033 Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.

24

24:1b.EXO.024.001 Zvino iye akati kuna Mozisi, Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;

24:2b.EXO.024.002 Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye.

24:3b.EXO.024.003 Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.

24:4b.EXO.024.004 Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.

24:5b.EXO.024.005 Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.

24:6b.EXO.024.006 Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.

24:7b.EXO.024.007 Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.

24:8b.EXO.024.008 Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.

24:9b.EXO.024.009 Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwevavaIsiraeri vakakwira.

24:10b.EXO.024.010 Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.

24:11b.EXO.024.011 Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.

24:12b.EXO.024.012 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.

24:13b.EXO.024.013 Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,

24:14b.EXO.024.014 akati kuvakuru, Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.

24:15b.EXO.024.015 Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.

24:16b.EXO.024.016 Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.

24:17b.EXO.024.017 Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.

24:18b.EXO.024.018 Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.

25

25:1b.EXO.025.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

25:2b.EXO.025.002 Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomoyo wake.

25:3b.EXO.025.003 Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira,

25:4b.EXO.025.004 nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,

25:5b.EXO.025.005 namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,

25:6b.EXO.025.006 namafuta emwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuwira,

25:7b.EXO.025.007 nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.

25:8b.EXO.025.008 Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo;

25:9b.EXO.025.009 sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo. Areka yesungano

25:10b.EXO.025.010 Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu.

25:11b.EXO.025.011 Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza.

25:12b.EXO.025.012 Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi.

25:13b.EXO.025.013 Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama.

25:14b.EXO.025.014 Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.

25:15b.EXO.025.015 Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri.

25:16b.EXO.025.016 Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.

25:17b.EXO.025.017 Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu.

25:18b.EXO.025.018 Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa.

25:19b.EXO.025.019 Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa.

25:20b.EXO.025.020 Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa.

25:21b.EXO.025.021 Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.

25:22b.EXO.025.022 Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri. Tafura yezvingwa zvokuratidza

25:23b.EXO.025.023 Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.

25:24b.EXO.025.024 Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza.

25:25b.EXO.025.025 Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sohwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo.

25:26b.EXO.025.026 Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.

25:27b.EXO.025.027 Zvindori zvive pedo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda.

25:28b.EXO.025.028 Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo.

25:29b.EXO.025.029 Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka.

25:30b.EXO.025.030 Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza. Chigadziko chemwenje chendarama

25:31b.EXO.025.031 Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;

25:32b.EXO.025.032 kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.

25:33b.EXO.025.033 Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;

25:34b.EXO.025.034 uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo;

25:35b.EXO.025.035 nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko.

25:36b.EXO.025.036 Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa.

25:37b.EXO.025.037 Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho.

25:38b.EXO.025.038 Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka.

25:39b.EXO.025.039 Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose.

25:40b.EXO.025.040 Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.

26

26:1b.EXO.026.001 Uite tabhenakeri namachira ane gumi, uaite nomucheka wakaisvonaka, wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvina makerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka.

26:2b.EXO.026.002 Kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuve makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ose aenzane.

26:3b.EXO.026.003 Machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechete, namamwe machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechetezve.

26:4b.EXO.026.004 Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwazve pamwechete.

26:5b.EXO.026.005 Uite zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nokuitawo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete, zvishwe zvitarisane.

26:6b.EXO.026.006 Uitewo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, ugobatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, tabhenakeri chive chinhu chimwe chete.

26:7b.EXO.026.007 Uite machira emvere dzembudzi rive tende pamusoro petabhenakeri; uiite namachira ane gumi nerimwe.

26:8b.EXO.026.008 Kureba kwejira rimwe ngakuve makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe aenzane.

26:9b.EXO.026.009 Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende.

26:10b.EXO.026.010 Uitewo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamwe akabatanidzwa pamwechete.

26:11b.EXO.026.011 Uitewo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira, ugoisa zvikorekedzo muzvishwe, ubatanidze tende pamwechete chive chinhu chimwe chete.

26:12b.EXO.026.012 Rutivi rwakasara runorembera pamachira etende, hafu yejira rimwe rakasara, ngariremberere necheshure kwetabhenakeri.

26:13b.EXO.026.013 Uye kubhiti rimwe panorumwe rutivi, nekubhiti rimwe panorumwe rutivizve, zvakasara pakureba kwamachira etende, ngazvirembere panhivi dzetabhenakeri nechouno nechokoko, kuifukidza.

26:14b.EXO.026.014 Uitirewo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo.

26:15b.EXO.026.015 Uitirewo tabhenakeri mapuranga anomiswa omuakasia.

26:16b.EXO.026.016 Kureba kwepuranga rimwe nerimwe ngakuve makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe kubhiti rimwe nehafu.

26:17b.EXO.026.017 Puranga rimwe nerimwe ngariitirwe zvibato zviviri, zvakabatanidzwa; ndizvo zvaunofanira kuitira mapuranga ose etabhenakeri.

26:18b.EXO.026.018 Unofanira kuita mapuranga etabhenakeri, mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwezasi, anotarira zasi.

26:19b.EXO.026.019 Itawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri;

26:20b.EXO.026.020 uye mapuranga makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro;

26:21b.EXO.026.021 nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga.

26:22b.EXO.026.022 Itawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.

26:23b.EXO.026.023 Uitewo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.

26:24b.EXO.026.024 Ngaaite maviri nechenyasi; saizvozvo ngaave maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; ngaaitwe saizvozvo ari maviri, avepo pamakona maviri.

26:25b.EXO.026.025 Ave mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvive zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri zvive pasi pepuranga rimwe nezvigadziko zviri pasi perimwe puranga.

26:26b.EXO.026.026 Uitewo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri;

26:27b.EXO.026.027 nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwechipiri rwetabhenakeri, nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwetabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.

26:28b.EXO.026.028 Rumbariro rwapakati ngaruve pakati pamapuranga, rubve kuno rumwe rutivi ruchindosvikira kuno rumwe rutivi.

26:29b.EXO.026.029 Ufukidze mapuranga nendarama; uitewo zvindori zvawo nendarama, pangagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama.

26:30b.EXO.026.030 Uvake tabhenakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo.

26:31b.EXO.026.031 Uitewo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; ngachiitwe chinamakerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka.

26:32b.EXO.026.032 Uchirembedze pambiru ina, dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama, uye dzinofanira kumira pazvigadziko zvadzo zvina zvesirivha.

26:33b.EXO.026.033 Urembedze chidzitiro pasi pezvikorekedzo, ugoisamo areka yechipupuriro mukati mechidzitiro; chidzitiro chigova kwamuri chinhu chinoparadzanisa pakati penzvimbo tsvene nenzvimbo tsvenetsvene.

26:34b.EXO.026.034 Uisewo chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka yechipupuriro panzvimbo tsvene-tsvene.

26:35b.EXO.026.035 Tafura uiise kunze kwechidzitiro nechigadziko chemwenje chakatarisana netafura parutivi rwetabhenakeri kurutivi rwenyasi; tafura uiise kurutivi rwokumusoro.

26:36b.EXO.026.036 Unofanira kuitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona.

26:37b.EXO.026.037 Uitire chidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, uchidzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvive zvendarama, uye uzviumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.

27

27:1b.EXO.027.001 Unofanira kuita aritari nomuakasia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; aritari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu.

27:2b.EXO.027.002 Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira.

27:3b.EXO.027.003 Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira.

27:4b.EXO.027.004 Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana.

27:5b.EXO.027.005 Uzviise pasi pechitsiko chearitari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati pearitari.

27:6b.EXO.027.006 Uitire aritari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira.

27:7b.EXO.027.007 Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzearitari kana voitakura.

27:8b.EXO.027.008 Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo. Ruvazhe rwetabhenakeri

27:9b.EXO.027.009 Unofanira kuitawo ruvazhe rwetabhenakeri; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, ngakuve nemicheka yakarembedzwa yakaisvonaka, yakarukwa; kureba kwayo makubhiti ane zana kurutivi rumwe;

27:10b.EXO.027.010 ngapave nembiru dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvive zvesirivha.

27:11b.EXO.027.011 Saizvozvowo kurutivi rwokumusoro rwakareba ngapavewo nemicheka yakarembedzwa, kureba kwayo makubhiti ane zana; nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo ngazvive zvesirivha.

27:12b.EXO.027.012 Paupamhi hworuvazhe kurutivi rwamavirazuva panofanira kuva nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi nezvigadziko zvadzo zvine gumi.

27:13b.EXO.027.013 Napaupamhi hworuvazhe kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kumabvazuva, ngakuve namakubhiti ana makumi mashanu.

27:14b.EXO.027.014 Micheka yakarembedzwa kurutivi rumwe rwesuo inofanira kuva namakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu nezvigadziko zvadzo zvitatu.

27:15b.EXO.027.015 Nokuno rumwe rutivi ngapave nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.

27:16b.EXO.027.016 Napasuo roruvanze ngapave nechidzitiro china makubhiti ana makumi maviri chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona, nembiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina.

27:17b.EXO.027.017 Mbiru dzose dzoruvazhe dzakapoteredza ngadzive nezvindori zvesirivha, nezvikorekedzo zvadzo zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvendarira.

27:18b.EXO.027.018 Kureba kworuvazhe kunofanira kuva makubhiti ane zana, noupamhi makubhiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubhiti mashanu; zviitwe nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvigadziko zvadzo zvendarira.

27:19b.EXO.027.019 Nhumbi dzose dzetabhenakeri dzamabasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruvazhe ngadzive dzendarira.

27:20b.EXO.027.020 Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.

27:21b.EXO.027.021 Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.

28

28:1b.EXO.028.001 Zvino uswededze kwauri Aroni, mukuru wako, navanakomana vake pamwechete naye, vabude pakati pavana vaIsiraeri, kuti andishumire pabasa roupirisiti, vanoti; Aroni, naNadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari, ivo vanakomana vaAroni.

28:2b.EXO.028.002 Uitire Aroni, mukuru wako, nguvo tsvene, akudzwe nadzo, uye huve ukomba.

28:3b.EXO.028.003 Utaure navose vane moyo yakachenjera, vandakazadza nomweya wouchenjeri, kuti vaitire Aroni nguvo dzokumuita mutsvene nadzo, kuti andishumire pabasa roupirisiti.

28:4b.EXO.028.004 nguvo dzaunofanira kuita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejasi, nenguvo yakarukwa, nenguwani, nebhanhire, ngavaitire Aroni, mukoma wako, navanakomana vake nguvo tsvene, kuti andishumire pabasa roupirisiti.

28:5b.EXO.028.005 Ngavatore ndarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka.

28:6b.EXO.028.006 Efodhi ngavaiite nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romubati wakachenjera.

28:7b.EXO.028.007 Ngaive namabandi maviri pamafudzi akabatanidzwa pamiromo yayo miviri; kuti ibatanidzwe saizvozvo.

28:8b.EXO.028.008 Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

28:9b.EXO.028.009 Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugonyora pamusoro pawo mazita avana vaIsiraeri,

28:10b.EXO.028.010 mazita matanhatu pabwe rimwe, namazita matanhatu akasara pane rimwe ibwezve, pakuzvarwa kwavo.

28:11b.EXO.028.011 Unyore pamabwe iwayo maviri, sebasa romuvezi wamabwe, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, mazita avana vaIsiraeri; uanyudze muzviruva zvendarama.

28:12b.EXO.028.012 Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza.

28:13b.EXO.028.013 Unofanira kuitawo zviruva zvendarama,

28:14b.EXO.028.014 nezviketani zviviri zvendarama yakaisvonaka; uzviite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa zviketani izvo zvakamoniwa pazviruva izvozvo.

28:15b.EXO.028.015 Unofanira kuitawo hombodo yechipfuva yokutonga, rive basa romubati wakachenjera; uiite ifanane neefodhi, uiite nendarama, nezvakarukwa, zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

28:16b.EXO.028.016 Ngaive nenhivi ina dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureba kwayo kuite sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo.

28:17b.EXO.028.017 Uise mukati mayo zviruva zvinamabwe, misara mina yamabwe; mumwe musara uve nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga.

28:18b.EXO.028.018 Pamusara wechipiri samaragidhino, nesafiri, nedhaimani,

28:19b.EXO.028.019 pamusara wechitatu hiakindi, neagati, neametisi;

28:20b.EXO.028.020 pamusara wechina beriri neonikisi, nejasipiri; ngaapotedzwe nendarama muzviruva zvawo.

28:21b.EXO.028.021 Mabwe iwayo ngaave namazita avana vaIsiraeri ane gumi namaviri, sezvinoita mazita avo; ngaave namarudzI ane gumi namaviri, rimwe nerimwe rive nezita raro, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa.

28:22b.EXO.028.022 Napahombodo yechipfuva unofanira kuita zviketani zvakafanana norwonzi, zvendarama yakamoniwa yakaisvonaka.

28:23b.EXO.028.023 Uitewo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvendarama, ugoisa zvindori izvo zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.

28:24b.EXO.028.024 Zvino uise zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zviri pamicheto yehombodo yechipfuva.

28:25b.EXO.028.025 Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri zvakamoniwa uzviise pazviruva zviviri, uzviise pamabandi apamafudzi eefodhi nechemberi kwayo.

28:26b.EXO.028.026 Uitewo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi nechomukati.

28:27b.EXO.028.027 Unofanira kuitawo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamabandi maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri.

28:28b.EXO.028.028 Zvino ngavasunganidze hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi.

28:29b.EXO.028.029 Naizvozvo Aroni anofanira kutakura mazita avana vaIsiraeri pahombodo yechipfuva yokutonga pamoyo wake, kana achipinda panzvimbo tsvene, kuti chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose.

28:30b.EXO.028.030 Unofanira kuisawo muhombodo yechipfuva yokutonga Urimi neTumimi, kuti zvive pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; Aroni agotakura kutongwa kwavana vaIsiraeri pamoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose.

28:31b.EXO.028.031 Unofanira kuita jasi reefodhi rose romucheka mutema.

28:32b.EXO.028.032 Ngarive neburi rokupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopoteredza buri raro, sapaburi renguvo yokurwa, kuti irege kubvaruka.

28:33b.EXO.028.033 Pamipendero yaro unofanira kuita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, anopoteredza mupendero, nezvitare zvinorira zvendarama pakati pawo kunhivi dzose.

28:34b.EXO.028.034 Ngapave nechitare chimwe nedamba rimwe, chitare chimwe nedamba rimwe pamipendero yejasi kunhivi dzose.

28:35b.EXO.028.035 Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa.

28:36b.EXO.028.036 Unofanira kuitawo hwendefa rendarama yakaisvonaka, ugonyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, uchiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.

28:37b.EXO.028.037 Uriise parwonzi rutema, rigoiswa panguwani, rive nechemberi kwenguwani.

28:38b.EXO.028.038 Ngarive pahuma yaAroni, Aroni atakure zvakaipa zvingavapo pazvinhu zvitsvene, zvichaitwa zvitsvene navana vaIsiraeri pazvipo zvavo zvitsvene zvose; rinofanira kugara pahuma yake nguva dzose, kuti ivo vagamuchirwe pamberi paJehovha.

28:39b.EXO.028.039 Unofanira kuitawo nguvo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhanhire, rive basa romusoni anogona.

28:40b.EXO.028.040 Navanakomana vaAroni unofanira kuvaitira nguvo, uvaitirewo mabhanhire, uvaitirewo nguwani dzomusoro, vakudzwe nadzo, uye huve ukomba.

28:41b.EXO.028.041 Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamwechete navanakomana vake; uye uvazodze, nokuvagadza, nokuvatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.

28:42b.EXO.028.042 Unofanira kuvaitira mabhuruku omucheka kuti vafukidze nyama yavo yakashama; ngaatange pazviuno, asvikire pachidya;

28:43b.EXO.028.043 ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera.

29

29:1b.EXO.029.001 Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupirisiti: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina mhosva,

29:2b.EXO.029.002 nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka hwekoroni.

29:3b.EXO.029.003 Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondohwe maviri.

29:4b.EXO.029.004 Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;

29:5b.EXO.029.005 utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;

29:6b.EXO.029.006 uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.

29:7b.EXO.029.007 Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.

29:8b.EXO.029.008 Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.

29:9b.EXO.029.009 Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapirisiti nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.

29:10b.EXO.029.010 Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.

29:11b.EXO.029.011 Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.

29:12b.EXO.029.012 Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:

29:13b.EXO.029.013 Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.

29:14b.EXO.029.014 Asi nyama yenzombe, nedehwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.

29:15b.EXO.029.015 Unofanira kutorawo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe,

29:16b.EXO.029.016 zvino ubaye gondohwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.

29:17b.EXO.029.017 Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.

29:18b.EXO.029.018 Zvino unofanira kupisa gondohwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.

29:19b.EXO.029.019 Zvino utorewo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondohwe.

29:20b.EXO.029.020 Ipapo unofanira kubaya gondohwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagunwe amaoko orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.

29:21b.EXO.029.021 Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.

29:22b.EXO.029.022 Zvino utorewo mamwe mafuta egondohwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondohwe rokugadza naro),

29:23b.EXO.029.023 nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.

29:24b.EXO.029.024 Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.

29:25b.EXO.029.025 Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.

29:26b.EXO.029.026 Utorewo chityu chegondohwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.

29:27b.EXO.029.027 Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.

29:28b.EXO.029.028 Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.

29:29b.EXO.029.029 nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.

29:30b.EXO.029.030 Mwanakomana wake anopinda paupirisiti panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.

29:31b.EXO.029.031 Zvino unofanira kutora gondohwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.

29:32b.EXO.029.032 Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.

29:33b.EXO.029.033 Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.

29:34b.EXO.029.034 Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.

29:35b.EXO.029.035 Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.

29:36b.EXO.029.036 Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.

29:37b.EXO.029.037 Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene. Zvibayiro zvezuva rimwe nerimwe

29:38b.EXO.029.038 Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.

29:39b.EXO.029.039 Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.

29:40b.EXO.029.040 Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.

29:41b.EXO.029.041 Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.

29:42b.EXO.029.042 Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.

29:43b.EXO.029.043 Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.

29:44b.EXO.029.044 Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.

29:45b.EXO.029.045 Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.

29:46b.EXO.029.046 Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.

30

30:1b.EXO.030.001 Unofanira kuitawo aritari yokupisirapo zvinonhuwira; uiite nomuti womuakasia.

30:2b.EXO.030.002 Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo.

30:3b.EXO.030.003 Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nokunhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; uiitirewo hata yendarama inoikomberedza.

30:4b.EXO.030.004 Uiitirewo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhivi dzayo mbiri, pave paingatakurwa namatanda.

30:5b.EXO.030.005 Uitewo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama.

30:6b.EXO.030.006 Zvino unofanira kuiisa pamberi pechidzitiro chiri paareka yechipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe.

30:7b.EXO.030.007 Aroni anofanira kupisa pamusoro payo zvinonhuwira zvemiti yakanaka; ngaazvipise mangwanani ose, kana achigadzira mwenje.

30:8b.EXO.030.008 Kana Aroni achitungidza mwenje madekwana, ngaazvipise, zvive zvinonhuwira pamberi paJehovha nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.

30:9b.EXO.030.009 Musapisira pamusoro payo zvinonhuwira zvisina kufanira, kana chipiriso chinopiswa, kana chipiriso choupfu; musadururira pamusoro payo chipiriso chinodururwa.

30:10b.EXO.030.010 Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha. Chipo chokuyananisa

30:11b.EXO.030.011 Zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,

30:12b.EXO.030.012 Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikunuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga.

30:13b.EXO.030.013 Vanofanira kupa kudai: Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa hafu yeshekeri vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; (shekeri rinamagera ana makumi maviri,) hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha.

30:14b.EXO.030.014 Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa, wava namakore makumi maviri kana wapfuura makore iwayo, anofanira kupa Jehovha chipo ichocho.

30:15b.EXO.030.015 Mufumi ngaarege kuwedzera, nomurombo ngaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana vopa chipo icho, kuti muyananisire mweya yenyu.

30:16b.EXO.030.016 Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe. Mudziyo wokushambidzira

30:17b.EXO.030.017 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

30:18b.EXO.030.018 Unofanira kuitawo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petende rokusangana nearitari, ndokuisamo mvura.

30:19b.EXO.030.019 Kuti Aroni navanakomana vake vashambemo maoko avo netsoka dzavo.

30:20b.EXO.030.020 Kana vopinda mutende rokusangana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paaritari kuzoshumira, kana kupisira Jehovha chipiriso chinopiswa nomoto.

30:21b.EXO.030.021 Vanofanira kushamba maoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose. Mafuta okuzodza nawo

30:22b.EXO.030.022 Jehovha wakataurawo naMozisi akati,

30:23b.EXO.030.023 Torawo miti inonhuwira inokunda imwe, anoti mashekeri ana mazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakadaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu, namashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka;

30:24b.EXO.030.024 namazana mashanu ekasia, vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene, nehini imwe yamafuta amaorivhi;

30:25b.EXO.030.025 uite nazvo mafuta matsvene okuzodza nawo, zvive zvinonhuwira zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira; ave mafuta matsvene okuzodza nawo.

30:26b.EXO.030.026 Zvino unofanira kuzodza nawo tende rokusangana neareka yechipupuriro,

30:27b.EXO.030.027 netafura nenhumbi dzayo dzose, nechigadziko chemwenje nenhumbi dzacho, nearitari yezvinonhuwira,

30:28b.EXO.030.028 nearitari yezvibayiro zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo.

30:29b.EXO.030.029 Uzvitsaure, zvive zvinhu zvitsvene kwazvo; zvose zvinozvigunzva zvichava zvitsvenewo. .

30:30b.EXO.030.030 Unofanira kuzodzawo Aroni navanakomana vake, nokuvaita vatsvene, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.

30:31b.EXO.030.031 Uudzewo vana vaIsiraeri, uti, Iwaya anofanira kuva pamberi pangu mafuta matsvene okuzodza nawo kusvikira kumarudzi enyu ose.

30:32b.EXO.030.032 Ngaarege kudirwa panyama yomunhu; uye musaita mamwe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matsvene, anofanira kuva chinhu chitsvene kwamuri.

30:33b.EXO.030.033 Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake. Miti inonhuwira

30:34b.EXO.030.034 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tora miti inonhuwira, inoti: Sitake, neonika, negabhano, miti yakanaka nezvinonhuwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo.

30:35b.EXO.030.035 Ugoita nazvo zvinonhuwira, zvinonhuwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene.

30:36b.EXO.030.036 Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusangana, mandichasangana newe, kuti zvive zvitsvene kwazvo kwamuri.

30:37b.EXO.030.037 Zvinonhuwira zvamunozviitira imwi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha.

30:38b.EXO.030.038 Ani naani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.

31

31:1b.EXO.031.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

31:2b.EXO.031.002 Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana, waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,

31:3b.EXO.031.003 ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,

31:4b.EXO.031.004 kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,

31:5b.EXO.031.005 nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.

31:6b.EXO.031.006 Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira,

31:7b.EXO.031.007 zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,

31:8b.EXO.031.008 netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, nearitari yezvinonhuwira,

31:9b.EXO.031.009 nearitari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,

31:10b.EXO.031.010 nenguvo dzakarukwa zvakanaka, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokubata basa roupirisiti nadzo,

31:11b.EXO.031.011 namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira. Murayiro weSabata

31:12b.EXO.031.012 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

31:13b.EXO.031.013 Taura navana vaIsiraeri, uti, Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.

31:14b.EXO.031.014 Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.

31:15b.EXO.031.015 Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.

31:16b.EXO.031.016 Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.

31:17b.EXO.031.017 Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.

31:18b.EXO.031.018 Zvino wakati apedza kutaura naMozisi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.

32

32:1b.EXO.032.001 Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye.

32:2b.EXO.032.002 Zvino Aroni akati kwavari, Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.

32:3b.EXO.032.003 Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.

32:4b.EXO.032.004 Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.

32:5b.EXO.032.005 Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.

32:6b.EXO.032.006 Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.

32:7b.EXO.032.007 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira.

32:8b.EXO.032.008 Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.

32:9b.EXO.032.009 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;

32:10b.EXO.032.010 naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.

32:11b.EXO.032.011 Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.

32:12b.EXO.032.012 VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika? Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.

32:13b.EXO.032.013 Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.

32:14b.EXO.032.014 Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.

32:15b.EXO.032.015 Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka pagomo, ana mahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.

32:16b.EXO.032.016 Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.

32:17b.EXO.032.017 Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa.

32:18b.EXO.032.018 Iye akati, Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba.

32:19b.EXO.032.019 Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.

32:20b.EXO.032.020 Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa vaIsiraeri izvozvo.

32:21b.EXO.032.021 Mozisi akati kuna Aroni, Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?

32:22b.EXO.032.022 Aroni akati, Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.

32:23b.EXO.032.023 Nokuti vakati kwandiri, Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.

32:24b.EXO.032.024 Ndikati kwavari, Ani naani une ndarama, ngaaigure; zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo.

32:25b.EXO.032.025 Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,

32:26b.EXO.032.026 Mozisi akandomira musuo remisasa, akati, Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.

32:27b.EXO.032.027 Akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suo muchienda kune rimwe suo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.

32:28b.EXO.032.028 Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.

32:29b.EXO.032.029 Zvino Mozisi akati, Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.

32:30b.EXO.032.030 Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.

32:31b.EXO.032.031 Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;

32:32b.EXO.032.032 zvino dai muchivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora.

32:33b.EXO.032.033 Jehovha akati kuna Mozisi, Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.

32:34b.EXO.032.034 Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.

32:35b.EXO.032.035 Jehovha akarova vanhu, nokuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni.

33

33:1b.EXO.033.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;

33:2b.EXO.033.002 ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi,

33:3b.EXO.033.003 muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.

33:4b.EXO.033.004 Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake.

33:5b.EXO.033.005 lpapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uti kuvana valsiraeri, Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.

33:6b.EXO.033.006 Ipapo vana valsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.

33:7b.EXO.033.007 Zvino Mozisi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa.

33:8b.EXO.033.008 Zvino kwaiti kana Mozisi obudira kutende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.

33:9b.EXO.033.009 Zvino kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova wetende, Jehovha akataura naMozisi.

33:10b.EXO.033.010 Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.

33:11b.EXO.033.011 Ipapo Jehovha waitaura naMozisi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva patende.

33:12b.EXO.033.012 Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Tarirai, makati kwandiri, Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni, kunyange makati, Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.

33:13b.EXO.033.013 Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.

33:14b.EXO.033.014 Jehovha akati, Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.

33:15b.EXO.033.015 Akati kwaari, Kana imwi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.

33:16b.EXO.033.016 Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?

33:17b.EXO.033.017 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.

33:18b.EXO.033.018 Iye akati, Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.

33:19b.EXO.033.019 Jehovha akati, Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.

33:20b.EXO.033.020 Akatiwo, Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.

33:21b.EXO.033.021 Jehovha akatiwo, Tarira pane nzvimbo kuno kwandiri, ungamira pabwe.

33:22b.EXO.033.022 Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura;

33:23b.EXO.033.023 ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.

34

34:1b.EXO.034.001 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa.

34:2b.EXO.034.002 Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo.

34:3b.EXO.034.003 Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.

34:4b.EXO.034.004 Ipapo Mozisi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake.

34:5b.EXO.034.005 Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha.

34:6b.EXO.034.006 Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi,

34:7b.EXO.034.007 anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.

34:8b.EXO.034.008 Ipapo Mozisi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama.

34:9b.EXO.034.009 Akati, Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.

34:10b.EXO.034.010 Jehovha akati, Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.

34:11b.EXO.034.011 Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKenani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.

34:12b.EXO.034.012 Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri;

34:13b.EXO.034.013 asi munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo;

34:14b.EXO.034.014 nokuti usapfugamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo;

34:15b.EXO.034.015 kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;

34:16b.EXO.034.016 iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo.

34:17b.EXO.034.017 Usazviitira vamwari vakaumbwa.

34:18b.EXO.034.018 Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nokuti wakabuda paIjipiti pamwedzi weAbhibhi.

34:19b.EXO.034.019 Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai;

34:20b.EXO.034.020 mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikunura negwayana; kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikunura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.

34:21b.EXO.034.021 Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore.

34:22b.EXO.034.022 Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore.

34:23b.EXO.034.023 Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore.

34:24b.EXO.034.024 Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako.

34:25b.EXO.034.025 Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa, uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana.

34:26b.EXO.034.026 Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

34:27b.EXO.034.027 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.

34:28b.EXO.034.028 Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.

34:29b.EXO.034.029 Zvino Mozisi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mozisi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mozisi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.

34:30b.EXO.034.030 Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mozisi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari;

34:31b.EXO.034.031 ipapo Mozisi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mozisi akataura navo.

34:32b.EXO.034.032 Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai.

34:33b.EXO.034.033 Zvino Mozisi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake.

34:34b.EXO.034.034 Asi kana Mozisi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa.

34:35b.EXO.034.035 Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; zvino Mozisi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.

35

35:1b.EXO.035.001 Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.

35:2b.EXO.035.002 Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.

35:3b.EXO.035.003 Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata.

35:4b.EXO.035.004 Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,

35:5b.EXO.035.005 Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,

35:6b.EXO.035.006 nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,

35:7b.EXO.035.007 namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,

35:8b.EXO.035.008 namafuta omwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuwira,

35:9b.EXO.035.009 nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.

35:10b.EXO.035.010 Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;

35:11b.EXO.035.011 zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;

35:12b.EXO.035.012 neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,

35:13b.EXO.035.013 netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,

35:14b.EXO.035.014 nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,

35:15b.EXO.035.015 nearitari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,

35:16b.EXO.035.016 nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,

35:17b.EXO.035.017 nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze,

35:18b.EXO.035.018 nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,

35:19b.EXO.035.019 nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupirisiti.

35:20b.EXO.035.020 Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,

35:21b.EXO.035.021 vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.

35:22b.EXO.035.022 Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.

35:23b.EXO.035.023 Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo.

35:24b.EXO.035.024 Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.

35:25b.EXO.035.025 Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.

35:26b.EXO.035.026 Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.

35:27b.EXO.035.027 Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,

35:28b.EXO.035.028 nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira.

35:29b.EXO.035.029 Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.

35:30b.EXO.035.030 Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

35:31b.EXO.035.031 akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,

35:32b.EXO.035.032 kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,

35:33b.EXO.035.033 nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.

35:34b.EXO.035.034 Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.

35:35b.EXO.035.035 Akavazadza nokuchenjera kwomoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.

36

36:1b.EXO.036.001 Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane moyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha

36:2b.EXO.036.002 Zvino Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;

36:3b.EXO.036.003 vakapiwa naMozisi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo.

36:4b.EXO.036.004 Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita,

36:5b.EXO.036.005 vakataura naMozisi, vachiti, Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.

36:6b.EXO.036.006 Mozisi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.

36:7b.EXO.036.007 Nokuti zvavakanga vanazvo, zvakakwanira mabasa ose avaifanira kuita, zvimwe zvikasara.

36:8b.EXO.036.008 Zvino varume vose vaiva nemoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.

36:9b.EXO.036.009 Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.

36:10b.EXO.036.010 Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namamwe machira akaabatanidza pamwechetezve.

36:11b.EXO.036.011 Akaita zvishwe zvitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; akaitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechete.

36:12b.EXO.036.012 Akaitawo zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nezvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete; zvishwe zvakanga zvakatarisana.

36:13b.EXO.036.013 Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.

36:14b.EXO.036.014 Akaitawo machira emvere dzembudzi, rikava tende pamusoro petabhenakeri; akaita machira ane gumi nerimwe.

36:15b.EXO.036.015 Kureba kwejira rimwe nerimwe kwaiva makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe akanga akaenzana.

36:16b.EXO.036.016 Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechetezve;

36:17b.EXO.036.017 akaita zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvimwe zvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechetezve.

36:18b.EXO.036.018 Akaitawo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira zvokubatanidza tende, kuti chive chinhu chimwe chete.

36:19b.EXO.036.019 Akaitirawo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo.

36:20b.EXO.036.020 Akaitirawo tabhenakeri mapuranga omuakasia akamiswa.

36:21b.EXO.036.021 Kureba kwepuranga rimwe kwaiva makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe hwaiva kubhiti rimwe nehafu.

36:22b.EXO.036.022 Puranga rimwe nerimwe rakaitirwa zvibato zviviri zvakabatanidzwa; akaita mapuranga ose etabhenakeri saizvozvo.

36:23b.EXO.036.023 Akaita mapuranga etabhenakeri ana makumi maviri okurutivi rwezasi, akatarira zasi.

36:24b.EXO.036.024 Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.

36:25b.EXO.036.025 Akaita mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro,

36:26b.EXO.036.026 nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe purangazve.

36:27b.EXO.036.027 Akaitawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.

36:28b.EXO.036.028 Akaitawo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.

36:29b.EXO.036.029 Akanga akaita maviri nechenyasi; saizvozvozve akanga akaita maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; saizvozvo akaaitira ose maviri pamakona maviri.

36:30b.EXO.036.030 Akava mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvikava zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

36:31b.EXO.036.031 Akaitawo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri,

36:32b.EXO.036.032 nembariro shanuzve dzamapuranga etabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.

36:33b.EXO.036.033 Akaitawo rumbariro rwapakati rwaiva pakati pamapuranga rwaibva kuno rumwe rutivi rukandosvikira kuno rumwe rutivi.

36:34b.EXO.036.034 Akafukidza mapuranga nendarama, akaita zvindori zvawo zvendarama, kuti mbariro dzigarepo, akafukidzawo mbariro nendarama.

36:35b.EXO.036.035 Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; akachiita namakerubhi, rikava basa romunhu anogona.

36:36b.EXO.036.036 Akachiitira mbiru ina dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvakanga zviri zvendarama, akadziumbirawo zvigadziko zvina zvesirivha.

36:37b.EXO.036.037 Akaitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; rakanga riri basa romusoni anogona.

36:38b.EXO.036.038 Uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; akafukidza misoro yadzo nezvindori zvadzo nendarama; nezvigadziko zvadzo zvakanga zviri zvendarira.

37

37:1b.EXO.037.001 Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu,

37:2b.EXO.037.002 akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza.

37:3b.EXO.037.003 Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve.

37:4b.EXO.037.004 Akaveza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama,

37:5b.EXO.037.005 akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.

37:6b.EXO.037.006 Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu;

37:7b.EXO.037.007 akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa,

37:8b.EXO.037.008 kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwe chete nechifunhiro chokuyananisa.

37:9b.EXO.037.009 Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa.

37:10b.EXO.037.010 Akaitawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.

37:11b.EXO.037.011 Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza;

37:12b.EXO.037.012 akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo.

37:13b.EXO.037.013 Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.

37:14b.EXO.037.014 Zvindori zvaiva pedo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda.

37:15b.EXO.037.015 Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.

37:16b.EXO.037.016 Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka.

37:17b.EXO.037.017 Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho;

37:18b.EXO.037.018 kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.

37:19b.EXO.037.019 Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadziko.

37:20b.EXO.037.020 Uye pachigadziko pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuamanda, namafundo atwo, namaruva atwo;

37:21b.EXO.037.021 nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadziko.

37:22b.EXO.037.022 Mafundo azvo namatavi akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa.

37:23b.EXO.037.023 Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka.

37:24b.EXO.037.024 Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose.

37:25b.EXO.037.025 Akaitawo aritari yezvinonhuwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo.

37:26b.EXO.037.026 Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza.

37:27b.EXO.037.027 Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda.

37:28b.EXO.037.028 Akaitawo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama.

37:29b.EXO.037.029 Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira.

38

38:1b.EXO.038.001 Akaita aritari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.

38:2b.EXO.038.002 Akaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana, nyanga dzayo dzikava chinhu chimwe chete nayo; akaifukidza nendarira.

38:3b.EXO.038.003 Akaita nhumbi dzose dzearitari, hari, nefoshoro, nemidziyo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto, nhumbi dzose akadziita nendarira.

38:4b.EXO.038.004 Akaitirawo aritari chakarukwa chendarira, chakarukwa samambure, pasi pechitsiko chakaipoteredza nechenyasi, chakasvikira pakati payo.

38:5b.EXO.038.005 Akaitira makona mana echakarukwa chendarira zvindori zvina paiva pokutakura napo namatanda.

38:6b.EXO.038.006 Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarira.

38:7b.EXO.038.007 Akaisa matanda mukati mezvindori zvaiva panhivi dzearitari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuranga, ikasava nechinhu mukati.

38:8b.EXO.038.008 Akaitawo mudziyo wokushambidzira wendarira, nechigadziko chawo chendarira, nezvionioni zvavakadzi vaishandira pamukova wetende rokusangana.

38:9b.EXO.038.009 Akaitawo ruvanze; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakanga kunezvirembedzwa zvemicheka yakaisvonaka yakarukwa, makubhiti ane zana;

38:10b.EXO.038.010 mbiru dzayo dzakanga dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.

38:11b.EXO.038.011 Kurutivi rwokumusoro kwaiva namakubhiti ane zana, nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.

38:12b.EXO.038.012 Kurutivi rwamavirazuva kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ana makumi mashanu, nembiru dzazvo dzine gumi, nezvigadziko zvadzo zvine gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.

38:13b.EXO.038.013 Kurutivi rwamabvazuva kunotarira kumabvazuva kwaiva namakubhiti makumi mashanu.

38:14b.EXO.038.014 Zvirembedzwa zvemicheka kurutivi rumwe rwesuo zvakanga zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.

38:15b.EXO.038.015 Nokuno rumwe rutiviwo; kurutivi rumwe norumwe rwesuo roruvanze kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.

38:16b.EXO.038.016 Zvirembedzwa zvose zvemicheka paruvanze zvaipotedza nhivi dzose, zvaiva zvomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

38:17b.EXO.038.017 Nezvigadziko zvembiru zvaiva zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha; nemisoro yadzo yakanga yakafukidzwa nesirivha; mbiru dzose dzoruvanze dzakanga dzakabatanidzwa nezvindori zvesirivha.

38:18b.EXO.038.018 Chidzitiro chesuo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.

38:19b.EXO.038.019 Mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvina zvendarira; zvikorekedzo zvadzo zvaiva zvesirivha, misoro yadzo nezvindori zvadzo zvakanga zvakafukidzwa nesirivha.

38:20b.EXO.038.020 Mbambo dzose dzetabhenakeri nedzoruvanze, rwakanga ruchiipoteredza kunhivi dzose, dzaiva dzendarira. fuma yose yakavakiswa tabhenakeri nayo

38:21b.EXO.038.021 Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMozisi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.

38:22b.EXO.038.022 Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha,

38:23b.EXO.038.023 anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.

38:24b.EXO.038.024 Ndarama yose yavaibatisa nayo mabasa ose apaimba tsvene, iyo ndarama yezvipo, aiva matarenda ana makumi maviri namapfumbamwe, namashekeri ana mazana manomwe namakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.

38:25b.EXO.038.025 Nesirivha yaivo vakanga vachiverengwa paungano aiva matarenda ane zana, namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.

38:26b.EXO.038.026 Munhu mumwe nomumwe wakaripa bheka rimwe, iri hafu yeshekeri rimwe, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene; mumwe nomumwe wakadarika kuna vakaverengwa, wakanga ana makore makumi maviri, kana wakapfuura makore iwayo, vakanga vari varume vane zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.

38:27b.EXO.038.027 Namatarenda esirivha ane zana aiva okuumbisa nawo zvigadziko zvapaimba tsvene nezvigadziko zvechidzitiro; zvigadziko zvine zana zvakaitwa namatarenda ane zana, chigadziko chimwe nechimwe netarenda rimwe.

38:28b.EXO.038.028 Namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu wakaita zvikorekedzo zvembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuzviitirawo zvindori.

38:29b.EXO.038.029 Ndarira yezvipo yakanga ina matarenda ana makumi manomwe namashekeri ane zviuru zviviri namazana mana.

38:30b.EXO.038.030 Nayo wakaita zvigadziko zvomukova wetende rokusangana, nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, nenhumbi dzose dzapaaritari,

38:31b.EXO.038.031 nezvigadziko zvose zvoruvanze rwakanga rwakapotedza, nezvigadziko zvesuo roruvanze, nembambo dzose dzetabhenakeri, nembambo dzose dzoruvanze rwakanga rwakapoteredza.

39

39:1b.EXO.039.001 Vakaitawo nguvo dzakarukwa zvakanaka nezvitema, nezvishava, nezvitsvuku, dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene; vakaita nguvo tsvene dzaAroni, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:2b.EXO.039.002 Akaita efodhi nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

39:3b.EXO.039.003 Vakapambadzira ndarama, vakaita mabape matete, vakaicheka, vakaita nhare dzokusonisa nadzo zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, riri basa romunhu anogona.

39:4b.EXO.039.004 Vakaiitira mabandi pamafudzi akabatanidzwa; akanga akabatanidzwa pamiromo yayo miviri.

39:5b.EXO.039.005 Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwe chete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:6b.EXO.039.006 Vakagadzira mabwe eonikisi, akanyudzwa mukati mezviruva zvendarama, mazita avana vaIsiraeri akanyorwapo, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa.

39:7b.EXO.039.007 Akaaisa pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:8b.EXO.039.008 Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.

39:9b.EXO.039.009 Yakanga ine nhivi ina dzakaenzana; vakaita hombodo yechipfuva ine mheto mbiri; kureba kwayo kwakanga kwakaita sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo, ine mheto mbiri.

39:10b.EXO.039.010 Vakaisa mukati mayo misara mina yamabwe, mumwe musara waiva nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga.

39:11b.EXO.039.011 Napamusara wechipiri simaradhino, nesafiri, nedhaimani.

39:12b.EXO.039.012 Napamusara wechitatu haikindi, neagati, neametisi.

39:13b.EXO.039.013 Napamusara wechina bheriri, neonikisi, nejasipiri; akanga akanyudzwa muzviruva zvendarama.

39:14b.EXO.039.014 Mabwe akanga akaita samazita avana vaIsiraeri, ane gumi namaviri, samazita avo; akanga akanyorwa sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, rimwe nerimwe rine zita raro, mazita amarudzi ane gumi namaviri.

39:15b.EXO.039.015 Napahombodo akaita zviketani zvakafanana norwonzi rwendarama yakamoniwa yakaisvonaka.

39:16b.EXO.039.016 Vakaitawo zviruva zviviri zvendarama, nezvindori zviviri zvendarama, akaisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.

39:17b.EXO.039.017 Vakaisawo zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zvaiva pamicheto yehombodo yechipfuva.

39:18b.EXO.039.018 Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri, vakaiisa pamabandi apachipfuva cheefodhi nechemberi kwayo.

39:19b.EXO.039.019 Vakaitawo zvindori zviviri zvendarama, vakazviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo, uri kurutivi rweefodhi nechomukati.

39:20b.EXO.039.020 Vakaitawo zvindiro zviviri zvendarama vakazviisa pamabhande maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo napayakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri.

39:21b.EXO.039.021 Vakasunganidza hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:22b.EXO.039.022 Akaitawo jasi reefodhi rakarukwa; rose rakanga riri romucheka mutema.

39:23b.EXO.039.023 Akaita buri rejasi pakati paro, seburi renguvo yokurwa, rakanga rinomupendero wakapoteredza buri raro, kuti rirege kubvaruka.

39:24b.EXO.039.024 Pamipendero yejasi vakaita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakarukwa.

39:25b.EXO.039.025 Vakaitawo zvitare zvinorira zvendarama yakaisvonaka; vakaisa zvitare pakati pamatamba pamipendero yejasi, kunhivi dzose, pakati pamatamba;

39:26b.EXO.039.026 pakava nechitare chimwe nedamba rimwezve, pamipendero yejasi kunhivi dzose, rikava jasi rokushumira naro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:27b.EXO.039.027 Vakaitira Aroni navanakomana vake nguvo dzakarukwa nomucheka wakaisvonaka,

39:28b.EXO.039.028 nenguwani yomucheka wakaisvonaka, nedzimwe nguwani dzakanaka dzomucheka wakaisvonaka, namabhuruku omucheka wakarukwa wakaisvonaka,

39:29b.EXO.039.029 nebhanhire romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:30b.EXO.039.030 Vakaitawo hwendefa rekorona tsvene nendarama yakaisvonaka, vakanyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, vachiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.

39:31b.EXO.039.031 Vakasungira pariri rwonzi rutema, kuti varibatanidze naro panguwani kumusoro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

39:32b.EXO.039.032 Naizvozvo basa rose retabhenakeri yetende rokusangana rakapera; vana vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, vakaita saizvozvo.

39:33b.EXO.039.033 Zvino vakauya netabhenakeri kuna Mozisi, zvaiti: tende nenhumbi dzaro dzose, nezvikorekedzo zvaro, namatanda aro, nembariro dzaro, nembiru dzaro, nezvigadziko zvaro;

39:34b.EXO.039.034 nechifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe, nechidzitiro chokudzitira nacho;

39:35b.EXO.039.035 neareka yechipupuriro, namatanda okutakura nawo, nechifunhiro chokuyananisa;

39:36b.EXO.039.036 netafura, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza;

39:37b.EXO.039.037 nechigadziko chakaisvonaka, nemwenje yacho, mwenje yokugadzirirapo, nenhumbi dzacho dzose, namafuta okuvhenekesa nawo;

39:38b.EXO.039.038 nearitari yendarama, namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechidzitiro chomukova wetende;

39:39b.EXO.039.039 nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo;

39:40b.EXO.039.040 nezvirembedzwa zvaparuvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze, norwonzi rwacho, nembambo dzacho, nenhumbi dzose dzokubata nadzo patabhenakeri, patende rokusangana;

39:41b.EXO.039.041 nenguvo dzakarukwa zvakanaka nouchenjeri dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake, dzokushumira nadzo pabasa roupirisiti.

39:42b.EXO.039.042 Zvose sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo vana vaIsiraeri vakaita mabasa ose.

39:43b.EXO.039.043 Mozisi akatarira mabasa ose, akaona kuti vakanga vaaita sezvakanga zvarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita; Mozisi akavaropafadza.

40

40:1b.EXO.040.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

40:2b.EXO.040.002 Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.

40:3b.EXO.040.003 Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.

40:4b.EXO.040.004 Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.

40:5b.EXO.040.005 Uisewo aritari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.

40:6b.EXO.040.006 Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.

40:7b.EXO.040.007 Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo.

40:8b.EXO.040.008 Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze.

40:9b.EXO.040.009 Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.

40:10b.EXO.040.010 Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene.

40:11b.EXO.040.011 Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.

40:12b.EXO.040.012 Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.

40:13b.EXO.040.013 Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupirisiti.

40:14b.EXO.040.014 Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo.

40:15b.EXO.040.015 Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupirisiti; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upirisiti nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.

40:16b.EXO.040.016 Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.

40:17b.EXO.040.017 Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.

40:18b.EXO.040.018 Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.

40:19b.EXO.040.019 Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:20b.EXO.040.020 Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;

40:21b.EXO.040.021 akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:22b.EXO.040.022 Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.

40:23b.EXO.040.023 Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:24b.EXO.040.024 Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.

40:25b.EXO.040.025 Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:26b.EXO.040.026 Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;

40:27b.EXO.040.027 akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:28b.EXO.040.028 Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.

40:29b.EXO.040.029 Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:30b.EXO.040.030 Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.

40:31b.EXO.040.031 Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;

40:32b.EXO.040.032 pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

40:33b.EXO.040.033 Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose.

40:34b.EXO.040.034 Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.

40:35b.EXO.040.035 Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.

40:36b.EXO.040.036 Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.

40:37b.EXO.040.037 Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.

40:38b.EXO.040.038 Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Exodus (Shona). Exodus (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C55A-5