1

Jakobho, muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaviri akapararira: Farai! Kutambudzika nemiidzo
Hama dzangu,zvitorei somufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji;
muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashaiwi chinhu.
Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kunaMwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.
Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.
Munhu uyu arege kufunga kuti uchazowana chinhu kunaShe;
munhu, unemoyo miviri, unoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.
Asi hama iri muduku ngaafare nokukudzwa kwake;
nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti uchapfuvura seruva rovuswa.
Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuwomesa vuswa; ruva rabwo rinowira pasi, nokunaka kwabwo kwakanga kwavonekwa kunopera; saizvozvo vo mufumi uchasvava panzira dzake.
Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.
Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwebwa nokuchiva kwake achinyengerwa.
Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.
Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kunaBaba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
Nokuda kwake wakatibereka neshoko rezvokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Ivai vaiti veshoko
Munoziva henyu izvozvo hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa;
nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.
Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.
Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
Nokuti kana ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unovona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchivonivoni.
Nokuti unozvivona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.
Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa panezvaanoita.
Kana munhu pakati penyu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo.
Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.

2

Hama dzangu, kutenda kwenyu kunaShe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu.
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapinda vo murombo, wakapfeka nguvo dzakaipa;
mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu;
ko hamuna kutsaura mumoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhaka yovushe bwakapikira vanomuda?
Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
Asi zvino kana muchizadzisa murairo wovushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka.
Asi kana muchitenda zvinovonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurairo muchinzi vadariki.
Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.
Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo.
Taurai, vuye itai savanhu vanozotongwa nomurairo wokusunungurwa.
Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunousina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga. Kutenda kusinamabasa kwakafa
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?
Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe,
mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?
Saizvozvo, vo, nokutenda kana kusinamabasa, kwakafa hako.
Asi mumwe ungati: iwe unokutenda, neni ndinamabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa,neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.
Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotenda vo izvozvo, ichidedera.
Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa?
Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari?
Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, vuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa;
rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.
Munovona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.
Saizvozvo vo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendisa neimwe nzira?
Nokuti somuviri usinomweya wakafa, saizvozvo kutenda kusinamabasa kwakafa vo.

3

Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuvurisa.
Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wose vo.
Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora vo muviri wawo wose.
Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa nechidzoreso chiduku duku kwose-kwose nokuda kwomoyo womufambisi wawo.
Saizvozvo vo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!
Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose yovupenyu, runotungidzwa irwo neGehena.
Nokuti marudzi ose emhuka, neshiri, nezvinokambaira, nezviri mugungwa angapingudzwa, vuye akambopingudzwa navanhu;
asi hakunomunhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unovuraya.
Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;
mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.
Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvura inonaka neinovava here?
Hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa mavonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka. Kuchenjera kunobva kumusoro
Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri.
Asi kana munegodo rinovava norukave mumoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.
Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.
Nokuti panegodo norukave, ndipo panenyonganiso namabasa ose akaipa.
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, vuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
Chibereko chokururama chinodzwarwa parugare navanoita rugare.

4

Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here?
Munochiva, Munorwa asi hamune chinhu; munovuraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamunechinhu nokuti hamukumbiri..
Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.
Imi vovutere,hamuzivi here kuti vushamwari bwenyika bwunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.
Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti: Mweya, wakagarisa mukati medu unotishuva negodo?
Asi unopa nyasha dzakapfuvura. Saka Rugwaro runoti: Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.
Naizvozvo muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai.
Swederai kunaMwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai mavoko enyu, imi vatadzi; natsai moyo yenyu, imi munemoyo miviri.
Shuwai, mucheme, muraire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu.
Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai. Musatongana nokutonga vamwe
Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi.
Mumwe chete ndiye mutemi womurairo nomutongi, iye unogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako? Zvamangwana hazvizikanwi
Nhai imi, munoti: Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogara ko gore, tichishambadzira, tifume
imi musingazivi zvamangwana. Vupenyu bwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inovonekwa nguva duku, ndokunyangarika.
Mungadai muchiti: Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.
Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa.
Naizvozvo uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye unezvivi.

5

Tambirai, imi vafumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai.
Fuma yenyu yakavora, nguvo dzenyu dzapera nezvivundudzi.
Ndarama yenyu nesirivheri yenyu zvinengura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera fuma pamazuva okupedzisira.
Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaShe wehondo.
Makagara mumufaro panyika muchikarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sapazuva rokubaya.
Makatongera wakarurama, mukamuvuraya; haakudzivisiyi. Tsungirirai kusvikira Ishe achivuya
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuvuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamsoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.
Nemi vo tsungirirai; simbisai moyo yenyu, nokuti kuvuya kwaShe kwava pedo,
Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi umire pamukova.
Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raShe.
Tarirai, vakatsunga moyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makavona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe unomoyo munyoro kwazvo, unetsitsi. Musapika
Asi, hama dzangu, kupfuvura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kuwira mukutongwa. Kunyengetera kunesimba
Kunomumwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kunomumwe unofara here? Ngaaimbe mapisarema.
Kunomumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raShe.
Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.
Naizvozvo revururanai zvivi zvenyu munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru pakubata kwako.
Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
Akanyengetera zve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
Hama dzangu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora,
ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.

Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. James (Shona). James (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C605-3