1

Pauro, naSirivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika munaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu;
Nyasha ngadzive nemi norugare runobva kunaMwari, baba, naShe Jesu Kristu. Pauro unovonga nokuti vanomira nesimba
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, se zvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kunavamwe, runowanda;
nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa novushe bwaMwari, bwamunotambudzikira vo;
zvazvakarurama kunaMwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai;
nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuvonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake,
mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu Kristu;
ivo vacharobwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake,
kana achivuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokuyemurwa navose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
Naizvozvo tinokunyengetererai vo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
kuti zita raShe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.

2

Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari;
kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu,kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana nemwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika;
ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.
Hamurangariri here kuti ndichiri kwamuri, ndakakuvudzai izvozvi?
Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake.
Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa.
Ipapo iye usakarurama uchavonekwa, iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kwokuvuya kwake;
kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,
nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema,
kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe. Pauro unovonga zve nokunyengeterera vaTesaronika
Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muvutsvene bwoMweya nokutenda zvokwadi.
Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu.
Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka,
ngavavaraidze moyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.

3

Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raShe ripfuvure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyu vo;
vuye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.
Asi Ishe ndiye wakatendeka, uchakusimbisai, nokukuchengetai kunowakaipa.
Tinokutendai munaShe, kuti munoita, vuye mucharamba muchiita,izvo zvatinokurairai.
Ishe ngaaruramise moyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.
Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingatereri mirairo yamakapiwa nesu;
nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;
hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa vusiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;
hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.
Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti kana munhu achiramba kubate-basa, ngaarege kudya vo.
Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.
Vanhu vakadaro tinovaraira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara vadye zvokudya zvavo zvimene.
Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.
Kana panomunhu usingatereri shoko redu remwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwiswe.
Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumuraire sehama.
Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitovo yose. Ishe ngaave nemi mose.
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu, ndicho chiratidzo pamwadhi dzose; ndinonyora kudai,
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Thessalonians (Shona). 2 Thessalonians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5F3-7