1

Pauro, muapostora,usina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, wakamumutsa kuvakafa),
nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia:
Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu,
wakazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu;
ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Pauro unosimbisa vuapostora bwake
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri;
isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu.
Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.
Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.
Nokuti zvino ndinoita vushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.
Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
Nokuti makanzwa zvomufambire wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza kereke yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza;
pakunamata kwavaJudha ndaipfuvura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
Zvino Mwari, akati afadzwa nazvo, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.
kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa.
handina kukwira Jerusarema kunaavo vakanditangira kuva vaapostra, asi ndakaenda ArAbhiya, ndikadzokera Dhamaseko zve.
Ipapo, makore matatu akati apfuvura, ndikakwira Jerusarema kundovona Kefasi, ndikagara naye mazuva anegumi namashanu.
Asi handina kuvona mumwe wavaapostora, asi Jakobho bedzi, munununa waShe.
Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handirevi nhema.
Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia.
Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nekereke dzeJudhea dziri munaKristu.
asi vakanga vanzwa bedzi, kuti uya, waititambudza kare, zvino woparidza kutenda kwaaiparadza kare;
vakarumbidza Mwari mandiri.

2

Zvino, makore anegumi namana akati apfuvura, ndakakwira zveJerusarema naBharnabhasi, ndikaenda vo naTitosi.
Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Evhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kunavakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
Asi naTitosi, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako munaKristu Jesu, kuti vatisunge;
hatina kuvatsedukira ivava, tichivaterera nguva imwe; kuti zvokwadi yeEvhangeri irambe ichigara nemi.
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
asi ivo vakati vavona kuti ini ndakapiwa Evhangeri kunovasina kudzingiswa, saPetro kuna vakadzingiswa;
(nokuti iye wakapa Petro simba rokuva muapostora kuna vakadzingiswa, ndiye wakapa vo ini simba rokuva muapostora kuvahedheni);
vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohaneavo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairira vo kuti ndizviite.
Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia ndakamudzivisa pachena, nokuti wakanga anemhosva.
Nokuti vamwe, vakanga vabva kunaJakobho, vasati vasvika, iye waidya navahedheni; asi vakati vasvika, akadzoka, akazviravura, achitya vakadzingiswa.
Navamwe vaJudha vakaita mano-mano vo pamwe chete naye; zvikaita kuti naiye Bharnabhasi vo akatsauswa namano-mano avo.
Asi ndakati ndichivona kuti havafambi zvakarurama nezvokwadi yeEvhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoroverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni,
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu vo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
Zvino kana isu pakutsvaka kwedu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri vatadzi vo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva!
Nokuti kana ndikavaka zve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki.
Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMwari,
Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.

3

Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, kuti murege kuteerera chokwadi iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa pakati penyu?
Ichechi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!
Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
Abhurahamu sezvaakatenda kunaMwari kukanzi kwaari ndiko kururama.
Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.
Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahamu, wakatenda.
Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vazviite.
Zvino, zvinovonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.
Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita zvinhu izvozvi uchararama nazvo.
Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!
Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa;; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira.
Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri.
Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe.
Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo.
Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda munaJesu Krisitu chipiwe vanotenda.
Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa.
Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda.
Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.
Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu;
nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu.
Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe munaKristu Jesu.
Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.

4

Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose;
asi uri pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa.
Saizvozvo nesu vo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika;
zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa nomukadzi, wakaberekwa pasi pomurairo,
kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe vumwana bwedu.
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana, achiti: Aba, Baba!
Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari muna Kristu.
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi;
asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama;
zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Evhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama;
nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuvudzai zvokwadi here?
Vanokushingairirai nomutovo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire.
Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi.
Vana vangu vaduku, vandinotamburira zve kubereka, kusvikira Kristu avumbwa mukati menyu.
Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure inzwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu. Sungano mbiri
Ndivudzei, imi munoda kuva pasi pomurairo, hamutereri murairo here?
Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakanga anavanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi wakasununguka.
Zvino womurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasununguka wakaberekwa sezvaakapikirwa.
Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai inobereka vana vovuranda ndiye Agari;
zvino Agari ndiro gomo reSinai muArAbhiya, rakaenzana neJerusarema razvino nokuti uri pavuranda iye navana vake
Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka ndivo mai vedu.
nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye unomurume.
Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka.
Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaberekwa nenzira yoMweya, zvakadaro vo nazvino.
Asi Rugwaro runotiyiko? Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwe chete nomwanakomana wowakasununguka.
Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.

5

Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwa zve nejoko rovuranda.
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.
Ndinopupurira mumwe nomumwe unodzingiswa, kuti iye unengava rokuti aite murairo wose.
Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.
Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.
Nokuti munaKristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko wakakudzivisai kuti murege kuterera zvokwadi?
Hamuna kugombedzerwa naiye wakakudanai.
Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
Ndinotenda pamusoro penyu munaShe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, unokupesanisai uchafanira hake kutongwa, kunyange ari aninani.
Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
Dai avo vanokupesanisai vachizvigura vo.
Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo.
Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe;
asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana. Mabasa enyama nechibereko choMweya
Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.
Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya, noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo.
Zvino mabasa enyama anovonekwa, anoti: Vupombwe, netsvina, novutere,
nokunamata zvifananidzo, novuroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,
nokugodorana, nokuvuraya nokubatwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuvudzai zvino, sezvandakambokuvudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka yovushe bwaMwari.
Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka.
novunyoro, nokuzvidzora; hakuno murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.
Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama, pamwe chete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.
Kana tichirarama noMweya, ngatifambe vo noMweya,
tirege kuzvikudza, tichimutsana moyo, tichigodorana.

6

Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomoyo wovunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwa vo.
Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.
Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye.
Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.
Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.
Zvino unodzidziswa Shoko, ngaagovane nounodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanocheka zve.
Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodzvarira mweya, uchacheka vupenyu bwusingaperi, bwunobva kumweya.
Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori moyo.
Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kunaveimba yokutenda.
Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruvoko rwangu.
Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
Vose vanofamba nomurairo uyu rugare ngaruve pamsoro pavo, nenyasha, napamsoro pavaIsraeri vaMwari.
Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamavanga aShe Jesu pamuviri wangu.
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

Lizenz
CC-0
Link zur Lizenz

Zitationsvorschlag für diese Edition
TextGrid Repository (2025). Paul the Apostle. Galatians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5E2-A