1
Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, wakatsaurirwa Evhangeri yaMwari,
yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,
zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,
wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,
watakagamuchira naye nyasha novuapostora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuterera kwokutenda nokuda kwezita rake;
nemi vo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu;
kunavose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu. Rudo rwaPauro kuvaRoma
Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.
Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muEvhengeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.
Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.
Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuri vo, sapakati pavamwe vahedheni.
Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.
Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidzirai vo Evhangeri, imi muri paRoma.
Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo.
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda. Kurashika kwavahedheni.
Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa zvokwadi nokusarurama;
nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisinamaturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.
Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;
vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.
Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.
Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;
saizvozvo vanhurume vo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.
Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;
vakazadzwa nokusarururama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,
navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,
namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.
Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.
2
Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo.
Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai.
Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?
Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka?
Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;
iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo:
Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi.
Asi kunavanenharo, vasingatereri zvokwadi, vanoterera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.
nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;
asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGiriki vo.
Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;
nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;
(nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene;
nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Evhangeri yangu. VaJudha havanepembedzo.
Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari,
unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,
unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,
nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowezvokwadi pamurairo;
zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe?
Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?
Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko?
Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?
Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuye vo kudzingiswa?
Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama;
asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.
3
Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?
Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.
Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?
Haiswa! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.
Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko?
Zvino kana zvokwadi yaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko neni vo ndichatongerwei somutadzi?
Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, vuye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama. Vanhu vose vanezvivi, asi vanoruramiswa munaJesu Kristu.
Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.
Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari;
Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;
Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo;
Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa;
Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
Nenzira yorugare havana kuiziva.
Kutya Mwari hakupo pamberi pavo,
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.
Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;
ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani,
nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu.
Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu;
kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo.
Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamsoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo.
4
Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?
Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.
Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
Zvino kunounobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.
Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
Sezvinoreva vo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,
achiti: Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;
wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofamba vo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.
Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;
nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; asinomurairo hapana kudarika vo.
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamu vo, iye baba vedu tose,
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro
Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,
achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiita vo.
Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.
Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;
asi nokuda kwedu vo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.
iye wakaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
5
Naizvozvo zvitinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu;
watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari.
Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira;
kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuyisa tariro;
tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.
Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka.
Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.
Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.
Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa novupenyu bwake;
zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuru vo munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. Adhama naKristu vanofananidzwa.
Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;
nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusinomurairo.
Asi rufu rwakabata vushe kubva kunaAdhama kusvikira kunaMosesi, kunyange napakati vo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhama, waiva mufananidzo wowakanga achizovuya.
Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
Vuye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.
Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kwovupenyu kukavapo.
Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuterera kwomumwe.
Murairo wakapinda vo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa;
kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.
6
Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?
Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.
Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadaro vo pakumuka kwake;
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;
nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.
Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;
tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamsoro pake.
Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.
Saizvozvo nemi vo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.
Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muterere kuchiva kwawo;
vuye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.
Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuterera, kuti muri varanda vaiye wamunoterera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuterera kunoisa kukururama?
Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoterera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.
Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.
Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.
Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, vuye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.
Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.
7
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?
Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.
Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.
Saka, hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva;
zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.
Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;
nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;
nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo.
Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.
Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.
Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.
Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita..
Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.
Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.
Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.
Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;
asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.
Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?
Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.
8
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.
Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;
kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.
Nokuti vari vomweya, vanofunga zvomweya.
Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndibwo vupenyu norugare;
nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo;
zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.
Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.
Zvino kana Mweya waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.
Naizvozvo, hama dzangu, hatinengava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.
Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;
nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba.
Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwa vo pamwe chete naye.
Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo.
zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwe vo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.
Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesu vo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona?
Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochimirira nokutsungirira.
Saizvozvo Mweya unobatirana vo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;
uyo unonzera moyo, ndiye unoziva kufunga kwoMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.
Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga.
Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemera vo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;
avo vaakatemera kare, ndivo vaakadana vo; vaakadana, ndivo vaakaruramisa vo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudza vo.
Zvino tichatiyiko pa zvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa?
Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipa vo zvose pamwe chete naye?
Ndianiko uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoruramisa;
ndianiko uchavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye wakafa, zvikuru ndiye wakamutswa kuvakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengeterera vo.
Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.
Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba.
kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.
9
Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.
Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;
ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;
madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;
navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.
Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.
Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebeka vo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu
nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,
zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!
Nokuti unoti kunaMosesi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.
Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; vuye unowomesera moyo waanoda.
Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?
Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,
iyesu vakadanwa vo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheni vo?
Sezvaanoreva vo pabhuku yaHosea, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikanwa, ndichamuidza mudikanwa.
Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.
NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.
Sezvaakamboreva Isaya vo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.
Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda;
asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.
Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.
10
Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.
Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.
Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.
Nokuti Mosesi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo.
Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;)
kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)
Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;
kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.
Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi,
Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari;
nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.
Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi?
Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?
Asi vose havana kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza?
Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.
Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.
Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mosesi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.
NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza.
Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambunudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingatereri, navanokakavara.
11
Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.
Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:
Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.
Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari.
Zvino saizvozvo nenguva inovo variko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.
Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
NaDhavhidhi vo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,
Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.
Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.
Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri muapostora wavahedheni, ndinokudza basa rangu.
Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa?
Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadaro vo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadaro vo;
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;
nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newe vo.
Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwa vo.
Naivo vo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.
Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho;
Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.
Kana iri Evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba.
Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
Nokuti semi kare makanga musingatereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusaterera kwavo,
saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwe vo ngoni.
Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusaterera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!
Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake?
Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve?
Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
12
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo.
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. Zvipo zvaMwari, noRudo kunavamwe.
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.
Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete;
saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.
Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu;
kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;
kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.
Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.
Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.
Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;
farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;
govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.
Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.
Farai navanofara; chemai navanochema.
Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera.
Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.
Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.
Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
13
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.
Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo;
nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunounoita zvakaipa.
Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehana vo.
Nokuti nemhaka iyo munoripa vo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu icho.
Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kunavanofanira kutyiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa. Rudo runozadzisa murairo.
Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.
Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.
Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo. Tinofanira kurinda.
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.
Vusiku bwapfuvura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.
Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana novupombwe, novutere, kana negakava, negodo.
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
14
Zvino gamuchirai usinesimba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.
Mumwe munhu unokutenda kuti ungadya zvose; asi usinesimba unodya mirivo.
Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.
Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.
Mumwe munhu unoti zuva rimwe rinopfuvura rimwe; mumwe unoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumoyo make.
Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.
Nokuti hakunomumwe wedu unozviraramira iye oga, hakuna unozvifira iye oga.
Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa tiri vaShe.
Nokuti Kristu wakafira izvezvi, akamukira vo izvezvi akararama kuti ave Ishe wavapenyu navakafa.
Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newe vo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaKristu.
Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Novupenyu bwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.
Naizvozvo mumwe nomumwe we du uchazvidavirira kunaMwari.
Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zvirinani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.
Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu, kuti hakunechinhu chinetsvina chimene; asi uyo unoti, chinetsvina, kwaari chinetsvina.
Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.
Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.
Nokuti vushe bwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.
Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, unofadza Mwari, vuye unotendwa navanhu.
Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinovuyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.
Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo: asi zvakaipa kunounodya akagumbuka.
Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.
Unokutenda here? Iva nako kuve kwako pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.
Asi uyo unonyunyuta wava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda zvivi.
15
Zvino isu, tinesimba, tinofanira kutakura vutera bwavasinesimba, tisingazvifadzi.
Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
Nokuti Kristu vo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.
Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.
Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei moyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;
kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomoyo mumwe vuye nomuromo mumwe.
Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
Nokuti ndinoti: Jesu Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.
Vuye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.
Vuye zve unoti: Farai imi vahedheni, navanhu vake.
Vuye zve: Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.
Vuye zve, Isaya unoti: Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye;
Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene. Vuapostora bwaPauro.
Zvino, hama dzangu, ini ndimene, ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogona vo kurairana.
Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokunyevudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,
kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa rovuPirisita paEvhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.
Naizvozvo ndingazvirumbidza munaKristu Jesu pazvinhu zvaMwari.
Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vateereswe neshoko namabasa,
nesimba re zviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kusvikira Iriko, ndakaparidza kwazvo Evhangeri yaKristu;
ndichishingarira chinhu ichi kuti ndiparidze Evhangeri, apo pasina kumborebwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;
asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Avo, vasina kuvudzwa zvake; vachavona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.
Naizvozvo ndakadziviswa vo kazhinji kuvuya kwamuri;
zvino zvandisina pokubata panyika idzi, vuye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuvuya kwamuri,
kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)
Asi zvino ndomboenda Jerusarema kundoshumira vatsvene.
Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.
Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengava vo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.
Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Spania nokwenyu.
Ndinoziva kuti kana ndichivuya kwenyu, ndichavuya nokuropafadza kwakazara kweEvhangeri yaKristu.
Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, vuye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu;
kuti ndisunungurwe kuna vasingatereri muJudhea, vuye kuti kushumira kwangu kunaveJerusarema kufadze vatsvene;
kuti ndivuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi.
Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.
16
Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.
Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, neni vo ndimene.
Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.
Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.
Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.
Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavaapostora, vakanditangira vo kuva munaKristu.
Ndikwazisirei Ampriato, mudikanwa wangu munaShe.
Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikanwa wangu.
Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.
Ndikwazisirei Herodio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vo kwaNarkiso, vari munaShe.
Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikanwa, wakabata zvikuru munaShe.
Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.
Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.
Ndikwazisrei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.
Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.
Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.
Nokuti kuterera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.
Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.
Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.
Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosi vo, hama.
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemi mose. Ameni.
Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vaterere nokutenda.;
iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Romans (Shona). Romans (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5DB-3