1
Kutanga kweEvhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.
Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
Johane wakavuya achibhabhatidza murenje. Achiparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka vakanganwirwe zvivi.
Nyika yose yeJudhea naveJerusarema vose vakabudira kwaari. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
Johane wakanga akapfeka nguvo yamakushe ekamera nebhanire reganda muchivuno chake. Waidya mhashu novuchi bwesango.
Akaparidza achiti, shure kwangu kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure rukanda rweshangu dzake.
Ini ndakakubhabhatidzai nemvura asi Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene. Kubhabhatidzwa kwaJesu. (Mat. 3.1317; Ruka 3. 2122.)
Namazuva iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabhabhatidzwa naJohane muJoridhani.
Pakarepo achibuda mumvura wakavona denga rakazarurwa noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva.
Inzwi rikabva kudenga richiti, Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofarira. Kuidzwa kwaJesu. (Mar. 4. 1-11; Ruka 4.1-13,)
Pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje.
Akava murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani. Wakanga ari kuzvikara vatumwa vakamushumira. Jesu unodana vadzidzi vokutanga. (Mat. 4.12-22; Ruka 5.1-11.)
Johane wakati asungwa, Jesu akasvika Garirea achiparidza Evhangeri yovushe bwaMwari.
achiti, nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo. Tendevukai mutende Evhangeri.
Wakati achifamba pagungwa reGarirea, akavona Simoni naAndrea munununa waSimoni vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.
Jesu akati kwavari: Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.
Vakasiya vutava bwavo pakarepo, vakamutevera.
Wakati apfuvura zvishoma akavona Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohane munununa wake vachigadzira vutava mugwa.
Akavadana pakarepo vakasiya baba vavo Zebhedhi mugwa navaranda, vakamutevera. Jesu unoperesa munhu waiva nomweya wakaipa pakepernaume. (Ruka 4. 31-37.)
Vakapinda Kapernaume pakarepo nomusi wesabata, akapinda musinagoge akadzidzisa.
Vakashamiswa nedzidziso yake nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.
Zvino musinagoge ravo makanga munomunhu wakanga anomweya wetsvina. Wakadanidzira
achiti, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani, muri Mutsvene waMwari.
Zvino Jesu akamuraira akati, nyarara ubude kwaari!
Mweya wetsvina ukamubvundisa, ndokudanidzira nenzwi guru, ndokubuda kwaari.
Vakashamiswa vose,zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo,vachiti, Chinyiko ichi? dzidziso iyi itswa ndeyeiko?nokuti une simba rokuraira kunyange,mweya yakaipa,huye inomuterera.
Pakarepo mukurumbira wake ukanzwikwa panyika yose yakapoteredza Garirea. Jesu unoporesa mai vomukadzi waPetro navamwe. (Mat. 8. 14-17; Ruka 4. 38-44.)
Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobho naJohane vanavo.
Mai vomukadzi waSimoni vakanga vavete vachirwara nefivhiri. Pakarepo vakamuvudza izvozvo.
Akaenda akavabata noruvoko, akavamutsa. Fivhiri ikavarega. Vakavashandira.
Madekwana zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa navakanga vakabatwa nomweya yakaipa.
Guta rose rakanga ravungana pamukova.
Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi akasiyana -siyana ezvirwere. Akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
Mangwanani kuchinerima, wakamuka akabuda akaenda kunzvimbo murenje,akandonyengeterapo.
Simoni navakanga vanaye vakamutevera.
Vakamuwana vakati kwaari, vose vanokutsvakai.
Akati kwavari, ngatiende kumwe kumisha iri pedo, kuti tindoparidza ikokovo nokuti ndizvo zvandakavuyira.
Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo paGarirea rose achibudisa mweya yakaipa. Jesu unoporesa munhu una maparembudzi. (Mt. 8. 2-4; Ruka 5.12-14.)
Zvino munhu unamaperembudzi akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake akati kwaari, kana muchida munogona kundinatsa.
Jesu akamunzwira ngoni, akatambaunudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, ndinoda, chinatswa.
Pakarepo achangotaura maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.
Zvino akamuraira kwazvo, akamuendisa pakarepo.
Akati kwaari, chenjera kuti urege kuvudza munhu chinhu asi enda uzviratidze kumuPirisita ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari.
Asi iye wakabuda akatanga kuzvivudza vanhu vazhinji nokuparidza shoko iro nokudaro Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena asi wakanga ari kunze panzvimbo murenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.
2
Akapindazve Kapernaume pashure pamamwe mazuva zvikazikamwa kuti uri mumba.
Pakarepo vazhinji vakavungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamukova, akaparidza shoko kwavari.
Vakavuya vakaisa kwaari munhu wakanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
Zvino vakanga vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari, vakati variputsa vakaburusa nhovo pakanga pavete munhu wakanga akafa mitezo.
Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kunowakanga akafa mitezo, mwana wakangamwirwa zvivi zvako.
Zvino vamwe vanyori vakanga vageremo vakafunga mumoyo yavo vachiti,
uyu unorevereiko kudaro? Unomhura Mwari, ndianiko unogona kukanganwira zvivi asi mumwe chete ndiye Mwari?
Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumoyo yavo akati kwavari, munofungireko zvinhu izvi mumoyo yenyu?
Chinyiko chakareruka kuti kunowakafa mitezo, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka tora nhovo dzako ufambe?
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kumunhu wakanga akafa mitezo.
Ndinoti kwauri, simuka tora nhovo dzako, uende kumba kwako!
Pakarepo akasimuka akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose. Naizvozvo vose vakashamiswa vakarumbidza Mwari vachiti, hatina kumbovona zvakadai. Kudanwa kwaRevhi. (Mat. 9, 9-13; Ruka 5.27-32.)
Wakabudazve akaenda kugungwa, vazhinji vose vakavuya kwaari akavadzidzisa.
Wakati achipfuvura akavona Revhi mwanakomana waArfeo agere panotereswa, akati kwaari, nditevere. Akasimuka akamutevera.
Zvino wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.
Zvino vanyori navaFaraise vakati vachimuvona achidya navatadzi navateresi vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi unodyireiko navateresi navatadzi?
Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari, usingarwari haatsvaki chiremba asi unorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mat, 9. 14-17;R uka 5. 33-39.)
Vadzidzi vaJohane navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya, vakavuya vakati kwaari, vadzidzi vaJohane navadzidzi vavaFarise vanozvinyimireiko zvokudya asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingazvinyima zvokudya seiko chikomba chichiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya chikomba chichiri kwavari.
Asi mazuva achasvika achazobviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
Hakuno munhu unosonera chiremo chitsva panguvo yakasakara nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguvo yakasakara vuri rikanyanya.
Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo tsaru nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa asi waini itsvainodirwa muhombodo itsva. Jesu Ishe weSabata. (Mat. 12. 1-8; Ruka 6. 1-5.
Wakati achifamba muminda, nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga kutanha hura vachifamba.
VaFarise vakati kwaari, tarirai vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi wesabata?
Akati kwavari, hamunakurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga ashaiwa, aziya, iye navakanga vanaye?
Kuti wakapinda mumba maMwari, Abhiatari ari muPirisita mukuru akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa asi navaPirisita voga, akapavo vaivanaye?
Akati kwavari, sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa sabata.
Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo.
3
Wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana.
Vakamutarisisa kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata kuti vamupomere mhosva.
Zvino wakati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana, simuka pakati pavo!
Akati kwavari, zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuvuraya? Vakanyarara.
Zvino wakati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo. Akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.
Zvino vaFarise vakati vabuda vakandorangana pakarepo navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei. Jesu unoporesa vazhinji. (Mat. 12. 15-16; Ruka 6. 17-19.)
Zvino Jesu wakaenda navadzidzi vake kugungwa, vanhu vazhinji vakamutevera vachibva Garirea nokuJudhea,
neJerusarema neIdumea nemhiri kwaJoridhani nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita vakavuya kwaari.
Akavudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji kuti varege kumumanikidza.
Nokuti wakanga aporesa vazhinji, naizvozvo vose vakanga vana marwere vakamumanikidza kuti vamunyangate.
Nemweya yetsvina yakati yamuvona yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, Ndiwe Mwanakomana waMwari!
Akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. Jesu unodana vadzidzi vake. (Mat. 10. 1- 4; Ruka 6. 12-16.)
Zvino wakakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.
Akagadza vanegumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze;
Vuye vave nesimba rekuporesa nokubudisa mweya yakaipa.
Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro,
naJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munununa waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira;
naAndrea naFiripo naBartoromeo naTomasi naJakobho mwanakomana waArfeo naTadeo naSimoni muKanani.
naJudhasi Iskarioti wakamupa ndukiravo. Zvino wakapinda mumba Kumhura Mweya Mutsvene. (Mat. 12. 22-32; Ruka 11. 14-20.)
vazhinji vakavungana naye nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.
Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa vakabuda kuzomubata nokuti vakati unopenga.
Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusarema vakati, una Beerzeburi unodudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.
Zvino akavadanira kwaari akati kwavari nemifananidzo, Satani ungabudisa Satani seiko?
Kana vushe bwuchizvipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira.
Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.
Kana Satani achizvimukira akazvipesanisa haangagoni kumira asi unopera.
Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba akatora nhumbi dzake asati ambosunga murume unesimba zvino ungaparadza imba yake.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vanakomana vavanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura kose kwavanomhura Mwari nako.
Asi aninani wamhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi asi uri panjodzi yokurashiwa.
Nokuti vakati unomweya wetsvina. Vukama naJesu. (Mat. 12.46-50; Ruka 8. 19-21.)
Zvino mai vake navanunuuna vake vakavuya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari kumudana.
Vazhinji vakanga vagere vakamukomba vakati kwaari, tarirai mai venyu navanununa venyu nehanzvidzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.
Akavapindura akati, mai vangu navanununa vangu ndivana aniko?
Zvino akaringaringa vanhu vakanga vagere vakamukona akati, tarirai mai vangu navanununa vangu!
Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari ndiye munununa wangu nehanzvadzi namai.
4
Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa. Vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira kwaari, nokudaro wakapinda mugwa. Akagaramo mugungwa. Vazhinji vose vakanga vari pedo negungwa pamhenderekedzo.
Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo akati kwavari pakudzidzisa kwake,
Teererai, mukushi wakabuda kundokusha.
Wakati achikusha dzimwe mbeu dzakawira panzira; Shiri dzokudenga dzikavuya dzikadzidya.
Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisinevhu zhinji. Dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinevhu rakadzika.
Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa dzikawoma nokuti dzakanga dzisina mudzi.
Dzimwe dzakawira miminzwa, minzwa ikamera ikadzivhunga, dzikasabereka zvibereko.
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko nokuti dzakakura dzikawanza dzikabereka makumi matatu namakumi matanhatu nezana.
Akati kwavari, une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Wakati ari oga, vakanga vanaye navanegumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo.
Akati kwavari, imi makapiwa zvakavanzika zvovushe hwaMwari asi kunaava vari kunze zvose zvinoitwa nemifananidzo.
Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo.
Zvino akati kwavari, hamuzivi here mufanandizo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose?
Mukushi unokusha shoko.
Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mukati mavo.
Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro,
Asi havanomudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku. Pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
Vamwe vanokushwa muminzwa ndivo vanonzwa shoko,
asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma nokuchiva zvimwe zvinopinda zvichivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko.
Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana. Mufananidzo woMwenje. (Mat. 5. 15-16; Ruka 8. 16-18; 11. 33-36.)
Zvino wakati kwavari, mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here?
Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazovoneswi, hapana chakavigwa chisingazobudi pachena.
Kana munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Zvino akati kwavari, chenjerai zvamunonzwa, chiyero chamunoyera nacho nemi muchayerwa nacho, mukawedzerwa.
Nokuti unacho uchapiwa, asi usina uchatorerwa nechaanacho. Kukura kwovushe hwokudenga.
Zvino akati, vushe bwaMwari bwakafanana nomunhu unodzvara mbeu muvhu.
Akavata akamuka,vusiku namasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti zvinoitika sei.
Ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
Kana zvibereko zvaibva, pakarepo unocheka nebanga nokuti kucheka kwasvika Mufananidzo wembeu yemastarda. (Mat. 13. 31-32; Ruka 13, 18-19.)
Zvino wakati, vushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahwuenzanisira nomufananidzo upiko?
Hwakafanana netsanga yemastarda, iyo kana ichidzvarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika.
Asi kana yadzvarwa, inomera ichiva huru kumirivo yose ichiita matavi makuru akadaro kuti shiri dzokudenga dzinogara pamumvuri wayo.
Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo.
Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo asi waidudzira vadzidzi vake zvose vari voga. Jesu unonyaradza dutu remhepo. (Mat. 8. 23-27; Ruka 8. 22-25.)
Zvino nezuva iro ava madekwana wakati kwavari, ngatiyambukire mhiri.
Vakasiya vanhu vazhinji vakaenda naye mugwa akangodaro mamwe magwa akanga aiva naye.
Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova mugwa, rikange roda kuzara.
Asi Iye wakanga ari mushure megwa avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari, mudzidzisi, hamunehanya kunyangwe tofa here?
Akamuka akaraira mhepo, akati kugungwa, nyarara ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.
Zvino akati kwavari, munotyireiko kudaro? Hamunokutenda here?
Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, ndianiko uyu nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera.
5
Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa.
Zvino wakati abuda mugwa, pakarepo akasongana nomunhu waiva nomweya wetsvina, achibva kumarinda.
Uyo waigara mumarinda, kwakanga kusina munhu wakanga achagona kumusunga kunyange neketani.
Nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani asi waidambura maketani nokudashura zvisungo. Kwakanga kusina munhu waigona kumunyorovesa.
Nguva dzose vusiku namasikakti, waigara mumarinda nomumakomo achidanidzira, achizvicheka namabwe.
Zvino wakati achivona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata.
Akadanidzira nenzwi guru akati, ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.
Nokuti akati kwaari, buda pamunhu iwe mweya wetsvina!
Akamubvunza akati, zita rako ndianiko? Akati kwaari, Regioni ndiro zita rangu nokuti tiri vazhinji.
Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
Zvino kwakanga kuripo pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura.
Ikakumbira zvikuru kwaari ichiti, titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
Akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve. Boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.
Vaidzifudza vakatiza vakandovudza izvozvo muguta naparuwa. Vakavuya kuzovona zvaitwa.
Vakavuya kuna Jesu vakavona wakanga ane mweya yakaipa agere, akapfeka ari munhu kwaye, iye waiva neRegioni vakatya.
Vaya, vakanga vazvivona, vakarondedzera zvakaitirwa, iye wakanga ane mweya yakaipa nenguruvevo.
Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
Zvino wakati achipinda mugwa, iye waiva nemweya yakaipa akakumbira zvikuru kwaari kuti agare naye.
Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari, enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.
Akaenda akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. Vakashamiswa vose. Jesu unoporesa mukadzi unobuda ropa vuye unomutsa mwanasikana waJairosi. (Mat. 9. 18-26; Ruka 8, 41-56.)
Jesu wakati ayambukira mhiri negwa, vanhu vazhinji vakavunganira kwaari, wakanga ari pagungwa.
Mumwe wavakuru vesinagoge wainzi Jairosi akasvika, akati achimuvona, akazviwisira pasi petsoka dzake.
Akakumbira zvikuru kwaari achiti, mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aporeswe ararame.
Akaenda naye, vanhu vazhinji vakamutevera, vachimumanikidza.
Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri.
Wakanga avoneswa nhamo nevarapi vazhinji, apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa.
Wakati anzwa zvaJesu, akavuya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguvo yake.
Nokuti wakati, kana ndikabata nguvo yake bedzi, ndichaponeswa.
Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa muviri wake kuti waporeswa pakurwara kwake.
Pakarepo Jesu wakati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendevuka pakati pavanhu vazhinji akati, ndianiko wabata nguvo dzangu?
Vadzidzi vake vakati kwaari, munovona vanhu vazhinji vanokumanikidzai, zvino mungati seiko ndiani wandibata?
Zvino wakaringa-ringa kuti avone wakaita izvozvo.
Mukadzi wakatya nokudedera achiziva zvaaitirwa, akavuya ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuvudza zvirokwazvo zvose.
Akati kwaari, mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pakurwara kwako.
Wakati achataura vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika vakati, mukunda wenyu wafa, muchatambudzireiko mudzidzisi?
Jesu wakati achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge, usatya tenda bedzi.
Akasatendera munhu kumutevera asi, Petro naJakobho naJohane munununa waJakobho.
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akawana iri mhere-mhere navanochema zvikuru navanorira.
Akapinda akati, kwavari, munoitireiko mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa asi uvete.
Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai navaakanga anavo, akapinda kwakanga kunomwana.
Akabata ruvoko rwomwana, akati kwaari, Tarita kumi! Ndokuti kana zvichishandurwa, musikana ndinoti kwauri, Muka!
Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nokuti waiva namakore anegumi namaviri. Vakashamiswa nokushama kukuru.
Akavaraira zvikuru kuti zvirege kuzikanwa nomunhu. Akati, ngaapiwe zvokudya.
6
Wakabvapo, akasvika kunyika yake. Vadzidzi vake vakamutevera.
Musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa vachiti, munhu uyu wawanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?
Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu here? Vakagumburwa naye.
Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.
Akasagona kubata basa resimba ipapo asi wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa.
Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo wakapota nemisha achidzidzisa. Vanegumi navaviri vanotumwa kuparidza nokuporesa. (Mat. 10. 1-42; Mar. 3. 13-19; Ruka 6. 12-16; 9. 1-6.)
Zvino wakadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
Akavaraira kuti varege kutongotora zvomunzira asi mudonzvo bedzi. Varege kutora chingwa nehombodo nemari muchikwama.
Asi vafuke shangu, varege kupfeka nguvo mbiri.
Akati kwavari pose pamunopinda mumba mugaremo, kusvikira muchibvapo.
Pose pavasingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.
Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendevuke.
Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa. Kuvurawa kwaJohane Mubhabhatidzi. (Mat. 14. 1-12; Ruka 9.7-9.)
Zvino mambo Herodhe wakazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati: Johane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.
Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita wakafanana nomumwe wavaporofita.
Asi Herodhe wakati achizvinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, kuvakafa uya wandakagura musoro.
Nokuti Herodhe wakanga atuma vanhu, akabata Johane, akamusunga mutorongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripo, mununununa wake, nokuti wakanga amuwana.
Nokuti Johane wakanga ati kunaHerodhe: Haunakutenderwa kuti uve nomukadzi womunununa wako.
Herodhiasi akamuvenga, akada kumuvuraya, akasagona;
nokuti Herodhe wakanga achitya Johane, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Wakati amunzwa, akakanganiswa kwazvo, akasifara kumunzwa.
Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGarirea mutambo mukuru;
zvino mwanasikana waHerodhiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.
Akamupikira, achiti: Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yovushe hwangu.
Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohane Mubhabhatidzi.
Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohane mubhabhatidzi.
Ipapo mambo akazvidya moyo kwazvo, asi wakanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya.
Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti avuye nomusoro wake.
Akaenda, akamugura musoro mutorongo, akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakavuya vakatora mutumbu wake, vakauviga mubwiro. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. (Mat. 14. 13-21; Ruka 9. 10-17; Joh. 6. 1-14.)
Zvino vaapostora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.
Akati kwavari: Vuyai imi muri moga kunzvimbo murenje, muzorore zvishoma; nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya.
Vakaenda negwa kunzvimbo murenje vari voga.
Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika kwaari.
Zvino wakati achibuda mugwa, akavona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa; zvizhinji.
Zvino zuva rodo kuvira, vadzidzi vake vakavuya kwaari, vakati: Pano inzvimbo murenje, zuva rodo-kuvira;
vaendisei, kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya nokuti hapana chavangadya.
Akapindura, akati kwavari: imi muvapei zvavangadya. Vakati kwaari: Tingaenda kundotenga zvingwa namadhenari anamazana maviri,* tivape vadye here?
Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai mutarire. Vakati vaziva, vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
Zvino akavaraira kuti vagarise vose pasi pavuswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka.
Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka anezana naanamakumi mashanu.
Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose.
Vakadya vose, vakaguta.
Vakavunganidza zvimedu, matengu anegumi namaviri akazadzwa, nezvehove vo.
Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vanezvuru zvishanu. Jesu unofamba pamusoro pemvura. (Mat. 14. 22-33; Joh. 6. 15-21.)
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye achiendisa vanhu vazhinji.
Akati awonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera.
Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
Zvino wakati achivona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yovusiku, akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuvura.
Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakati madzimudzangara, vakaridza mhere.
Nokuti vose vakamuvona, vakamanikidzwa; akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
Akakwira kwavari mugwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumoyo yavo.
Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti moyo yavo yakanga iri mikukutu. Jesu unoporesa vanhu paGenesareti. (Mat. 14. 34-36.)
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo.
Vakati vabuda mugwa, pakarepo vanhu vakamuziva,
vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhovo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, vakaradzika vairwara pamigwagwa, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.
7
Zvino vaFarise navamwe vavanyori vaibva Jerusarema, vakavunganira kwaari;
vakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya namavoko anetsvina, ndokuti asina kushambwa.
Nokuti vaFarise, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.
Kana vachidya padare havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviri po zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza, vachiti: Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namavoko anetsvina?
Akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi moyo yavo iri kure neni.
Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri mirairo yavanhu.
Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.
Akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu;
nokuti Mosesi wakati: Kudza baba vako namai vako, vuye, unotuka baba namai, ngaafe norufu.
Asi imi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai vake: Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Korbani, ndokuti chava chipo kunaMwari,
hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu.
muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
Akadanira zve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari: Nditererei mose, munzwisise!
Hapanechinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. {
Kana munhu anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.}
Zvino; wakati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
Akati kwavari: Nemi vo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?
Nokuti hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze; nokutaura kwakadaro wakanatsa zvokudya zvose.
Ipapo akati: Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.
Nokuti mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, novupombwe, nokuba, nokuvuraya.
novufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, novutere, neziso rinegodo, nokutuka, namanyawi, novupenzi;
zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu. Jesu unoporesa mwanakomana womukadzi weSiraofenike. (Mat. 15- 21-28.)
Wakasimuka ipapo.akasimuka akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.
Nokuti mumwe mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakati achimunzwa, akavuya akazviwisira pasi petsoka dzake.
Zvino iye mukadzi waiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
Akati kwaari: Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.
Akapindura, akati kwaari: Hongu, Ishe, kunyange nembwanana vo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.
Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako,
Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubeda, mweya wakaipa wabva. Jesu unoporesa munhu wematsi panyika yeDhekapori.
Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDhekapori.
Vakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira vakakumbira zvikuru kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.
Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake.
Ipapo akatarira kudenga, akagomera akati, kwaari: Efata, ndokuti: Dzivuka.
Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chakasununguka, akataura zvakanaka.
Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza vanhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.
Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.
8
Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
Ndinetsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.
Kana ndikavaendisa kumusha kwavo vanenzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.
Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaaari: Munhu ungawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?
Akavabvunza, akati: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.
Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.
Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo.
Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.
Pakarepo akapinda mugwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDarmanuta. Jesu unoramba kuratidza chiratidzo. (Mat. 16. 1-4.)
Zvino vaFarise vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.
Ipapo akavasiya, akapinda zve mugwa, akayambukira mhiri. Jesu unodudzira shoko rembiriso yavaFarise navaSadhuse. (Mat. 16. 5-12.)
Vakanga vakanganwa kutora zvingwa; vakanga vasinezvingwa, asi chimwe bedzi.
Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe.
Vakarangana vakati: Unodaro nokuti hatine zvingwa.
Zvino Jesu wakati achizviziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?
Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?
Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu? Vakati kwaari: Gumi namaviri.
Nomusi wandakamedurira vanezvuru zvina zvingwa zvimwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu? Vakati: Manomwe.
Akati kwavari: Ko hamunzwisisi nazvino here? Jesu unosvinudza bofu paBetsaida
Zvino wakasvika Betsaida; vakavuya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate.
akabata ruvoko rwebofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu.
Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti.
Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka.
Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu. (Mat. 16. 13-20; Ruka 9. 18-22; Joh. 6. 68, 69.)
Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?
Vakapindura vachiti kwaari: Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe, Eria, vamwe zve, mumwe wavaporofita.
Zvino akavabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu.
Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamsoro pake.
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaPirisita vakuru, navanyori, avurawe, amuke zve mazuva matatu apfuvura.
Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira.
Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petro akati: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu. Kutevera Jesu (Mat. 16. 24-27; Ruka 9. 23-26.)
Zvino wakadanira kwaari vanhu va zhinji navadzidzi vake, akati kwavari: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.
Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, asi aninani unorashikirwa novupenyu bwake nokuda kwangu nokweEvhangeri, uchavuponesa.
Nokuti munhu uchagobatsirweiko kana awana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?
Nokuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure vupenyu hwake?
Nokuti aninani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyara vo pamusoro pake, musi waanovuya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.
9
Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazovoni rufu, vasati vavona vushe bwaMwari bwuchivuya nesimba.
Mazuva matanhatu akati apfuvura, Jesu akatora Petro, naJokobo, naJohane, akaenda navo kurutivi mugomo refu, vari voga; akashanduka pamberi pavo.
Nguvo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakunomusuki pano panyika, ungagona kudzichenesa dzikadaro.
Ipapo Eria naMosesi vakavonekwa navo, vachitaurirana naJesu.
Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.
Nokuti wakanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru.
Zvino gore rikavuya rikavafukidza, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, mumunzwei!
Kamwe, vakati vachiringaringa, havanakuzovona munhu, asi Jesu bedzi anavo.
Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuvudza munhu zvavakanga vavona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti kumuka kwavakafa chinyiko?
Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanotaurireiko vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
Akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti uchatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?
Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha (Mat. 17. 14-21; Ruka 9. 37-43.)
Vakati vasvika kuvadzidzi, vakavona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.
Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuvona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.
Akavabvunza, akati: Munoita nyaya neiko navo?
Mumwe wavazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndavuya kwamuri nomwanakomana wangu, unomweya wembeveve.
Kwose kwaanomubata, unomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, vuye unowonda kwazvo; ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
Akavapindura, akati: Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko Vuyai naye kwandiri.
Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.
Zvino akabvunza baba vake, akati: Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira? Akati: Kubva pavuduku bwake.
Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
Jesu akati kwaari: Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kunounotenda.
Pakarepo baba vomwana vakadanidzira, vachiti: Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.
Zvino Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwe chete, akaraira mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!
Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akafanana nomunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.
Asi Jesu wakabata ruvoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.
Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
Akati kwavari: Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 17. 22-23; Ruka 9. 43-45.)
Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akaramba kuti zvizikamwe nomunhu.
Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka zvemazuva matatu apfuvura.
Asi havanakunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza. Mukuru pavushe bwokudenga, nezvigumbuso. (Mat. 18. 1-11; Ruka 9. 46-50.)
Vakasvika Kapernaume; zvino wakati ava mumba, akavabvunza, achiti: Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?
Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.
Ipapo akagara pasi, akadana vanegumi navaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kunavose nomuranda wavose.
Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamufungatira mumavoko, akati kwavari:
Aninani unogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, unondigamuchireni; aninani unondigamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
Johane akati kwaari: Mudzidzisi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.
Jesu akati: Musamudzivisa, nokuti hakunomunhu ungaita basa re simba nezita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
Nokuti usingapesani nesu, unesu.
Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomubairo wake.
Aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
Kana ruvoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, unamavoko maviri.
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri.
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
Kana ziso rako richikugumbusa, urirashe; zvirinani kwauri kuti upinde muvushe; hwokudenga uneziso rimwe, pakukandirwa muGehena, unameso maviri.
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
Nokuti mumwe nomumwe ucharungwa nomoto.
Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu mugare norugare pakati penyu.
10
Zvino wakasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJoridhani, vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira zve kwaari; akavadzidzisa zve sezvaakanga achisiita,
VaFarise vakavuya kwaari, vakamubvunza, vachiti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here?
Akapindura, akati kwavari: Mosesi wakakuraireiko?
Vakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha.
Jesu akati kwavari; Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu.
Asi kubva pakutanga kwokusikwa wakavaita murume nomukadzi.
Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake;
ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe.
Zvino izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.
Zvino mumba vadzidzi vakamubvunza zve pamusoro paizvozvo.
Akati kwavari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.
Vuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva. Jesu unoropafadza vanana. (Mat. 19. 13-15; Ruka 18. 15-17.)
Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira.
Zvino Jesu wakati azvivona, akatsamwa, akati kwavari; Regai vana vaduku vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, hangatongopindi mabwuri
Ipapo akavafungatira mumavoko, akavaropafadza, ndokuisa mavoko pamusoro pavo. Jaya mufumi.. (Mat. 19. 16-30; Ruka 18. 18-30.)
Zvino wakati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka yovupenyu husingaperi?
Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
Mirairo unoiziva, inoti, usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.
Akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, uve nefuma kudenga; ugovuya, unditevere.
Asi wakasviba moyo neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.
Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda pavushe hwaMwari!
Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura zve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavano vimba nefuma kupinda pavushe bwaMwari!
Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe hwaMwari.
Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari: Ndianiko ungagoponeswa?
Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
Petro akatanga kutaura kwaari, achiti: Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai,
Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanununa, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri,
usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanunununa, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokutambudzwa, novupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vachava vokutanga. Jesu unovavudza zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 20. 17-19; Ruka 19. 31-33.)
Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu wakanga acivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatora zve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti:
Tarirai tinokwira Jerusarema Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni.
Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuvuraya; kana mazuva matatu apfuvura, uchamuka zve. Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru. (Mat. 20. 20-28.)
Zvino Jakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.
Akati kwavari: Munoda kuti ndikukitireiko?
Vakati kwaari: Tigarisei pakubwinya kwenyu, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe,
Asi Jesu wakati kwavari:Hamuzivi zvamunokumbira.Mungagona kumwira pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhaptidzwa narwo here?
Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwira henyu pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa nokurubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.
Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohane.
Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo.
Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu;
aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.
Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu bwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. Jesu unosvinudza Bartimeo paJeriko. (Mat. 20. 2934; Ruka 18. 3543.)
Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bartimeo, mwanakomana waTemeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.
Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti; Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
Ipapo Jesu akamira, akati: Mudanei. Vakadana bofu vachiti kwariri tsunga moyo simuka unokudana.
Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.
Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndivone.
Jesu akati kwaari; Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavona, akatevera Jesu munzira.
11
Vakati vachiswedera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo.
Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kudaro? Muti: Ishe unoida. Pakarepo uchaitumira zve pano.
Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamukova, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura.
Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari: Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?
Vakavavudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega.
Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo.
Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo.
Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana, ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe.
Ngabwukudzwe vushe bwaBaba vedu Dhavhidhi bwunovuya! Hosana kumusoro-soro!
Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri. Jesu unotuka muvonde wakanga usingabereki. (Mat. 21. 18-22.)
Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya;
Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.
Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa. Jesu unonatsa tembere. (Mat. 21. 12-17; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)
Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.
Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.
Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.
VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta,
Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.
Petro akarangarira, akati kwaari: Rabhi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.
Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaitika, uchava nazvo.
Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.
Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukamganwirei kudarika kwenyu;
asi kana musingakangamwiri imi naBaba venyu vari kudenga havangakukangamwiriyi imi kudarika kwenyu. Simba raJesu rinobvepi. (Mat. 21. 23-27; Ruka 20. 1-8.)
Vakasvika zve Jerusarema. Zvino wakati achifamba mutembere, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari;
vakati kwaari; Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite izvi?
Jesu akati kwavari: neni ndichakubvunzai vo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.
Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei,
Vakataurirana, vachiti: Kana tikati, kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?
Asi tingati, kuvanhu, here? Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo.
Vakapindura vachiti kuna Jesu; Hatizivi. Jesu akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
12
Zvino wakatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi zvibereko zvomunda wemizambiringa.
Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina,
Akatuma zve mumwe muranda kwavari; vakamutaka nambwe, vakamutema musoro, vakamunyadza.
Akatuma zve mumwe, vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuvuraya vamwe.
Zvino wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikanwa; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu,
Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, nhaka igova yedu.
Vakamubata, vakamuvuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa.
Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya, akaparadza varimi ivavo, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa.
Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona;
Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo. Kuripira Kesari mutero. (Mat. 22. 15-23; Ruka 20. 20-26.)
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarise navaHerodhe, kuti vamubate pakutaura kwake.
Vakavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi: Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
Ticharipa here, kana tirege kuripa Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Vuya nedhenari* kwandiri, ndirivone,
Vakavuya naro. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari,
Jesu akati kwavari: Ipai Kesarai zvaKesari, naMwari zvaMwari. Vakashamiswa zvikuru naye. Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa. (Mat. 22. 23-33; Ruka 20. 27-40.
Zvino vaSadhuse vakavuya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:
Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomwana munununa wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana.
Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu; akadaro vo.
Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafa vo.
Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.
Jesu akati kwavari: Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?
Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga.
Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamunakurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari wakataura naye, akati: Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu marashika kwazvo. Murairo mukuru. (Mat. 22. 34-40; Ruka 10. 25-27.)
Zvino mumwe wavanyori wakanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, wakavuya, kumubvunza achiti: Murairo wokutanga payose ndoupiko?
Jesu akapindura, akati; Wokutanga ndiwoyu: Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete!
Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.
Wechipiri ndiwoyu; Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo,
Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwe chete, hakuno mumwe kunze kwake;
nokumuda iye nomoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nomoyo wako wose, nokuda wokwako sezvaanozvida iye, zvinopfuvura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose nezvibayiro.
Zvino, Jesu wakati achivona kuti wapindura nokufunga,akatikwaari: Hausi kure novushe bwaMwari. Kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu. Kristu Mwanakomana waDhavidhi. (Mat. 22. 41-46; Ruka 20. 41-44.)
Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
Dhavidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako Pasi petsoka dzako.
Dhavidhi amene unomuidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa. Jesu unonyevera vadzidzi vake. (Mat. 23. 1-12; Ruka 20. 45-47.)
Zvino pakudzidzisa kwake wakati: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa padare
nezvigaro zvapamberi mumasingagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo;
vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa. Jesu unorumbidza chipo chechirikadzi. (Ruka 21. 1-4.)
Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro; vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.
Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini.
Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo yakaisa zvizhinji kunavo vose vakaisa muchivigiro;
nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.
13
Wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!
Jesu akati kwaari: Unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohane, naAndrea vakamubvunza vari voga, vachiti:
Tivudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?
Zvino Jesu akatanga kuvavudza, akati: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
Vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.
Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, vushe hwuchamukira vushe; kudengenyika kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo, ndiko kutanga kwenhamo
Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, vuye mucharobwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chichave chapupu kwavari.
NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.
Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.
Mukoma uchaisa munununa kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.
Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza imire pasina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo;
uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make.
Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando.
Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusatikwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, vuye hakuchazovipo.
Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura wakatapudza mazuva iwayo.
Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda.
Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.
Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvose!
Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi,
nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.
Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya.
Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga.
Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo.
Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika.
Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana asi Baba.
Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.
Zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akaraira murindi womukova kuti arindire.
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;
kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.
Zvandinokuvudzai imi, ndinovudza vose, ndichiti: Rindai!
14
Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso. VaPirisita vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo namano, kuti vamuvuraye.
Nokuti vakati: Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. Jesu unozodzwa nomukadzi paBetania. (Mat. 26. 6-13; Joh. 12. 1-8.)
Zvino wakati paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, avapakudya, mumwe mukadzi akavuya anechinu chearbastera chaive nechi zoro cenardo chakanakisa chine mutengo mukuru; akaputsa chinu cearbstera, akachidurura pamusoro wake.
Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamoyo yavo, vakati: Kuparadza ikoko kwechizoro kwakaitirweiko?
Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa namadhenari anopfuvura mazana matatu,* akapiwa varombo Vakatsamwira mukadzi.
Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka.
Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva. Dzose.
Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharebwa vo, vamurangarire nazvo. Judhasi Iskarioti unotsvaka kutengesa Jesu. (Mat. 26. 14-16; Ruka 22. 3-6.)
Judhasi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaPirisita vakuru, kuti amuise kwavari.
Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamuisa kwavari nawo panguva yakafanira. Paseka Nechirairo. (Mat. 26. 17-30; Ruka 22. 7-23.)
Nezuva rokutanga rezvingwa zvisinembiriso, musi wavaibayira paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya paseka?
Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.
Paanenge achipinda, muti kumwene weimba: Zvanzi nomudzidzisi: Imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
ipapo iye amene uchakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.
Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vavudzwa naye; vakagadzira paseka.
Ava madekwana, akavuya navanegumi navaviri.
Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchandipandukira, iye unodya neni.
Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here?
Akati kwavari: Ndomumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.
Nokuti Mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye, kwaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu.
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.
Akati kwavari: Ichi iropa rangu nesungano itsva, rinodururirwa vazhinji.
Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handichazonwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muvushe bwaMwari.
Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mat. 26. 31-35; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)
Zvino Jesu wakati kwavari: Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.
Asi kana ndamutswa,ndichakutunga mirirai Garirea.
Zvino Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.
Jesu akatikwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, vusiku bwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
Asi iye wakareva nokusimbisa, achiti: Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Navose vakadaro vo Jesu muGetsemani (Mat. 26. 36-46; Ruka 22. 39-46.)
Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichindonyengetera.
Akatora Petro naJakobho naJohane, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa.
Akati kwavari: Mweya wangu uneshungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.
Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.
Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu..
Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwe chete here?
Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.
Akaenda zve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.
Akaenda zve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
Akaenda zve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu, muzorore; Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari vava pedo. Kusungwa kwaJesu. (Mat. 26. 47-56; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)
Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akasvika, anavanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvaPirisita vakuru navanyori navakuru.
Zvino iye, wakamupandukira, wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinosveta ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakabata.
Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati: Rabhi! Akamusveta zvikuru.
Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.
Zvino mumwe wavakanga vamirepo, wakavhomora munondo wake, akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.
Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari: Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here?
Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutembere, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.
Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.
Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata;
asi rakasiya mucheka, rikatiza risinenguvo, Jesu pamberi pomuPirisita mukuru navakuru. (Mat. 26. 57-68; Ruka 22. 63-71; Joh. 18.12-24.)
Zvino vakaisa Jesu kumuPirisita mukuru; vaPirisita vakuru vose navakuru navanyori vakavunganira kwaari.
Petro wakanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.
Zvino vaPirisita vakuru namakurukota ose vakatsvaka chapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye, asi vakashaiwa
Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.
Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti:
Takamunzwa isu achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakavakwa namavoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namavoko.
Asi kupupura kwavo kwakapesana.
Zvino muPirisita mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?
Asi iye wakaramba anyerere, asingapinduri chinhu. MuPirisita mukuru akamubvunza zve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wounokudzwa here?
Jesu akati: Ndini. Nemi muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Tichatsvakireiko zvapupu?
Manzwa kumhura kwake Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamutongera kuti unofanira kufa.
Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Profita; navatariri vakamurova namavoko. Kuramba kwaPetro. (Mat. 26. 69-75; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18, 25-27.)
Zvino Petro achiri panze paruvazhe, mumwe wavashandiri vomuPirisita mukuru akasvika,
akavona Petro achidziya moto, akamutarira, akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta!
Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.
Zvino mushandiri akamuvona, akatanga zve kureva kunavakanga varipo, achiti: Uyu ndomumwe wavo!
Asi iye wakaramba zve. Nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakati zve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newe vo uri muGarirea nokuti rurimi rwako runotenderana nazvo.
Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa kwaari naJesu rokuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.
15
Pakarepo mangwanani vaPirisita vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kunaPirato.
Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Ndizvo zvamataura.
VaPirisita vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji asi haana kuvapindura chinhu.
Pirato akamubvunza zve akati: Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera, zvizhinji seiko!
Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.
Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira.
Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabhasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero.
Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kunaPirato kuti avaitire saizvozvo.
Pirato akavapindura, akati: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?
Nokuti wakanga achiziva kuti vaPirisita vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.
Zvino vaPirisita vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vakumbire kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.
Pirato akapindura zve, akati kwavari: Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wa vaJudha?
Vakadanidzira zve, vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
Pirato akati kwavari: Wakagotadzeiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
Zvino Pirato, nokuti wakanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu wakamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Jesu unodadirwa navarwi. (Mat. 27. 27-31; Joh. 19. 2, 3.)
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;
vakamupfekedza nguvo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.
Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakafugama namabvi, vakamunamata.
Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mat. 27. 32-56; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)
Zvino vakamanikidza mumwe, wakanga achipfuvura achibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, baba vaArekesndro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.
Vakamuisa kunzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti nzvimbo yedehenya, kana zvichishandurwa.
Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye wakazviramba.
Vakati vamurovera pamuchinjikwa,, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake.
Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.
Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamsoro pake, ruchiti: MAMBO WAVAJUDHA.
Vakarovera pamuchinjikwa pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [
Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabwa pamwe chete navadariki vomurairo.]
Navaipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuivaka zve namazuva matatu,
chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!
Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo,vachiti: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.
Kristu, Mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.
Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?
Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Chinzwai, unodana Eria.
Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhinega, akachiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.
Ipapo Jesu akadana nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumsoro kusvikira pasi.
Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona mutovo wokufa kwake, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome;
ndivo vaimutevera achi muGarirea vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye. Kuvigwa kwaJesu. (Mat. 27-57-66; Ruka 23. 50-56; Joh. 19. 38-42.)
Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira sabata,
Josefa weArimatea, mumwe wamakurukota, munhu wakakudzwa iye amene wakanga achigarira vo vushe bwaMwari wakavuya akapinda nokutsunga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu.
Pirato akashamiswa achinzwa kuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.
Zvino wakati azvinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu.
Iye wakatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro.
Maria Magdarene, naMaria mai vaJose, vakavona paakavigwa.
16
Sabata yakati yapfuvura, Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza.
Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kubwiro, zuva robuda.
Vakataurirana, vachiti: Ndianiko uchatikungurusira ibwe pamukova wobwiro?
Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
Vakapinda mubwiro, vakavona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka.
Rikati kwavari: Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, wakanga aroverwa pamuchinjikwa; wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.
Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvonako, sezvaakakuvudzai.
Vakabuda, nokukurumidza vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasavudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya.
Zvino wakati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kunaMaria Magdarene, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
Iye akaenda kundovudza avo vaiva naye,vakanga vachichema nokurira.
Ivo vakati vachinzwa kuti uri mupenyu, vuye kuti wakavonekwa naye, vakasatenda.
Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomuwe mutovo kunavaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa.
Naivo vo vakaenda, vakandovudza vamwe; naivo vakasavatenda vo.
Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.
Akati kwavari: Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri.
Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa.
Zviratidzo izvi zvichava navanotenda: Vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva;
vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoro pavarwere, vakapora. Kukwira kwaJesu. (Ruka 24. 50-53; Mab. 1. 9-11.)
Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.
Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezvitidzo zvaiva navo. Amen.
- Rechtsinhaber*in
- Multilingual Bible Corpus
- Zitationsvorschlag für dieses Objekt
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Mark (Shona). Mark (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5CF-1