1

Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu;
Abhurahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka Judha navanununa vake,
Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari, Faresi akabereka Esiromi, Esromi akabereka Arami,
Arami akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi, Akabereka Nasoni,Nasoni akabereka Sarimoni,
Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute, Obedi akabereka Jese,
Jese akabereka mambo Dhavhidhi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria,
Soromoni akabereka Robhoami, Robhoami akabereka Abhiya, Abhiya akabereka Asafa,
Asafa akabereka Josafati, Josafati akabereka Joramu, Joramu akabereka Ozia,
Ozia akabereka Jotamu, Jotamu akabereka Ahazi,Ahazi akabereka Ezekia,
Ezekia akabereka Manase, Manase akabereka Amoni, Amoni akabereka Josia,
Josia akabereka Jekonia navanununa vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.
Shure kokutapwa kwavo Bhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri, Saratieri akabereka Zorobhabheri,
Zorobhabheri akabereka Abiudhi; Abiudhi akabereka Eriakimi,Eriakimi akabereka Azori;
Azori akabereka Sadhoki, Sadhoki akabereka Akimi, Akimi akabereka Eriudhi,
Eriudhi akabereka Ereazari Ereazari akabereka Matani,Matani akabereka Jakobho,
Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.
Naizvozvo marudzi ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi aiva marudzi anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa kweBhabhironi, marudzi anegumi namana kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, marudzi anegumi namana. Kuberekwa kwaJesu Kristu
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari munhu wakarurama, asingadi kumunyadzisa, wakafunga kumurega chinyararire.
Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
Iye uchazvara Mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu, nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarebwa naShe, nomuromo womuporofita achiti,
Tarira mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
Zvino Josefa akamuka pahope dzake, akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akatora mukadzi wake.
Akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

2

Jesu wakati aberekwa paBhetirehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhe, tarira vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva,
vakati, Uripiko Mambo wavaJudha wakazvarwa? Nokuti takavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.
Mambo Herodhe achizvinzwa wakamanikidzwa neJerusarema rose naye.
Akakokera vaPirisita vakuru vose navanyori vavanhu, akabvunza kuti Kristu uchaberekwepi.
Vakati kwaari, PaBhetirehemu reJudhea, nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,
Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJudha, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.
Zvino Herodhe wakadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakavonekwa nyeredzi nayo,
akavatuma Bhetirehemu, akati Endai munatso-bvunzisisa zvomwana, kana mamuwana mundivudze, kuti nenivo ndivuye kuzomunamata.
Vakati vanzwa mambo, vakaenda, zvino tarira nyeredzi yavakanga vavona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana.
Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru-kuru.
Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.
Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kunaHerode, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. Kutizira Egipta nokuvurawa kwavana.
Vakati vaenda, tarira mutumwa waShe wakavonekwa naJosefa pakurota achiti, Simuka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti ugareko kusvikira ndichikuvudza, nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuvuraye.
Akasimuka, akatora mwananamai vake vusiku akaenda Ijipiti.
Akagarako kusvikira Herodhe afa, kuti zviitike zvakarebwa naShe nomuromo womuporofita achiti, Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
Zvino Herodhe wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo, akatuma vanhu kundovuraya vana vavakomana vose vaiva muBhetirehemu napanyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
Zvikaitika zvakarebwa nomuporofita Jeremia achiti.
Inzwi rakanzwika muRama, rokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asingadi kunyaradzwa nokuti havachipo. Kudzoka paIjipiti
Herodhe wakati afa, tarira mutumwa waShe akavonekwa naJosefa pakurota paIjipiti,
akati simuka utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri nokuti vaitsvaka kuvuraya mwana vafa.
Akasimuka ndokutora mwana namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.
Asi wakati achinzwa kuti Arkerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhe akatya kuendako, akanyeverwa pakurota, akaenda kumativi enyika yeGarirea.
Akandogarako muguta rinonzi Nazareta kuti zvakarebwa navaporofita zviitike, kuti uchanzi muNazareta.

3

Namazuva iwayo Johane Mubhabhatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudhea,
achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo.
Nokuti uyu ndiwakarebwa nomuporofita Isaya achiti, Inzwi rounodana murenje, gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
Iye Johane waiva nenguvo yamakushe ekamera nebhanhire reganda pachivuno chake zvokudya zvake zvaiva mhashu novuchi bwebundo.
Zvino veJerusarema neJudhea rose vakabudira kwaari nenyika yose yakapoteredza Jorodhani.
Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobhabhatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka.
Musafunga kutaura mumoyo menyu muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, saka muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto.
Ini ndinokubhabhatidzai nemvura mutendevuke, asi unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Rusero rwake ruri muruvoko rwake, uchanatsa buriro rake kwazvo. Uchavunganidzira zviyo mudura. Asi hundi uchaipisa mumoto usingadzimwi. Kubhabhatidzwa kwaJesu (Mar. 1. 9-11; Ruka 3. 21-22; Joh. 1. 31-34.)
Zvino Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye.
Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati, ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko movuya kwandiri sei?
Asi Jesu wakapindura akati kwaari, chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
Jesu wakati abhabhatidzwa, Pakarepo akabuda mumvura. Zvino tarira denga rakamuzarurirwa akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva. Akavuya pamusoro pake.
Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira!

4

Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kuzoidzwa naDhiabhorosi.
Wakati azvinyima zvokudya mazuva anamakumi mana novusiku bwunamakumi mana, akabva oziya.
Zvino muidzi akavuya kwaari, akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari raira kuti mabwe awa zvive zvingwa.
Asi wakapindura akati, kwakanyorwa kuchinzi, munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari.
Zvino Dhiabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere.
Akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari uzviwisire pasi nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako. Pamavoko avo vacha kusimudza. Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
Jesu akati kwaari, kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.
Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo.
Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata.
Ipapo Jesu akati kwaari, ibva Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi, namata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.
Zvino Dhiabhorosi akamurega. Vatumwa vakavuya vakamushumira. Jesu paGarirea. Vadzidzi vokutanga. (Mar. 1. 14; Ruka 4.14; 5. 1-11.)
Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea.
Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.
Kuti zviitike zvakarebwa nomuporofita Isaya achiti,
Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa mhiri kwaJoridhani. Garirea ravahedheni.
Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru. Navakanga vagere panyika nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.
Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza achiti, tendevukai nokuti vushe bwokudenga bwaswedera pedo.
Jesu wakati achifamba pagungwa reGarirea akavona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni unonzi Petro naAndrea munununa wake vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.
Akati kwavari nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.
Pakarepo vakasiya vutava bwavo vakamutevera.
Zvino wakati apfuvura mberi akavona vamwe varume vaviri mugwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun una wake vana Zebedi baba vavo, vachigadzira vutava bwavo, akavadana.
Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Jesu akapota neGarirea rose akadzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza Evhangeri yovushe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.
Mukurumbira wake ukanzwikwa kunyika yose yeSiria. Vakavuya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navanezvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa.
Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Garirea neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera.

5

Wakati achivona vanhu vazhinji, akakwira mugomo, akagara pasi. Vadzidzi vake vakaswedera kwaari.
Akashamisa muromo wake akavadzidzisa achiti,
Vakaropafadzwa varombo pamweya nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama nokuti vachagutiswa kwazvo.
Vakaropafadzwa vanengoni nokuti vachaitirwa ngoni.
Vakaropafadzwa vakachena pamoyo nokuti vachavona Mwari.
Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
Makaropafadzwa imi kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.
Farai mufarisise kwazvo nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga. Nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai. Munyu nechiedza chenyika.
Imi muri munyu wenyika, asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze utsikwe navanhu.
Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.
Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko uvhenekere vose vari mumba.
Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kukdenga. Jesu Kristu wakavuya kuzadzisa murairo.
Musafunga kuti ndakavuya kuparadza murairo kana vaporofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri, zvisati zvaitika zvose.
Naizvozvo aninani unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muvushe hwokudenga. Asi unoirita, akaidzidzisa uchanzi mukuru muvushe hwokudenga.
Nokuti ndinoti kwamuri, kana kururama kwenyu kusingapfuvuri kururama kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
Makanzwa kuti zvakanzi kunavekare, usavuraya. Aninani unovuraya uchapara mhosva ingatongwa.
Asi ini ndinoti kwamuri, unotsamwira hama yake pasinemhaka, uchapara mhosva ingatongwa. Unoti kuhama yake Raka, uchapara mhosva pamakurukota. Unoti benzi uchapara mhosva kuti atongerwe Gehena romoto.
Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako inemhosva newe.
Usiye chipo chako ipapo pamberi paaritari, uende umbondoyanana nehama yako, ugozovuya woisa chipo chako.
Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukasungwa mutorongo.
Zvirokwazvo ndinoti kwauri haungatongobudimo usati waripa kamari kokupedzisira.
Makanzwa kuti zvakanzi nevakare, usaita vupombwe,
Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita vupombwe naye mumoyo make.
Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise urirashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
Kana ruvoko rwako rorudyi ruchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
Zvakanzivo aninani unorasha mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rokumuramba.
Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, asi nemhosva yovupombwe, unomuitisa vupombwe. Aninani unowana wakarashwa unoita vupombwe.
Makanzwavo kuti zvakanzi kuna vekare, usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
Asi ini ndinoti kwamuri, musatongopika kana nokudenga nokuti ndicho chigaro chovushe chaMwari.
Kana nenyika nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake, kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
Usapika kana nomusoro wako nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.
Asi shoko renyu ngarive, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvo zvinobva kuno wakaipa,
Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsibwa neziso, zino nezino.
Asi ndinoti kwamuri musadzivisa wakaipa. Asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.
Kana munhu achida kukukwirira kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzevo.
Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoda kukwereta kwauri.
Makanzwa kuti zvakanzi, ude wokwako uvenge muvengi wako.
Asi ini ndinoti kwamuri, idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa vachikutambudzai.
Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.
Nokuti kana muchida vanokudai munomubairo weiko?
Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?
Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.

6

Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako.
Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose. Kunyengetera.
Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose.
Pakunyengetera kwenyu musapamhidza zvisina maturo savahedheni nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.
Naizvozvo musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari.
Zvino imi nyengeterai kudai, Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene.
Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
Mutikanganwire mhosva dzedu sezvatinokanganwiravo vane mhosva nesu.
Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire panezvakaipa. Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinya nokusingaperi. Ameni.
Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraivo.
Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwirii vo kudarika kwenyu. Kuzvinyima zvokudya.
Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira savanyengeri nokuti vanoipisa zviso zvavo, vavonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
Asi iwe kana uchizvinyima zvokudya zodza musoro wako, ushambe chiso chako,
kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako vari pakavanda zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo panovonekwa navose. Fuma yenyika neyokudenga.
Regai kuzvivunganidzira fuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza napane mbavha dzinopaza dzichiba.
Asi muzvivunganidzire fuma kudenga pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
Nokuti panefuma yako, nomoyo wako uchavapovo.
Mwenje womuviri iziso. Zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
Asi kana ziso rako rose rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe. Kana uchanamatira mumwe akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nefuma.
Saka ndinoti kwamuri, regai kufunganya pamusoro povupenyu bwenyu muchiti ndichadyei kana ndichamwei? Kana pamusoro pomuviri wenyu muchiti ndichafukeiko? Vupenyu habwupfuvuri zvokudya here? Kana muviri haupfuvuri zvokufuka here?
Tarirai shiri dzokudenga hadzidzvari, hadzicheki, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuvuri zvikuru here?
Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu hwake nokufunganya?
Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo, haabati, haaruki.
Asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo.
Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwebundo hwuripo nhasi, hwuchakandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
Naizvozvo musafunga muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko?
Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose.
Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.

7

Musatonga kuti murege kutongwa.
Nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho.
Unotaririreiko rubanzu ruri muziso rehama yako asi hauvoni danda riri muziso rako?
Kana ungataura seiko kuhama yako uchiti, rega ndibvise rubanzu muziso rako izvo danda riri muziso rako?
Iwe munyengeri tanga kubvisa danda muziso rako ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.
Musapa imbwa zvinhu zvitsvene vuye musakanda maparera enyu pamberi penguruve kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai. Kutsunga pakunyengetera.
Kumbirai muchapiwa. Tsvakai muchawana. Gogodzai muchazarurirwa.
Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unopiwa, unotsvaka unowana, unogogodza unozarurirwa.
Munhu ndoupiko kwamuri? Kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe?
Kana akakumbira hove ungamupa nyoka?
Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemivo saizvozvo nokuti ndiwo murairo navaporofita. Nzira mbiri. (Ruka 13. 24-30.)
Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji.
Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma. Vadzidzisi venhema.
Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza.
Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato?
Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka.
Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto.
Saka muchavaziva nezvibereko zvavo. Kunzwa nokuita.
Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?
Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.
Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita ungafananidzwa nomurume wakachenjera. Wakavaka imba yake paruware.
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ika vhuvhuta, ikarova imba iyo ikasawa nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi wakavaka imba yake pajecha.
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa. Kuwa kwayo kukava kukuru.
Jesu wakati apedza mashoko iwayo vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.
Nokuti wakavadzidzisa sounesimba asingaiti savaSadhuse.

8

Wakati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
Tarira munhu unamaperembudzi akavuya kwaari, akamunamata akati, Ishe kana muchida munogona kundinatsa.
Jesu wakatambanudza ruvoko rwake, akamubata akati, ndinoda chinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
Jesu akati kwaari, tarira usavudza munhu asi enda uzviratidze kumuPirisita, ubayire chipo chakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari. Jesu unoporesa muranda womukuru wezana. (Ruka 7. 1-10.)
Jesu wakati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari,
achiti Ishe muranda wangu avete kumba, akafa mitezo asi unotambudzika kwazvo.
Jesu akati kwaari, ndichavuya kuzomuporesa.
Mukuru wezana akapindura akati Ishe, handina kufanira kuti mupinde mumba mangu asi taurai henyu shoko rimwe chete muranda wangu uchapora.
Nokuti nenivo ndiri munhu unorairwa, ndina varwi pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, enda, unoenda. Kunomumwe vuya, unovuya. Nokumuranda wangu ita chichi unoita.
Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handina kumbovona kutenda kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
Ndinoti kwamuri vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho muvushe hwokudenga.
Asi vanakomana vovushe vachabudiswa kurima rokunze, apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora nenguva iyo. Jesu anoporesa mai vomukadzi waPetro. (Mar. 1. 29-34; Ruka 4. 38-41.)
Jesu, wakati achipinda mumba maPetro, akavona mai vomukadzi wake vavete vachinzwa fivhiri.
Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari. Vakasimuka vakavashandira.
Ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa. Akabudisa mweya neshoko. Akaporesa vose vairwara.
Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, iye wakatora vutera hwedu, akatakura marwere edu. Kutevera Jesu (Ruka 9.57-62.)
Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
Zvino mumwe munyori akavuya kwaari akati, Mudzidzisi ndichakuteverai kwose kwamunoenda.
Jesu akati kwaari, mhungubwe dzine mwena neshiri dzokudenga dzina matendere asi Mwawnakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro wake.
Mumwe wavadzidzi akati kwaari, Ishe nditenderei henyu ndimbonoviga baba vangu.
Asi Jesu wakati kwaari, nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo. Jesu unonyaradza dutu remhepo (Mar 4. 35-41, Ruka 8. 22-25)
Wakati apinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera.
Ipapo dutu guru remhepo rikamuka mugungwa nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vakati, Ishe tiponesei tofa!
Akati kwavari, Munotyireiko imi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa. Kudzikama kukuru kukavapo.
Vanhu vakashamiswa vakati, uyu munhu kunyi zvaanoteererwa nemitutu negungwa? Jesu unobudisa mweya yakaipa panyika yavaGadara. (Mar 5. 1-20, Ruka 8. 26-39)
Wakati asvika mhiri kunyika yavaGadara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasongana naye, vachibva kumarinda. Vakanga vane hasha kwazvo-kwazvo. Naizvozvo kwakanga kusina munhu waigona kupfuvura nenzira iyo.
Zvino vakadanidzira vachiti, tine mhaka yeiko nemi Jesu Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?
Kwakanga kuneboka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende muboka renguruve.
Akati kwairi, endai. Ikabuda, ikapinda munguruve. Boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
Ipapo vaidzifudza vakatiza. Vakaenda kuguta. Vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
Zvino guta rose rikabuda kundosongana naJesu. Vakati vachimuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.

9

Wakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake.
Zvino vakavuya kwaari nomunhu wakanga akafa mitezo, avete panhovo. Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akafa mitezo, mwana tsunga moyo wakanganwirwa zvivi zvako.
Zvino vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo, munhu uyu unomhura Mwari.
Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati, munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?
Nokuti chinyiko chakareruka kuti, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka ufambe?
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi. Akati kumunhu wakanga akafa mitezo, simuka, tora nhovo dzako uende kumba kwako!
Akasimuka akaenda kumba kwake.
Vanhu vazhinji vakati vachizvivona vakashamiswa vakarumbidza Mwari wakapa vanhu simba rakadai. Kudanwa kwaMateo. (Mar 2. 14-17, Ruka 5.27-32)
Jesu wakati achibvapo, akavona munhu wainzi Mateo agere panotereswa. Akati kwaari, nditevere! Ipapo akasimuka akamutevera.
Zvino wakati agere pakudya mumba, tarira vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
Zvino vaFarise vachizvivona vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?
Jesu achizvinzwa akati, vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.
Asi endai mudzidze kuti, zvinorevei kuti ndinoda ngoni handidi chibayiro, nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mar 2. 18-22, Ruka 5. 33-38)
Zvino vadzidzi vaJohane vakavuya kwaari vakati, isu navaFarise tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika achabviswa chikomba kwavari nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
Hakuno munhu unoisa chigamba chitsva panguvo yakasakara nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo vuri rikanyanya.
Havadirivo waini itsva muhombodo tsaru nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikatevuka nehombodo dzikafavo. Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zviviri zvose zvichengeteke. Jesu unoporesa mukadzi waibuda ropa uye unomutsa mukunda womubati (Mar 5. 22-43, Ruka 8. 41-56)
Wakati achivavudza izvozvo, mumwe mubati akasvikapo, akamunamata. Akati, mukunda wangu wafa ikozvino asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake ararame.
Ipapo Jesu akasimuka akamutevera navadzidzi vake.
Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake. Akabata mupendero wenguvo yake.
Nokuti wakati mumoyo make, kana ndikangobata nguvo yake bedzi ndichaponeswa.
Asi Jesu wakatendevuka akamuvona akati, mukunda tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi wakaponeswa kubva panguva iyo.
Zvino Jesu wakasvika mumba momubati wakavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere.
Akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.
Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruvoko rwake, musikana ndokumuka.
Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose. Jesu unoporesa mapofu maviri nembeveve
Zvino Jesu wakati achibvapo, mapofu maviri akamutevera. Akadanidzira achiti Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
Akati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari. Jesu akati kwaari munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here? Akati kwaari, hongu Ishe!
Zvino wakabata meso avo akati, muitirwe pamakatenda napo.
Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru akati, chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.
Asi vakabuda, vakataura pamusoro pake munyika iyo yose.
Vakati vachibuda, tarira vakavuya kwaari nomunhu wakanga ari mbeveve waiva nomweya wakaipa.
Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura. Vanhu va zhinji vakashamiswa vakati, Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.
Asi vaFarise vakati, unobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.
Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri yovushe, nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose kuvanhu.
Asi wakati achivona vanhu vazhinji akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vaneta, vakapararira samakwai asina Mufudzi.
Zvino akati kuvadzidzi vake, zvirokwazvo kucheka kukuru asi vabati vashoma.
Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti atumire vabati pakucheka kwake.

10

Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake, vanegumi navaviri. Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose.
Mazita avaapostora vanegumi navaviri ndiwawa, wokutanga Simoni wainzi Petro naAndrea munununa wake, Jakobho mwanakomana waZebedi naJohane munununa wake,
Firipo naBatoromeo, Tomasi naMateo muteresi, Jakobho mwanakomana waArafeo naTadeo.
Simoni muKanani naJudhasi Iskarioti uya wakamupandukira.
Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria.
Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri.
Mufambe muparidze muchiti, Vushe bwokudenga bwaswedera.
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperambudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu chingopai henyu.
Musatora ndarama kana sirivheri kana ndarira muzvikwama zvenyu,
kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.
Muguta kana mumusha pose pamunopinda bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira mugarepo kusvikira muchibva.
Kana muchipinda mumba muikwazise.
kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruvuye pamusoro payo asi kana isina kufanira rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
Aninani usingakugamuchiriyi kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura guta iro.
Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere. Saka chenjerai senyoka mururame senjiva.
Asi chenjerai vanhu nokuti vachakuisai kuvungano dzamakurukota nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo.
Muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.
Asi kana vachikukwirirai, musafunganya muchiti muchataura sei kana inyiko nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu.
Mukoma uchaisa munununa parufu nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo nokuvavuraya.
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.
Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hamungapedzi maguta avaIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.
Mudzidzi haangakundi mudzidzisi wake kana muranda Ishe wake.
Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza mwene weimba Beerzeburi vachadaro zvikuru sei veimba yake!
Naizvozvo musavatya, nokuti hakunechinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi.
Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzirai pamusoro pedzimba.
Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena.
Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu.
Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.
Naizvozvo musatya nokuti munopfuvura shiri duku zhinji.
Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu neni ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.
Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo.
Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake,
navavengi vomunhu vachava veimba yake.
Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni.
Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni.
Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
Unokugamuchirai imi, unondigamuchira nounogamuchira ini unogamuchira wakandituma.
Unogamuchira muporofita, muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita. Nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubairo wowakarurama.
Aninani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhorera anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubairo wake.

11

Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri akapfuvura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Johane Mubhabhatidzi unotuma vadzidzi kubvunza Jesu. (Ruka 7. 18-35.)
Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, vaviri.
Achiti kwaari, Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here kana tichakatarira mumwe?
Jesu akapindura akati kwavari, endai mundovudza Johane zvamunonzwa nezvamunovona,
Zvokuti mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
Wakaropafadzwa iye usingagumbuswi neni.
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, makanga mabuda kunovoneiko kurenje? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
Ko makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguvo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.
Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muporofita here? Hongu ndinoti kwamuri, unopfuvura kwazvo muporofita.
Nokuti ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhabhatidzi, asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.
Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino vushe hwokudenga hwunopambwa nevapambi vanobwutora nesimba.
Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.
Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria wakanga achinzi unovuya.
Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare vanodanidzira kushamwari dzavo vachiti,
Takakuridzirai nyere, mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
Nokuti Johane wakavuya asingadyi, asingamwi., zvino vanoti unomweya wakaipa.
Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti, tarirai munhu unokara nomumwi neshamwari yavateresi navatadzi! Kuchenjera kunopembedzwa. Jesu unotuka maguta matatu akamuramba. (Ruka 10. 13-15.)
Zvino wakatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka akati,
unenhamo iwe Korazini! une nhamo iwe Betsaida! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu dai aiitwa muTire neSidoni vangadai vatendevuka kare vanamasaga nedota.
Asi ndinoti kwamuri Tire neSidoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvuremi.
Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma ringadai richipo nanhasi.
Asi ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.
Nenguva iyo Jesu akapindura akati, ndinokutendai Baba Ishe wokudenga napasi kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizarurira vacheche.
Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba. Hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye. Joko raJesu
Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai.
Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.
Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.

12

Nenguva iyo. Jesu wakafamba napakati peminda yezviyo nomusi wesabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara. vakatanga kutanha hura vachidya.
VaFarisi vakati vachizviona;vakati, kwaari, tarira vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi wesabata.
Asi wakati kwavari, Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye.
Kuti wakapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza. Zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye navaiva naye asi navaPirisita bedzi!
Ko hamuna kurava pamurairo kuti nesabata vaPirisita vanoputsa murairo wesabata mutembere vasinemhosva?
Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano.
Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ndinoda ngoni handidi chibayiro. Mungadai musina kutonga vasine-mhosva.
Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo. Jesu unoporesa munhu waivanoruvoko rwakawonyana. (Mar. 3. 1-6; Ruka 6.6-11.)
Wakabvapo, akapinda musinagoge ravo.
Zvino tarira kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti zvakatenderwa kuporesa nesabata here? Kuti vamupomere mhosva.
Akati kwavari, ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nesabata ungarega kuribata akaribudisa here?
Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.
Zvino akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako! Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.
Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
Jesu wakati achizviziva, akabvapo. Vanhu vazhinji vakamutevera. Akavaporesa vose.
Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena.
Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti,
Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.
Haangarwi, haangaiti mheremhere. Hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni. Nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga kuti kukunde.
Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo. Jesu unobudisa mweya wakaipa ndokudadirwa navaFarise. (Mar. 3. 20-30; Ruka 11. 14-23.)
Zvino vakaisa kwaari munhu waiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu nembeveve yakataura nokuvonavo.
Vanhu vazhinji vose vakashamiswa vakati, ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?
Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati; munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.
Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo akati kwavari, vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa. Neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.
NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa. Vushe hwake hwuchamira seiko?
Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani. Saka ivo vachava vatongi venyu.
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo vushe hwaMwari bwasvika kwamuri.
Munhu ungapinda seiko paimba younesimba akatora nhumbi dzake kana asati ambosunga iye unesimba? Ipapo uchaparadza imba yake.
Usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadza.
Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura, asi kumhura Mweya mutsvene havangakanganwirwi.
Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakanganwirwa. Asi unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakanganwirwi. Kana panguva ino kana kune inovuya.
Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo. Kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo.
Imi zvibereko zvenyoka mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo.
Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yomoyo. Nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.
Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarebwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.
Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, vuye namashoko ako ucharashiwa. Chiratidzo chomuporofita Jona. (Ruka 11. 16-29; 32 Ruka 11. 16, 29-32;)
Zvino vamwe vanyori navaFarise vakapindura vakati, mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kwamuri.
Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.
Mambokadzi wezasi uchasimuka pakutonga norudzi urwu ucharupa mhosva. Nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni. Tarirai mukuru kunaSoromoni uri pano.
Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa.
Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa.
Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa. Vukama naJesu. (Mar. 3. 31-35; Ruka 8. 19-21.)
Wakati achataura navanhu vazhinji, tarira mai vake navanununa vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye.
Mumwe akati kwaari, havo mai venyu navanununa venyu vamire kunze vachitsvaka kutaura nemi.
Akapindura akati kuna iye wakamuvudza, mai vangu ndianiko navanunuuna vangu ndivananiko?
Ndokutambanudza ruvoko rwake kuvadzidzi vake akati, Tarirai mai vangu navanunuuna vangu!
Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munununa wangu, nehanzvadzi namai.

13

Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akandogara pagungwa.
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kwaari, nokudaro akapinda mugwa. Akagara, vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo.
Ipapo akavavudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, tarira mukushi wakabuda kundokusha.
Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu dzakawira panzira. Shiri dzikasvika dzikadzidya.
Dzimwe dzakawira parukangarabwe. Padzakanga dzisine vhu zhinji, dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinavhu rakadzika.
Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa, dzikawoma nokuti dzakanga dzisinomudzi.
Dzimwe dzikawira muminzwa, minzwa ikamera, ikadzivhunga.
Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko. Dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.
Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari, munotaurireiko kwavari nemifananidzo?
Akapindura akati kwavari, nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe hwokudenga asi ava havana kupiwa.
Nokuti aninani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi aninani usina uchatorerwa nezvaanazvo.
Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo nokuti vanovona asi havavoni. Vanonzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari kunoti, Nokunzwa muchanzwa musingatongonzwisisi. Nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu. Nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuvona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomoyo. Vakadzoka ndivaporese.
Asi meso enyu akaropafadzwa nokuti anovona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuvona zvinhu zvamunovona asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.
Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi.
Kana munhu akanzwa shoko rovushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
Asi wakakushwa parukangarabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nomufaro.
Asi haano-mudzi mukati make. Ndiye wechinguva chiduku kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
Wakakushwa pakati peminzwa ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko.
Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu. Mufananidzo wamashawi nezviyo.
Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti; Vushe bwokudenga bwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Asi vanhu vavete muvengi wake akavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo.
Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
Akati kwavari, muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari, ko munoda kuti tindoavunganidza here?
Akati kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo.
Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka! Nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe asi muvunganidze zviyo mudura rangu. Mufananidzo wembeu yemarstada nowembiriso. (Mar. 4. 30-34; Ruka 13. 18, 19.)
Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
Zvinhu zvose Jesu wakavudza vanhu vazhinji nemifananidzo. Haana kutaura chinhu kwavari asinemifananidzo;
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita achiti, ndichashamisa muromo wangu nemifananidzo. Ndichataura zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika. Kududzirwa kwomufananidzo wemashawi nezviyo.
Zvino Jesu wakati aendisa vanhu vazhinji, akapinda mumba. Vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati, tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.
Akapindura akati, unokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu.
Munda inyika, mbeu yakanaka ndivo vanakomana vovushe. Mashawi ndivo vanakomana vowakaipa.
Muvengi wakakusha ndiye Dhiabhorosi, kucheka ndiko kuguma kwenyika, vacheki ndivo vatumwa.
Zvino mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.
Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake vagovunganidza muvushe hwake zvose zvinogumbusa navanoita zvisakarurama.
Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muvushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe. Mufananidzo wefuma yakavanzwa.
Vushe bwokudenga bwakafanana nefuma yakavanzwa mumunda. Iyo yakawanikwa nomunhu akaivanzazve. Zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo. Mufananidzo wamaparera.
Vushe bwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka.
Akati awana parera rimwe rinomutengo mukuru akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo. Akaritenga iro. Mufananidzo worutava.
Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove.
Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha.
Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama.
Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
[Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe].
Akati kwavari, naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvovushe bwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake. Jesu unoshovorwa paNazareta (Mar. 6. 1-6; Ruka 4. 16-32.)
Jesu wakati apedza mifananidzo iyo akabvapo.
Akasvika kunyika yake. Akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara vakati, munhu uyu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
Ko haazi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, navanunuuna vake Jakobho, naJosefa, naSimoni naJudhasi here?
Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi zvinhu izvozvo zvose.
Vakagumburwa naye. Asi, Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.
Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.

14

Nenguva iyo Herodhe mubati wakanzwa mukurumbira waJesu.
Akati kuvaranda vake, Uyu ndiJohane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa. Saka masimba awa anobata maari.
Nokuti Herodhe wakanga abata Johane akamusunga, akamuisa mutorongonokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripo mununina wake.
Nokuti Johane akati kwaari hauna kutenderwa kuti uve naye.
Zvino wakanga achida kumuvuraya asi wakatya vanhu vazhinji nokuti vaiti muporofita.
Asi zuva rokuberekwa kwaHerodhe rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo. Akafadza Herodhe.
Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaanenge achakumbira.
Zvino iye wakati arairwa namai vake akati, ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubhabhatidzi.
Mambo akazvidya moyo asi nokuda kwokupika kwake vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya akaraira kuti apiwe.
Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutorongo.
Vakavuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa, iye akaenda nawo kuna mai vake.
Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbu, vakauviga ndokuenda kundovudza Jesu. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. Mar. 6. 30-44; Ruka 9. 10-17, Joh. 6.1-14.)
Jesu wakati azvinzwa, akabvapo negwa. Akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
Zvino Jesu wakati achibuda mugwa akavona vanhu vazhinji-zhinji akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
Zvino ava madekwana, vadzidzi vakavuya kwaari vakati, pano irenje zuva roda kuvira endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
Asi Jesu wakati kwavari, havafaniri havo kuenda. Imi muvapei zvavangadya.
Vakati kwaari, hatina chinhu pano asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.
Iye akati, vuyai nazvo vuno kwandiri.
Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavuswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
Vakadya vose vakaguta. Vakavunganidza zvimedu zvakasara matengu anegumi nemaviri azere.
Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi. Jesu unofamba pamusoro pemvura. (Mar. 6. 4556; Joh. 6. 1621.)
Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa vanhu vazhinji..
Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Ava madekwana wakanga aripo ari oga.
Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa richitambudzika namafungu nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
Nenguvayechina yovusiku Jesu akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzimudzangara. Vakadanidzira nokutya.
Pakarepo Jesu akataura navo akati, tsungai moyo ndini musatya.
Zvino Petro akamupindura akati Ishe, kana murimi ndirairei kuti ndivuye kwamuri pamusoro pemvura.
Iye akati, vuya! Petro akaburuka mugwa akafamba pamusoro pemvura akaenda kuna Jesu.
Asi wakati achivona mhepo inesimba akatya. Zvino wakati otanga kunyura akadanidzira achiti Ishe, ndiponesei!
Pakarepo Jesu wakatambanudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, iwe unokutenda kuduku, wanyunyutireiko?
Vakati vapinda mugwa mhepo ikanyarara.
Ipapo vakanga vari mugwa vakamunamata vachiti, Zvirokwazvo ndimi Mwanakomana waMwari!
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza. Vakavuya kwaari navose vairwara.
Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake. Vose vakabata vakaporeswa

15

Zvino vaFarise navanyori vakavuya kuna Jesu vachibva Jerusarema vakati;
Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?
Akapindura akati kwavari, nemivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
Nokuti Mwari wakati, kudza baba vako namai vako vuye unotuka baba kana mai, ngaafe norufu.
Asi imi munoti, aninani unoti kuna baba vake kana mai vake, chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava chipo kunaMwari.
Haachakudzi baba vake kana mai vake asi, haana mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu.
Imi vanyengeri Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti,
vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo asi moyo yavo iri kure neni.
Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise.
Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu.
Zvino vadzidzi vakavuya kwaari vakati, munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?
Akapindura akati, muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.
Varegei mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamiraira bofu achawira mugomba ose ari maviri.
Petro akapindura akati kwaari, tidudzireivo mufananidzo uyu.
Iye akati: Nazvino nemi vo muchigere kunzwisisa here?
Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze?
Asi zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo ndizvo zvinosvibisa munhu.
Nokuti mumoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuvuraya, novufeve, novupombwe, nokuba, nokupupura nhema nokumhura Mwari.
Ndizvo zvinosvibisa munhu asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu. Jesu unoporesa Mwanasikana womukadzi wekenani. (Mar. 7. 24-30.)
Zvino Jesu wakabva po akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
Zvino tarira mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo akadana achiti, ndinzvirei ngoni, Ishe Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.
Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya vakakumbira kwaari vachiti, mumuendisei nokuti unodanidzira shure kwedu.
Asi wakapindura akati, ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.
Zvino akavuya akamunamata akati, Ishe dondibatsirai henyu.
Akapindura akati, hazvina kunaka kutora chingwa chavana ndokuchikandira imbwanana.
Akati, hongu Ishe kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinodona patafura ravatenzi vadzo.
Zvino Jesu akapindura akati kwaari, haiwa mai kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo;. Jesu unoporesa vazhinji. (Mar. 7. 31-37.)
Jesu wakati achibva ipapo akaenda napagungwa reGarirea. Akakwira mugomo, akagarapo pasi.
Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve navamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu. Akavaporesa.
Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri. Vanezvuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu. (Mar. 8. 1-9.)
Zvino Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari akati, ndinetsitsi navanhu vazhinji ava nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Handidi kuvaendesa vane nzara zvimwe vangaziya panzira.
Vadzidzi vakati kwaari, tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?
Jesu akati kwavari, munezvingwa zvinganiko? Vakati zvinomwe nehove duku shomanene.
Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi.
Akatora zvingwa zvinomwe nehove akavonga, akazvimedura ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
Vakadya vose vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara matengu manomwe azere.
Vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina vakadzi navana vasingaverengwi.
Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji akapinda mugwa akasvika munyika yeMagadhani.

16

VaFarise navaSadhuse vakavuya kuzomuidza. Vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
Asi wakapindura akati kwavari, panguva yamadekwana munoti kuchachena nokuti denga rakatsvuka.
Mangwana munoti nhasi kuchasviba nokuti denga rakatsvuka richifiduka. Imi vanyengeri munoziva kududzira zvinovonekwa mudenga asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harupiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya akabva. Jesu unodudzira shoko rembiriso yavaFarise navaSaduse. (Mar. 8. 13-21.)
Zvino; vadzidzi vakaenda mhiri vakakangamwa kutora zvingwa.
Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSadhuse.
Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa.
Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa?
Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?
Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?
Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSadhuse.
Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarise navaSadhuse. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu (Mar. 8. 2730; Ruka 9. 1821; Joh. 6. 6869.)
Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, Akabvunza vadzidzi vake akati, vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?
Vakati vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwe Jeremia kana mumwe wavaporofita.
Akati kwavari, ko imi munoti ndini ani?
Ipapo Simoni Petro akapindura akati, ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
Jesu akapindura akati kwaari, wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-Jona nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo asi Baba vangu vari kudenga.
Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo eHedhesi haangaikundi.
Ndichakupa kiyi dzovushe hwokudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa kudenga nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu Kristu. Jesu unovavudza zvokutambura kwake norufu rwake (Mar. 8. 31-38, Ruka 9. 22-27.)
Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.
Petro akaenda naye varivoga akatanga kumuraira akati Mwari ngaakunzwirei ngoni Ishe hamungaitirwi izvozvo!
Asi wakatendeuka akati kuna Petro, ibva shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari asi zvinhu zvavanhu. Kutevera Jesu. (Mar. 8. 34-38, Ruka 9. 23-26.)
Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.
Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake ucharashikirwa nahwo. Asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
Nokuti munhu uchabatsirweiko kana akawana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure vupenyu hwake
Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake. Ipapo ucharipira mumwe nomuwe paakabata napo.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazonzwi rufu vasati vavona Mwanakomana womunhu achivuya muvushe hwake.

17

Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munununa wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
Akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
Pakarepo Moses naEria vakavone kwa navo, wachitaura naye, mumunzwei.
Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi rimwe raEria.
Wakati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira mumunzwei.
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zwavo vakatya zvikuru.
Jesu akaswedera; akavabata, akati: Simukai, musatya.
Vakati vachitarira, havana kuzovona munhu, asi Jesu bedzi.
Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavavudza zvaJohane Mubhabhatidzi. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha. (Mar. 9. 14-29; Ruka 9. 37-43.)
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akavuya kwaari, akamufugamira, akati:
Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
Ndakavuya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.
Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko? Vuyai naye pano kwandiri.
Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo;.
Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu vari voga, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
Akati kwavari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemastarda, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! Ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.
Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mar. 9. 30-32; Ruka 9. 43-45.)
Zvino vachafamba muGarirea, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumavoko avanhu;
vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vakafa neshungu kwazvo. Jesu unoripa mari yetembere.
Vakati vachisvika Kapernaume, vanhu vaigamuchira muripo wetembere vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
Akati: Hongo. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavananiko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
Akati: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni.

18

Nenguva iyo vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, ndianiko mukuru pavushe hwokudenga?
Jesu akadanira kwaari mwana muduku akamuisa pakati pavo.
Akati, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kana musingashanduki mukava savana vaduku hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
Naizvozvo aninani unozvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru muvushe hwokudenga.
Aninani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita ranguunondigamuchira ini.
Asi aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.
Nyika inenhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuvuya hazvo asi une nhamo munhu uyo unogumbusa vamwe.
Kana ruvoko rwako kana rutsoka rwako rwuchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema kana uchikamhina pakukandirwa mumoto usingagumi unamavoko maviri kana tsoka mbiri
Kana ziso rako richikugumbusa uribvise urirashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uneziso rimwe pakukandirwa muGehena romoto unameso, maviri.
Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava nokuti ndinoti kwamuri kudenga vatumwa vavo vanosivona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.
Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzoponesa chakarashika. Gwai rakarashika (Ruka 15. 3-7.)
Munofungeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimwe rawo rikarashika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka rakarashika here?
Kana ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuvura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asakarashika.
Nokudaro hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe. Kukanganwirana, Muranda wakanga asinetsitsi
Kana hama yako yakutadzira, enda umuvudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.
Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
Kana asingavanzwi, uvudze vungano; kana asinganzwi vo vungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri:chipi nechipi chamunosunga panyika chichasungwa kudenga.vuye chipi nechipi chamunosunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
Ndinoti kwamuri zve: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, va chachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.
Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
Zvino Petro wakavuya akati kwaari: Ishe hama yangu ichanditadzira kangani ko ndikaikanganwira, kusvikira kanomwe here?
Jesu akati kwaari; handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe;anoverengwa kanomwe.
Saka vushe hwokudenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kugadzira mangava navaranda vake.
Zvino wakati achitanga kugadzira mumwe wakanga anechikwerete chamatarenta anezvuru zvamazana zvinegumi* akaiswa kwaari.
Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chiripwe.
Zvino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.
Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwerete.
Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda waibata pamwe chete naye, wakanga anechikwerete kwaari chamadenari anezana; akamubata, akamudzipa, akati: Ripa chikwerete chako!
Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye, akawira pasi petsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira.
Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete.
Zvino vamwe varanda vaibata pamwe chete naye vakati vachivona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundovudza ishe wavo zvose zvakaitwa.
Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.
Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?
Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzisi kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.
Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitirai vo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomoyo wenyu wose.

19

Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani.
Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
V aFarise vakavuya kwaari, vakamuidza, vachiti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
Akapindura, akati: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi?
Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri va chava nyama imwe.
nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa.
Vakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha?
Akati kwavari: Nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.
Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yovupombwe, akawana mumwe, unoita vupombwe;, nounowana wakarashwa unoita vupombwe.
Vadzidzi vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.
Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa.
Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwovushe hwokudenga. Ungagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire. Jesu unoropafadza vanana. (Mar. 10. 13-16; Ruka 18. 15-17.)
Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti aise mavoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavaraira.
Asi Jesu wakati kwavari: Regai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti vushe hwokudenga ndohwavakadai.
Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo. Jaya mufumi. (Mar. 10. 17-30; Ruka 18. 18-30.)
Tarira, mumwe munhu wakavuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive novupenyu hwusingaperi?
Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe woga, ndiye Mwari.
Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema;
kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.
Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta; kubva pavuduku bwangu ndichakashaiweiko?
Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rineshungu;nokuti rakanga rinefuma zhinji.
Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvinoremera mufumi kupinda muvushe bwokudenga.
Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
Jesu ndokuvatarira, akati kwavari: kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana mwanakomana womunhu achizogara pachigaro chovushe chokubwinya kwake, imi vo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri.
Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanununa, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yovupenyu hwusingaperi.
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.

20

Nokuti vushe hwokudenga hwakafana nomwene weimba, wakabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.
Wakati atenderana navabati kuvapa denari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire padare, vasingabati;
akati kwavari: Endai imi vo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira. Vakaenda.
Akabuda zve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadaro zve.
Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musingabati?
Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemi vo mumunda wemizambiringa.
Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kunovokupedzisira, ugumire kunovokutanga.
Zvino nenguva inenge yegumi neimwe vakati vachivuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari.*
Vokutanga vakati vachivuya, vakati vachapiwa nokupfuvura; ivo vakapiwa avo mumwe nomumwe dhenari.*
Vakati vacipiwa, vakapopotera mwene weimba,
vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.
Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari* here?
Tora zvako, uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe.
Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
Saizvozvo vokupedzisira vachava, vokutanga novokutanga vachava vokupedzisira. Jesu unovavudza zvorufu rwake nokumuka kwake (Mar. 10. 32-34; Ruka 18. 31-33.)
Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vake vanegumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira:
Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vana vaZebhedi vanokumbira kuva vakuru. (Mar. 10. 35-45.)
Zvino mai vavanakomana vaZebhedi vakavuya kwaari navanakomana vavo, vachimunamata, kuzokumbira chinhu kwaari.
Akati kwavari: Munotsvakeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muvushe hwenyu.
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Vakati kwaari: tingagona.
Akati kwavari: Muchanwira henyu pamukombe wangu, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.
Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe.
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda avahedheni anovamanikidza, navakuru vavo vanoratidza simba navo.
Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.
Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. Jesu unosvunudza mapofu maviri paJeriko. (Mar. 10. 46-52; Ruka 18. 35-43.)
Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
Vanhu vazhinji vakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko?
Akati kwaari: tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvunudzwa,
Jesu akaanwira tsitsi,akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.

21

Vakati vachiswedera Jerusarema, vakasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inemhuru yayo; mudzisunungure, muvuye nadzo kwandiri.
Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma,
Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike. Paakati:
Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri, Ari munyoro, akatasva mbongoro, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.
Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
vakavuya nembongoro nemhuru, vakaisa nguvo dzavo pamusoro padzo; akagara pamusoro padzo.
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro!
Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati: Uyu ndianiko?
Vanhu vazhinji vakati: NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea. Jesu unonatsa tembere. (Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)
Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva,
akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera, asi imi munoiita bako ramakororo.
Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere, akavaporesa.
Asi vaPirisita vakuru navanyori vakati vachivona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakafa neshungu,
vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?
Akavasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuvatapo. Jesu unotuka muvonde wakanga usingabereki, (Mar. 11. 1214; 1924.)
Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo.
Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko?
Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa. Simba raJesu runobvepi (Mar. 11. 27-33; Ruka 20. 1-8.)
Wakati achipinda mutembere, vaPirisita vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
Jesu akapindura, akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai vo shoko rimwe: kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here? Vakataurirana vachiti: Kana tikati, Kudenga,uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
Asi kana tikati, kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.
Vakapindura, vakati kunaJesu; Hatizivi, Akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi. Mufananidzo wavana vaviri.
Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga anavana vaviri; akaenda kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.
Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akazvidya moyo, akenda.
Akaenda kunowechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake? Vakati: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muvushebwaMwari.
Nokuti Johane wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzozvidya moyo mukamutenda. Mufananidzo wevarimi vakaipa. (Mar. 12. 1-12; Ruka 20. 9-18.)
Inzwai mumwe mufananidzo; Mumwe munhu waivapo, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira mauri, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo..
Nguva yezvibereko yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake.
Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakatakamumwe namabwe.
Akatuma zve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.
Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti; Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.
Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, titore nhaka yake.
Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa vakamuvuraya.
Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya uchaitei iko navarimi ivavo?.
Vakati kwaari: Uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo,
Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.
VaPirisita vakuru navaFarise vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.
Zvino vakatsvaka kumubata asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muporofita.

22

Zvino Jesu wakapindura, akataura zve navo nomifananidzo, akati:
Vushe bwokudenga bwungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;
akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuwana; vakaramba kuvuya.
Akatuma zve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.
Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake;
vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavavuraya.
Zvino mambo wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakavavuraya, akapisa guta ravo.
Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.
Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamunowana.
Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.
Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vagere pakudya, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;
akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akanyarara.
Zvino mambo akati kuvaranda: Mumusungei makumbo namavoko, mumukandirei kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma. Kuripira Kesari mutero (Mar. 12. 13-17; Ruka 20. 20-26.)
Zvino vaFarise vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake.
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wozvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu, nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.
Zvino tivudzei, munofungeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?
Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imi vanyengeri?
Ndiratidzei mari yomutero. Vakavuya kwaari nedhenari.*
Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?
Vakati kwaari; ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda. Vanobvunza Jesu pamsoro pokumuka kwavakafa. (Mar. 12. 18-27; Ruka 20. 27-40.)
Nezuva iro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,
vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinavana, munununa wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.
Kwatiri kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asinavana, akasiyira munununa wake mukadzi wake;
nokudaro vo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.
Shure kwavose mukadzi akafa vo.
Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waniko wavanomwe avo, nokuti vose vaiva naye.
Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari.
Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.
Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:
Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nedzidziso yake. Murairo mukuru (Mar. 12. 28-34; Ruka 10. 25-27.)
VaFarise vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhuse, vakavungana pamwe chete.
Mumwe wavo, mududziri womurairo, akamubvunza, achimuidza, akati:
Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?
Akati kwaari: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.
Ndiwo murairo mukuru nowokutanga.
Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wakwako; sezvaunozvida iwe.
Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri. Kristu Mwanakomana waDhavhidhi. (Mar. 12. 35-37; Ruka 20. 41-44.)
Zvino vaFarise vachakavungana, Jesu akavabvunza,
akati: Munofungeiko pamsoro paKristu? Mwanakomana waniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,
Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti:
Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?
Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?
Kwakanga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, vuye kwakanga kusinomunhu wakatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.

23

Zvino Jesu wakataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake,
akati: Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi,
saka zvose zvavanokuvudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.
Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafiraktera avo, vanokurisa mipeto yenguvo dzavo,
vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge,
nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabhi navanhu.
Asi imi musaidzwa Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe imi mose muri hama.
Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga.
Musaidzwa vo vatenzi, nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu.
Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu.
Aninani unozvikudza uchaninipiswa, naaninani unozvininipisa, uchakudzwa.
Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu vushe bwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [
Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.]
Munenhamo, imi vanyori navaFaise, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
Munenhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, hachizi chinhu asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva.
Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene?
Munoti zve; Aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva.
Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nezvose zviri pamusoro payo.
Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi,
Nounopika nokudenga, unopika nechigaro chovushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho.
Munenhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita izvozvo.
Imi vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.
Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora.
Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochena vo.
Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose.
Saizvozvo nemi vo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
Munenhamo, imi vanyori navaFarise vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama,
muchiti: Dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuvuraya vaporofita.
Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita.
Zvino chizadzisai chiyero chamateteguru enyu,
Imi nyoka; imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena?
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.
Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, rivuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu. Jesu unochema pamsoro peJerusarema. (Ruka 13. 34, 35.)
Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!
Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.
Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngarumbidzwe iye unovuya nezita raShe.

24

Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
Wakati agara pagomo reMiorivhi vadzidzi vake vakavuya kwaari vari voga vakati, tivudzei kuti izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
Nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu vachiti, ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.
Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa. Chenjerai musavhunduka nokuti izvozvo zvose zvinofanira kumboitwa asi kuguma kuchigere kusvika.
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi novushe hwuchamukira vushe nenzara dzichavapo, nehosha nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.
Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuvurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
Vazhinji vachagumburwa vachaisana kuvatongi nokuvengana.
Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.
Rudo rwavazhinji ruchatonhora nokuti kusarurama kuchawanda.
Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.
Evhangeri iyi yovushe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
Zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo
Uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make.
Nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo.
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando kana nesabata.
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino vuye hakuchazovipo.
Dai mazuva iwayo asaitapudzwa hakune nyama yairarama asi nokuda kwavasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.
Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo.
Tarirai ndagara ndakuvudzai.
Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.
Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.
Apo panomutumbu ndipo pachavunganira magora.
Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga. Zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi. Unovanyevera kurindira. (Ruka 12. 35-59.)
Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo. Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga munoziva kuti zhezha rava pedo.
Saizvozvo nemivo kana movona izvozvo zvose zivai kuti wava pedo pamukova.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga kunyangwe Mwanakomana asi Baba voga.
Sapamazuva aNoa ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
Nokuti sepamazuva iwayo mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Noah raakapinda naro muareka.
Vasingazivi kusvikira. Mvura zhinji ikavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
Nenguva iyo; vaviri vachava mumunda mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
Rindai naizvozvo nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.
Asi zivai izvi kuti mwene weimba dai aiziva nguva yokusvika kwembavha ungadai airinda akasatendera kuti imba yake ipazwe.
Naizvozvo nemivo garai makazvigadzirira nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingamutariri.
Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana She wake achisvika akamuwana achiita saizvozvo.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.
Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumoyo make achiti Ishe wangu wanonoka kuvuya.
Akatanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe chete naye, akadya, akanwa pamwe chete navakabatwa.
Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingamutariri nenguva yasingazivi.
Akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

25

Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.
Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!
Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima.
Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere.
Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa.
Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei!
Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi.
Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu raanovuya naro. Mufananidzo wamatarenta.
Nokuti vushe hwokudenga hwakafanana nomunhu wakaenda kuneimwe nyika. Akadana varanda vake akavapa fuma yake.
Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, akafamba rwendo.
Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.
Saizvozvovo wakapiwa maviri akawana mamwe maviri.
Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.
Nguva huru yakati yapfuvura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.
Wakanga apiwa matarenta mashanu akavuya namamwe matarenta mashanu akati, Ishe makandipa matarenta mashanu tarirai ndawana mamwe matarenta mashanu.
Ishe wake akati kwaari zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda pamufaro washe wako.
Wakanga apiwa matarenta maviri akavuyavo akati, ishe makandipa matarenta maviri, tarirai, ndawana mamwe matarenta maviri.
Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.
Wakanga apiwa tarenta rimwe naiye wakavuya vo akati, ishe ndakanga ndichikuzivai imi kuti muri munhu une hasha. Munocheka pamusati makadzvara, munovunganidza pamusati makakusha.
Zvino ndakatya ndikanoviga tarenta renyu pasi, hecho chinhu chenyu!
Ishe wake akapindura akati kwaari, iwe muranda wakaipa unovusimbe wakanga uchiziva kuti ndinocheka pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
Saka waifanira kuisa mari yangu kunavebhanga kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;
Naizvozvo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi.
Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.
Budisirai muranda pasina kurima rokunze. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Kutonga kukuru.
Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya.
Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake. Ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi.
Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi vuyai imi makaropfadzwa naBaba, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
Nokuti ndakanga ndinenzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukandipa chokumwa, ndakanga ndiri mweni mukandigamuchira.
Ndakanga ndisine-nguvo mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandifambira, ndakanga ndiri mutorongo mukavuya kwandiri.
Zvino vakarurama vachamupindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara, tikakupai chokudya? Kana munenyota tikakupai chokunwa?
Takakuvonai rinhiko muri mweni tikakugamuchirai, Kana musinenguvo tikakupfekadzai?
Takakuvonai rinhiko muchirwara kana mutorongo, tikavuya kwamuri?
Ishe uchapindura achiti kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni,
Zvino uchati kuna vari kuruboswe, ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukasandipa chokumwa.
Ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira, ndisinenguvo mukasandipfekedza, ndichirwara nomutorongo mukasandifambira.
Zvino naivava vachapindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?
Zvino uchavapindura achiti, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.
Ava vachaenda kukurobwa; asi vakarurama kuvupenyu bwusingaperi.

26

Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose akati kuvadzidzi vake,
Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura paseka inosvika, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvatongi kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Zvino vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakavungana muruvazhe rwomuPirisita mukuru wainzi Kayafasi.
Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuvuraya.
Asi vakati, zvirege kuitwa pamutambo kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. Jesu unozodzwa nomukadzi paBetania. (Mar. 14. 39, Joh. 12. 18.)
Zvino Jesu wakati ari paBetania mumba maSimoni wamaperembudzi.
Mumwe mukadzi akavuya kwaari nechinu chearbastera chaiva nechizoro chinomutengo mukuru. Akachidurura pamusoro wake agere pakudya.
Asi vadzidzi vake vachizvivona, vakafa neshungu vakati, kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?
Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji ikapiwa varombo.
Asi Jesu achizvinzwa akati kwavari, munotambudzireko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka.
Nokuti varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.
Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu wakazviitira kuvigwa kwangu.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kose kunozoparidzirwa Evhangeri iyi panyika dzose izvi zvakaitwa naye zvicharebwavo. Vamurangarire nazvo. Judhasi IsKarioti unotsvaka kutengesa Jesu. (Mar. 14. 10-11; Ruka 22. 3-6.)
Zvino mumwe wavanegumi naviri, wainzi Judhasi Iskasrioti, wakaenda kuvaPirisita vakuru,
akati: Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Vakamuyerera masirvheri anamakumi matatu,*
Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. Paseka neChirayiro. (Mar. 14. 12-26; Ruka 22. 7-23.)
Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka?
Akati, endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedo. Ndichadya paseka paimba yako navadzidzi vangu.
Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu. Vakagadzira paseka.
Ava madekwana akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri.
Vakati vachidya akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.
Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatangamumwe nomumwe kutaura kwaari achiti, Ishe ndini here?
Akapindura akati, waisa ruvoko neni mundiro ndiye uchandipandukira.
Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi unenhamo uyo Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
Zvino Judhasi uyo wakamupandukira akapindura akati, Rabhi ndini here? Akati kwaari, ndizvo zvawataura.
Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu.
Akatora mukombe akavonga, akavapa achiti, inwai mose pauri.
Nouti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.
Asi ndinoti kwamuri, handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu.
Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mar. 14. 27-31; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)
Zvino Jesu wakati kwavari, imi mose muchagumburwa kwandiri vusiku hwuno nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.
Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea.
Zvino Petro wakapindura akati kwaari kana vose vakagumburwa; kwamuri ini handingatongogumburwi.
Jesu akati kwaari, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
Petro akati kwaari, kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo. Jesu muGetsemani. (Mar. 14. 32-42; Ruka 22. 39-46.)
Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani. Akati kuvadzidzi, garai pano ini ndichaenda kunonyengetera uko.
Akatora Petro navanakomana vaZebedi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa.
Akati kwavari, mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa, garai pano murinde neni.
Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata, akati kunaPetro, makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete?
Rindai munyengetere kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda hawo asi nyama hainesimba.
Akaendazve rwechipiri akanyengetera achiti, Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura, ndisingaumwi, kuda kwenyu ngakuitwe.
Akadzokazve, akavawana vavata nokuti meso avo akanga abatwa nehope.
Akavasiyazve akandonyengetera rwechitatu, achitaura zve mashoko, iwayo.
Zvino akaenda kuvadzidzi akati kwavari, chivatai henyu muzorore, tarirai nguva yasvika, Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.
Simukai tiende, tarirai wondiisa kwavari wava pedo. Kusungwa kwaJesu. (Mar. 14. 43-50; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)
Achataura, tarira Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaPirisita vakuru navakuru vavanhu.
Zvino iye wakamupandukira wakanga avapa chiratidzo achiti, uyo wandichasveta ndiye, mumubate.
Pakarepo akasvika kuna Jesu akati, Kwaziwai Rabhi! Akamusveta zvikuru.
Jesu akati kwaari, Shamwari, ita zvawavinga. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko kuna Jesu vakamubata.
Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko rwake, akavhomora munondo wake akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.
Zvino Jesu akati kwaari, dzosera munondo wako mumuhara mawo nokuti vose vanobata munondo vachafa nomunondo.
Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuvura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri?
Magwaro agozadziswa seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro?
Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuva ose ndichidzidzisa mukasandibata.
Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. Jesu pamberi paKayafasi navakuru. (Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71; Joh. 18. 12-27.)
Avo vakanga vabata Jesu vakamuisa kunaKayafasi muPirisita mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru.
Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru. Akapinda mukati, akagara navatariri kuzovona kupera kwazvo.
Zvino vaPirisita vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu vamuvuraye.
Asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pashure zviviri zvakasvika zvikati:
munhu uyu wakati, ndinogona kuputsa tembere yaMwari ndikaivakazve namazuva matatu.
Zvino muPirisita mukuru akasimuka akati kwaari, haupinduri chinhu here? Chinyiko icho chavanokupomedzera?
Asi Jesu wakaramba anyerere.MuPirisita mukuru akati kwaari, ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari.
Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.
Munoti kudiniko? Vakapindura vakati, unofanira kufa.
Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe noruoko,
vachiti, porofita iwe Kristu kuti ndiani wakurova. Kuramba kwaPetro. (Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18; 25-27;)
Petro wakanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri wakavuya kwaari akati, newevo wakanga una Jesu weGarirea.
Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti, handizivi zvaunoreva.
Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe mushandiri akamuvona akati kuna vaivapo, uyu munhu wakanga anaJesu weNazareta.
Akaramba ze nokupika, aciti: Handimuzivi munhu uyu.
Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vachiti kunaPetro, zvirokwazvo newevo uri mumwe wavo nokuti kutaura kwako kunokuzivisa.
Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti, handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa naJesu rokuti jongwe risati rarira uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru.

27

Ava mangwana vaPirisita vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamsoro paJesu kuti vamuvuraye.
Vakamusunga vakaenda naye vakamuisa kuna Pirato mubati. Judhasi unozvivuraya. (Mabasa 1. 16-19.)
Zvino Judhasi uyo wakamupandukira wakati achivona kuti watongerwa kufa, ndokuzvidya moyo. Akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaPirisita vakuru navakuru.
Achiti ndatadza, ndapandukira ropa risinemhosva. Vakati tinemhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.
Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda ndokuzvisungirira.
VaPirisita vakuru vakatora masirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari zvauri mutengo weropa.
Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vatogwa.
Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi.
Zvino zvakarebwa nomuporofita Jeremia zvakaitika zvinoti, Vakatora masirvheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo. Uyo wakatarwa navana vaIsraeri.
Vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe. Jesu pamberi paPirato. (Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25; Joh. 18. 29-19, 16.)
Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati, ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari, ndizvo zvamataura.
Asi wakati achipomerwa mhosva navaPirisita vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
Zvino Pirato akati kwaari, haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?
Asi haana kuvapindura kunyange neshoko rimwe chete. Mubati akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo.
Zvino pamutambo mubati aisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe wavanenge vada.
Nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakumbira wainzi Bharabhasi.
Naizvozvo vakati vavungana, Pirato akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari achiti, usava nemhaka nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.
VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu avurawe.
Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi.
Pirato akati kwavari, ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari, ngaaroverwe pamuchinjikwa.
Iye akati, chakaipa chaakagoita ndecheiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti, ngaaroverwe pamuchinjikwa!
Zvino Pirato achivona kuti hazvibatsiri asi kuti pomuka bope, wakatora mvura akashamba mavoko ake pamberi pavanhu vazhinji achiti, handine mhaka neropa romunhu uyu wakarurama, imhaka yenyu!
Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.
Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu vakamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Jesu unodadirwa navarwi. (Mar. 15. 16-20; Joh. 19. 2-3.)
Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari.
Vakamubvisa nguvo dzake, vakamufukidza nguvo tsvuku,
Vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti, Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
Vakamupfira mate, vakatora rutsangavakaramba vachimurova musoro.
Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvodzake vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)
Vakati vachibuda, vakawana munhu wekurini wainzi Simoni. Vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.
Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorgota ndokuti nzvimbo yedhehenya.
Vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe asi wakati aravira akaramba kunwa.
Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo. Vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti, vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu.
Vakagara vakamurindapo.
Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwokuti, UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.
Vakarovera pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
Vakanga vachipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo
vachiti Iwe wokuputsa tembere nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakamuseka vachiti
Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaburuke zvino pamuchinjikwa titende kwaari.
Waivimba naMwari, ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa kana achimuda nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari.
Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo.
Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.
Nenguva inenge yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru achiti, Eri, Eri ramasabakatani! Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko?
Vamwe vakanga vamire po vachizvinzwa vakati, Uyo unodana Eria.
Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga ndokuisa parutsanga. Akamunwisa.
Vamwe vakati, regai timbovona kana Eria achizovuya kumuponesa.
Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
Zvino mukuru wezana navairinda Jesu naye vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati, zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magdarene naMaria mai vaJakobho naJose namai vavanakomana vaZebhedi. Kuvigwa kwaJesu. Mar. 15. 42-47; Ruka 23. 50-56; Joh. 19. 38-42.)
Zvino ava madeko kukasvika mumwe mufumi weArimatea wainzi Josefa. Wakanga ari mudzidzi waJesu amene.
Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe.
Josefa akatora mutumbu, akaputira nomucheka muchena.
Akauviga mubwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera mubwe. Akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro akabva.
Maria Magadrane nomumwe Maria vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira VaPirisita vakuru navaFarise vakavungana kunaPirato,
vakati Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu akati, mazuva matatu apfuvura ndichamuka.
Saka rairai kuti bwiro bwuchengetwe kusvikira nezuva retatu kuti vadzidzi vake varege kuvuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu, wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.
Pirato akati kwavari, imi munavarindi, endai mubwuchengete sezvamunoziva.
Vakaenda, vakandochengeta bwiro. Vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, varindi vanavo.

28

Nokupera kwesabata kwoedza, nomusi wokutanga kwevhiki. Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona bwiro.
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika nokuti mutumwa waShe wakaburuka kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe ndokugara pamusoro paro.
Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
Zvino varindi vakadedera vachimutya vakaita savakafa.
Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi, musatya imi nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga akaroverwa pamuchinjikwa.
Haapo pano nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.
Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa. Tarirai unokutungamirirai Garirea, muchando muvonapo. Tarirai ndakuvudzai.
Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nokufara zvikuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.
Zvino vakati vachienda kundovudza vadzidzi vake, tarira Jesu wakasongana navo akati, Kwaziwai! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.
Zvino Jesu akati kwavari, musatya endai mundovudza hama dzangu kuti vaende Garirea vagondivonako.
Zvino vachiri munzira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakavudza vaPirisita vakuru zvose zvakaitwa.
Vakati vavungana navakuru vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
vachiti taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.
Kana zvikanzwikwa nomubati tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.
Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu.
Vakati vachimuvona, vakamunamata asi vamwe vakanyunyuta.
Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.
Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.
Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.

Lizenz
CC-0
Link zur Lizenz

Zitationsvorschlag für diese Edition
TextGrid Repository (2025). Matthew the Evangelist. Matthew (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5CA-6