1
Chirevo cheshoko raJehovha kuna Isiraeri chakatumwa naMaraki.
Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti, Makatida neiko? Ko Esau akanga asi mukoma waJakobho here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho;
asi Esau ndakamuvenga, ndikaita makomo ake matongo, ndikapa makava amarenje nhaka yake.
Kunyange Edhomu vakati, Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo; zvanzi naJehovha wehondo, Vachavaka, asi ini ndichakoromora; vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.
Meso enyu achaona, mukati, Jehovha anokudzwa munyika yose yaIsiraeri.
Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapirisiti vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, Tinozvidza zita renyu neiko?
Munondivigira chingwa chine tsvina paaritari yangu. Zvino moti, Takakusvibisai neiko? Pakutaura kwenyu muchiti,Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.
Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.
Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Asi imi munozvimhura, zvamunoti, Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo.
Munotiwo, Tarirai zvinonetsa sei! Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.
2
Zvino imi vapirisiti, chinzwai uyu murayiro unouya kwamuri.
Kana imi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakaraira kuti mukudze zita rangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu; zvirokwazvo ndatozvituka, nokuti hamuzviiti nomwoyo wenyu.
Tarirai, ndichatuka vana venyu, ndichanamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu; muchabviswa pamwechete naro.
Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Sungano yangu navo yakanga iri youpenyu norugare; ndakavapa izvo kuti vanditye, vakanditya, vakadedera nokuda kwezita rangu.
Murayiro wezvokwadi wakanga uri mumuromo wavo, kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yavo; vakafambidzana neni norugare nokururama, vakadzora vazhinji pazvakaipa.
Nokuti miromo yomupirisiti inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamusoro wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.
Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro.
Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu?
Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati palsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa.
Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakobho, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso
Munoitawo izvozvi munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu.
Kunyange zvakadaro munoti, Nemhaka yeiko? Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye.
Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.
Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, Takamunetsa neiko? Pakutaura kwenyu, muchiti, Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira, kana: Mwari wezvakarurama aripiko?
3
Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Asi ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani angamira kana achionekwa? Nokuti akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki.
Iye achagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.
Ipapo chipiriso chaJudha neJerusaremu zvichafadza Jehovha, sapamazuva akare, sapamakore apakutangatanga.
Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mushandiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Nokuti ini Jehovha handishanduki, saka imi, vanakomana vaJakobho, mugere kuparadzwa.
Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munoti, Tichadzoka pazvinhu zvipi?
Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, Takakubirai pazvinhu zvipi? Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa.
Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose.
Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Mashoko enyu akanga ari makukutu kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro, munoti, Takataureiko pamusoro penyu?
Imi makati, Hazvina maturo kushumira Mwari; takawaneiko zvatakachengeta zvaakaraira, zvatakafamba takapfeka nguo dzokuchema pamberi paJehovha wehondo?
Zvino tinoti vanozvikudza ndivo vakafara; zvirokwazvo, vanoita zvakaipa ndivo vanovakiswa; zvirokwazvo, vanoidza Mwari vachipukunyuka.
Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.
Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira.
Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri.
4
Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu.
Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Rangarirai murayiro waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, wavaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira.
Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.
Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.
- Rechtsinhaber*in
- Multilingual Bible Corpus
- Zitationsvorschlag für dieses Objekt
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Malachi (Shona). Malachi (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C9-7