1
Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
Naizvozvo chiti kwavari Zvanzi naJehovha wehondo , Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Regai kuva samadzibaba enyu, nokuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here?
Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira. Chiratidzo chokutanga chamabhiza
Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.
Ipapo ndikati, Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi? Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi.
Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose.
Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora.
Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?
Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.
Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, Danidzira, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru.
Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu.
Danidzirazve, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Maguta angu achapa fuma mufarozve, Jehovha achanyaradzazve Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu. Chiratidzo chechipiri chenyanga navapfuri
Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina.
Ipapo ndikati kumutumwa, wakanga achitaurirana neni, Zvinyiko izvi? Akandipindura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu.
Jehovha akandiratidza vapfuri vana.
Ipapo ndikati, Ava vauya kuzobateiko? Iye akataura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.
2
Zvino ndakarinzira meso angu, katarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
Ipapo ndikati, Unoendepiko? Iye akati kwandiri, Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.
Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza,
akati kwaari, Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.
Nokuti zvanzi naJehovha, ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.
Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nhai, Ziyoni, tiza, iwe ugere nomukunda weBhabhironi.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.
Nokuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.
Imba, ufare, iwe mukunda weZiyoni; nokuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.
Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu.
Nyararai imi nyama yose pamberi paJehovha; nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene.
3
Zvino wakandiratidza Joshua mupirisiti mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.
Jehovha akati kuna Satani, Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsiga chakabvutwa pamoto here?
Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.
Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, Bvisai nguo dzake dzine tsvina. Akati kwaari, Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.
Ini ndikati, Ngavamudzike ngowani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakamudzika ngowani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.
Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.
Zvino chinzwa iwe Joshua, mupirisiti mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.
Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.
4
Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
Akati kwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hariyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;
uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.
Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, ishe wangu?
Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.
Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?
Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?
Akandipindura, akati, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
Zvino akati, Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.
5
Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka.
Akati kwandiri, Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.
Ipapo akati kwandiri, Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo. Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa
Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.
Ini ndikati, Chinyiko? Iye akati, Ndiyo efa inobudapo. Akatizve, Ndizvo zvavakaita panyika yose;
(zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
Akati, Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.
Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Vanondoisepiko efa?
Iye akati kwandiri, Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.
6
Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira.
Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema;
ngoro yechitatu mabhiza machena, ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.
Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Zvinyiko izvi, ishe wangu?
Mutumwa akapindura, akati kwandiri, Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose.
Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi.
Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose.
Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro. Korona pamusoro waJoshua
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosia mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi;
utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukukru;
utaure naye, uchiti, Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha;
ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupirisiti pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.
Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.
Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.
7
Zvino negore rechina ramambo Dhariusi shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya nezuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisirevhi.
Zvino vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemimereki, navanhu vavo, kundokumbira nyasha kuna Jehovha,
nokutaura navapirisiti veimba yaJehovha wehondo navaporofita, vachiti, Ko ndochema nomwedzi wechishanu, ndichizviparadzanisa navamwe, sezvandaiita makore awa mazhinji here?
Ipapo shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
Taura navanhu vose venyika ino, navapirisiti, uti, Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?
Kana muchidya, kana muchinwa, hamuzvidyiri nokuzvinwira here?
Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti,
Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi;
regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.
Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa.
Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.
Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo ini ndicharamba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. Naizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nokuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza.
8
Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Ndine godo pamusoro peZiyoni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.
Zvanzi naJehovha, Ndakadzokera paZiyoni, ndichagara pakati peJerusaremu; Jerusaremu richanzi guta rezvokwadi, uye gomo raJehovha richanzi gomo dzvene.
Zvanzi naJehovha wehondo, Vatana navachembere vachagarazve munzira dzomuguta reJerusaremu, murume mumwe nomumwe ano mudonzvo wake nemhaka yokukwegura kwake.
Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.
Zvanzi naJehovha wehondo, Kana zvichishamisa pamberi pavanhu ava vakasara namazuva iwayo, ko zvingashamisa pamberi pangu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu kunyika yamabvazuva, nokunyika yamavirira;
ndichavauyisa, vagare pakati peJerusaremu; vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo nezvokwadi nokururama.
Zvanzi naJehovha wehondo, Maoko enyu ngaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuva ano pamiromo yavaporofita, vaivapo nezuva rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehovha wehondo, iyo temberi, kuti ivakwe.
Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kunoaibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.
Asi zvino handichazovi kuna vanhu ava vakasara sapamazuva akare, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.
Zvino sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi dzavanhu, imi imba yaJudha nemi imba yaIsiraeri, saizvozvo ndichakuponesai, muve chinhu chinoropafadza. Regai kutya, asi maoko enyu asimbe.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
saizvozvowo ndakafunga mazuva ano kuitira Jerusaremu zvakanaka uye neimba yaJudhawo; regai kutya.
Hezvi zvinhu zvamunofanira kuita: Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kunowokwake; tongai nezvokwadi norugare mumasuo enyu;
kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.
Zvanzi naJehovha wehondo, Ndudzi dzavanhu dzichauyazve, navagere mumaguta mazhinji;
vagere muguta rimwe vachaenda kune rimwe, vachiti, Handei, tichimbidzike kundokumbira nyasha kuna Jehovha, tindotsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaendawo.
Zvirokwazvo, ndudzi zhinji dzavanhu namarudzi anesimba achauya kuzotsvaka Jehovha wehondo paJerusaremu, nokukumbira nyasha kuna Jehovha.
Zvanzi naJehovha wehondo, Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu ari muJudha, vachiti, Tichaenda newe, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.
9
Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri;
uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo.
Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.
Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.
Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.
Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu. Mambo weZiyoni noushe hwake hworugare
Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.
Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.
Dzokerai kunhare imi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.
Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.
Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.
Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari.
Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake;nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.
Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
10
Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda.
Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.
Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete.
Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.
Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa.
VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha.
Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare.
Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka.
Ndichavadzosazve panyika ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGiriyadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara.
Vachafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.
Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.
Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo. Mufudzi akanaka nomufudzi akaipa
Zvanzi naJehovha Mwari wangu, Fudza makwai anozourawa;
iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakafuma; vafudzi vawo havane tsitsi nawo.
Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.
Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, Kunaka, imwe ndikaitumidza zita rinonzi Zvisungo; ndikafudza makwai.
Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.
Ipapo ndikati, Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.
Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, Kunaka, ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu.
ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.
Ndikati kwavari, Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai. Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu.
Jehovha akati kwandiri, Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo. Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, Zvisungo, kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi.
Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.
12
Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro paIsiraeri. Zvanzi naJehovha, iye anotatamura denga rose, anoteya nheyo dzenyika, nokuumba mweya womunhu mukati make,
Tarirai, ndichaita Jerusaremu mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza; uchavawo pamusoro paJudha pakukombwa kweJerusaremu.
Nezuva iro ndichaita Jerusaremu ibwe rinoremedza ndudzi dzose dzavanhu; vose vanozvitakudza iro vachakuvadzwa kwazvo; ndudzi dzose dzenyika dzichariunganira kuzorwa naro.
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya, nomutasvi waro nokupenga; ndichasvinudzira imba yaJudha meso angu, nokurova bhiza rimwe nerimwe rendudzi dzavanhu nokupofumara.
Ipapo madzishe aJudha achati mumwoyo mavo, Vagere Jerusaremu ndivo simba redu muna Jehovha wehondo, Mwari wavo.
Nezuva iro ndichaita madzishe aJudha segango romoto pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote; vachaparadza ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, kuruoko rworudyi nokuruoko rworuboshwe; veJerusaremu vachagarazve panzvimbo yavo, ipo paJerusaremu.
Jehovha achatanga kuponesawo matende aJudha, kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi nokukudzwa kwavagere Jerusaremu kurege kupfuura kukudzwa kwaJudha.
Nezuva iro Jehovha achadzitira vagere Jerusaremu; anoshaiwa simba pakati pavo nezuva iro achava saDhavhidhi; imba yaDhavhidhi ichava saMwari, somutumwa waJehovha pamberi pavo.
Zvino nezuva iro ndichatsvaka kuparadza ndudzi dzose dzavanhu dzinomukira Jerusaremu.
Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.
Nezuva iro paJerusaremu pachava nokuchema kukuru, sokuchema kweHadhadhihimoni mumupata waMegidhoni.
Nyika ichachema, veimba imwe neimwe vari voga; veimba yaDhavhidhi vari voga, navakadzi vavo vari voga, veimba yaNatani vari voga, navakadzi vavo vari voga;
naveimba yaRevhi vari voga, navakadzi vavo vari voga; veimba yavaShimei vari voga, navakadzi vavo vari voga;
nedzimba dzose dzakasara, veimba imwe neimwe vari voga, navakadzi vavo vari voga.
13
Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.
Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.
Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.
Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;
asi achati, Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.
Kana mumwe akati kwaari, Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko? Ipapo achapindura, achiti, Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.
Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, Ndivo vanhu vangu, ivo vachati, Jehovha ndiMwari wangu.
14
Tarirai, zuva raJehovha rinosvika, nenguva iyo zvawakapamba zvichagoverwa mukati mako.
Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta.
Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo, sezvaakarwa nezuva rehondo.
Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivhi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi.
Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wenyu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.
Zvino nezuva iro chiedza chichashaikwa, zvinopenya zvichadzimwa.
Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.
Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusaremu; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando.
Jehovha achava Mambo wenyika yose; nezuva iro Jehovha achava mumwechete, nezita rake rimwechete.
Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo.
Vanhu vachagaramo; kutukwa hakungazovipo, asi Jerusaremu richagara rakachengetwa.
Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusaremu, nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo.
Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.
Judha vacharwawo paJerusaremu; fuma yendudzi dzose dzavanhu vakapoteredza ichaunganidzwa, inoti ndarama, nesirivha, nenguo, zvizhinji kwazvo.
Sezvakaita kurohwa uku, ndizvo zvichaitawo kurohwa kwamabhiza namahesera, nengamera, nembongoro, nezvipfuwo zvose zvichavapo pamisasa iyo.
Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Ani naani pamarudzi enyika asingakwiri Jerusaremu kundonamata Mambo, Jehovha wehondo, haanganisirwi mvura.
Kana rudzi rwavaljipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
Uku ndiko kurohwa kwavaIjipiti nokurohwa kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, ZVITSVENE KUNA JEHOVHA; nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari.
Zvirokwazvo, hari imwe neimwe paJerusaremu napaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; vose vanoda kubayira vachauya vachidzitora, kuzobikiramo; nezuva iro hapachazovi nomuKanani mumba maJehovha wehondo.
- Rechtsinhaber*in
- Multilingual Bible Corpus
- Zitationsvorschlag für dieses Objekt
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Zechariah (Shona). Zechariah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C6-A