1
Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.
Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvisvikira pasuo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura ndakaumburuka muguruva.
Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuo reJerusaremu.
Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nokuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa valsiraeri vachasvika paAdhurami.
Zviitire mhazha, vevura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.
2
Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.
Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti, Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.
Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha.
Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi.
Nhai imi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa.
Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoterera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi.
simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo.
Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, Ndichakuporofitira zvewaini nezvinonwiwa zvinobata, ndiye achava muporofita wavanhu ava.
Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.
3
Ini ndakati, Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo;
imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate.
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, Rugare! Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.
Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.
Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nokuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari.
Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati viemba munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama.
Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.
Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapirisiti varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.
Naizvozvo Ziyoni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.
4
Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.
Marudzi mazhinji achaenda, achiti, Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZiyoni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.
Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti, rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.
Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni;
vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZiyoni kubva zvino nokusingaperi.
Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZiyoni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu.
Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosurumuka?
Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako.
Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Ziyoni.
Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro.
Simuka upure, iwe mukunda weZiyoni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, fuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose.
5
Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake. Mubati waIsiraeri achazozvarwa paBheterehemu
Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare.
Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri.
Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika.
Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye.
Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu.
Ipapo vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu.
Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji avanhu, seshumba pakati pemhuka dzomudondo, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inoti kana ichipfuurapo, inotsika nokubvamburanya, kusina anorwira.
Ruoko rwenyu ngarusimudzirwe kumusoro kwavadzivisi venyu, vavengi venyu vose ngavaparadzwe.
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu, nokuputsa ngoro dzenyu;
ndichaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose.
Ndichaparadza uroyi pamaoko enyu, hamungazovi navafemberi;
ndichaparadza mifananidzo yenyu yakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamungazonamati mabasa amaoko enyu;
ndichadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndichaparadza maguta enyu.
Ndichatsiva marudzi asina kuteerera ndichiita nokutsamwa nehasha.
6
Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako.
Chinzwai, imi makomo, rukave rwaJehovha, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri.
Nhai, imi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei.
Nokuti ndakakubudisai panyika ndikakudzikinurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami.
Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakaranganwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe hete?
Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?
Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
Izwi raJehovha rinodana kuguta, akachenjera achatya zita renyu; teererai shamhu, nowakairaira.
Ko fuma yezvakashata ichipo muimba yowakashata here, uye chiyero chakatapudzwa chinonyangadza here?
Ko ndingava wakachena kana ndine zviyero zvakashata, nehomo yezviyereso zvinonyengera here?
Nokuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
Saka neniwo ndakakurovai vanga rakaipa kwazvo; ndakakuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
Muchadya, asi hamungaguti, kushoorwa kwenyu kuchava pakati penyu; muchabvisa nhumbi dzenyu, asi hamungadzichengeti, idzo dzamunochengeta, ndichadziparadzisa nomunondo.
Muchakusha, asi hamungacheki, muchasvina maorivhi, asi hamungazori mafuta, muchasvina mazambiringa, asi hamunganwi waini.
Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
7
Ndine nhamo ini! Nokuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unopanga muchero womuonde waibva.
Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rweminzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.
Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako.
Nokuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake.
Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.
Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, Jehovha Mwari wako aripiko? Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha.
Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganho ichatarwa nokure.
Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eIjipiti, nokunyika inobva Ijipiti ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo.
Kunyange zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo.
Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGiriyadhi, sapamazuva akare.
Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeIjipiti.
Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi.
Vachananzva guruva senyoka., vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai.
Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.
Achatinzwira tsitsizve, achatsika zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.
muchaitira Jakobho zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Micah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5B5-D