1
Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika.
Akati, Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare.
Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi.
Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu.
Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
Ndichaparadza vagere Ashidhodhi noakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munununa wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo.
Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri;
mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake, ndizvo zvinotaura Jehovha.
2
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda;
ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.
Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri;
ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene;
vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo.
Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi.
Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori.
Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imi vana vaIsiraeri?
Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, Regai kuporofita.
Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda.
Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri.
Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake;
ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
3
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti,
Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.
Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here?
Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakaruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here?
Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here?
Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here?
Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita?
Paridzirai mudzimba dzoushe paAshidhodhi, nomudzimba dzoushe munyika yeIjipiti, muti, Unganai pamakomo eSamariya muone bope guru riripo nokumanikidzwa kuri mukati maro.
Nokuti havazivi kuita zvakarurama ndizvo, zvinotaura Jehovha ivo vanounganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzavo dzoushe.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi aripo, pose-pose panyika; iye achakubvisira simba rako, uye dzimba dzako dzoushe dzichapambwa.
Zvanzi naJehovha, Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha.
Inzwa, mupupurire imba yaJakobho, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari wehondo.
Nokuti nezuva randicharova Isiraeri pamusoro pokudarika kwavo, ndicharovawo maaritari eBhetieri; nyanga dzearitari dzichagurwa nokuwira pasi.
Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4
Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, Uyai nezvokunwa tinwe.
Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Saka ndichakuitirai izvi, imi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imi Isiraeri.
Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.
5
Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imi imba yalsiraeri.
Mhandara yalsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, Nditsvakei, murarame;
asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.
Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri.
Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi,
tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
Vanovenga anovaraira pasuo, vanosema anotaura zvakarurama.
Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.
Nokuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuo.
Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nokuti inguva yakaipa.
Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva.
Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, Maiwe! Maiwe! Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
Kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa; nokuti ndichapfuura napakati penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa.
Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa.
Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here?
Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira.
Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko, ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
6
Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
imwi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
imi, munonwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.
Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, Kuchinomumwe newe here? Iye akati Kwete! ipapo uchati nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.
Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
Ko mabhiza anga mhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?
Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
7
Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera.
Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?
Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, Hazvingaitwi.
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
Ipapo ndakati, Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?
Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, Nezvizviwo hazvingaitwi.
Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
Jehovha akati kwandiri, Amosi unooneiko? Ini ndikati, Rwonzi rwokuyera narwo. Zvino Ishe akati, Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami Amazia anoramba shoko raAmosi paBhetieri
Zvino Amazia mupirisiti weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
Nokuti Amosi anoti, Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
Amazia akatiwo kuna Amosi, Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.
Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.
Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
8
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha.
Akati, Amosi, unooneiko? Ini ndikati, Tswanda inezvibereko zvezhizha. Zvino Jehovha akati kwandiri, Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve.
Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kwose vanyerere.
Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika,
muchiti, Kugara komwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye Sabata, kuti tizarure matura ezviyo? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera;
kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?
Jehovha akapika noukuru hwaJakobho, achiti, Zvirokwazvo, handingatongokanganwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi.
Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweIjipiti.
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kwokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
Tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.
Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda mabvazuva; vachamhanya pose-pose vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
Nezuva iro mhandara dzakanaka namajaya vachaziya nenyota.
Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.
9
Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.
Kunyange vakandovanda pamusoro peKarimeri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyange vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.
Kunyange vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo, ndicharinzira meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka.
Nokuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweIjipiti;
ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.
Nhai, imi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakobho ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyange zvakadaro tsanga imwe dukuduku haingawiri pasi.
Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurawa nomunondo, ivo vanoti, Zvakaipa hazvingatibati, hazvingasvikiri kwatiri.
Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;
kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa, ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Amos (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5AC-8