1
Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.
Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here?
Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera.
Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose.
Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.
Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi.
Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa.
Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo.
Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapirisiti, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema.
Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera.
Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa.
Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapirisiti; ungudzai imi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu.
Tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha.
Aiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose.
Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here !
Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvafa.
Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa.
Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango.
Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nokuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.
2
Ridzai hwamanda paZiyoni, dzemhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedo;
richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu.
Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo.
Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo womoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa.
Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka.
Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanotamba mumwe nomumwe nenzira yake, havatongotsauki pamisara yavo.
Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki.
Vanowira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamahwindo sembavha.
Nyika inodedera pamberi pavo, denga rose rinobvunda, zuva nomwedzi zvinosviba, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo.
Jehovha anobudisa izwi rake pamberi pehondo yake, nokuti hondo yake ihuru kwazvo; nokuti muiti wezvaakataura une simba; nokuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro?
Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza;
bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.
Ndiani angaziva , zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
Ridzai, hwamanda paZiyoni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa;
kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata.
Vapirisiti, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati, Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke; vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, Mwari wavo aripiko? Jehovha anoropafadza vanhu vake
Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.
Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi;
asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru.
Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru.
Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo.
Naizvozvo farai, imi vana veZiyoni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.
Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo;
ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.
Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZiyoni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.
3
Nokuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichidzosa kutapwa kwaJudha neJerusaremu,
ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuaburusira kumupata waJehoshafati; ndichavatongapo pamusoro pavanhu vangu napamusoro penhaka yangu Isiraeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu; vakagovana nyika yangu,
vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini, kuti vainwe.
Zvirokwazvo, imi Tire neSidhoni nenyika dzose dzaFirisitia, munoreveiko kwandiri? Munoda kunditsiva here? Kana mukanditsiva, ndichakudzoserai zvamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira.
Zvamakatora sirivha yangu nendarama yangu, mukandoisa mutemberi dzenyu zvinhu zvangu zvakanaka zvinodikanwa,
mukatengesa vana vaJudha navana veJerusaremu kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo;
tarirai, ndichavamutsa panzvimbo kwamakandovatengesa, ndidzosere pamisoro yenyu zvamakaita;
ndichatengesa vanakomana venyu navanasikana venyu mumaoko avana vaJudha, ivo vachandovatengesa kuvanhu veShebha, kurudzi ruri kure, nokuti Jehovha akataura izvozvo.
Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa.
Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, Ndine simba.
Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane; imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko.
Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza.
lsai jeko renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopafuma; nokuti kushata kwavo kwakura.
Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wokutonga.
Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo.
Jehovha achaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri.
Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, agere paZiyoni, iro gomo rangu dzvene; ipapo Jerusaremu richava guta dzvene, hakuna vatorwa vanozopfuura napo.
Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi.
Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
Asi Judha vachavapo nokusingaperi, uye Jerusaremu kusvikira kumarudzi namarudzi.
Ndichapembedza ropa ravo randisina kumbopembedza; nokuti Jehovha anogara paZiyoni.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Joel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A9-B