1
Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.
Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi jezireeri, nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa rejezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri.
Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata wejezireeri.
Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, Mutumidze iye zita rinonzi Roruhama; nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwira.
Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.
Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.
Jehovha akati, Mutumidze zita rinonzi Roami; nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.
Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, Hamuzi vanhu vangu, ndipapo pazvichanzi kwavari, Muri vanakomana vaMwari mupenyu.
Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva rejezireeri richava guru.
2
Itiyi kuna vanununa venyu, Ama; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama.
Kakavarai namai venyu, kakavarai; nokuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;
kuti ndirege kumukumurira nguo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.
Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;
nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.
Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako neminzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.
Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nokuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.
Nokuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.
Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara kwomwedzi, namaSabata ake, nevungano dzake dzose dzakatarwa.
Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwanwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.
Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika
Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari.
Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo.
Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.
Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;
nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura jezireeri.
Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, Imi muri vanhu vangu, ivo vachati, Imi muri Mwari wedu.
3
Zvino Jehovha akati kwandiri, Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana vaIsiraeri, kunyange vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amadzamb iringa.
Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri yebhari, nehomeri yebhari;
ndikati kwaari, Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri.
Nokuti vana vaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo vasina shongwe vasina efodhi kana terafimi.
Pashure vana vaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.
4
Inzwai shoko raJehovha, Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.
Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa.
Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.
Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupirisiti.
Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako.
Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.
Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa.
Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo.
Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupirisitiwo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata.
Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha.
Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere.
Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.
Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka, naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva.
Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.
Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, NaJehovha mupenyu!
Nokuti Isiraeri vanakomana, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi.
Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.
Zvavanonwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa.
Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibayiro zvavo.
5
Inzwai shoko iri, imi vapirisiti, teererai imi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.
Vakandimukira vakapinda kwazvo pakuora, asi ndichavatuka vose.
Ndinoziva Efuremu, Isiraeri havana kuvanzika pamberi pangu; nokuti zvino iwe Efuremu, wakapata, Isiraeri vakasvibiswa.
Zvavakaita hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo; nokuti mweya wokufeva uri mukati mavo, havazivi Jehovha.
Kuzvikudza kwaIsiraeri kunovapupurira pachena; saka Isiraeri naEfuremu vachagumburwa pazvakaipa zvavo, Judha vachagumburwawo pamwechete navo.
Vachaenda namakwai avo nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; akaenda kure navo.
Vakanyengera Jehovha, nokuti vakabereka vana vasati vari vavo; zvino mutambo wokugara kwomwedzi uchavapedza pamwechete neminda yavo.
Ridzai mumanzi paGibhiyoni, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBhetiavheni; vari shure kwako, iwe Bhenjamini!
Nyika yaEfuremu ichaitwa matongo nezuva rokutukwa; ndakazivisa pakati paIsiraeri zvichazovapo zvirokwazvo.
Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
Efuremu wakamanikidzwa wakapwanyiwa nokutongwa, nokuti akanga achitenda kutevera murayiro wavanhu.
Naizvozvo ndichava kuna Efuremu sechipfunho, uye sokuora kuimba yaJudha.
Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.
Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba duku kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichavatapa, hakuna angavarwira.
Ndichaenda ndichidzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vatenda kutadza kwavo, vakatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.
6
Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.
Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.
Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika. Efuremu naJudha vanotukwa
Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.
Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.
Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.
Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina makwapa eropa.
Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapirisiti rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.
Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa.
Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.
7
Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.
Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.
Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.
Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.
Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.
Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.
Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisinakushandurwa.
Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi.
Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro.
Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria.
Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.
Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema.
Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.
Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa
Vanodzoka asi havangadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.
8
Isa hwamanda pam.uromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.
Vachadana kwandiri, vachiti, Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.
Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira riniko kuva vakanaka?
Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa.
Nokuti vanodzvara mhepo, vachacheka chamupupuri, havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.
Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu.
Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.
Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa.
Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.
Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti.
Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.
9
Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.
Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.
Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.
Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?
Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.
Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru.
Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.
Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.
Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.
Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.
Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.
Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.
Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.
Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.
10
VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maaritari avo, achaparadza shongwe dzavo.
Zvirokwazvo, zvino vachati, Hatina mambo, nokuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?
Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda.
Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nokuti vanhu varo vachaichema, navapirisiti varo vaiifarira, nokuda kwokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi.
Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo.
Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.
Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaaritari avo; zvino vachati kumakomo, Tifukidzei, nokuzvikomo, Wirai pamusoro pedu.
Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhiya here?
Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri.
Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakobho achaputsa mavhinga ake.
Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.
Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nokuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu.
Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa, mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo.
Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza.
11
Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuwira.
Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.
Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidanwa kune Wokumusoro, havatongosimuki.
Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.
12
Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti.
Jehovha ane gakava naJudhawo, acharova Jakobho pamusoro penzira dzake, achamuripira pamusoro pezvaakaita.
Muchizvaro akabata chichitsinho chomukuru wake, ava nesimba romurume akaita mitsimba naMwari;
zvirokwazvo, akaita mitsimba nomutumwa akakunda; akachema, akamunyengetera; akamuwana paBhetieri, akataurapo nesu,
iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha ndiro zita rokumurangarira naro.
Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.
Iye muKanani, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake, anofanira kumanikidza.
Asi Efuremu anoti, Zvirokwazvo, ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri zvakaipa zvezvivi.
Asi ndini Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.
Ndakataurawo navaporofita, ndikawanza zvandakavaratidza; ndakavataurira zvifananidzo nemiromo yavaporofita.
Ko paGiriyadhi pane zvakaipa here? Havana maturo chose; vanobaya nzombe paGirigari; zvirokwazvo maaritari avo akaita matutu amabwe pamihoronga yeminda.
Jakobho akatizira kunyika yeArami, Isiraeri akabatira mukadzi, akafudza makwai kuti awane mukadzi.
Jehovha akabudisa Isiraeri paIjipiti nomuporofita, akazochengetwa nomuporofita.
Efuremu vakatsamwisa Jehovha zvikuru; naizvozvo mhaka yeropa rake ichasiyiwa kwaari, Ishe wake achadzosera kuzvidzwa kwake kwaari.
13
Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, Vanobayira mhuru ngavadzisvete.
Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.
Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.
Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, Tipei mambo namachinda?
Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.
Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikanwa.
Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.
14
Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.
Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.
Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.
Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.
Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.
Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Hosea (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A6-E