1
Zvino negore ramakumi matatu, nomwedzi wechina, nezuva rechishanu romwedzi, ini ndiri pakati pavakatapwa parwizi rwaKebhari, kudenga kwakazarurwa, ndikaona zvandakaratidzwa zvaMwari.
Nezuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoiakini,
shoko raJehovha rakasvika kumupirisiti Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea, parwizi rwaKebhari; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake ipapo
Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare.
Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu;
chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana.
Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa.
Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo:
Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.
Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondohwe.
Zviso zvazvo namapapiro azvo zvakanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo.
Chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho; kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo.
Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
Zvipenyu zvaimhanya zvichidzoka, zvakafanana nokupenya kwemheni.
Zvino ndakati ndichitarira zvipenyu izvo, ndikaona gumbo rimwe rengoro riri pasi kurutivi rwezvipenyu izvo, kurutivi rumwe norumwe rwezviso zvacho.
Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo.
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.
Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose-kwose.
Zvino kana zvipenyu zvofamba, makumbo ofambawo parutivi rwazvo, kana zvipenyu zvokwidzwa zvichibva pasi, naiwo makumbo okwidzwawo.
Pose-pose kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba, makumbo ndokukwidzwa pamwechete nazvo, nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekiristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo.
Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akarurama, rimwe rakabatana nerimwe; chimwe nechimwe chazvo chakanga china mapapiro maviri aifukidza muviri wacho kurutivi rwowuno, nechimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri aifukidza kurutivi rweseri.
Zvino kana zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo zvichiita sokuunga kwemvura zhinji, senzwi reane simba rose, somubvumo webope wakaita sokutinhira kwehondo; kana zvomira, zvaipeta mapapiro azvo.
Kwakanga kunenzwi kumusoro kwedenga raiva pamusoro pemisoro yazvo; kana zvomira, zvaideredza mapapiro azvo.
Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chakafanana nechigaro chohushe, chaiita sebwe resafiri; pachinhu chakafanana nechigaro chohushe kwakanga kuno mufananidzo womunhu agere pamusoro pacho.
Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose.
Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.
2
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.
Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
Iye akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.
Vana vane zviso zvisina kunyara nemoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.
Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.
Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.
Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
3
Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.
Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise vura bwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukava mumukanwa wangu sohuchi nokuzipa.
Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
Nokuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri;
hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomoyo mikukutu.
Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo.
Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba.
Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumoyo mako, uanzwe nenzeve dzako.
Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.
Ipapo Mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.
Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba.
Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko. Ezekieri anodanwa ave nharirire yaIsiraeri
Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
Kana ini ndikati kuno wakaipa, Zvirokwazvo uchafa, iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu wakaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.
Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.
Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu.
Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, Enda, undozvipfigira mumba mako.
Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo;
ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, Zvanzi nalshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
4
Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chitinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu.
Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa.
Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo.
Nokuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.
Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro.
Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva.
Unofanira kunwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva.
Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu.
Jehovha akati, Saizvozvo vana valsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakanora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.
Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nokuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, nenyama yakanora haina kumbopinda mumuromo mangu.
Ipapo akati kwandiri, Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo.
Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vapere muzvakaipa zvavo.
5
Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore chive chisvo kwauri, ugoveura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore chiyero chokuyera nacho, ndokukamura vhudzi.
Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo.
Zvino utorewo rimwe shomanene, urisungire munguvo dzako.
Ipapo utorezve rimwe raro, urikandire mumoto, uchiripisa mumoto; ipapo pachabudira moto kuimba yose yaIsiraeri.
Zvanzi naIshe Jehovha, Iri ndiro Jerusaremu ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika kumativi ose.
Asi rakaramba mitemo yangu richiita zvakaipa kupfuura mamwe marudzi, nokuramba zvandakarayira kupfuura dzimwe nyika dzakaripoteredza; nokuti ivo vakaramba mitemo yangu, nezvandakarayira havana kufamba mazviri.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamune hasha kupfuura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba munezvandakarayira nokusachengeta mitemo yangu, kunyange kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai,
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, iyeni, ndine mhaka nemi, ndichaita zvandakatonga pakati penyu mamwe marudzi achizviona.
Ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingatongoitizve zvakadai, nemhaka yezvinonyangadza zvenyu zvose.
Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana vavo mukati mako, navanakomana vachadya madzibaba avo; ndichakuitira zvandakatonga, ndichaparadzira vakasara vako kumhepo dzose.
Saka noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, zvawakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvose zvako zvinosemesa nezvose zvako zvinonyangadza, saka neni ndichabva kwamuri, ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo.
Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, nehasha dzangu kwavari ndichadzigumisa, ndikanyaradzwa; vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura nokushingayira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, zvichionekwa navose vanopfuura napo.
Saizvozvo chichava chinhu chinoshorwa nechinosekwa, chinonyevera nechinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndichikuitira zvandakatonga ndakatsamwa, ndiine hasha, ndichikutukai nehasha ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo;
kana ndichituma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ine basa rokuparadza, yandichatuma kuti ikuparadzeyi. Ndichawedzera nzara pamusoro penyu, nokuvhuna mudonzvo wenyu wezvokudya.
Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo.
6
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo,
uti, Imi makomo avaIsiraeri, inzwai shoko ralshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
Maaritari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu nezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurawa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.
Ndicharadzika zvitunha zvavana vaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose amaaritari enyu.
Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maaritari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe.
Vakaurawa vachawira pasi pakati penyu, nemi muchaziva kuti ndini Jehovha.
Kunyange zvakadaro ndichachengeta vakasara, nokuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose.
Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa moyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, Maiwe! Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
Ari kure achafa nehosha yakaipa, ari pedo achaurawa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomuouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.
Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
7
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.
Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.
Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.
Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.
Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, risati riri rokupururudza pamusoro pamakomo.
Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.
Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.
Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.
Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.
Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nokuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.
Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.
Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achati rukutu semvura.
Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.
Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nokuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.
Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.
Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.
Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.
Itai ngetani, nokuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.
Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira mupirisiti, namano achashaikwa kuvakuru.
Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
8
Zvino negore rechitanhatu, nomwedzi wechitanhatu, nezuwa reshanu romwedzi, ini ndigere mumba mangu, navakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwira pamusoro pangu.
Ipapo ndikatarira ndikaona mufananidzo unenge somoto; kubva pakaita sechiuno chake zvichienda pasi, kwakanga kunomoto, kubva pachiuno chake zvichikwira kumusoro zvinenge kubwinya, sedare rinopenya.
Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nezhumu romusoro wangu, Mweya wakandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratiidzo naMwari, kumukova wesuo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuripo, zvakafanana nezvandakaona mubani.
Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro. Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.
Akandiisa kumukova woruvanze; zvino ndakati ndichitarira, ndikaona pakakoromoka parusvingo.
Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chera zvino parusvingo; zvino ndakati ndachera parusvingo, ndikaona mukova.
Akati kwandiri, Pinda, undoona zvinonyangadza zvakashata zvavanoita pano.
Ipapo ndakapinda, ndikaona; tarira, mifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsiraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.
Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.
Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsiraeri murima, mumwe nomumwe mukamuri yake yemifananidzo? Nokuti vanoti, Jehovha haationi; Jehovha akabva panyika ino.
Akatiwo kwandiri, Uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru zvavanoita.
Ipapo akandiisa kumukova wesuo reimba yaJehovha rakanga riri kurutivi rwokumusoro; ndikaona vakadzi vagerepo vachichema Tamuzi.
Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinonyangadza zvinopfuura izvo.
Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha, kuti vaite zvinonyangadza zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nokuita nesimba, vakadzoka vomutsa kutsamwa kwangu; tarira vanoisa davi kumhino dzavo.
Naizvozvo neniwo ndichaita nehasha; ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi; kunyange vakadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, handingavanzwi.
9
Ipapo akadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, achiti, Swededzai vatariri veguta, mumwe nomumwe ane nhumbi yake yokuparadza muruoko rwake.
Zvino tarira, varume vatanhatu vakabva nenzira yesuo rokumusoro, riri kurutivi rwokumusoro, mumwe nomumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, nomumwe murume pakati pavo akafuka mucheka werineni, ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Vakapinda, vakandomira parutivi rwearitari yendarira.
Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake.
Jehovha akati kwaari, Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.
Asi kuna vamwe wakati, ini ndichizvinzwa, Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi;
urayai vose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kunomumwe anechiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene. Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.
Akati kwavari, Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurawa; chibudai. Vakabuda, vakauraya muguta.
Zvino vakati vachiuraya, ini ndasiyiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi nechiso changu, ndikachema, ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Ko munoparadza vose vakasara vaIsiraeri pakudurura kwenyu hasha dzenyu pamusoro peJerusaremu here?
Ipapo akati kwandiri, Zvakaipa zveimba yaIsiraeri naJudha zvakakura kwazvo, nyika izere neropa, neguta rizere nezvisakarurama; nokuti vanoti, Jehovha akabva panyika, Jehovha haaoni.
Neni, kana ndirini, ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi, asi ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo.
Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, Ndaita sezvamakandirayira.
10
Zvino ndakatarira, ndikaona padenga rakanga riri pamusoro pemisoro yamakerubhi chinhu chakaonekwa pamusoro pawo chakaita sebwe resafire, chakanga chakafanana nechigaro choushe.
Akataura nomunhu akanga akafuka mucheka werineni, akati, Pinda pakati pamakumbo anomonereka, imo munyasi mekerubhi, uzadze maoko ako ose namazimbe anobva pakati pamakerubhi, uakushe pamusoro peguta. Iye akapinda, ini ndichizviona.
Zvino makerubhi akanga amire parutivi rworudyi rweimba, panguva yokupinda kwomurume uyu; gore rikazadza ruvanze rwomukati.
Kubwinya kwaJehovha kukakwira kuchibva pakerubhi, kukamira pamusoro pechikumbaridzo cheimba, imba ikazadzwa negore, noruvanze rwakazarawo nokupenya kwokubwinya kwaJehovha.
Mubvumo wamapapiro amakerubhi wakanzwikwa kusvikira kuruvanze rwokunze, senzwi raMwari waMasimbaose, kana achitaura.
Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi, akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.
Kerubhi rikatambanudzira ruoko rwaro ruchibuda napakati pamakerubhi kumoto wakanga uri pakati pamakerubhi, rikatorapo moto ndokuuisa muruoko rwowakanga akafuka mucheka werineni, iye ndokuutora ndokubuda.
Zvino mukati mamakerubhi makaonekwa chakafanana noruoko rwomunhu pasi pamapapiro awo.
Zvino ndakatarira, ndikaona makumbo mana engoro pamativi amakerubhi, rimwe gumbo kurutivi rwekerubhi rimwe, nerimwe gumbo kurutivi rwerimwe kerubhi; pakuonekwa kwawo makumbo akanga akaita sebwe rebheriri.
Pakuonekwa kwawo ose ari mana akanga akafanana, zvakaita segumbo rimwe rengoro mukati merimwe gumbo rengoro.
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.
Muviri wawo wose, nemisana yawo, namaoko awo, namapapiro awo, namakumbo engoro, zvakanga zvizere nameso kumativi ose, pamakumbo awo ose ari mana.
Kana ari makumbo, ndakanzwa achitumidzwa zvinomonereka.
Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina; chiso chokutanga chakanga chiri chiso chekerubhi, chiso chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chechitatu chiso cheshumba, nechechina chiso chegondo.
Zvino makerubhi ndokubhururuka achikwira; ndicho chipenyu chandakaona parwizi Kebhari.
Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awovo haana kubva kurutivi rwawo.
Kana omira naiwo omirawo; kana obhururuka achikwira naiwo obhururukawo achikwira nawo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mukati mawo.
Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabuda pachikumbaridzo cheimba, ndokumira pamusoro pamakerubhi.
Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.
Ndicho chipenyu chandakaona panyasi paMwari waIsiraeri parwizi rwaKebhari; ndikaziva kuti makerubhi.
Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina, nerimwe nerimwe rakanga rina mapapiro mana; pasi pamapapiro awo pakanga pane zvakafanana namaoko omunhu.
Kana zviri zviso zvavo pakuonekwa kwazvo, zvakanga zviri zviso zviya zvandakaona parwizi rwaKebhari, pakuonekwa kwazvo naizvo zvimene; rimwe nerimwe rairuramira mberi pakufamba kwaro.
11
Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;
vanoti, Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.
Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita.
Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, Taura, uti, Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imi imba yaIsiraeri; nokuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.
Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.
Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-
Guta rino haringavi gate renyu, nemi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.
Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai.
Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.
Naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;
naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.
Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.
Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.
Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.
12
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba.
Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama.
Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo.
Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri.
Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona.
Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, Unoiteiko?
Uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.
Uti, Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.
Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake.
Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako.
Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose.
Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokunwa mvura yako nokudedera nokutya;
uti kuvanhu venyika iyi, Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.
Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. Vaporofita venhema vanotukwa
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?
Naizvozvo vaudze, uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri; asi uti kwavari, Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.
Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso.
Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.
Naizvozvo uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, porofitira vaporofita vaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumoyo mavo, inzwai imi shoko raJehovha,
Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.
Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo.
Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha.
Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kwenhema here, zvamakati, Jehovha anoti; kunyange zvakadaro handina kutaura?
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
Nokuti zvirokwazvo, nokuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, Rugare! Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovhuwa nesuko.
Chiudza avo vanoruvhuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo richarutsemutsa.
Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, Ko suko ramakuvhuwa naro riripiko?
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndicharutsemusa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose.
Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvhuwa nesuko; ndichati kwamuri, Rusvingo haruchipo, navakaruvhuwa havachipo;
ivo vaporofita valsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Asi iwe, Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumoyo yavo, uporofite pamusoro pavo,
uti, Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vakadzi vanosonera zvifukidzo papfundo dzamaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya. Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo!
Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebhari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Nokuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe;
naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
14
Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu.
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
Naizvozvo taura navo, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
kuti ndibate imba yaIsiraeri mumoyo yavo, nokuti vava vatorwa kwandiri nemhaka yezvifananidzo zvavo.
Naizvozvo iti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, dzokai, mufuratire zvifananidzo zvenyu, mufuratidze zvinonyangadza zvenyu zvose zviso zvenyu.
Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zvino kana muporofita akanyengerwa, akataura shoko, ini Jehovha, ndini ndanyengera muporofita uyo, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pake, ndimuparadze pakati pavanhu vangu vaIsiraeri.
Vachava nemhosva yavo; zvakaipa zvomuporofita zvichaenzana nezvakaipa zvaanobvunza kwaari;
kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kwose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kuranga kwaJehovha kwakarurama
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, kana kune nyika ichinge yanditadzira nokudarika, ini ndikatambanudzira ruoko rwangu pamusoro payo, ndikavhuna mudonzvo wezvokudya zvayo, ndikatuma nzara pamusoro payo, nokuparadzapo vanhu nezvipfuwo;
kunyange vanhu ava vatatu, Noa naDhanyeri naJobho, vakavamo, vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Kana ndikafambisa zvikara munyika, zvikaipedzera vana, ikaitwa dongo, kukasava nomunhu angagona kufambamo nemhaka yezvikara;
kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
Zvimwe kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika iyo, ndikati, Munondo, pfuura napakati penyika! Ndikaparadzamo vanhu nezvipfuwo,
kunyange varume ava vatatu vaivamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vamene voga vangwarwirwa.
Zvimwe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo neropa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo;
kunyange Noa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndoda, kana ndikatuma pamusoro peJerusaremu zvakaipa zvina zvandakavatongera, zvinoti, munondo nenzara nezvikara zvakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo !
Asi tarirai, vamwe vakasara vacharegwamo vachapukunyuka, vachatapwa, vari vanakomana navanasikana; tarirai, vachasvika kwamuri, muchaona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchanyaradzwa pamusoro pezvakaipa zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu, pamusoro pezvose zvandakauyisa pamusoro paro.
Ivo vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchaziva kuti handina kuita pasina zvose zvandakaitamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romuzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo?
Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?
Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here?
Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, haukwaniri basa!
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Somuti womuzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa.
Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.
Ndichaparadza nyika, nokuti vakandidarikira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro,
uti, Zvanzi naIshe Jehovha Jerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti.
Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva nengoni newe; asi wakarashirwa kusango, nokuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.
Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, Rarama! Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, Rarama!
Ndakakuita vazhinji kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakanga usina kufuka, wakashama.
Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatehwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika.
Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako.
Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake.
Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo;
ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuwira zvangu pamberi pazvo.
Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here,
zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
Wakafevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
Wakapatawo navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi hauna kuringaniswa nazvo.
Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
Moyo wako unoshaiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Jehovha Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari;
zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo.
Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake!
Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.
Iwe wakasiyana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakasiyana navamwe.
Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha,
zvanzi naIshe Jehovha, Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.
Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voutera navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo.
Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo.
Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo.
Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa.
Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.
Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munununa wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munununa wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake.
Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora.
Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munununa wako Sodhoma, Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
Tarira, zvakaipa zvomunununa wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanununa vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanununa vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanununa vako.
Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo;
kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza.
Vanununa vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare.
Nokuti munununa wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako,
zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano.
Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe.
Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanununa vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha;
kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, taurira veimba yaIsiraeri chirahwe, ureve mufananidzo kwavari;
uti, Zvanzi naIshe Jehovha, gondo guru rina mapapiro makuru neminhenga mirefu, rinamambava mazhinji ana mavara-mavara, rakasvika Rebhanoni, rikatora musoro womuSidhari,
rikavhuna davi rokumusoro pamatavi aro manyoro, rikaenda naro kunyika yavashambadziri, ndokuriisa muguta ravatengesi.
Rakatorawo dzimwe mbeu dzenyika, ndokudzikavira pavhu rakaorera, rikadziisa parutivi rwemvura zhinji, rikadzisima semiti yemikonachando.
Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
Wakanga wakasimwa pavhu rakanaka pane mvura zhinji, kuti ubudise matavi, nokubereka michero, uve muzambiringa wakanaka.
Zvino iwe uti, Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here? Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikanwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
Zvirokwazvo, tarira, zvawasimwa ucharamba uchifara here? Haungaomi chose kana ukarohwa nemhepo inobva mabvazuva here? Uchaomera pandima pawakanga wamera.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
Zvino uti kuimba inondimukira simba, Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko? Chivaudza, uti, Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
Akatora mumwe worudzi rwamambo, akaita sungano naye; akamupikisawo, akabvisa vane simba venyika;
kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.
Asi wakazomumukira achituma nhume dzake Ijipiti, kuti apiwe mabhiza navanhu vazhinji. Ko acharamba achingofara here? Anoita zvinhu zvakadai achapukunyuka here? Angaputsa sungano akapukunyuka here?
Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachafira.
Kunyange naFarao nehondo yake ine simba neboka rake guru haangamubatsiri pakurwa, kana vachitutira mirwi yokurwa nokuvaka nhare, kuti vaparadze vanhu vazhinji.
Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, kupika kwangu kwaakashora nesungano yangu yaakaputsa, zvirokwazvo ndichauyisa mhosva yazvo pamusoro pomusoro wake.
Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa nomusungo wangu, ndichamuisa Bhabhironi ndimutongeko pamusoro pokudarika kwake kwaakandidarikira nako.
Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatora ini rutavi padavi rokumusorosoro romusidhari, ndirusime; pamatavi aro manyoro okumusoro ndichavhuna rumwe rutsva, ndirusime pamusoro pegomo refu rakakwirira;
pagomo refu raIsiraeri ndipo pandicharusima; ruchabudisa matavi, nokubereka michero, nokuva musidhari wakanaka kwazvo, pasi pawo pachagara shiri dzinamapapiro amarudzi ose; dzichagara mumumvuri wamatavi awo.
Zvino miti yose yokusango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndikakwiridza muti wakazvidzwa, nokuomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakaoma. Ini Jehovha ndakazvitaura, ndikazviita.
18
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?
Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri.
Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
Asi kana munhu achinge akarurama, achiita zvomurayiro nezvakarurama,
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuzvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake, kana kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake,
asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
asina kuita mhindu, kana kutora mhindu yemichero, akadzora ruoko rwake pazvakaipa, akaruramisa kwazvo pamhaka yomunhu nehama yake,
akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Kana iye akabereka mwanakomana riri gororo, kana muteuri weropa, kana anoita chimwe chezvinhu izvi,
asingaiti chinhu chimwe chaizvozvo zvakanaka, akadya pamakomo, akachinyira mukadzi wowokwake,
akaitira varombo navanoshayiwa zvakaipa, akatora achipamba, asina kudzosera rubatso, akatarira zvifananidzo nameso ake, akaita zvinonyangadza,
akaita mhindu, kana kutora mhindu yemichero; ko iye achararama here? Haangararami. Akaita izvi zvose zvinonyangadza, zvirokwazvo achafa; ropa rake richava pamusoro pake.
Zvino, tarira, kana akabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai;
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
akadzora ruoko rwake pakuitira varombo zvakaipa, asina kutora mhindu kana mhindu yemichero, akaita zvandakarayira, nokufamba nemitemo yangu; iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo achararama.
Kana vari baba vake, zvavakamanikidza zvikuru, nokupamba zvinhu zvomunununa wake, akaita zvisina kunaka pakati pavanhu vake, tarirai, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake.
Asi imi munoti, Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake? Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kwowakaipa kuchava pamusoro pake.
Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi pamusoro pake; achararama nokuda kwezvakarurama zvaakaita.
Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
Asi kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akaita zvinonyangadza zvose zvinoitwa nomunhu akaipa, ko angararama here? Mabasa ake akarurama aakaita haangatongorangarirwi; nokuda kwokudarika kwake, kwaakadarika nako, nezvivi zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
Asi imi munoti, Nzira yaIshe haina kururama. Zvino chinzwai, imi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?
Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akafa nokuda kwazvo; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
Zvaakarangarira, akatsauka pakudarika kwake kwose kwaakaita, zvirokwazvo achararama, haangafi.
Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, Nzira yaIshe haina kururama. Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Naizvozvo ndichakutongai, imi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kwose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yavaIsiraeri?
Nokuti handifariri rufu rwounofa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
19
Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri,
uti, Mai vako vaiva aniko? Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku.
Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeIjipiti.
Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku.
Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kwokuwomba kwayo.
Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo.
Vakaiisa muchirugu chine zvikokovonho, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwikwa pamakomo alsiraeri.
Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakanga wakasimwa pamvura;wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji.
Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji.
Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza.
Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota.
Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
20
Zvino negore rechinomwe, nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
Chivatonga, Mwanakomana womunhu, chivatonga! Chivazivisa zvinonyangadza zvamadzibaba avo;
uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu, ndichiti, Ndini Jehovha Mwari wenyu;
nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose.
Ndikati kwavari, Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.
Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika
Naizvozvo ndakavabudisa munyika ndikavaisa kurenje.
Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo.
Ndakavapawo maSabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene.
Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo.
Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose;
nokuti vakaramba zvandavakarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura maSabata angu; nokuti moyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo.
Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje.
Ndikati kuvana vavo murenje, Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu.
Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite;
maSabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu,kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo.
Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose;
nokuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura maSabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo.
Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo;
ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha.
Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.
Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
Ipapo ndikati kwavari, Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko? Naizvozvo zita rayo rinonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.
Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here?
Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
izvo zvinopinda mumirangariro yenyu hazvingatongoitiki chose, zvamunoti, Tinoda kufanana namamwe marudzi, navanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namabwe.
Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvirokwazvo ndichava mambo wenyu nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa.
Ndichakubudisai pakati pamarudzi, nokukuwunganidzai kunyika kwamakanga makaparadzirwa, nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa;
ndichakuisai kurenje ramarudzi avanhu, ndigokutongaipo, tichionana nameso.
Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichakuverengai netsvimbo yomufudzi, nokukuisai muchisungo chesungano;
ndichabvisa pakati penyu vakandimukira simba navakandidarikira, ndichavabudisa panyika pavagere vari vatorwa, asi havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Kana murimi, imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha endai imi mundoshumira mumwe nomumwe zvifananidzo zvake, asi pashure muchanditeerera; hamuchazomhuri zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
Nokuti pagomo rangu dzvene, pagomo rakakwirira raIsiraeri, ndipo pandichashumirwa munyika neimba yose yaIsiraeri, ivo vose; ndipo pandichavagamuchira, ndipo pandichareva zvibayiro zvenyu, nezvitsva zvezvipo zvenyu, pamwechete nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
Ndichakugamuchirai sohwema hunonhuwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuisai munyika yaIsiraeri, kunyika yandakasimudzira madzibaba enyu ruoko rwangu ndichiti ndichavapa iyo.
Zvino mucharangarirapo nzira dzenyu, nezvose zvamakaita, zvamakazvisvibisa nazvo; muchazvisema pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
Zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu, ndisingaiti zvakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana zvakafanira zvakaora zvamakaita, imi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Mufananidzo wedondo rinotsva
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi, udonhedze shoko rako kurutivi rwezasi, uporofite pamusoro pedondo romusango kurutivi rwezasi;
uti kudondo kurutivi rwezasi, Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
Vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndini ndakaubatidza; haungadzimwi.
Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, Ko haazi mutauri wemifananidzo here?
21
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri,
uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa.
Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro;
vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve.
Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.
Zvino kana vachiti kwauri, Unogomera neiko? Uti kwavari, Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa;
warodzwa, kuti uuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.
Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi.
Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu.
Nokuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza.
Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kwose kunotarira mativi ako akarodzwa.
Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta.
Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo.
Nokuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akazunungusa miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa.
Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namanzwi, vaise zvokugumura pamasuo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa.
Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.
Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira,
zvanzi naIshe Jehovha, Ngowani yohupirisiti inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.
Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo.
Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,
vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasvikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga.
Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza.
Iwe uchava huni dzomoto; ropa rako richava pakati penyika; hauchazorangarirwi, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura.
22
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose.
Uti zvanzi naIshe Jehovha, Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!
Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose.
Vari pedo newe, navari kure, vachakuseka, iwe unezita rakasvibiswa, uzere nebope.
Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa.
Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako.
Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura maSabata angu.
Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako.
Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakanga asina kunaka nokuva kumwedzi kwake.
Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunununa wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake.
Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pefuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako.
Ko moyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako.
Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu.
Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei.
Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro.
Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu uti kwairi, Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.
Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora fuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo.
Vapirisiti vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.
Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane fuma vachinyengera.
Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.
Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake.
Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe.
Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;
ivo vakapata muIjipiti, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akanyangatwa ipapo, minyatso yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.
Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munununa wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.
Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikanwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,
vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikanwa, vatasvi vaifamba namabhiza.
Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati peAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikanwa naye.
Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Ijipiti; nokuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyatso yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.
Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikanwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.
Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nokuti vakamutonga.
Zvino munununa wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.
Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikanwa.
Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.
Akawedzera kupata kwake; nokuti wakaona zvifananidzo zvavarume pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakaitwa nomuti mutsvuku,
vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.
Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.
VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.
Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.
Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeljipiti.
Akadana zvikuru navadikanwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, uye zvinobudiswa navo zvakaita sezvinobudiswa namabhiza.
Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyatso yako navaIjipiti nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.
Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikanwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.
Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.
Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.
Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeIjipiti, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Ijipiti.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;
ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kwokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.
Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.
Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
Zvanzi naIshe Jehovha, Uchanwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nokuti iwe une zvizhinji zvirimo.
Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
Uchaunwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokubvanzura mazamu ako; nokuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakandikanganwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.
Jehovha akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.
Nokuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.
Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura maSabata angu.
Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,
ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuwira zvangu namafuta angu.
Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya navakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo.
Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.
Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.
Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kwose-kwose vapambwe.
Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.
Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.
Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
24
Zvino negore repfumbamwe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, nyora zita nezuva, rezuva iro rino. Mambo weBhabhironi akaswedera Jerusaremu nezuva irero.
Ureve mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, Gadza gate, rigadze, udirewo mvura mariri;
unganidziramo nhindi dzaro, ndindi dzose dzakanaka, chidya nebandauko, rizadze namapfupa akasanangurwa.
Tora rakasanangurwa pakati pamakwai, nesvinga rehuni pasi pamapfupa, rivirise kwazvo, mapfupa aro abikwe mukati maro.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta reropa rine nhamo, negate rine ngura mukati maro, risina kubvisirwa ngura yaro! Budisamo nhindi imwe neimwe; rigere kutongerwa.
Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
Ndakaisa ropa raro paruware rusine chinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzangu dzimutswe kuzotsiva.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta rine ropa, rine nhamo! Ndichakurisawo svinga rehuni.
Tutirai huni, pfutidzai moto, bikai nyama zvakanaka, kodzai muto, mapfupa atsve.
Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
Rakandinetsa nokubata zvikuru; kunyange zvakadaro ngura yaro haibvi mukati maro; ngura yaro ngaiiswe mumoto!
Tsvina yako ine zvakashata; zvandakakunatsa, ukasanatswa, haungazonatswi patsvina yako, kusvikira ndanyaradza hasha dzangu pamusoro pako.
Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kufa kwomukadzi waEzekieri kunoitwa chiratidzo kuvaIsiraeri
Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu.
Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa.
Zvino vanhu vakati kwandiri, Ko haungatiudziwo kuti zvinhu izvi zvinoti kudini kwatiri, zvaunoita zvakadaro here?
Zvino ndikati kwavari, Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Taura neimba yaIsiraeri, uti zvanzi naIshe Jehovha Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.
Ipapo muchaita sezvandakaita ini, hamungapfumbiri miromo yenyu, kana kudya zvokudya zvavanhu.
Zvishongo zvenyu zvichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi kana kuungudza, asi muchapera muzvakaipa zvenyu, muchigomerana.
Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvose zvaakaita iye, nemi muchazviitawo; kana zvichisvika, muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
Zvino kana uriwe, mwanakomana womunhu, nomusi wandichavatorera simba ravo, ivo mufaro wechakanaka chavo, chinodikanwa nameso avo, icho chinodikanwa nemweya yavo, vanakomana vavo navanasikana vavo,
ko nomusi uyo unopukunyuka haangauyi kwauri kuti akuudze izvozvo munzeve dzako here?
Nomusi uyo muromo wako uchashamisirwa wakapukunyuka, uchataura, haungazovi mbeveve; saizvozvo uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
25
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvana vaAmoni, uporofite pamusoro pavo;
Uti kuvana vaAmoni, Inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha, imi zvamakati, Toko! Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
Rabha ndichariita mafuro emakamera, nenyika yavana vaAmoni nzvimbo inovata makwai; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Nokuti zvanzi nalshe Jehovha, Zvamakarovanya maoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamusoro penyika yaIsiraeri muchivazvidza nemweya yenyu yose;
zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, Moabhu naSeiri zvavanoti, Tarirai, imba yaJudha yakafanana namarudzi ose,
naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwenyika yaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ihwo hukomba hwenyika, anoti: Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriataimi,
ndichazvipa vana vokumabvazuva, pamwechete navana vaAmoni, ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pamarudzi;
ndichatonga Moabhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Chirevo pamusoro pavaEdhomu navaFirisitia
Zvanzi naIshe Jehovha, Edhomu zvavakatsiva imba yaJudha, vakapara mhaka kwazvo, vakazvitsivira kwavari;
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.
Ndichazvitsivira kuna Edhomu namaoko avanhu vangu Isiraeri; vachaitira Edhomu zvakarehwa nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, VaFirisitia zvavakazvitsivira, vakatsiva vachizvidza nemweya yavo, vachida kuparadza nokuvenga kusingaperi,
naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavaFirisitia, ndichabvisa vaKereti nokuparadza vakasara pamhenderekedzo dzegungwa.
Ndichazvitsivira kwavari nokutsiva kukuru nokutuka kwehasha; vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiuyisa kutsiva kwangu pamusoro pavo.
26
Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, Toko waro ! Raputsika, iro raiva suo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharitsvairira guruva raro, riite soruware rusine chinhu.
Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ndakazvitaura ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa.
Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji.
Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa.
Achamisa zvokugumura pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi.
Vachapamba fuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
Ndichagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki.
Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
Nenguva iyo machinda ose okugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvovushe, vachaisa pasi nguvo dzavo dzovushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.
Zvino zvivi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zvivi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.
Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
27
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire;
uti kuTire, Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha, iwe Tire, wakati, Ndakakwana pakunaka.
Nyika yako iri mumoyo wamakungwa; vavaki vako vakakwanisa kunaka kwako.
Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi inobva Seniri; vakatora musidhari weRebhanoni kukuitira danda rechikepe.
Matanda ako okukwasva nawo vakaaita nemiouki yeBhashani; vakaita zvigaro zvako pazvikepe nenyanga dzenzou dzakavezerwa mumapuranga emipaini yakabva kuzviwi zveKitimi
Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
Vakanga vagere Sidhoni neArivhadhi ndivo vaiva vakwasvi vako; vanhu vako vakachenjera, iwe Tire, vakanga vari mukati mako, ndivo vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
Vakuru veGebhari navakachenjera varo vaiva mukati mako vachikugadzirira paisvinirira mvura; zvikepe zvose zvegungwa zvaiva mukati mako pamwechete navafambisi vazvo kuti vashambadzirane newe.
Vanhu vePerisia neRudhi nePuti vaiva muhondo yako, vaiva varwi vako; vaiturikira mukati mako nhovo dzavo nengowani dzavo; vaikuitira mbiri.
Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
Tarishishi raishambadzirana newe nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, vakatenga nhumbi dzako nesirivha nedare netini nomutobvu.
Nyika dzeJavhani, Tubhari, neMesheki ndivo vaitengerana newe, vaitenga nhumbi dzako nemiviri yavanhu nemidziyo yendarira.
Veimba yaTogarima vakatenga nhumbi dzako namabhiza namabhiza ehondo namahesera.
Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zvivi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuda kwezvizhinji zvako zvakaitwa namaoko; vakatenga nhumbi dzako namabwe esimaragidhino, nomucheka mutema, nezvakarukwa, nomucheka wakaisvonaka, nekorari, namabwe anovaima.
Judha nenyika yaIsiraeri ndivo vaitengerana newe; vaitenga nhumbi dzako nezviyo zveMiniti, nezvinotapira, nohuchi, namafuta, nebharisami.
Dhamasiko raishambadzirana newe richitenga zvizhinji zvako zvakaitwa namaoko, nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
Nyika dzeVedhani neJavhani dzakatenga nhumbi dzako nechinda; dare rinobwinya, nekasia, nekaramo ndizvo zvakanga zviri pakati penhumbi dzako.
Dhedhani raikutengesera micheka inokosha yokutasvisa mabhiza nayo.
Nyika yeArabhia namachinda ose enyika yeKedhari ndivo vaitenga pamaoko enyu; makwayana namakondohwe nembudzi ndizvo zvavaitenga kwauri.
Vatengesi veShebha neRaama ndivo vaitengerana newe; vaishambadzira nhumbi dzako nezvinonhuwira zvakaisvonaka, namabwe ose anokosha, nendarama.
Harani neChane neEdheni ivo vatengesi veShebha neAshuri neKirimadhi ndivo vaitengerana newe.
Ndivo vaitengerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, nenguvo dzemicheka mitema nezvakarukwa, namabhokisi ezvokufuka zvinokosha, akasungwa namabote, akavezwa nemisidhari, pakati penhumbi dzako.
Zvikepe zveTarishishi ndizvo zvaitakura nhumbi dzako, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumoyo yamakungwa.
Vakwasvi vako vakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mumoyo wamakungwa.
fuma yako, nenhumbi dzako, nezvokutengesa zvako, vafambisi vezvikepe zvako, navarairi vazvo, navagadziri vako panosinirira mvura, navashambadziri venhumbi dzako, navarwi vako vose, vari mukati mako, navanhu vako vazhinji vari mukati mako, zvose zvichawira mumoyo wamakungwa nezuva rokuparadzwa kwako.
Mafungu achadengenyeka nomubvumo wokudanidzira kwavarairi vezvikepe zvako.
Vose vanobata namatanda okukwasva, ivo vafambisi navarairi vose vapagungwa, vachaburuka pazvikepe zvavo; vachamira pamhenderekedzo,
vachadana namanzwi avo pamusoro pako, vachachema kwazvo ; vachikushira guruva pamisoro yavo; vachaumburukira, mumadota;
vachazvivevurira misoro nokuda kwako, vachazvisunga zvivuno namasaga, vachikuchema nemweya ine shungu kwazvo nokuchema kukuru.
Pakuchema kwavo vachakuitira mariro, vachachema pamisoro pako, vachiti, Ndianiko wakatongofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati megungwa?
Panguva yakaenda nhumbi dzako kumakungwa, wakagutisa vanhu vazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji nezvawaitengesa.
Panguva yawakaputswa namakungwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako navanhu vako vose zvakawira pasi mukati mako.
Vose vagere pazviwi vanoshamiswa pamusoro pako, madzimambo avo anotya kwazvo; zviso zvavo zvinodedera.
Vatengesi pakati pamarudzi avanhu vanokuridzira muridzo, wava chinhu chinotyisa, haungatongozovipo.
28
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, moyo wako zvawakazvikudza, iwe ukati, Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa, kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari;
tarira, unokunda Dhanyeri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe;
wakazviwanira fuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvefuma yako;
wakawedzera fuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, moyo wako ukazvikudza nokuda kwefuma yako;
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakamisa moyo wako somoyo waMwari,
naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako.
Vachakuburusira kugomba; uchafa norufu rwavanourawa mumoyo wamakungwa.
Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, Ndini Mwari? Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.
Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa, nokuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.
Wakanga uri paEdheni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani neberiri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako.
Iwe wakanga uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto.
Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.
Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.
moyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.
Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.
Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi. Chirevo pamusoro peSidhoni
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro,
uti, zvanzi nashe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.
Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.
Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.
29
Zvino negore regumi, nomwedzi wegumi, nezuva regumi namaviri romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Farao mambo weIjipiti, uporofite pamusoro pake napamusoro peIjipiti rose.
Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako, ukati, Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.
Ndichaisa zvikokovonho mushaya dzako, ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, ndichakubvisa mukati menzizi dzako pamwechete nehove dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako.
Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo.
Vose vagere Ijipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti vakanga vakaita setsvimbo yorutsanga kuimba yaIsiraeri.
Vakati vachibata ruoko rwako, iwe ukavhunika, ukatsemura mafudzi avo ose; vakati vachisendama pamusoro pako, iwe ukavhunika, ukamisa zviuno zvavo zviri zvoga.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndinouyisa munondo pamusoro pako, ndichaparadza pakati pako vanhu nezvipfuwo.
Nyika yeIjipiti ichava dongo renzvimbo yakaparadzwa zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Zvayakati, Rwizi ndorwangu, ndini ndakaruita,
naizvozvo, tarira, ndine mhaka newe uye nenzizi dzako, ndichaita nyika yeIjipiti nzvimbo yakaparadzwa chose nedongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvikira pamuganho weItiopia.
Hakuna munhu achapfuura napo norutsoka rwake, norutsoka rwechipfuo harungapfuuri napo, haingagarwi navanhu makore makumi mana.
Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achaitwa matongo makore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo; ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingira kunyika dzose.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Kana makore makumi mana apera, ndichaunganidza vaIjipiti kumarudzi avanhu kwandakanga ndavaparadzira;
ndichadzosazve kutapwa kweIjipiti, ndichavadzoserazve kunyika yePatirosi, kunyika kwavakaberekerwa; vachavapo hushe hwakazvidzwa.
Huchava ushe hunozvidzwa kupfuura ushe hwose, hahungazozvimisizve kukunda mamwe marudzi, ndichavatapudza, varege kuzotongazve mamwe marudzi paushe hwavo.
Imba yalsiraeri haingazovimbi nahwo, huchindiyeudzira zvakaipa zvavo, kana vachicheukira kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
Zvino negore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
Ndakamupa iye nyika yeIjipiti, uve muripo wake wezvaakabatira, nokuti vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Nezuva iro ndichamedzera imba yaIsiraeri runyanga, newe ndichakupa muromo wakashamiswa pakati pavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
30
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!
Nokuti zuva rava pedo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu.
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.
Zvanzi naJehovha, Naivo vanotsigira Ijipiti vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene.
Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto vabatsiri vayo vose vaparadzwa.
Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reIjipiti; nokuti, tarirai, zvinouya.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichagumisawo vanhu vazhinji veIjipiti noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Ijipiti minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa.
Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeIjipiti; ndichaisa kutya panyika yeljipiti.
Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo.
Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeIjipiti; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.
Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa.
PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa.
Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, rupomberwe mucheka, kuti ruve nesimba rokubata munondo.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weIjipiti, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake.
Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose.
Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa.
Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika
Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.
31
Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wechitatu, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti, nokuvanhu vake vazhinji, Iwe wakafanana nani paukuru hwako?
Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowedondo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore.
Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasipasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango.
Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo.
Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo.
Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji.
Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakakura zvikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, moyo wake ukazvikudza nokuda kwokureba kwake,
ndichamuisa muruoko rwoune simba pakati pamarudzi avanhu, iye achamuitira zvawakafanira; ndakamudzinga nokuda kwezvakaipa zvake.
Vatorwa, ivo vanotyisa pakati pamarudzi, vakamutema vakamurega, matavi ake akawira pamusoro pamakomo nomumipata yose, matavi ake akavhunikira pahova dzose dzenyika; vanhu vose venyika vabva pamumvuri wake, vakamusiya.
Shiri dzose dzekudenga dzichagara padanda rake rakawa, mhuka dzose dzesango dzichava pamatavi ake;
kuti miti yose iri pamvura irege kuzvikudza nokureba kwayo, kana kusvitsa misoro yayo mumakore, neine simba pakati payo irege kumira ichizvikudza iyo miti yose inonwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunzvimbo dzapasi dzenyika, pakati pavana vavanhu, pamwechete navanoburukira kugomba.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva raakaburukira kuSheori, ndakarayira kuti vanhu vacheme; ndakafukidza pakadzika nokuda kwake, ndikadzora nzizi dzapo, mvura zhinji ikamiswa; ndakarayira Rebhanoni kumuchema, miti yose yokusango ikati rukutu nokuda kwake.
Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inonwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.
Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32
Zvino negore regumi namaviri, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pako neboka ravanhu vazhinji, ivo vachakubata nomumbure wangu.
Ndichakusiya panyika, ndichakurasira kusango pakachena, ndichamharisa shiri dzose dzokudenga pamusoro pako, ndichagutisa zvikara zvenyika dzose newe.
Ndichayanika nyama yako pamusoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
Ndichadiridzawo nyika neropa rako rinoerera richibva kwauri, kusvikira kumakomo; hova dzichazadzwa newe.
Kana ndichikudzima, ndichafukidza denga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndichafukidza zuva negore, nomwedzi haungabudisi chiedza chawo.
Zviedza zvose zvedenga, zvinopenya, ndichazvidzima pamusoro pako, ndichiisa rima panyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichawodzawo moyo yamarudzi mazhinji avanhu, kana ndichisvitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakanga usingazivi iwe.
Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda kwoupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Munondo wamambo waBhabhironi uchauya pamusoro pako.
Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
Ndichaparadzawo zvipfuwo zvayo zvose zviri kunhivi dzemvura zhinji, hakungazovi norutsoka rwomunhu ruchabvongodza, kana mahwanda ezvipfuwo angazoibvongodza.
Ipapo ndichachenesa mvura yavo, nokuyeredza nzizi dzavo samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino nenguva yandichaita nyika yeIjipiti dongo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa zvayakanga izere nazvo, nenguva yandicharova vose vageremo, nenguva iyo vachaziva kuti ndini Jehovha.
Awa ndiwo mariro avachachema nawo; vakunda vamarudzi vachachema nawo; vachachema nawo pamusoro peIjipiti navanhu vose vayo vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino negore regumi namaviri, nezuva regumi namashanu rwomwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro pavanhu vazhinji veIjipiti, uvawisire pasi, iyo nyika navakunda vamarudzi ane mbiri, kusvikira kunzvimbo dziri pasi penyika, pamwechete navanoburukira kugomba.
Unopfuura aniko pakunaka? Buruka, ugondoradzikwa kuna vasina kudzingiswa.
Vachawa pakati pavakaurawa nomunondo; Ijipiti yakatemerwa munondo, chiikweverai pasi, iyo navanhu vayo vazhinji.
Vane simba pakati pemhare vachataura naye navanomubatsira, vari pakati peSheori; vaburukirako, vavete vanyerere, ivo vasina kudzingiswa, vaurawa nomunondo.
Ashuri riripo neboka raro rose; marinda aro akarikomberedza, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo.
marinda aro akaiswa kumicheto yegomba, boka raro rakakomberedza rinda raro; vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vaityisa munyika yavapenyu.
Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.
Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
Mesheki neTubhari aripo navanhu vavo vose vazhinji; marinda awo akakomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurawa nomunondo, nokuti vaityisa munyika yavapenyu.
Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
Asi iwe uchaputswa pakati pavasina kudzingiswa, uchavata pakati pavakaurayiwa nomunondo.
Edhomu riripo, namadzimambo aro namachinda aro ose, akaradzikwa pakati pavakaurayiwa nomunondo, kunyange aiva nesimba; vachavata pakati pavasina kudzingiswa, uye pamwechete navanoburukira kugomba.
Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kwokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
Farao achavaona, ndokunyaradzwa pamusoro pavanhu vake vose vazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaurayiwa nomunondo , ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Nokuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yavapenyu; iye acharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, pakati pavakaurayiwa nomunondo, iye Farao navanhu vake vose vazhinji, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
33
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, taura navana vavanhu vako, uti kwavari, Kana ndichiisa munondo panyika, vanhu venyika iyoyo vakazvitsaurira munhu pakati pavo, vakamuita nharirire yavo;
zvino kana iye akaona munondo uchisvika panyika, akaridza hwamanda, akanyevera vanhu;
ipapo ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, kana munondo ukasvika, ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro wake, iye amene.
Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake.
Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.
Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
Kana ini ndikati kune wakaipa, Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, Imi munotaura, muchiti, Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?
Uti kwavari, Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.
Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, Zvirokwazvo uchafa; kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
kana akaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo achararama, haangafi.
Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; akaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo achararama.
Kunyange zvakadaro vana vavanhu vako vanoti, Nzira yaIshe haina kururama; asi kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.
Kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
Uye kana akaipa akatendeuka pakuipa kwake, akaita zvakarayirwa nezvakarurama, achararama nazvo.
Kunyange zvakadaro munoti, Nzira yaIshe haina kururama. Aiwa, imba yaIsiraeri, ndichakutonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake. Jerusaremu richaparadzwa nokuda kwezvivi zvaIsiraeri
Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, Guta rakundwa.
Zvino ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu madekwana, iye akapukunyuka asati asvika; akanga ashamisa muromo wangu, kusvikira iye achisvika kwandiri mangwanani; muromo wangu ukashamiswa, ndikasazova mbeveve.
Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ive nhaka yedu.
Naizvozvo chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Munodya nyama pamwechete neropa, muchitarira zvifananidzo zvenyu nameso enyu nokuteura ropa; zvino mungapiwa nyika sei?
Munovimba nomunondo wenyu, munoita zvinonyangadza, munochinya mumwe nomumwe wenyu mukadzi wowokwake; zvino mungapiwa nyika sei?
Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
Nyika ndichaiita dongo nechishamiso, kuzvikudza kwayo pamusoro pesimba rayo kuchapera, namakomo avaIsiraeri achaitwa matongo, kuti kurege kuzova nomunhu unopfuura napo.
Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaita nyika dongo nechishamiso, nokuda kwezvinonyangadza zvavo zvose zvavakaita.
Asi kana uriwe, Mwanakomana womunhu, vana vavanhu vako vanokureva vari pamasvingo avo nomumikova yedzimba dzavo, vanotaurirana mumwe nomumwe achiti kuhama yake, Douya hako, unzwe shoko rinobva kuna Jehovha.
Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi moyo yavo inotevera fuma yavo.
Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
Zvino kana izvi zvichiitwa nokuti zvirokwazvo hazvimboregi kuitika, nenguva iyo vachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.
34
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pavafudzi vaIsiraeri, porofita, uti kwavari, kuna ivo vafudzi, zvanzi nalshe Jehovha, Vane nhamo ivo vafudzi vaIsiraeri vanozvifudza! Ko vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
Munodya mafuta munofuka makushe awo, munobaya akakora asi, hamufudzi makwai.
Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.
Akapararira, nokuti akanga asina mufudzi, akava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, akapararira.
Makwai angu akadzungaira pamakomo ose, napachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, zvirokwazvo makwai angu akapararira pasi pose, hakuna akaaronda nokuatsvaka.
Naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, makwai angu zvaakapambwa, zvaakava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, nokuti kwakanga kusino mufudzi, navafudzi vangu zvavasina kuronda makwai angu, asi vafudzi vangu vakazvifudza ivo, vakasafudza makwai angu;
naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.
Mufudzi sezvaanotsvaka boka rake, nezuva raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira nezuva ramakore nererima.
Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.
Ndichaafudza namafuro akanaka, danga rawo richava pamakomo akakwirira aIsiraeri; achavata ipapo pasi mudanga rakanaka, achafura pamafuro emakamera mumakomo alsiraeri.
Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama.
Kana murimi boka rangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarirai ndinotonga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobwe nenhongo.
Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
Kana ari makwai angu, anodya zvamakatsika netsoka dzenyu, nokunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari, Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pamakwai akakora namakwai akaonda.
Zvamunosunda norutivi nefudzi, muchitunga asine simba nenyanga dzenyu, kusvikira maaparadzira kwose,
naizvozvo ndichaponesa boka rangu, kuti arege kuzopambwa; ndichatonga pakati pamakwai namakwai.
Ndichaamutsira mufudzi mumwe woga, iye achaafudza, iye muranda wangu Dhavhidhi; iye uchaafudza, iye achava mufudzi wawo.
Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nomuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndakataura izvozvo.
Ndichaita navo sungano yorugare, ndichapedza zvikara panyika yavo, vachagara zvakanaka murenje, nokuvata mumatondo.
Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mashoko anoropafadza achavapo.
Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa.
Havangazovi chinhu chinopambwa namarudzi avanhu, nezvikara zvenyika hazvingavaparadzi; asi vachagara zvakanaka, hakuna angavatyisa.
Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.
Zvino vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye kuti ivo, iyo imba yaIsiraeri, ndivo vanhu vangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Asi imi, makwai angu, makwai anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kugomo reSeiri, uporofite pamusoro paro,
uti kwariri, zanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakuita dongo nechishamiso.
Ndichaparadza maguta ako, iwe uchava dongo; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha.
Nokuti wakavenga vana vaIsiraeri nokuvenga kusingaperi, ukavaisa pasimba romunondo nenguva yenjodzi yavo, nenguva yezvakaipa zvokupedzisira;
naizvozvo noupenyu hwangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakugadzirira ropa, ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakuteverera.
Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri chishamiso nedongo; ndichaparadza mariri vanofamba napo navanodzoka napo.
Ndichazadza makomo aro navanhu varo vakaurayiwa; muzvikomo zvako nomumipata yako napahova dzako dzose ndipo pachawa vakauyirawa nomunondo.
Ndichakuita dongo nokusingaperi, maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zvawakati, Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, zvichava nhaka yedu, kunyange Jehovha akanga aripo;
naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichaita zvakafanira kutsamwa kwako, uye zvakafanira godo rako rawakavaitira nokuvenga kwako; zvino ini ndichazvizivisa pakati pavo, kana ndichikutonga iwe.
lwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.
Makazvikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndazvinzwa.
Zvanzi naIshe Jehovha, Kana nyika yose ichifara, ndichakuita iwe dongo.
Sezvawakafara pamusoro penhaka yeimba yaIsiraeri, nemhaka yokuti yakaitwa dongo, saizvozvo ndichakuitirawo; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, izvo zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
36
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, Toko waro! Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu;
naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;
naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza;
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.
Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa.
Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.
Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudzvarwa;
ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa;
ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana;
naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakanga wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake.
Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo;
ndikavaparadzira pakati pamarudzi, vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo nezvavakaita.
Zvino vakati vachisvika kumarudzi, kwavakaenda, vakamhura zita rangu dzvene, nokuti vanhu vakati pamusoro pavo, Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.
Asi ndakanga ndinehanya nezita rangu dzvene, rakanga ramhurwa neimba yaIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda.
Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.
Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Nokuti ndichakubvisai pakati pamarudzi, nokukuunganidzai kunyika azose, ndikuisei kunyika yenyu.
Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, muve vakachena; ndichakunatsai matsvina enyu ose nezvifananidzo zvenyu zvose.
Ndichakupaiwo moyo mutsva, nokuisa mukati menyu mweya mutsva; ndichabvisa moyo webwe panyama yenyu, ndikupei moyo wenyama.
Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yangu; muchachengeta zvandakarayira nokuzviita.
Muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu; muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
Ndichakuponesai patsvina yenyu yose; ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara.
Ndichawanza michero yemiti, nezvinomera muminda, kuti murege kuzoshorwa namarudzi avanhu zvichinzi mune nzara.
Ipapo mucharangarira mufambiro wenyu wakaipa, nezvamakaita zvisina kunaka; muchazvisema mumene pamusoro pezvakaipa zvenyu nezvinonyangadza zvenyu.
Handiiti izvozvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva randichakunatsai pazvakaipa zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa.
Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuura napo.
Ipapo vachati, Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni; maguta akanga akaparadzwa akasiyiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.
Ipapo marudzi akasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndini ndakavaka nzvimbo idzo dzaiva matongo, ndikasimazve pakanga pakaparadzwa; ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
Zvanzi naIshe Jehovha, Asi ndinoda kukumbirwa chinhu ichi neimba yaIsiraeri, kuti ndivaitire izvozvo; ndichavawanzira vanhu, vave seboka ramakwai.
Sezvakaita boka ramakwai anobayirwa Jehovha, sezvakaita boka ramakwai muJerusaremu pamitambo yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo achazadzwa namapoka avanhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
37
Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa;
akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo.
Akati kwandiri, Mwanakomana, mapfupa awa angararama here? Ndikapindura, ndikati, Imi Ishe Jehovha munozviziva.
Zvino akatizve kwandiri, Porofita pamusoro pamapfupa awa, uti kwaari, Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.
Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa awa, Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve.
Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro.
Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
Ipapo akati kwandiri, porofitira kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.
Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.
Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri.
Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu.
Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, tora rutanda rumwe, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJudha, nezvavana vaIsiraeri shamwari dzake; ipapo utore rumwe rutanda, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJosefa, rutanda rwaEfuremu, nezveimba yose yavaIsiraeri shamwari dzake;
zvino uzvibatanidzire matanda iwawo, ruve rutanda rumwe, ruve rumwe muruoko rwako.
Zvino kana vana vavanhu vako vakataura newe vachiti kwauri, Haungatizivisi zvaunoda kuratidza nezvinhu izvi here?
Iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, ruri muruoko rwaEfuremu, namarudzi aIsiraeri shamwari dzake; ndichavaisa kwaruri, kurutanda rwaJudha, ndivaite rutanda rumwe, vachaita rumwe muruoko rwangu.
Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo anofanira kuva muruoko rwako vazvione.
Ipapo uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichabvisa vana vaIsiraeri pakati pamarudzi, kwavakaenda, ndichavaunganidza vabve kumativi ose, ndivaise kunyika yavo;
ndichavaita rudzi rumwe panyika, pamakomo aIsiraeri; mambo mumwe uchava mambo wavose, havangazovi marudzi maviri, uye havangatongozovi ushe huviri hwakaparadzana;
havangazozvisvibisi nezvifananidzo zvavo, kana nezvinhu zvavo zvinosemesa, kana nechinhu chipi nechipi chavanodarika nacho; asi ndichavaponesa pose pavagere, pavaitadza, nokuvanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo wavo; vose vachava nomufudzi mumwe; vachafambawo nezvandakarayira, nokuchengeta mitemo yangu, vachiita.
Vachagara munyika yandakapa Jakobho muranda wangu, maigara madzibaba enyu; vachagaramo, ivo navana vavo, navana vavana vavo, nokusingaperi; Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi.
Ndichaitawo sungano yorugare navo, ichava sungano isingaperi navo; ndichavaisapo, nokuvawanza, nokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi.
Tabhenakeri yanguvo ichava pakati pavo; ini ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.
Zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, anoita vaIsiraeri vatsvene, kana nzvimbo yangu tsvene iri pakati pavo nokusingaperi.
38
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yaMagogi, uporofite pamusoro pake,
uti, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi naMesheki naTubhari;
ndichakutsausa, nokukuisa zvikokovonho mushaya dzako; ndichakubudisa, iwe nehondo yako yose, mabhiza navatasvi vamabhiza, vose vakafuka nguvo dzose dzokurwa, boka guru vane nhovo huru nenhovo duku, vose vakabata minondo;
vaPerisia navaKushi navaPuti pamwechete navo, vose vane nhovo nengowani dzokurwa;
naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarima kumativi okumusorosoro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji avanhu anewe.
Gara wakazvigadzira, zvirokwazvo uzvigadzire, iwe namapoka ako ose akaungana kwauri, iwe uve mutungamiriri wavo.
Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa nomunondo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.
Ipapo iwe uchakwira, uchauya sedutu remhepo, uchava segore rinofukidza nyika iwe, namapoka ako ose, navanhu vazhinji vanewe.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva iro moyo wako uchapindwa nemirangariro, uchafunga zano rakaipa;
uchiti, Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuo;
nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika:
Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nefuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?
Naizvozvo, Mwanakomana womunhu, porofita uti kuna Gogi, zvanzi naIshe Jehovha, Zuva iro kana vanhu vangu vaIsiraeri vachigara zvakanaka, ko iwe haungazvizivi here?
Zvino iwe uchauya, uchibva kuugaro hwako kumativi okumusoro-soro, iwe navanhu vazhinji vanewe, vose vakatasva mabhiza, riri boka guru nehondo ine simba;
uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsiraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; zvino namazuva okupedzisira ndichakuuyisa kuti urwe nenyika yangu kuti marudzi andizive, kana ndaitwa mutsvene pakati pako, iwe Gogi, ivo vachizviona.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ko ndiwe wandakareva nenguva yakare navaranda vangu vaporofita vaIsiraeri, vaiporofita namazuva iwayo vachiita makore mazhinji, kuti ndichakuuyisa kuzorwa navo here?
Zvino nezuva iro kana Gogi achiuya kuzorwa nenyika yaIsiraeri, hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Nokuti ndakataura negodo rangu uye nomoto wehasha dzangu, ndichiti, Zvirokwazvo, nezuva iro kuzununguka kukuru kuchavapo panyika yaIsiraeri;
nokudaro kuti hove dzegungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
Ndichadana munondo uuye kuzorwa naye kumakomo angu ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; munondo womunhu mumwe nomumwe ucharwa nehama yake.
Ndichamutonga nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake, napamusoro pamarudzi mazhinji avanhu vanaye, mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomoto nesarufa.
Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
39
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro paGogi, uti, zvanzi nalshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi, naMesheki naTubhari;
ndichakutsausa, nokukutungamirira, nokukuuyisa uchibva kumativi okumusorosoro; ndichakusvitsa pamakomo aIsiraeri;
Ndicharova uta hwako hubve muruoko rwako rworuboshwe, nokuwisira pasi miseve yako iri muruoko rwako rworudyi.
Uchaparadzwa pamakomo aIsiraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo.
Uchawira pakachena pabani; nokuti ini ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichatuma moto kuna Magogi, nokuna vagere zvakanaka pazviwi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsiraeri; handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha, iye Mutsvene waIsiraeri.
Tarirai, zvinouya, zvichaitwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndiro zuva randareva.
Vagere mumaguta aIsiraeri vachabuda, vachavesa moto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, zvinoti nhovo duku nenhovo huru, nouta nemiseve, netsvimbo namapfumo; vachavesa moto nazvo vachiita makore manomwe;
naizvozvo havangandotori huni kusango, kana kundodzitema kumatondo, nokuti vachavesa moto nenhumbi dzokurwa; vachaparadza vaivaparadza, nokupamba vaivapamba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, Hamonigogi
Imba yalsiraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika.
Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga, ichava mbiri kwavari nezuva randichakudzwa naro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Vachatsaura vanhu vanobata basa misi yose, vachapota nenyika pamwechete navanopfuura napo, vachiviga vakasiyiwa pachena, kuti vanatse nyika; kana mwedzi minomwe yapera vachacherekedza pose.
Vanopfuura napanyika vachapfuura havo; zvino ani naani kana achinge achiona pfupa romunhu, achaisapo chiratidzo, kusvikira vavigi vachiriviga mumupata waHamonigogi.
Hamoni richava zitawo reguta. Saizvozvo vachanatsa nyika.
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.
Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
Muchadya zvakakora kusvikira maguta, nokunwa ropa kusvikira mabatwa, zvechibayiro chandakakubayirai.
Muchaguta patafura rangu namabhiza nengoro, navanhu vane simba, navarwi vamarudzi ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichaisa mbiri yangu pakati pamarudzi avanhu, marudzi ose achaona kutonga kwandakaita, noruoko rwangu rwandakaisa pamusoro pavo.
Naizvozvo imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.
Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nokuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo.
Ndakavaitira zvakafanira kusanaka kwavo nokudarika kwavo, ndikavavanzira chiso changu.,
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakobho, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.
Vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo neyokudarika kwavo kwavakandidarikira nako, kana vachizogara zvakanaka munyika yavo, kusina anozovatyisa;
kana ndavadzosa kumarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzavavengi vavo, ndikazviita mutsvene pamberi pamarudzi mazhinji.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, zvandakavatapisa pakati pamarudzi, ndikavaunganidzirazve munyika yavo; handingatongozosiyi mumwe wavopo;
uye handingazovavanziri chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
40
Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi rwerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuo.
Murume uyo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
Zvino wakasvika pasuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuo pabiravira resuo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
Akayerawo biravira resuo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
Ipapo akayera biravira resuo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuo rakanga riri kurutivi rweimba.
Makamuri esuo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
Akayera upamhi hwomukova hwesuo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuo, mamita ane gumi namatatu.
Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
Akayera suo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suo kusvikira pambiru.
Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
Mumakamuri makanga muna mahhwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahhwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuo, rakaenzana pakureba kwaro namasuo, iro guva rakarongwa rapasi.
Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
Wakayerawo kureba nohupamhi hwesuo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Mahhwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro.
Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo.
Mahhwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahhwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
Kwakanga kune suo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuo rezasi; akayera suo rezasi nezviyero izvozvi;
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahhwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suo nezviyero izvozvi;
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahhwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze, kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
Zvino wakandiisa kusuo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahhwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
Pambiru pamasuo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
Mubiravira resuo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuo, kwakanga kuna matafura maviri.
Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.
Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro.
Zvikokovonho, zvakanga zvakaita soupamhi hwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
Kunze kwesuo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
Zvino akati kwandiri, Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapirisiti, ivo vachengeti vebasa reimba;
kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapirisiti, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevi vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.
Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi hwesuo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
41
Zvino wakandiisa kutemberi, akayera mbiru, zvikaita mamita matanhatu paupamhi kurutivi rumwe, namamita matanhatu paupamhi kuno rumwe rutivi, ndihwo upamhi hwetabhenakeri.
Upamhi hwomukova hwakaita mamita ane gumi; mativi omukova akaita mamita mashanu kurutivi rumwe, namamita mashanu kuno rumwe rutivi; akayera kureba kwazvo, zvikaita mamita makumi mana, noupamhi mamita makumi maviri.
Zvino akapinda mukati, akayera mbiru imwe neimwe yomukova, zvikaita mamita maviri, nomukova mamita matanhatu, noupamhi hwomukova mamita manomwe.
Akayera kureba kwawo zvikaita mamita makumi maviri, nohupamhi, mamita makumi maviri pamberi petemberi; akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo tsvene-tsvene.
Ipapo akayera madziro eimba, zvikaita mamita matanhatu, uye hupamhi hwekamuri rimwe nerimwe rokumativi, zvikaita mamita mana, zvichipoteredza imba kumativi ose.
Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runamakumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredza kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
Ndakaonawo kuti paimba pakanga panapamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemakamuri okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
Ukobvu hwechidziro chamakamuri okumativi nechokunze, hwakaita mamita mashanu; saizvozvowo nzvimbo, yakasiyiwa, yaiva yamakamuri okumativi eimba.
Pakati pamakamuri paiva nenzvimbo yakaita mamita ana makumi maviri yaipoteredza imba kumativi ose.
Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
Imba yakanga iri pamberi penzvimbo, yaiva yoga kurutivi rwamavirazuva, yakaita mamita makumi manomwe paupamhi hwayo; chidziro cheimba kumativi ose chakaita mamita mashanu paukobvu, namamita makumi mapfumbamwe pakureba.
Saizvozvo akayera imba, ikaita mamita ane zana pakureba; uye nzvimbo yaiva yoga, neimba namadziro ayo, zvikaita mamita ane zana pakureba;
uye hupamhi hweimba nechemberi kwayo, nokwenzvimbo yaiva yoga kurutivi rwamabvazuva, zvikaita mamita ane zana.
Zvino akayera kureba kweimba pamberi penzvimbo yaiva yoga, yakanga iri shure kwayo, namabiravira ayo kuno rutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, zvikaita mamita ane zana; uye temberi yomukati, namabiravira oruvanze;
nezvikumbaridzo, namahhwindo akanga akapfigwa, namabiravira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana nechikumbaridzo, akanga akaroverwa matanda kumativi ose, kubva pasi kusvikira kumahhwindo, asi mahhwindo akanga akafukidzwa,
kusvikira kumusoro kwomukova, kusvikira kuimba yomukati nokunze, nokuchidziro chose kumativi ose mukati nokunze, nezviyero zvazvo.
Zvakanga zvakaitwa zvina makerubhi nemichindwe; kwakanga kuno muchindwe pakati pekerubhi rimwe nerimwe, uye kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri;
naizvozvo kwakanga kune chiso chomunhu chakatarira kumuchindwe kurutivi rumwe, nechiso cheshumba duku chakatarira kumuchindwe kuno rumwe rutivi; ndizvo zvazvakanga zvakaitwa paimba yose kumativi ose;
kubva pasi kusvikira kumusoro kwomukova kwakanga kuna makerubhi nemichindwe; saizvozvowo pachidziro chetemberi.
Kana iri temberi, mbiru dzemikova dzakanga dzina mativi mana akaenzana; kana iri nzvimbo tsvene pamberi payo yakanga yakafanana netemberi.
Aritari yakanga yakavezwa namatanda, yakasvika mamita matatu pakukwirira kwayo, nokureba kwayo mamita maviri; makona ayo, nokureba kwayo, namadziro ayo, zvakanga zvakavezwa namatanda; akati kwandiri, Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.
Temberi nenzvimbo tsvene zvakanga zvine mikova miviri.
Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa maviri aitendereka; masasa maviri pamukova mumwe, uye masasa maviri pane mumwe.
Paari, ipo pamasasa etemberi, pakanga pakavezwa makerubhi nemichindwe, zvakafanana nezvakaitwa pamadziro; pakanga pane chikumbaridzo chamatanda nechapamberi pebiravira nechokunze.
Kwakanga kuna mahhwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi ebiravira; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo.
42
Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro.
Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu.
Pakatarisana namamita makumi maviri oruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro.
Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
Nokuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi.
Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba.
Nokuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana.
Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze.
Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri.
Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo.
Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yakanga yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
Zvino akati kwandiri, Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapirisiti vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.
Kana vapirisiti vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu.
Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose.
Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose.
Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
43
Pashure akandiisa kusuo, iro suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakabva kurutivi rwamabvazuva; inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubwinya kwake.
Zvakanga zvakafanana nezvandakaona, izvo zvandakaona nguva yandakauya kuzoparadza guta; zvandakaona zvino zvakanga zvakafanana nezvandakaona parwizi rwaKebhari; ini ndikawira pasi nechiso changu.
Kubwinya kwaJehovha kukapinda mumba nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
Mweya ukandisimudza, ukandiisa muruvanze rwomukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba.
Zvino ndikanzwa mumwe achitaura neni ari mumba; mumwe murume akamira neni.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu chovushe, nenzvimbo inotsika tsoka dzangu, pandichagara pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haingazosvibisi zita rangu dzvene, kunyange ivo, kunyange madzimambo avo, nokufeva kwavo uye nezvitunha zvamadzimambo avo panzvimbo dzavo dzakakwirira;
nokuisa chikumbaridzo chavo pachikumbaridzo changu, nembiru dzemikova yavo parutivi rwembiru dzemikova yangu, kukangova nechidziro pakati pangu naivo; vakasvibisa zita rangu nezvinonyangadza zvavo zvavakaita; naizvozvo ndakavapedza nokutsamwa kwangu.
Zvino ngavarashe kufeva kwavo, nezvitunha zvamadzimambo avo, zvive kure neni, ndigogara pakati pavo nokusingaperi.
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ratidza imba yaIsiraeri imba ino, kuti vanyare pamusoro pezvakaipa zvavo; ngavayere maitirwo ayo.
Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nokurongerwa kwayo, napanobudiwa napo, napanopindwa napo, nezvimiro zvayo zvose, nemitemo yayo yose, nezvimiro zvayo zvose, nemirayiro yayo yose; uzvinyore vachizviona, kuti vachengete chimiro chayo chose, nemitemo yayo yose, vazviite.
Uyu ndiwo murayiro weimba: Pamusoro pegomo kumuganho waro wose kumativi ose pachava patsvene kwazvo. Tarirai, ndiwo murayiro weimba. Aritari yezvibayiro
Uhwu ndihwo ukuru hwearitari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza, ndipo pasi pearitari.
Kubva pachigadziko pasi kusvikira pamusara wapanyasi zvinofanira kuita mamita maviri, noupamhi mita rimwe; kubva pamusara muduku kusvikira pamusara mukuru zvinofanira kuita mamita mana, nohupamhi mita rimwe.
Aritari yokumusoro inofanira kuita mamita mana; kubva pachoto chearitari zvichienda kumusoro kunofanira kuva nenyanga ina.
Choto chearitari chinofanira kuita mamita ane gumi namaviri pakureba, naane gumi namaviri paupamhi, mativi aro mana akaenzana.
Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva.
Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.
Unofanira kupa vapirisiti vaRevhi vorudzi rwaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, nzombe duku chive chipiriso chezvivi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino unofanira kutora rimwe ropa rayo, ndokuriisa panyanga dzaro ina, napamakona mana omusara, napachitenderedzo chakapoteredza; saizvozvo unofanira kurinatsa nokuriyananisira.
Unofanira kutorawo nzombe yechipiriso chezvivi, ipiswe panzvimbo yakatarwa yeimba kunze kwenzvimbo tsvene.
Nezuva repiri unofanira kubayira nhongo isina mhosva, chive chipiriso chezvivi; zvino vanofanira kunatsa aritari, sezvavakarinatsa nenzombe.
Kana wapedza kurinatsa, unofanira kubayira nzombe duku isina mhosva, nehondohwe rakatorwa kumakwai.
Unofanira kuzviswededza pamberi paJehovha, vapirisiti vagokushira munyu pamusoro pazvo, ndokuzvibayira chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Uite mazuva mana uchigadzira nhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chezvivi; vanofanirawo kugadzira nzombe duku nehondohwe rinotorwa kumakwai zvisina mhosva.
Vanofanira kuita mazuva manomwe vachiyananisira aritari nokurinatsa, nokuritsaurira Jehovha.
Zvino kana vapedeza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vapirisiti vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paaritari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa, ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
44
Zvino akandidzosa nenzira yesuo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa.
Jehovha akati kwandiri, Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
Kana ari muchinda, iye anofanira kugaramo ari muchinda, adye zvokudya pamberi paJehovha; anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, ndokubudazve nenzira iyeyo.
Ipapo akaenda neni nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
Jehovha akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
Zvino uti kuna vakandimukira, kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Nhai, imi imba yaIsiraeri, chiringaniswai nezvinonyangadza zvenyu,
izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane moyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
Hamuna kuchengeta zvinhu zvangu zvitsvene, asi makagadza vatariri vanokuchengeterai imi zvinhu zvangu munzvimbo yangu tsvene.
Zvanzi naIshe Jehovha, Mutorwa unomoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.
Asi vaRevhi, vakaenda kure neni panguva yokutsauka kwaIsiraeri, vakatsauka kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo, ivo vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
Asi vanofanira kuva vashumiri munzvimbo yangu tsvene, navatariri pamasuo eimba, navanoshumira mumba; ivo vanofanira kubayira chipiriso chinopiswa, nezvinobayirwa vanhu, nokumira pamberi pavo kuvashumirira.
Zvavakavashumirira pamberi pezvifananidzo zvavo, vakazova chigumbuso chezvakaipa kuimba yaIsiraeri; naizvozvo ndakavasimudzira ruoko rwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
Havangaswederi kwandiri, kundiitira basa rohupirisiti, kana kuswedera kuchinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsene, kuzvinhu zvitsvene kwazvo; asi vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo, neyezvinonyadzisa zvavo zvavakaita.
Asi ndichavaita vatariri vanochengeta imba, vaite basa rayo rose, nezvose zvinofanira kuitwamo.
Asi vapirisiti vaRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
vachapinda munzvimbo yangu tsvene, vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta basa rangu.
Zvino kana vachipinda pamasuo oruvanze rwomukati, vachafanira kufuka nguvo dzerineni; makushe ngaarege kuva pamiviri yavo, kana vachishumira mumasuo oruvanze rwomukati, nomukati meimba.
Vachafanira kufuka ngowani dzerineni pamisoro yavo, uye vachafanira kuva namabhurukwa erineni pazviuno zvavo; ngavarege kuzvisunga chiuno nechinhu chinobudisa ziya.
Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguvo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
Ngavarege kuveura misoro yavo, kana kurega vhudzi ravo richireba; ngavagunde chete misoro yavo.
Mupirisiti upi noupi ngaarege kunwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati.
Havafaniri kuwana chirikadzi, kana mukadzi akarambwa nomurume; asi vanofanira kuwana mhandara pakati pavana veimba yaIsiraeri, kana chirikadzi, iri chirikadzi yomupirisiti.
Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.
Kana panegakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yengu; vachafanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; maSabata angu ngaave matsvene kwavari.
Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunununa, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa.
Zvino kana iye apera kunatswa, anofanira kutarirwa mazuva manomwe.
Nezuva raanozopinda munzvimbo tsvene, muruvanze rwomukati, kundoshumira munzvimbo tsvene, achafanira kubayira chipiriso chake chezvivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Vachava nenhaka; ini ndini nhaka yavo; hamufaniri kuvapa fuma pakati paIsiraeri, ini ndini fuma yavo.
Vanofanira kudya chipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva; chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa Jehovha pakati paIsiraeri chichava chavo.
Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavapirisiti; munofanira kupawo vapirisiti zvokutanga zvoupfu hwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
Vapirisiti ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo.
45
Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose.
Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu.
Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zvine zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene.
Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika, unofanira kuva navapirisiti, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene.
Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo.
Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri.
Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganho wokumavirazuva kusvikira kumaganho wokumabvazuva.
Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.
Zvanzi naIshe Jehovha, Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.
Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.
Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari;
uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri imwe nokuti mabhati ane gumi anoita homeri imwe;
uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi.
Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinonwiwa pamitambo napakugara kwomwedzi, napamaSabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga rwomwedzi, munofanira kutora nzombe duku isina mhosva, ndokunatsa nzvimbo tsvene.
Zvino mupirisiti anofanira kutora ropa rechipiriso chezvivi, ndokuriisa pambiru dzemikova yeimba, napamakona mana omusara wearitari, napambiru dzesuo roruvanze rwomukati.
Munofanira kuitawo saizvozvo nezuva rechinomwe romwedzi pamusoro pomumwe nomumwe anotadza, napamusoro pebenzi; saizvozvo munofanira kuyananisira imba.
Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kuita Pasika, uye mutambo wamazuva manomwe; chingwa chisina mbiriso chinofanira kudyiwa.
Nezuva iro muchinda anofanira kuzvigadzirira iye, navanhu vose venyika, nzombe chive chipiriso chezvivi.
Namazuva manomwe omutambo anofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa, zvinoti nzombe nomwe namakondohwe manomwe zvisina mhosva, zuva rimwe nerimwe pamazuva iwayo manomwe; uye nhongo imwe zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chezvivi.
Uye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe imwe neimwe, neefa imwe pahondohwe rimwe nerimwe, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namashanu romwedzi, pamutambo, anofanira kuita saizvozvo namazuva iwayo manomwe, sezvaakarayirwa pamusoro pechipiriso chezvivi, napamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pechipiriso choupfu, napamusoro pamafuta.
46
Zvanzi naIshe Jehovha, Suo roruvanze rwomukati rakatarira kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo; asi nezuva reSabata rinofanira kuzarurwa, uye nezuva rokugara kwomwedzi rinofanira kuzarurwa.
Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vapirisiti vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
Vanhu venyika vanofanira kunamata pamukova wesuo iro pamberi paJehovha pamaSabata napakugara kwemwedzi.
Chipiriso chinopiswa, chinovigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata chinofanira kuita makwayana matanhatu asina mhosva nehondohwe risina mhosva;
uye chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe pahondohwe, uye chipiriso choupfu pamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
Nezuva rokugara kwomwedzi zvinofanira kuita nzombe duku isina mhosva, namakwayana matanhatu, nehondohwe; zvinofanira kuva zvisina mhosva.
Zvino iye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
Kana muchinda achipinda, anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, uye anofanira kubuda nenzira iyo.
Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
Kana vachipinda, muchinda anofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwechete.
Pamitambo napanguva dzemitambo chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo.
Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopiswa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
Saizvozvo vanofanira kugadzira gwayana, nechipiriso choupfu, namafuta, mangwanani ose, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
Zvanzi naIshe Jehovha, Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.
Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake.
Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avapirisiti, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
Akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapirisiti chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo.
Zvino akaenda neni kuruvanze rwokunze, akandifambisa napamakona mana oruvanze; zvino tarira, pakona rimwe nerimwe roruvanze pakanga pano ruvanze.
Pamakona mana oruvanze pakanga pana mavanze akakomberedzwa, akaita mamita makumi mana pakureba, namakumi matatu pakufara; awa mana pamakona akanga akaenzana.
Mukati mawo makanga mune chidziro kumativi ose, chakanga chakakomberedza iwo mana, uye pakanga pane zvoto zvokubikira munyasi mechidziro kumativi ose.
Zvino akati kwandiri, Idzi ndidzo dzimba dzokubikira, panofanira kubikirwa zvibayiro zvavanhu navanoshumira paimba.
47
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.
Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here? Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi.
Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri.
Zvino akati kwandiri, Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.
Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
Vateyi vehove vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.
Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa. Miganho yenyika
Zvanzi naIshe Jehovha, Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri alsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri.
Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu.
Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi;
neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganho weDhamasiko nomuganho weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganho weHaurani.
Muganho unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganho weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro.
Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko nenyika yalsiraeri, muganho unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganho uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.
Kurutivi rwamavirazuva muganho unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.
Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi alsiraeri.
Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi alsiraeri.
Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
48
Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
Pamuganho waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.
Pamuganho waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.
Pamuganho waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.
Pamuganho waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.
Pamuganho waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.
Pamuganho waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJudha.
Pamuganho waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.
Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.
Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapirisiti; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo.
Chichava chavapirisiti vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi.
Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganho wavaRevhi.
VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganho wavapirisiti, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kwose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi.
Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nokuti zvitsvene kuna Jehovha.
Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi hwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo.
Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
Guta rinofanira kuva norupawo: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu.
Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta.
Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose alsiraeri, vanofanira kuirima.
Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta.
Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganho wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganho wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo.
Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini.
Pamuganho waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimiyoni.
Pamuganho waSimiyoni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari.
Pamuganho waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.
Pamuganho waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi.
Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.
Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo;
masuo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: Suo raRubheni, rimwe, suo raJudha, rimwe, uye suo raRevhi, rimwe.
Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo matatu, anoti: Suo raJosefa, rimwe, suo raBhenjamini, rimwe, uye suo raDhani, rimwe.
Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuo matatu, anoti: Suo raSimeoni, rimwe, suo raIsakari, rimwe, uye suo raZebhuruni, rimwe.
Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo apo matatu, anoti: Suo raGadhi, rimwe, suo raAsheri, rimwe, uye suo raNafutari, rimwe.
Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Jehovha aripano.
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Ezekiel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A0-4