1

Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamoyo pakati penyika, rovigira mutero.
Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika, nokuda kwokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamubata pakamanikana.
Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vapirisiti varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva. yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nokuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nokuti ndaitwa wakazvidzwa.
Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
Akatuma moto mumapfupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
Jehovha akarurama, nokuti ndakamukira murayiro wake; doteererai imi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapirisiti vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.

2

Ishe akafukidza sei mukunda weZiyoni negore rokutsamwa kwake! Akabvisa kunaka kwalsiraeri akazvikandira pasi, akasarangarira chitsiko chake nezuva rokutsamwa kwake.
Ishe akaparadza ugaro hwose hwaJakobho, akasanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akawisira pasi nhare dzomukunda waJudha; akadziwisira pasi; akamhura ushe namachinda ahwo.
Nokutsamwa kukuru akagura nyanga dzose dzaIsiraeri, akadzosa ruoko rwake rworudyi pamberi pomuvengi akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unopedza zvose kumativi ose
Akakunga uta hwake somuvengi, akamira noruoko rwake somudzivisi, akauraya vose vaifadza meso; akadurura kutsamwa kwake somoto patende romukunda weZiyoni.
Ishe wava somuvengi, akamedza Isiraeri; akamedza dzimba dzavo dzose dzoushe, akaparadza nhare dzavo; akawanzira mukunda waJudha kuchema nokurira.
Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakanganwisa paZiyoni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navapirisiti neshungu dzokutsamwa kwake.
Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZiyoni; akatatanura rwonzi rwokuyera,pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
Masuo aro akanyura pasi, akaparadza nokuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo waro namachinda aro vari pakati pamarudzi asina murayiro. Zvirokwazvo vaporofita varo havana zvavanoratidzwa naJehovha.
Vakuru vomukunda weZiyoni vagere pasi, vanoramba vanyerere; vakakushira guruva pamisoro yavo, vakazvisunga zviuno namasaga; mhandara dzeJerusaremu dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
Meso angu apera nemisodzi, moyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
Vanoti kuna madzimai avo, Zviyo newaini zviripiko? Vachingoziya munzira dzomuguta savakakuvadzwa, mweya yavo ichidururirwa pachipfuva chamadzimai avo.
Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo zvenhema nezvoupenzi; havana kubudisa zvakaipa zvako, kuti vadzose kutapwa kwako, asi vakakuonera zvirevo zvenhema nezvinokutapisa.
Vose vanopfuura vachaita nondo pamusoro pako, vanoridza muridzo nokudzungudzira mukunda weJerusaremu misoro yavo, vachiti, Ko ndiro guta rainzi navanhu rakanaka-naka kwazvo, mufaro wenyika yose?
Vavengi vako vose vakakushamisira miromo yavo; vanoridza muridzo nokugeda-geda meno, vanoti, Tariparadza; zvirokwazvo ndiro zuva ratakanga takatarira; tariwana, tariona.
Jehovha akaita izvo zvaakafunga, akapedzisa shoko rake raakaraira pamazuva akare; akawisira pasi, akasava netsitsi; akafadza muvengi pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavadzivisi vako.
moyo yavo yakadana kuna Ishe. Iwe rusvingo rwomukunda weZiyoni, misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku, usazorora, mboni yeziso rako isarega kuchema.
Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguva dzose; durura moyo wako semvura pamberi paJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.
Tarirai, Jehovha, muone vamakaitira zvakadai! Ko vakadzi vangadye zvibereko zvavo, ivo vana vari pamaoko here? Ko vapirisiti navaporofita vangaurawe panzvimbo tsvene yaishe here?
Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
Makadaidza zvinondityisa pamativi ose, sapazuva reungano yakatarwa; hakuna akapukunyuka kana akasara pazuva rokutsamwa kwaJehovha; vandakabata mumaoko navandakarera vapedzwa nomuvengi wangu.

3

Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake.
Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza.
Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake.
Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mapfupa angu.
Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa.
Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu.
Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu.
Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu.
Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi.
Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje.
Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose.
Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava.
Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota,
Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini.
Ini ndikati, Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.
Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru.
Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.
Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye akariisa pamusoro pake.
Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo.
Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagutiswe nokushorwa.
Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
Nokuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake
Nokuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.
Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi poWokumusoro-soro,
kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo.
Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri?
Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo woWokumusoro-soro here?
Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga.
Takadarika nokumumukira simba; imi hamuna kutikanganwira
Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo
Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu.
Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi,
kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu.
Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, Ndapera.
Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu.
Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, Usatya.
Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu.
Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu.
Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.
Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo.
Imi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira nebasa ramaoko avo.
Muchavapa kuwoma kwomoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.

4

Haiwa, ndarama yasviba sei! Ndarama yakaisvo-naka yashanduka sei! Mabwe enzvimbo tsvene arashirwa pamharadzano dzenzira dzomuguta.
Vanakomana vanodikanwa veZiyoni vakafanana nendarama yakaisvo-naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!
Kunyange namakava anobudisa mazamu, achiyamwisa vana vawo; mukunda wavanhu vangu wava nehasha semhou murenje.
Rurimi rwomwana unomwa runonamatira mumukanwa womuromo wake nenyota; vanana vanokumbira chingwa, asi hakuna munhu anovamedurira.
Avo vaisidya zvinozipa,varaswa munzira dzomuguta; vairerwa vakafuka micheka mitsvuku, zvino votsivama pamaturunhuru.
Nokuti zvakaipa zvomukunda wavanhu vangu zvinopfuura zvivi zveSodhoma, iro rakaparadzwa kamwe-kamwe kusina maoko akaribata.
Machinda aro akanga akapfuura chando nokunaka, akanga akachena kupfuura mukaka, akanga akatsvuka pamuviri kupfuura makorari, pakuonekwa akanga akaita sesafaya.
Zviso zvavo zvasviba kupfuura mazimbe, havazikanwi munzira dzomuguta; ganda ravo rinonamatira mapfupa avo, raoma, rafanana nedanda.
Vakaurawa nomunondo vakaita nani kuna vakaurawa nenzara; nokuti ava vaonda, vabayiwa nokushayiwa zvibereko zveminda.
Maoko avakadzi vaiva nomoyo munyoro akabika vana vavo, zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
Jehovha akaita zvaakanga achida nokutsamwa kwake, akadurura hasha dzake huru; akabatidza moto paZiyoni, akapedza nheyo dzaro.
Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navose vagere panyika yose, kuti mudzivisi nomuvengi vachapinda pamasuo eJerusaremu.
Zvakaitwa nokuda kwezvivi zvavaporofita varo, nezvakaipa zvavapirisiti varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.
Vanodzungaira samapofu munzira dzomuguta, vakasvibiswa neropa, naizvozvo vanhu havagoni kubata nguvo dzavo.
Vakadanidzira kwavari vachiti, Ibvai, makanora! Ibvai, ibvai, regai kutibata! Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu vakati pakati pamarudzi; Havangazogarizve pano vari vatorwa.
Kutsamwa kwaJehovha kwakavaparadzira; haachavi nehanya navo; havana kurangarira vapirisiti, havana kukudza vakuru.
Meso edu anongopera nazvino achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingagoni kutiponesa.
Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika.
Avo vakadzingana nesu, vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga; vakadzingana nesu pamakomo, vakatigarira murenje.
Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.
Farisisa, uve nomufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere panyika yeUzi; mukombe uchasvika kwauriwo; uchabatwa newaini ukazvifukura.
Kurohwa kwezvakaipa zvako kwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapisizve; iye achakurova pamusoro pezvakaipa zvako, iwe mukunda weEdhomu; iye achafukura zvivi zvako.

5

Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, muone kushorwa kwedu.
Nhaka yedu yaenda kuvatorwa, nedzimba dzedu kune vokumwe.
Tiri nherera navasina baba; madzimai edu akaita sechirikadzi.
Takanwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari; huni dzedu takadzitengeserwa.
Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu; taneta hatine zororo.
Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaIjipiti, nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya.
Madzibaba edu akatadza, zvino havachipo; isu takatakura zvakaipa zvavo.
Varanda vanotibata ushe, hakuna angatirwira pamaoko avo.
Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu hwedu huri panjodzi, nemhaka yomunondo uri kurenje.
Ganda redu rasviba sechoto, nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.
Machinda akasungirirwa namaoko avo, vakuru havana kukudzwa.
Majaya akatakura guyo, vana vakagumburwa nokurema kwehuni.
Vakuru vakarega kusvika pasuo, majaya akarega kuimba kwavo.
Mufaro womoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashanduka kuchema.
Korona yawa pamisoro yedu; tine nhamo! Nokuti takatadza.
Nemhaka iyi moyo yedu yapera simba, nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka;
nokuda kwegomo reZiyoni, rava dongo; makava anofambapo.
Imi Jehovha muripo nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
Munotikanganwireiko nokusingaperi, munotirasireiko nguva huru yakadai?
Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sakare.
Asi makatirasa chose here? Makatitsamwira zvikuru here?

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Lamentations (Shona). Lamentations (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C59F-7