1

Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikia, waiva worudzi rwavapirisiti vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
Shoko raJehovha rakauya kwaari pamazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, negore regumi namatatu rokubata kwake ushe.
Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai, ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.
Ipapo ndakati, Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.
Asi Jehovha akati kwandiri, Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.
Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ndinewe, kuti ndikurwire.
Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima. Unoratidzwa davi romuamanda negate rinovira
Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, Jeremiya, unoonei? Ndikati, Ndinoona davi romuamanda.
Ipapo Jehovha akati kwandiri,Waona zvakanaka; nokuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, Unoonei? Ndikati, Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanamata mabasa amaoko avo.
Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo.
Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapirisiti vavo, navanhu venyika.
Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.

2

Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudyarwa.
Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa ndizvo zvinotaura Jehovha.
Inzwai shoko raJehovha, imi imba yaJakobho, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri,
Zvanzi naJehovha, Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo?
Uye havana kureva, vachiti, Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?
Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
Vapirisiti havana kuti, Jehovha uripiko? Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitira Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
Saka zvanzi naJehovha, Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.
Nokuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai.
Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri.
Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.
Isiraeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaberekerwa mumba matenzi wake here? Ko zvino wapambwa seiko?
Vana veshumba vakamuombera, vakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna unogaramo.
Vana veNofi naveTapanesi vakapedza vhudzi romusoro wako.
Ko hauna kuzvitsvaira izvozvo, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakufambisa panzira yake here?
Zvino unondotsvakei panzira inoenda Ijipiti, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotsvakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here?
Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi nalshe Jehovha wehondo, Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.
Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko nokudambura zvisungo zvako ukati,handidi kubatira;nokuti wakafugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira pasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
kunyange zvakadaro ndakanga ndakusima uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu kwayo yazvokwadi; zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omuzambiringa worumwe rudzi?
Nokuti kunyange ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyange zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ungareva seiko, uchiti, Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari? Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
uri hadzi yembizi yakarovera renje, inofembedza mhepo nokushuva kwayo; ndiani ungaidzora pakuviga kwayo? Dzose, dzinoitsvaka, hadzinganeti; pamwedzi wayo dzinoiwana.
Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.
Mbavha sezvainonyadziswa kana yaonekwa, saizvozvo imba yaIsiraeri yanyadziswa, ivo, namadzimambo avo, namachinda avo, navapirisiti vavo, navaporofita vavo;
ivo, vanoti kudanda, Uri baba vangu; nokubwe, Ndiwe wakandibereka; nokuti vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; asi panguva yokutambudzika kwavo vachati, Simukai, mutiponese.
Zvino varipiko vamwari venyu vamakazviitira? Ngavasimuke kana vachigona kukuponesai panguva yokutambudzika; nokuti kuwanda kwavamwari vako, iwe Jakobho, kwakaenzana namaguta ako.
Munokakavara neni neiko? Imi mose makandidarikira ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakarova vana venyu pasina, havana kuteerera kurangwa; munondo wenyu ndiwo wakauraya vaporofita venyu, seshumba inoparadza.
Haiwa, imi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?
mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo, kana mwenga mukonde wake here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa mazuva asingaverengwi.
Haiwa, unoziva zvakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utsvake kudikanwa! Saka wakadzidzisa navakadzi vakaipawo nzira dzako.
Pamipendero yenguvo dzako pakawanikwawo ropa ravarombo vasina mhaka; handina kuriwana pakapaziwa imba, asi pane zvizvi zvose.
Kunyange zvakadaro iwe wakati, Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, Handina kutadza.
Unofambireiko pose-pose, uchishandura nzira yako? Uchanyadziswa neIjipiti, sezvawakanyadziswa neAsiria.
Naipapowo uchabva wakaisa maoko ako pamusoro wako; nokuti Jehovha wakaramba vaunovimba navo, newe haungabatsirwi navo.

3

Zvinonzi, Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikanwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakanga une huma yechifeve, ukaramba kunyadziswa.
Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa. Jehovha anodana vanhu vake kuti vadzokere kwaari
Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josia, Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunununa wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munununa wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munununa wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomoyo wavo wose, asi nokunyengera ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino Jehovha akati kwandiri, Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, Dzokai, imi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasateerera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.
Ndichakupai vafudzi vanofadza moyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, Areka yesungano yaJehovha; havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu hwemoyo yavo yakashata.
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.
Asi ndakati, Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda, ndikati, Imi muchanditumidza zita rokuti, Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.
Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imi makandinyengera, imi imba yaIsiraeri.
Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nokuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
Dzokai, imi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku hwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.

4

Zvanzi naJehovha, Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira.
Ipapo muchapika, muchiti, NaJehovha mupenyu, nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari. Kutsamwa kwaJehovha kuchauyisa vavengi
Nokuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati peminzwa.
Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.
Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti Ridzai hwamanda panyika, danidzirai, muti, Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.
Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapirisiti vachashamiswa navaporofita vachakanuka.
Ipapo ndikati, Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.
Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa;
mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.
Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nokuti taparadzwa.
Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko?
Nokuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.
Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nokuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti
Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo.
Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda?
Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.
Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza.
Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.
Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza.
Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru.
Nokuti zvanzi naJehovha, Nyika yose ichasiyiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.
Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nokuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.
Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.
Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!

5

Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.
Kunyange vachiti havo, NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo vanopika nhema.
Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.
Ipapo ndikati, Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo.
Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo.
Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.
Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake.
Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nokuti haazi Jehovha.
Nokuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vakaramba Jehovha, vakati, Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara;
vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo.
Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
Gobha ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba.
Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.
Asi zvanzi naJehovha, Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose.
Zvino kana muchinge munoti, Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose? Ipapo uti kwavari, Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.
Taurirai izvozvi paimba yaJakobho, muzviparidzire paJudha, muchiti,
Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
Zvanzi naJehovha, Hamundityi here? Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
Asi vanhu ava vanomoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.
Havati mumoyo yavo, Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.
Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.
Nokuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu.
Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vafuma.
Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.
Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino;
vaporofita va noporofita nhema, navapirisiti vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?

6

Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe.
Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake.
Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nokuti zuva rovira, nokuti mimvuri yamadekwana yareba.
Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.
Nokuti zvakanzi naJehovha wehondo, Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza bedzi.
Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose.
Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu.
Zvanzi naJehovha wehondo, Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa.
Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.
Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwe chete nowava namazuva mazhinji.
Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro; asi vakati, Hatidi kufamba mairi.
Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, teererai inzwi rehwamanda; asi ivo vakati, Hatidi kuteerera.
Naizvozvo inzwai, imi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo.
Inzwa, Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
Ko zvinonhuwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.
Zvanzi naJehovha, Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika.
Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni.
Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka,
Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
Haiwa, mukunda wavanhu vangu, Zvisunge chiuno namakudza, uumbu ruke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo.
Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo.
Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose.
Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.
Vachanzi sirivha yakarashwa, nokuti Jehovha wakavaramba.

7

Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamusuo awa kuzonamata Jehovha.
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.
Musavimba namashoko enhema, Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.
Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi;
ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi.
Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira.
Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi,
ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, Tasunungurwa; kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?
Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri.
Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.
Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu.
Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi.
Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here?
Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havazinozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo?
Saka zvanzi naJehovha Mwari, Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo.
Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro;
asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemoyo yavo vakadzokera sure havana kupfuura mberi.
Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma;
kunyange zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
Zvino iwe uti kwavari, Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.
Vevura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha wakarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira.
Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga.
Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.

8

Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mapfupa amadzimambo avaJudha, namapfupa amachinda avo, namapfupa avapirisiti, namapfupa avaporofita, namapfupa avaigara paJerusaremu;
vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.
Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Kutsauka kwavanhu vaJehovha nokurohwa kwavo
Zvino unofanira kuti kwavari, Zvanzi naJehovha, Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?
Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.
Ndakateerera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, Ndaiteiko? Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
Zvirokwazvo, zimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
Munoreva seiko, muchiti, Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.
Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?
Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira fuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndichavapedza chose, ndizvo zvinotaura Jehovha; Hakungavi namazambiringa pamuzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.
Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiinwe; nokuti takatadzira Jehovha.
Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.
Kufembedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
Nokuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu ! moyo wangu waziya mukati mangu.
Inzwai, inzwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, Ko Jehovha haazi muZiyoni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?
Kucheka kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.
ini ndinokuvadzwa nokuda kwokukuvadzwa kwomukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.
Ko hakuna muti webharisami muGiriyadhi here? Hakune nanga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?

9

Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati novusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
Haiwa, dai ndaiva nedumba rinosigarwa navafambi murenje, ndingadai ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! Nokuti vose imhombwe, iungano yavanhu vanonyengera.
Vanokunga marimi avo, sezvavanoita huta hwavo, kuzoreva nhema; vasimba panyika, asi havaiti nezvokwadi; nokuti vanoramba vachingoita zvakaipa, havandizivi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mumwe nomumwe ngaachenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imwe neimwe ichanyengera, nowokwake mumwe nomumwe uchapota-pota ana makuhwa.
Mumwe nomumwe uchanyengera wokwake, haangarevi zvokwadi; vakadzidzisa marimi avo kureva nhema, vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
Hugaro hwenyu huri pakati pokunyengera; vanoramba kundiziva nokunyengera kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichanyausa nokuvaidza; nokuti ndingaita seiko pamusoro pomukunda wavanhu vangu?
Marimi avo miseve inouraya, anoreva zvinonyengera; munhu unoreva zvorugare kuno wokwake nomuromo wake, asi mumoyo make unovandira.
Ko handingavarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko mweya wangu haungatsihwi parudzi rwakadai here?
Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuwo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
Ndichaita Jerusaremu mirwi yamabwe, panogara makava; namaguta aJudha ndichaaita matongo, asina unogaramo.
Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
Jehovha wakati, Zvavakarasha murayiro wangu wandakaisa pamberi pavo, vakasateerera inzwi rangu, nokufamba nazvo,
asi vakatevera hukukutu hwemoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nokuvanwisa mvura yenduru.
Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.
Zvanzi naJehovha wehondo, Rangarirai imi, mudane vakadzi vangachema, vauye; tumai mudane vakadzi mhizha, vauye;
ngavakurumidze vacheme pamusoro pedu, kuti meso edu ayerere misodzi, namafungiro edu adurure mvura.
Nokuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Ziyoni, richiti, Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara.
Asi inzwai shoko raJehovha, Imi vakadzi nzeve dzenyu ngadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai vakunda venyu kuchema, mumwe nomumwe adzidzise wokwake kuwungudza.
Nokuti rufu rwakakwira pamahhwindo edu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo edu, kuti rupedze vana vari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta.
Taura, uti, Zvanzi naJehovha, Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.
Zvanzi naJehovha, Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pohuchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pefuma yake;
asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita hunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, andicharova vose vakadzingiswa pakati pokusadzingiswa kwavo;
vanoti, Ijipiti, naJudha, naEdhomu, navana vaAmoni, naMoabhu, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye vose veimba yaIsiraeri havana kudzingiswa pamoyo yavo.

10

Inzwai shoko rinotaura Jehovha kwamuri, imi imba yaIsiraeri,
zvanzi naJehovha, Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.
Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni.
Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.
Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
Asi vose pamwechete havane njere, mapenzi; dzidzo yezvifananidzo idanda zvaro.
Isirivha yakapfurwa ikaita bope, yakatorwa Tarishishi, nendarama inobva Ufazi, riri basa remhizha neramaoko omupfuri wendarama; zvakafukidzwa nguvo dzemicheka mitema nemitsvuku; zvose ibasa ravanhu venjere.
Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi; kana iye atsamwa nyika inodedera, marudzi avanhu haagoni kumira pahasha dzake.
ltiyi kwavari, Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose.
Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri.
Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
Mugove waJakobho haufanani naizvozvo, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake. Njodzi ichawira Isiraeri nokuti vakaputsa sungano yaJehovha
Unganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombwa.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, nguva ino ndichaposhera kure vanhu vagere munyika ino, ndichavamanikidza, kuti vawanikwe.
Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.
Tende rangu rakaputswa, mabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, havachiripo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisazve micheka yetende rangu.
Nokuti vafudzi vava vasina njere, havana kubvunza Jehovha; naizvozvo havana kuzofara, namapoka avo ose akapararira.
Inzwai, mukurumbira! Tarirai, bope guru rinouya richibva kunyika yokumusoro, kushandura maguta aJudha ave matongo, panogara makava.
Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose.
Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pamarudzi avanhu vasingakuziviyi, napamusoro pamarudzi asingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakobho, zvirokwazvo, vakamudya nokumupedza, vakaparadza hugaro hwake

11

.Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
Inzwa mashoko esungano iyi, muataure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,
uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,
aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muchoto chamatare, ndichiti, teererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi. Ipapo ndakapindura, ndikati, Ameni, Jehovha.
Zvino Jehovha akati kwandiri, Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.
Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, teererai inzwi rangu.
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.
Zvino Jehovha akati kwandiri, Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.
Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.
Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.
Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.
Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.
Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuwira. Vanorangana zvakaipa pamusoro paJeremiya
Jehovha wakandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.
Asi ini ndakanga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.
Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurawa namaoko edu;
naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavarova; majaya achaurawa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurawa nenzara;
havangasarirwi navanhu, nokuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.

12

Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare?
Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo.
Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa.
Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, Haangaoni kuguma kwedu.
Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJorodhani?
Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe. Jehovha achatonga Judha navavengi vavo
Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikanwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake.
Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga
Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikanwa rive renje risina chinhu.
Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo.
Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare.
Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.
Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake.
Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, NaJehovha mupenyu, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza ndizvo zvinotaura Jehovha.

13

Zvanzi naJehovha kwandiri, Enda undozvitengera bhanhire romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usariisa mumvura.
Ipapo ndakatenga bhanhire, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro.
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti,
Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi, undoriviga mumukaha wedombo.
Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi Yufuratesi, sezvandakarairwa naJehovha.
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, Simuka, uende kwaYufuratesi, utorepo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.
Ipapo ndakaenda kwaYufuratesi, ndikachera, ndikatora bhanhire pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhanhire rakanga raora, risina basa chose.
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.
Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.
Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yalsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.
Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini; zvino ivo vachati kwauri, Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?
Ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapirisiti navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini.
Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva nengoni, kuti ndirege kuvaparadza.
Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nokuti Jehovha wakataura.
Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru.
Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.
Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, Garai pasi-pasi kwazvo, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.
Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unoazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose-chose.
Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rowakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi?
Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokomukadzi unopona here?
Zvino kana ukati mumoyo mako, Izvozvi zvandiwira neiko? nguvo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.
Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.
Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje.
Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.
Saka ndichafukurawo nguvo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe.
Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufembedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira rinhiko?

14

Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.
VaJudha vanochema, namasuo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguvo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.
Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya payika,
Zvirokwazvo hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nokuti hakuna bumudza.
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.
Kunyange zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nokuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyange zvakadaro imi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.
Jehovha akati kwandiri, Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.
Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha.
Ipapo ndakati, Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofitirai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemoyo yavo.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.
Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.
Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, Meso angu angaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurawa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.
Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!
Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.
Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.
Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.

15

Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kunyange Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, moyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
Zvino kana vakati kwauri, Tichaendepiko? Uti kwavari, Zvanzi naJehovha vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nenzara, kunzara, navakafanirwa nokutapwa, kukutapwa.
Ndichavatumira njodzi dzamarudzi mana ndizvo zvinotaura Jehovha munondo kuvauraya, nembwa kuvakwekweredza, neshiri dzokudenga nezvikara zvenyika kuvadya nokuvaparadza.
Ndichavadzungaidza pakati poushe hwenyika, nemhaka yaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, pamusoro pezvaakaita paJerusaremu.
Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusaremu? Ndiani uchakuchema? Ndianiko uchatsauka kuzobvunza mufaro wako?
Zvanzi naJehovha, Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruoko rwangu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuzvidemba:
Ndakavandudza nechokurudza pamasuo enyika; ndakavatorera vana vavo, ndakaparadza vanhu vangu; asi havana kudzoka panzira dzavo.
Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
Iye, wakabereka vanomwe, wapera simba, wabudisa mweya wake; zuva rake rakavira achiri masikati; wakanyadziswa nokukanganiswa; vakasara vavo ndichavaurayisa nomunondo pamberi pavavengi vavo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndine nhamo mai vangu, zvavakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose ! Handina kupa chikwerete, navanhu havana kutora chikwerete kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
Jehovha akati, Zvirokwazvo, ndichakusimbisira zvakanaka; zvirokwazvo, ndichanyengeteresa muvengi wako kwauri nenguva yezvakaipa, uye nenguva yokutambudzika.
Ko dare ringavhuniwa here, iro dare rinobva kurutivi rwokumusoro, kana ndarira here?
Nhumbi dzako nefuma yako ndichazviisa kukutapwa, zvisingatengwi, nokuda kwezvivi zvako zvose pamiganho yako yose.
Ndichakuendisa navavengi vako kunyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa nokutsamwa kwangu, uchapfuta pamusoro penyu.
Haiwa Jehovha, imi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vatambudzi vangu; musandibvisa pakuitira kwenyu vamwe moyo murefu; zivai kuti ndakatukwa nokuda kwenyu.
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.
Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamwa kwenyu.
Kurwadziwa kwangu kunorambireiko kuripo nokusingaperi, vanga rangu rinorambirei kurapwa, risingadi kupora? Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here?
Saka zvanzi naJehovha, Kana ukadzoka, ndichakudzosa, kuti umire pamberi pangu; kana ukatsaura zvakanaka uchizvibvisa pane zvakaipa, uchava somuromo wangu; ivo vachadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.
Ndichakuita kuna vanhu ava rusvingo rwendarira rwakasimbiswa; vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira.
Ndichakurwira pamaoko avakaipa, nokukudzikunura pamaoko avanotyisa.

16

Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandirizve, richiti,
Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavanakomana napamusoro pavanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, napamusoro pamadzimai avo akavabereka, napamusoro pamadzibaba avo akavabereka panyika ino,
Vachafa norufu rwakaipa kwazvo; havangachemwi kana kuvigwa; vachava somupfudze panyika; vachapedzwa nomunondo uye nenzara; zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvikara zvenyika.
Nokuti zvanzi naJehovha, Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema; nokuti zvanzi naJehovha, Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.
Vakuru navaduku vose vachafa munyika ino; havangavigwi, navanhu havangavachemi, kana kuzvicheka nokuzviveura nokuda kwavo;
vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare navo, uchidya nokunwa.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga.
Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?
Ipapo iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomoyo wake wakaipa, muchiramba kunditeerera.
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati novusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avachasazoti, NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti;
asi NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri kunyika yokumusoro, nokunyika dzose dzaakanga avadzingira kwadziri. Ndichavadzoserazve kunyika yavo yandakapa madzibaba avo.
Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichandodana vabati vazhinji vehove, ivo vachavabata sehove; pashure ndichandodana vavhimi vazhinji, ivo vachavavhima pamakomo ose nezvikomo zvose, napamapako ose amatombo.
Nokuti meso angu anoona nzira dzavo dzose, hazvina kuvanzika pamberi pangu, zvakaipa zvavo hazvina kuvanziwa pameso angu.
Ndichatanga kuvatsivira zvakaipa zvavo nezvivi zvavo kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinosemesa, nokuzadza nhaka yangu nezvinonyangadza zvavo.
Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.
Ko munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?
Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.

17

Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedhaimani; zvakatemwa pamahwendefa emoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu
nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira.
Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nefuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose.
Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nokuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.
Zvanzi naJehovha, Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna Jehovha.
Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.
Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.
segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga.
Imi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nokuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza.
Tarirai, vanoti kwandiri, Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.
Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi imwi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu.
Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa.
Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa. Vanochengeta Sabata vacharopafadzwa
Jehovha wakati kwandiri, Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu,
uti kwavari, Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuo awa.
Zvanzi naJehovha, Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva reSabata, kana kupinda nawo napamasuo eJerusaremu,
musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva reSabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva reSabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
Zvino zvanzi naJehovha, Kana mukanyatsa kunditeerera, mukasapinda nomutoro napamasuo eguta rino nezuva reSabata, asi muchitsaura zuva reSabata, musingabati basa ripi neripi naro;
ipapo pachapinda napamasuo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.
Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
Asi kana mukaramba kunditeerera, mukaramba kutsaura zuva reSabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuo eJerusaremu nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu usingazodzimwi.

18

Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu.
Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo.
Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari.
Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
Zvanzi naJehovha, Nhai, imi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsiraeri.
Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza;
kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
Uye nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima;
kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasateerera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.
Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.
Asi ivo vanoti, Hazvina maturo, nokuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomoyo wake wakaipa.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Zvino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa zvakadai; mhandara yaIsiraeri yakaita chinhu chakaipa kwazvo.
Ko chando chakachena chapaRebhanoni chingashaikwa padombo rokusango here? Mvura inotonhora, inoyerera ichibva kure ingapwa here?
nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
Kuti vaite nyika yavo chishamiso nechinoridzirwa murudzi nokusingaperi; mumwe nomumwe unopfuurapo uchashamiswa, nokudzungudza musoro wake.
Ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo sezvinoita mhepo inobva kumabvazuva; ndichavafuratira, handingavatariri nechiso, nezuva rokutambudzika kwavo.
Ipapo vakati, Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nokuti murayiro haungashaikwi kumupirisiti, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
Jehovha, nditeererei, munzwe inzwi ravanokakavara neni.
Zvakaipa zvingatsihwa nezvakanaka here? Nokuti vakacherera mweya wangu gomba. Rangarirai kumira kwangu pamberi penyu kuti ndivareverere zvakanaka, kuti nditsause kutsamwa kwenyu kwavari.
Saka sundirai vana vavo panzara, muvaregere pasimba romunondo; vakadzi vavo ngavatorerwe vana vavo, vave chirikadzi; varume vavo ngavaurawe norufu, namajaya avo aurawe nomunondo pakurwa.
Kuchema ngakunzwike padzimba dzavo, kana muchivauyisira kamwe kamwe boka ravarwi; nokuti vakachera gomba, kuti vandibate; vakavanzira tsoka dzangu misungo.
Asi imi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakanganwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu.

19

Zvanzi naJehovha, Enda undotenga chirongo chakaumbwa nomuumbi wehari, unavamwe vakuru vavanhu navamwe vakuru vavapirisiti;
ipapo uende kumupata womwanakomana waHinomi, uripo pavanopinda pasuwo rezvaenga zvehari uparidzirepo mashoko andichakuudza;
uti, Inzwa shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha navagere Jerusaremu, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo ino, nzeve dzomumwe nomumwe unozvinzwa dzichawunga.
Nokuti vakandisiya, vakashandura nzvimbo ino, vakapisirapo zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vavakanga vasingazivi, ivo namadzibaba avo namadzimambo aJudha, vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva,
vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumoyo mangu.
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata woKuurawa.
Ndichakonesa mano aJudha naveJerusaremu panzvimbo ino; ndichavawisa nomunondo pamberi pavavengi vavo, uye namaoko avanotsvaka kuvauraya; zvitunha zvavo ndichazvipa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika, zvive zvokudya zvazvo.
Guta rino ndichariita chishamiso nechinhu chinoridzirwa muridzo; mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa achiridza muridzo nokuda kwamatambudziko aro ose.
Ndichavadyisa nyama yavanakomana vavo nenyama yavanasikana vavo; mumwe nomumwe uchadya nyama yeshamwari yake pakukombwa kwaro napakumanikidzwa kwavachamanikidzwa nako navavengi vavo navanotsvaka kuvauraya.
Zvino unofanira kuputsa chirongo pamberi pavarume vakaenda newe,
ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta rino, sezvinoputswa mudziyo womuumbi wehari, usingabviri kuzogadzirwazve; zvino vachaviga vakafa paTofeti nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
Ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino navagerepo, ndiite guta rino seTofeti ndizvo zvinotaura Jehovha.
Dzimba dzeJerusaremu, nedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakasvibiswa, dzichaita senzvimbo yeTofeti, idzo dzimba dzose dzavakapisira pamatenga adzo zvinonhuwira kuhondo dzokudenga,nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa.
Ipapo Jeremiya wakabva Tofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoporofita, akandomira muruvazhe rweimba yaJehovha, akati kuvanhu vose,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa pamusoro peguta rino napamusoro pemisha yaro yose, zvakaipa zvose zvandakataura pamusoro paro; nokuti vakaomesa mitsipa yavo, kuti varege kunzwa mashoko angu.

20

.Zvino Pashuri, mwanakomana womupirisiti Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha.
Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo.
Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi.
Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.
Imi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka.
Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, Zvinoitwa nesimba nokuparadza Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.
Kana ndichiti, Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.
Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
Asi imi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yangu.
Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, Maberekerwa mwanakomana, akavafadza kwazvo.
Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati;
zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba.
Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?

21

Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupirisiti, achiti,
Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.
Ipapo Jeremiya akati kwavari, Itiyi kuna Zedhekia,
Zvanzi naJehovha, Mwari walsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino,
Ini ndimene ndicharwa nemi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo.
Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuwo zvose; zvichafa nehosha yakaipa.
Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekia mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira ngoni, kana kuva nenyasha navo.
Iwe uti kuvanhu ava, Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.
Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
Nokuti zvanzi naJehovha, Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.
Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha,
Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.
Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?
Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza.

22

Zvanzi naJehovha, Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri,
uti, Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi,iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuwo awa.
Zvanzi naJehovha, Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza;mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomoyo wose, pamasuo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake.
Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti zvanzi naJehovha, Uri Giriyadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.
Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto.
Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?
Ipapo vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.
Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nokuti haangadzokizve, kana kuonazve nyika yake yaakaberekerwa.
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, Iye haangadzokeripozve;
asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino.
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
iye, unoti, Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahhwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku.
Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokumwa, vachiita , zvakarurama nezvakatendeka here? Ipapo vakagara nomufaro.
Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi meso ako nomoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, Havangamuchemi, vachiti, Haiwa, munununa wangu! Kana, Haiwa, hanzvadzi! Havangachemi, vachiti, Haiwa, ishe! Kana, Haiwa, hukuru hwake!
Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuo eJerusaremu.
Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nokuti vadikani venyu vose vakaparadzwa.
Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, Handidi kunzwa. Ndiwo wakanga uri mutoo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuteerera inzwi rangu.
Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa, zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose.
Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka!
Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo.
Ndichakuisa muruvoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruvoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhea.
Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kuneimwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo.
Asi kunyika kunopanga moyo yavo kudzokera, havangadzokeriko.
Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?
Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
Zvanzi naJehovha, Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha,

23

Vane nhamo vafudzi vanoparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndichaunganidza vakasara vamakwai angu kunyika dzose kwandakanga ndaadzingira, ndichaadzosera kumafuro awo; achaberekana nokuwanda.
Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashaikwa ndizvo zvinotaura Jehovha. Bukira raDhavhidhi
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mazuva achauya, andichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama, iye uchabata ushe ari mambo, uchaita nohuchenjeri nokururama achiita zvakarurama panyika.
Pamazuva ake VaJudha vachaponeswa, naVaIsiraeri vachagara vakachengetwa; zita rake raachatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, avasingazoti, NaJehovha mupenyu, wakabudisa vana valsiraeri munyika yeIjipiti;
asi, NaJehovha mupenyu, wakabudisa rudzi rweimba yaIsiraeri munyika yokumusoro, achivaperekedza, nomunyika dzose kwandakanga ndavadzingira. Ivo vachagara munyika yavo. Vaporofita venhema vanotukwa
Kana vari vaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anozununguka, ndakaita somunhu wakabatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuda kwaJehovha, uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
Nokuti nyika izere nemhombwe; nokuti nyika inochema nemhaka yokutuka, mafuro erenje akaoma; zvavanovavarira zvakaipa, simba ravo harizakarurama.
Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanomhura Jehovha; zvirokwazvo, mumba mangu ndakawana zvakaipa zvavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari senzvimbo dzinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwiramo; nokuti ndichavauyisira zvakaipa pagore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakaona hupenzi kuvaporofita veSamaria; vakaporofita naBhaari, vakashatisa vanhu vangu Isiraeri.
Kuvaporofita veJerusaremu ndakaonawo chinhu chinonyangadza, vanoita hupombwe, nokufamba nenhema; vanosimbisa maoko avanoita zvakaipa, naizvozvo hakuna nomumwe unodzoka pazvakaipa zvake; vose vava kwandiri seSodhoma, navagerepo seGomora.
Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pavaporofita, Tarirai, ndichavadyisa gavakava, ndichavanwisa mvura yenduru; nokuti kumhura Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusaremu kukaenda kunyika yose.
Zvanzi naJehovha wehondo, Regai kuteerera mashoko avaporofita vanokuporofitirai; vanokudzidzisai zvisina maturo, vanotaura zvavakaona pamoyo yavo, zvisati zviri izvo zvinobuda mumuromo waJehovha.
Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomoyo wake, vanoti, Hakune chakaipa chingakuwira.
Nokuti ndiani wakamira parangano yaJehovha, akaona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera akanzwa shoko rake?
Tarirai, dutu remhepo raJehovha, iko kutsamwa kwake, rabuda, zvirokwazvo dutu rechamupupuri; richamonereka pamisoro yavakaipa.
Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira azviita, apedza ndangariro dzomoyo wake; pamazuva okupedzisira muchazvinzwisisa kwazvo.
ini handina kutuma vaporofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaporofita.
Asi dai vakanga vamira parangano yangu, vangadai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, vakavadzora panzira yavo yakaipa, napazvakaipa zvamabasa avo.
Ko ini ndiri Mwari uri pedo, ndisati ndiri Mwari uri kure here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndakanzwa zvakarehwa navaporofita, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti, Ndarota hope, ndarota hope.
Ko izvi zvichavapo pamoyo yavaporofita vanoporofita nhema kusvikira rinhi, ivo vaporofita vezvinonyengera zvemoyo yavo?
Ivo, vanofunga kukanganisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo, kwavanoudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakanganwa zita rangu nokunamata Bhaari.
Muporofita, wakarota, ngaaudze kurota kwake; uneshoko rangu, ngaataure shoko rangu nokutendeka. Mashanga nezviyo zvakaenzana pai? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shoko rangu harina kufanana nomoto here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?
Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kunowokwake.
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoreva namarimi avo, vachiti, Ndiye unodaro.
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navanoporofita kurota kwavo kwenhema, vachiudza vamwe, vachirashisa vanhu vangu nenhema dzavo uye nokuzvirumbidza kwavo kusina maturo; kunyange zvakadaro handina kuvatuma, kana kuvaraira; uye havatongobatsiri vanhu ava, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino kana vanhu ava, kana muporofita kana mupirisiti, vakakubvunza, vachiti, Chirevo chaJehovha ndechipiko? Ipapo uti kwavari, Chirevo chei! Ini ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kana ari muporofita, kana mupirisiti, kana vanhu, kana vachiti, Chirevo chaJehovha; ndicharova munhu uyo neimba yake.
Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?
Musazoti chirevo chaJehovha; nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe ndicho chirevo chake; nokuti makakanganisa mashoko aMwari mupenyu, aJehovha wehondo, Mwari wedu.
Uti kumuporofita, Jehovha wakakupindurei? Jehovha wakataurei?
Asi kana mukati, Chirevo chaJehovha; zvanzi naJehovha, Zvamunoreva shoko iri, muchiti, chirevo chaJehovha, ini zvandakatuma shoko kwamuri ndichiti, Musati, chirevo chaJehovha;
naizvozvo tarirai, ndichakukanganwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadzibaba enyu;
ndichauyisa pamusoro penyu kushoorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi.

24

Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, Unowoneiko Jeremiya? Ini ndikati, Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
Nokuti ndichavatarira nameso angu nomoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
Ndichavapa moyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nomoyo wavo wose.
Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeljipiti.
Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshoorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira.
Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nehosha, kusvikira vapera munyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.

25

Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi,
iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti,
Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuteerera.
Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe,
vachiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.
Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu,
tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje.
Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe.
Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose.
Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo.
Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
Vachanwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.
Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha;
vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi.
NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose;
namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi;
naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni;
namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi;
namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje;
namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia;
namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose hwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchanwa shure kwazvo.
Zvino iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.
Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kunwa, zvirokwazvo!
Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa.
Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika.
Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa.
Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire.
Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo.
Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha.
Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.

26

Zvino pakuvamba kwokubata ushe hwaJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
Zvimwe vangateerera, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pamusoro pezvakaipa zvandinofunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavo zvavanoita.
Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Kana musingadi kundinzwa, kuti mufambe nomurayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
kuti munzwe mashoko avaranda vangu vaporofita, vandinotuma kwamuri, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, asi hamuna kunzwa;
zvino ndichaita imba ino ive seShiro, neguta rino ndichariita chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.
Vapirisiti navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa mumba maJehovha.
Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapirisiti navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, Zvirokwazvo, uchafa iwe.
Wakaporofitirei nezita raJehovha, uchiti, Imba ino ichava seShiro, guta rino richava dongo, risina unogaramo? Vanhu vose vakaunganira Jeremiya mumba maJehovha.
Zvino machinda aJudha akati anzwa zvinhu izvi, vakauya vachibva kuimba yamambo vakaenda kuimba yaJehovha, vakagara pasi panopindwa pasuo idzva reimba yaJehovha.
Ipapo vapirisiti navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.
Ipapo Jeremiya wakataura namachinda ose uye navanhu vose, achiti, Jehovha ndiye wakandituma kuti ndiporofitire imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa.
Naizvozvo zvino natsai nzira dzenyu nezvamunoita, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha uchazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakareva pamusoro penyu.
Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaoko enyu; ndiitirei zvakanaka nezvakarurama pakuona kwenyu.
Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapirisiti navaporofita, Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.
Zvino vamwe vavakuru venyika vakasimuka, vakataura neungano yose yavanhu, vachiti,
Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha; akataura navanhu vose vaJudha, achiti, Zvanzi naJehovha wehondo, Ziyoni richarimwa somunda, neJerusaremu richava mirwi yamabwe, negomo reimba richaita senzvimbo dzakakwirira dzedondo.
Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.
Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
Zvino mambo Jehoiakimu, navakuru vake vose, namachinda ose, vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, akatizira Ijipiti.
Mambo Jehoiakini akatuma vanhu Ijipiti, vaiti Erinatani mwanakomana waAkibhori, navamwe vanhu naye, vaende Ijipiti,
akandotora Uriya Ijipiti, vakauya naye kuna mambo Jehoiakimu, iye ndokumuuraya nomunondo, akakandira chitunha chake mumarinda avanhu vasingakudzwi.
Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwakabatsira Jeremiya, vakasamuisa mumaoko avanhu kuti vamuuraye.

27

Pakuvamba kwokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
Zvanzi naJehovha kwandiri, Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTire, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekia mambo waJudha,
utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,
Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa, zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.
Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
nokuti vanokuporofitirai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.
Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
Muchafireiko, imi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nehosha yakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofitirai.
Ndakataurawo navapirisiti, uye navanhu ava vose, ndikati, Zvanzi naJehovha, Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai, vachiti, Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
Regai kuvateerera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?
Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.

28

Zvino pagore irero, pakuvamba kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibhiyoni, akataura neni mumba maJehovha, vapirisiti navanhu vose varipo, akati,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.
Makore maviri asati apera kwazvo, ndichadzoserazve kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha, yakatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi panzvimbo ino, akaiisa Bhabhironi;
ndichadzoserazve kunzvimbo ino Jekonia mwanakomana waJehoiakimu mambo waJudha, pamwechete navatapwa vose vaJudha, vakaenda Bhabhironi ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.
Ipapo muporofita Jeremiya akati kumuporofita Hanania, vapirisiti navanhu vose varipo vamire mumba maJehovha,
iye muporofita Jeremiya akati, Ameni, Jehovha ngaaite zvakadaro; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, adzoserezve midziyo yeimba yaJehovha, navose vakatapwa, vabve Bhabhironi vauye kunzvimbo ino.
Asi zvino chinzwa shoko iri randinotaura munzeve dzako, nomunzeve dzavanhu vose.
Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitira nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
Muporofita, unoporofita zvorugare, kana shoko romuporofita uyo rikaitika, muporofita uyo uchazvikanwa kuti wakatumwa naJehovha zvirokwazvo.
Ipapo muporofita Hanania wakabvisa joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, akarivhuna.
Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo. Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, muporofita Hanania apedza kuvhuna joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, zvichinzi,
Enda undoudza Hanania, uti, Zvanzi naJehovha, wavhuna majoko amatanda, asi waita panzvimbo yazvo majoko esimbi.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.
Ipapo muporofita Jeremiya wakati kumuporofita Hanania, Chinzwa zvino, Hanania, Jehovha haana kukutuma, asi iwe unotendisa vanhu ava nhema.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakudzinga pasi pose; uchafa nhaka, nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.
Naizvozvo muporofita Hanania wakafa negore iro nomwedzi wechinomwe.

29

Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvapirisiti nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhinezari, vakaiswa Bhabhironi,
Shure kwokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri,
noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi.
Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo;
wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa.
Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imi muchava norugarewo.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa.
Nokuti vanokuporofitirai nhema nezita rangu, ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti zvanzi naJehovha, Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino.
Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.
Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomoyo wenyu wose.
Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.
Zvamakati, Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;
zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pakutapwa kwenyu;
zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Ndichateverera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira;
zvavasina kuteerera mashoko angu, ndizvo zvinotaura Jehovha, andakatuma kwavari navaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma; asi makaramba kuteerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa, vandakadzinga paJerusaremu ndikavaisa Bhabhironi.
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, napamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseia, vanokuporofitirai nhema nezita rangu, Tarirai, ndinovaisa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchavauraya pamberi penyu;
vatapwa vose vaJudha, vari Bhabhironi, vachatora kwavari shoko rokutuka naro, vachiti, Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi, vakagochwa pamoto namambo weBhabhironi.
Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino kuna Shemaia muNeheramite, unofanira kutaura uchiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, nokuvapirisiti vose, uchiti,
Jehovha wakakuita mupirisiti panzvimbo yomupirisiti Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.
Ko zvino wakaregerei kutuka Jeremiya weAnatoti, unozviita muporofita pamberi penyu,
zvaakatuma shoko kwatiri paBhabhironi, achiti, Nguva irefu, vakai dzimba mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo?
Zvino mupirisiti Zefaniya akaravira muporofita Jeremiya rugwaro urwu.
Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti,
Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofitirai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,
naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.

30

Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Nyora mashoko ose andakakuudza mu bhuku.
Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.
Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha.
Nokuti zvanzi naJehovha, Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rorugare.
Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo;
asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.
Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.
Nokuti zvanzi naJehovha, Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo.
Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa.
Vose vaikuda vakukanganwa, havakuvingi, nokuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova kwoune hasha, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa.
Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.
Zvanzi naJehovha, Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
Kuwonga nenzwi ravanofara richabudapo; ndichavawanza, havangavi vashoma, ndichavakudza varege kuva vaduku.
Vana vavo vachava sakare, neungano yavo ichamiswa pamberi pangu, ndicharova vose vanovamanikidza.
Muchinda wavo uchava mumwe wavo, mubati wavo uchabuda pakati pavo; ndichamuswededza, aswedere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsunga kuswedera kwandiri? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Imi muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
Tarirai, dutu guru remhepo yaJehovha, idzo hasha dzake, rabuda, riri dutu guru rine simba; richaputsikira pamisoro yavakaipa.
Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza, kusvikira aita zvose zvaakafunga mumoyo make; muchazvinzwisisa pamazuva okupedzisira.

31

Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.
Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.
Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.
Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.
Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.
Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.
Nokuti zvanzi naJehovha, Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri
Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.
Inzwai shoko raJehovha, imi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
Nokuti Jehovha wakadzikunura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.
Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.
Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
Ndichagutisa mweya yavapirisiti namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.
Zvanzi naJehovha, Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.
Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.
Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imi muri Jehovha Mwari wangu.
Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu.
Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.
Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.
Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.
Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.
Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.
Zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo.
Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.
Namazuva awo havangazoti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.
Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake acharwadzira.
Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.
Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.
Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.
Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
Zvanzi naJehovha, Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuo rekona.
Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.
Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.

32

Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha negore regumi raZedhekia mambo waJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhirezari.
Zvino nenguva iyo mambo wehondo yeBhabhironi wakanga akakomberedza Jerusaremu; asi muporofita Jeremiya wakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, rwakanga ruri mumba mamambo waJudha.
Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, Unoporofitireiko uchiti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;
Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki pamaoko avaKaradhea, asi uchaiswa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, vachataurirana nemiromo yavo, nokuonana nameso avo;
iye uchandoisa Zedhekia Bhabhironi, agareko kusvikira ndichimushanyira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange mukarwa navaKaradhea hamungakundi?
Jeremiya akati, Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi, sekuru vako, uchauya kwauri, achiti, Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une simba rokuudzikunura nokuutenga.
Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikunura; chizvitengera iwo. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
Ndikatenga munda wakanga uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi namanomwe.
Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.
Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama,
ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.
Ndikaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Dzimba neminda yemizambiringa zvichazotengwazve munyika ino.
Zvino ndakati ndapa Bharuki mwanakomana waNeria rugwaro rwokutenga, ndikanyengetera kuna Jehovha ndichiti,
Haiwa,Ishe Jehovha tarirai imi makaita denga rose napasi nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakuna chinhu chingakukonai imi;
imi, munonzwira tsitsi vane zviuru zvamazana, nokutsiva zvakaipa zvamadzibaba muchipfuva chavana vavo vanovatevera, iye mukuru, Mwari unesimba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake;
wakakura panjere, unesimba pakubata, meso ake anosvinurira nzira dzose dzavana vavanhu, kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata, nezvakafanira zvibereko zvamabasa ake;
iye, wakaisa zviratidzo nezvishamiso panyika yeIjipiti kusvikira pazuva ranhasi, pakati paIsiraeri napakati pavamwe vanhu; mukazviitira mbiri sezvazvakaita nezuva ranhasi;
mukabudisa vanhu venyu vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru;
mukavapa nyika ino, yamakapikira madzibaba avo kuti muchavapa, iri nyika inoyerera mukaka nohuchi;
vakapinda, vakaiita yavo; asi havana kuteerera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; havana kutongoita chinhu chimwe chezvose zvamakavaraira kuti vazviite; naizvozvo makauyisa izvi zvose pamusoro pavo.
Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nehosha yakaipa, zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, Chizvitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea. Valsiraeri vachatapwa, asi vachadzoswazve
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
Tarira, ndini Jehovha, Mwari wenyama yose, kunechinhu chingandikona here?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira ndichaisa guta rino mumaoko avaKaradhea, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iye ucharikunda
VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu,
nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navapirisiti vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu.
Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuteerera nokutenda kurangwa.
Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise.
Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa,
Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa.
Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
Ndichavapa moyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.
Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
Nokuti zvanzi naJehovha, Sezvandakauyisa zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pavanhu ava, saizvozvowo ndichauyisa pamusoro pavo zvakanaka zvose zvandakavapikira.
Minda ichatengwa munyika ino yamunoti idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, yaiswa mumaoko avaKaradhea.
Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

33

Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.
Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.
Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.
Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakanganwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo.
Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira.
Zvanzi naJehovha, Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve
inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, Vongai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha wehondo, Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi.
Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika.
Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
Nokuti zvanzi naJehovha, Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri;
navapirisiti vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
Zvanzi naJehovha, Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapirisiti, vashumiri vangu.
Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverenga, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye? Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
Zvanzi naJehovha, Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo;
ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.

34

Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Enda, undotaura naZedhekia mambo waJudha; uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
newe haungapukunyuki paruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nokuiswa muruoko rwake; meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, muchataurirana nemiromo yenyu, iwe uchaenda Bhabhironi.
Asi chinzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekia mambo waJudha, zvanzi naJehovha pamusoro pako, iwe haungaurawi nomunondo;
iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, Haiwa ishe! Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ipapo muporofita Jeremiya akataura mashoko aya ose kuna Zedhekia mambo waJudha paJerusaremu,
nenguva yakarwa hondo yamambo weBhabhironi neJerusaremu uye namaguta ose aJudha akanga asara, neRakishi neAzeka, nokuti ndiyo yakanga yasara pamaguta aJudha, ari maguta akakombwa norusvingo. Vakaita hama dzavo varanda vacharohwa naJehovha
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vakanga vari Jerusaremu, achivaparidzira kuti vakasunungurwa,
kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
Machinda ose navanhu vose vakateerera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakateerera, vakavatendera kuenda.
Asi pashure vakashanduka, vakadzosa varanda navashandiri, vavakanga vambotendera kuenda, vakavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richibha kuna Jehovha, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Ndakaita sungano namadzibaba enyu, panguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda, ndichiti,
Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.
Zvino imi makanga madzoka henyu, mukaita zvakarurama pamberi pangu, zvamakaparidzira mumwe nomumwe hama yake kuti ungasunungurwa; makanga maita sungano pamberi pangu muimba panodanwa zita rangu.
Asi makadzoka, mukamhura zita rangu, mukadzosa mumwe nomumwe muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake, vamakanga matendera kuti vaende havo nokuda kwavo, mukavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri venyu.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.
Varume vakadarika sungano yangu, vakasaita mashoko esungano yavakaita neni, ndichavaita semhuru yavakagura napakati vakapfuura napakati penhindi dzayo;
machinda aJudha, namachinda eJerusaremu, navaranda vavo, navapirisiti, navanhu vose venyika, vakapfuura napakati penhindi dzemhuru,
ivo ndichavaisa mumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya, zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika.
Naiye Zedhekia mambo waJudha namachinda ake ndichavaisa mumaoko avavengi vavo nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, vakaenda vachibva kwamuri.
Tarirai, ndichavaraira nokuvadzosera kuguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha; vacharwa naro, nokurikunda, nokuripisa nomoto; ndichaita maguta aJudha matongo, asina vanogaramo.

35

Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe.
Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, Inwai waini.
Asi ivo vakati Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.
Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu, uti, Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.
Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vazere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.
Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;
naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.

36

Zvino negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakakuudza pamusoro paIsiraeri, napamusoro paJudha, napamusoro pamarudzi ose, kubva pazuva randakataura newe, kubva pamazuva aJosia kusvikira zuva ranhasi.
Zvimwe imba yaJudha vachanzwa zvakaipa zvose zvandinofunga kuvaitira, kuti vadzoke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, ndivakanganwire kuipa kwavo nezvivi zvavo.
Ipapo Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeria, Bharuki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehovha akabva mumuromo waJeremiya, aakataura kwaari.
Jeremiya akaraira Bharuki, achiti, Ini ndakadziviswa, handigoni kupinda mumba maJehovha.
Naizvozvo chienda iwe, undorava murugwaro rwakapetwa, mawanyora zvakabva pamuromo wangu, mashoko aJehovha zvinzwikwe nenzeve dzavanhu mumba maJehovha pazuva rokuzvinyima zvokudya; uye uaravewo anzwikwe nenzeve dzavaJudha vose vanobuda mumaguta avo.
Zvimwe kunyengetera kwavo kuchasvika pamberi paJehovha, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamwa nehasha zvakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava zvakakura kwazvo.
Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose sezvaakarairwa nomuporofita Jeremiya akarava mubhuku mashoko aJehovha mumba maJehovha.
Zvino negore rechishanu raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, nomwedzi wepfumbamwe, vanhu vose veJerusaremu, navanhu vose vakanga vabva kumaguta aJudha vachiuya Jerusaremu, vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya pamberi paJehovha.
Ipapo Bharuki akarava mubhuku mashoko aJeremiya mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana womunyori Shafani, muruvazhe rwokumusoro, pavaipinda pasuo idzva reimba yaJehovha, vanhu vose vachizvinzwa nenzeve dzavo.
Zvino Mikaia mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehovha mubhuku,
akaburukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, machinda ose agerepo, vaiti, Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekiya mwanakomana waHanania, namachinda ose.
Ipapo Mikaia akavaparidzira mashoko ose aakanzwa, Bharuki achirava mubhuku vanhu vachizvinzwa nenzeve dzavo.
Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye. Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
Vakati kwaari, Zvino chigara pasi, uirave tinzwe nenzeve dzedu. Ipapo Bharuki wakavaravira vakanzwa nenzeve dzavo.
Zvino vakati vanzwa mashoko ose, vakatarirana vachitya, vakati kuna Bharuki, Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.
Vakabvunza Bharuki, vachiti, Zvino chitiudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, achibva mumuromo make.
Ipapo Bharuki akavapindura, akati, Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neingi mubhuku.
Ipapo machinda akati kuna Bharuki, Endai mundovanda, iwe naJeremiya, kurege kuva nomunhu unoziva kwamuri.
Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
Ipapo mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudhi akaravira mambo achizvinzwa nenzeve dzake, namachinda ose akanga amire namambo ivo vachinzwa nenzeve dzavo.
Zvino mambo wakanga agere muimba yakavakirwa nguva yechando nomwedzi wepfumbamwe, moto uchipfuta pamberi pake pachaenga.
Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakanga uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakanga uri muchaenga.
Asi havana kutya, kana kubvarura nguvo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
Erinatani naDheraia naGemaria vakanga vanyengetera havo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana kuvateerera.
Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akanga anyorwa naBharuki achibva mumuromo waJeremiya, richiti,
Chitorazve rumwe rugwaro rwakapetwa unyoremozve mashoko ose okutanga, akanga ari murugwaro rwakapetwa rokutanga, rwakapiswa naJehoiakimu mambo waJudha.
Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uchiti, Wanyorereimo uchiti, Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mambo waJudha, Haangavi nomumwe uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; chitunha chake chichakandirwa kunze masikati kana kuchipisa, novusiku kana kune chando.
Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuteerera.
Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha, mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.

37

Zvino Zedhekia mwanakomana waJosia wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakanga apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi.
Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.
Zvino Jeremiya wakanga achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nokuti vakanga vachigere kumusunga mutorongo.
Hondo yaFarao yakanga yabvawo Ijipiti; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.
Zvanzi naJehovha, Musazvinyengera henyu, muchiti, Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nokuti havangabvi.
Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto.
Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.
Jeremiya akati, Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea. Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo.
Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya akati, Ririko. Akatiwo, Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.
Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo?
Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofitirai, vachiti, Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?
Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.
Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.

38

Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
Zvanzi naJehovha, Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.
Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.
Ipapo machinda akati kuna mambo, Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.
Mambo Zedhekia ndokuti, Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.
Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).
Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.
Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.
Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote. Jeremiya akaita saizvozvo.
Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.
Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.
Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.
Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.
Asi Jeremiya wakati, Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi, zvino vakadzi avo vachati, Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.
Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.
Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.
Ipapo uti kwavari, Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.
Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.
Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.

39

Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta,
machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wenanga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
Zvino Zedhekia mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta vusiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani.
Asi hondo yavaKaradhea yakadzingana navo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga.
Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akatarira; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi.
VaKaradhea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo Jerusaremu.
Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
Nebhukadhirezari weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya, achiti,
Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri.
Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wenanga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya.
Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.

40

Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino;
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka, asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.
Zvino wakati achigere kuenda, akati, Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende. Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiyiwa munyika.
Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo.
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.
Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
NaJohananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa,
vakati kwaari, Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai? Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyararire, akati, Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.

41

Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakanga agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva,
vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguvo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuwira, kuti vazviise mumba maJehovha.
Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.
Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo.
Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, Musatiuraya, nokuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi. Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa.
Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania,
vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibhiyoni.
Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Ijipiti,
nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

42

Zvino vakuru vose vehondo, naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera,
vakati kumuporofita Jeremiya, Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu),
kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita.
Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.
Ipapo vakati kuna Jeremiya, Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.
Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya.
Ipapo akadana Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru,
akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake.
Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.
Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
Asi kana mukati, Hatidi kugara munyika ino, saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu,
muchiti, Kwete, tichaenda kunyika yeIjipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;
naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vakasara vaJudha, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Ijipiti, kundogarako muri vatorwa;
ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeIjipiti; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paIjipiti, ndipapo pamuchandofira.
Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Ijipiti; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.
Jehovha wakataura pamusoro penyu, imi vakasara vaJudha, achiti, Regai kuenda Ijipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.
Nokuti makanyengera mweya yenyu; nokuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.
Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri.
Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.

43

Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose,
ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, Musaenda Ijipiti kundogarapo muri vatorwa;
asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhea, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.
Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha,
vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
vakandosvika kunyika yeIjipiti; nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha; vakandosvika Tapanesi.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi, richiti,
Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao naTapanesi, vanhu vose vaJudha vachizviona;
ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, mwari walsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawirira pamusoro pawo jira rake rinobwinya.
Uchauya achirova nyika yeIjipiti; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo.
Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veIjipiti; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeIjipiti somufudzi unofuka nguvo yake, uchabvapo norugare.
Uchaputsawo shongwe dzeBhetishemeshi, riri munyika yeIjipiti; dzimba dzavamwari veIjipiti uchadzipisa nomoto.

44

Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo,
nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imi kana madzibaba enyu.
Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.
Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
Makanganwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?
Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezvirevo zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose.
Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
Nokuti ndicharova vagere munyika yeIjipiti, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa;
kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nokuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.
Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeIjipiti, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakuteereri.
Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?
Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati,
Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.
Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vari munyika yeIjipiti,
zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu, muchiti, Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa; zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
Zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vagere munyika Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeIjipiti, zvichinzi, NaIshe Jehovha mupenyu!
Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeIjipiti vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose.
Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa.
Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.

45

Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki,
iwe wakati, Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.
Zvino chiti, kwaari, Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.
Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa hupenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.

46

Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pamarudzi.
Pamusoro peIjipiti; pamusoro pehondo yaFaraoneko mambo weIjipiti, yakanga iri parwizi Yufuratesi paKarikemishi, yakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha.
Gadzirai nhovo duku nenhovo huru, muswedere kunorwiwa.
Sungai mabhiza, kwirai imwi vatasvi mumire makadzika ngowani dzenyu; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzamatare.
Ndakazviwonereiko? Vakanganiswa, vadzokera shure; mhare dzavo dzakundwa, dzatiza, hadzicheukiri shure, kutya kuri pamativi ose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vanomhanyisa ngavarege kutiza, mhare ngadzirege kupukunyuka; kurutivi rwokumusoro, parwizi rwaYufuratesi, vakagumburwa vakawira pasi.
Ndianiko uyo unokwira sorwizi rwaNairi, mvura yarwo inotamba senzizi?
Ijipiti rinokwira saNairi, mvura yarwo inotamba senzizi; rinoti, Ndichakwira, ndichafukidza nyika, ndichaparadza maguta navageremo.
Kwirai, imi mabhiza, fambisai imi ngoro, mhare ngadzibude, vanoti, Kushi naPuti vanoshonga nhovo, navaRudhi vanobata nokuwembura huta.
Nokuti zuva iro izuva raShe, Jehovha wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchanwa ropa ravo ukaguta, nokuti Ishe, Jehovha wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi.
Kwira uende Giriyadhi, undotorako muti webharisami, iwe mhandara, mukunda weIjipiti; wawanza mishonga mizhinji isina maturo, hauporeswi.
Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.
Shoko, rakaudzwa muporofita Jeremiya naJehovha, richireva muuyire waNebhukadhirezari mambo weBhabhironi nomukundire wake nyika yeIjipiti.
Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.
Mhare dzako dzakabviswa neiko? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.
Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.
Vakadanidzirako, vachiti, Farao mambo weIjipiti iguhu zvaro, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.
Nohupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.
Iwe mukunda unogara Ijipiti, zvigadzirire kutapwa, nokuti Nofi richaitwa dongo, richapiswa, risina unogaramo.
Ijipiti imhorombe yakaisvonaka, asi vuvu rinobva kurutivi rwokumusoro rasvika, rasvika.
Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.
Mubvumo waro uchava sowenyoka, nokuti vachafamba nehondo, vachandorwa navo namatemo, savatemi vemiti.
Vachatema dondo raro, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti havanganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, havangaverengwi.
Mukunda weIjipiti uchanyadziswa, uchaiswa mumaoko avanhu vanobva kurutivi rwokumusoro.
Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, unoti, Tarirai, ndicharova Amoni neNo, naFarao, neIjipiti navamwari varo, namadzimambo aro, iye Farao navose vanovimba naye.
Ndichavaisa mumaoko avanotsvaka kuvauraya, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaranda vake; zvino pashure richagarwa, sapamazuva akare ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa.
Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.

47

Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.
Zvanzi naJehovha, Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.
Kana vachinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo;
nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nokuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori.
Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira rinhiko?
Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira rinhiko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.
Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemhenderekedzo yegungwa, ndipo paakazviraira.

48

Pamusoro paMoabhu. Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Nebho rine nhamo, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa, rakundwa; Mishigabhi ranyadziswa, ravhunduswa.
Mbiri yaMoabhu haichipo; paHeshibhoni vakarangana zvakaipa pamusoro pavo, vachiti, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi. Newewo Madhimeni, uchanyaradzwa, munondo uchakutevera.
Inzwai inzwi rokuchema rinobva Horonaimi, Kuparadzwa nokukoromorwa kukuru!
Moabhu vaparadzwa; vanana vavo vakanzwika vachichema.
Nokuti vachakwira nomukwidzwa weRuhiti vachingochema; nokuti pamatenusirwa eHoronaimi vakanzwa njodzi yokuchema kwokuparadzwa.
Tizai, muponese mweya yenyu, mufanane negwenzi murenje.
Nokuti zvamakavimba namabasa enyu nefuma yenyu, muchakundwawo; Kemoshi vachaenda kwavanotapwa, vapirisiti vavo namachinda avo pamwechete.
Muparadzi uchawira guta rimwe nerimwe, hakuna guta richapukunyuka; mupata uchapararawo, nebani richaparadzwa, sezvakataura Jehovha.
Ipai Moabhu mapapiro, vabhururuke, vaende; maguta avo achava matongo, anoshaiwa unogaramo.
Ngaatukwe unobate basa raJehovha asina hanya naro; ngaatukwe unodzora munondo wake paropa.
Moabhu vakanga vane zororo kubva pahuduku hwavo, vakagara pamasese avo, havana kudururwa vachibviswa mumudziyo, uye havana kutapwa; naizvozvo kuzipa kwavo kwakarambira mukati mavo, nokunhuwira kwavo hakuna kushanduka.
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha andichatuma kwavari vanomimina; ivo vachavamimina, vachadurura midziyo yavo chose, nokuputsanya hari dzavo.
Moabhu vachanyara pamusoro peKemoshi, sezvakanyadziswa imba yaIsiraeri pamusoro peBhetieri, ravaivimba naro.
Munotaura seiko, muchiti, Tiri mhare, vanhu vakatsunga pakurwa?
Moabhu vaparadzwa, vakwira mumaguta avo, majaya avo akasanangurwa akaburuka kundourawa ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
Njodzi yaMoabhu yava pedo yodokuuya, nhamo yavo yokurumidza kuuya.
Vachemei, imi mose makavapoteredza, imi mose munoziva zita ravo; muti, Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!
Iwe mukunda unogara Dhibhoni, buruka pakukudzwa kwako, ugare pane nyota, nokuti muparadzi waMoabhu wauya kuzorwa newe, waparadza nhare dzako.
Iwe unogara Aroeri, mira panzira utarire; bvunza unotiza nounopukunyuka, uti, Chinyiko chaitwa?
Moabhu vakanyadziswa, nokuti vakakoromorwa. Wungudzai mucheme, muzviparidzire paArinoni kuti VaMoabhu vaparadzwa.
Zvirokwazvo, kutongwa kwasvika panyika yamapani, paHoroni, napaJaza, napaMefaati,
napaDhibhoni, napaNebho, napaBhetidhibhirataimu,
napaKiriataimu, napaBhetigamuri, napaBhetimeoni,
napaKerioti, napaBhozira, napamaguta ose enyika yavaMoabhu, kure kana pedo.
Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, ruoko rwavo rwavhuniwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
Muvape doro vabatwe, nokuti vakaita manyawi pamberi paJehovha; VaMoabhu vachawumburuka mumarutsi avo, vachasekwawo.
Nokuti VaIsiraeri havana kusekwa nemi here? Vakawanikwa pakati pamakororo here? Nokuti nguva dzose kana muchimureva iye munodzungudza misoro yenyu.
Imi mugere panyika yaMoabhu, ibvai mumaguta, mugare mudombo, muve senjiva inovaka dendere rayo pamativi amawere.
Takanzwa kuzvikudza kwaVaMoabhu, kuti vanozvikudza kwazvo; nokuzvirumbidza kwavo, namanyawi omoyo wavo.
Ndinoziva hasha dzavo, kuti hadzina maturo ndizvo zvinotaura Jehovha; kuzvirumbidza kwavo hazvina kuita chinhu.
Naizvozvo ndichawungudza pamusoro paMoabhu, zvirokwazvo ndichadanidzira pamusoro pavaMoabhu vose; vachachema vanhu veKiriheresi.
Ndichakuchemera, iwe muzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namazambiringa ako.
Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvikira Ereare, nokusvikira Jahazi, vakanzwisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvikira Horonaimi neEgiratisherishiya; nokuti nemvura zhinji yeNimirimi ichaparadzwa.
Ndichagumisawo pakati paMoabhu ani naani unobayira panzvimbo dzakakwirira, naiye unopisira vamwari vake zvinonhuwira ndizvo zvinotaura Jehovha.
Naizvozvo moyo wangu unorira pamusoro paMoabhu senyere, nomoyo wangu unorira senyere pamusoro pavanhu veKiriheresi; naizvozvo zvakawanda zvaakazviwanira zvapera.
Nokuti misoro yose yava nemhazha, nendebvu dzose dzaveurwa; maoko ose atemwa, nezviuno zvose zvinamasaga.
Pamatenga edzimba dzaMoabhu, napanzira dzomumisha yavo kuwungudza kuripo pose; nokuti ndaputsa Moabhu somudziyo usingafadzi munhu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vakoromorwa sei! Vanowungudza sei! Moabhu vakafuratira sei nokunyadziswa! Saizvozvo Moabhu vachava chinhu chinosekwa nechinotyisa pakati pavose vanovapoteredza.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, uchabhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa naMoabhu.
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro moyo yemhare dzaMoabhu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
Moabhu vachaparadzwa, varege kuva rudzi rwavanhu, nokuti vakazvikudza pamberi paJehovha.
Kutya nehunza nomusungo zvasvika kwauri, iwe ugere panyika yaMoabhu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhunza uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vakatiza vamire pamumvuri weHeshibhoni vasina simba, nokuti moto wabuda paHeshibhoni, nomurazvo pakati paSihoni, waparadza mativi aMoabhu nemisoro yavanoda kurwa.
Mune nhamo, imi Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nokuti vanakomana venyu vatapwa, navakunda venyu vaiswa kukutapwa.
Asi namazuva okupedzisira ndichadzosa kutapwa kwaMoabhu ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndipo panosvika kutongwa kwaMoabhu.

49

Pamusoro pavana vaAmoni. Zvanzi naJehovha, Ko VaIsiraeri havana vanakomana here? Havana vagari venhaka here? Ko Marikami wagarireiko nhaka yaGadhi, vanhu vake vanogarirei mumaguta ake?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.
Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa, chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapirisiti namachinda ake pamwechete.
Unozvirumbidzireiko pamusoro pamipata, pamusoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuvimba nefuma yako, uchiti, Ndianiko ungarwa neni?
Tarira, ndichauyisa pamusoro pako kutya vose vanokupoteredza, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo; muchachingwa mumwe nomumwe ipo paakatarira, hakuna ungazounganidza vanodzungaira.
Asi pashure ndichadzosa kutapwa kwavana vaAmoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Pamusoro paEdhomu. Zvanzi naJehovha wehondo, Ko paTemani hapachina huchenjeri here? Mano arova kuna vakangwara here? Huchenjeri hwavo hwanyangarika here?
Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDhedhani; nokuti ndichauyisa njodzi yaEsau pamusoro pake nenguva yandichamurova nayo.
Kana vakohwi vemizambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mamwe mazambiringa angazokohiwa here? Kana mbavha dzikasvika vusiku havangaparadzi kusvikira varinganwa here?
Ndakafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzakavanda, haangagoni kuvanda; vana vake vaparadzwa, nehama dzake nowokwake; iye haachipo.
Siya nherera dzako, ini ndichadziraramisa, chirikadzi dzako ngadzivimbe neni.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, vakanga vasina kufanira kunwa pamukombe, vachanwa zvirokwazvo; ko zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarohwi here? Haungaregwi usingarohwi, asi uchanwa zvirokwazvo.
Nokuti ndakapika neni ndimene, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti Bhozira richaitwa chishamiso nechinoshoorwa, nedongo rechinotukwa; maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.
Ndakanzwa mashoko anobva kuna Jehovha, nhume yakatumwa pakati pamarudzi, ichiti, Unganai, muuye kuzorwa naro, musimukire kurwa.
Nokuti tarirai, ndakakuita muduku pakati pamarudzi, nounozvidzwa pakati pavanhu.
Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Edhomu vachaitwa chishamiso, mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko avo ose.
Sapakutsindikirwa kweSodhoma neGomora namamwe maguta akanga ari pedo hakuna munhu uchagar amo , hakuna Mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro paEdhomu, nemifungo yake yaakafunga pamusoro pavagere paTemani. Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
Nyika inodedera nokuda kwomubvumo wokuwira kwavo pasi; kuchema kuripo kunonzwika kusvikira kuGungwa Dzvuku.
Tarirai, uchakwira achibhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBhozira, nezuva iro moyo yemhare dzaEdhomu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake. Chirevo pamusoro peDhamasiko
Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuripo pagungwa, harigoni kuzorora.
Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, rakabatwa nokudedera; rakabatwa nokurwadziwa nokuchema somukadzi unosurumuka.
Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro wangu?
Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, varwi vose vachanyarara nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uchaparadza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi. Chirevo pamusoro paKedhari neHazori
Pamusoro paKedhari napamusoro poushe hweHazori hwakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi. Zvanzi naJehovha, Simukai, muende kuna Kedhari, mundoparadza vanhu vokumabvazuva.
Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, Zvinotyisa zviripo kumativi ose!
Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.
Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusina hanya, ndizvo zvinotaura Jehovha; rusina masuo kana zvipfigiso, runogara rwoga.
Makamera avo achatapwa nezvipfuwo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.
Hazori huchava hugaro hwamakava, nedongo nokusingaperi; hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa. Chirevo pamusoro paEramu
Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro paEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavhuna huta hwaEramu, icho chinhu chikuru chesimba ravo.
Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.
Ndichavhundusa Eramu pamberi pavavengi vavo napamberi pavanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kukuru, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatuma munondo uvateverere kusvikira ndavapedza.
Ndichaisa chigaro changu choushe maEramu, ndiparadze mambo namachinda vabvepo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Asi namazuva okupedzisira ndichadzosazve kutapwa kwaEramu, ndizvo zvinotaura Jehovha.

50

Shoko, rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, napamusoro penyika yavaKaradhea nomuporofita Jeremiya.
Paridzirai pakati pamarudzi, muzvizivise, musimudze mureza,muzvizivise murege kuvanza muti Bhabhironi rakundwa , Bheri wanyadziswa, Merodhaki wavhunduswa; zvifananidzo zvavo zvanyadziswa, matanda avo avhunika.
Nokuti rudzi ruriko runobva kurutivi rwomusoro kuzorwa naro, ruchaita nyika yaro dongo, hakuna uchagaramo; vatiza, vaenda, vanhu nezvipfuwo.
Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.
Vachabvunza Ziyoni, vakaringira zviso zvavo ikoko, vachiti, Uyai tizviise kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.
Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
Vose vaivawana vaivadya, navadzivisi vavo vaiti, Hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo hugaro hwokururama, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.
Tizai mubve pakati peBhabhironi, budai panyika yavaKaradhea, muve senhongo pamberi pamapoka amakwai.
Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.
Nyika yeKaradhea ichava chinhu chakapambwa; vose vanoipamba vachaguta ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kunyange makafara, kunyange muchifarisisa, iyemi munoparadza nhaka yangu, kunyange muchikwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza ane simba,
mai venyu vachanyadziswa kwazvo, ivo vakakuberekai vachakanganiswa; tarirai, vachava rudzi ruri shure kwaose, nesango, nenyika yakaoma, nerenje.
Nemhaka yokutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; mumwe nomumwe unopfuura napaBhabhironi uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko aro ose.
Muzvigadzire imi mose munofura nohuta kuzorwa neBhabhironi kumativi ose, rifurei, regai kuchengeta miseve, nokuti rakatadzira Jehovha.
Pururudzai kumativi aro ose, razvirega, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromorwa; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; zvitsivei pamusoro paro, sezvarakaita muriitirewo.
Paradzai mudzvari paBhabhironi, naiye unobata nejeko panguva yokucheka; nemhaka yokutya munondo unomanikidza, mumwe nomumwe uchatendeukira kunowokwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake.
Isiraeri igwai rakadzingwa-dzingwa, shumba dzakaridzinga; pakutanga mambo -weAsiria wakamudya, zvino pakupedzisira Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake.
Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndicharova mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakarova mambo weAsiria.
Ndichadzosera Isiraerizve kumafuro avo, vachafura paKarimeri napaBhashani, mweya wavo uchagutiswa pazvikomo zvaEfuremu napaCireadhi.
Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.
Endai mundorwa nenyika yeMerataimu, murwe nayo uye navagere Pekodhi; urayai, muparadze chose zviri shure kwavo, muite zvose zvandakakurairai ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mubvumo wokurwa uri munyika, nowokuparadza kukuru.
Nyundo yenyika yose yagurwa-gurwa nokuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
Ndakakuteyera musungo, ukabatwawo, iwe Bhabhironi, ukasazviziva; wakawanikwa, ukabatwawo, nokuti wakarwa naJehovha.
Jehovha wakazarura chivigiro chefuma yake, akabudisa nhumbi dzokurwa dzokutsamwa kwake, nokuti Ishe Jehovha wehondo une basa raanofanira kubata panyika yavaKaradhea.
Uyai murwe nayo muchibva kumativi ose, zarurai matura aro, muite mirwi, muriparadze chose, regai kusiya chinhu charo.
Urayai nzombe dzaro dzose, ngadziburukire kundourawa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, iyo nguva yokurohwa kwavo.
Inzwai inzwi ravanotiza navano pukunyuka panyika yebhabhironi, kundoparidzira paZiyoni kutsiva kwaJehovha Mwari wedu, iko kutsiva kwetemberi yake.
Kokerai vafuri varwe neBhabhironi, ivo vose vanofura novuta; rikomberedzei nemisasa yenyu yokurwa, kurege kuva nomumwe unopukunyuka; muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsiraeri.
Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, navarwi varo vose vachanyarara nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Tarira, ndine mhosva newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakurova nayo.
Unozvikudza uchagumburwa nokuwira pasi, hakuna ungamusimudza; ini ndichabatidza moto mumaguta ake, uchapedza vose vakamupoteredza.
Zvanzi naJehovha wehondo, Vana vaIsiraeri navana vaJudha vakamanikidzwa pamwechete; vose, vakavatapa, vakavabata, vanoramba kuvaregedza.
Asi Mudzikunuri wavo une simba, Jehovha wehondo ndiro zita rake; iye uchavareverera mhaka yavo kwazvo, kuti azorodze nyika, nokushaisa vagere Bhabhironi zororo.
Munondo uri pamusoro pavaKaradhea, napamusoro pavagere Bhabhironi, napamusoro pamachinda aro, napamusoro pavachenjeri varo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Munondo uri pamusoro pavana manyawi, vachava mapenzi; munondo uri pamusoro pemhare dzaro, vachavhunduka.
Munondo uri pamusoro pamabhiza avo, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavanhu vose vakavengana mukati maro, vachava savakadzi; munondo uri pamusoro pefuma yaro, ichapambwa.
Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, ichapwa; nokuti inyika yemifananidzo yakavezwa, vanopengera zvifananidzo.
Naizvozvo zvikara zvamarenje zvichagaramo, pamwechete namapere, nemhou dzichagaramo; hapangazogarwi nokusingaperi, hakuna ungagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
Tarirai, rudzi rwavanhu runobva kurutivi rwokumusoro, rudzi rukuru namadzimambo mazhinji achamutswa abve kumigumo yenyika.
Vakabata huta nepfumo, vane hasha, havane nyasha; manzwi avo anotinhira segungwa, vakatasva mabhiza, mumwe nomumwe wakashongedzwa somurwi, kuzorwa newe, iwe mukunda weBhabhironi.
Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake akashaiwa simba, wabatwa nokutambudzika nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka.
Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro peBhabhironi, nemifungo yake yaakafunga pamusoro penyika yavaKaradhea, Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
Nyika inodedera nomubvumo wokukundwa kweBhabhironi, kuchema kunonzwika pakati pamarudzi ose.

51

Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi navagere Rebhikamai mhepo inoparadza.
Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.
Mupfuri ngaapfure nohuta hwake ani naani unopfura nohuta nounozvisimudza ane nguvo dzake dzokurwa, regai kunzwira tsitsi majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose.
Vachawira pasi vaurawa panyika yavaKaradhea, vabayiwa munzira dzaro.
Nokuti Isiraeri naJudha havana kurashwa naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva pamberi poMutsvene waIs iraeri.
Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese hupenyu hwake; regai kuparadzwa mukati mezvakaipa zvaro, nokuti inguva yokutsiva kwaJehovha, iye uchariripidzira.
Bhabhironi wakanga uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.
Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa; wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora.
Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake, nokuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.
Jehovha wakaratidza kururama kwedu; uyai, tiparidze paZiyoni basa raJehovha Mwari wedu.
Rodzai miseve, batisai nhovo! Jehovha wakamutsa mweya yamadzimambo avaMedhia, nokuti murangariro wake ndowokuparadza Bhabhironi, nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha, iko kutsiva kwetemberi yake.
Simudzirai masvingo eBhabhironi mureza, simbisai varindi, isaipo nharirire, gadzirai vanovandira, nokuti Jehovha wakafunga nokuita zvaakataura pamusoro pavagere Bhabhironi.
Iwe ugere pamvura zhinji, une fuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera.
Jehovha wehondo wakapika naiye amene, achiti, Zvirokwazvo ndichakuzadza navanhu semhashu, ivo vachakupururudzira.
Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
Mugove waJakobho haufanani naizvozvi, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
Iwe uri nyundo yangu nenhumbi dzangu dzokurwa; newe ndichaputsanya marudzi avanhu newe ndichaparadza ushe;
newe ndichaputsanya bhiza nomutasvi waro; newe ndichaputsanya ngoro nounofamba nayo;
newe ndichaputsanya murume nomukadzi; newe ndichaputsanya mutana nomuduku; newe ndichaputsanya mujaya nemhandara;
newe ndichaputsanya murimi nenzombe dzake mbiri; newe ndichaputsanya vabati navakuru.
Ndicharipidzira Bhabhironi navose vagere Karadhea zvakaipa zvavo zvose zvavakaita Ziyoni pamberi penyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva.
Havangatori kwauri ibwe rekona, kana ibwe renheyo; asi uchava dongo nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pamarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai ushe hweArarati neMini neAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, uyisai mabhiza semhashu dzinoparadza.
Gadzirai marudzi kuzorwa naro, iwo madzimambo avaMedhia, navabati vavo, navakuru vavo vose, nenyika yose yavakabata.
Nyika inodedera nokurwadziwa; nokuti zvakafunga Jehovha kuitira Bhabhironi zvakasimba, kuti aite nyika yeBhabhironi dongo, isina unogaramo.
Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa, vakarambira munhare dzavo, simba ravo rakapera, vava savakadzi; vakapisa dzimba dzaro, zvipfigiso zvaro zvakavhuniwa.
Imwe nhume ichamhanya kundosangana neimwe, mumwe wakatumwa kundosangana nomumwe, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa kumativi ose.
Uye kuti mazambuko abatwa, kuti mapani eshanga apiswa nomoto, kuti varwi vavhunduswa.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.
Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.
Ugere Ziyoni uchati, Zvakaipa zvandakaitirwa ini nenyama yangu ngazvive pamusoro peBhabhironi; Jerusaremu richati, Ropa rangu ngarive pamusoro pavagere Karadhea.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakureverera mhaka yako, ndichakutsiva; ndichapwisa gungwa raro, ndichaomesa tsime raro.
Bhabhironi richaitwa mirwi yamabwe, hugaro hwamakava, chinhu chinoshamisa, chinoridzirwa muridzo, pasina unogaramo.
Vachaomba pamwechete savana veshumba, vachaganya savana veshumba.
Kana vamutswa moyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndichavaburusira kwavanondobayiwa samakwaiana, samakondobwe pamwechete nenhongo.
Sheshaki rakundwa sei! Guta rairumbidzwa nenyika yose rapindwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
Gungwa rakwira rasvika Bhabhironi, rafukidzwa namafungu aro mazhinji.
Maguta aro ava matongo, nyika yakaoma nerenje, nenyika musingagari munhu, hakuna Mwanakomana womunhu unopfuura napo.
Ndichatonga Bheri paBhabhironi, ndichabudisa mumuromo make chaakanga amedza, marudzi avanhu haachazovangiri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rwaBhabhironi ruchawa.
Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha.
moyo yenyu irege kuora, musatya guhuzve nerimwe gore shure kwaizvozvo; panyika vachaitirana simba, mubati mumwe achirwa nomumwe.
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya andichatonga mifananidzo yakavezwa yaBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, vakaurawa varo vose vachawira pasi mukati maro.
Ipapo denga nenyika nezvose zviri mukati mazvo zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vaparadzi vachauya kwariri vachibva kurutivi rwokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vakaurawa valsiraeri, Bhabhironi rinofanira kuwawo, sezvakawira pasi paBhabhironi vakaurawa venyika yose.
Imi makapukunyuka pamunondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, fungai Jerusaremu pamoyo yenyu.
Takanyadziswa, nokuti takanzwa kushoorwa, kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.
Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya andichatonga mifananidzo yaro yakavezwa; vakakuvadzwa vachagomera kwose panyika yaro.
Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Inzwai inzwi rokuchema rinobva Bhabhironi, nerokuparadzwa kukuru rinobva panyika yavaKaradhea!
Nokuti Jehovha unoparadza Bhabhironi, uchanyaradzamo mubvumo mukuru; mafungu avo anotinhira semvura zhinji, mubvumo wamanzwi avo anonzwika.
Nokuti muparadzi wasvika kwariri, iko Bhabhironi, mhare dzaro dzakundwa, huta hwavo hwavhuniwa-vhuniwa; nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva, ucharipidzira zvirokwazvo.
Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
Zvanzi naJehovha wehondo, Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
Ndiro shoko, rakarairwa Seraia mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, nomuporofita Jeremiya, nguva yaakaenda Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha negore rechina rokubata kwake ushe. Zvino Seraia wakanga ari murairi mukuru parwendo.
Jeremiya akanyora mubhuku zvakaipa zvose zvaifanira kuwira Bhabhironi, iwo mashoko ose akanyorwa pamusoro peBhabhironi.
Jeremiya akati kuna Seraia, Kana wasvika Bhabhironi rangarira kuti urave mashoko awa ose.
Uti, Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino kuti muchai,paradza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuwo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.
Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;
uchiti, Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro; vachaneta. Ndipo panoguma mashoko aJeremiya.

52

Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri nerimwe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha netsika dzose dzaJehoiakimu.
Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhikia akamukira mambo weBhabhironi.
Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
Zvino nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi, nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika vakashaiwa zvokudya.
Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza, vakabuda muguta vusiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta); vakaenda nenzira yokurenje.
Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.
Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia iye achizviona, akaurayawo machinda ose aJudha paRibhira.
Akatumbura meso aZedhekia, mambo weBhabhironi akamusunga namatare, akamuisa Bhabhironi, akamusunga mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakasvika Jerusaremu.
Akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo ose eJerusaremu kunhivi dzose.
Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vanyengera vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya vamwe varombo chaivo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
Vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
Nemikombe, nezvaenga zvomoto, nembiya, nehari, nezvitimiko zvemwenje, nezvirongo, nemidziyo, zvose zvakanga zviri zvendarama nezvose zvakanga zviri zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
Mbiru mbiri, nedziva rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvingoro, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
Zvino kana dziri mbiru, kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere; pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakarupoteredza; pakukora yakasvika minwe mina; mukati makanga munemhango.
Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
Pamativi pakanga pana matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu, matamba ose akasvika zana pane zvakarukwa pamativi ose.
Mukuru wavarindi akatora Seraia mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
napaguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vanomwe vaisionana namambo, vaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana mukati meguta.
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
Ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhirezari; negore rechinomwe vaJudha vane zviuru zvitatu namakumi maviri navatatu;
negore regumi namasere raNebhukadhirezari wakatapa paJerusaremu vanhu vana mazana masere namakumi matatu navaviri, akaenda navo;
negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;
akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kukunda zvigaro zvoushe zvamadzimambo akanga anaye paBhabhironi,
akashandura nguvo dzake dzokusungwa. Jehoiakini akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose ohupenyu hwake.
Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo weBhabhironi nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, kusvikira zuva rokufa kwake, namazuva ose oupenyu hwake

Lizenz
CC-0
Link zur Lizenz

Zitationsvorschlag für diese Edition
TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Jeremiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C59A-C