1

Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.
Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nokuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.
Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.
Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.
Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya.
Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.
Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.
Mukunda weZiyoni wasiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.
Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.
Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora.
Zvanzi naJehovha, Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.
Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?
Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;
dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.
Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;
asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.
Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.
Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsiraeri, Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;
ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.
Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.
Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.
Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.
Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.
Nokuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.
Ane simba achava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.

2

Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.
Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.
Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.
Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Valsiraeri ngavadzokere kuna Jehovha, varase zvifananidzo zvavo
Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.
Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.
Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo.
Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira.
Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake.
Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;
napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani,
napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,
napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,
napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.
Ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
Zvifananidzo zvichapera chose.
Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;
vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nokuti anobatsireiko?

3

Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;
mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.
Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche.
Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunoanokudzwa.
Musi uyo munhu achabata munununa wake mumba mababa vake, achiti, Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.
Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, Handidi kuva nanga, nokuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.
Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa.
Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.
Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.
Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.
Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
Uyezve Jehovha akati, Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.
Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;
nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;
nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango;
nezvimhete, noukomba hwemhino;
nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;
nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka.
Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.
Masuo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.

4

Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.
Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri.
Vakasiyiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;
kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa.
Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.
Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.

5

Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemizambiringa pachikomo chakaorera;
akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo mizambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino akatarira kuti ubereke mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa ebundo.
Zvino imi mugere Jerusaremu navarume vaJudha, ndinokumbira kuti motonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa.
Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa ebundo?
Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa, Ndichabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe;
ndichauparadza; haungarangurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasina nzvimbo, kusvikira imi mogara muri moga panyika.
Jehovha wehondo anotaura munzeve dzangu, achiti, Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo.
Nokuti maeka ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwechete, nehomeri rembeu richabereka efa imwechete.
Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro.
Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.
Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota.
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa, nameso avanozvikudza akaninipiswa.
Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
Ipapo makwayana achafura saanenge ari pamafuro, awo vanodzungaira vachadya makura avafumi.
Vane nhamo vanokweva zvakaipa nerwodzi rwenhema, nezvivi sezvinenge namabote engoro;
vanoti, Ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake, kuti tizvione; zvakafungwa noMutsvene wavaIsiraeri ngazviswedere, kuti tizvizive.
Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere.
Vane nhamo vakaita mhare pakunwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata;
vanoti akaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake.
Naizvozvo murazvo womoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakawoma sezvahunongoperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchaora, ruva ravo richatorwa kumusoro seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha wehondo, nokushora shoko roMutsvene waIsiraeri.
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Achasimudzira marudzi anobva kure mureza, nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.
Hapana achaneta kana kugumburwa pakati pavo; hakuna achakotsira kana kuvata; bhanhire rezviuno zvavo haringasunungurwi, rukanda rweshangu dzavo harungadambuki.
Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mazondo amabhiza avo achaita somusara, namavhiri engoro dzavo sechamupupuri;
kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavomba savana veshumba; zvirokwazvo vachavomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
Nezuva iro vachavaombera sokutinhira kwegungwa; kana munhu akatarira nyika, achaona rima nokutambudzika; chiedza chichasvibiswa namakore ayo.

6

Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.
Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.
Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
Ipapo ndikati, Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakanora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakanora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.
Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,
Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa.
Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera? Ipapo ndakati, Ndiri pano ini, nditumei.
Iye akati, Enda, unondoudza vanhu ava, uti, Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.
Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe.
Zvino ndakati, Ishe kusvikira rinhiko? Akapindura, akati, Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.
Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.

7

Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda.
Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, VaSiria vava pakati pavaEfuremu. moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.
Zvino Jehovha akati kuna Isaya, Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo;
undoti kwaari, Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.
Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti,
Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.
Zvanzi naIshe Jehovha, lzvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki.
Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;
musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi. Mwanakomana Imanueri
Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti,
Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.
Asi Ahazi akati, Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha.
Akati, Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here?
Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri.
Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka.
Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo.
Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria.
Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria.
Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose.
Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.
Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri;
zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi.
Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa.
Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.
Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo.

8

Zvino Jehovha akati kwandiri,Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupirisiti, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri Mutumidze zita rokuti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
Nokuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria.
Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti,
Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonyatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria;
saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose;
ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa fuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.
Itai bope, imi ndudzi, muputsweputswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe.
Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari anesu.
Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
Musati, Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.
Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.
Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka.
Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve: Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.

9

Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.
Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.
Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.
Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita. Kutsamwa kwaJehovha pamusoro pokusatendeuka kwavanhu vake
Jehovha akatuma shoko kuna Jakobho, rakaburukira pamusoro pavaIsiraeri.
Vanhu vose vachaziva, ivo vaEfuremu navagere Samaria, ivo vanoti namanyawi avo nokuzvikudza kwemoyo yavo,
Zvitinha zvawa, asi tichavaka namabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaisa misidhari panzvimbo yayo.
Naizvozvo Jehovha achavamutsira vadzivisi vaRezini, achasanganisa vavengi vake;
vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, havana kutsvaka Jehovha wehondo.
Saka Jehovha achagura vaIsiraeri musoro nomuswe, davi romuchindwe nenhokwe, nomusi mumwe.
Mukuru noanokudzwa ndiwo musoro; muporofita, anodzidzisa nhema, ndiwo muswe.
Nokuti vatungamiriri vavanhu ava vanovatsaukisa; vanotungamirirwa navo vanoparadzwa.
Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti mumwe nomumwe wavo mumhuri waMwari nomuiti wezvakaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvohupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Nokuti zvakaipa zvinopfuta somoto; unopedza rukato neminzwa; zvirokwazvo unopisa matenhere edondo, zvichikwira kudenga iri shongwe youtsi.
Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.
Mumwe achabvuta kurudyi, asi achava nenzara; achadya kuruboshwe, asi havangaguti; mumwe nomumwe achadya nyama yoruoko rwake.
VaManase vachadya vaEfuremu, navaEfuremu vaManase; ivo pamwechete vachamukira vaJudha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.

10

Vane nhamo vanotema mitemo isina kururama, navanyori vanonyora zvisakarurama;
kuti vadzivise varombo pakururamisirwa, nokutorera varombo vavanhu vangu zvavanofanira kuva nazvo, kuti vapambe chirikadzi, vatorere nherera zvinhu zvavo.
Asi muchaiteiko pazuva rokutongwa, nerokuparadzwa kuchabva kure? Muchatizira kuna ani kundobatsirwa? fuma yenyu muchaivigepiko?
Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurawa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino. Kurohwa kwavaAsiria
Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, wakabata muruoko rwake tsvimbo yeshungu dzangu!
Ndichamutuma kundorwa norudzi runomhura Mwari, ndichamurayira kundorwa navanhu vandinotsamwira, kuti andotora zvakapambwa, andotora zvakatapwa, azvitsikire pasi sedope riri munzira dzomumusha.
Asi iye haafungi kuita izvozvo, nomoyo wake haarangariri zvakadaro; asi iye anorangarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji.
Nokuti iye anoti, Ko machinda angu ose haazi madzimambo here?
Ko Karino harina kuitirwa zvakaitirwa Karikemishi here? NeHamati seAripadhi here? NeSamaria seDhamasiko here?
Ruoko rwangu sezvarwakasvikira ushe hwezvifananidzo, kunyange zvifananidzo zvavo zvakavezwa zvakanga zvichipfuura zvapaJerusaremu neSamaria,
handingaitiri Jerusaremu nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvaro here?
Saka zvino kana Ishe apedza basa rake rose pagomo reZiyoni napaJerusaremu, ndicharova zvibereko zvomoyo unozvikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuzvikudza kwake.
Nokuti akati, Ndakazviita nesimba roruoko rwangu, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; ndakabvisa miganho yavanhu, ndakapamba fuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe;
ruoko rwangu rwakawana fuma yamarudzi avanhu sedendere; ndakaunganidza nyika yose, somunhu anounganidza mazai akasiyiwa; hapana akapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.
Ko sanhu ringazvirumbidza pamusoro poanotema naro here? Kana jeko ringazvikudza pamusoro paanobata naro here? Zvaifanana netsvimbo inozunungusa vanorova nayo, kana mudonzvo unosimudza chinhu chisati chiri huni.
Naizvozvo Ishe, Ishe wehondo, achatuma kuonda pakati pavakakora vake; pasi pokubwinya kwake pachabatidzwa chinopisa chakafanana nokupisa kwomoto.
Chiedza chavaIsiraeri chichava moto, noMutsvene wake murazvo womoto; uchapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuva rimwe.
Uchapedza kubwinya kwedondo rake, nokwomunda wake wakaorera, mweya nomuviri kamwe, zvifanane nendonda inongoramba ichipera simba.
Miti yakasara yedondo rake ichava mishoma, inganyorwa nomwana.
Zvino nezuva iro vakasara vaIsiraeri, navanenge vapukunyuka paimba yaJakobho, havangazosendamiri kunoakavarova, asi vachasendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, nezvokwadi.
Vakasara vachadzoka, ivo vakasara vaJakobho, kuna Mwari ane simba.
Nokuti kunyange vanhu venyu, imi Isiraeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo voga vachadzoka; nokuti vakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.
Nokuti Ishe, Jehovha wehondo, achapedzisa kuparadza, kwakagara kwatemwa, panyika yose.
Saka zvanzi nashe, Jehovha wehondo, Imi vanhu vangu vagere Ziyoni, musatya muAsiria, kunyange akakurovai neshamhu nokukusimudzirai tsvimbo yake, sezvaakaitira Ijipiti.
Nokuti kwasara chinguva chiduku, kutsamwa kwangu kuchapera, hasha dzangu dzichavaparadza.
Jehovha wehondo achamusimudzira tyava, sapakurohwa kwavaMidhiani padombo reOrebhi; shamhu yake ichava pamusoro pegungwa, achaisimudza sezvaakaitira Ijipiti.
Zvino nezuva iro mutoro wake uchabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko richaparadzwa nokuda kwamafuta.
Asvika paAiati, apfuura napaMigironi, achengeta nhumbi dzake paMikimashi;
vakwira napamupata, vakavata paGebha usiku; Rama rinodedera, Gibhiya raSauro ratiza.
Danidzira nenzwi rako, iwe mukunda weGarimi ! Teerera, iwe Raishi! Iwe Anatoti wourombo!
Madhimena wotiza, vagere Ghebhimi vorongedza kutiza.
Zuva ranhasi achazorota paNobhi; anozunungusira gomo romukunda weZiyoni, icho chikomo cheJerusaremu, ruoko rwake.
Tarirai, Ishe, Jehovha wehondo, achatema mashizha nokutyisa; akareba achatemwa, naakakwirira achawiswa pasi.
Achatema nedare matenhere edondo, Rebhanoni richawiswa neane simba.

11

Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.
Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha.
Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi;
asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake.
Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidzva zvake.
Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira.
Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe.
Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi.
Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikunure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, nePatirosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzvitsuwa zvegungwa.
Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu.
Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera.
Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reIjipiti, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu.
Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeIjipiti.

12

Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.
Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.
Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.
Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.
Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.
Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.

13

,Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi.
Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuo avakuru.
Ndakaraira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kwokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza.
Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji Kutinhira kweungano dzoushe kwamarudzi akaungana pamwechete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa.
Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga, iye Jehovha nenhumbi dzake dzokurwa dzeshungu dzake, kuti aparadze nyika yose.
Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
Saka maoko ose achashayiwa simba, nomoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka;
vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namatambudziko; vacharwadziwa somukadzi anosununguka; vachatarisana vachashamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto.
Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.
Nokuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo.
Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri.
Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru.
Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe achadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
Mumwe nomumwe anowanikwa, achabayiwa; mumwe nomumwe anobatwa, achaurawa nomunondo.
Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa. ,
Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri.
Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana.
Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKaradhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.
Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi mapoka avopo.
Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatambapo.
Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedera pedo, mazuva aro haangawedzerwi.

14

Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho.
Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako,
uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei!
Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati.
Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.
Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.
Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.
Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe.
Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?
Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.
Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!
Iwe wakati mumoyo mako, Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro;
ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.
Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.
Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe;
aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?
Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake.
Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.
Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kwokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta.
Zvanzi naJehovha wehondo, Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vavana, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Chirevo pamusoro pavaAsiria
Jehovha wehondo akapika, achiti, Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.
Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo.
Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose.
Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa. Chirevo pamusoro pavaFirisitia
Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa,
Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka.
Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurawa.
Chema, iwe suo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nokuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake.
Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, Jehovha akavamba Ziyoni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo.

15

Nokuti usiku Ari reMoabhi rakai twa dongo, rakaparadzwa; nokuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.
Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.
Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.
Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; inzwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
moyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.
Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.
Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
Nokuti mvura yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.

16

Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZiyoni.
Nokuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni.
Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.
Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amazambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nokuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
Naizvozvo moyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
Asi zvino Jehovha akataura achiti, Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.

17

Chirevo pamusoro peDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka.
Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa.
Nhare ichabviswa panaEfuremu, noushe paDhamasiko; vakasara veSiria vachava sembiri yavana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutende, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.
Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi.
Kunyange zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro-soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri.
Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri.
Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.
Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru. Kuparadzwa kwavaAsiria
Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji!
Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.
Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira.

18

Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia,
inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.
Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!
Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa.
Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka zambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema.
Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo.
Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZiyoni.

19

.Chirevo pamusoro peIjipiti.Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, oswedera Ijipiti; zvifananidzo zvichadedera pamberi pake, nomoyo weIjipiti uchanyauka mukati mawo.
Ndichamutsa moyo yavaIjipiti vamukire vaIjipiti; mumwe nomumwe acharwa nehama yake, mumwe nomumwe nowakavakirana naye; guta richa mukira guta, ushe huchamukira ushe.
Mweya weIjipiti uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navanamazango, navauki nenanga.
Ndichaisa vaIjipiti muruoko rwamambo ane hasha; mambo anomoyo mukukutu achavabata ushe, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
Mvura ichapwa mugungwa, rwizi ruchaderera nokuoma.
Nzizi dzichanhuwa, hova dzeIjipiti dzichava shoma nokupwa; tsanga nenhokwe dzichaoma.
Mafuro kunhivi dzaNairi, pamhenderekedzo dzaNairi, neminda yose yakadyarwa yaNairi, zvichaoma, zvichatorwa nemhepo, hazvichazovipo.
Vabati vehove vachachema, vose vanokandira zviredzo maNairi vachaungudza, vanokanda hutava hwavo mumvura vachapera simba.
Uye vanobata neshinda yakanatswa, navanoruka micheka michena, vachanyadziswa.
Mbiru dzichaputswa-putswa; vose vanobatira mubayiro vachava neshungu pamweya.
Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi; munoreva seiko kuna Farao, muchiti, Ndini mwanakomana wavakachenjera, mwanakomana wamadzimambo akare?
Varipiko zvino ivo vanhu vako vakachenjera? Ngavakuudze zvino; ngavazivise zvakafungwa naJehovha wehondo pamusoro peIjipiti.
Machinda eZoani ava mapenzi, machinda eNofi akanyengerwa; vakarasisa Ijipiti nzira, ivo vaiva ibwe rekona ramarudzi avo.
Jehovha akadira mweya wokuramba mukati mavo; vakarasisa Ijipiti nzira pamabasa avo vose, somunhu akabatwa nedoro anodzedzereka pakurutsa kwake.
Saka Ijipiti haingazovi nebasa chose, ringaitwa nomusoro kana nomuswe, kana nedavi romuchindwe kana nenhokwe.
Nezuva iro vaIjipiti vachafanana navakadzi; vachadedera nokutya nokuda kwokusimudzwa kworuoko rwaJehovha wehondo; rwaanosimudza pamusoro pavo.
Nyika yaJudha ichava chityiso cheIjipiti; mumwe nomumwe anozviudzwa achatya nokuda kwomutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.
Nezuva iro maguta mashanu achavapo panyika yeIjipiti, anotaura rurimi rweKanani, vachipika naJehovha wehondo; mumwe achaidzwa Guta rokuparadzwa.
Nezuva iro pakati penyika yeIjipiti pachava nearitari kuna Jehovha, nembiru pamuganho waro kuna Jehovha.
Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeIjipiti; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nemhaka yavamanikidzi, achavatumira muponesi nomurwiri, iye achavaponesa.
Jehovha achazviratidza kuIjipiti, navaIjipiti vachaziva Jehovha nezuva iro; zvirokwazvo vachamunamata nezvibayiro nezvipo, vachapikira Jehovha mhiko, nokuzviita.
Jehovha acharova Ijipiti, achirova nokuporesazve; zvino vachadzokera kuna Jehovha, iye achanzwa kunyengetera kwavo achivaporesa.
Nezuva iro nzira huru ichavapo inobva Ijipiti ichienda Asiria; vaAsiria vachaenda Ijipiti, navaIjipiti vachaenda Asiria; vaIjipiti vachanamata pamwechete navaAsiria.
Nezuva iro vaIsiraeri vachava rudzi rwechitatu vachitevera Ijipiti neAsiria, vachava ruropafadzo pakati penyika;
nokuti Jehovha wehondo akavaropafadza, achiti, VaIjipiti, vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsiraeri, nhaka yangu, ngavaropafadzwe.

20

Negore rokusvika kwaTaritani paAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akarwa neAshidhodhi nokurikunda;
nenguva iyo Jehovha akataura naIsaya mwanakomana waAmozi, achiti, Enda, undosunungura gudza riri pazviuno zvako, ubvise shangu yako parutsoka rwako. Iye akaita saizvozvo, akafamba asine nguvo, asine shangu.
Zvino Jehovha akati, Muranda wangu Isaya sezvaakafamba asine nguvo asine shangu makore matatu akava chiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neItiopia;
saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti navakadzingwa veItiopia, vaduku navakuru Vasina nguvo vasina shangu, vakafukurwa zviuno, chive chinyadzo cheIjipiti.
Vachavhunduswa nokunyadziswa pamusoro peItiopia, chivimbo chavo, neIjipiti rumbidzo yavo.
Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?

21

Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.
Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose.
Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona. ,
moyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa.
Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhovo.
Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona;
zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka.
Iye akadanidzira seshumba, achiti, Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu;
zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri. Akapindura, akati, Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikira pasi.
Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai. Chirevo pamusoro peDhuma
Chireve pamusoto peDhuma.mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?
Murindi ndokuti, Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai. Chirevo pamusoro peArabhia
Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani.
Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo.
Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa.
Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.

22

Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.
vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure.
Naizvozvo ndakati, Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo.
Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza, Kiri akafudugura nhovo.
Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo.
Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo.
Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji, mukachingidzira mvura yedziva rezasi;
mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo;
mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare.
Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza;
asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushinjiwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.
Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo. Mutariri Shebhina achabviswa, Eriakini achapinda panzvimbo yake
Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera bwiro pano? Somunhu anozvivezera bwiro pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!
Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta-peta.
Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.
Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia;
ndichamufukidza nguvo yako, nokumusimbisa nebhanhire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha.
Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura.
Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
Vachaturika paari kukudzwa kwose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate.
Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.

23

Chirevo pamusoro peTire. Chemai, imi, zvikepe zveTarishishi; nokuti raparadzwa, hapachine imba, kana pangapindwapo; vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeKitimi.
Imi mugere pamhenderekedzo yegungwa, nyararai, iyemi maifumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa.
fuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.
Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.
Kana shoko richisvika Ijipiti, vachava neshungu kwazvo pamusoro peshoko reTire.
Yambukirai Tarishishi; chemai imi mugere pamhenderekedzo yegungwa.
Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare, raiiswa kurekure netsoka dzaro, kundogarako?
Ndianiko akafungira Tire izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?
Jehovha wehondo ndiye akazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.
Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarishishi; hakuchine bhanhire rinokusunga.
Akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, akazunungusa ushe; Jehovha akaraira pamusoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
Akati, Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko haungawani zororo.
Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo, vakaiita dongo.
Chemai, imi zvikepe zveTarishishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa.
Zvino nenguva iyo Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwechete; kana makore makumi manomwe apera, Tire richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti,
Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe.
Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha achashanyira Tire, ipapo richadzokera kumubayiro waro, ndokufeva noushe hwose hwenyika huri pasi pose.
Zvarakashambadzira, nomubayiro waro, zvichava zvitvsene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa, nokuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguvo dzakanaka.

24

Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.
Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupirisiti, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwerete zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.
Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.
Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.
Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.
Kufara kwengoma kwonyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.
Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa.
Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.
Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
Muguta masara mangova dongo, suo raputswa nokuparadzwa.
Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.
Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.
Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.
Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, Vakarurama ngavakudzwe! Asi ini ndakati, Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru.
Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.
Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.
Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.
Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.
Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.

25

Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; no kuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.
Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.
Naizvozvo rudzi rurukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.
Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.
Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma, rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.
Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.
Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.
Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo.
Nezuva iro vachati, Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.
Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze.
Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake.
Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.

26

Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
Anomoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti anovimba nemi.
Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
Nokuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.
Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama.
Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.
Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.
Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.
Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo bedzi; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
Nokuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.

27

Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa.
Nezuva iro vachaimba vachiti, Munda wemizambiringa, chiumbira!
Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.
Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete.
Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.
Namazuva anouya Jakobho achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.
Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here?
Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva.
Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
Nokuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiyiwa riri roga, hwava hugaro hwasiyiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo.
Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imi vana vaIsiraeti.
Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeIjipiti, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu.

28

Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini.
Tarirai, Ishe anomumwe anesimba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose.
Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka;
ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa noariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.
Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake;
nomweya wokururamisa kunoagere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuo.
Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupirisiti nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamwedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga.
Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.
Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?
Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma, napapo zvishoma.
Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe;
akati kwavari, Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera; asi vakaramba kuteerera.
Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.
Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu,
Imi zvamakati, Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;
naizvozvo Ishe Jehovha anoti, Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.
Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.
Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.
Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.
Nokuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.
Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
Rerekai nzeve dzenyu, munzwe inzwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu.
Ko murimi, anoda kudzvara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here?
Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudzvara kumini, nokuisa zviyo mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?
Nokuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa.
Nokuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.
Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyange gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi.
Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake.

29

Arieri, Arieri, une nhamo, iwe guta maidzika Dhavhidhi matende ake! Wedzerai gore pagore, nguva dzemitambo ngadzisvike;
ipapo ndichamanikidza Arieri, kuchema nokuungudza zvichavapo; richava kwandiri seArieri.
Ndichakukomba panhivi dzose, ndichakukomba navarwi vanorindira, ndichavaka masvingo okurwa newe.
Uchawiswa pasi, uchataura uri pasi muvhu; kutaura kwako kuchabva pasi muguruva; inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu, kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, navanotyisa sehundi inopepereka; zvirokwazvo zvichaitwa kamwe-kamwe, pakarepo.
Uchashanyirwa naJehovha wehondo nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, nechamupupuri, nedutu guru, nomurazvo womoto unopedza zvose.
Kuwanda kwamarudzi ose anorwa neArieri, ivo vose vanorwa naro nenhare yaro, vachaita sezvinorotwa, sezvinoonekwa usiku.
Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi anopepuka, ndokuwana mweya wake usine chinhu; kana sokurota kwomunhu ane nyota, achiti ndinonwa; asi anopepuka, wanei aziya, mweya wake unopanga mvura; ndizvo zvichaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZiyoni.
Mirai mushame! Zvipofumadzei, muve mapofu! Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata.
Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wokubatwa nehope kwazvo, akafumbira meso enyu, vaporofita; nemisoro yenyu, vaoni, wakavafukidza.
Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava zvichinzi,Dorava hako izvizvi; iye ndokuti, Handigoni, nokuti rwakanamirwa;
zvino rugwaro runopiwa usina kudzidza, zvichinzi, Dorava hako izvozvi; iye ndokuti, Handina kudzidza.
Ishe akati, Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi moyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa;
naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa.
Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti, Ndiani anotiona, ndiani anotiziva?
Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, Iye haana kundiita; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, Iye haana njere?
Ko hakuna kusara chinguva chidukuduku here, Rebhanoni richashandurwa rive munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchanzi idondo?
Zvino nezuva iro vamatsi vachanzwa mashoko orugwaro, meso amapofu achaona ari pakasviba napanerima.
Vanyoro vachawedzerawo mufaro wavo muna Jehovha, varombo pakati pavanhu vachafara kwazvo muMutsvene waIsiraeri.
Nokuti anotyisa aparadzwa, mudadi aguma, navose vanogarira zvakaipa vabviswa;
ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano.
Saka zvanzi naJehovha, akadzikunura Abhurahamu, pamusoro peimba yaJakobho, Jakobho haanganyadziswi zvino, chiso chake zvino hachingacheneruki.
Asi kana achiona vana vake, iro basa ramaoko angu, pakati pake, vachati zita rangu idzvene; zvirokwazvo, vachati Mutsvene waJakobho mutsvene, vachatya Mwari waIsiraeri.
Vakarasika pamweyawo vachava nenjere, vanonyunyuta vachadzidziswa.

30

Zvanzi naJehovha, Vane nhamo vana vanondimukira, vanofunga mano vasingandibvunzi, vanoita sungano zvisingabvi paMweya wangu,kuti vawedzere zvivi nezvivi;
vanozvirongedza kuenda Ijipiti, vasina kundibvunza, kuti vazvisimbise nesimba raFarao, nokuvanda mumumvuri weIjipiti.
Naizvozvo simba raFarao richakunyadzisai, kuvanda kwenyu mumumvuri waFarao kuchava kukanganisa kwenyu.
Nokuti machinda avo ari paZoani, nhume dzake dzakasvika Hanesi.
Vose vachanyadziswa pamusoro porudzi rwavanhu vasingagoni kuvafumisa, vasingavabatsiri kana kuvafumisa, asi kuvanyadzisa nokuvashovodza.
Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza fuma yavo pamusoro pamafudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyundwa dzemakamera, vachizviisa kuvanhu vasingavafumisi.
Nokuti Ijipiti inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti, Rahabhi anongogara zvake.
Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pahwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri.
Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha;
vanoti kuvaoni, Musaona; nokuvaporofita. Musatiporofitira zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitire zvinonyengera,
ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutsvene waIsiraeri pamberi pedu.
Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo;
naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotsveyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo.
Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu; asi makaramba,
mukati, Kwete, tichatiza takatasva mabhiza; saka muchatiza zvenyu; uyezve, Tichatasva mabhiza anomhanyisa; saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.
Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo.
Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.
Nokuti vanhu vachagara paZiyoni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai.
Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu;
nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.
Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, Ibva pano.
Achakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadzvara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru;
nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa; zvakarudzwa nemitsvairo nemisero.
Pamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba napachikomo chimwe nechimwe chakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura, nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa.
Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe; sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa. Jehovha achakunda vaAsiria
Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa nokutsamwa kwake, richibudisa utsi uzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomoto unopedza zvose;
mweya wake wakaita sorwizi runodira kunze, runosvikira pamutsipa, kuti asere marudzi avanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa achava mumiromo yavanhu.
Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.
Jehovha achanzwisa inzwi rake roumambo, acharatidza kuburuka kworuoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womoto unopedza zvose, nechamupupuri, nokunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe.
Nokuti muAsiria achakanganiswa nenzwi raJehovha; achamurova neshamhu.
Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa, zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.

31

Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.
Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.
Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura.
Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vana vaIsiraeri.
Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.
Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo.
Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza, ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu.

32

Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.
Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.
Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.
Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.
Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama. Vakadzi veJerusaremu vanonyeverwa
Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.
Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.
Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.
Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.
Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.
Makaropafadzwa imi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.

33

Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka.
Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyiro wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.
Jehovha akakudzwa, nokuti anogara kumusoro; akazadza Ziyoni nokururamisira nokururama.
Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo fuma yake.
Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu.
Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.
Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai.
Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
Inzwai, imi muri kure, zvandakaita, imi muri pedo, muzive simba rangu.
Vatadzi vari paZiyoni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?
Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo.
moyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?
Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.
Tarirai Ziyoni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.
Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.
Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.
Hakuna ageremo, achati, Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.

34

Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, teererai imi vanhu, nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo.
Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa.
Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.
Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.
Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe.
Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu.
Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta.
Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Ziyoni.
Hova dzayo dzichashanduka namo, ,huruva rayo sariferi, nyika yavo ichaitwa namo inopfuta.
Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguvo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu.
Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina.
Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou.
Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora.
Rovambira richaita dendere raropo, nokukandira, nokuchechenya mazai aro, nokuunganidza vana varo mumumvuri waro; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira ruvangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo.
Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

35

Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.
Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera.
Iti kuna vane moyo inotya, Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.
Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.
Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.
Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.
Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo;
vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.

36

Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria, akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba yamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakabudira kwaari.
Mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?
Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko zvawo asina maturo; zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwamuri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye akabvisirwa matunhu akakwirira namaaritari ake naHezekia, akati kuna Judha neJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri here?
Naizvozvo zvino chipikiranai henyu natenzi wangu, mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
Ini ndauya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisina Jehovha kanhi? Ndiye Jehovha akati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
Ipapo Eriakimu, mwanakomana waHirikia, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.
Asi mukuru wavatariri akati kwaari, Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?
Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura akati, Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria.
Zvanzi namambo Hezekia, Ngaarege kukunyengerai; nokuti haangagoni kukurwirai;
Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti, Jehovha achatirwira zvirokwazvo; guta iri haringapiwi mumaoko amambo weAsiria.
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.
Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha acharwira Jerusaremu paruoko rwangu?
Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, Regai kumupindura.
Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.

37

Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
Akatuma Eriakimu aichengeta imba, naShebhina munyori, navakuru vavapirisiti, vakafuka makudza, kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
Zvimwe Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.
Naizvozvo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
Isaya akati kwavari, Udzai tenzi wenyu, muti, zvanzi naJehovha, Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, achanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.
Naizvozvo mukuru wavatariri akadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nokuti akanga anzwa kuti wabva Rakishi.
Zvino akanzwa pamusoro paTirihaka mambo weltiopia, zvichinzi, Auya kuzorwa newe. Zvino akati azvinzwa, akatuma nhume kuna Hezekia, achiti,
Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha, muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringapiwi muruoko rwamambo weAsiria.
Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
Ko vamwari vamamwe marudzi vakavarwira here, iwo akaparadzwa namadzibaba angu, vanoti, Gozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
Mambo weHamati ariko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, neHena, neIvha?
Hezekia akagamuchira tsamba pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha, akaipetenura pamberi paJehovha.
Ipapo Hezekia akanyengetera kuna Jehovha, achiti,
Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aShanheribhi, akatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu.
Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo,
akakandira vamwari vavo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo akavaparadza.
Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paShanheribhi mambo weAsiria,
heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.
Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!
Watuka Jehovha navaranda vako, ukati, Ndakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisiperesi yakatsaurwa iripo, ndichipa kusvikira kumusoro-soro kwaro, kudondo raro rinobereka zvakanaka;
ndakachera ndikanwa mvura, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika netsoka dzangu.
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
Naizvizvo vakanga vageremo vakanga vane simba duku, vakavhundutswa nokunyadziswa; vakafanana nouswa hwebundo, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nomunda wezviyo zvigere kukura.
Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa, kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.
Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
Nokuti vakasara vachabuda Jerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri.
Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, achadzokerazve nayo; haangapindi muguta rino.
Nokuti ndichadzivirira guta rino, ndiriponese nokuda kwangu ini, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.
Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Naizvozvo Shanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.

38

Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.
Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,
akati, Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,
Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.
Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.
Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi. Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira. Rwiyo rwokuvonga rwaHezekia
Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.
Ndakati, ndichapinda pamasuo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara.
Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.
Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi.
Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomoyo wangu.
Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.
Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu.
Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.
Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.
Zvino Isaya akanga ati, Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.
Hezekiawo akanga ati, Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?

39

Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi? Hezekia akati, Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.
Ipapo akati, Vakaonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha wehondo,
Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro. Akatiwo, Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.

40

Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.
Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakanganwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo.
Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.
Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;
kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
Inzwi roanoti, Danidzirai! Mumwe akati, Ndichadanidzireiko? Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango.
Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.
Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, Tarirai, Mwari wenyu!
Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa. Hukuru hwaJehovha
Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?
Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?
Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.
Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.
Marudzi ose akaita pamberi pake sapasine chinhu; pakufunga kwake akaita saasipo, chinhu chisina maturo.
Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?
Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.
Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.
Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?
Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;
ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.
Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudyarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
Unorevereiko, iwe Jakobho, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, Nzira yangu haizikanwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?
Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi.
Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.
Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;
asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.

41

Nyararai pamberi pangu, imi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.
Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paa notsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.
Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake.
Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira.
Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya.
Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, Tsunga hako moyo.
Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.
Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu,
iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.
Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.
Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.
Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo.
Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, Usatya, ini ndichakubatsira.
Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri.
Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi.
Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.
Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari walsiraeri, handingavarasi.
Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.
Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani,nemifiri iyo yose;
kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.
Zvanzi naJehovha, Revai mhaka yenyu; zvanzi namambo waJakobho, Uyai namashoko enyu akasimba.
Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa, tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.
Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwechete.
Tarirai imi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; anokusanangurai anonyangadza.
Ndamutsa mumwe anobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe anobva kumabudazuva, anodana zita rangu; iye achatsika vabati samatope, somuumbi anokanya ivhu.
Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare, kuti titi, Zvirokwazvo? Zvirokwazvo, hakuna anotiudza, zvirokwazvo, hakuna anotiratidza, zvirokwazvo, hakuna anonzwa mashoko enyu.
Ndini ndichatanga kuti kuZiyoni, Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusaremu nhume inouya namashoko akanaka.
Kana ndichitarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna anogona kurayirira, angapindura shoko, kana ndichivabvunza.
Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo.

42

Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa.
Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha.
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
lye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake.
Zvanzi naMwari iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo,
Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi;
usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.
Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.
Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zvivi navagere pazviri.
Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo.
Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zviwi kurumbidzwa kwake.
Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba.
Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete.
Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapisa.
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, Imi muri vamwari vedu, ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone.
Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
Anoona zvinhu zvizhinji, asi haacherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi.
Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, Dzosa!
Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achateerera nokunzwa panguva inouya?
Ndianiko akarega Jakobho apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.

43

Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.
Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;
ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;
mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.
Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.
Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, Ichokwadi.
Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.
Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;
anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.
Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nokuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vanwe,
ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.
Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira.
Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.
Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.
Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakobho ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.

44

Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura,
zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.
Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako;
vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.
Mumwe achati, Ndiri waJehovha, mumwezve achazvitumidza nezita raJakobho, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri. Jehovha ndiye Mwari mumwe, zvifananidzo hazvina maturo
Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo.
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.
Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe.
Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?
Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete.
Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, ndokuziya.
Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso , ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba.
Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.
Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira.
Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, Haiwa, ndadziya, ndaona moto.
Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.
Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.
Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?
Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?
Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsiraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.
Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikunura.
Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikunura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.
Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, Richagarwa navanhu, napamusoro pamaguta aJudha, Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;
iye anoti kumvura yakadzika, Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,
iye anoti pamusoro paKoreshi, Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusaremu Richavakwa, uye pamusoro petemberi, Nheyo dzako dzichateyiwa.

45

Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa.
Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama;
ndichakupa fuma iri murima, noufumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari walsiraeri, anokudana nezita rako.
Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi.
Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;
kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.
Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.
Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama, nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwechete; ini Jehovha ndakazvisika.
Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunoanoriumba, Unoiteiko? Kana basa rako ringati, Haana maoko, here?
Ane nhamo anoti kuna baba, Unoberekeiko? Kana kumukadzi, Unozvareiko?
Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsiraeri, noMuiti wavo, Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire.
Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.
Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Zvanzi naJehovha, Zvakabatirwa neljipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhiya, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.
Zvirokwazvo, muri Mwari anovanda, imi Mwari waIsiraeri, Muponesi.
Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwechete.
Asi vaIsiraeri vachaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.
Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho, Nditsvakei pasina, ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.
Unganai, muuye; swederai pamwechete, imi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana ruzivo, ivo vanonyengetera mwari asingagoni kuponesa.
Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga? Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu,
Tarirai kwandiri muponeswe imwi mativi ose enyika nokuti ndini Mwari hakuna mumwe.
Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama haringadzoki namabvi ose achandifugamira, marimi ose achapika neni.
Zvanzi pamusoro pangu, Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa.
Rudzi rwose rwaIsiraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.

46

Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zvezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.
Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kununura mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.
Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakatakudzwa kubva pachizvaro;
kusvikira mukukwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
Muchandifananidza , nokundienzanisa , nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?
Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vowira pasi, nokunamata.
Vanomusimudza pamapfudzi, vanomutakura, ndokumugadzika panzvimbo yake, iye ndokumira; haabvi panzvimbo yake, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwaari, haagoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki.
Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni;
iye anodanidzira kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;
ndinodana gondo ribve kumabvazuva,munhu wandakaraira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
Nditeererei, imi mune moyo mikukutu, imi muri kure nokururama;
Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZiyoni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.

47

Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasine chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi unoundere nechidikanwa.
Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe rako, fukura gumbo rako, yambuka nzizi.
Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.
Mudzikunuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene walsiraeri.
Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi Vahosi hwovushe huzhinji.
Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana.
Ukati, Ndichava vahosi nokusingaperi; naizvozvo hauna kuisa zvinhu izvi muhana yako, hauna kurangarira kuguma kwazvo.
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unozvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumoyo mako Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.
Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paunanga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, Hakuna anondiona; wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumoyo mako, Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.
Nezvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
Zvino uya nouroyi hwako nounanga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungava nepundutso.
Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.
Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto wokudziya.
Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa.

48

Inzwai izvi, imi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.
(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).
Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
Nokuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;
naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.
Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.
Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, Tarirai, ndaizviziva.
Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.
Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvoto yokutambudzika.
Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
Nditeerere, iwe Jakobho, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.
Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikanwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.
Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri, Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.
Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!
Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.
Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, Jehovha akadzikunura muranda wake Jakobho.
Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.
Zvanzi naJehovha, Vakaipa havana rugare.

49

Ndinzwei, imi zviwi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake;
akati kwandiri, Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari.
Asi ndakati, Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.
Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakobhozve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu);
zvirokwazvo, iye akati, Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa , kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda. kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.
Zvanzi naJehovha, Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
kuti uti kuna vakasungwa, Budai; nokuna vagere murima, Zviratidzei. Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko.
Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura.
Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa.
Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.
Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
Asi Ziyoni rakati Jehovha akandisiya, Ishe akandikanganwa.
Ko mukadzi angakanganwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakanganwa zvavo, asi ini handingakukanganwi.
Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.
Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
Ringira kwose-kwose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.
Ipapo uchati mumoyo mako, Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose-kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?
Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.
Madzimambo achava varerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.
Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?
Asi zvanzi naJehovha, Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nokuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakobho.

50

Ndizvo zvinotaura Jehovha, Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kwokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa , Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nokuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
Ndinofukidza matenga nokusviba, Ndinoita masaga ave chifukidziro chawo. Kuteerera kweMuranda waJehovha
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta ; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
Ishe Mwari wakadziura nzeve dzangu,vuye handina kupanduka kana kudzokera shure.
Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
Nokuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
Ari pedo iye unondiruramsa; ndiani acharwa neni?Ngatimirei pamwechete, Ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri.
Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo;zvipfunho. zvichavadya.
Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.

51

Teererai kwandiri, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa.
Tarairai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
Nokuti Jehovha akanyaradza Ziyoni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nenzwi rokuimba.
Teererai kwandiri, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu.
Kururama kwangu kuri pedo, ruponeso rwangu rwabuda, vuye maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nenyika ichasakara senguvo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
Nditeererei, imi munoziva kururama; vanhu vanomurayiro wangu pamoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, kana kuvhunduswa nokutuka kwavo.
Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguvo, nerukonye guchavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi namarudzi.
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura Rahabhi, mukakuvadza chikara here?
Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura yakadzika , mukaitawo nzvimbo dzakadzika dzegungwa nzira pangayambuka vakadzikunurwa here?
Naizvozvo Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Ziyoni vachiimba; nomufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachawana mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchatiza.
Ini, iyeni, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, uchatya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa;
vuye wakakanganwa Jehovha muiti wako akatatamura matenga ose,nekuteya nheyo dzenyika; ukaramba uchingotya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, seakazvigadzira kuparadza here? Vuye hasha dzomumanikidzi dziripiko?
Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa,Vuye haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anoparadzanisa gungwa, rine mafungu anotinhira; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe matenga , nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni, Imi muri vanhu vangu.
Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu,iwe wakamwa paruvoko rwaJehovha mukombe wokutsamwa kwake; wakamwa manzete emukombe wose wokudederesa, ukaapedza kwazvo.
Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.
Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei?
Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, senzombe yesango yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi kwete newaini,
Ndizvo zvinotaura IShe wako Jehovha, naMwari wako,unoreverera vanhu vake, Tarirai, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wokudzedzeresa, iwo manzete emukombe wokutsamwa kwangu, haungazoanwizve.
Asi ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kumweya wako, Kotama,kuti tipfuure napamusoro; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha yavanopfuvura.

52

Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
Nokuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.
Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!
Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.
Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.

53

Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?
Nokuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.
Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.
Isu tose samakwai, takanga takarasika , takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; vuye Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nokuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kwokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.
Akaita bwiro bwake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.
Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.
Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.
Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

54

Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.
Usatya , nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.
Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.
Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.
Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.
Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.
Nokuti izvi zvakaita semvura yaNoa kwandiri; nokuti sezvandakapika kuti mvura yaNoa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe. Jerusarema idzva
Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuo ako ne-kabhunakeri*, nomuganho wako wose namabwe anofadza.
Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.
Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakungaswederi kwauri.
Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndokwangu ndizvo zvinotaura Jehovha.

55

Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, noasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo. .
Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze nezvakakora.
Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.
Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.
Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedo.
Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya,
ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.
Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira.
Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirite; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.

56

Zvanzi naJehovha, Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa.
Akaropafadzwa munhu anoita izvozvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.
Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake; nowakachekwa ngaarege kuti, Tarirai, ndiri muti wakaoma.
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, Vanochengeta maSabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu.
Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu;
ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri, anoti, Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa. Zvivi zvaIsiraeri nezvavatungamiriri vavo
Imi zvikara zvose zvokusango, uyai mudye, imi zvikara zvose zvokudondo.
Nharire dzake mapofu, vose havane zivo; dzose imbwa dzisingagoni kutaura, dzisingagoni kuhukura, dzinorota, dzinovata pasi, dzinofarira kuvata.
Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kufuma yake, vose-vose.
Vanoti, Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi,zuva guru-guru kwazvo.

57

Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.
Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,
iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?
Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.
Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.
Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.
Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
Zvichanzi, Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.
Nokuti zvanzi noAkakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika.
Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada moyo wake.
Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema.
Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; zvanzi naJehovha, Rugare, rugare kunoari kure nokunoari pedo, ndichamuporesa.
Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
Zvanzi naMwari wangu, Vakaipa havana rugare.

58

Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo.
Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
Vanoti, Takazvinyimireiko zvoku dya, imi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imi mukasazviziva? Taurirai, pazuva rokuzvinyima zvokudya munotsvaka kuzvifadza henyu nokubata mabasa enyu ose.
Tarirai, munozvinyima zvokudya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.
Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?
Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako neanenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, Ndiripano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa;
kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati;
Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.
Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.
Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako.,
Ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.

59

Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;
asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.
Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogunununa zvakashata.
Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuwe; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.
Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.
Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.
Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima bedzi; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.
Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kwosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.
Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.
Nokuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:
Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.
Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa.
Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.
Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguvo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.
Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva.
Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo ndizvo zvinotaura Jehovha, Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.

60

Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.
Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.
Ringira kwose-kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.
Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, moyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.
Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzemakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondobwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paaritari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.
Ndivana aniko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindo ezvirugu zvadzo?
Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.
Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.
Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.
Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi-pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, Guta raJehovha, Ziyoni roMutsvene waIsiraeri.
Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu aipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji.
Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndini moponesi wako, noMudzikunuri wako, waMasimbaose waJakobho.
Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.
Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo.
Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako.
Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma.
Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
Muduku achava chiuru, akadukupa achava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.

61

Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa;
kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema;
kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.
Asi imi muchanzi vapirisiti vaJehovha vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.
Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo.
Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.
Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.

62

Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.
Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.
Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
Hauchazonzi, Musiyiwa; nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi Hefizibha, nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa.
Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara,
uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira;
asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene.
Pindai, pindai napamusuo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, Udzai mukunda waZiyoni, muti, Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.
Vachavatumidza zita rinonzi Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.

63

Ndianiko uyu anobva Edhomu, anobva Bhozira ane nguvo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru hwesimba rake? Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.
Ko nguvo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko?
Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumoyo mangu; gore ravakadzikunurwa vangu rasvika.
Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira.
Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa rohupenyu hwavo pasi. Vanhu vaJehovha vanokumbira kuti vanzwirwe nyasha
Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake.
Nokuti akati, Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo akava Muponesi wavo.
Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikunura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.
Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo?
Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi?
Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?
Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru.
Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri.
Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu, Mudzikunuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene.
Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.

64

Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,
sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!
Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.
Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.
Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo.
Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.
Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?

65

Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, Tarirai ndini, tarirai ndini.
Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo;
vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvitinha;
vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo;
vanoti, Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.
Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere,
zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyera kuzere ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvanzi naJehovha, Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.
Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.
Bani reSharo richava mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.
Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa.
Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa;
tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya.
Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita;
kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.
Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomoyo.
Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.
Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwikwi inzwi rokuchema, kana inzwi rokuridza mhere.
Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.
Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.
Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.
Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.
Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene ndizvo zvinotaura Jehovha.

66

Zvanzi naJehovha, Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?
Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.
Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.
Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, inzwi raJehovha rinotsiva vavengi vake.
Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika.
Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
Zvanzi naJehovha, Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here? Ndizvo zvinotaura Mwari wako.
Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida, farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema;
kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro.
Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.
Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu.
Muchazviona, moyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake
Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
Nokuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu.
Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi.
Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namakamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana valsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndichatorawo vamwe vavo vave vapirisiti navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.

Lizenz
CC-0
Link zur Lizenz

Zitationsvorschlag für diese Edition
TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Isaiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C597-F