1

Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake; Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.
Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.
Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, Imi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.
Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhiza pangoro dzaFarao.
Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.
Nguva yose mambo agere patafura yake, Nadho yangu yakabudisa kunhuwira kwayo.
Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.
Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi.
Tarira, wakanaka, shamwari yangu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva.
Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato hwedu ndipo pabumhudza.
Matanda eimba yedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.

2

Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.
Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo.
Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!
Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.
Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.

3

Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?
Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. Kuuya kwechikomba
Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.
Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni.
Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.
Budai, imi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.

4

Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.
Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.
Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuwira.
Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.
Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhauni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe.
Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira!
Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni.
Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,
Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira.
Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. Kupindura kwomwenga
Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.

5

Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu. Vaparadzana chinguva, mwenga anotsvaka chikomba
Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakanga wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.
Ndabvisa nguvo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavuri romukova, moyo wangu ukamushuva.
Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Neminwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.
Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu wakanga watorwa pakutaura kwake; Nakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.
Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu.
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu,
Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?
Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana.
Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguvo.
Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.
Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.
Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu.

6

Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe?
Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuwira, Kufudza makwai ake muminda,nokutanha maruva.
Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva. Chikomba nomwenga vanorumbidzana
Wakanaka, shamwari yangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza.
Usanditarira nameso ako, Nokuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
Meno aka akafanana neboka renhunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi.
Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza.
Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza?
Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana muzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva.
Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama.
Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kweMahanaimi?

7

Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.

8

Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.
Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
Tine chinununa, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinununa chedu Nezuva raachakumbirwa?
Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Song of Solomon (Shona). Song of Solomon (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C596-0