1
Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu.
Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!
Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.
Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve.
Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.
Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.
Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.
Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira.
Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.
Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu.
Ndikarwadza moyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.
Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa.
Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.
Asi ndakati ndichirwadza moyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.
2
Ndakati mumoyo mangu, uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo.
Kana kuri kuseka, ndakati, Upengo! Kana uri mufaro, ndakati, Unobatsireiko?
Ndakanzvera moyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, moyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.
Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa;
ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose;
ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti;
ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine fuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu;
ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vazhinji.
Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni.
Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti moyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.
Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa.
Ipapo ndakaona kuti, Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.
Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima; kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete.
Ipapo ndakati mumoyo mangu, Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei ! Ndikati mumoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.
Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera.
Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.
Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu moyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva.
Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.
Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva?
Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku moyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.
Hakune chinhu chinopfuura ichi,kuti munhu adye anwe afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.
Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake?
Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.
3
Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.
Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa;
nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka;
nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera;
nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira;
nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha;
nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura;
nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare.
Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira?
Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo.
Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose.
Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye.
Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvapfuura.
Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
Ndakati mumoyo mwangu, Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.
Ndakati mumoyo mangu, Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka.
Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.
Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.
Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi?
Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.
4
Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.
Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.
Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu.
Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.
Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika no kudzingana nemhepo.
Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva.
Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munununa, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nefuma. Anoti, Zvino ndinobatira ani, ndichinyima moyo wangu zvinhu zvakanaka? Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo.
Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.
Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?
Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.
Nokuti akabuda mutorongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyange paushe hwake akaberekwa ari murombo.
Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake.
Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
5
Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa.
Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.
Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji.
Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.
Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?
Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.
Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.
Nokuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda.
Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.
Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake.
Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata.
Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo.
fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake.
Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake.
Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo?
Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu.
Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
Nokuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake.
6
Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.
Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.
Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;
uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.
Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?
Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.
Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba.
Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?
Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
7
Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.
Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.
moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.
Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.
Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.
Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
Usati, Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.
Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.
Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?
Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.
Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?
Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?
Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.
Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.
Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.
Nokuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.
Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.
Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?
Ndakatendeuka, moyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.
Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
Zvanzi noMuparidzi, Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;
zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.
Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.
8
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
Ndinoti, Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.
Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda.
Nokuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, Munoiteiko?
Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.
Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;
nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?
Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.
Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa. Mubayiro wavakarurama navasakarurama
Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.
Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.
Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.
Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, Naizvozvi hazvina maturo.
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),
ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.
9
Nokuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.
Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.
Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.
Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.
Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako.
nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.
Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.
Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda. Uchenjeri hunopfuura zvose
Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.
Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.
Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.
Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.
Ipapo ndakati, Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.
Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
10
Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
Moyo womunhu wakachenjera uri kurudyi rwake, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.
Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi.
Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.
Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati.
Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vafumi vanogara pakaderera.
Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda.
Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.
Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.
Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa.
Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, nanga haibatsiri.
Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye.
Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kwokutaura kwaro upengo hwakashata.
Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake?
Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nokuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta.
Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani.
Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa.
Nousimbe denga reimba rinosakara; nokuSabata kwamaoko imba inodonha.
Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.
Usatuka mambo, kunyange pakufunga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuvata; nokuti shiri yokudenga ingatakura inzwi, uye izvo zvinamapapiro zvingazivisa shoko.
11
Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; no kuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo. Munhu ngaafarire zvose, asi ngaarangarire Musiki wake pauduku hwake
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.
12
Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo;
zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi va chafamba-famba panzira dzomumusha;
rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
Zvanzi noMuparidzi, Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo! Itya Mwari uchengete mirairo yake
Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.
- Rechtsinhaber*in
- Multilingual Bible Corpus
- Zitationsvorschlag für dieses Objekt
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ecclesiastes (Shona). Ecclesiastes (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C593-3