1

Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva palndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;)
pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo,
pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
Akavaratidza fuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo ;
pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema.
Vakapiwa zvokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakanga isina kufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku.
Vakanwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake.
Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi.
Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa;
vakanga vagere pedo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;)
akati, Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?
Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.
Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, vakanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake.
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.
Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani;
nokuti akatuma mwadhi kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.

2

Zvino shure kwaizvozvo, kutsamwa kwamambo Ahashivheroshi kwakati kwanyarara, akarangarira Vashiti nezvaakaita, nechirevo chakatemwa pamusoro pake.
Ipapo varanda vamambo vaimubatira, vakati, Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka;
mambo ngaaise vatariri pamativi ose oushe hwake, vaunganidze mhandara dzose dzakanaka paShusha nhare yamambo, paimba yavakadzi, vachengetwe naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi; vapiwewo zvavangazvinatsa nazvo.
Zvino musikana unofarirwa namambo ngaave vahosi panzvimbo yaVashiti. Izvozvo zvikafadza mambo, akaita saizvozvo.
Zvino paShusha panhare yamambo pakanga panomuJudha, ainzi Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini,
akanga atapwa Jerusaremu, pamwechete navatapwa vakanga vatapwa naJekonia mambo waJudha, wakanga atapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake.
Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwikwa, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.
Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akachimbidzika kumupa zvaangazvinatsa nazvo, nemigove yake yezvokudya uye vasikana vanomwe vaakafanira kupiwa, vaibva paimba yamambo; akamuisa iye navasikana vake pakanga pakaisvonaka paimba yavakadzi.
Asi Esiteri akanga asina kuvazivisa rudzi rwake nehama dzake, nokuti Modhekai akanga amuraira, kuti arege kuvazivisa izvozvo.
Zvino Modhekai aifamba pamberi poruvanze rweimba yavakadzi mazuva ose, agoziva kuti Esiteri akadini, uye kuti vachaitei naye.
Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)
zvino musikana akapinda nomutoo akadaro kuna mambo, uye chinhu chipi nechipi chaaida aichipiwa, kuti abude nacho paimba yavakadzi, apinde mumba mamambo.
Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.
Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.
Naizvozvo Esiteri akaiswa kuna mambo Ahashivheroshi muimba yake youshe nomwedzi wegumi, ndiwo mwedzi weTebheti, pagore rechinomwe rokubata kwake ushe.
Mambo akada Esiteri kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwira tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro wake, akamuita vahosi panzvimbo yaVashiti.
Ipapo mambo akaitira machinda ake ose navaranda vake vose mutambo mukuru, uri mutambo waEsiteri; akaraira zororo pamativi enyika, akagovera zvipo, mambo asinganyimi napaduku.
Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai akanga agere pasuo ramambo.
Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.
zvino pamazuva iwayo Modhikai agere pasuo ramambo, varanda vaviri vamambo, Bhigitani naTereshi, pakati pavarindi vomukova, vakatsamwa vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
Chinhu icho chikazikanwa naModhekai, iye ndokuzivisa vahosi Esiteri, Esiteri akandoudza mambo nezita raModhekai.
Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yaMakoronike pamberi pamambo.

3

Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.
Zvino varanda vose vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakakotama nokupfugamira Hamani; nokuti mambo akanga araira saizvozvo pamusoro pake. Asi Modhekai haana kukotama kana kumupfugamira.
Ipapo varanda vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakati kuna Modhekai, Iwe unodarikireiko murayiro wamambo?
Zvino vakati vataura naye mazuva ose, iye achiramba kuvateerera, vakaudza Hamani kuti vawone kana mashoko aModhekai angava nesimba; nokuti akavaudza kuti iye muJudha.
Zvino Hamani akati achiona kuti Modhekai haakotami kana kumupfugamira, Hamani akava neshungu kwazvo.
Asi akashora kuuraya Modhekai oga, nokuti vakanga vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani akatsvaka kuparadza vaJudha vose vakanga vari paushe hwose hwaAhashivheroshi, irwo rudzi rwaModhekai.
Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari.
Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.
Kana mambo achifara nazvo mwadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvefuma yamambo.
Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha.
Mambo akati kuna Hamani, Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe.
Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo.
mwadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe;
mashoko orunyoro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika, kuti vazvigadzirire zuva iro.
Nhume dzinomhanya dzikachimbidzikiswa nomurayiro wamambo, chirevo chikaziviswa paShusha panhare yamambo; ipapo mambo naHamani vakagara pasi vakanwa; asi guta reShusha rakadziyaniswa.

4

Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo;
akasvikawo pamberi pesuo ramambo; nokuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuo ramambo.
Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguvo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko.
Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuo ramambo.
Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe.
Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai.
Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati,
Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.
Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.
Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose.
Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?
Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati,
Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.
Naizvozvo Modhekai akaenda hake akandoita zvose zvaakarairwa naEsiteri.

5

Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguvo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.
Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo.
Zvino mambo akati kwaari, Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira.
Ipapo mambo akati, Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe. Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.
Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
Ipapo Esiteri akapindura akati, Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku:
Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo. Hamani anoronga kuuraya Modhekai
Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.
Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake Zereshi.
Hamani akavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo.
Hamani akapfuura akati,Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo.
Asi izvo zvose hazvindibetseri chinhu, kana ndichigara ndichiona Modhekai muJudha agere pasuo ramambo.
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.

6

Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
Ipapo mambo akati, Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi? Varanda vamambo vaimubatira vakati, Haana chaakaitirwa.
Mambo akati, Ndianiko uri paruvanze? Zvino Hamani akanga apinda paruvanze rwokunze kweimba yamambo, achida kukumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe namatanda aakanga amugadzirira.
Varanda vamambo vakati kwaari, Tarirai Hamani umire paruvanze. Mambo akati, Ngaapinde.
Naizvozvo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari, Munhu, mambo waanoda kumukudza, angaitirweiko? Zvino Hamani akati mumoyo make, Mambo vangada kukudza aniko, asi ini?
Hamani akati kuna mambo, Iye munhu, mambo waanoda kukudza,
ngaatorerwe nguvo dzoushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebhiza rinositasva namambo, nekorona youshe inosidzikwa pamusoro wake;
zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.
Ipapo mambo akati kuna Hamani, Chimbidzika utore nguvo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura.
Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.
Zvino Modhekai akadzokera kusuo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
Hamani akarondedzera kuna Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvaakaitirwa. Ipapo shamwari dzake dzakangwara naZereshi mukadzi wake vakati kwaari, Kana Modhekai uyu wawakatanga kuwa pamberi pake ari worudzi rwavaJudha, haungakundi, asi zvirokwazvo uchawa pamberi pake.
Vakati vachataura naye, varanda vamambo vakasvika, vakachimbidzika kuenda naHamani kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.

7

Zvino mambo naHamani vakasvika pamafundo avahosi Esiteri.
Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwevanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu;
nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, ,nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
Ipapo mambo Ahashivheroshi akapindura, akati kuna vahosi Esiteri, Ndianiko, aripi iye akafunga mumoyo make kuita izvozvo?
Esiteri akati, Mudzivisi nomuvengi, ndiye Hamani uyu akaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nokuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.
Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi? Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo. Mambo akati, Musungirireipo paari.
Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakagadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakanyarara.

8

Zvino pazuva iro mambo Ahashivheroshi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chinyi chake.
Mambo akabvisa chindori chake chaakanga atora panaHamani, akachipa Modhekai. Esiteri ndokuita Modhekai mutariri weimba yaHamani.
Esiteri akataurazve pamberi pamambo, akazviwisira pasi pamakumbo ake, akachema kwaari nemisodzi kuti aparadze zano rakaipa raHamani muAgagi, nezano rake raakanga afunga pamusoro pavaJudha.
Mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama. Ipapo Esiteri akasimuka akamira pamberi pamambo
Zvino akati kana mambo achifara nazvo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo achiti zvakanaka, ini ndakamufadza hangu, mwadhi ngadzinyorwe dzichashandura mwadhi dzaiva nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamativi ose enyika yamambo;
nokuti ini ndingagona seiko kuona zvakaipa zvichaitirwa vanhu vangu? Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kwavanhu vangu!
Ipapo mambo Ahashivheroshi akati kuna vahosi Esiteri naModhekai muJudha, Tarirai ndapa Esiteri imba yaHamani, asi iye vakamusungirira pamatanda, nokuti akada kuuraya vaJudha.
Zvino imiwo chinyorerai vaJudha, sezvamunoda, nezita ramambo, muzvisimbise nechindori chamambo; nokuti rugwaro rwakanyorwa nezita ramambo, rukasimbiswa nechindori chamambo, harungashandurwi nomunhu.
Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, uri mwedzi weShivani, pazuva ramakumi maviri namatatu; vakanyora zvose Modhekai zvaakaraira vaJudha, namachinda makuru, navabati, namachinda amativi enyika, kubva paIndia kusvikira paItiopia, mativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe, rutivi rumwe norumwe rwenyika nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norume norurimi rwarwo, navaJudha nomunyorero wavo uye norurimi rwavo.
Akanyora nezita ramambo Ahashivheroshi, akadzisimbisa nechindori chamambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakatasva mabhiza, dzakatasva mabhiza aimhanyisa kwazvo pabasa ramambo, akaberekwa pazvipfuwo zvamambo.
Mambo akatendera pamwadhi idzo vaJudha paguta rimwe nerimwe kuungana, nokurwira upenyu hwavo, vaparadze, vauraye, vapedze simba rose ravanhu neramativi enyika kana vaida kuvavamba ivo navana vavo navakadzi vavo, uye vatore nhumbi dzavo vadzipambare,
zvose zviitwe pazuva rimwe pamativi ose enyika yose yamambo Ahashivheroshi, iro zuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari.
Mashoko orugwaro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika kuti vaJudha vazvigadzirire zuva iro vatsive vavengi vavo.
Naizvozvo nhume, dzakatasva mabhiza anomhanyisa kwazvo pabasa ramambo, dzakaenda dzichichimbidzikiswa nokukurudzirwa nomurayiro wamambo; chirevo icho chikatemwa paShusha nhare yamambo.
Modhekai akabuda pamberi pamambo, akafuka nguvo dzoushe, nhema nechena, akadzika korona huru yendarama, ane nguvo yomucheka wakaisvonaka-naka mushava; guta reShusha rikapururudza, rakafara.
VaJudha vakava nechiedza, nomufaro, nokufara kukuru, nokukudzwa.
Zvino parutivi rumwe norumwe rwenyika, napaguta rimwe nerimwe, pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, vaJudha vakafara nomufaro mukuru, vakaita mutambo nezuva romufaro. Vanhu vazhinji pakati pendudzi dzavanhu dzenyika vakazova vaJudha; nokuti vakanga vachitya vaJudha kwazvo.

9

Zvino nomwedzi wegumi nemiviri,iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo;
vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
NapaShusha nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
Parishandata, naDharifoni, naAsipata,
naPorata, naAdharia, naAridhata,
naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata,
ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShusha nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo.
Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.
Ipapo Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda.
Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShusha, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi.
VaJudha vaiva paShusha vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShusha, asi havana kupambara nhumbi.
Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi.
Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro.
Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka. Mutambo wePurimi
Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma mwadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedo nokure,
akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe,
nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai;
nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza;
asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nemwadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose emwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe;
uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
papo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa mwadhi iyo yechipiri yePurimi.
Akatuma mwadhi kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi,
kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo.
Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.

10

Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.
Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yaMakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?
Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Esther (Shona). Esther (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C587-1