1

Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani,
Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.
Vakati kwandiri, Vakasara, vakasiyiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuo aro apiswa nomoto.
Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga,
ndikati, Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake;
nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.
Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.
Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi, muchiti, Kana muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi;
asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.
Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikunura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba.
Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)

2

Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
Ipapo mambo akati kwandiri, Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomoyo chaidzo. Ndikatya kwazvo.
Ndikati kuna mambo, Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuo aro atsva nomoto?
Ipapo mambo akati kwandiri, Unokumbireiko? Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,
ndikati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
Uye ndakatiwo kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe mwadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri kworwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
neimwe mwadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda. Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kworwizi, ndikavapa mwadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza moyo kwazvo.
Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.
Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.
Ndikabuda usiku napasuo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuo aro akanga atsva nomoto.
Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.
Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapirisiti, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
Zvino ndakati kwavari, Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.
Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, Ngatisimuke, tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatiseka, nokutininipisa, vakati, Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?
Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.

3

Ipapo Eriashibhi mupirisiti mukuru akasimuka, nehama dzake vapirisiti, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.
Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri.
Suo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.
Suo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kworwizi.
Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu.
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya.
Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhi, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira.
Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake.
Suo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanoa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuo ramarara.
Suo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
Suo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi.
Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba.
Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake.
Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira.
Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo.
Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi mupirisiti mukuru.
Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi.
Vapirisiti, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira parutivi rwemba yake.
Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake.
Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona.
Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.
(Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.)
VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi.
Vapirisiti vakagadzira pamusoro pesuo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira.
Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.
Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba.
Pakati peimba yokumusoro pakona nesuo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi.

4

Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha.
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?
Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.
Inzwai henyu, Mwari wedu, Nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa.
Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nokuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki.
Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti vanhu vakanga vachida kubata.
Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo,
vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo.
Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo.
Ipapo vaJudha vakati, Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.
Vadzivisi vedu vakati, Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.
Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, Munofanira kudzokera kwatiri.
Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo.
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.
Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.
Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhovo, nouta, nenguvo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.
Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo;
uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake wakasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni.
Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;
papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.
Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda.
Nenguva iyo ndikati kuvanhu, Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.
Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguvo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.

5

Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
Nokuti vamwe vakati, Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.
Vamwezve vakati, Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.
Vamwezve vakati, Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa.
Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemizambiringa yatova yavamwe.
Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo.
Zvino ndarangarira mumoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake. Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
Ndikati kwavari, Isu takadzikunura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here? Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
Ndikatiwo, Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni?
Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, takavapa chikwerete chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.
Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, zvamakatora kwavari iri mhindu.
Ipapo vakati, Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita. Zvino ndakadana vapirisiti, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
Ndikazuzawo nguvo dzangu, ndikati, Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo. Ipapo ungano yose yakati, Ameni! Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nokuti ndakatya Mwari.
Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa.
Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi.
Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nokuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.
Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.

6

Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;)
Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno. Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa.
Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?
Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata mwadhi yakazaruka muruoko rwake;
imomo makanga makanyorwa, muchiti, Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, Pakati paJudha pana mambo. Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose.
Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumoyo mako.
Nokuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa. Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu.
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.
Ini ndakati, Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.
Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitira izvozvo, nokuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati.
Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora.
Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa.
Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.
Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora moyo, nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo mwadhi zhinji kuna Tobhia, uye mwadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
Nokuti vazhinji vaivapo paJudha vakanga vapika kwaari, nokuti waiva mukwambo waShekania mwanakomana waAra; mwanakomana wake Jehohanani akanga awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekia.
Vakarumbidzawo mabasa ake akanaka pamberi pangu, nokumuudza mashoko angu. Tobhia akatuma mwadhi dzokundityisa.

7

Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa,
ndikagadza Hanani munununa wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.
Ndikati kwavari, Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa.
Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake.
Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko:
Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere.
Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu.
Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere.
Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere.
Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri.
Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe.
Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe.
Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu.
Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere.
Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana.
Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri.
Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere.
Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere.
Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri.
Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri.
Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu.
Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri.
Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe.
Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu.
Vapirisiti vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana.
Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere.
Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere.
VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti,
navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni,
navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai,
navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari,
navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha,
navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea,
navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi.
navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri,
navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha,
navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema,
navana vaNezia, navana vaHatifa.
Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha,
navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri,
navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni.
VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
Pakati pavapirisiti vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.
ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.
Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu.
Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu;
makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapirisiti dzina mazana mashanu namakumi matatu.
Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapirisiti dzina makumi matanhatu nenomwe.
Zvino vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo

8

Zvino vanhu vose vakaungana nomoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuo remvura; vakaudza Ezira munyori kuti auye nebhuku yomurayiro waMozisi, wakanga warairwa vaIsiraeri naJehovha.
Ezira mupirisiti ndokuuya nomurayiro pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.
Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro.
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, Ameni, Ameni, vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.
Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, ,vakanzwisisa zvinorahwa.
Ipapo mubati Nehemiya, nomupirisiti Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.
Ipapo akati kwavari, Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.
Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, Nyararai henyu, nokuti izuva dzvene; musava neshungu.
Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapirisiti, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.
Vakawana pakanyorwa mumurayiro, kuti Jehovha akaraira Mozisi, kuti vana vaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;
uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa.
Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuo remvura, napadare resuo raEfuremu.
Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.
Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava pabhuku yomurayiro waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.

9

Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvekudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.
Vorudzi rwavaIsiraeri vakazviraura pavatorwa vose, vakamira vakazvireurura zvivi zvavo nezvitadzo zvamadzibaba avo.
Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mubhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.
Ipapo Jeshua, naBhani, naKadhimieri, neShebhania, naBhuni, naSherebhia, naBhani, naKenani vakamira pamatanho avaRevhi, vakachema nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.
Ipapo vaRevhi, Jeshua, naKadhimieri, naBhani, naHashabhineya, naSherebhia, naHodhia, naShebhania, naPetahiya vakati, Simukai, muvonge Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi-peri; zita renyu rinobwinya ngarikudzwe, iro rinokunda kuvonga nokurumbidza kwose.
Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.
Ndimi Jehovha Mwari akatsaura Abhuramu, mukamubudisa paUri ravaKaradhea, mukamupa zita rinonzi Abhurahamu;
mukaona kuti moyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita sungano naye kuti muchapa vana vake nyika yavaKenani, neyavaHiti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaJebhusi, neyavaGirigashi, muchiita sezvamakataura, nokuti makarurama.
Mukaona kutambudzika kwamadzibaba edu paIjipiti, mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku;
mukaratidza Farao zviratidzo nezvinoshamisa, navaranda vake vose, navanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira izvozvo nokuzvikudza; mukazviwanira rumbidzo, sezvazvakaita nhasi.
Mukaparadzanisa gungwa pamberi pavo; naizvozvo vakayambuka pakati pegungwa pakaoma; mukawisira vateveri vavo makadzika, sebwe mumvura ine simba.
Makavafambisawo masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto, kuti vavhenekerwe panzira yavaifanira kufamba nayo.
Makaburukirawo pagomo reSinai, mukataura navo muri kudenga, mukavapa zvakatongwa zakarurama nemitemo yakanaka, nemirayiro yezvokwadi, nemitemo yakanaka, nemirairo.
Mukavazivisa Sabata renyu, dzvene, mukavaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMozisi muranda wenyu;
mukavapa chingwa chakabva kudenga kuvagutisa panzara yavo, mukavabudisira mvura pabwe kupedza nyota yavo, mukavaraira kuti vapinde munyika kuiita yavo, iyo yamakanga mavapikira kuvapa.
Asi ivo namadzibaba edu vakaita manyawi, vakaomesa mitsipa yavo, vakasateerera mirairo yenyu.
Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.
Kunyange panguva yavakazviitira mhuru yakaumbwa, vachiti, Ndiye Mwari wenyu akakubudisai paIjipiti, vakakutsamwisai kwazvo,
kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.
Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa, mukasanyima miromo yavo mana yenyu, mukavapa mvura kupedza nyota yavo.
Makavararamisa makore makumi mana murenje, vakasashaiwa chinhu; nguvo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.
Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.
Mukawanza vana vavo vakaita senyeredzi dzokudenga; mukavasvitsa panyika yamakaudza madzibaba avo kuti vachapindamo kuzoiita yavo.
Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.
Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine fuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti; matsime akacherwa, neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru.
Kunyange zvakadaro havana kuteerera, vakakumukirai, vakarashira murau wenyu shure kwemisana yavo vakauraya vaporofita venyu vaivapupurira, vachida kuvadzoserazve kwamuri, vakakutsamwisai kwazvo.
Saka makavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakavamanikidza; zvino panguva yokutambudzika kwavo, pakuchema kwavo kwamuri, makavanzwa iko kudenga, netsitsi dzenyu zhinji mukavapa varwiri vakavarwira pamaoko avadzivisi vavo.
Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.
Kunyange zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.
Kunyange zvakadaro, netsitsi dzenyu zhinji hamuna kuvapedza chose, kana kuvarasha, nokuti muri Mwari une nyasha netsitsi.
Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi,. ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.
Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata.
Kunyange madzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, namadzibaba edu, havana kuchengeta murau wenyu, kana kuteerera mirairo yenyu nezvipupuriro zvenyu, zvamakavapupurira nazvo.
Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine fuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.
Tarirai, tiri varanda nhasi uye kana iri nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi.
Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Kunyange zvose zvakadaro hazvo, tinoita sungano ine simba, tichiinyora; namachinda edu, navaRevhi vedu, navapirisiti vedu vanoisimbisa.

10

Zvino vakasimbisa sungano ndivava: Nehemiya, mubati,mwanakomana waHakaria, naZedhekia;
naSeraya, naAzaria, naJeremiya;
naPashuri, naAmaria, naMarikiya;
naHatushi, naShebhania, naMaruki;
naHarimi, naMeremoti, nObhadhiya;
naDhanyeri, naGinetoni, naBharuki;
naMeshurami, naAbhiya, naMijamini;
naMaazia, naBhirigai, naShemaya; ndivo vaiva vapirisiti.
Uye vaRevhi ava: Jeshua, mwanakomana waAzania, naBhinui, wavanakomana vaHenadhadhi, naKadhimieri;
nehama dzavo: Shebhania, naHodhia, naKerita, naPeraya, naHanani;
naMika, naRehobhi, naHashabhia;
naZakuri, naSherebhia, naShebhania;
naHodhia, naBhani, naBheninu;
uye vakuru vavanhu ava: Paroshi, naPahatimoabhi, naErami, naZatu, naBhani;
naBhuni, naAzigadhi, naBhebhai;
naAdhonia, naBhigivhadhi, naAdhini;
naAteri, naHezekia, naAzuri;
naHodhia, naHashumi, naBhezai,
naHarifi, naAnatoti, naNobhai;
naMagipiashi, naMeshurami, naHezeri;
naMeshezabheri, naZadhoki, naJadhua;
naPeratia, naHanani, naAnaya;
naHoshea, naHanania, naHashubhi;
naHaroheshi, naPiriha, naShobheki;
naRehumi, naHashabhina, naMaaseya;
naAhiya; naHanani, naAnani,
naMaruki, naHarimi, naBhaana.
Asi vamwe vanhu, ivo vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,
vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMozisi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;
uye kuti hatingapi vanhu venyika vakunda vedu kana kutorera vakomana vedu vakunda vavo;
uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva reSabata, isu hatingavatengeri neSabata, kana panerimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.
Takazviitirawo mutemo kuti ticharipira basa reimba yaMwari wedu chetatu cheshekeri pagore rimwe nerimwe;
basa rezvingwa zvokuratidza, nechipiriso choupfu chenguva dzose, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, rapamaSabata, napakugara kwemwedzi, napane mimwe mitambo yakataurwa, nerezvimwe zvinhu zvitsvene, nerezvipiriso zvezvivi zvokuyananisira vaIsiraeri nazvo, neramabasa ose muimba yaMwari wedu.
Tikakanda mijenya, isu vapirisiti navaRevhi navanhu, pamusoro pezvipo zvehuni, kuti tiuye nadzo mumba maMwari wedu, namadzoro edzimba dzamadzibaba edu, panguva dzakatarwa gore rimwe nerimwe, kuti dziveserwe paaritari yaJehovha Mwari wedu, sezvakanyorwa pamurayiro;
tikazvisunga kuti tichauya nezvitsva zveminda yedu, nezvitsva zvezvibereko zvose zvemiti yamarudzi ose, gore rimwe nerimwe kumba kwaJehovha;
namatangwe avanakomana vedu navana vemhongora dzezvipfuwo zvedu, sezvakanyorwa pamurau, navana vemhongora dzemombe dzedu namakwai edu, kuti tiuye nazvo kumba kwaMwari wedu, nokuvapirisiti vanobata mumba maMwari wedu;
uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvapirisiti, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.
Mupirisiti mwanakomana waAroni anofanira kuva navaRevhi kana vaRevhi vachitora zvegumi; zvino vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu kumakamuri eimba yefuma.
Nokuti vana vaIsiraeri navana vaRevhi vanofanira kuuya nechipiriso chinotsaurwa chezviyo, newaini, namafuta, kumakamuri mune midziyo yeimba tsvene nokuvapirisiti vanobatamo, navarindi vemikova, navaimbi; hatingarashi imba yaMwari wedu.

11

Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta.
Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomoyo wavo kugara Jerusaremu.
Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni.
PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi;
naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi.
Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare.
Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya.
Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere,
naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta.
Vavapirisiti: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini,
Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari,
nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija,
nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri,
nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi.
Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;
naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari;
naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana.
Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri.
Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavapirisiti navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake.
Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi.
Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari.
Nokuti mambo akanga araira pamusoro pavo, navaimbi vaipiwa mubayiro wakatarwa zuva rimwe nerimwe.
Petahia, mwanakomana waMeshazabheri, wavana vaZera, mwanakomana waJudha, ndiye akanga ari mubatsiri wamambo pamashoko ose avanhu.
Kana iri misha nokuruwa rwayo, vamwe vavana vaJudha vakagara paKiriatiarabha nemisha yaro, napaDhibhoni nemisha yaro, napaJekabhizeeri nemisha yaro;
napaJeshua, napaMoradha, napaBheerishebha nemisha yawo;
napaHazarishuari, napaBheerishebha nemisha yawo;
napaZikiragi, napaMekona nemisha yawo;
napaEnirimoni, napaZora, napaJarimuti;
neZanoa, neAdhurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa yavo kubva paBheerishebha kusvikira pamupata weHinomi.
Vana vaBhenjamini vakagara kubva paGebha, paMikimashi, neAya, napaBhetieri nemisha yawo;
neAnatoti, neNobhi, neAnania;
neHazori, neRama, neGitaimi;
neHadhidhi, neZebhoimi, neNebharati;
neRodhi, neOno, neGehaharashimi.
Vamwe vaRevhi vamapoka aJudha vakagara pakati pavaBhenjamini.

12

Zvino ava ndivo vapirisiti navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;
naAmaria, naMaruki, naHatushi;
naShekania, naRehumi, naMeremoti;
naIdho, naGinetoi, naAbhiya;
naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;
naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;
naSaru, naAmoki, naKirikiiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapirisiti navehama dzavo pamazuva aJeshua.
Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.
NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.
Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;
Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.
Pamazuva aJoyakimu vapirisiti, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya
wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;
wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;
wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;
wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;
wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai
wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani,
wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;
wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;
wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.
VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohanani, naJadhua; navapirisitiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.
Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohanani mwanakomana waEriashibhi.
Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.
Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo.
Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomupirisiti Ezira munyori. Rusvingo rweJerusaremu runotsaurirwa Jehovha
Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira.
Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;
napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.
Zvino vapirisiti navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo.
Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;
shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,
naAzaria, naEzira, naMeshurami,
naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,
navamwe vanakomana vavapirisiti vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;
vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva.
Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;
napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai, vakamira pasuo ravarindi.
Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,
navapirisiti Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;
naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.
Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapirisiti neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapirisiti navaRevhi vaishumira.
Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.
Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikanwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.

13

Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMozisi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi;
nokuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.
Zvino vakati vanzwa murau, vakaraura vanhu vazhinji vose vakanga vakavhengana navaIsiraeri.
Zvino izvi zvisati zvaitwa, Eriashibhi mupirisiti, akanga aitwa mutariri wamakamuri eimba yaMwari wedu, wakashamwaridzana naTobhia,
akamugadzirira kamuri huru pavaichengeta kare zvipiriso zvoupfu, nezvinonhuwira, nemidziyo, nezvegumi nezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, zvakanga zvarairwa kuti zvipiwe vaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, nezvipiriso zvaitsaurirwa vapirisiti.
Asi nenguva iyo yose ini ndakanga ndisipo paJerusaremu; nokuti negore ramakumi matatu namaviri raAritashasita mambo weBhabhironi, ini ndakaenda kuna mambo; zvino mamwe mazuva akati apfuura ndikakumbira kuna mambo,
ndikasvika Jerusaremu, ndikanzwa zvakaipa zvakanga zvaitwa naEriashibhi, kuti wakanga agadzirira Tobhia kamuri paruvazhe rweimba yaMwari.
Ndikava neshungu kwazvo; saka ndakarashira kunze kwekamuri nhumbi dzose dzaTobhia.
Ipapo ndakaraira vakanatsa makamuri; ndikadzoseramozve midziyo yeimba yaMwari, pamwechete nezvipiriso zvoupfu nezvinonhuwira.
Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.
Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, Imba yaMwari yasiyirweiko? Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.
Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vefuma, Sheremia mupirisiti, naZadhoki munyori, navaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nokuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo.
Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi.
Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva reSabata.
Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva reSabata?
Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata.
Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.
Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri.
Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai. Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve neSabata.
Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuo, vatsaure zuva reSabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.
Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu;
vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo.
Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo.
Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?
Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupirisiti mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upirisiti nesungano youpirisiti neyavaRevhi.
Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapirisiti navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake;
napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Nehemiah (Shona). Nehemiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C584-4