1
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati,
Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha.
Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu.
Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsirc nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.
Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapirisiti, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomoyo wavo.
Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake;
Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wefuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha.
Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe;
nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe.
Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu.
2
Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake;
ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana.
Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu.
Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshua naJoabhi, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri.
Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
Vana vaZetu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu.
Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi maviri navaviri.
Vana vaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navatatu.
Vana vaAzagadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri.
Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu.
Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu.
Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana.
Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu.
Vana vaJora, zana negumi navaviri
Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu.
Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu
Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu.
Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere.
Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri.
Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
Varume veMikimashi, zana namakumi maviri navaviri.
Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
Varume veNebho, makumi mashanu navaviri.
Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu.
Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu.
Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
Vana veSena, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
Vapirisiti vakanga vari: Vana vaJadhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
VaRevhi vakanga vari: Vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana.
Vaimbi vakanga vari: Vana vaAsafi, zana namakumi maviri navasere.
Vana vavarindi vemikova vakanga vari: Vana vaSharumi, navana vaAteri navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, vose zana namakumi matatu navapfumbamwe.
VaNetinimi vakanga vari: Vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti;
navana vaKerosi navana vaShiaha, navana vaPadhoni;
navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaAkubhi;
navana vaHagabhi, navana vaShamirai, navana vaHanani,
navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya;
navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami;
navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai;
navana vaAsina, navana vaMeunimi, navana vaNefisimi;
navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri;
navana vaBhaziruti, navana vaMehidha, navana vaHarishaa;
navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema;
navana vaNezia, navana vaHatifa.
Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari: Vana vaSotai, navana vaHasofereti, navana vaPerudha;
navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri;
navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmi.
VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
Ndizvo vakakwira vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhani, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, namarudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
Navana vavapirisiti vakanga vari: Vana vaHabhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.
Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.
Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vakanga vana vaimbi varume navakadzi vana mazana maviri.
Vakanga vana mabhiza ana mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; mahesera avo akanga ana mazana maviri namakumi mana namashanu;
makamera avo, mazana mana namakumi matatu namashanu, nembongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha paJerusaremu, vakavigira nomoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo.
Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavapirisiti dzine zana.
Zvino vapirisiti navaRevhi, navamwe vanhu, navaimbi navarindi vemikova, navaNetinimi, vakagara pamaguta avo, navaIsiraeri vose pamaguta avo.
3
Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsiraeri vava mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwechete nomoyo mumwe paJerusaremu.
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
Vakagadzika aritari panzvimbo yayo, nokuti vakatya vanhu venyika idzo; vakabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo, izvo zvipiriso zvaipiswa mangwanani namadekwana.
Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvanyorwa; vakauya nezvipiriso zvaipiswa zuva rimwe nerimwe sezvakataurwa, sezvavakarairwa, zvakadikanwa pazuva rimwe nerimwe.
Uye pashure chipiriso chaipiswa nguva dzose, nezvipiriso zvapakugara kwemwedzi, nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yakanga yakatsaurwa, nenhendo dzakavigirwa Jehovha nokuzvidira naani nani.
Vakatanga kubayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe; asi nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokunwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapirisiti navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapirisiti vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri. Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
Asi vazhinji vavapirisiti navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokuchema kwavanhu; nokuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.
4
Zvino vadzivisi vavaJudha navaBhenjamini vakati vachinzwa kuti vatapwa vavakira Jehovha Mwari waIsiraeri temberi;
vakaswedera kuna Zerubhabheri, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba, vakati kwavari, Ngativake nemi, nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, semiwo; tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, wakatisvitsa pano.
Asi Zerubhabheri, naJeshua, navamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri vakati kwavari, Imi hamungatongobatsirani nesu pakuvakira Mwari wedu imba; asi isu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvatakarairwa namambo Koreshi mambo wePerisia.
Ipapo vanhu venyika iyo vakashaisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka;
vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePerisia, kusvikira Dhariusi mambo wePerisia achizobata ushe.
Zvino Ahasheroshi akati obata ushe, vakanyora mwadhi yokukwirira vakanga vagere kwaJudha neJerusaremu.
Zvino pamazuva aAritashasita, Bhishirami, naMitiredhati, naTabheeri nedzimwe shamwari dzake, vakanyorera Aritashasita mambo wePerisia; iyo mwadhi yakanga yakanyorwa namabhii echiAramia, nokududzirwawo nechiAramia.
Rehumi mukuru naShimishai munyori vakanyorera mambo Aritashasita mwadhi yokukwirira veJerusaremu yaiti,
Rehumi mukuru, naShimishai munyori, namamwe makurukota avo, ivo vaDhinai, navaAfarisatiki, navaTariperi, navaAfarisi, navaArikevhi, navaBhabhironi, navaShushaniki, navaDhehai, navaErami,
nedzimwe ndudzi dzakauya naOsinapari mukuru wakakurumbira, dzikaiswa paguta reSamaria, napanamamwe mativi enyika mhiri kworwizi, namamwe mashoko akadai.
Ndiwo mashoko emwadhi yavakatuma kuna mambo Aritashasita , Varanda venyu, ivo varume vari mhiri kworwizi, namamwe, mashoko akadai.
Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.
Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo achatadzirwa.
Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma mwadhi kuzozivisa mambo;
kuti vanzvere pabhuku yenhau yamadzibaba enyu; muchaona mubhuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vairamba vachimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwazve, namasvingo akapera, nemhaka iyo hamungazovi nomugove mhiri kworwizi.
Ipapo mambo akatuma mhinduro kuna Rehumi mukuru, naShimishai munyori, nedzimwe shamwari dzavo dzaigara Samaria napamwe mhiri kworwizi, achiti, Rugare ngaruve nemi, namamwe mashoko akadai.
mwadhi yamakatitumira, ndairavirwa zvakanaka.
Ndikaraira, vakanzvera vakaona kuti guta iri raimukira madzimambo kubva kare nakare, uye kuti mukati maro maiva nokumukira mambo nokurangana zvakaipa.
Uye madzimambo ane simba aivapo paJerusaremu, aibata ushe ose pamhiri porwizi; ivo vaibudisirwa mutero, nezvipo, nomuripo wenzira.
Zvino temai chirevo chokuti vanhu avo varege basa ravo, guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndatema chirevo.
Chenjerai, musanonoka pachinhu ichi; chakaipa chichakurireiko, kuzotadzira madzimambo?
Zvino mashoko emwadhi yamambo Aritashasita akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.
Ipapo basa reimba yaMwari paJerusaremu rakaregwa; rikaregwa kusvikira pagore rechipiri rokubata ushe kwaDhariusi mambo wePerisia.
5
Zvino vaporofita, vaiti muporofita Hagai, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofitira vaJudha vakanga vari paJudha neJerusaremu; vakaporofitira nezita raMwari waIsiraeri.
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka, vakatanga kuvaka imba yaMwari paJerusaremu; vaporofita vaMwari, vakanga vanavo, vachivabatsira.
Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?
Ipapo vakataurawo navo, vakati, Mazita avarume vanovaka imba iyi ndivanaani ?
Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira vakuru vavaJudha, havana kuvaregesa basa, kusvikira mhaka yaiswa kuna Dhariusi nemhinduro pamusoro payo ichizodzoka nemwadhi.
Ndiwo mashoko emwadhi yakatumirwa mambo Dhariusi naTatenai mubati mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, nemakurukota ake vaAfarishaki, vakanga vari mhiri kworwizi;
vakamutumira mwadhi makanga makanyorwa kudai, Kuna mambo Dhariusi, rugare rwose ngaruve nemi.
Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo, basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
Zvino takabvunza vakuru ivavo, tikati kwavari, Ndianiko wakakurairai kuvaka imba iyi nokupedza rusvingo urwu?
Takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, tinyore mazita avarume vanovatungamirira.
Vakapindura vachiti, Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.
Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
Asi negore rokutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMwari ivakwe.
Nemidziyo yendarama neyesirivha yeimba yaMwari, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari patemberi yaiva Jerusaremu, ikaiswa mutemberi yeBhabhironi, mambo Koreshi akabvisa izvozvo mutemberi yeBhabhironi, zvikapiwa mumwe wainzi Sheshibhazari, waakanga aita mubati;
akati kwaari, Tora midziyo iyi, undoiisa mutemberi iri Jerusaremu, imba yaMwari ivakwe panzvimbo yayo.
Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri Jerusaremu; zvino kubva panguva iyo kusvikira zvino yakaramba ichivakwa, nazvino ichigere kupera.
Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi.
6
Ipapo mambo Dhariusi akaraira, vakanzvera paimba yamabhuku, pavaichengeta fuma paBhabhironi.
Vakawana paAkimeta, paimba yamambo, yakanga iri parutivi rwenyika yeMedhia, rugwaro rwakapetwa makanga makanyorwa kudai kuti varangarire,
Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
ngaive nemisara mitatu yamabwe makuru, nomusara mumwe wamatanda matsva; mari yokuvaka nayo ngaitorwe paimba yamambo.
Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.
Naizvozvo zvino imi Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avaAfarisaki, imi muri mhiri kworwizi, chibvai ipapo;
varegei pabasa reimba yaMwari; mubati wavaJudha navakuru vavaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondohwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapirisiti vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
kuti vagone kuvigira Mwari wokudenga zvibayiro zvinonhuwira zvakanaka, vanyengetererewo upenyu hwamambo, nohwavanakomana vake.
Ndatemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroverwe pariri; uye imba yake iitwe durunhuru pamusoro pechinhu ichi;
Mwari, akagarisa zita rake ipapo, ngaaparadze madzimambo ose avanhu vachatambanudza maoko avo kushandura chinhu ichi, nokuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusaremu. Ini Dhariusi ndatema chirevo ichi; ngazviitwe nokukurumidza.
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waldho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dhariusi.
Vana vaIsiraeri navapirisiti, navaRevhi, navamwe vakanga vatapwa vakatsaurira Mwari imba iyi nomufaro.
Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
Vakagadza vapirisiti pamakamu avo, navaRevhi pamapoka avo, pabasa raMwari paJerusaremu; sezvakanga zvanyorwa pabhuku yaMozisi.
Vatapwa vakaita Pasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
Nokuti vapirisiti navaRevhi vakanga vazvinatsa nomoyo mumwe, vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapirisiti, naivo vamene.
Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira moyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsiraeri.
7
Zvino shure kwaizvozvo, Aritashasita mambo wePerisia achibata ushe, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,
mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, mupirisiti mukuru
uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMozisi, akanga wapiwa naJehovha Mwari walsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
Navamwe vavana vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, vakaenda Jerusaremu negore rechinomwe ramambo Aritashasita.
Akasvika Jerusaremu nomwedzi wechishanu pagore rechinomwe ramambo.
Nokuti akatanga kubva Bhabhironi nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, akasvika Jerusaremu nezuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuda kworuoko rwakanaka rwaMwari wake rwakanga ruri pamusoro pake.
Nokuti Ezira akanga ashingaira nomoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsiraeri zvaakatema nezvaakatonga.
Zvino ndiwo mashoko emwadhi iyo mambo Aritashasita yaakapa Ezira mupirisiti nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri,
Aritashasita mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupirisiti, munyori womurayiro waMwari wokudenga, wakakwana, namamwe mashoko akadai.
Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose vaIsiraeri, navapirisiti vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe.
Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurayiro waMwari wako uri muruoko rwako.
Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu,
nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapirisiti, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomoyo yavo;
zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikanwa naMwari wenyu.
Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu.
Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikanwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yefuma yamambo.
Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vefuma mhiri kworwizi, ndichiti, Zvose Ezira mupirisiti, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
kusvikira pamatarenta esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.
Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nokuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko?
Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapirisiti vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira.
Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kworwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.
Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu;
iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.
8
Zvino ava ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, uye ndiwo mazita avakabva neni Bhabhironi, panguva yokubata ushe kwamambo Aritashasita.
Pakati pavanakomana vaPinehasi, Gerishomi; pakati pavanakomana vaItamari, Dhanyeri; pakati pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi.
Pakati pavanakomana vaShekania, pakati pavanakomana vaParoshi, Zekariya, uye pamwechete naye vakaverenga mazita avarume vane zana namakumi mashanu.
Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi, Eriehoenai mwanakomana waZerahia; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri.
Pakati pavanakomana vaShekania, mwanakomana waJahazieri, uye pamwechete naye varume vana mazana matatu.
Pakati pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwechete naye varume vana makumi mashanu.
Pakati pavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtaria; uye pamwechete naye varume vana makumi manomwe.
Pakati pavanakomana vaShefatia, Zebhadhia mwanakomana waMikaeri; uye pamwechete naye varume vana makumi masere.
Pakati pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri negumi navasere.
Pakati pavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya, uye pamwechete naye varume vane zana namakumi matanhatu.
Pakati pavanakomana vaBhebhai, Zekariya mwanakomana waBhebhai; uye pamwechete naye varume vana makumi maviri navasere.
Pakati pavanakomana vaAzagadhi, Johanani mwanakomana waHakatani; uye pamwechete naye varume vane zana negumi rimwe.
Pakati pavanakomana vaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; uye pamwechete navo varume vana makumi matanhatu.
Pakati pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwechete navo varume vana makumi manomwe.
Ndikavakokera vose parwizi runoenda Ahavha; tikagarapo pamisasa mazuva matatu; ndikacherekedza vanhu navapirisiti, ndikashaiwapo kunyange nomumwe wavanakomana vaRevhi.
Ipapo ndikatuma nhume kuzodana Eriezeri, naArieri, naShemaya, naErinatani, naJaribhati, naErinatani, naNatani, naZekariya, naMeshurami, vaiva vakuru; uye Joyaribhi, naErinatani, vaiva vadzidzisi.
Ndikavatuma kuna Idho, waiva mukuru panzvimbo yainzi Kasifia; ndikavaudza zvavaifanira kutaura kuna Idho, nehama dzake vaNetinimi, panzvimbo yainzi Kasifia, kuti vauye kwatiri navabatiri veimba yaMwari wedu.
Zvino ruoko rwakanaka rwaMwari wedu rwakanga ruri pamusoro pedu, saka vakauya kwatiri nomunhu akangwara wavana vaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri; naSherebhia, navanakomana vake nehama dzake vose gumi navasere;
naHashabhiya, uye pamwechete naye Jeshaya wavanakomana vaMerari, nehama dzake navanakomana vavo, vose makumi maviri;
napakati pavaNetinimi, vakanga vagadzwa naDhavhidhi namachinda pabasa ravaRevhi, vaNetinimi vana mazana maviri namakumi maviri; vose vakanga vakanyorwa mazita avo.
Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nefuma yedu yose nzira yakarurama.
Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha.
Naizvozvo takazvinyima zvokudya, tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, akatinzwa.
Ipapo ndakatsaura vane gumi navaviri pakati pavakuru vavapirisiti, vaiti, Sherebhia, naHashabhiya, nedzimwe hama dzavo dzine gumi pamwechete navo;
ndikavayerera sirivha, nendarama, nemidziyo, icho chipo chakanga chapiwa imba yaMwari wedu namambo, namakurukota ake, namachinda, navaIsiraeri vose vakanga varipo.
Ndakayerera pamaoko avo matarenda esirivha ana mazana matanhatu namakumi mashanu, nemidziyo yesirivha yakasvika matarenda ane zana, neyendarama yakasvika matarenda ane zana;
nembiya dzina makumi maviri dzendarama yakasvika madhariki ane chiuru chimwe; nemidziyo miviri yendarira yakanga yakaisvonaka, yaibwinya, yaikosha sendarama.
Ndikati kwavari, Imi muri vatsvene vaJehovha, nemidziyo mitsvenewo; uye sirivha nendarama ndizvo zvipo zvokungopa nokuzvidira zvakavigirwa Jehovha Mwari wamadzibaba enyu.
Muzvirindire, nokuzvichengeta, kusvikira mozviyera pamberi pavakuru, vavapirisiti navaRevhi, namachinda edzimba dzamadzibaba avaIsiraeri paJerusaremu, mumakamuri eimba yaJehovha.
Naizvozvo vapirisiti navaRevhi vakagamuchira sirivha, nendarama, nemidziyo, vayererwa kurema kwazvo, kuti vazviise Jerusaremu paimba yaMwari wedu.
Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.
Tikasvika Jerusaremu, tikagarapo mazuva matatu.
Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womupirisiti Uriya; Ereazari mwanakomana waPinehasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.
Zvose zvakaverengwa nokuyerwa kurema kwazvo ; kurema kwose kukanyorwa nenguva
Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzavaIsiraeri vose, namakondohwe makumi mapfumbamwe navatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.
Zvirevo zvamambo vakazvipa machinda amambo, navabati mhiri kworwizi, ivo vakabatsira vanhu neimba yaMwari.
9
Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, Vanhu vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori.
Nokuti vakatora vakunda vavo vave vakadzi vavo navavanakomana vavo; naizvozvo rudzi rutsvene rwakazvivenganisa navanhu venyika; zvirokwazvo maoko amachinda navabati ndiwo akanyanya pakudarika uku.
Zvino ini ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguvo yangu nejasi rangu, ndikataura vhudzi romusoro wangu nendebvu dzangu, ndikagara pasi ndakakanuka.
Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
Zvino panguva yechipiriso chamadekwana ndikasimuka pakuzvininipisa kwangu, ndichine nguvo yangu nejasi rangu zvakabvaruka; ndikawira pasi namabvi angu, ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;
ndikati, Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapirisiti vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiyira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda hwedu.
Nokuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda hwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu.
Zvino Mwari wedu, tichareveiko shure kwaizvozvi? Nokuti takarasha mirairo yenyu,
yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.
Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.
Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?
Jehovha, Mwari waIsiraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna angamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi.
10
Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwaivo,
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa naShe, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
Simukai, nokuti ndimi mune basa iri, isu tinemi; tsungai moyo, muzviite.
Ipapo Ezira akasimuka, akapikisa vakuru vavapirisiti, navaRevhi, navaIsiraeri vose, kuti vachaita neshoko iri. Ivo vakapika.
Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kunwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
Vakaparidza shoko kuvatapwa vose pose-pose paJudha napaJerusaremu;
uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
Ipapo varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusaremu mazuva matatu agere kupera; wakanga uri mwedzi wepfumbamwe, nezuva ramakumi maviri romwedzi; vanhu vose vakagara padare pamberi peimba yaMwari, vachibvunda pamusoro peshoko iro napamusoro pemvura zhinji yainaya.
Ipapo mupirisiti Ezira akasimuka, akati kwavari, Imi makadarika, mukawana vakadzi vatorwa, mukanyanyisa mhosva yaIsiraeri.
Naizvozvo zvino chizvireururai pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba enyu, mumufadze; muzviraure kuvanhu venyika ino navakadzi vatorwa.
Ipapo ungango yose yakapindura, ikati nenzwi guru, Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.
Asi vanhu vazhinji, uye inguva yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; basa iri harizi rezuva rimwe, kana mazuva maviri, nokuti takadarika kwazvo pachinhu ichi.
Zvino machinda edu ngaagadzwe paungano yose, kuti vose vakawana vakadzi vatorwa pamaguta edu, vauye panguva dzakatarwa navakuru veguta rimwe nerimwe, navatongi varo, kusvikira kutsamwa kukuru kwaMwari wedu kwabviswa kwatiri, kusvikira mhaka iyi yapera.
Asi Jonatani mwanakomana waAsaheri, naJazeya mwanakomana waTikivha, ivo voga va karamba chinhu ichi; Meshurami nomuRevhi Shabhetai vakasimbisa.
Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupirisiti, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
Vakapedza navarume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga.
Napakati pavanakomana vavapirisiti vakawana vamwe vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pavanakomana vaJeshua vaiti mwanakomana waJozadhaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedharia.
Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
Pakati pavanakomana vaImeri, Hanani naZebhadhia.
Pakati pavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
Pakati pavanakomana vaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshimaeri, naNetaneri, naJozabhadhi, naErasha.
Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJudha, naEriezeri.
Pakati pavaimbi: Eriashibhi; napakati pavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
Napakati paIsiraeri: pakati pavanakomana vaParoshi: Ramia, naIzia, naMarikiya, naMiyamini, naEreazari, naMirikiya, naBhenaya.
Pakati pavanakomana vaErami: Matania, naZekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEria.
Pakati pavanakomana vaZatu, Erioenai, naEriashibhi, naMatania, naJeremoti, naZabhahi, naAziza.
Pakati pavanakomana vaBhebhai: Jehohanani, naHanania, naZabhai, naAtirai.
Pakati pavanakomana vaBhani: Meshurami, naMaruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari, naJeremoti.
Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi: Adhana, naKerari, naBhenaya, naMaaseya, naMatania, naBhezareri, naBhinui, naManase.
Pakati pavanakomana vaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarikiya, naShemaya, naShimeoni;
naBhenjamini, naMaruki, naShemaria.
Pakati pavanakomana vaHashumi: Matenai, naMatata, naZabhadhi, naErifureti, naJeremai, naManase, naShimei.
Pakati pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmirami, naUeri;
naBhenaya, naBhedheya, naKeruhi;
vaVhania, naMeremoti, naEriashibhi;
naMatania, naMatenai, naJaasu;
naBhani, naBhinui, naShimei;
naSheremia, naNatani, naA dhaya;
naMakinedhabhai, naShashai, naSharai;
naAzareri, naSheremia, naShemaria;
naSharumi, naAmaria, naJosefa.
Pakati pavanakomana vaNebho: Jeieri, naMatitia, naZabhadhi, naZebhina, naIdho, naJoeri, naBhenaya.
Ava vose vakanga vawana vakadzi vatorwa; vamwe vavo vakanga vaberekerwa vana navakadzi vavo.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Ezra (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C57F-C