1
Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kwokufa kwaAhabhi.
Zvino Ahazia wakanga awira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. Eria akabva.
Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, Madzokereiko?
Ivo vakati kwaari, Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai, muti kwaari, Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
Akati kwavari, Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakanga akadiniko?
Vakamupindura vakati, Wakanga ari murume wakafuka nguvo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda. Iye akati, Ndiye Eria muTishibhi.
Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Burukai.
Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Kurumidzai muburuke.
Eria akapindura, akati kwavari, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, Buruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.
Akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.
Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
2
Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari.
Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyi. Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.
Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.
Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma Jeriko. lye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko.
Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinoziva, nyararai henyu.
Eria akati kwaari, Iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma kwaJorodhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJorodhani.
Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndipei migove miviri yomweya wenyu.
Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.
Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.
Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.
Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJorodhani;
akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, Jehovha Mwari waEria uripiko? Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka.
Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.
Vakati kwaari, Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata. Iye akati, Regai henyu kuvatuma.
Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, Tumai henyu. Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, Handina kukuudzai here, ndikati Regai kuenda. Erisha anorapa mvura yeJeriko
Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.
Iye akati, Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo. Vakamuvigira iyo.
Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, Zvanzi naJehovha, Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.
Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha. Vana, vanoseka Erisha, vanourawa namapere
Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!
Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria.
3
Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nokuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.
Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.
Zvino Mesha mambo waMoabhu wakanga ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondohwe ane zviuru zvine zana.
Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.
Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.
Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here? Iye akati, Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
Iye akati, Tichaenda nenzira ipiko? Akati, Nenzira yokurenje raEdhomu.
Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokunwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.
Ipapo mambo waIsiraeri akati, Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
Zvino Jehoshafati akati, Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here? Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.
Jehoshafati akati, Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.
Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
Erisha akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.
Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.
Akati, Zvanzi naJehovha, Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.
Nokuti zvanzi naJehovha, Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imi muchanwa, imi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.
Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.
Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.
Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.
Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.
Vakati, Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba.
Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.
Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.
Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.
4
Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwerete kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.
Erisha akati kwaari, Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako? Iye akati, Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.
Ipapo akati, Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.
Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi.
Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.
Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, Ndipezve mumwe mudziyo. Iye akati kwaari, Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo.
Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwerete chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako. Mwana womukadzi weShunemi anoraramiswa naErisha
Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
Akati kumurume wake, Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.
Ngativake kamuri duku pamusoro porusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo.
Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.
Akati kuna Gehazi muranda wake, Dana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.
Akati kwaari, Chitaura kwaari zvino, uti Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati, Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.
Akati, Zvino tingamuitireiko? Gehazi akapindura, akati, Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura.
Iye akati, Mudane. Wakati amudana, iye akamira pamukova.
Akati, Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana. Iye akati, Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu.
Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.
Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.
Akati kuna baba vake, Musoro wangu, musoro wangu! Ivo vakati kumuranda, Mubereke uende naye kuna mai vake.
Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.
Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.
Akadana murume wake, akati, Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve.
Iye akati, Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomwedzi, kana Sabata. Iye akati, Hazvine mhosva.
Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.
Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, Tarira hoyo mukadzi muShunemi.
Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here? Iye akapindura, akati, Haiwa, takafara hedu!
Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.
Ipapo iye akati, Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?
Ipapo akati kuna Gehazi, Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.
Zvino mai vomwana vakati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Akasimuka, akamutevera.
Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, Mwana haana kupepuka.
Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.
Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.
Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.
Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.
Ipapo akadana Gehazi, akati, Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, Simudza mwanakomana wako.
Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda. Erisha anorapa muriwo wakanga uchivava
Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.
Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.
Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, Munhu waMwari, rufu ruri muhari. Vakasagona kuzvidya.
Asi iye akati, Uyai noupfu. Akahudira muhari, akati, Chipakurai henyu, vanhu vadye. Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari. Erisha anowanza zvingwa
Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, Ipai vanhu, vadye.
Muranda wake akati, Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko? Asi iye akati, Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, Vachadya, vakasiya zvimwe.
Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.
5
Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi.
Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa.
Akati kuna tenzikadzi wake, Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake.
Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.
Mambo weSiria akati, Enda, ndinoda kutuma mwadhi kuna mambo waIsiraeri. Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.
Akaenda nemwadhi kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
Zvino mambo waIsiraeri wakati arava mwadhi iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.
Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.
Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.
Erisha akatuma nhume kwaari, akati, Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.
Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi.
Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here? Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, Shamba, uve wakanaka?
Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.
Asi iye akati, NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
Zvino Naamani akati, Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
Asi Jehovha ngaakanganwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakaganwire muranda wake pachinhu ichi.
Akati kwaari, Enda hako nomufaro. Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.
Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, Makafara henyu mose here?
Iye akati, Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.
Naamani akati, Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri. Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake
Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.
Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, Wabvepiko, Gehazi? Iye akati, Muranda wenyu wakanga achingova pano hake.
Iye akati kwaari, moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi. Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.
6
Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.
Titenderei henyu tiende kwaJorodhani, mumwe nomumwe atore dandapo, tizvivakirepo patingagara. Iye akapindura, akati, Endai henyu.
Zvino mumwe akati, Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu. Akapindura akati, Ndichaenda.
Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJorodhani, vakatema matanda.
Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, Haiwa! Tenzi wangu! Nokuti rakanga rakumbirwa.
Munhu waMwari akati, rawirepiko? Akamuratidza parakanga rawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.
Akati, Chiritora hako. Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora. VaSiria vanopofumadzwa paSamaria
Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.
Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo waIsiraeri, akati, Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nokuti vaSiria voburukira ipapo.
Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.
Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?
Mumwe wavaranda vake akati, Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.
Akati, Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora. Akaudzwa, zvichinzi, Uri paDhotani.
Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?
Iye akapindura, akati, Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.
Zvino Erisha akanyengetera, akati, Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone. Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, Dorovai vanhu ava noupofu. Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
Erisha akati kwavari, Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka. Akaenda navo Samaria.
Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone. Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?
Iye akapindura, akati, Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo.
Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri. Bhenihadhadhi anokomba Samaria, asi anokundwa
Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.
Nzara huru ikavapo paSamaria; nokuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.
Zvino mambo waIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!
Iye akati, Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?
Mambo akati kwaari, Chiiko chinokunetsa? Akapindura, akati, Mukadzi uyu wakati kwandiri, Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.
Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.
Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguvo dzake; (zvino wakanga achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.
Ipapo akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi.
Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?
Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?
7
Erisha akati, Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuo reSamaria.
Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, Tarirai, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here? Erisha akati, Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.
Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi kunze kwesuo; ivo vakataurirana, vakati, Tinogarireiko pano kusvikira tafa?
Kana tikati, Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.
Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusina munhu.
Nokuti Jehovha wakanga anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, Tarirai, mambo waIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaIjipiti kuzorwa nesu.
Naizvozvo vakamuka mambakwedza, vakasiya matende avo, namabhiza avo, namahesera avo, musasa wose wakangodaro, vakatiza kuti vararame.
Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguvo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.
Ipapo vakataurirana, vakati, Hatiiti zvakanaka; nhasi izuva reshoko rakanaka, asi isu tinongonyarara hedu; kana tikanonoka kusvikira kwaedza, tichavingwa nokurohwa; naizvozvo hendei zvino, tindoudza imba yamambo.
Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.
Ipapo vatariri vesuo vakadanidzira, vakaudza vomumba mamambo mukati.
Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.
Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.
Naizvozvo vakatora ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akatuma vanhu kuzotevera hondo yavaSiria, akati, Endai, mundoona.
Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJorodhani, vakawana nzira yose izere nenguvo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.
Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezvi yero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Mambo akagadza mukuru uya, waakanga akasendama paruoko rwake, kuti arindire suo; vanhu vakamutsikirira musuo, akafa sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari, wakataura shoko iro musi wakaburukira mambo kwaari.
Zvikaitika sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari kuna mambo, zvaakati, Mangwana nenguva ino zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswa neshekeri, nechiyero chimwe choupfu hwakatsetseka neshekeri pasuo reSamaria;
mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here? Iye akati Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.
Ndizvo zvaakazoitirwa; nokuti vanhu vakamutsikirira musuo, akafa.
8
zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.
Zvino mukadzi akasimuka, akaita sezvaakaudzwa nomunhu waMwari, akaenda neveimba yake, akandogara panyika yavaFirisitia makore manomwe.
Zvino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yavaFirisitia; akaenda kuna mambo kundochema pamusoro peimba yake nomunda wake.
Zvino mambo wakanga achitaurirana naGehazi muranda womunhu waMwari, mambo akati, Dondirondedzerawo zvinhu zvose zvikuru, zvakaitwa naErisha.
Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino. Hazaeri anotevera Bhenihadhadhi paushe hweSiria
Zvino Erisha wakasvika Dhamasiko Bhenihadhadhi mambo weSiria wakanga achirwara, akaudzwa, zvichinzi, Munhu waMwari wasvika pano.
Ipapo mambo akati kuna Hazaeri, Tora chipo muruoko rwako, undosangana nomunhu waMwari, ubvunze Jehovha naye, uti, Ndichapora pakurwara uku here?
Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, Ndichapora here pakurwara uku?
Erisha akati kwaari, Enda, undoti kwaari, Zvirokwazvo haangapori; asi Jehovha wakandiratidza kuti zvirokwazvo iye uchafa.
Akaramba akamunananidza kusvikira anyara; munhu wa Mwari akachema.
Ipapo Hazaeri akati, Munochemeiko, ishe wangu? Akapindura, akati, Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.
Hazaeri akati, Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai? Erisha akapindura, akati, Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.
Ipapo akabva kuna Erisha, akaenda kuna tenzi wake; iye akati kwaari, Erisha wati kudiniko kwauri? Akapindura, akati, Wakandiudza kuti zvirokwazvo muchapora henyu.
Zvino fume mangwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira chiso, naizvozvo akafa; Hazaeri akamutevera paushe. Jehoramu naAhazia madzimambo aJudha
Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo waIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere.
Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo.
Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo.
Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo.
Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo walsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
Ahazia wakanga ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo welsiraeri.
Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi.
Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu.
Mambo Joramu akadzokera Jezereeri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereeri, nokuti wakanga achirwara.
9
Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende RamotiGiriyadhi.
Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.
Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo welsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.
Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda RamotiGiriyadhi.
Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, Ndine shoko nemi, imi mukuru. Jehu akati, Kunani, kwatiri tose? Iye akati, Kunemi, imi mukuru.
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Ndakakuzodza uve, mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.
Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri.
Nokuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa,ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati palsiraeri.
Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.
Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereeri, hakuna uchamuviga. Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.
Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri? Iye akati kwavari, Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake.
Ivo vakati, Inhema! Tiudze. Iye akati, Wandiudza zvokuti nezvokuti, akati, Zvanzi naJehovha, Ndakakuzodza uve mambo waIsiraeri.
Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, Jehu ndimambo!
Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakanga achidzivirira RamotiGiriyadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.
Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereeri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereeri.
Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereeri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereeri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, Ndinoona boka ravanhu. Joramu akati, Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, Kunorugare here?
Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, Zvanzi namambo, Kuno rugare here? Jehu akati, Uneiko norugare? Enda shure kwangu. Ipapo nharirire yakataura, ikati, Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve.
Zvino akatuma wechipiri, wakanga akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, Zvanzi namambo, Kuno rugare here? Jehu akapindura, akati, Uneiko norugare? Enda shure kwangu.
Zvino nharirire yakataura, ikati, Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.
Ipapo Joramu akati, Sungai ngoro! Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo welsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereeri.
Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, Kuno rugare here, nhai Jehu? Iye akapindura, akati, Rugare rwei! Kana ufeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!
Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, Tanyengerwa Ahazia!
Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamoyo wake, akawira mungoro yake.
Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereeri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.
Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, Muuraye naiyewo mungoro. Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.
Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. :.
Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.
Zvino Jehu wakati achisvika paJezereeri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napahwindo.
Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?
Iye akatarira kumusoro kuhwindo, akati, Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko? Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napahwindo.
Akati, Musundire pasi. Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake.
Zvino wakati apinda, akadya nokunwa, akati, Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nokuti mukunda wamambo.
Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake.
Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereeri;
uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereeri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.
10
Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora mwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,
Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu.
Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?
Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.
Ipapo wakanyora mwadhi rwechipiri kwavari, akati, Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu. Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
Zvino mwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.
Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, Vauya nemisoro yavanakomana vamambo. Iye akati, Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana.
Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose?
Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria.
Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereeri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapirisiti vake, kusvikira asina kumusiyira nomumwe.
Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yavafudzi panzira, pavaiveura makwai,
Jehu akasangana navanununa vaAhazi mambo waJudha, akati, Ndimi aniko? Ivo vakapindura, vakati, Tiri vanununa vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi.
Iye akati, Vabatei vari vapenyu. Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.
Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, moyo wako wakarurama here, sokururama kwomoyo wangu kwauri? Jehonadhabhi akapindura, akati, Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu. Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.
Akati, Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako. Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.
Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.
Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo.
Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapirisiti vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.
Zvino Jehu akati, Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru. Vakaparidza izvozvo.
Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.
Akati kumutariri wenguvo, Vigira vanamati vaBhaari vose nguvo. Iye akavavigira nguvo.
Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi.
vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.
Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda. Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.
Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa.
Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.
Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsiraeri.
Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.
Zvino Jehovha akati kuna Jehu, Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.
Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yaIsiraeri,
kubva kuna Jorodhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGiriyadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Giriyadhi neBhashani.
Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.
11
Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo.
Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza panaAtaria, naizvozvo haana kuurawa.
Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.
Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akatuma vanhu vakatora vakuru vamazana vavaKari navarindi vamambo, akauya navo kwaari mumba maJehovha, akaita sungano navo, akavapikisa mumba maJehovha, akavaratidza mwanakomana wamambo.
Akavaraira, akati, Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu munofanira kuva varindi veimba yama mbo;
chimwe chetatu munofanira kumira pasuo rinonzi Suri; chimwe cheta tuzve vanofanira kumira pasuo riri shure kwavarindi vamambo; saizvozvo munofanira kurinda imba, nokuidzivirira.
Mapoka enyu maviri, imi mose munobuda neSabata, munofanira kurinda imba yaJehovha muchikomba mambo.
Mukombe mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani unopinda pakati pemisara, unofanira kuurawa; mugare namambo kana achibuda uye kana achipinda.
Vakuru vamazana vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata, naivo vaifanira kubuda neSabata, vakasvika kumupirisiti Jehoyadha.
mupirisiti akapa vakuru vamazana mapfumo nenhowo zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maJehovha.
Zvino varindi vamambo vakamira mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti; Mambo ngaararame!
Zvino Ataria wakati achinzwa mheremhere yavarindi vamambo navanhu, akapinda kuvanhu mumba maJehovha.
Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguvo dzake, akadanidzira, achiti, Ndamukirwa, ndamukirwa!
Zvino mupirisiti Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.
Naizvozvo vakamudzivirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, ndokuurayirwapo.
Zvino Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo navanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo navanhu.
Vanhu vose venyika vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsa kwazvo aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari. mupirisiti akagadza vatariri paimba yaJehovha.
Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; vakauraya Ataria nomunondo paimba yamambo.
Jehoashi wakatanga kubata ushe ana makore manomwe.
12
Zvino negore rechinomwe raJehu, Jehoashi wakatanga kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.
Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomupirisiti Jehoyadha.
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Zvino Jehoashi akati kuvapirisiti, Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,
vapirisiti ngavatore mari iyo, mumwe nomumwe kumuzikanwi wake, vagadzire zvakaputsika patemberi pose pose pavanowana pakaputsika.
Asi negore ramakumi maviri namatatu ramambo Jehoashi vapirisiti vakanga vachigere kugadzira zvakaputsika paimba.
Zvino mambo Jehoashi akadana mupirisiti Jehoyadha navamwe vapirisiti, akati kwavari, Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi.
Vapirisiti vakatenda kusatora mari kuvanhu, kunyange kugadzira zvakaputsika patemberi.
Asi mupirisiti Jehoyadha wakatora bhokisi, akabvovora buri pachifunhiro charo, akarigadzika kurutivi rwearitari, kurudyi rwomunhu, kana achipinda paimba yaJehovha.
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupirisiti mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.
Vakaisa mari yakayerwa mumaoko avaibata basa iro, vaitarira temberi yaJehovha; zvino vairipira nayo vavezi navavaki vaibata patemberi yaJehovha,
navaironga navaiveza mabwe, vakatenga matanda namabwe akavezwa okugadzirisa nawo zvakaputsika patemberi yaJehovha, nokuripira zvose zvaidikanwa kuzogadzirisa nazvo temberi.
Asi havana kuitira temberi yaJehovha mikombe yesirivha, nembato dzemwenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirivha, nemari yakaiswa temberi yaJehovha,
nokuti vakaiisa kuna vaibata basa, kuti vagadzirise temberi yaJehovha nayo.
Uye havana kuzobvunza vanhu avo, vavaipa mari mumaoko avo, kuzoripira vaibata basa; nokuti ivo vaibata vakatendeka.
Asi mari yezvipiriso zvemhosva, nemari yezvipiriso zvezvivi, hazvina kuiswa mumba maJehovha; yakapiwa vapirisiti.
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.
Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Zvino varanda vake vakasimuka, vakarangana, vakauraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoburukira Sira.
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
13
Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; haana kutsauka kwazviri.
Zvino Jehovha akatsamwira Isiraeri, akavaisa murowoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruoko rwaBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri mazuva ose.
Ipapo Jehoahazi akanyengetera kuna Jehovha, Jehovha akamunzwa; nokuti wakaona kutambudzwa kwaIsiraeri kwavakatambudzwa nako namambo weSiria.
Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.
Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.
Nokuti haana kusiyira Jehoahazi vanhu, asi vatasvi vamabhiza vana makumi mashanu, nengoro dzine gumi, navanhu vaifamba namakumbo vane zviuru zvine gumi; nokuti mambo weSiria wakavaparadza, akavaita seguruva rinotsikwa pasi.
Mamwe mabasa aJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Jehoahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria; Joashi mwanakomana wake akamutevera paushe.
Negore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore ane gumi namatanhatu.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; asi wakaramba achifamba mazviri.
Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Joashi akavata namadzibaba ake, Jerobhoamu akagara pachigaro chake choushe; Joashi akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri. Kufa kwaErisha
Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo welsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!
Erisha akati kwaari, Tora uta nemiseve; akatora uta nemiseve.
Akati kuna mambo waIsiraeri, Isa ruoko rwako pauta; iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake.
Akati, Zarura hwindo rinotarira mabvazuva; iye akarizarura. Zvino Erisha akati, Fura! Iye akafura. Akati, Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.
Akati, Tora miseve; iye akatora. Akati kuna mambo waIsiraeri, Rova pasi! Iye akarova pasi katatu, akarega.
Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.
Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.
Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.
Zvino Hazaeri mambo weSiria akatambudza vaIsiraeri mazuva ose aJehoahazi.
Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, nalsaka, naJakobho, akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.
Zvino Hazaeri mambo weSiria akafa, Bhenihadhadhi mwanakomana wake akamutevera paushe.
Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri, maguta aakanga atorera baba vake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatorazve maguta aIsiraeri.
14
Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.
Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.
Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.
Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tionane.
Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake; zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato.
Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.
VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri, Jerobhoamu akamutevera paushe. Jerobhoamu wechipiri mambo waIsiraeri
Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo welsiraeri.
Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Akakundazve nyika yaIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi.
Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri.
Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita relsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo aIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.
15
Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
Wakanga anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose.
Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe. Mamwe madzimambo okupedzisira aIsiraeri
Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe.
Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina. Zvikaitwa saizvozvo.
Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe.
Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe.
Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzibaba aIsiraeri.
Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.
Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakanga ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.
Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo elsiraeri. Jotamu mambo waJudha
Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo waIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe.
Wakanga asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya.
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha.
Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha.
Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
16
Negore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
Ahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu. Asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.
Nokuti wakafamba nenzira yamadzibaba aIsiraeri, akapinzawo mwanakomana wake mumoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Akabayira nokupisa zvinonhuwira napasi pemiti yose mitema.
Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria mambo wIsiraeri, vakasvika Jerusaremu kuzorwa naye; vakakomba Ahazi, asi vakanga vasingagoni kumukunda.
Nenguva iyo Rezini mambo weSiria akadzoserazve Siria Erati, akadzinga vaJudha paErati; vakaenda Erati, vakagarapo kusvikira nhasi.
Zvino Ahazi akatuma nhume kuna Tigiratipireseri mambo weAsiria, akati, Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu; uyai mundirwire muruoko rwamambo weSiria, nomuruoko rwamambo waIsiraeri, vanondimukira.
Ipapo Ahazi akatora sirivha nendarama zvakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvituma kuna mambo weAsiria, chive chipo.
Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDhamasiko, akarikunda, akatapa vanhu, akavaisa Kiri, akauraya Rezini.
Zvino mambo Ahazi akaenda Dhamasiko kundosangana naTigiratipireseri mambo weAsiria, akaona aritari yakanga iri paDhamasiko; mambo Ahazi akatuma mufananidzo wearitari kuna Uriya mupirisiti, nomuvakirwo wayo, nomuitirwe wayo wose.
mupirisiti Uriya akavaka aritari yakafanana nezvose zvakanga zvatumwa namambo Ahazi achiri Dhamasiko, mupirisiti Uriya akaiita saizvozvo mambo Ahazi achigere kudzoka Dhamasiko.
Zvino mambo wakati adzoka Dhamasiko, mambo akaona aritari, mambo akaswedera paaritari, kuzobayira pamusoro payo.
Akapisira pamusoro pearitari chipiriso chake chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, akadururapo chipiriso chake chinodururwa, akasasirapo ropa rezvipiriso zvake zvokuyananisa.
Uye aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, wakaibvisa pamukova weimba, pakati pearitari yake neimba yaJehovha, akaiisa kurutivi rwokumusoro rwearitari yake.
Zvino mambo Ahazi akaraira mupirisiti Uriya, akati, Chipisira chipiriso choupfu chamangwanani paaritari huru, nechipiriso chamadekwana, nechipiriso chamambo chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, nechipiriso chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo choupfu, nezvipiriso zvavo zvinodururwa; uye usasire pamusoro payo, neropa rose rechipiriso chinopiswa, neropa rose rezvibayiro; asi aritari yendarira ndiyo yandichabvunza
Naizvozvo mupirisiti Uriya akaita zvose zvaakanga arairwa namambo Ahazi.
Mambo Ahazi akagura ukomba hwezvingoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamusoro pazvo, akabvisawo dziva pamusoro penzombe dzendarira dzakanga dziri pasi paro, akariisa pachigadziko chamabwe.
Nenzira, yaiva nedenga, yakaitirwa imba yezororo, yavakanga vavaka temberi, nomukova wamambo nechokunze, wakazvishandura mukati metemberi yaJehovha, nokuda kwamambo weAsiria.
Zvino mamwe mabasa aAhazi aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha?
Ahazi akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi, Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.
17
Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira.
Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuteerera mutero.
Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuteerera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.
Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.
Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.
Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,
vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri, neyamadzimambo aIsiraeri yavakatema ivo.
Vana vaIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose,kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.
Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.
Vakapisirapo zvinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha;
vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, Regai kuita chinhu ichi.
Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.
Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo.
Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.
Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.
Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.
Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.
Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitovo yavaIsiraeri, yavakatema.
Jehovha akarasha vana vaIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.
Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.
Vana vaIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri;
kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi. Nyika yavaIsiraeri inogarwa navahedheni
Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana vaIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro.
Zvino pakutanga kwokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo.
Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, Isaiko mumwe wavapirisiti vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.
Naizvozvo mumwe wavapirisiti vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.
Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara.
Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima,
vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefari- vhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefari-vhaimi.
Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapirisiti vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.
Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;
Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira,
asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.
Mitemo, nezvirevo, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari;
uye hamufaniri kukanganwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari;
asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.
Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.
Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.
18
Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi.
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani.
Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.
Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mozisi naJehovha.
Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.
Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.
Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsiraeri.
Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi;
nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita. Saniheribhi mambo weAsiria anokomba Jerusaremu, asi vaJudha vanorwirwa naJehovha
Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.
Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo.
Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria.
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, va kabudira kwavari.
Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?
Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?
Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.
Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?
Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.
Zvanzi namambo, Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;
Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai achiti, Jehovha uchatirwira.
Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?
Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, Regai kumupindura.
Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguvo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
19
Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.
Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapirisiti, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro.
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.
Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
Isaya akati kwa vari, Udzai tenzi wenyu, muti, Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.
Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsisia achirwa neRibhina, nokuti wakanga anzwa kuti wabva paRakishi.
Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti,
Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha; muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.
Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefari-vhaimi, neHena, neIvha?
Hezekia akagamuchira mwadhi pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.
Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, Haiwa! Jehovha waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.
Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,
akakandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza.
Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.
Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.
Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!
Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka.
Ndakateka ndikanwa mvura yedzimwe nyika, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika kwetsoka dzangu.
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutangatanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.
Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.
Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
Nokuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu pariri.
Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino.
Nokuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Naizvozvo Sanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.
20
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.
Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.
Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.
Ipapo Isaya akati, Uyai nebundu ramawonde. Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.
Zvino Hezekia akati kuna Isaya, Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?
Isaya akati, Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?
Hezekia akapindura, akati, Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.
Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.
Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma mwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.
Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko? Hezekia akati, Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.
Akati, Vakawonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha.
Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro. Akatiwo, Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?
Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
21
Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.
Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.
Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu.
Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati,
Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake.
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga.
Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose;
nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paIjipiti kusvikira zuva ranhasi.
Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.
Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe. Amoni mambo waJudha
Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.
Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata;
akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha.
Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make.
Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake.
Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josia mwanakomana wake akamutevera paushe.
22
Josia wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
Zvino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati,
Enda kuna Hirikia mupirisiti mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu;
vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba;
ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi.
Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka.
Ipapo Hirikia mupirisiti mukuru akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.
Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha.
Shafani munyori akati kuna mambo, mupirisiti Hirikia wandipa bhuku. Shafani akariravira mambo.
Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguvo dzake.
Mambo akaraira mupirisiti Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.
Naizvozvo mupirisiti Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo; (zvino iye mukadzi wakanga agere paJerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataurirana naye.
Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti,
zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha;
nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo, naizvozvo kutsamwa kwangu kuchamukira nzvimbo iyi; hakungadzimwi.
Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguvo dzako, wakachema pamberi pangu; zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.
Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare, meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi. Vakadzoka neshoko kuna mambo.
23
Zvino mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose veJudha naveJerusaremu.
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapirisiti navaporofita, navanhu vose, vaduku navakuru, akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakawanikwa mumba maJehovha.
Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.
Ipapo mambo akaraira mupirisiti mukuru Hirikia, navapirisiti vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.
Akaparadza vapirisiti vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.
Akabudisawo Ashera mumba maJehovha, akaiisa kunze kweJerusaremu kurukova rwaKidhironi, akaipisa parukova rwaKidhironi, akaikuya ikaita madota, akakanda madota ayo pamusoro pamarinda avarombo.
Akaputsawo dzimba dzavaSodhomu, dzakanga dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira eAshera.
Akabudisa vapirisiti vose mumaguta aJudha, akashatisa matunhu akakwirira, paipisira vapirisiti zvinonhuwira, kubva paGebha kusvikira paBheeri-shebha; akaputsa matunhu akakwirira pamasuo, aiva pavanopinda napo pasuo raJoshua mubati weguta, aiva kuruboshwe rwomunhu kana opinda nesuo reguta.
Asi vapirisiti vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
Akashatisa Tofeti raiva pamupata wavana vaHinomi, kuti kurege kuva nomunhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto nokuda kwaMoreki.
Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.
Akaputsawo aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yokumusoro yaAhazi, dzakanga dzavakwa namadzimambo aJudha, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha, akadzikoromora, akakanda guruva radzo murukova Kidhironi.
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.
Akaputsanyawo shongwe dzamabwe, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo namapfupa avanhu.
Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.
Zvino Josia wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.
Zvino akati, Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko? Vanhu veguta vakati kwaari, Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri.
Akati, Ngaazorore hake; ngakurege kuva nomunhu unobvisa mapfupa ake. Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwechete namapfupa omuporofita wakanga abva Samaria.
Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosia, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.
Akauraya vapirisiti vose vamatunhu akakwirira vaivapo, pamusoro pearitari, akapisira pamusoro padzo mapfupa avanhu; akadzokera Jerusaremu.
Zvino mambo akaraira vanhu vose, akati, Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika, sezvakanyorwa mubhuku iyi yesungano.
Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.
Asi negore re gumi namasere ramambo Josia vakaitira Jehovha Pasika iyi paJerusaremu.
Josia akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupirisiti.
Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.
Kunyange zvakadaro Jehovha haana kushandura kutsamwa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kuna Judha, nokuda kwokutsamwisa kwose kwaakatsamwiswa nako naManase.
Jehovha akati, NaJudhawo ndichavabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Isiraeri; ndicharamba guta iri reJerusaremu, randakazvitsaurira, neimba yandakati pamusoro payo, Zita rangu richagarapo.
Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Pamazuva ake Farao-neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josia akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.
Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake. Jehoahazi naJehoyakimu naJehoyakini madzimambo aJudha
Jehoahazi wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.
Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosia mambo panzvimbo yaJosia baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.
Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari sezvaakarairwa naFarao; akaripisa vanhu venyika sirivha nendarama, mumwe nomumwe sezvaakamutarira, kuti aipe Farao-neko.
Jehoyakimu wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
24
Zvino pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, Jehoyakimu akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.
Jehovha akatuma kwaari hondo dzavaKaradhea, nehondo dzavaSiria, nehondo dzavaMoabhu, nehondo dzavana vaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, raakataura nemiromo yavaranda vake vaporofita.
Zvirokwazvo izvi zvakaitirwa Judha nokuraira kwaJehovha, kuti avabvise pamberi pake, nokuda kwezvivi zvaManase zvose zvaakaita;
uye nokuda kweropa risine mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusaremu neropa risine mhosva; Jehovha akaramba kuvakanganwira.
Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Jehoyakimu akavata namadzibaba ake, mwanakomana wake Jehoyakini akamutevera paushe.
Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi wakanga akunda zvose zvaiva zvamambo weIjipiti, kubva parukova rweIjipiti kusvikira parwizi Yufuratesi.
Jehoyakini wakatanga kubata ushe ava namakore gumi namasere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Nehushuta mukunda waErinatani weJerusaremu.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake pazvose.
Nenguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakasvika Jerusaremu, vakakomba guta.
Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika paguta, varanda vake vakarikomba.
Zvino Jehoyakini mambo waJudha akabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, navaranda vake, namachinda ake, navatariri vake; mambo weBhabhironi akamubata negore rorusere rokubata kwake ushe.
Akaenda nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo welsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.
Akatapawo Jehoyakini, akamuisa Bhabhironi; namai vamambo, navakadzi vamambo, navatariri vake, navakuru venyika, akavatapa paJerusaremu akavaisa Bhabhironi.
Varume vose vaiva nesimba vane zviuru zvinomwe, nemhizha, navapfuri vane gumi ramazana, ava vose vaiva nesimba vaigona kurwa, mambo weBhabhironi wakavatapa, akavaisa Bhabhironi.
Mambo weBhabhironi akaita Matania babamunini vaJehoyakimu, mambo panzvimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedhekia. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha
Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita Jehoyakini pazvose.
Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.
25
Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya.
Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje.
Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo.
Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi.
Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu;
akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose.
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvindori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba kwomusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo.
Mukuru wavarindi akatora Saraya mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vanamakumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo.
Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.
Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa.
Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Ijipiti, nokuti vakanga vachitya vaKaradhea.
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo;
akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi.
Akashandura nguvo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.
Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. 2 Kings (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C576-5