1

Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata.
Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana.
Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapirisiti vaJehovha
Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo;
asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake.
Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
Zvino murume wake Erikana akati kwaari, Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?
Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupirisiti wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
Zvino Hana wakanga ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
Akapika mhiko, akati, Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.
Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake.
Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
Eri akati kwaari, Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? Rasha waini yako.
Hana akapindura akati, Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kunwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nokuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kwokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu.
Ipapo Eri akamupindura, akati, Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.
Iye akati, Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi. Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.
Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti, Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.
Zvino murume Erikana navose veimba yake vakakwira kuna Jehovha kundobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe, nokumupa sezvaakapika.
Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.
Erikana murume wake akati kwaari, Ita sezvaunofunga; chimbogara hako kusvikira wamurumura; asi Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi akambogara hake, akayamwisa mwanakomana wake, kusvikira amurumura.
Wakati arumumura, akakwira naye ane nzombe nhatu, neefa imwe youpfu, nedende rewaini, akandomuisa mumba maJehovha paShiro. Asi mwana wakanga achiri muduku.
Zvino vakabaya nzombe, vakaisa mwana kuna Eri.
Hana akati, Ishe wangu, nomweya wenyu mupenyu, ishe wangu, ndini mukadzi wakadeya kumira pano pamberi penyu, ndichinyengetera kuna Jehovha.
Ndakakumbira mwana uyu, Jehovha akandipa chandakakumbira kwaari;
saka neni ndamupa Jehovha; mazuva ose okurarama kwake wakapiwa Jehovha. Akanamata kuna Jehovha ipapo.

2

Hana akanyengetera, akati, moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Manyawi ngaarege kubuda pamiromo yenyu, Nokuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
Uta hwavanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. Wakanga asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakanga ana vana vazhinji woshaiwa simba.
Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.
Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupirisiti Eri. Kutadza kwavana vaEri
Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
Tsika yavapirisiti pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupirisiti waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupirisiti. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupirisiti waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, Ndipe nyama yokugochera mupirisiti; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomoyo wako, ipapo iye ndokuti, Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.
Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha. Vakaenda kumusha kwavo.
Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
Zvino Eri wakanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.
Akati kwavari, Munoitireiko zvinhu zvakadai? Nokuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
Kwete, vana vangu; nokuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera? Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nokuti Jehovha wakanga achida kuvauraya.
Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupirisiti wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?
Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi, asi zvino zvanzi naJehovha, Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
Neni ndichazvimutsira mupirisiti wakatendeka, uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa, achiti, Dondipaiwo rimwe basa ravapirisiti, ndidyewo chimedu chechingwa.

3

Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.
Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,)
mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;
Jehovha akadana Samueri. Iye akati, Ndiripano hangu.
Akamhanyira kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nokuti mandidana. Eri akati, Handina kukudana, chivata hakozve. Iye akandovatazve.
Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, Samueri! Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nokuti mandidana. Akapindura akati, Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.
Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.
Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiri pano hangu, nokuti mandidana. Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
Saka Eri akati kuna Samueri, Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, Samueri, Samueri! Samueri akati, Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.
Jehovha akati kuna Samueri, Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.
Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.
Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.
Zvino Eri akadana Samueri, akati Samueri, mwana wangu. Iye akati, Ndiripano hangu.
Akati, Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.
Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.
Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.
VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.

4

Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.
VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.
Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.
Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.
VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko? Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, Mwari wasvika kumisasa. Vakati, Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.
Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaIjipiti namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.
Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.
Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa. Kufa kwaEri navanakomana vake
Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.
Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti moyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.
Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko? Murume akakurumidza, akandoudza Eri.
Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.
Murume akati kuna Eri, Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati, Kwaitweiko, mwana wangu?
Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.
Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana.
Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.
Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.
Akati, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.

5

Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi,
VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni.
Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.
Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga.
Saka vapirisiti vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi.
Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo.
Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri? Vakapindura, vakati, Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati. Vakaisa areka yaMwari ikoko.
Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota.
Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu.
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu; nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.
Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga.

6

Zvino areka yaJehovha yakagara
munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. VaFirisitia vakadana vapirisiti navavuki, vakati, Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.
Vakati, Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.
Zvino vakati, Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko? Vakati, Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imwi mose namadzishe enyu.
Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.
Muchawomesereiko moyo sezvakaita vaIjipiti naFarao vakawomesa moyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?
Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;
zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.
Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;
vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.
Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bhetishemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho weBhetishemeshi.
Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.
Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBhetishemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBhetishemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibayiro nomusi uyo.
Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.
Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;
namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBhetishemeshi kusvikira nhasi.
Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha wakanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.
Zvino varume veBhetishemeshi vakati, Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?
Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimwi, vakati, VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imwi, muzoiisa kwenyu.

7

Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha. VaFirisitia vanokundwa paMizipa
Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha.
Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha moyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.
Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga.
Zvino Samueri akati, Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.
Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, Takatadzira Jehovha. Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia.
Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.
Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri.
Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari.
Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.
VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavalsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri.
Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navalsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavalsiraeri navaAmori.
Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake.
Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose.
Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo.

8

Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri.
Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.
Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,
vakati kwaari, Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.
Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, Tipei mambo ungatitonga. Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paljipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.
Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.
Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.
Akati, Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.
Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.
Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.
Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake.
Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.
Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,
kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.
Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo. Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.

9

Zvino kwakanga kuno murume waBhenjamini, wainzi Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, mwanakomana womuBhenjamini, munhu waiva nesimba noumhare.
Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.
Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarashika. Ipapo Kishi akati kuna Sauro, mwanakomana wake, Enda nomumwe wavaranda, mundotsvaka mbongoro.
Iye akapfuura nokunyika yamakomo yaEfuremu, akapfuurawo nokunyika yamakomo yeSharisha, asi havana kudziwana; zvino vakapfuurazve nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakanga dzisipo; ipapo akapfuura nokunyika yavaBhenjamini, asi havana kudziwana.
Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakanga anaye, Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.
Iye akati kwaari, Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.
Zvino Sauro akati kumuranda wake, Asi tarira, kana tikaenda, tichandovigirei munhu uyo? Nokuti zvingwa zvakanga zviri mumidziyo yedu zvapera; hapana chipo chatingavigira munhu waMwari; tineiko?
Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.
(Kare pakati pavaIsiraeri kana munhu ondobvunza Mwari, waiti, Handei kuMuvoni; nokuti unonzi Muporofita zvino wainzi Muvoni kare.)
Ipapo Sauro akati kumuranda wake, Ishoko rakanaka, hendei. Naizvozvo vakaenda kuguta kwakanga kuno munhu waMwari.
Zvino vakati vachikwira kuguta, vakasongana navasikana vakanga vabuda kundoteka mvura, vakati kwavari, Muvoni ari pano here?
Vakapindura, vakati, Aripo, tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
Kana mangoti mapinda muguta, muchamuwana pakarepo achigere kukwira kudunhu rakakwirira kundodyapo; nokuti vanhu havangadyi, iye asati asvika, nokuti ndiye unoropafadza chibayiro; pashure ivo vakakokwa vachadya. Naizvozvo chikwirai zvino, nokuti muchamuwana nenguva ino.
Ipapo vakakwira kuguta. Vakati vosvika muguta, vakaona Samueri obuda, akasangana navo okwira kudunhu rakakwirira.
Zvino Jehovha wakanga azivisa Samueri zuva rakatangira kusvika kwaSauro, akati,
Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.
Zvino Samueri wakati achiona Sauro; Jehovha akati kwaari, Ndiye munhu wandakakuudza ndichiti, ndiye uchabata vanhu vangu.
Ipapo Sauro akaswedera kuna Samueri pasuo, akati, Ndiudzeiwo kuti imba yoMuvoni iripi?
Samueri akapindura Sauro, akati, Ndini Muvoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamoyo wako.
Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikanwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?
Sauro akapindura, akati, Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?
Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda navo mumba mokudyira, akavagarisa pavakakudzwa kupfuura vamwe vakakokwa, vaiva vanhu vanenge makumi matatu.
Zvino Samueri akati kumubiki, Uya nomugove wandakakupa ndichiti, Chiuchengeta uri woga.
Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu. Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Zvino vakati vaburuka padunhu rakakwirira, vakapinda muguta, akataurirana naSauro padenga reimba.
Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.

10

Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake?
Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako, vachiti Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?
Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo.
Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu.
Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe.
Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.
Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe moyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo.
Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo.
Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?
Zvino mumwe wapo akapindura, akati, Baba vavo ndianiko? Naizvozvo yakazova shumo kuti, Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?
Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira.
Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, Makanga maendepiko? Akati, Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.
Babamunini vaSauro vakati, Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.
Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.
Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa,
akati kuvana vaIsiraeri, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Ndakabudisa vana vaIsiraeri paljipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai;
asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari, Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata. Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.
Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa.
Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa.
Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, Iye munhu ari pano here? Jehovha akapindura, akati, Tarirai; wavanda pakati penhumbi.
Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake.
Samueri akati kuvanhu vose, Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here? Vanhu vose vakadanidzira vachiti, Mambo ngaararame.
Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhiya, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa moyo yavo naMwari vakaendawo naye.
Asi vamwe vakaisvoipa vakati, Munhu uyu ungatiponesa seiko? Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.

11

Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigiriyadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, Itai sungano nesu tikushumirei.
Nahashi muAmoni akati kwavari, Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo.
Vakuru veJabheshi vakati kwaari, Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri, zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.
Zvino nhume dzikasvika paGibhiya, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.
Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai? Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo. Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.
Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.
Vakati kunhume dzakauya, Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
Naizvozvo varume veJabheshi vakati, Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.
Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.
Zvino vanhu vakati kuna Samueri, Ndianiko wakati, Sauro ungatibata ushe here? Hendei, tivauraye.
Sauro akati, Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha wakarwira Isiraeri.
Zvino Samueri akati kuvanhu, Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.

12

Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.
Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.
Ivo vakati, Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.
Akati kwavari, Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri. Vakati, Ndiye chapupu.
Zvino Samueri akati kuvanhu, Jehovha ndiye wakanga agadza Mozisi naAroni, nokubudisa madzibaba enyu panyika yeIjipiti.
Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.
Nguva yakaenda Jakobho Ijipiti, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Ijipiti, vakavagarisa pano.
Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.
Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.
Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.
Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, Kwete, tinofanira kubatwa nesuo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakanga ari mambo wenyu.
Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.
Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.
Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.
Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.
Samueri akati kuvanhu, Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
musatsauka, nokuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nokuti hazvina maturo.
Nokuti Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.
Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu.

13

Sauro wakanga anamakore ana makumi matatu pakutanga kwake kutonga ushe, akabata vaIsiraeri makore maviri.
Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake.
Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, VaHebheru ngavanzwe.
Valsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kutivaende Girigari naSauro.
Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni.
Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
Uye vamwe vavaHebheru vakanga vayambuka Jorodhani kunyika yaGadi neyagiriyadi, asi Sauro wakanga achiri Girigari, vanhu vose vakamutevera vachibvunda.
Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya.
Zvino Sauro akati, Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Akapisa chipiriso chinopiswa.
Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise.
Samueri akati, Waiteiko? Sauro akati, Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imwi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi,
saka ndikati, Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira; naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.
Samueri akati kuna Sauro, Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi.
Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza moyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.
Samueri akasimuka, akabva Girigari akaenda Gibhiya kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaakanga anavo, vakasvika varume vanenge mazana matanhatu.
Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGebhiya kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi.
Zvino vaparadzi vakabuda kumisasa yavaFirisitia, vakaita mapoka matatu; boka rimwe rakabuda nenzira inoenda Ofira kunyika yaShauri,
rimwe boka rikabuda nenzira inoenda Bhetihoroni; nerimwe boka rikabuda nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZebhoimu, kurutivi rwerenje.
Zvino kwakanga kusino mupfuri munyika yose yaIsiraeri, nokuti vaFirisitia vakati, VaHebheru ngavarege kuzvipfurira minondo namapfumo.
Asi vaIsiraeri vose vaifanira kuburukira kuvaFirisitia, mumwe nomumwe kana achida kurodzerwa muromo wegeja rake, nebadza rake, nesanhu rake, nembezo yake;
nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo.
Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo.
Zvino boka ravarwi vavaFirisitia rakabuda kumupata weMikimashi.

14

zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.
Sauro wakanga agere pamugumo weGibhiya, pasi pomutamba wakanga uri paMigironi; wakanga ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakanga ari mupirisiti waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rumwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene.
Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.
Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.
Ipapo Jonatani akati, Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari.
Kana vakati kwatiri, Mirai kusvikira tasvika kwamuri, ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
Asi kana vakati, Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nokuti Mwari wavaisa mumaoko edu; ndicho chichava chiratidzo kwatiri.
Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.
Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu. Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.
Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
Zvino pakuuraya uku kwokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda, nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru.
Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri. Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo.
Sauro akati kuna Ahija, Uya pano neareka yaMwari. Nokuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pavana vaIsiraeri nenguva iyo.
Zvino Sauro wakati achataurirana nomupirisiti, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupirisiti, Dzosa ruoko rwako.
Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru.
NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira valsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuyenlu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo.
Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe. Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi.
Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya kupika kwaSauro.
Asi Jonatani wakanga asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vakanga vaziya.
Zvino Jonatani akati, Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nokuti ndaravira uchi uhwu;
ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji.
Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
Zvino vakaudza Sauro, vakati, Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwechete neropa. Akati, Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi.
Zvino Sauro akati, Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
Sauro akavakira Jehovha aritari, iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
Zvino Sauro akati, Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari. Ivo vakati, Itai henyu sezvamunoda. Ipapo mupirisiti akati Ngatiswedere kuna Mwari pano.
Sauro akabvunza Mwari, akati, Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here? Asi haana kumupindura musi iwoyo.
Sauro akati, Swederai pano, imwi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
Nokuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo. Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura.
Zvino akati kuvaIsiraeri vose, imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi. Vanhu vakati kuna Sauro, Itai henyu sezvamunoda.
Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, Ratidzai zvakarurama. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo.
Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani akabatwa.
Zvino Sauro akati kuna Jonatani, Ndiudze chawaita. Jonatani akamuudza, akati, Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu.
Sauro akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani.
Zvino vanhu vakati kuna Sauro, Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokuti wakabata pamwechete naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo. Ndudzi dzakakundwa naSauro nemhuri yake
Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda.
Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari.
Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
Pamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.

15

Zvino Samueri akati kuna Sauro, Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha.
Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti vakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti.
Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.
Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi.
Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata.
Sauro akati kuvaKeni, Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti. Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti.
Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza.
Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisina kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati,
Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira. Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.
Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.
Samueri akati, Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?
Sauro akati, Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.
Ipapo Samueri akati kuna Sauro, Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, Taurai henyu.
Samueri akati, Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;
Jehovha akakutuma parwendo, akati, Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.
Zvino wakaregereiko kuteerera inzwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?
Sauro akati kuna Samueri, Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose.
Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, makwai nenzombe nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari.
Samueri akati, Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.
Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo.
Ipapo Sauro akati kuna Samueri Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.
Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha.
Samueri akati kuna Sauro, Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri.
Zvino Samueri wakati achitendeuka, achido-kubva, Sauro akabata mupendero wenguvo yake, iyo ikabvaruka.
Samueri akati kwaari, Jehovha wakabvarura ushe hwaIsiraeri kwauri nhasi, akahupa mumwe wokwako unokukunda nokunaka.
Uyewo Mutendiwa waIsiraeri haangarevi nhema, kana kuzvidemba; nokuti haazi munhu ungazvidemba.
Ipapo iye akati, Ndakatadza hangu, asi ndikudzei henyu pamberi pavakuru vangu, napamberi paIsiraeri, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha Mwari wenyu.
Naizvozvo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kuna Jehovha.
Zvino Samueri akati, Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki. Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.
Samueri akati, Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhiya kwaSauro.
Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo akazvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri.

16

Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.
Samueri akati, Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya. Jehovha akati, Enda netsiru, uti, Ndauya kuzobayira Jehovha.
Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.
Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, Mauya norugare here?
Akati, Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira. Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.
Asi Jehovha wakati kuna Samueri, Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamoyo.
Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.
Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, Nouyu Jehovha haana kumutsaura.
Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, Jehovha haana kutsaura ava.
Zvino Samueri akati kuna Jese, Vana vako varipano vose here? Akati, Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kuna Jese, Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.
Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari -mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.
Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama. Dhavhidhi anonyaradza mweya waSauro
Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.
Varanda vaSauro vakati kwaari, Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.
Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
Sauro akati kuvaranda vake, Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.
Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.
Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.
Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.
Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.
Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.

17

Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi.
Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia.
VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo.
Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe.
Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguvo dzokurwa dzamabape endarira, nguvo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo.
Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake.
Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira.
MuFirisitia akati, Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri, ndipei munhu, tirwe.
Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
Dhavhidhi wakanga ari muduku kuna vose; vaiva vatatu vakanga vaenda naSauro.
Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu.
MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, Chindopa vakuru vako efa imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako;
asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuvonerapo.
Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa.
VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzidzira kurwa, hondo dzakatarisana.
Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake.
Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa.
Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo.
Varume vaIsiraeri vakati, Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.
Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?
Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.
Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomoyo wako, nokuti waburuka kuzoona hondo.
Dhavhidhi akati, Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?
Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana.
Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ngakurege kuva nomunhu unopera moyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.
Sauro akati kuna Dhavhidhi, Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.
Dhavhidhi akati kuna Sauro, Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka,
ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.
Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
Dhavhidhi akati, Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu. Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Enda hako, Jehovha uchava newe.
Sauro akafukidza Dhavhidhi nguvo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguvo dzokurwa dzamabape endarira.
Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza. Dhavhidhi akadzibvisa.
Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira.
Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka.
MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake.
MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.
Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.
Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia.
Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguvo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko? Abhineri akati, Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.
Mambo akati, Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko.
Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake.
Sauro akati kwaari, Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya? Dhavhidhi akapindura, akati, Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu.

18

Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake.
Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida moyo wake.
Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake.
Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza.
Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?
Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.
Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake.
Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro. Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro.
Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu.
Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.
Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo.
Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo. Dhavhidhi anowana Mikari, mukunda waSauro
Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha. Nokuti Sauro wakati, Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.
Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?
Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake.
Zvino Mikari mukunda waSauro, wakanga achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo.
Ipapo Sauro akati, Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye. Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri.
ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda; naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.
Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?
Varanda vaSauro vakamuudza vakati, Dhavhidhi wataura mashoko okuti.
Sauro akati, Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake. Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera,
Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda.
Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi.
Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo.

19

Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi.
Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande;
ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.
Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo;
nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?
Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, NaJehovha mupenyu, haangaurawi!
Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. Sauro anoedzazve kuuraya Dhavhidhi
Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake.
Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake.
Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.
Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, Unorwara.
Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye.
Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
Sauro akati kuna Mikari, Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?
Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti.
Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.
Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, VanaSamueri naDhavhidhi varipiko? Mumwe akati, Tarirai, vari Naioti paRama.
Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, Sauro uri pakati pavaporofitawo here?

20

Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?
Iye akati kwaari, Haisva, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo.
Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo; asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.
Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Zvose zvinodikanwa nomoyo wako, ndichakuitira izvozvo.
Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu.
Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.
Kana vakati, Zvakanaka hazvo! Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa.
Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nokuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nokuti uchandiisireiko kuna baba vako?
Jonatani akati, Usadaro, nokuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?
Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Hendei kusango. Ivo vakaenda vari vaviri kusango.
Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here?
Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa,
uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose.
Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi
Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nokuti wakanga achimuda sezvaakada moyo wake.
Zvino Jonatani akati kwaari, Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichashaiwa munhu.
Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa.
Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, Enda undotsvaka miseve. Kana ndikati kumukomana, Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo, ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
Asi kana ndikati kumukomana, Tarira, miseve iri mberi kwako, ipapo uende hako, nokuti Jehovha wakuendisa.
Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi.
Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye.
Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro, Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu.
Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nokuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka.
Zvino pazuva rakatevera kugara kwomwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, Mwanakomana waJese wakaregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?
Jonatani akapindura Sauro akati, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu,
akati, Nditenderewo ndiende, nokuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu. Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo.
Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo?
Nokuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa.
Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?
Ipapo Sauro akaposha pfumo .rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi.
Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nokuti wakanga ane shungu pamoyo pamusoro paDhavhidhi, nokuti wakanga anyadzwa nababa vake.
Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku.
Akati kumukomana wake, Mhanya utsvake miseve yandinoposha. Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake.
Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, Ko museve hauzi mberi kwako here?
Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake.
Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro.
Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, Enda nadzo undodziisa kuguta.
Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.

21

Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupirisiti; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, Uri woga neiko, usino mumwe newe?
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupirisiti, Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.
mupirisiti akapindura Dhavhidhi, akati, Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.
Dhavhidhi akapindura mupirisiti, akati kwaari, Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.
Naizvozvo mupirisiti akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
mupirisiti akati, Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo. Dhavhidhi akati, Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
Zvino Akishi akati kuvaranda vake, Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?

22

Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwaari.
Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.
Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.
Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha. Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti. Sauro anoraira kuti vanhu vose veNobhi vaurawe
Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?
Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakanga amire navaranda vaSauro, akapindura akati, Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.
Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.
Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupirisiti, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapirisiti vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.
Zvino Sauro akati; Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati, Ndiri pano, ishe wangu.
Sauro akati kwaari; Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?
Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru.
Ipapo mambo akati, Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.
Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, Tendeukai, muuraye vapirisiti vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa. Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapirisiti vaJehovha.
Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, Tendeuka iwe, uuraye vapirisiti. Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapirisiti, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
Akaparadzawo Nobhi, guta ravapirisiti, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.
Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapirisiti vaJehovha.
Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakaurayisa vanhu vose veimba yababa vako.
Gara hako neni, usatya; nokuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nokuti kana ukagara neni uchachengetwa.

23

Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro.
Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira.
Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia.
Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, Simuka, uburukire Keira, nokuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako.
Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira.
Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake.
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso.
Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake.
Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupirisiti, Uya pano neefodhi.
Zvino Dhavhidhi akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu.
Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu. Jehovha akati, Uchaburuka.
Dhavhidhi akati, Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha akati, Vachakuisa.
Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake.
Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakanga abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo.
Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.
Akati kwaari, Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.
Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhiya vakati, Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?
Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda moyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo.
Ipapo Sauro akati, Imi muropafadzwe naJehovha, nokuti makandinzwira tsitsi.
Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nokuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo.
Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha.
Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.
Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate.
Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, Kurumidzai, muuye, nokuti vaFirisitia vopambara nyika.
Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti.
Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.

24

Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi.
Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.
Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguvo yaSauro.
Akati kuvanhu vake, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, Ishe wangu, mambo! Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
Dhavhidhi akati kuna Sauro, Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?
Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
Sezvinoreva tsumo yavekare, Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.
Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu.
Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi? Sauro akachema kwazvo.
Akati kuna Dhavhidhi, Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nokuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako.
Nokuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.
Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.
Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.

25

Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani.
Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri.
Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano moyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake.
Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu.
Mugoti kuna iye agere pakati pefuma yake, Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri.
Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.
Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo.
Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo.
Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?
Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose.
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake; mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango.
Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai.
Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.
Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
Akati kumajaya ake, Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo.
Zvino Dhavhidhi wakanga ati, Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.
Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi.
Akawira patsoka dzake, akati, Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose.
Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu, asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe.
Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri,
murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.
Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni;
nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.
Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nomwana mumwe womukomana.
Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.
Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo ; moyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza.
Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.
Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa.
Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake. Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.
Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.
Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.
Dhavhidhi akawanawo Ahinoamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake.
Zvino Sauro wakanga akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.

26

Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya, vakati, Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?
Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakanga agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje.
Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakanga avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza.
Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munununa waJoabhu, akati, Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa? Abhishai akati, Ini ndichaburuka nemi.
Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza.
Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Usamuuraya, nokuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?
Dhavhidhi akati, NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.
Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nokuti vakanga vavete vose, nokuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari.
Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru.
Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, Nhai Abhineri, haudaviri here? Ipapo Abhineri akadavira, akati, Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo.
Dhavhidhi akati kuna Abhineri, Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?
Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi, akati, Ndiro inzwi rako here, mwanangu Dhavhidhi? Dhavhidhi akati, inzwi rangu, ishe wangu, mambo.
Akati, Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko?
Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, Enda, undoshumira vamwe vamwari.
Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nokuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hwari mumakomo.
Ipapo Sauro akati, Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.
Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore.
Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
Zvino tarirai, upenyu hwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kwose.
Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.

27

Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.
Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinoamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari.
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?
Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi.
Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina.
Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeIjipiti.
Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguvo; akadzoka, akasvika kuna Akishi.
Akishi akati, Mandopambara kupiko nhasi? Dhavhidhi akati, Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.
Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, Ngavarege kutiudzisira, vachiti, Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.
Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.

28

Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.
Dhavhidhi akati kuna Akishi, Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi.
Samueri zvino wakanga afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, moyo wake ukadedera kwazvo.
Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana nendimi, kana navaporofita.
Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Varanda vake vakati kwaari, Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.
Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguvo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.
Mukadzi akati kwaari, Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?
Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.
Zvino mukadzi akati, Ndokukwidzira aniko? Akati, Ndikwidzire Samueri.
Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, Mandinyengerereiko? Nokuti ndimi Sauro?
Mambo akati kwaari, Usatya hako, asi unowoneiko? Mukadzi akati kuna Sauro, Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.
Akati kwaari, Wakadiniko? Akati, Kunomutana unokwira, akafuka nguvo. Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
Samueri akati kuna Sauro, Wanditambudzireiko uchindikwidza? Sauro akapindura akati, Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.
Samueri akati, Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
Naizvozvo zvino, chiteereraiwo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.
Asi iye wakaramba, akati, Handidi hangu kudya. Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
Zvino mukadzi wakanga ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.

29

Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri.
Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana-nemazana zviuru-nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi.
Ipapo machinda avaFirisitia akati, Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano? Akishi akati kumachinda avaFirisitia, Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.
Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, Sauro wakauraya zviuru zvamazana, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana?
Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.
Dhavhidhi akati kuna Akishi, Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?
Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, Ngaarege kukwira nesu kundorwa.
Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.
Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.

30

Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto;
vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo.
Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa.
Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinoamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri.
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhiatari mupirisiti, mwanakomana waAhimereki, Douya hako pano neefodhi. Abhiatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi.
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here? Akamupindura akati, Tevera hako, nokuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose.
Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya.
Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nokuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nokuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori.
Vakawana muIjipiti kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokunwa;
vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amazambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nokuti wakanga asina kudya zvokudya, kana kunwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu.
Dhavhidhi akati kwaari, Uri waaniko? Unobvepiko? Iye akati, Ndiri jaya rakabva Ijipiti, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara.
Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto.
Dhavhidhi akati kwaari, Ungandiburutsira kuboka iro here? Iye akati, Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro.
Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza.
Dhavidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri.
Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi;kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose.
Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.
Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.
Ipapo Dhavhidhi akati, Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu.
Ndianiko ungakuteererai pashoko rakadai? Nokuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.
Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi.
Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha;
kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri,
nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa;
nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni,
nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki,
nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake.

31

Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabi, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa; vapfuri vouta vakamubata, akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira. Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri kwomupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshitaroti, vakasungira chitunha chake pamadziro eBhetishani.
Zvino vakanga vagere JabheshiGiriyadhi vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBhetishani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.
Vakatora mapfupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Samuel (Shona). 1 Samuel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C56F-E