1

Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati,
Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomumwe.
Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa.
Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.
Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.
WokwaSimiyoni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari.
WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.
Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni.
WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.
WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.
WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.
Ndivo vakadanwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri.
Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo,
vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.
Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
Vokuvana vaSimiyoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana.
Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu.
Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe.
Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu.
Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMozisi naAroni, namachinda avaIsiraeri, vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake.
Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri,
vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo.
Nokuti Jehovha akanga ataura naMozisi akati,
Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri,
asi vaRevhi uvagadze, vave varitariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo.
Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.
Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo.
Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro.
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.

2

Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba.
Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
Vanodzika kurutivi rwavo vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina, namazana mana.
Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka.
Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
Rudzi rwaSimiyoni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimiyoni.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
worudzi rwaGadhi Eriasafi mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvinamakumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri.
Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutoo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake.
Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu.
Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini.
Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu.
Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe.
Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri.
Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu.
Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari.
Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo.
Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.

3

Zvino ndiwo marudzi aAroni naMozisi nomusi wakataura Jehovha nawo naMozisi pagomo reSinai:
Ndiwo mazita avanakomana vaAroni: Wedangwe, Nadhabhi, tevere Abhihu naEreazari naltamari.
Ndiwo mazita avanakomana vaAroni, vapirisiti vakazodzwa, vaakagadza kuti vashumire pabasa roupirisiti.
Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha nguva yavakauyisa moto usakafanira pamberi paJehovha murenje reSinai; vakanga vasina vana; asi Ereazari naItamari vakashumira pabasa roupirisiti pamberi paAroni, baba vavo.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni mupirisiti, kuti vamushumire.
Vanofanira kumubatira iye, nokubatira ungano yose pamberi petende rokusangana, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
Vanofanira kuchengeta nhumbi dzose dzetende rokusangana, nokubatira vana vaIsiraeri, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
Vanofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakapiwa chose pakati pavana vaIsiraeri.
Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa roupirisiti hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa.
Jehovha akataura naMozisi,
Tarira ini ndomene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu;
nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.
Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai akati,
Verenga vana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo; unofanira kuverenga varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura.
Ipapo Mozisi akavaverenga neshoko raJehovha sezvaakarairwa.
Ndivo vanakomana vaRevhi namazita avo: Geshoni, naKohati, naMerari.
Ndiwo mazita avanakomana vaGeshoni, nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.
Navanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
Navanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
Geshoni ndiye teteguru wavaRibhini navaShimei, ndidzo mhuri dzavaGeshoni.
Vakaverengwa kwavari, vari varume vose vakaverengwa vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvinomwe namazana mashanu.
Mhuri dzavaGeshoni dzinofanira kudzika matende adzo shure kwetabhenakeri kumavirazuva.
Eriasafi, mwanakomana waRaeri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba avaGeshoni.
Vanakomana vaGeshoni vanofanira kuchengeta zvinhu izvi mutende rokusangana, tabhenakeri, netende, nechifukidzo chayo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana.
Nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova woruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote ayo, zvokubata mabasa ayo ose.
Kohati ndiye tateguru wavaAmuramu, navaIzhari, navaHebhuroni, navaUzieri; ndidzo mhuri. dzavaKohati.
Varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa vakasvika zviuru zvisere namazana matanhatu; ndivo vaibata mabasa paimba tsvene.
Mhuri dzavanakomana vaKohati dzinofanira kudzika matende adzo kurutivi rwetebhenakeri nechenyasi
Erizafani mwanakomana waUzieri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzavaKohati.
Ivo vanofanira kuchengeta areka, netafura, nechigadziko chemwenje, nearitari, nenhumbi dzeimba tsvene, dzavanobata nadzo, nechidzitiro, namabasa ose ayo.
Ereazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, ndiye anofanira kuva muchinda wamachinda avaRevhi, iye anofanira kuva mutariri wavanobata mabasa paimba tsvene.
Merari ndiye teteguru wavaMari navaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari.
Vakaverengwa kwavari, ivo varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvitanhatu namazana maviri.
Zurieri, mwanakomana waAbhihairi, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzaMerari; ivo vanofanira kudzika matende avo kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro.
Basa rakatarirwa vanakomana vaMerari nderokuchengeta matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvadzo, nenhumbi dzayo dzose, namabasa ayo ose;
nembiru dzaparuvazhe kunhivi dzose, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, namabote adzo.
Avo vanodzika matende avo pamberi petabhenakeri kumabvazuva pamberi petende rokusangana, kurutivi runobuda zuva, ndivo Mozisi naAroni navanakomana vake, vanobata basa renzvimbo tsvene, ndiro basa ravana vaIsiraeri; asina kufanira anoswederapo anofanira kuurawa.
Vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni sezvakarairwa naJehovha, nemhuri dzavo, varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.
Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri.
Mozisi akaverenga matangwe ose avana vaIsiraeri, sezvaakarairwa naJehovha.
Namatangwe ose avarume namazita avanomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri namakumi manomwe namatatu.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Tora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yemombe dzavo; nokuti vaRevhi ndavangu; ndini Jehovha.
Zvino kuti udzikunure matangwe ana mazana maviri namakumi manomwe namatatu avana vaIsiraeri, vanopfuura vaRevhi pakuwanda kwavo,
unofanira kutora mashekeri mashanu kuno mumwe nomumwe; unofanira kuatora uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene (shekeri rina magera makumi maviri).
Zvino unofanira kupa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura avo vakapfuura pakaverengwa pakati pavo.
Mozisi akatora mari yokudzikunura kuna ivo vakanga vakapfuura vakadzikunurwa navaRevhi;
akatora mari iyi kumatangwe avana vaIsiraeri, mashekeri ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, achienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
Mozisi akapa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura, seshoko raJehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

4

Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
Verenga vanakomana vose vaKohati pakati pavana vaRevhi, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
vana makore ana makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, vose vanopinda pabasa, kuti vaite basa mutende rokusangana.
Ndiro basa ravanakomana vaKohati mutende rokusangana pazvinhu zvitsvene-tsvene:
Kana ungano ichisimuka, Aroni anofanira kupinda navanakomana vake, vagobvisa chidzitiro, ndokufukidza areka yechipupuriro nacho.
Zvino vanofanira kuisa pamusoro pazvo chokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuwarira pamusoro pazvo mucheka mutema wose, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema patafura yechingwa chokuratidza, ndokuisa pamusoro payo midziyo, nembiya, nemikombe, nezvimbiya zvokudira nazvo; nechingwa chamazuva ose chinofanira kuva pamusoro payo.
Zvino vanofanira kuwarira pamusoro pazvo mucheka mutsvuku, ndokuufukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
Vanofanira kutorawo mucheka mutema, vagofukidza nawo chigadziko chemwenje yokuvhenekesa nayo, nemwenje yacho, nembato dzacho, nendiro dzacho, nemidziyo yacho yose yamafuta, yavanobata nayo.
Zvino vanofanira kuchiputira pamwechete nenhumbi dzacho dzose muchokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuchiisa pamatanda.
Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema pamusoro pearitari yendarama, ndokuifukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda ayo okutakura nawo.
Vanofanira kutorawo nhumbi dzose dzokubata nadzo paimba tsvene, vagodziputira mumucheka mutema, ndokudzifukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuzviisa pamatanda.
Vanofanira kubvisawo madota paaritari, ndokuwarira pamusoro payo mucheka mushava,
ndokuisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose, dzavanobata nadzo pairi, dzinoti: Zvaenga zvomoto, nezvikokovonho zvenyama, nefoshoro, nemidziyo, nhumbi dzose dzearitari, vagowarira pamusoro payo chokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokupinza matanda okutakura nawo.
Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.
Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.
Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
Rudzi rwemhuri dzavaKohati ngarurege kuparadzwa pakati pavaRevhi;
asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene-tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.
Asi ngavarege kupinda kundoona imba tsvene, kunyange iri nguva duku, kuti varege kufa.
Jehovha akataura naMozisi akati,
Verenga vanakomana vose vaGeshoni, dzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo.
Uverenge vanamakore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu; vose vanopinda kundobata basa, kubata mutende rokusangana.
Ndiro basa remhuri dzavaGeshoni pakubata napakutakura mitoro:
Ivo vanofanira kutakura machira etabhenakeri, netende rokusangana; nechokufukidzira chayo, nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, chiri pamusoro payo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana;
nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzearitari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.
Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.
Ndiro basa remhuri dzavana vaGeshoni patende rokusangana; pabasa ravo rose vanofanira kurairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.
Kana vari vanakomana vaMerari, unofanira kuvaverenga nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo.
Uverenge vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu, mumwe nomumwe, vose vanopinda pabasa, kubata basa retende rokusangana.
Ndiro basa ravo rokutakura, sezvavanofanira kubata mutende rokusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvaritarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.
Ndiro basa remhuri dzavanakomana vaMerari, sezvavaifanira kubata basa mutende rokusangana, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.
Zvino Mozisi naAroni namachinda eungano vakaverenga vanakomana vaKohati nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo;
vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe vose vaifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe namakumi mashanu.
Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavaKohati, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
Vakaverengwa vavanakomana vaGeshoni nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana,
vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo nedzimba dzamadzibaba avo, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu namakumi matatu.
Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavana vaGeshoni, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha.
Vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo, vakasvika zviuru zvitatu namazana maviri.
Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
Zvino vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni namachinda avaIsiraeri, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda kuzobata basa, nebasa rokutakura mitoro mutende rokusangana,
vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvisere namazana mashanu namakumi masere.
Vakaverengwa sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, mumwe nomumwe pabasa rake, napamutoro wake; vakaverengwa saizvozvo naye, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

5

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.
Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa, sezvakataura Jehovha naMozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvakabiwa zvinofanira kudzoswa
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;
Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupirisiti, kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.
Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana valsiraeri, zvavanouya nazvo kumupirisiti, zvinofanira kuva zvake.
Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupirisiti nomunhu chinofanira kuva chake. Kana murume ane shungu nomukadzi wake
Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,
mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikanwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;
murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;
ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupirisiti, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
Zvino muPirisita anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha
Ipapo mupirisiti anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupirisiti agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.
Zvino mupirisiti anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura vhudzi romusoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupirisiti ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.
Ipapo mupirisiti anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;
asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,
zvino mupirisiti anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupirisiti ndokuti kumukadzi, Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;
mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa hudyu yako; zvino mukadzi anofanira kuti, Ameni, ameni.
Ipapo mupirisiti anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.
Zvino anofanira kunwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.
Zvino mupirisiti anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuaritari;
mupirisiti ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paaritari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure.
Zvino kana amunwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake ichawonda; mukadzi uyu achava chituko pakati porudzi rwake.
Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.
Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;
kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupirisiti agomuitira nomurayiro uyu wose.
Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.

6

Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika kwomuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;
anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kunwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kunwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.
Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.
Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.
Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda kwomunununa wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nokuti akazvitsaurira Mwari.
Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.
Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.
Musi worusere anofanira kuuya kumupirisiti nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;
mupirisiti agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;
kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondohwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,
nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
mupirisiti anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;
ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupirisiti anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
Zvino mupirisiti anofanira kutora bandauko regondohwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
Zvino mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupirisiti, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri anganwe
ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaanofanira kuita nomurayiro wokuzvitsaura nawo. Kuropafadza kwomupirisiti
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura naAroni navanakomana vake, uti, Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutoo uyu: Muti kwavari,
Jehovha akuropafadze, akuchengete;
Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;
Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.
Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza.

7

Zvino nomusi Mozisi waakapedza / kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, nearitari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,
machinda avaIsiraeri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vakauya nezvipo zvavo; ndivo vaiva machinda amarudzi, ndivo vakanga vari vatariri vavanhu vakaverengwa;
vakauya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, zvinoti: Ngoro nhanhatu dzaiva namatende, nenzombe dzine gumi nembiri, machinda maviri ane ngoro imwe, mumwe nomumwe ane nzombe imwe; vakauya nazvo pamberi petabhenakeri.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Gamuchira izvozvo kwavari, kuti mabasa etende rokusangana aitwe nazvo; unofanira kuzvipa vaRevhi, mumwe nomumwe zvinoringana mabasa ake.
Ipapo Mozisi akagamuchira ngoro idzo nenzombe, akazvipa vaRevhi.
Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nenzombe ina, zvakaringana mabasa avo.
Akapawo vanakomana vaMerari ngoro ina nenzombe sere, zvakaringana mabasa avo, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.
Asi haana kupa vanakomana vaKohati chinhu nokuti ndivo vakanga vane basa reimba tsvene; vaifanira kuzvitakura pamafudzi avo.
Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira aritari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi pearitari.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ngavauye nezvipo zvavo zvokutsaurira aritari, muchinda mumwe nomumwe nomusi wake.
Zvino akauya nechipo chake nezuva rokutanga akanga ari Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu, worudzi rwaJudha.
Chipo chake yakanga iri ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuari, muchinda waIsakari, akauyisa chipo chake.
Akauya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.
Nezuva retatu Eriabhu, mwanakomana waHeroni, muchinda wavana vaZebhuruni, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu,nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.
Nezuva rechina Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wavana vaRubheni, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.
Nezuva reshanu Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, muchinda wavana vaSimiyoni, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
Nezuva retanhatu Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wavana vaGadhi, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu,
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.
Nezuva rechinomwe Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wavana vaEfuremu, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
Nezuva rorusere Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wa vana vaManase, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
Nezuva repfumbamwe Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wavana vaBhenjamini, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
Nezuva regumi Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wavana vaDhani, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
Nezuva regumi nerimwe Pagieri, mwanakomana waOkirani, muchinda wavana vaAsheri, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.
Nezuva regumi namaviri Ahira, mwanakomana waEnani, muchinda wavana vaNafutari, akauya.
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.
Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari nomusi wayakazodzwa nawo namachinda aIsiraeri. Ndiro huru dzesirivha dzine gumi nembiri, nemidziyo yesirivha ine gumi nembiri, nendiro dzendarama dzine gumi nembiri;
ndiro imwe huru yesirivha yakasvika mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe nomumwe mashekeri ana makumi manomwe; sirivha yose yemidziyo yose yakasvika mashekeri ane zviuru zviviri namazana mana, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene;
nendiro dzine gumi nembiri dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, imwe neimwe yakanga ina mashekeri ane gumi, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; ndarama yose yendiro yakasvika mashekeri ane zana namakumi maviri;
nzombe dzose dzezvipiriso zvinopiswa dzakasvika nzombe dzine gumi nembiri, namakondohwe ane gumi namaviri, namakwayana amakondohwe egore rimwe ane gumi namaviri, nezvipiriso zvazvo zvoupfu; nenhongo dzembudzi gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi;
nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondohwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondohwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari, shure kwokuzodzwa kwayo.
Zvino Mozisi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa inzwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.

8

Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura naAron, uti kwaari, Kana uchimisa mwenje, mwenje minomwe inofanira kuvhenekera pamberi pechigadziko.
Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje sezvakarairwa kuti ivhenekere pamberi pechigadziko sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko. VaRevhi vanotsaurwa
Jehovha akataura naMozisi akati,
Bvisa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, uvanatse.
Pakuvanatsa unofanira kuvaitira kudai: Sasa pamusoro pavo mvura inosuka zvivi, ugovaraira kuti vaveurwe muviri wavo wose nechiso, vasuke nguvo dzavo, nokuzvinatsa.
Zvino vanofanira kutora nzombe duku, nechipiriso chayo choupfu, upfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; newe utore imwe nzombe duku, chive chipiriso chezvivi.
Zvino uise vaRevhi pamberi petende rokusangana, ndokukoka ungano yose yavana vaIsiraeri.
Unofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha, vana vaIsiraeri vagoisa maoko avo pamusoro pavaRevhi.
Zvino Aroni anofanira kuzunguzira vaRevhi pamberi paJehovha, vave chipiriso chinozunguzirwa nokuda kwavana vaIsiraeri, kuti vagarepo kuzobata basa raJehovha.
Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
Zvino unofanira kuisa vaRevhi pamberi paAroni navanakomana vake, ugovazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa kuna Jehovha.
Unofanira kubvisa vaRevhi saizvozvo pakati pavana vaIsiraeri, kuti vaRevhi vave vangu.
Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vanofanira kupinda kuzobata basa patende rokusangana; unofanira kuvanatsa nokuvazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa.
Nokuti ndakavapiwa ini chose pakati pavana vaIsiraeri; ndakazvitorera ivo panzvimbo yavose vanotanga kuzarura chizvaro, iwo matangwe avana valsiraeri vose.
Nokuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndeangu, kana evanhu kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.
Ndakatora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose pakati pavana vaIsiraeri,
Aroni navanakomana vake ndikavapa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, kuti vabate basa ravana vaIsiraeri patende rokusangana, nokuyananisira vana vaIsiraeri, kuti hosha irege kuvapo pakati pavana vaIsiraeri kana vana vaIsiraeri vachiswedera kuimba tsvene.
Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri vakaitira vaRevhi saizvozvo; zvose sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, vana vaIsiraeri vakavaitira saizvozvo.
VaRevhi vakazvinatsa pazvivi zvavo, vakasuka nguvo dzavo, Aroni akavazunguzira pamberi paJehovha vave chipiriso chinozunguzirwa; Aroni akavayananisira kuti avanatse.
Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vakapinda kuzobata basa patende rokusangana pamberi paAroni napamberi pavana vake; sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, ndizvo zvaakavaitira.
Jehovha akataura naMozisi akati,
Ndiwo murayiro wavaRevhi: Avo vasvika pamakore makumi maviri namashanu, navanopfuura, vanofanira kupinda kuzorwa namabasa etende rokusangana;
asi kana vasvika makore ana makumi mashanu vanofanira kurega basa iri; havachafaniri kubata;
asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.

9

Zvino Jehovha wakataura naMozisi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavo panyika yeIjipiti akati,
Vana vaIsiraeri vanofanira kutamba Pasika panguva yayo yakatarwa.
Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.
Ipapo Mozisi akataura navana vaIsiraeri, kuti vatambe Pasika.
Ivo vakatamba Pasika nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, murenje reSinai zvese sezvakarairwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri.
Zvino kwakanga kuna vamwe varume vakanga vasina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu, naizvozvo vakanga vasingagoni kudya Pasika nomusi iwoyo; naizvozvo vakauya kuna Mozisi naAroni nomusi iwoyo;
varume ava vakati kwaari, Hatina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu; tingadziviswa seiko kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa pakati pavana vaIsiraeri?
Mozisi akati kwavari, Mirai, ndinzwe zvinorairwa naJehovha pamusoro penyu.
Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava usina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro anofanira kutamba Pasika yaJehovha.
Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava.
Havafaniri kusiya zvimwe kusvikira mangwana, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo, asi vanofanira kuitamba vachiteerera mitemo yose yePasika.
Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake.
Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika. Gore nomoto pamusoro petabhenakeri
Nomusi wokumiswa kwetabhenakeri, gore rakafukidza tabhenakeri, iro tende rechipupuriro; madekwana rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakaita somoto kusvikira mangwana.
Zvakanga zvakadaro nguva dzose; gore rakaifukidza, asi usiku rakanga rakaita somoto.
Zvino nguva dzose kana gore richisimudzwa pamusoro petende, shure kwaizvozvo vana valsiraeri vaifamba; paindomira gore, ipapo vana vaIsiraeri vaidzika matende avo;
sezvavairairwa naJehovha, vana vaIsiraeri vaifamba, sezvavairairwa naJehovha vaidzika matende avo; nguva yose kana gore rimire pamusoro petabhenakeri, ivo vairambira mumatende avo.
Kana gore richirambira pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji,vana vaIsiraeri vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, vakasafamba.
Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri mazuva mashomanene; zvino sezvairaira Jehovha vairamba vagere pamatende avo, uye sezvairaira Jehovha vaifamba.
Dzimwe nguva gore raivapo kubva madeko kusvikira mangwana; zvino kana gore richisimudzwa mangwana, vaifamba; kana masikati kana usiku, kana gore richisimudzwa, vaifamba.
Kana gore rikaramba riri pamusoro payo, vana vaIsiraeri vairamba vagere mumatende avo, vasingafambi; asi kana rasimudzwa, vaifamba.
Sezvavairairwa naJehovha, vaidzika matende avo; sezvavairairwa naJehovha, vaifamba; vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, sezvakarairwa Jehovha nomuromo waMozisi.

10

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati.
Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana.
Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri.
Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe.
Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo.
Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.
Vanakomana vaAroni, vapirisiti, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.
Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu. Valsiraeri vanosimuka paSinai
Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro.
Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani.
Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari.
Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni.
Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka.
Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri.
Boka rorudzi rwavana vaSimiyoni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri.
Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika.
Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi.
Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkirani
boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira,mwanakomana waEnani
Ndiko kufamba kwavana VaIsiraeri namapoka avo vakasimuka.
Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.
Iye akati kwaari, Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu.
Iye akati, Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva mudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu.
Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo.
Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora.
Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa.
Zvino areka yakati yasimuka, Mozisi akati, Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu.
Zvino pakuzorora kwayo, akati, Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri.

11

Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.
Vanhu vakachema kuna Mozisi, Mozisi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa.
Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo. Vanhu vanonyunyutazve paKibhuroti-hatava; vanopiwa zvihuta
Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?
Tinorangarira hove dzataidya Ijipiti, tisingatengi, namakeke, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki.
Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana iyi bedzi.
Mana yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo.
Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta.
Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana yakawawo pamwechete naro.
Zvino Mozisi akanzwa vanhu vachichema padzimba dzavo dzose, mumwe nomumwe pamukova wetende rake; Jehovha akatsamwa kwazvo; naiye Mozisi akanga asingafari.
Mozisi akati kuna Jehovha, Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose?
Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?
Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera, vachiti, Tipe nyama, tidye.
Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo.
Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi, ndirege hangu kuona urombo hwangu.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navaritariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe.
Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga.
Zvino iwe uti kuvanhu, Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha, muchiti, Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti. Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.
Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri;
asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, Takabudireiko Ijipiti?
Zvino Mozisi akati, Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose!
Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki
ipapo Mozisi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza tende.
Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo.
Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kutende; vakaporofita pamisasa.
Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mozisi, akati, Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.
Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei.
Mozisi akati kwaari, Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!
Ipapo Mozisi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri.
Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika.
Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.
Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo.
Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti-hatava, nokuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama.
Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti-hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.

12

Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
Vakati, Ko Jehovha akataura naMozisi iye oga here? Ko haana kutaura nesuo here? Jehovha akazvinzwa.
Zvino munhu uyu Mozisi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.
Jehovha akataura pakarepo naMozisi naAroni naMiriami, akati, Budai imwi vatatu kutende rokusangana. Ivo vatatu vakabuda.
Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.
Zvino akati, Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.
Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?
Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.
Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzI
Zvino Aroni akati kuna Mozisi, Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu,kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.
Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.
Zvino Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Haiwa Mwari, domuporesai henyu.
Jehovha akati kuna Mozisi, Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.
Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.
Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.

13

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.
Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.
Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.
Vokurudzi rwaSimiyoni, Shafati, mwanakomana waHori.
Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.
Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.
Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.
Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.
Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.
Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.
Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi.
Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.
Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKenani, akati kwavari, Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;
nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;
nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo. Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.
Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paIjipiti namakore manomwe.)
Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri.
Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika.
Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
Vakamuudza, vakati, Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani.
Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.
Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.

14

Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo.
Vana vaIsiraeri vose vakapo potera Mozisi naAroni, ungano yose ikati kwavari, Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino!
Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?
Vakataurirana, vakati, Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.
Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.
NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandoshora nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguvo dzavo,
vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.
Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.
Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.
Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.
Mozisi akati kuna Jehovha, VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;
vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.
Zvino kana mukauraya vanhu ava vose-vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti,
Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.
Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti,
Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.
Ipapo Jehovha akati, Ndakanganwira sezvawakumbira.
Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha,
varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri inzwi rangu,
zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona,
asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.
Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati,
Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira rinhiko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako.
Uti kwavari, zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.
Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imwi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kwose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira,
zvirokwazvo, imwi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.
Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imwi.
Asi kana murimwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino.
Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kwokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.
Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.
Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.
Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha.
Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika.
Zvino Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo;
vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakarairwa naJehovha, nokuti tatadza.
Mozisi akati, Munodarikireiko murayiro waJehovha, nokuti muchaona nhamo.
Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu.
Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.
Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mozisiwo.
Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.

15

Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsraeri, uti kwavari, Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai;
kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai;
zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta;
unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe.
Kana riri gondohwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta;
unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha;
pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta.
Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondohwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe.
Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.
Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imwi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imwi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha.
Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imwi nomutorwa agere nemi.
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura navana vaIsiraeri uti kwavari kana muchisvika kunyika kwandinokuisai,
kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.
Pazvitsva zvoupfu hwenyu munofanira kuuya nechingwa chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo.
Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu hwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.
Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mozisi,
zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose,
zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
mupirisiti anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo.
Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakanganwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nokuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva.
Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi.
Zvino mupirisiti anofanira kuyananisira munhu ,akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, . pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe.
Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo.
Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Nokuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake. Munhu akadarika murayiro weSabata anourawa
Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achiunganidza tsotso nomusi weSabata.
Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi naAroni, nokuungano yose.
Vakamuisa mutorongo, nokuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa.
Jehovha akati kuna Mozisi, Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.
Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. Chiratidzo chinofanira kuiswa panguvo dzavo
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguvo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema.
Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda kwomoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu;
kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.
Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.

16

Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,
vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?
Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;
akataura naKora neboka rake rose, akati, Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.
Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose;
mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi.
Mozisi akatiwo kuna Kora, Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:
Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,
akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upirisitiwo here?
Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?
Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, Hatidi kukwirako.
Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?
Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.
Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.
Ipapo Mozisi akati kuna Kora, Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;
mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.
Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.
Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.
Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?
Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura neungano, uti, Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.
Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.
Akataura neungano, akati, Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.
Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.
Zvino Mozisi akati, Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu.
Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.
Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.
Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,
nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, Nyika irege kutimedzawo.
Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene;
idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.
Zvino mupirisiti Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;
kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, imwi makauraya vanhu vaJehovha.
Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo. Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.
Mozisi akati kuna Aroni, Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.
Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.
Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.
Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.
Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.

17

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.
Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nokuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.
Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.
Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.
Zvino Mozisi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.
Mozisi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
Fume mangwana Mozisi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
Ipapo Mozisi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
Jehovha akati kuna Mozisi, Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.
Mozisi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.
Vana vaIsiraeri vakataura naMozisi, vakati, Tarira, tofa, topera, topera tose.
Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?

18

Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupirisiti hwenyu.
Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro.
Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene nearitari, kuti varege kufa, kana ivo kana imwi.
Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose etende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri.
Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta aritari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana vaIsiraeri.
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.
Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupirisiti hwenyu pazvinhu zvose zvearitari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upirisiti, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.
Jehovha akataurawo naAroni, akati, Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.
Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako.
Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene-tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri.
Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.
Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha.
Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya.
Zvose zvakayeriswa pakati palsiraeri zvinofanira kuva zvako.
Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikunura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikunurawo.
Zvose zvinofanira kudzikunurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikunura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.)
Asi usadzikunura mwana wemhongora yemombe, kana yegwai, kana yembudzi, zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro pearitari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi.
Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana vaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana valsiraeri.
Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubayiro webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana.
Kubva zvino vana vaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa.
Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
Nokuti zvegumi zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura navaRevhi, uti kwavari, Kana muchitora kuvana vaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.
Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini.
Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupirisiti chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.
Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo.
Naizvozvo uti kwavari, Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.
Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imwi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.
Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, kuti murege kufa.

19

Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.
Zvino munofanira kuripa Ereazari mupirisiti, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake.
Ipapo Ereazari mupirisiti anofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana;
zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; dehwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa.
Zvino mupirisiti anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru.
Ipapo mupirisiti anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura ndokuzopinda mumisasa mupirisiti agova asina kunaka kusvikira madeko.
Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguvo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko.
Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguvo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; unofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo.
Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe.
Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.
Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari.
Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe.
Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka.
Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe.
Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo,
zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro;
zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko.
Asi kana, munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nokuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka.
Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguvo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko.
Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka,zvichava zvisina kunaka nomunhu unozvibata uchava usina kunaka kusvika madeko.

20

Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.
Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mozisi naAroni.
Vanhu vakarwa naMozisi, vakataura, vachiti, Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!
Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?
Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.
Ipapo Mozisi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.
Ipapo Mozisi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.
Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?
Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.
Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
Zvino Mozisi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, Zvanzi nomunununa wako Isiraeri, Unoziva nhamo dzose dzakatiwira,
kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;
zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa manzwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti, zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.
Ipapo Edhomu akati kwaari, Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.
Vana vaIsiraeri vakati kwaari, Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.
Iye akati, Haungapfuuri. Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.
Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari. Kufa kwaAroni
Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,
Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana valsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.
Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;
zvino ubvise nguvo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.
Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.
Zvino Mozisi wakabvisa nguvo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro pegomo; Mozisi naEreazari vakaburuka havo pagomo.
Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.

21

Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.
Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.
Jehovha akateerera inzwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.
Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji valsiraeri vakafa.
Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri. Mozisi akakumbirira vanhu.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.
Mozisi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.
Vana valsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti.
Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje-aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva.
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi.
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori.
Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa,Nemipata yaArinoni,
Nemikwidza yemipata inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu.
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.
Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imwi muriimbire;
Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.Vakabva murenje, vakaenda Matana;
vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti;
vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.
Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,
Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.
Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri.
Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.
Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose.
Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni.
Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, Uyai muHeshibhoni,Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe;
Nokuti moto wakabuda Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.
Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imwi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori.
Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha.
Naizvozvo valsiraeri vakagara munyika yavaAmori.
Zvino Mozisi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni.
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.

22

Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko.
Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri.
Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri.
Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva
iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti, tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.
Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.
Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuvuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki.
Iye akati kwavari, Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha; machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu.
Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?
Bharamu akati kuna Mwari, Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti,
Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.
Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa.
Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.
Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, Bharamu aramba kuuya nesu.
Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo.
Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri;
nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.
Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri.
Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.
Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.
Zvino Bharami akamuka mangwanani akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda aMoabhi
Asi Mwari akamutsamwira zvaakaenda mutumwa waJehovha akandomira munzira yake kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye.
Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira.
Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve.
Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve.
Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake.
Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?
Bharamu akati kumbongoro, Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.
Mbongoro ikati kuna Bharamu, Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here? Iye akati, Kwete.
Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
Mutumwa waJehovha akati kwaari, Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.
Mbongoro yakandiona, ikatsauka pamberi pangu katatu; dai isina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikairaramisa iyo.
Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, Ndatadza, nokuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakanga umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu.
Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, Enda hako navarume ava, asi shoko roga randicha taura kwauri, ndiro raunofanira kutaura. Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki.
Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Ko handina kutuma nhume kwauri nomoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?
Bharamu akati kuna Bharaki, Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura.
Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati-huzoti.
Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye.
Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo.

23

Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.
Bharaki akaita sezvakataura Bharamu; Bharaki naBharamu vakabayira paaritari imwe neimwe nzombe imwe negondohwe rimwe.
Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, Chimira iwe pachipiriso chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvose zvaanondiratidza, ndichakuudza izvo. Akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.
Ipapo Mwari akasangana naBharamu, iye akati kwaari, Ndagadzira aritari nomwe, ndikabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.
Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu, akati, Dzokera kuna Bharaki, utaure kwaari kudai.
Akadzokera kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, iye namachinda ose aMoabhu.
Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, Bharaki akanditora paArami, Mambo waMoabhu akanditora pamakomo okumabvazuva, Achiti, Uya unditukire Jakobho, Uya, unditsamwire Isiraeri.
Ini ndingatuka seiko asina kutukwa naMwari; Ini ndingatsamwira seiko asina kutsamwirwa naJehovha?
Nokuti ndinomuona ndiri pamusoro pamatombo, Ndinomutarira ndiri pamusoro pezvikomo; Havangaverengwi pakati pendudzi.
Ndianiko angaverenga guruva raJakobho, Kana kuverenga chikamu chechina chaIsiraeri? Kuguma kwangu ngakufanane nokwake!
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza.
Akapindura, akati, Ko handifaniri kuchenjera kuti nditaure zvinoiswa naJehovha mumuromo mangu here?
Bharaki akati kwaari, Douya hako neni kune imwe nzvimbo, paungavaona uripo; ungangoona vokumudzivo voga, haungavaoni vose; nditukirei ivo uri ipapo.
Zvino akaenda naye kumunda waZofimu, pamusoro pePisiga, akavaka aritari nomwe, akabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.
Akati kuna Bharaki, Chimira pano pachipiriso chako chinopiswa, ini ndindosangana naJehovha uko.
Ipapo Jehovha akasangana naBharamu, akaisa shoko mumuromo make, akati, Dzokera kuna Bharaki utaure kudai.
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, Jehovha wakataureiko?
Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, Simuka, iwe Bharaki, unzwe; Nditeerere, iwe mwanakomana waZipori:
Mwari haazi munhu,Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?
Tarira, ndakarairwa kuti ndiropafadze; lye wakatopafadza, ini handigoni kuzvishandura.
Haana kuona zvakaipa kuna Jakobho; Haana kuona zvakashata kuna Isiraeri; Jehovha Mwari wake anaye, Vanopupurira mambo pakati pavo.
Mwari akavabudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati.
Zvirokwazvo hakuna unanga kuna Jakobho, Uye hakuna kuuka kuna Isiraeri; Zvino zvicharehwa pamusoro paJakobho napamusoro paIsiraeri, Zvakaitwa naMwari,
Tarirai, vanhu avo vanosimuka seshumbakadzi, Vanosimuka seshumba. Havangavati pasi vasati vadya chakabatwa, Nokunwa ropa rechakaurawa.
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Usatongovatuka, kana kutongovaropafadza.
Asi Bharamu akapindura, akati kuna Bharaki, Handina kukuudza here, ndikati, Zvose zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandinofanira kuita?
Bharaki akati kuna Bharamu, Uya zvino, ndiende newe kune imwe nzvimbo; zvimwe Mwari angafara nazvo kuti unditukire ivo, uri ipapo.
Zvino Bharaki akaenda naBharamu pamusoro pePeori, panotarira pasi kurenje.
Bharamu akati kuna Bharaki, Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.
Bharaki akaita sezvakarehwa naBharamu, akabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.

24

Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka unanga, asi akaringira kurenje,
Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake,
akataura nomufananidzo wake, akati, Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake,
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa naWamasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;
Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!
Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedo nemvura.
Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa.
Mwari akamubudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna-vhuna mapfupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake.
Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.
Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.
Bharamu akati kuna Bharaki, Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti,
Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?
Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.
Akataura nomufananidzo wake, akati,Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yoWokudenga-denga, Iye anoona zvinoratidzwa noWamasimbaose,Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.
Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
Edhomu ichava nhaka yake, NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake; Asi Isiraeri achakunda.
Mumwe, achabva kuna Jakobho, achava noushe, achaparadza vakasara muguta.
Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati, Amareki ndiye wokutanga wavahedheni, Asi pakupedzisira achaparadzwa.
Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati, Ugaro hwako hwakasimba, Dendere rako rakateyiwa padombo.
Kunyange zvakadaro Kaini achaparadzwa, Kusvikira iwe uchitapwa naAshuri.
Akataura nomufananidzo wake akati,Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo?
Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi, Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri, Naiyewo achaparadzwa.
Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo.

25

Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu;
nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.
Valsiraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.
Ipapo Iehovha akati kuna Mozisi, Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.
Mozisi akati kuvatongi vaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari-peori.
Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mozisi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.
Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupirisiti Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.
Naizvozvo uti, Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,
ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.
Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimiyoni.
Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Vambana navaMidhiani, uvaparadze;
nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.

26

Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMozisi naEreazari, mwanakomana womupirisiti Aroni, akati,
Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vanamakore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.
Mozisi naEreazari mupirisiti vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati,
Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mozisi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.
Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu.
NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi.
Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu.
Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu;
navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMozisi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha,
nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo.
Asi vanakomana vaKora havana kufa.
Ava ndivo vanakomana vaSimiyoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri.
Ndidzo mhuri dzavaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri.
Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni;
naZini, kwakabva mhuri yava Zini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri;
naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi naAreri kwakabva mhuru yavaAreri.
Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani.
Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera.
Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva;
naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi, naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi.
Ndidzo mhuri dzalsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu.
Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.
Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Giriyadhi; kunaGiriyadhi kwakabva mhuri yavaGiriyadhi.
Ndivo vanakomana vaGiriyadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe.
Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri, naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani.
Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani.
Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo.
Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami;
naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani.
Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu.
Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo.
Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana.
Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria.
Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri.
Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera.
Ndidzo. mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana.
Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni;
naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana.
Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo.
Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.
Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwa nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo.
Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.
Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;. Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu.
Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo.
Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari.
Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha.
Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri.
Ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari mupirisiti, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko.
Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMozisi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai.
Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, Zvirokwazvo vachafira murenje. Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.

27

Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomma waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mozisi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;
vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupirisiti, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,
Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.
Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.
Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.
Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.
Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanununa vake nhaka yake.
Kana asina vakuru kana vanununa, munofanira kupa vakuru kana vanununa vababa vake nhaka yake.
Kana baba vake vasina vakuru kana vanununa, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake. Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha. Joshua muteveri waMozisi
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.
Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;
nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)
Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati,
Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,
achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.
Umuise pamberi paEreazari mupirisiti, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.
Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere.
Iye anofanira kumira pamberi pomupirisiti Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.
Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupirisiti Ereazari, napamberi peungano yose;
akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi.

28

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.
Unofanira kuti kwavari, Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana;
nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa.
Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata.
Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zveSabata nezvokuvamba kwomwedzi
Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa.
Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara;
nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe;
nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.
Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.
Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. Mitambo mikuru
Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha.
Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe.
Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musabata mabasa avaranda pazuva iro;
asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri;
nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe.
Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho.
Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose.
Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.
Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro.
Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda.
Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe;
nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe,
nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;
nenhongo imwe yembudzi, zvokuyananisira nazvo.
Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.

29

Nomwedzi wechinomwe, nezuva rokutanga romwedzi, munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata mabasa avaranda naro; rinofanira kuva kwamuri zuva rokuridza hwamanda naro.
Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe, egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondohwe,
nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho;
kunze kwechipiriso chinopiswa pakugara kwomwedzi, nechipisiro chacho choupfu, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, sezvakarairwa; chive chinonhuwira zvakanaka, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Nezuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; munofanira kuchema pamweya yenyu; musatongobata basa.
Asi munofanira kuuya nechipiriso chokupisira Jehovha, chive chinonhuwira zvakanaka, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe; zvive zivisina kuremara kwamuri;
nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe;
nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe,
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chezvivi chokuyananisira nacho, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
Nezuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro; munofanira kuitira Jehovha mutambo wamazuva manomwe.
Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe duku dzine gumi nenhatu, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe; zvive zvisina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe neimwe panzombe dzine gumi nenhatu, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe nerimwe pamakondohwe maviri;
nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana ane gumi nemana
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Nezuva repiri munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi nembiri, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara.
Nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondohwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose; nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
Nezuva retatu munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi neimwe, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Nezuva rechina munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Nezuva reshanu munofanira kuuya nenzombe duku pfumbamwe, nemakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nenzombe, namakondohwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo,, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Nezuva retanhatu munofanira kuuya nenzombe sere, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvacho zvinodururwa.
Nezuva rechinomwe munofanira kuuya nenzombe duku nomwe, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Nezuva rorusere munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro.
Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, asina kuremara;
nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvinofanira kuenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa,
nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Ndizvo zvamunofanira kuuya nazvo kuna Jehovha pamitambo yenyu yakatarwa, kunze kwemhiko dzenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, zvive zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvipiriso zvenyu zvoupfu, nezvipiriso zvenyu zvinodururwa, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
Mozisi akaudza vana valsiraeri zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

30

Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha:
Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make.
Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kwokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana;
baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kwose kuchava nesimba, nokusunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vamudzivisa.
Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo;
murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira.
Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika,
murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira.
Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa.
Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake.
Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.

31

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako.
Mozisi akataura navanhu, akati, Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi avaIsiraeri.
Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.
Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.
Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nefuma yavo yose , vakazvitapa.
Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.
Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.
Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mozisi, nokuna Ereazari mupirisiti, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko.
Zvino Mozisi naEreazari mupirisiti, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.
Mozisi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;
Mozisi akati kwavari, Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;
asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.
Asi imwi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imwi navatapwa venyu.
Munofanirawo kusuka nguvo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatehwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda.
Ereazari mupirisiti akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mozisi naJehovha:
Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,
zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.
Munofanira kusuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari mupirisiti, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;
mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;
zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai;
uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari mupirisiti, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.
Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.
Mozisi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,
nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matanhatu nechiuru chimwe;
navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.
Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;
mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.
Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.
Mbongoro dzaiva zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mbongoro dzina makumi matanhatu neimwe.
Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.
Mozisi akapa Ereazari mupirisiti mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMozisi kuvanhu vakanga vandorwa,
(zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,
nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,
navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).
Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mozisi,
vakati kuna Mozisi, Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.
Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zveminwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha.
Mozisi naEreazari mupirisiti vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.
Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.
(Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)
Mozisi naEreazari mupirisiti vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.

32

Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo.
Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMozisi naEreazari mupirisiti namachinda eungano, vakati,
Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni.
Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.
Vakati, Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Jorodhani.
Mozisi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imwi mukagara pano here?
Munoodzereiko moyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha?
Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi-bharinea, kundoshora nyika.
Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati,
Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomoyo wose;
asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti ivo vakatevera Jehovha nomoyo wose.
Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imwi muchaparadza vanhu ava vose.
Vakaswedera kwaari, vakati, Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano;
asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo.
Nokuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJorodhani nemberi; nokuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani kurutivi rwamabvazuva.
Zvino Mozisi akati kwavari, Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa,
mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Jorodhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake,
nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha.
Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.
Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.
Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMozisi, vakati, Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu.
Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGiriyadhi;
asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.
Naizvozvo Mozisi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri;
Mozisi akati kwavari, Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGiriyadhi, ive yavo.
Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKenani.
Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita.
Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKenani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani.
Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,
neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha,
neBheti-nimura, neBheti-harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai.
Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi,
neNebho, neBhaari-meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita.
Vana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaenda Giriyadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
Mozisi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Giriyadhi, iye akagaramo.
Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.
Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.

33

Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.
Mozisi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo.
Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose,
vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo.
VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti.
Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje.
Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi-hahiroti, pamberi peBhaari-sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori.
Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje, vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara.
Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo.
Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku.
Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini.
Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika.
Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi.
Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu.
Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai.
Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti-hatava.
Vakasimuka paKibhuroti hatava, vakandodzika paHazeroti.
Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima.
Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni-perezi.
Vakasimuka paRimon-iperezi, vakandodzika paRibhina.
Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa.
Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata.
Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi.
Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha.
Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti.
Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati.
Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera.
Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika.
Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona.
Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti.
Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene-jakani.
Vakasimuka paBhene-jakani, vakandodzika paHorihagidhigadhi.
Vakasimuka paHori-hagidhigadhi, vakandodzika paJotibhata.
Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona.
Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEZiyoni-gebheri.
Vakasimuka paEZiyoni-gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi).
Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu.
Aroni mupirisiti akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu,nezuva rokutanga romwedzi.
Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.
Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya.
Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona.
Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni.
Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti.
Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye-abharimi, pamuganhu weMoabhu.
Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni-gadhi.
Vakasimuka paDhibhoni-gadhi, vakandodzika paArimoni-dhibhurataimi.
Vakasimuka paArimoni-dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho.
Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko.
Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu.
Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani,
munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu,nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira.
Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu.
Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu.
Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere.
Ipapo ndichakuitirai imwi sezvandakafunga kuvaitira ivo.

34

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana masvika munyika yeKenani, (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKenani, kusvikira kumiganhu yayo,)
rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyu weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva;
zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi-bharinea; zvino upfuure kuHazari-adhari, ugondosvika Azimoni;
zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweIjipiti, ndokubuda paGungwa.
Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva.
Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori;
kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi.
Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari-enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro.
Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari-enani kusvika paShefami.
Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva;
zvino muganhu uburukire kuJorodhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.
Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;
nokuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo;
marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJoroclhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni.
Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu.
Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune;
kurudzi rwavana vaSimiyoni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi;
kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi;
kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri;
kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi;
kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani;
kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani ;
kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani,
kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi;
kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.
Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKenani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.

35

Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,
Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.
Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.
Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.
Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.
Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.
Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.
Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Jorodhani, mukapinda munyika yeKenani,
munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.
Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.
Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.
Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJorodhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKenani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.
Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.
Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.
Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;
kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,
kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;
zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:
Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupirisiti mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,
mutsivi weropa akamuwana kunze kwomuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;
nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupirisiti mukuru afa; asi kana mupirisiti mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose.
Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.
Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupirisiti afa.
Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nokuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi kwoga neropa romunhu wakariteura.
Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nokuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.

36

Zvino vakuru vedzimba dzama dzibaba vemhuri yavana vaGiriyadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMozisi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri,
vakati, Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, munununa wedu, nhaka yake.
Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
Zvino kana gore reJubheri ravana vaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu.
Zvino Mozisi akaraira vana vaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo.
Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo.
Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.
Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.
Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana vaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo.
Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNoa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanunguna vababa vavo.
Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo.
Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana vaIsiraeri naJehovha nomuromo waMozisi pamapani eMoabhu paJorodhani paJeriko.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Numbers (Shona). Numbers (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C560-D