1

Ndiwo mazita avana valsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake:
Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha,
naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini,
naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri.
Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti.
Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo.
Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.
Zvino paIjipititi pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
Iye akati kuvanhu vake, Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba;
uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.
Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi.
Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri.
VaIjipiti vakavabatisa zvinorema;
vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.
Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua;
akati, Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.
Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo.
Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?
Madzimbuya akati kuna Farao, Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.
Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo.
Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.
Farao akaraira vanhu vake vose, akati, Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.

2

Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.
Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu.
Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi.
Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.
Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora.
Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, Ndomumwe wavana vavaHebheru.
Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?
Mukunda waFarao akati kwaari, Enda. Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
Mukunda waFarao akati kwavari, Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako. Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa.
Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, Nokuti, ndamunyukura mumvura.
Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha.
Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, Unorovereiko munhu wokwako?
Iye akati, Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kanhi? Mozisi akatya, akati, Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.
Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
Zvino mupirisiti weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo.
Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo.
Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, Makurumidza kudzoka seiko nhasi?
Vakati, MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.
Akati kuvakunda vake, Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.
Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora.
Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda.
Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho.
Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.

3

Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwa wake, mupirisiti weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi.
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi.
Mozisi akati, Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.
Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, Mozisi, Mozisi! Iye akati, Ndiri pano hangu.
Akati, Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.
Akatiwo, Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Mozisi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
Zvino Mwari akati, Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo;
ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaljipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti.
Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.
Zvino Mozisi akati kuna Mwari, Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?
Akati, Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.
Ipapo Mozisi kuna Mwari, Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri, Ko zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?
Mwari akati kuna Mozisi, NDICHAVA IYE WANDICHAVA. Akati, Unoti kuvana vaIsiraeri, NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.
Mwari akatiwo kuna Mozisi, Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri, akati, Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;
ndikati, Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.
Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.
Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba.
Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda.
Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.
Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.

4

Zvino Mozisi akapindura akati, Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, Jehovha haana kuzviratidza kwauri.
Jehovha akati kwaari, Chiiko icho chiri muruoko rwako? Akati, Itsvimbo.
Akati, Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri.
Jehovha akatiwo kwaari, Isa ruoko rwako muchipfuva chako. Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
Akati, Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)
Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri.
Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma.
Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.
Jehovha akati kwaari, Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?
Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.
Iye akati, Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.
Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo. Mozisi anodzokera Ijipiti
Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu. Jeturo akati kuna Mozisi, Enda hako norugare.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa.
Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
Jehovha akati kuna Mozisi, Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
Zvino undoti kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu;
ndakati kwauri, Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.
Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.
Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri.
Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, Uri chikomba cheropa nokuda kwokudzingiswa.
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Enda kurenje undosangana naMozisi. Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.
Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri.
Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.
Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.

5

Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.
Farao akati, Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.
Vakati, Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.
Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, imwi Mozisi naAroni, munotsausireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.
Farao akati, Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imwi moda kuvazorodza pamirimo yavo.
Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati,
Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega.
Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, Titenderei tindobayira Mwari wedu.
Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.
Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, Zvanzi naFarao, Handichakupiyi uswa.
Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.
Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa.
Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.
Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?
Zvino vatariri vavana valsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, Munoitireiko kudaro navaranda venyu?
Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, Itai zvitina; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.
Asi iye akati, Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, Titenderei kundobayira Jehovha.
Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.
Zvino vatariri vavana valsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.
Vakasangana naMozisi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao;
vakati kwavari, Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.
Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?
Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.

6

Jehovha akati kuna Mozisi, Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.
Mwari akataurawo naMozisi, akati kwaari, Ndini JEHOVHA.
Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari Wamasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.
Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.
Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu.
Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikunurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.
Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaIjipiti.
Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.
Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.
Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeljipiti. Marudzi aMozisi naAroni
Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.
Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimiyoni.
Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.
Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.
Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, nalzhari, .naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.
Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMozisi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.
Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.
Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.
Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.
Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.
Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMozisi naAroni. Mozisi naAroni vanoita zvishamiso zvavo pamberi paFarao
Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMozisi munyika yeIjipiti,
Jehovha akataura naMozisi, akati, Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhuzvose zvandakakuudza.
Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?

7

Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.
Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.
Ini ndichaomesa moyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti.
Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru.
VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.
Mozisi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.
Mozisi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.
Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
Kana Farao achitaura nemi, akati, Tiratidzei chinoshamisa, uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.
Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.
Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo nanga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.
Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
Zvino moyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha. Dambudziko rokutanga: Mvura inoshandurwa ropa
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, moyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.
Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.
Ugoti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri, achiti, Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.
Zvanzi naJehovha, Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.
Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kunwa mvura yorwizi.
Jehovha akatiwo kuna Mozisi, Uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose, zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.
Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.
Nanga dzeljipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.
VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokunwa; nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yorwizi.
Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa kworwizi naJehovha.

8

Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, Pinda kuna Farao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.
Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.
Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika
Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeljipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.
Nanga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.
Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
Mozisi akati kuna Farao, imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?
Iye akati, Mangwana. Akati, Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.
Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. Dambudziko rechitatu: Utunga
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika
Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose
Nanga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
Zvino nanga dzakati kuna Farao, Munwe waMwari; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Dambudziko rechina: Nhunzi
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.
Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.
Mozisi akati, Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.
Farao akati, Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.
Mozisi akati, Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.
Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.

9

Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa,
tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamakamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo.
Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.
Zvino Jehovha akatara nguva akati, Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.
Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete.
Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda. Dambudziko rechitanhatu: Mamota pavanhu nezvipfuwo
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Torai tsama dzamadota echoto, Mozisi aakushire kudenga pamberi paFarao.
Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjjipiti.
Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mozisi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo.
Zvino nanga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pananga napavaIjipiti vose.
Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi. Dambudziko rechinomwe: Chimvuramabwe
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
Nokuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.
Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika;
asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.
Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here?
Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino.
Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.
Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba.
Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.
Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika
Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo.
Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango.
Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.
Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.
Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.
Mozisi akati kwaari, Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.
Asi kana murimwi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.
Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nokuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva.
Asi zviyo zvekoroni nezvesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvakanga zvisina kukura.
Zvino Mozisi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika.
Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa moyo wake, iye navaranda vake.
moyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMozisi.

10

Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.
Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko? Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu;
dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda;
nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino. Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.
Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?
Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?
Mozisi akati, Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.
akati kwavari, Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa.
Haisva! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira. Vakadzingwa pamberi paFarao.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.
Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.
Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
Nokuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.
Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi.
Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi.
Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha.
Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti.
Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda. Dambudziko repfumbamwe: Rima
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.
Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu;
havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
Zvino Farao akadana Mozisi, akati, Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.
Mozisi akati, Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu.
Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.
Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda.
Zvino Farao akati kwaari, Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.
Mozisi akati, Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.

11

Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.
Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
Zvino Mozisi akati, Zvanzi naJehovha, Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti;
madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.
Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.
Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navalsiraeri.
Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda. Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo.
Jehovha akati kuna Mozisi, Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.
Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.

12

Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni munyika akati,
Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore.
Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.
Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe.
Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;
zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.
Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.
Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava.
Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro.
Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.
Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha.
Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha.
Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.
Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.
Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.
Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.
Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.
Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.
Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika.
Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.
Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.
Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana.
Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.
Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi.
Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri.
Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, Basa iri rinoti kudiniko?
Muti kwavari, Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu. Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.
Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;
akadana Mozisi naAroni usiku, akati, Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura.
Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.
VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, Isu tofa tose!
Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.
Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakaudzwa naMozisi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo.
Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti.
Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi.
Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji.
Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu.
Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti.
Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
Jehovha akatiwo kuna Mozisi naAroni, Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya.
Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa.
Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya.
Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo.
Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita.
Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya.
Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.
Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo.

13

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.
Zvino Mozisi akati kuvanhu, Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.
Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi.
Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.
Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo.
Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose.
Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.
Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba.
Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.
Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo,
unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha.
Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikunura negwayana, kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikunura.
Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, Chinyiko ichi? Uti kwaari, Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda;
nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeIjipiti, matangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo; naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikunura.
Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa noruoko rune simba. Valsiraeri vanobuda Ijipiti
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedo, nokuti Mwari akati, Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti,
asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana valsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.
Mozisi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.
Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje.
Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku.
Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.

14

Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.
Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.
Ndichaomesa moyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. Vakaita saizvozvo.
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?
Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;
akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose.
Jehovha akaomesa moyo waFarao, mambo weljipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.
VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.
Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
Vakati kuna Mozisi, Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti?
Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.
Zvino Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.
Jehovha achakurwirai, imwi munofanira kunyarara henyu.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana valsiraeri kuti vapfuurire mberi.
Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.
Tarira, ndichaomesa moyo yavaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
Ipapo vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.
Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.
Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.
Zvino vana valsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.
Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaIjipiti.
Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.
Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; vaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaIjipiti mukati megungwa;
mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo.
Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaIjipiti; vaIsiraeri vakaona vaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa.
Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.

15

Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.
Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.
Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.
Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.
Noumambo hwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.
Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.
Muvengi akati, Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.
Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.
Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?
Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.
Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.
Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka.
Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.
Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.
Jehovha achabata ushe nokusingaperi.
Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.
Miriami akavapindura akati, Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Vanosvika Mara neErimi
Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.
Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Tichanweiko?
Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo;
akati, Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.
Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.

16

Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeljipiti.
Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje;
vana vaIsiraeri vakati kwavari, Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.
Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.
Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?
Mozisi akati, Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.
Mozisi akati kuna Aroni, Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.
Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
Jehovha akataura naMozisi, akati,
Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.
Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa.
Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu.
Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, Chinyiko? Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma.
Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
Mozisi akati kwavari, Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.
Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.
Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika.
Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi.
Mozisi akati kwavari, Ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha; gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.
Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
Mozisi akati, Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango.
Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.
Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?
Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.
Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.
Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
Zvino Mozisi akati, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.
Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo.
Vana vaIsiraeri vakadya mana makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani.
Zvino omeri chegumi cheefa.

17

Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.
Vanhu vakarwa naMozisi, vakati, Tipe mvura tinwe. Mozisi akati kwavari, Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?
Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?
Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.
Jehovha akati kuna Mozisi, Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa. Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri, uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete? Valsiraeri vanokunda Amareki
Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu.
Mozisi akati kuna Joshua, Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.
Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMozisi, akandorwa naAmareki; Mozisi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
Zvino zvakati kana Mozisi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.
Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake , mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.
Ipapo Mozisi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi;
akati, Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.

18

Zvino Jeturo, mupirisiti weMidhiani, mukarahwa waMozisi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mozisi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti.
Jeturo, mukarahwa waMozisi, akatora Zipora, mukadzi waMozisi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake,
navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe;
nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.
Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
akati kuna Mozisi, Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.
Mozisi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.
Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti.
Jeturo akati, Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.
Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.
Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
Zvino fume mangwana Mozisi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvikira madekwana.
Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?
Mozisi akati kumukarahwa wake, Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;
kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.
Zvino mukarahwa waMozisi akati kwaari, Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.
Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.
Teerera zvino inzwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;
uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.
Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;
ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.
Mozisi akateerera inzwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.
Mozisi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.
Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mozisi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
Zvino Mozisi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

19

Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika nezuva iro vakasvika murenje reSinai.
Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.
Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana vaIsiraeri, uti,
Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;
muchava kwandiri ushe hwavapirisiti, norudzi rutsvene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.
Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.
Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita. Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose. Mozisi akaudza Jehovha mashoko avanhu.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo,
vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.
Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo;
ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.
Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo.
Akati kuvanhu, Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.
Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.
Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi.
Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
Navapirisiti vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.
Mozisi akati kuna Jehovha, Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, Tarirai miganhu pagomo muritsaure.
Jehovha akati kwaari, Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.
Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.

20

Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati,
Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.
Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ;
ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.
Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene.
Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose;
asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako,
nokuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.
Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Usauraya.
Usaita upombwe.
Usaba.
Usapupurira wokwako nhema.
Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako.
Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure.
Vakati kuna Mozisi, imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.
Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, nokuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza.
Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari.
Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuvana vaIsiraeri, imwi makaona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kudenga.
Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.
Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza.
Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa.
Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi.

21

Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo:
Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa.
Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye.
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
Asi kana iye muranda akati, Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu;
zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume.
Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.
Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda.
Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa.
Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari. Mirairo pamusoro pokuurayana nokukuvadzana
Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa.
Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira.
Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe.
Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo;
kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo.
Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa.
Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake.
Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi.
Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo,
ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,
kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.
Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake.
Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.
Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva.
Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake.
Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu.
Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo,
muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.
Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana.
Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.

22

Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe.
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.
Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kwokuba kwake.
Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana mbongoro, kana gwai, anofanira kuripa kaviri.
Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa.
Kana moto ukadarika, ukabata minzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa.
Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri.
Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake,
pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, Ndicho! mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri.
Kana munhu akapa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona;
ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa.
Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo.
Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa.
Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa.
Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho.
Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.
Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana.
Usarega muroyi ari mupenyu.
Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose.
Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti.
Usatambudza chirikadzi kana nherera.
Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo;
kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera.
Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwerete chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwerete; usareva mhindu kwaari.
Kana ukatongotora nguvo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira;
nokuti ndicho chokufuka chake choga, inguvo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nokuti ndine tsitsi.
Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako.
Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinonwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana.
Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere.
imwi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa.

23

Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama.
Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa;
usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake.
Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari.
Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura.
Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake.
Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa.
Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama.
Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti.
Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo.
Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi.
Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo.
Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu.
Undiitire mutambo katatu pagore.
Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu;
uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.
Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore.
Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana.
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira.
Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.
Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako.
Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza.
Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo.
Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu.
Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako.
Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose.
Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako.
Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako.
Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako.
Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo.
Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.

24

Zvino iye akati kuna Mozisi, Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye.
Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.
Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.
Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.
Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.
Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwevavaIsiraeri vakakwira.
Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.
Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,
akati kuvakuru, Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.
Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.
Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.

25

Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomoyo wake.
Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira,
nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,
namafuta emwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuwira,
nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo;
sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo. Areka yesungano
Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza.
Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi.
Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama.
Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri.
Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu.
Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa.
Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa.
Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa.
Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri. Tafura yezvingwa zvokuratidza
Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza.
Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sohwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo.
Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.
Zvindori zvive pedo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda.
Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo.
Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka.
Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza. Chigadziko chemwenje chendarama
Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;
uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo;
nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko.
Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa.
Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho.
Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka.
Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose.
Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.

26

Uite tabhenakeri namachira ane gumi, uaite nomucheka wakaisvonaka, wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvina makerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka.
Kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuve makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ose aenzane.
Machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechete, namamwe machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechetezve.
Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwazve pamwechete.
Uite zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nokuitawo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete, zvishwe zvitarisane.
Uitewo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, ugobatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, tabhenakeri chive chinhu chimwe chete.
Uite machira emvere dzembudzi rive tende pamusoro petabhenakeri; uiite namachira ane gumi nerimwe.
Kureba kwejira rimwe ngakuve makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe aenzane.
Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende.
Uitewo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamwe akabatanidzwa pamwechete.
Uitewo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira, ugoisa zvikorekedzo muzvishwe, ubatanidze tende pamwechete chive chinhu chimwe chete.
Rutivi rwakasara runorembera pamachira etende, hafu yejira rimwe rakasara, ngariremberere necheshure kwetabhenakeri.
Uye kubhiti rimwe panorumwe rutivi, nekubhiti rimwe panorumwe rutivizve, zvakasara pakureba kwamachira etende, ngazvirembere panhivi dzetabhenakeri nechouno nechokoko, kuifukidza.
Uitirewo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo.
Uitirewo tabhenakeri mapuranga anomiswa omuakasia.
Kureba kwepuranga rimwe nerimwe ngakuve makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe kubhiti rimwe nehafu.
Puranga rimwe nerimwe ngariitirwe zvibato zviviri, zvakabatanidzwa; ndizvo zvaunofanira kuitira mapuranga ose etabhenakeri.
Unofanira kuita mapuranga etabhenakeri, mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwezasi, anotarira zasi.
Itawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri;
uye mapuranga makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro;
nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga.
Itawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.
Uitewo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.
Ngaaite maviri nechenyasi; saizvozvo ngaave maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; ngaaitwe saizvozvo ari maviri, avepo pamakona maviri.
Ave mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvive zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri zvive pasi pepuranga rimwe nezvigadziko zviri pasi perimwe puranga.
Uitewo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri;
nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwechipiri rwetabhenakeri, nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwetabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.
Rumbariro rwapakati ngaruve pakati pamapuranga, rubve kuno rumwe rutivi ruchindosvikira kuno rumwe rutivi.
Ufukidze mapuranga nendarama; uitewo zvindori zvawo nendarama, pangagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama.
Uvake tabhenakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo.
Uitewo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; ngachiitwe chinamakerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka.
Uchirembedze pambiru ina, dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama, uye dzinofanira kumira pazvigadziko zvadzo zvina zvesirivha.
Urembedze chidzitiro pasi pezvikorekedzo, ugoisamo areka yechipupuriro mukati mechidzitiro; chidzitiro chigova kwamuri chinhu chinoparadzanisa pakati penzvimbo tsvene nenzvimbo tsvenetsvene.
Uisewo chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka yechipupuriro panzvimbo tsvene-tsvene.
Tafura uiise kunze kwechidzitiro nechigadziko chemwenje chakatarisana netafura parutivi rwetabhenakeri kurutivi rwenyasi; tafura uiise kurutivi rwokumusoro.
Unofanira kuitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona.
Uitire chidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, uchidzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvive zvendarama, uye uzviumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.

27

Unofanira kuita aritari nomuakasia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; aritari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu.
Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira.
Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira.
Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana.
Uzviise pasi pechitsiko chearitari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati pearitari.
Uitire aritari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira.
Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzearitari kana voitakura.
Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo. Ruvazhe rwetabhenakeri
Unofanira kuitawo ruvazhe rwetabhenakeri; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, ngakuve nemicheka yakarembedzwa yakaisvonaka, yakarukwa; kureba kwayo makubhiti ane zana kurutivi rumwe;
ngapave nembiru dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvive zvesirivha.
Saizvozvowo kurutivi rwokumusoro rwakareba ngapavewo nemicheka yakarembedzwa, kureba kwayo makubhiti ane zana; nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo ngazvive zvesirivha.
Paupamhi hworuvazhe kurutivi rwamavirazuva panofanira kuva nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi nezvigadziko zvadzo zvine gumi.
Napaupamhi hworuvazhe kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kumabvazuva, ngakuve namakubhiti ana makumi mashanu.
Micheka yakarembedzwa kurutivi rumwe rwesuo inofanira kuva namakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu nezvigadziko zvadzo zvitatu.
Nokuno rumwe rutivi ngapave nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
Napasuo roruvanze ngapave nechidzitiro china makubhiti ana makumi maviri chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona, nembiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina.
Mbiru dzose dzoruvazhe dzakapoteredza ngadzive nezvindori zvesirivha, nezvikorekedzo zvadzo zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvendarira.
Kureba kworuvazhe kunofanira kuva makubhiti ane zana, noupamhi makubhiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubhiti mashanu; zviitwe nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvigadziko zvadzo zvendarira.
Nhumbi dzose dzetabhenakeri dzamabasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruvazhe ngadzive dzendarira.
Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.

28

Zvino uswededze kwauri Aroni, mukuru wako, navanakomana vake pamwechete naye, vabude pakati pavana vaIsiraeri, kuti andishumire pabasa roupirisiti, vanoti; Aroni, naNadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari, ivo vanakomana vaAroni.
Uitire Aroni, mukuru wako, nguvo tsvene, akudzwe nadzo, uye huve ukomba.
Utaure navose vane moyo yakachenjera, vandakazadza nomweya wouchenjeri, kuti vaitire Aroni nguvo dzokumuita mutsvene nadzo, kuti andishumire pabasa roupirisiti.
nguvo dzaunofanira kuita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejasi, nenguvo yakarukwa, nenguwani, nebhanhire, ngavaitire Aroni, mukoma wako, navanakomana vake nguvo tsvene, kuti andishumire pabasa roupirisiti.
Ngavatore ndarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka.
Efodhi ngavaiite nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romubati wakachenjera.
Ngaive namabandi maviri pamafudzi akabatanidzwa pamiromo yayo miviri; kuti ibatanidzwe saizvozvo.
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugonyora pamusoro pawo mazita avana vaIsiraeri,
mazita matanhatu pabwe rimwe, namazita matanhatu akasara pane rimwe ibwezve, pakuzvarwa kwavo.
Unyore pamabwe iwayo maviri, sebasa romuvezi wamabwe, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, mazita avana vaIsiraeri; uanyudze muzviruva zvendarama.
Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza.
Unofanira kuitawo zviruva zvendarama,
nezviketani zviviri zvendarama yakaisvonaka; uzviite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa zviketani izvo zvakamoniwa pazviruva izvozvo.
Unofanira kuitawo hombodo yechipfuva yokutonga, rive basa romubati wakachenjera; uiite ifanane neefodhi, uiite nendarama, nezvakarukwa, zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Ngaive nenhivi ina dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureba kwayo kuite sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo.
Uise mukati mayo zviruva zvinamabwe, misara mina yamabwe; mumwe musara uve nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga.
Pamusara wechipiri samaragidhino, nesafiri, nedhaimani,
pamusara wechitatu hiakindi, neagati, neametisi;
pamusara wechina beriri neonikisi, nejasipiri; ngaapotedzwe nendarama muzviruva zvawo.
Mabwe iwayo ngaave namazita avana vaIsiraeri ane gumi namaviri, sezvinoita mazita avo; ngaave namarudzI ane gumi namaviri, rimwe nerimwe rive nezita raro, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa.
Napahombodo yechipfuva unofanira kuita zviketani zvakafanana norwonzi, zvendarama yakamoniwa yakaisvonaka.
Uitewo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvendarama, ugoisa zvindori izvo zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.
Zvino uise zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zviri pamicheto yehombodo yechipfuva.
Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri zvakamoniwa uzviise pazviruva zviviri, uzviise pamabandi apamafudzi eefodhi nechemberi kwayo.
Uitewo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi nechomukati.
Unofanira kuitawo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamabandi maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri.
Zvino ngavasunganidze hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi.
Naizvozvo Aroni anofanira kutakura mazita avana vaIsiraeri pahombodo yechipfuva yokutonga pamoyo wake, kana achipinda panzvimbo tsvene, kuti chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose.
Unofanira kuisawo muhombodo yechipfuva yokutonga Urimi neTumimi, kuti zvive pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; Aroni agotakura kutongwa kwavana vaIsiraeri pamoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose.
Unofanira kuita jasi reefodhi rose romucheka mutema.
Ngarive neburi rokupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopoteredza buri raro, sapaburi renguvo yokurwa, kuti irege kubvaruka.
Pamipendero yaro unofanira kuita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, anopoteredza mupendero, nezvitare zvinorira zvendarama pakati pawo kunhivi dzose.
Ngapave nechitare chimwe nedamba rimwe, chitare chimwe nedamba rimwe pamipendero yejasi kunhivi dzose.
Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa.
Unofanira kuitawo hwendefa rendarama yakaisvonaka, ugonyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, uchiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
Uriise parwonzi rutema, rigoiswa panguwani, rive nechemberi kwenguwani.
Ngarive pahuma yaAroni, Aroni atakure zvakaipa zvingavapo pazvinhu zvitsvene, zvichaitwa zvitsvene navana vaIsiraeri pazvipo zvavo zvitsvene zvose; rinofanira kugara pahuma yake nguva dzose, kuti ivo vagamuchirwe pamberi paJehovha.
Unofanira kuitawo nguvo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhanhire, rive basa romusoni anogona.
Navanakomana vaAroni unofanira kuvaitira nguvo, uvaitirewo mabhanhire, uvaitirewo nguwani dzomusoro, vakudzwe nadzo, uye huve ukomba.
Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamwechete navanakomana vake; uye uvazodze, nokuvagadza, nokuvatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.
Unofanira kuvaitira mabhuruku omucheka kuti vafukidze nyama yavo yakashama; ngaatange pazviuno, asvikire pachidya;
ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera.

29

Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupirisiti: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina mhosva,
nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka hwekoroni.
Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondohwe maviri.
Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;
utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;
uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.
Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.
Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.
Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapirisiti nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.
Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.
Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:
Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.
Asi nyama yenzombe, nedehwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.
Unofanira kutorawo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe,
zvino ubaye gondohwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.
Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
Zvino unofanira kupisa gondohwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.
Zvino utorewo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondohwe.
Ipapo unofanira kubaya gondohwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagunwe amaoko orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.
Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
Zvino utorewo mamwe mafuta egondohwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondohwe rokugadza naro),
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Utorewo chityu chegondohwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.
nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.
Mwanakomana wake anopinda paupirisiti panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.
Zvino unofanira kutora gondohwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.
Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.
Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.
Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene. Zvibayiro zvezuva rimwe nerimwe
Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.
Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.
Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.
Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.
Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.
Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.

30

Unofanira kuitawo aritari yokupisirapo zvinonhuwira; uiite nomuti womuakasia.
Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo.
Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nokunhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; uiitirewo hata yendarama inoikomberedza.
Uiitirewo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhivi dzayo mbiri, pave paingatakurwa namatanda.
Uitewo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama.
Zvino unofanira kuiisa pamberi pechidzitiro chiri paareka yechipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe.
Aroni anofanira kupisa pamusoro payo zvinonhuwira zvemiti yakanaka; ngaazvipise mangwanani ose, kana achigadzira mwenje.
Kana Aroni achitungidza mwenje madekwana, ngaazvipise, zvive zvinonhuwira pamberi paJehovha nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Musapisira pamusoro payo zvinonhuwira zvisina kufanira, kana chipiriso chinopiswa, kana chipiriso choupfu; musadururira pamusoro payo chipiriso chinodururwa.
Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha. Chipo chokuyananisa
Zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikunuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga.
Vanofanira kupa kudai: Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa hafu yeshekeri vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; (shekeri rinamagera ana makumi maviri,) hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha.
Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa, wava namakore makumi maviri kana wapfuura makore iwayo, anofanira kupa Jehovha chipo ichocho.
Mufumi ngaarege kuwedzera, nomurombo ngaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana vopa chipo icho, kuti muyananisire mweya yenyu.
Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe. Mudziyo wokushambidzira
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Unofanira kuitawo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petende rokusangana nearitari, ndokuisamo mvura.
Kuti Aroni navanakomana vake vashambemo maoko avo netsoka dzavo.
Kana vopinda mutende rokusangana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paaritari kuzoshumira, kana kupisira Jehovha chipiriso chinopiswa nomoto.
Vanofanira kushamba maoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose. Mafuta okuzodza nawo
Jehovha wakataurawo naMozisi akati,
Torawo miti inonhuwira inokunda imwe, anoti mashekeri ana mazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakadaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu, namashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka;
namazana mashanu ekasia, vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene, nehini imwe yamafuta amaorivhi;
uite nazvo mafuta matsvene okuzodza nawo, zvive zvinonhuwira zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira; ave mafuta matsvene okuzodza nawo.
Zvino unofanira kuzodza nawo tende rokusangana neareka yechipupuriro,
netafura nenhumbi dzayo dzose, nechigadziko chemwenje nenhumbi dzacho, nearitari yezvinonhuwira,
nearitari yezvibayiro zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo.
Uzvitsaure, zvive zvinhu zvitsvene kwazvo; zvose zvinozvigunzva zvichava zvitsvenewo. .
Unofanira kuzodzawo Aroni navanakomana vake, nokuvaita vatsvene, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.
Uudzewo vana vaIsiraeri, uti, Iwaya anofanira kuva pamberi pangu mafuta matsvene okuzodza nawo kusvikira kumarudzi enyu ose.
Ngaarege kudirwa panyama yomunhu; uye musaita mamwe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matsvene, anofanira kuva chinhu chitsvene kwamuri.
Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake. Miti inonhuwira
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tora miti inonhuwira, inoti: Sitake, neonika, negabhano, miti yakanaka nezvinonhuwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo.
Ugoita nazvo zvinonhuwira, zvinonhuwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene.
Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusangana, mandichasangana newe, kuti zvive zvitsvene kwazvo kwamuri.
Zvinonhuwira zvamunozviitira imwi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha.
Ani naani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.

31

Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana, waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,
ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,
kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira,
zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,
netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, nearitari yezvinonhuwira,
nearitari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,
nenguvo dzakarukwa zvakanaka, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokubata basa roupirisiti nadzo,
namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira. Murayiro weSabata
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.
Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.
Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.
Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.
Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.
Zvino wakati apedza kutaura naMozisi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.

32

Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye.
Zvino Aroni akati kwavari, Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.
Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.
Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.
Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira.
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;
naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.
Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika? Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.
Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.
Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka pagomo, ana mahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.
Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.
Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa.
Iye akati, Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba.
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa vaIsiraeri izvozvo.
Mozisi akati kuna Aroni, Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?
Aroni akati, Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.
Nokuti vakati kwandiri, Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.
Ndikati kwavari, Ani naani une ndarama, ngaaigure; zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo.
Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
Mozisi akandomira musuo remisasa, akati, Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.
Akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suo muchienda kune rimwe suo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.
Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.
Zvino Mozisi akati, Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.
Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.
Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;
zvino dai muchivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora.
Jehovha akati kuna Mozisi, Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.
Jehovha akarova vanhu, nokuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni.

33

Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;
ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi,
muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.
Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake.
lpapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uti kuvana valsiraeri, Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.
Ipapo vana valsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.
Zvino Mozisi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa.
Zvino kwaiti kana Mozisi obudira kutende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.
Zvino kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova wetende, Jehovha akataura naMozisi.
Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
Ipapo Jehovha waitaura naMozisi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva patende.
Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Tarirai, makati kwandiri, Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni, kunyange makati, Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.
Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.
Jehovha akati, Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.
Akati kwaari, Kana imwi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.
Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.
Iye akati, Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.
Jehovha akati, Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.
Akatiwo, Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.
Jehovha akatiwo, Tarira pane nzvimbo kuno kwandiri, ungamira pabwe.
Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura;
ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.

34

Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa.
Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo.
Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.
Ipapo Mozisi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake.
Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha.
Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi,
anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
Ipapo Mozisi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama.
Akati, Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.
Jehovha akati, Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.
Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKenani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri;
asi munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo;
nokuti usapfugamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo;
kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;
iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo.
Usazviitira vamwari vakaumbwa.
Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nokuti wakabuda paIjipiti pamwedzi weAbhibhi.
Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai;
mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikunura negwayana; kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikunura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.
Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore.
Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore.
Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore.
Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako.
Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa, uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana.
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.
Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.
Zvino Mozisi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mozisi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mozisi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.
Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mozisi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari;
ipapo Mozisi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mozisi akataura navo.
Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai.
Zvino Mozisi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake.
Asi kana Mozisi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa.
Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; zvino Mozisi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.

35

Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata.
Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,
namafuta omwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuwira,
nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
nearitari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze,
nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupirisiti.
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo.
Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira.
Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.
Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,
kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
Akavazadza nokuchenjera kwomoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.

36

Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane moyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha
Zvino Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;
vakapiwa naMozisi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo.
Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita,
vakataura naMozisi, vachiti, Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.
Mozisi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.
Nokuti zvavakanga vanazvo, zvakakwanira mabasa ose avaifanira kuita, zvimwe zvikasara.
Zvino varume vose vaiva nemoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.
Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.
Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namamwe machira akaabatanidza pamwechetezve.
Akaita zvishwe zvitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; akaitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechete.
Akaitawo zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nezvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete; zvishwe zvakanga zvakatarisana.
Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.
Akaitawo machira emvere dzembudzi, rikava tende pamusoro petabhenakeri; akaita machira ane gumi nerimwe.
Kureba kwejira rimwe nerimwe kwaiva makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe akanga akaenzana.
Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechetezve;
akaita zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvimwe zvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechetezve.
Akaitawo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira zvokubatanidza tende, kuti chive chinhu chimwe chete.
Akaitirawo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo.
Akaitirawo tabhenakeri mapuranga omuakasia akamiswa.
Kureba kwepuranga rimwe kwaiva makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe hwaiva kubhiti rimwe nehafu.
Puranga rimwe nerimwe rakaitirwa zvibato zviviri zvakabatanidzwa; akaita mapuranga ose etabhenakeri saizvozvo.
Akaita mapuranga etabhenakeri ana makumi maviri okurutivi rwezasi, akatarira zasi.
Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.
Akaita mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro,
nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe purangazve.
Akaitawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.
Akaitawo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.
Akanga akaita maviri nechenyasi; saizvozvozve akanga akaita maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; saizvozvo akaaitira ose maviri pamakona maviri.
Akava mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvikava zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
Akaitawo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri,
nembariro shanuzve dzamapuranga etabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.
Akaitawo rumbariro rwapakati rwaiva pakati pamapuranga rwaibva kuno rumwe rutivi rukandosvikira kuno rumwe rutivi.
Akafukidza mapuranga nendarama, akaita zvindori zvawo zvendarama, kuti mbariro dzigarepo, akafukidzawo mbariro nendarama.
Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; akachiita namakerubhi, rikava basa romunhu anogona.
Akachiitira mbiru ina dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvakanga zviri zvendarama, akadziumbirawo zvigadziko zvina zvesirivha.
Akaitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; rakanga riri basa romusoni anogona.
Uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; akafukidza misoro yadzo nezvindori zvadzo nendarama; nezvigadziko zvadzo zvakanga zviri zvendarira.

37

Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu,
akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza.
Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve.
Akaveza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama,
akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu;
akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa,
kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwe chete nechifunhiro chokuyananisa.
Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa.
Akaitawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza;
akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo.
Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.
Zvindori zvaiva pedo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda.
Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.
Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka.
Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho;
kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadziko.
Uye pachigadziko pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuamanda, namafundo atwo, namaruva atwo;
nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadziko.
Mafundo azvo namatavi akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa.
Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka.
Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose.
Akaitawo aritari yezvinonhuwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo.
Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza.
Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda.
Akaitawo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama.
Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira.

38

Akaita aritari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.
Akaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana, nyanga dzayo dzikava chinhu chimwe chete nayo; akaifukidza nendarira.
Akaita nhumbi dzose dzearitari, hari, nefoshoro, nemidziyo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto, nhumbi dzose akadziita nendarira.
Akaitirawo aritari chakarukwa chendarira, chakarukwa samambure, pasi pechitsiko chakaipoteredza nechenyasi, chakasvikira pakati payo.
Akaitira makona mana echakarukwa chendarira zvindori zvina paiva pokutakura napo namatanda.
Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarira.
Akaisa matanda mukati mezvindori zvaiva panhivi dzearitari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuranga, ikasava nechinhu mukati.
Akaitawo mudziyo wokushambidzira wendarira, nechigadziko chawo chendarira, nezvionioni zvavakadzi vaishandira pamukova wetende rokusangana.
Akaitawo ruvanze; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakanga kunezvirembedzwa zvemicheka yakaisvonaka yakarukwa, makubhiti ane zana;
mbiru dzayo dzakanga dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
Kurutivi rwokumusoro kwaiva namakubhiti ane zana, nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
Kurutivi rwamavirazuva kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ana makumi mashanu, nembiru dzazvo dzine gumi, nezvigadziko zvadzo zvine gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
Kurutivi rwamabvazuva kunotarira kumabvazuva kwaiva namakubhiti makumi mashanu.
Zvirembedzwa zvemicheka kurutivi rumwe rwesuo zvakanga zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
Nokuno rumwe rutiviwo; kurutivi rumwe norumwe rwesuo roruvanze kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
Zvirembedzwa zvose zvemicheka paruvanze zvaipotedza nhivi dzose, zvaiva zvomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Nezvigadziko zvembiru zvaiva zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha; nemisoro yadzo yakanga yakafukidzwa nesirivha; mbiru dzose dzoruvanze dzakanga dzakabatanidzwa nezvindori zvesirivha.
Chidzitiro chesuo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.
Mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvina zvendarira; zvikorekedzo zvadzo zvaiva zvesirivha, misoro yadzo nezvindori zvadzo zvakanga zvakafukidzwa nesirivha.
Mbambo dzose dzetabhenakeri nedzoruvanze, rwakanga ruchiipoteredza kunhivi dzose, dzaiva dzendarira. fuma yose yakavakiswa tabhenakeri nayo
Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMozisi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.
Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha,
anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
Ndarama yose yavaibatisa nayo mabasa ose apaimba tsvene, iyo ndarama yezvipo, aiva matarenda ana makumi maviri namapfumbamwe, namashekeri ana mazana manomwe namakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.
Nesirivha yaivo vakanga vachiverengwa paungano aiva matarenda ane zana, namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.
Munhu mumwe nomumwe wakaripa bheka rimwe, iri hafu yeshekeri rimwe, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene; mumwe nomumwe wakadarika kuna vakaverengwa, wakanga ana makore makumi maviri, kana wakapfuura makore iwayo, vakanga vari varume vane zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
Namatarenda esirivha ane zana aiva okuumbisa nawo zvigadziko zvapaimba tsvene nezvigadziko zvechidzitiro; zvigadziko zvine zana zvakaitwa namatarenda ane zana, chigadziko chimwe nechimwe netarenda rimwe.
Namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu wakaita zvikorekedzo zvembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuzviitirawo zvindori.
Ndarira yezvipo yakanga ina matarenda ana makumi manomwe namashekeri ane zviuru zviviri namazana mana.
Nayo wakaita zvigadziko zvomukova wetende rokusangana, nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, nenhumbi dzose dzapaaritari,
nezvigadziko zvose zvoruvanze rwakanga rwakapotedza, nezvigadziko zvesuo roruvanze, nembambo dzose dzetabhenakeri, nembambo dzose dzoruvanze rwakanga rwakapoteredza.

39

Vakaitawo nguvo dzakarukwa zvakanaka nezvitema, nezvishava, nezvitsvuku, dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene; vakaita nguvo tsvene dzaAroni, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaita efodhi nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Vakapambadzira ndarama, vakaita mabape matete, vakaicheka, vakaita nhare dzokusonisa nadzo zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, riri basa romunhu anogona.
Vakaiitira mabandi pamafudzi akabatanidzwa; akanga akabatanidzwa pamiromo yayo miviri.
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwe chete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Vakagadzira mabwe eonikisi, akanyudzwa mukati mezviruva zvendarama, mazita avana vaIsiraeri akanyorwapo, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa.
Akaaisa pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.
Yakanga ine nhivi ina dzakaenzana; vakaita hombodo yechipfuva ine mheto mbiri; kureba kwayo kwakanga kwakaita sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo, ine mheto mbiri.
Vakaisa mukati mayo misara mina yamabwe, mumwe musara waiva nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga.
Napamusara wechipiri simaradhino, nesafiri, nedhaimani.
Napamusara wechitatu haikindi, neagati, neametisi.
Napamusara wechina bheriri, neonikisi, nejasipiri; akanga akanyudzwa muzviruva zvendarama.
Mabwe akanga akaita samazita avana vaIsiraeri, ane gumi namaviri, samazita avo; akanga akanyorwa sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, rimwe nerimwe rine zita raro, mazita amarudzi ane gumi namaviri.
Napahombodo akaita zviketani zvakafanana norwonzi rwendarama yakamoniwa yakaisvonaka.
Vakaitawo zviruva zviviri zvendarama, nezvindori zviviri zvendarama, akaisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.
Vakaisawo zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zvaiva pamicheto yehombodo yechipfuva.
Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri, vakaiisa pamabandi apachipfuva cheefodhi nechemberi kwayo.
Vakaitawo zvindori zviviri zvendarama, vakazviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo, uri kurutivi rweefodhi nechomukati.
Vakaitawo zvindiro zviviri zvendarama vakazviisa pamabhande maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo napayakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri.
Vakasunganidza hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaitawo jasi reefodhi rakarukwa; rose rakanga riri romucheka mutema.
Akaita buri rejasi pakati paro, seburi renguvo yokurwa, rakanga rinomupendero wakapoteredza buri raro, kuti rirege kubvaruka.
Pamipendero yejasi vakaita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakarukwa.
Vakaitawo zvitare zvinorira zvendarama yakaisvonaka; vakaisa zvitare pakati pamatamba pamipendero yejasi, kunhivi dzose, pakati pamatamba;
pakava nechitare chimwe nedamba rimwezve, pamipendero yejasi kunhivi dzose, rikava jasi rokushumira naro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Vakaitira Aroni navanakomana vake nguvo dzakarukwa nomucheka wakaisvonaka,
nenguwani yomucheka wakaisvonaka, nedzimwe nguwani dzakanaka dzomucheka wakaisvonaka, namabhuruku omucheka wakarukwa wakaisvonaka,
nebhanhire romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Vakaitawo hwendefa rekorona tsvene nendarama yakaisvonaka, vakanyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, vachiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
Vakasungira pariri rwonzi rutema, kuti varibatanidze naro panguwani kumusoro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Naizvozvo basa rose retabhenakeri yetende rokusangana rakapera; vana vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, vakaita saizvozvo.
Zvino vakauya netabhenakeri kuna Mozisi, zvaiti: tende nenhumbi dzaro dzose, nezvikorekedzo zvaro, namatanda aro, nembariro dzaro, nembiru dzaro, nezvigadziko zvaro;
nechifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe, nechidzitiro chokudzitira nacho;
neareka yechipupuriro, namatanda okutakura nawo, nechifunhiro chokuyananisa;
netafura, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza;
nechigadziko chakaisvonaka, nemwenje yacho, mwenje yokugadzirirapo, nenhumbi dzacho dzose, namafuta okuvhenekesa nawo;
nearitari yendarama, namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechidzitiro chomukova wetende;
nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo;
nezvirembedzwa zvaparuvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze, norwonzi rwacho, nembambo dzacho, nenhumbi dzose dzokubata nadzo patabhenakeri, patende rokusangana;
nenguvo dzakarukwa zvakanaka nouchenjeri dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake, dzokushumira nadzo pabasa roupirisiti.
Zvose sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo vana vaIsiraeri vakaita mabasa ose.
Mozisi akatarira mabasa ose, akaona kuti vakanga vaaita sezvakanga zvarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita; Mozisi akavaropafadza.

40

Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.
Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.
Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
Uisewo aritari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.
Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.
Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo.
Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze.
Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.
Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene.
Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.
Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.
Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupirisiti.
Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo.
Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupirisiti; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upirisiti nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.
Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.
Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.
Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.
Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;
akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.
Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.
Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;
akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.
Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.
Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;
pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose.
Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.
Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.
Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.
Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Exodus (Shona). Exodus (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C55A-5